Ndinonzwa
zvichinzi mukadzi anogeza tsvina pakuenda kwaanoita kumwedzi, asi murume
anoitawo tsvina mumuviri or musystem zvichibva pakuvatana nemukadzi saka tsvina
iyoyo inogara mumuviri or mutsinga dzinoenda kuchombo zvekuti tsvina iyoyo
hanzi it affects kunyatsomira kwechombo zvakanaka, uye kusamira kwenguva refu,
nekunzwa kusafunga kunzwa kuda kukwira mukadzi.
Saka
sekuno kuSA vazhinji vevarume vemuSA hanzi ndiko saka vachiita zviya
zvekuzvishandisira syringe ine mushonga kumashure vosvinira mukati then aftee
nguva yakati kuti vozohudha. Kana kungomwa mamwewo mapiritsi anohudhisa, hanzi
tinenge tichito cleaner izvozvo vachiti uchinge wacleaner saizvozvo unotonzwa
muviri wareruka, and fresh zvekuti nechombo chinenge chatanga kutogara chichida
zvinhu kuneta-neta kuya kwapera pachinomira chinonyatsoti gwi kuva nesimba
nehasha.
Zvichitonzi
ukaona futi wakunzwa kakuneta zvekusachanzwa uchifarira kuda kukwirana
nemukadzi kana kuti chombo chinongoti mirei chovata zvinenge zvichitokuudza
kuti unofanira kucleaner but kuvanhukadzi hapana problem nekuti vagara vanoto
cleaner nekuenda kwavo kumwedzi.
Saka
hameno kuti ndiwo mashandire anoita miviri yedu here varume awa nhai mai Chibwe?
____________________________________________________
Nyaya iri pano inonetsa kuhwisisa kuti
yakabvepi uye zvange zvaita sei kuti munhu afunge zvakadai. Kana kune nyaya
yakadai zvoreva kuti inongoitika kuvanhu vashomanana vanobva kuZimbabwe.
Chokwadi ndechokuti hazviitiki kumhomho yese yevanhu mupasi rese.
Munhukadzi:
Chokutanga ngatione kuti chii chinoitika
pakuenda kumwedzi kwemunhukadzi. Kana munhukadzi akasvika makore gumi nematatu
anotanga kuenda kumwedzi kamwe chete pamwedzi. Nyaya yokumwedzi inotanga kana
musikana ava kutanga kukandira mazai. Mazai awa anokandira kamwe chete pamwedzi
miviri. Mukadzi ane zvikandiro zviviri saka zvinochinjana chimwe nechimwe
chichikandira zai rimwe chete pamwedzi miviri. Zvoreva kuti mukadzi anokandira zai rimwe
pamwedzi.
Chikonzero chokuti aandire zai ndechokuti
panguva yokukandira apa akawana murume wkuvata naye anomupa urume, anokwanisa
kubata mimba. Kana akakandira zai, Chibereko chinotanga kugadzirira kugadzira
mwana saka madziro anokora chose kuti mwana anatse kugara. Kana asina kuvata
nomurume, kunopera mazuva anoenda kumwedzi, madziro echibereko otanga kuderedza
kukora kuya. Anochechenuka zvinova zvinobudisa ropa zvoita mazuva mana kuti
zvipere. Zvadaro, nyaya yotanga futi.
Saka apa tiri kuti hapana tsvina unobuda
mumukadzi inobva mutsinga. Ropa rokumwedzi rinobva muchibereko chete chete. Chinofamba mutsinga ma HORMONES anoita kuti
musikana akandire zai uye aende kumwedzi. MaHORMONES haasi tsvina uye
haakwanisiki kusukwa kubviswa mumuviri wemunhu. Akatoshaikwa muviri unotadza
kuziva kuti woshanda sei.
Munhurume:
Muhurume haakandiri zai saka haaendi
kumwedzi, uye hapana chinobuda paari mwedzi umwe noumwe. Hapana tsvina inobva
mumukadzi uye hapana tsvina inokwanisika kubatwa nomurume achiti zvabva
pakuvata nomukadzi.
Pakuvatana kwemukadzi nomurume, vanotanga
nokurezvana kusvika mukadzi anatsa kunyorova mukati make. Minyatso temazamu ake
inomira, ganda remuviri wake rinomirira kubatwabatwa, Bhinzi yake yomira kuti
twii, uye ichidawo kukwizirigwa. Murumewo anomira chombo, minyatso, uye ganda
rake rinowedzera kuda kubatwabatwa. Zvadaro, murume anopinza chombo mumukadzi
koita nguva vachikweshana vakadaro, vachipurudzirana, nokukisana, nokurezvana,
nokukurudzirana kuita basa. Uku mukadzi anotangawo kuchemerera kuti murume aite
manyawi, awadzere kukweshana.
Murume pakupinza chombo, mapindire acho
anopatsanura madziro emukati memukadzi madziro aya ochibata chombo zvokuti vese
vanohwa kuti chii chiri kuitika. Mukadzi anohwa kuti ane chombo mukati make,
murumewo anohwa kuti ari mukati memukadzi. Mukadzi anoramba achiwedzera
kunyorova kuti vese vasaita mhoni pakukweshana.
Kwapera nguva inoita maminitsi mashanu
kana kupfuura, (kuvarume vanonaka) chombo
chomurume chobva charutsira urume mukati memukadzi. Kana vapedza kuisana,
madziro emukati memukadzi anodzokera panzvimbo yawo. Urume hwasiiwa nemurume
mukati hwakawanda zvichibva nokuti ange amwa mvura yakawanda sei. Vaya
vanoterera nyaya dzeutano vanomwa mvura yakawanda zuva rimwe nerime, vanobudisawo
urume hwakawanda uye hwakakora. Murume paanobvisa chombo kubva mumukadzi,
mukadzi anoita kanguva achivhinza urume. Hapana chakaipa pakuvhinza. Murumewo anoita kanguva achivhinzawo urume.
Ndosaka muchiona kuti pakuisana munotaridza madomhwe eurume pamubhedha. Ingari
yokuti mese munovhinza.
Kana mukapedza kuisana, Mukadzi kana ane
simba rokuita, anopukuta chombo chomurume obva azvipukutawo. Asi kupukuta
hakudziviri kuvhinza. Kana maisana zvinogutsa, hapana anoita simba rokupukuta.
Munongovhinza makadaro mese. Pamwe munotoita hope chaidzo asi kazhinji mukadzi
anomutswa nokuerera kweurume achivhinza. Murume anozomuka kwapera nguva kana
MaAWA mana, panozomirazve chombo kuti vakwanise kuisana futi. Hwisisa kuti mukadzi
paanovhinza anosara humwe urume mukati hwakawanda chose. Ingari yokuti mukati
make mune zvimakoronga zvinobata urume. Ukuzve muviri wemunhukadzi unoziva kuti
murume akasiya urume muviri unokonzera kuti urume hueredze huchikwira kumusoro
kunowanikwa zai.
Kana mukadzi ange akakakandira zai, zai
rinosangana nourume muchibereko, chibereko chobva chatanga kugadzira mwana. Kana
ange asina kukandira zai, hapana mwana wekugara.
Saka pese apa hapana tsvina yatasangana
nayo. Zvese zviitiko zvinongoitika semazuva ese. Hapanazve chatingati
chingakonzera chombo chomurume kutadza kumira dzimwe nguva. Chinomisa chombo
iropa nemafambire aro kubva kumoyo. Kana chombo chisingamiri zvakakwana,
zvoreva kuti muridzi ane dambudziko risinei nenyaya yokuti akavata nomukadzi
nezuro.
Kana murume akatadza kumira chombo,
anofanira kukasira kunoona varapi kuti aongorogwe kuti chikonzero chii. Asizve
zvinozikamwa kuti chimwe chikonzero chikuru pakumira kwechombo kufunganya
panyaya dzokuvatana. Murume akatanga kufunga kuti pane chakaipa pakuvata
nomukadzi wake, anokwanisa kutadza kumira chombo. Koitazve varume vakawanda
vanotya kupinza chombo mumukadzi. Kutya uku kunokonzera kusanatsomira
kwechombo. Pane zvimwe zvikonzero zvinoitisa nyaya iyi.
Ngatihwisisane kuti hapana tsvina inopinda
mutsinga dzomunhukadzi kana munhurume zvichibva pakuisana. Hapanazve mushonga
unodiwa panya dzokuisana. Ukaona uchishandisa mushonga kna upi zvawo, zvoreva
kuti hauna kunatsohwisisa nyaya yako uye dambudziko raunaro. Hapana mushonga
unodiwa pakuvatana nomurume/mukadzi. Chinomgodiwa kuwirirana kuti muri kuda
kuisana, murezvana kusvika mese mava nezemo. Moisana, monakigwa nazvo, movata
hope dzakanaka.
Kana murume/mukadzi wako achihura zviri
nani mushandise makondhomu pakuisana kana uchiri kubvuma kuvata naye.
Kana munhu wauri kuda kuvata naye ari
hurekadzi kana hurerume, shandisai makondhomu.
Hapana mushonga unodiwa pakumisa chombo.
Kna chisinganatsi kumira, dambudziko rako harisi pachombo.
Udzai Vamwe!!!!
2 comments:
Ko zvino vaya vanomwa vana STAMETA, Nekushandisa SYRINGE vachiti it ehances sexual perfomance among other things vanorevei?
Kana vazoti kurei chombo hachimiri zvachose chakamirira mushonga wacho. Kana uri munhu ane utano mushonga unoudiiko?
Post a Comment