"Ndiri murume ane makore 29. Ndinoshanda kuSouth Africa. Ndakarerwa namai naana mbuya. Handina kumoziva kuti baba vangu ndiani kana kuti varipi. Ndakazoona munhu osvika pandinoLoja ima oti anodawo pekugara achitsvaka basa. Ndiye akandiudza kuti munukuna vababa vangu. Ipapo mai vakashaika handina wekubvunza. Zvinoita here kuti mai vanorera mwana kusvika akura vasina kumuudza dzinza rake? "
_________________________________________________________
Veduwee ngatitarise nyaya iyi kuti yakanaka nokuipa papi payo. Kana wakakura zvakadai, ndinyorererwo undiudze kuti unofungei nazvo uye kana wakakura babereki varambana unofungei futi nazvo?
Saka zvoreva kuti tichaenderera mberi nenyaya.
Ngatifanoverenga nyaya idzi takamirira
Thursday, 18 May 2017
Wednesday, 10 May 2017
Muvakidzani anoda murume/mukadzi wako
Vavakidzani vanhu vatisingakwanisi kusarudza isu, asi kuti tinongowanawo varipo kana kuti ivo vanowana tiripo. Nyaya dzevavakidzani dzakawandisa dzinoita muvengane nokupokana navo kana kushamwaridzana navo asi pano tongoda kuongorora yemuvakidzani ane ruchiva kumurume/mukadzi wako.
Mumaraini mese unohwa nyaya dzevakadzi/varume vepa NEXT DOOR kana kuti vemuraini vanotozikamwa kuti vanohura nanhingi nanhingi muraini menyu. Zvinoitika sei? Tinoziva chose kuti vakadzi vanonyenga varume kupfuura varume kunyenga vakadzi. Ndiyo nyaya yatinoda kuongorora kuti zvinoitika nengari yei uye zvinoonekwa kuti zvava kuda kuitika sei.
Kana uri kuno kuEurope, vanhu havasvodi kukutaridza kuti pane zvavari kukufungira. Kwedu kumusha zvakati siyane asi unongopedzisira waziva pane fungwa dzake chete.
Unokwanisa kushanda chose wounganidza mari nomurume/mukadzi wako muchifunga kuti mava kuda kuvaka musha wenyu pamwe chete. Ipapo hapana ane fungwa dzezvemudondo. Motenga imba yenyu motora zvimasofa zvamabva nazvo kuFLAT moisa mumba. Napo napo murume anobuda wotanga kutimba gadheni kwahi regai ndisime muruwo. Ukuwo mukadzi anonotenga mutsvairo otanga kusakura bundo paruvazhe achitsvaira achigadziridza musha wake. Mese munoona kuti pano taita chinhu chakanaka.
Pasina kupera nguva munotanga kushanyigwa nevavakidzani. Kazhinji munotsvakiridza ukama kuti mugarisane zvakanaka. Unohwa zvohi "Vaira moyo varamu. Mukadzi wangu muira moyo. Iwe haunonokiti kubvuma kuti ndibabamukuru namaiguru vanogara pedo nemi. mototanga kushanyirana muchipanana zvinhu sehama chaidzo.
Ipapa pakushamwaridzana ndipo panotangira nyaya dzese. Vanhu mudzimba umu havana mufaro saka vanofunga kuti umwe munhu achauya nomufaro. Kana muvakidzani akajairana noumwe muvakidzani, vanotanga nyaya dzese zvadzo, dzimwe dzacho dzorerekera kunyaya dzokunemerana.
Kunemerana kunowanzokonzera kunyengana pamwe musina kutombozvifungira kuti muchanyengana motoerekana manyengana. Varume kazhinji havanyengi mukadzi wemunhu pasina chimwe chavaona chingaitisa kuti vafunge kuti pangangoita rudo. Mukadzi wemunhu ndiye anotanga kuratidza kuti akasununguka nomurume wemuvakidzani. Murume uya ongozoita sokubvumirana nazvo.
Sokuti imi mota hamuna vavakidzani vane mota. Ukaona murume/mukadzi wako opota achizosvitswa pamba nomuvakidzani zvichiwanda maitikire azvo, hwisisa kuti vari kuita nyaya pavanenge vachifamba nemota. Nyaya dzavo dzinokwanisa kunge dzakanaka chose asi pashomashoma dzinorerekera kune zvomudzimba.
Mai Tawanda vaiita tsika yokuudza Baba Mobhi nyaya dzokumba kwavo seshamwari muvakidzani. Kwahi Baba Tawanda havadi kurega doro. Kwahi ndashupika chose kuti dai varega zvedoro tashandisa mari kutenga fenzi yokukomberedza musha asi shuwa babamukuru, mununguna wenyu zvedoro haadi kurega. Hino chitarisai imi namaiguru mugere zvakanaka, zvinhu zvenyu zvakarongeka.
Vaya babamukuru vanoterera kusvika vahwisisa kuti mukadzi haana mufaro mumba make. Zvohi Mainini kana muchida fenzi munokwanisa kuiwana mozotigadzirira zvemari mava nefenzi. Mazuvano kune mbavha saka mukamirira zvekuti Firimoni arege doro munobigwa zvinhu musati mawana mari yefenzi.
Uyawo firimoni paanotimba gadheni usafunga kuti maiguru havazvioni kuti ane makumbo nemaoko zvine simba.
ruchiva gunotangira pakutarisa zviri kuitika iwe usina zvokuita saka wotora nguva kufunga zvauri kuona kuti dai zviri zvangu dai ndine mufaro. Pamwe mufaro wacho unawo asi kukara chete. Kuona murume wemunhu achipinda mukaimba kekugezera iwe uri kuyadhi kwako. Womuona asi turika zvipfeko pamudhuri wemba yokugezera wobva waziva kuti izvozvi haana kupfeka, fungwa yomhanya kufunga kuti kana asina kupfeka akaita sei.
Wako murume aripo asi haatauri newe. iwe autauri naye kumuvunza kuti kana asina kupfeka akaita sei. Une mvumo yokumuvisa zvipfeko nokumuongorora asina kupfeka asi haunei naye. Unoda kupedza nguva uchifunga iye akagwinya wepa NEXT DOOR. Napo napo babmunini uyai mundivhurire pombi yepazhe iyo mukoma wenyu akanyanya kuivhara ndaitadza. Babamunini mota ime mweya mumavhiri wakakwana here, uyai mutarise ndiende kumusika. Babamunini, pane mago pagedhe pangu, uyai mupise. Babamunini uyai mundisimudzirewo saga rechibagwe mumba muise mumota ndinogaisa. Zvese kuitira kuti aone kugwinya kwemurume wako chete chete. Adaro anopedza zuva rese achifunga kuti haa murume akasimba uyu.
Mukana unozosara wouya matodanana kare kare, Unohwa vamwe vachitozvitaurira vega kuti aah imi murume wangu ndinovata hangu naye asi mufungwa ndenge ndichiona Firimoni. Murume akagwinya iyeye. Musi unohi mukadzi waFirimoni aenda kumusha anopedza vhiki ariko, maiguru vanobikira Firimoni zvokudya powanikwa nguva yenyaya.
Kunyengana kwevanhu hakugozhi zvachose. Munhukadzi wese zvake anonyengwa kwesekwese kwaanoenda asi kungoti varume vanonyenga kana vafunga kuti pane mukana wekudiwa. Iwe mukadzi ndiwe unopa murume manyawi okuramba achida kukunyenga.
Varumewo vanoziva zvinofadza vanhukadzi. Ukaita murume anoterera unowana vakadzi vakawanda. Kuterera chinhu chinodiwa nevakadzi. Kana akakomburena ane zviri kuitika muupenyu hwake iwe ukazviterera ukaratidza kuti zvine basa kuti murume wake agadziridza nyaya kana kuti iwe uatsire, anokuswededza pedo naye mufungwa.
Murume ane mukadzi nemhuri anodiwa nevamwe vakadzi kupfuura murume jaya. Mukadzi asina murume chero ari mvana chero ari mhandara varume vanomuda. Akamira pamugwagwa varume vanomisa mota dzavo kumukwidza.
Saka apa tiri kuti chenjererai magarire amunoita nevavakidzani kuti murege kuvatirana vamakaroorana navo.
Kana une nyaya yakadai fana kutiudzawo tihwe. Zvako zvakatanga sei.

Thursday, 4 May 2017
Nyaya yokubvisigwa Condom
Pane nyaya yokuti mabvumirana kuisana nomurume asiri wako uye wausingagoroisana naye, paushamwari hwenyu kana kuti pachihure chenyu. nokuda kwekuti muri mafuza saka hamuna kutanga mandotesitwa kuonekwa kuti hamna zvigwere zvechihure, asi morangarira kuti munofanira kushandisa makondhomu pakadai. Mopfekedzana kondhomu renyu zvakanaka semaitigwe azvo okuti mukadzi ndiya anopfekedza murume kondhomu kuitira kuti muwane mukana wrkudzvanyirira chohomwe chokumberi chakaita somunyatso kuti chisapinda mhepo pakupfekedza murume kondhomu., ndizvo kondhomu rigorega kubvaruka panobuda urume muchombo richizara neurume nemhepo.
Toti mapfekedzana matanga henyu kuisana. Kune varume vanoita tsika yokuti pakati pekuisana obvisa kondhomu riya mukadzi asingazivi, opinza chombo odiridzira mukadzi mukati mechitubu. Tsika iyi kunyika dzakaita se dzeku EUROPE ne America yawanda chose. Zvinohi yakabva kuvanhu vanoita zvechingochani vanova vagara vanayo kubva kare. Koita vaya vanovhenganisa chingochani nemaitire amhomho yese vanofungigwa kuti ndivo vakaunza tsika yacho pakuvata nevanhukadzi.
Zvino chanetsa ndechokuti pane zvakawanda zvinoda kuhwisiswa pazviri. Chikuru ndechokuti kana uri mukadzi ari kunyika dzandataura idzo, ukabvisigwa kondhomu ukaiswa usina kubvuma kuiswa pasina kondhomu, hwisisa kuti unokwanisa kuendera murume wacho kumapurisa wondotsanangura nyaya yako maitikire ayaita. Kana wange wapinzwa chombo chisina kondhomu pasi bvumirano yokuisa musina sezvo mange mambotanga kuisana uchifunga kuti ane kondhomu, zvoreva kuti akuata chiharo (RAPE) nokuti hauna kumupa mvumo yokukuisa musina kondhomu. Hazvibvumigwi nomutemo wezvokuisana.
Kana muri kuZimabwe nedzimwe nyika dzokuAfrica handizivi kuti mafungire ezvemitemo yoko akadii, asi zvinofanira kunge zvakada kungofanana nokuti iwe wange wabvuma kuisana mune kondhomu.
Apa hatisi kureva kondomu rabvaruka muchiisana kana kuti kondhomu rasarira mukati memukadzi muchiisana. Tiri kureva rabviswa nomupfeki maune chaiwo kuti akanise kukutundira urume mukati mako pasina chinodzivirira.
_____________________________________________________
Kana wakamobvisira mukadzi kondhomu, kana kuti wakambobvisigwa kondhomu nomurume, tiudzewo tihwe maitikire azvo.
Kana wakamboudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi, tiudzewo zvaiva zvei.
__________________________________________________________
KuScotland oko kwakamboita murume akadanana nomusikana kwenguva kusvika pakutochaya mapoto. Akazoti asangana noumwe musikana ndokufunga kurama uyu wekutanga. Vaishandisa makondhomu. Musikana akavhura chipakiti chemakondomu, ndokucheka zvimaburi zviduku zvinonetsa kuona ndokudzosera mumapakiti ndokunama na GLUE kuti aite sematsva. Akaudza mukomana kuti haana hanya nokuti pava noumwe, achiitira kuti awane mukana wakubata mimba.
Hwisisai nyaya idzi.

Mahurerume
Mahurerume vanhu vanofarira kuhura nevakadzi vavasina kuroorana
navo. Kune vakadzi vane varume asi varume vavo vasingagari nano nengari
dzemabasa. Vakadzi vakadai vamwe vavo vanoita zvikoma mumaraini avo. Kazhinji
chikomba chakadai chinenge chine vakadzi vakati wandei vachinohura nano, kureva
kuti umwe wavo akabata zvigwere anopa vese vari mudandari rechihure chavo. Zvigwere
zvakadai zvinosvika kuvarume vevakadzi ava.
Kune vakadzi vakadai vanohwisisa kuti kuhura nezvikoma kunoda kuti
munhu ashandise makondhomu. Zvinoitika chose kuti vamwe vanoashandisa kana vane
zvikomba zvavo. Ndipo panokwanisika kuti chikomba chimubvisire kondhomu pakati
pekuisana fungwa dzese dzabva pakuzvichengetedza dzava pakuda kunakigwa.
Zvikuru kana murume ari kumashura iwe wakafongora, anokwanisa kukubvisira
okupinza chombo asina chaanacho. Kana wambenge waiswa uye zvichinaka, kuti
uzozive kuti kusiyana kwawava kuhwa kwabva pakuti haachisina chaakapfeka
hauzozvifungi.
Kuvakadzi vevanhu chikuru chokufunga imimba nokuti ukabata mima
murume wako ari Joni, hazviiti kuti uichengete kana uchida murume, zvikuru kana
chikomba chichitoziva kuti mwana ndewacho. Panoita nyaya dzakawanda.
Koitazve nyaya dzezvigwere. Ukabata chigwere ukaenda kuchipatara
havanyori nhema pa CARD rako. Kana une siki vanongonyora kuti une siki. Hino
murume wako akazorava CARD rako pane imwe nguva, panoita dambudziko.
Varume hwisisai kuti vakadzi venyu kune vakawanda vane zvikomba
nengari yokushaya mufaro kumba kana kuti murume haapo kwenguva refu. Kana
zvichikwanisika kuti mugare mese garai mese. Mukadzi haasi mombe inonosiiwa
kumafuro ekure. Kusiira vabereki mukadzi handizvo.
Hurekadzi:
Kubvisira mukadzi kondhomu kwakafanana nomukadzi anorevera chikomba
nhema kuti ari kumwa mapiritsi ekudzivirira mimba kuti murume abvume kuisana
naye pasina zvimwe zvokudzivirira mimba. Zvinoitika chose kuti kune vakadzi
vanoda kubata mimba kubva kumurume aaari kuda asi iye asingamudi. Varume vanu
vasoonekwa sevanhu vasinganetsi kuvta navo. Kana mukadzi ada murume waada,
kazhinji anokwanisa kuvata naye zviri nyore, zvisinei kuti murume wacho ane
mukadzi kumba.
Zvinoonekwazve kuti kuita mwana zvinofungigwa kuti zvinokonzera
kuti murume ade mukadzi. Kuvarume vechidiki, mwana anokwanisa kurambisa
musikana. Kuvarume vava vakuru kana akaitisa mukadzi waari kuhura naye mimba,
inoita nyaya inozikamwa kuti mukadzi iyeye akasangana nomurume iyeye akada kuti
avate naye, kuvarue vedu veChiZimba, zvinovanetsa kuramba. Vakadzi vakawanda
vanoziva kubata varume panyaya dzevana. Murume wechiZimba kana achibhadhara
mari yokurera mwana kuvata namai vemwana haarambi. Kana achivumidzwa kupota
achizoona mwana, kuvata namai vemwana haarambi.
Kuudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi zvinoitika kakawanda
chose. Kana uchiziva nguva yemwedzi wemukadzi wauri kuhura naye, uchahwisisa
kuti nhema idzi unodziudzwa pamazuva anoti 9 – 16 kubva pamusi waakatanga
kuenda kumwedzi. Mazuva awa ndiyo nguva yaanokwanisa kubta mimba.
Hwisisazve kuti panguva iyi vakadzi vanoita zvezvikomba
vanowedzera kuhura. Vanhukadzi mhomho yese vanowedzera zemo panguva iyi.
Kana waudzwa nhema idzi mukadzi wauri kuhura naye akabata mimba,
pari zvino, hapana mutemo waunokwanisa kumusungisa nawo, nokuda kwekuti nyaya
dzese dzinotaugwa dzenge dzava pamwana. Iwe sababa vake haupukunyiki.
Asi tichionorora kuipa kwazvo zvakangofanana nomurume anobvisira
mukadzi kondhomu asingazivi kuti rabviswa. Asi kungosiyana kuti mutemo
unosungisa murume akadai.
Kubatwa Chibharo.
Kana waita zvokuatwa chibharo, ukatundigwa urume usingadi, inyaya
inokosheswa nemitemo yenyika dzakawanda. Kunyika dzechiArabhu chete ndiko kwavanoona sokuti iwe ndiwe une
mhosva zvokuti unokwanisa kutochekwa musoro.
Vakadzi vakawanda vanobatwa chibharo vanobatwa nomurume
wavanozivana naye. Koitikazve kuti vakadzi vakawanda kunyika dzinomwiwa doro
nevakadzi, vanenge vakadhakwa.
Saka ngatihwisise kuti varume vatinoziva ndivo vanokwanisa
kutibata chibharo.
Chinoitisa muisane musinganatsi kuhwisisana
Kuisana musingahwisisani zvinobva pakuti mese kana kuti umwe wenyu
anenge ane dambudziko rokushaya. Kune vasikana vanoti akasvika makore makumi
maviri asina kumbonyengwa, anotanga kuona sokuti pane chaanacho chakaipa.
Akazonyengwa nomunhu asina kukodzera anobva amuda asi pasina hwisiso pakati
pavo. Kune vasikana vakawandisa vanoti abva zera ozomitiswa nomurume ane
mukadzi kuma.
Koitazve chihure muvanhu vanozivana. KumaCHURCH uku kune vanhu
vakawandisa vanohurirana. Zvikuru verudzi gwedu. Ukajoina church inopindwa
nemaZima, kazhinji haushayi nyaya dzokuhurirana.
Kana wadanana nomunhu wausingahwisisani naye, kasira kufunga
zvokuita nokuti nyaya yako inokwanisa kuwedzera kukanganisika.
_____________________________________________________
Kana wakamobvisira mukadzi kondhomu, kana kuti wakambobvisigwa kondhomu nomurume, tiudzewo tihwe maitikire azvo.
Kana wakamboudzwa nhema dzokuti mukadzi ari pamapiritsi, tiudzewo zvaiva zvei.
__________________________________________________________
KuScotland oko kwakamboita murume akadanana nomusikana kwenguva kusvika pakutochaya mapoto. Akazoti asangana noumwe musikana ndokufunga kurama uyu wekutanga. Vaishandisa makondhomu. Musikana akavhura chipakiti chemakondomu, ndokucheka zvimaburi zviduku zvinonetsa kuona ndokudzosera mumapakiti ndokunama na GLUE kuti aite sematsva. Akaudza mukomana kuti haana hanya nokuti pava noumwe, achiitira kuti awane mukana wakubata mimba.
Hwisisai nyaya idzi.
Saturday, 29 April 2017
Murume anoshusha
Kuti murume ahi anoshusha chii chaanenge achiita uye zvinogadziriswa sei mumba kuti muite mufaro? Pakutaurirana tinohwa vamwe vachiti varume vav vanoshusha. Toda kuongorora kuti chii chiri kuitika mudzimba idzi uye zvinogadzirika here?
Taurai tihwe kuti chii chamunoti kushusha.
Chimwe chemaitire anohi kufoya ndechokuti murume anotsoropodza
mukadzi pese pese kubva pane zvinoti
Kubika kwake,
Kugeza kwake
Mapfekere ake
Runako gwake
Kuti ange ari mhandara here kana kwete pavakasangana
Chikapa chake
Unhu hwake
Zvese zvinoitwa nomukadzi murume anotaura nezvazvo nokuipa kwazvo
kuti mukadzi anatse kuhwa kuti haagutsi murume chero papi zvapo, uye kuti
anatse kuhwisisa kuti haadiwi pamusha apa.
Murume uye mufungwa dzake kazhinji anenge asiri munhu akaipa
sokuona kwake, kana kuti mnhu asingadi mukadzi wake panezverudo. Asi kuti munhu
achiri pwere panyaya dzokugarisana. Anoona sokuti kutsoropodza zvaitwa noumwe
munhu zvinoratidza vanoterera kuti iye ndiye nyanzvi pazvinhu zviri kuitika
kana kuti paruzivo gwezvinhu zviri kuitika.
Kana mavhakashigwa nevaeni, mukadzi obika, murume achiita nyaya
nevaeni. Nyaya dzake hadzisi dzokukudza mukadzi wake asi kungomhura chete.
Mataurire ake ndeekutaridza kuti mukadzi pane chaasingazivi.
Mukadzi akaunza zvokudya. Murume anokasira kutaura kuti mukadzi haana kuunza
mvura yokumwa. Ipapo mukadzi mvura asiya nokuti ange achitanga kuuya nezvokudya
achida kuzodzokera kunotora mvura. Murume okasira kutaura kushaikwa kwemvura
kuti zvionekwe kuti mukadzi haazivi basa.
Mukadzi akanogeza akauya kuzovata, murume anotanga nokumuudza kuti
sipo yaanotenga haisiriyo nokuti hainhuwiriri zvakana. Sei mukadzi achiita
sokuti pama mari hapana? Yoita nyaya.
Mukadzi akabvisa zvipfekwa anoudza kuti zvimagaro zvake zvidiki.
Sei asingadyi zvinokodza. Kuonda kuita seane HIV kudai zvinosvodesa. Kana
akakora anotsoropodzwa kuti akakoresa.
Mukadzi akavata nomurume wake obvunzwa kuti akadzidziswa nani
kuita zvechihure. Ndosaka ndakakuwana usiri mhandara ingari yokuti unoarira
zvechihure. Mangwana mukadzi akati tonho pakuiswa, Murume opopotazve kwahi
ndigoti ndine mukadzi pakudii.
Chikonzero chikuri ndechokuti murume munhu asina CONFIDENCE iye
somunhu. Anoona sokuti vamwe vanhu, hama neshamwari vanofunga nezvaari kubva
pakutarisa mukadzi wake, vana vake, fuma yake nezvose zvaari. Haahwisisi kuti
iye munhu paari ipapo zvisinei kuti mukadzi wake ndiani.
Kufoyo kutsoropodza asi kumwe kufoya kunyarara pane zvakanaka
zvaitwa. Ukaterera vamwe vakadzi vachitsanangura nyaya dzavo nevarume vavo unohwa
achiti “Murume wangu haatendi, chero ndikamuitira zvakanaka zvakadii haatendi.”
Chibvunza kuti chiiko chaunomuitira chakanaka, unohwa otanga kutsanangura
zviito zvemazuva ese chaizvo zvokuti kubika, kuwacha, kuaina, kusona,
kumuzvarira vana, kuvata naye. Iwe ungatoshaya kuti nyaya yake iri papi, asi
ukazoongorora unoona kuti anongoda kuhwa murume achimtendawo kuti mukadzi
akakodzera. Kunyarara kwemurume zvoita sokuti hapana chaari kuita mumba.
Kunyararawo kwemurume pamwe kunofungisa mukadzi kuti haadiwi. Dai
murume achimuda aiona zviito zvake achizvirumbidza.
Mazuvano vanhu vane mafoni avo avanoshandisa kutaurirana
nokutumirana ma MESSAGE anofadza. Kana murume achikutumira zvinofadza,
achikurumbidza, achikuudza zverudo musati maroorana, ozorega kukutumira zvese
izvi marorana, zvoreva kuti kudii? Koitazve kuti munokwanisa kufoyana nefoni dzenyu idzodzo. Ukaenda kumadare emusha unowona vanhu vachibudisirana foni, kwahi vatongi onai zvaakandituka achiita musi wekuti newekuti.
Ukabvunza vakadzi vakambohurira varume vavo, asi vari vanhu vaya
vane zvakawanda mudzimba dzavo, sokuti ane basa, anotambira mari, ane mota,
murume ane mota yakewo, ane madhirezi akawanda, ane imba yakanaka, ane
vashandi, etc, asi anosiya zvese onohura nechikomba. Ukamubvunza kuti ko Seiko.
Unohwa achitaura kuti chikoma chaimutaurira zvinopa manyawi. Chikomba chikaona
akapfeka dhirezi rakanaka chotaura kuti dhirezi rako rakanaka rinotaridza
magaro ako zvakanaka. Asi ipapo abuda mumba mune murume wake asina zvaataura
padhirezi rake pese pavagara vakadya BREAKFAST vese. Murume akadai anohi
anobhowa. Hapana EXCITEMENT kana unaye mumba.
Saka tingati kufoya kugarotaura zvakaipa zvaunoona pamukadzi wako,
kana kuti kunyarara pane zvakanaka zvinoitwa nomukadzi wako.
Asizve hatingangopopoteri varume kuti vanofoya. Kana iwe mukadzi
ari munhu asingakwanisi kutaurirana zvakanaka nomurume wako unokwanisa kuumba
FRUSTRATION mumba mako zvokuti murumewo anongozoona sokuti akaroora munhu
asiriye. Kana maroorana matotanga basa
rinogozha chose rokvaka musha wenyu. Swedera pedo nemurume wako zvese pamuviri
nepafungwa. Ita kuti murume aziva kuti mava vaviri mumba uye mese munoda kuvaka
musha. Chitora chinzvimbo chako chikuhi mai vemba uchiremekedzi uchiite
nomazvo. Mai vema ndiye MANAGER wemusha. Baba vema ndivo RESOURCE PROVIDER wemusha. Mese mukaita mabasa enyu nomazvo
hapana chinokanganisika. Chero murume akakufoya anokufoya zvemujee zvaunoziva
kuti ari kutamba newe asi moyo wake uri mumoyo wako. Hazvikukumburi. Pamwe
unotosetswa nazvo.
Veduweeka, ngatihwisise kuti kune vakadzi vane zvakawanda zvavasingaiti zvakanaka mudzima dzavo.
Kune vasingagoni kubika.
Kune vasingagezi zvinoevedza
Kune vanosvoda kuita chikapa
Kune nosvoda kuudza varume vavo kuti vanoda kuiswa
Kune vasina utsanana.
Kune vasingadi hama dzemurume
Kune vasingagoni kuchengetedza mari.
Kufoya munhu pane zvaasingaiti zvakannaka kunoita atowedzera zvaasingaiti zvacho kuwanda kwazvo. Zviri nani kukurudzira munhu kutevera nzira yakanaka. Kana mukadzi asingagoni kubika iwe uchigona, ita nguva yamunombobika mese uchimuratidza kuti chokuti chinobikwa sei.
Pindai mushawa mese mugezesane uone kunakidza kwazvinoita. Kana mkapedza nguva muchiita zvinhu pamwe chete, unotozoona kuti zvinoita nyore kukurudzira zvauri kuda kuti aite zvacho. Kufoya hakuna chakanaka chinobuda po.
Iwewo nyakufoiwa ukahwa mrume atanga kukufoya zvibvunze kuti zvaita sei. Chii chandaita chisina kumira zvakanaka. Kana uchida kuti murume akuudze chokwadi nokukasira, mubvunze chombo chake chimire asi tanga wamuudza zvauri kuda kuita nechombo chake, Zvadaro ukamubvunza anokuudza zvaanoda kuti ugadziridze. Ukahwisisa enda unogadziridza.
Wednesday, 26 April 2017
Mukadzi/murume asingadi kugeza
" Ndibatsireiwo. Ndapererwa. Murume wangu chero ndikadziisa mvura ndikamuisira mubhavhu haadi kugeza, anoti akageza nezuro, but uchiona kuti ane guruva, Mazino haadi kugeza, Ndoita sei? Tasvika pakutukana panyaya iyi. Ndipeiwo mazano. Tinogara kumusha, mvura iriko gore rino. " Ndi Suzeni uyu aita dambudziko.
_____________________________________________________________________________
_____________________________________________________________________________
Kugara nomunhu asingafariri kugeza inyaya ine zvakawanda
pautsanana hwemhuri uye pakati penyu murume nomukadzi. Zviri kwese pakuti kune
varume vasingadi zvokugeza, koitazve vakadzi vasingadiwo zvokugeza.
Tichaongorora kuti zvinorevei paupenyu kana une munhu akadai kana kuti mese
muri vanhu vasingafriri zvokugeza. Zvinobatsirei kugeza?
Chokutanga kutsanangura kuti pane mhuri dzisina utsanana zvokuti
kana ukaroorana nomunhu anobva kumhuri yakadai unokwanisa kuita nyaya dzoutsanana
mumba. Kana ari mukadzi, mhuri yese inokanganisika, Kana ari murume zviri nani
asi mukadzi wake anoita damudziko kwenguva refu. Veduweeka, kana muchitsvaka
wekudanana naye pana zvinhu zviri BASIC zvokutarisa kuti munhu akakodzera here
kana kwete. Kuti anogeza here chinhu
chisinganetsi kuona musati madanana.
Pese paunosangana nemhuri yake nokuona maitire avo pamusha pavo
unokwanisa kungoona kuti pano nyaya dzeutsanana ishoma. Pamwe unowana paruvazhe
chaipo pakazara svina yembwa, pasina anomofunga kubvisa. Wochipinda muma macho
wowana mapete anongofararira, nhunzi kana kwaedza dzakazara. Mumba mawapiwa
kuti uvate munongotaridza mega kuti kutsvaira kushoma. Mangwanani unopiwa mvura
yokugeza kumeso wopiwa tawero rinenge rakamboshandiswa nezvimbwanana.
Unofunga kuti munhu anobva mumhuri yakadai angazoziva kuti
kunogezwa zuva nezuva here?
Koitazve vamwe vanobva kunzvimbo dzezvibhorani vanogara kure
nekunowanikwa mvura, vanoishandisa vachihwisisa kunetsa kwayo. Kugeza vanoda
asi vanodzidza kushandisa mvura shoma. Kana vazova kune mvura yakawanda
vanokwanisa kungoramba vachigeza sezvavachiita kuzvibhorani.
Munhu wese akambopinda chikoro kuBOARDING anoziva kuti kune vana
vaisageza asi sipo vanayo mvura yeshawa iripo. Zvokuti yaitonhora zvaiva
zvomuchando. Muchirimo mvura yaitonaka nokuda kwekupisa kwezuva.
Mukadzi wese wechiKaranga anodzidziswa kuti
·
Anogezesa
vana,
·
Anosuka
ndiro,
·
Anotsvaira
mumba,
·
Anowacha
zvipheko zvemhuri,
·
Anowacha
machira emibhedha,
·
Anoisira
murume mvura yokugeza
·
Anogezawo
zvakakodzera
Nemashandire anoita munhu anohi mai vemba, vakawanda vanogeza zuva
nezuva, zvikuru manheru, kuitira kunhuwiriwa pakunovata nomurume uye kuti
usasvibisa machira nokuti anonetsa kuwacha. Vakawanda vedu tinovata tisina chatakapfeka
kuna mumba musina nyaya dzakawanda. Kupfeka zvipfekwa kunowanzoitwa nevasina
varume. Zvadaro unowadzira tawero guru wakachinjika mubhedha, wochichengetera
tawero dikidiki pasi pe pillow kana kudivi rako remubhedha.
Vakare vamwe vaitora chdhishi
chemvura voenda nacho kuimba yokuvata, kuitira kuzvipukuta nokupukuta murume. Mazuvano
vana vechimanjamanje havachinei nazvo. Anongoti apedza basa nomrume wozvipukuta
iye osiya murume akadaro. Tsika hakuchina, ndosaka vamwe vachiita makore kana
maviri asina kumbobata chombo chomurume kana kuchiongorora. Ipapo anongoiswa
murima sezvinoita mapete. Munhu itawo
utsanana pamurume wako uye kutaridza kuti unogamuchira murume zvaari izvozvo.
Kana iwe mai vemba usingagezi, mhuri yese haigezi. Kana murume ari
munhu akabva kumhuri inogeza oroora mukadzi asingahwisisi zvokugeza, nyaya yomumba yatova pakagozha.
Mukadzi asingagezi anokasira kuita hwema husina kunaka, kubva
muvhudzi, muhapwa, muzvidya, kunoperera mushoka. Muridzi wehwema haahwi kunhuwa
kwake. Munhu wese wese anotanga kuhwa kunhuwa kwevamwe asati ahwa kwake. Hino
kana ukaita zemo unonyorova zasi kuti chomo chipinde zviri nyore. Kuno kumusoro
kuhinzi kunonyoroverawo. Kana ukasazogeza mamwana acho nesipo, unoita Gweme
(zvakaita zvimasadza zvichena zvinoita kuti kudikitira kusakonzera kusvuuka
zvinova zvinokwanisa kugwadza).
Gweme rine manhuwire aro akasiyana zvezvimwe zvinhu. Varume
vanoita gweme kupfuura vakadzi. Kana ukakweva ganda rechombo chomurume wako
kana asina kugeza chombo unohwa gweme kunhuwa. Chifungawo kuti iye anohwa
kunhuwa kwako kana usina kugeza. Kozoti muhapwa kozoti vhudzi, zvese pamwe
chete.
Kuzasi kana wapiwa urume nomrime wako zvinonetsa kusapukuta nokuti
ukazama kuvata unochururuka zvinova zvinokufosa kupukuta. Asi vakawanda
vanoiswa vari kuhope murume okupazve humwe urume. Kana hope dzakawanda
unokwanisa kungochururuka asi usina kumuka. Ndizvo tichiwadzira zitawero
ziguru.
Kana ari murume asingadi kugeza, mukadzi anoita dambudziko
rokuwacha. Unoona murume achipinda mumba akapfeka majombho ukugadheni. Ukamudziisira
mvura anotokuudza kuti achazogeza mangwana. Anozoda kunovata ane guruva rake,
agodazve kuvata newe akadaro, Gweme richinhuwa zvokuti.
Varume vasingadi kugeza vakawanda kupfuura vakadzi vasingadi
kugeza asi kusageza kwemukadzi kunokanganisa mhuri kupfuura kusageza kwemurume.
Saka todii kana asingagezi?
Varume vane vakadzi vasingagezi vane tsika yokutuka mukadzi
kusvika awedzera kugeza. Murume anomboshinga ashingazve asi anozoona kuti nyaya
haisi kugadzirika, otanga kutukirira mukadzi wake kuti aite COMPLEX pazviri
kusvika atanga kugeza.
Vakadziwo vane varume vasingadi kugeza vanongodziisira mvura.
Unotanga uchati chitorai mvura munogeza, woona kuti munhu haaendi, wopedzisira
woita zvokunomudirira mvura kuti aone kuti waita EFFORT kuti ageze. Asi pamwe
munototukana achirama kunogeza.
Nyaya yemagezero ake kana aenda inyaya inonetsa futi nokuti
anongosvikodira mvura otozviomesa odzoka oenda kunovata.
Kuvanhu vasingafariri kugeza nyaya yokugeza mazino ndiyo
inovanetsa kupfuura zvimwe zvese. Ukamira pedo nomunhu asingagezi muchitima
kana bhazi unuhwa hwema hwemuviri wake. Paanozotanga kutaura wohwa futi hwema
kubva mumuromo. Mazino acho unongoona kuti ava nenguva muridzi asingazivi kuti
aripo.
Kana mukadzi akakurira kumhuri ineutsanana, hameno kuti anovata
sei nomurume akadai.
Kana vese vasingadi zvekugeza, dambudziko chairo hapana nokuti
vanongonhuwirana vakadaro pasina ane hanya nazvo.
Pautano hwevanhu vasingadi kugeza
hapana chakaipa. Hazvigwarisi kusageza. Zvinongobhowa vaunosangana navo
chete. Vanhu vajaira kugara nesvina havabati zvigwere zvakawanda
sevanoneutsanana, iri nyaya yekujaira kugara neutachiona.
Tichaenderera mberi. Kana une
munhu mumba asingadi kugeza, tiudzewo kuti zvinokubatabata sei uye nemhaka yei
usingazvifariri.
Kugarotarisa foni yemukadzi/murume wako
Kune vanhu vakaroorana vanopokana panyaya dzefoni dzavo. Umwe achida kugaroona kuti chii chiri kuitika pafoni yeumwe umwe asingadi kuti foni yake itariswe. Inyaya inoda kuongorogwa kuti zviri nani ndezvipi muma menyu kana muchigaropopotedzana panyaya dzefoni. Toda kungotarisa nyaya dzevakaroorana chete nokuti kana musina kuroorana zoreva kuti hapana chamakasungirana. Unogona kungobva wonotsvaka umwe wekudanana naye.
Ukaroorana nomunhu asina kuti tasa pazviito zvake, haisi mhosva yemunhu iyeye. Imhosva yako iwe pakutadza kusarudza wekuroorana naye. Zvadaro, uchanetseka nokufunganya pakuhwisisa kuti hazviiti kuchinja munhu maitire ake. Munhu kana ava munhu mukuru ane zviito zvake, achagara akadaro kusvika achembera kana kufa. Kana maitire ake asina kuti tasa, richaita dambudziko rako upenyu hwenyu hwese. Uchada kutsvaka zhira dzokumutasanudza asi uchachembera akangodaro.
Kana wakambosangana nenyaya yefoni mumba mako, tiudzewo tihwe.

Pakutadza kusarudza wekuroorana naye apa ndipo panobva nyaya
dzese dzokuzoda kudongorera foni yake. Nyaya dzefoni dzemuhombodo idzi dzavako
mazuvano dzawanda chose zvokuti kana munhu asina kuvimbika anokwanisa kuita
unhubu hwakawanda achishandisa hunoti:
1 Kunyengana nevamwe vakadzi/varume paSOCIAL MEDIA, chinova
ndicho chava chinhu chikuru chinotyisa mumba.
2 Kutumira vanhu mari nefoni. Tine shamwari inobva kuNigeria
inogara pedo nesu. Murume wake aitumira hure rake mari achishandisa foni
mukadzi asingazivi.
3 Kutamba nevamwe vakadzi/varume pafoni, zvinova zvinotyisa
wako wemumba chero pasina nyaya dzokuhura.
4 Kutumirana mapikicha anosvodesa pafoni, navanhu
vausingafaniri kunge uchiita zvakadaro navo. Muroora wangu akarambwa nenyaya
yokutumirana nomuzukuru, mwana wehazvanzi yemurume wake (mwana wemukoma wangu
wekwa babamukuru) mapikicha epamberi
pake akavhura makumbo asina bhurugwa. Paakabatwa, murume wake akaunganidza
mapikicha acho ndokutumira mhuri yemukadzi nemhuri yedu. Tikasvodeswa zvokuti. Muzukuru
anoshanda kuCAPE Town. Aitumirawo mapikicha ake asina hembhe asi akamisa
chombo. Achibvunzana nambuya kuti
vanofungei nechombo chake. Chihure chokusangana chaicho pange pasina
zvachose.
5 Kuronga nyaya dzokusangana kunzvimbo dzakahwanda nevanhu
vausingafaniri kunge uchisangana navo.
6 Kuita nyaya dzisina kufanira pafoni, nevanhu vasina
kodzero nenyaya dzakadaro. Kune vanhu vanosvika pakufonirana nguva dzisina kufanira,
sokuti moda kunovata foni yorira, murume/mukadzi odavira foni, nyaya yokunovata
yatoperera ipapo. Nyaya dzinozopera umwe wako anguri avata. Nyaya dzaunenge
uchitaura nomuhu iyeye anofona nguva idzi dzinosvika kusiriko.
7 Kuona mafirimu epono pafoni yako. Iyi inyaya isina
chakanyanyoipa pairi asi kungoti varume/vakadzi vakawanda havafariri kuona umwe
wavo achiona mafirimu awa, kuri kutya kuti pamwe angazoda zvisingakwanisiki.
Kuvarume zvinozikamwa kuti kugaroona mafirimu apono kunoderedza kusimba
kwechombo chimire.
8 Kunyora zvinhu muDAIRY yepafoni inova inozotaridza kwese
kwawange uri zvese nenguva yacho.
9 Kushandisa SATNAV yepafoni inova inotaridza kwese
kwawafamba nako kana wange uchifamba neshoka kana kudhiraivha mota.
Saka tinoona kuti foni inoshandiswa zvakawanda. Poonekwa
kuti kana murume/mukadzi akafungira kuti
pane chiri kuitwa noumwe wake, anokwanisa kukasira kuwana zvakawanda chose
kubva pafoni yake. Ndicho chikonzero chokuti uwane murume/mukadzi achitarisa
foni isiri yake.
Murudzi gwedu kune varume vakawanda vanofunga kuti mukadzi
munhu akafanana nomwanana zvokuti anofanira kurindwa sezvinoitwa mombe kana
mbudzi. Kune varume vakawanda chose vanoda kugarotarisa zviri kuitika pafoni
dzevakadzi vavo, asi kana mukadzi akadawo kutarisa foni yemurume poita nyaya
yekupokana.
Koitazve varume vanoita zvechihure. Munhu wese anohura
anokasira kufungira umwe wake kuti anohurawo, obva ada kuongorora foni yake.
Ukaona munhu achigaroda kuongorora foni yako iwe pasina
zvaunoziva zvawaita zvisina kururama, kasira kuziva kuti iye ari kuhura kana
kuti pane zvaari kuita nefoni yake zvisina kururama. Zvikuru munhu anoda kutarisa foni yako munhu
asingakuvimi, nengari yokuti iye munhu asina kuvimbika. Asizve anokwanisa kunge
agara asina zvaanokufungira asi oudzwa novamwe kuti pane zvawakamboita,
mafungire ake ochinja.
Zvakaipei Kutarisa foni isiri yako?
Hapana chakaipa asi kungoti unofanira kutarisa foni mese
muchiziva kuti foni iri kutariswa uye muchiwirirana nazvo. Kana musingawirirani
nazvo motsanangurirana kuti sei musingawirirani nazvo. Ukaona murume anoda kutarisa foni yako iye
asingadi kuti utarise yake hwisisa kuti unokwanisa kunge uchihurigwa. Kana achigarokiya foni yake achiramba kuti
utarise, iwewo dzidza kukiya yako kusvika adzidza kuti muchinjane foni mese
mutarise.
Nyaya inotinetsa ndeyokuti pakuroorana tinodzidza kukudza
varume vedu kuti vaite vana Saimba. Izvi zvinoda kuti iwe uzvininipise
usimudzire murume kuti Psychology yake imuudze kuti ava Saimba. Inyaya inotora
nguva nokuti varume vakawanda zvekuvaka musha havanei nazvo.
Vanongoda
zvokuwana munhu wekurhojana naye chete. Iwe mukadzi ndiwe unotokurudzira murume
kuti musha umire. Ndoosaka muchiona kuti murume akaroora mukadzi nhunzvatunzva,
hapana chinobuda.
Hino pakadaro uchaona kuti nyaya yokuti uku uri kuvaka
murume kuti aita CONFIDENCE pakuva Saimba, uku uri kumuitira ganyabvu nenyaya
dzokuda kukuita mwana wake panyaya dzefoni, zvinokwanisa kukunetsa. Uchaona
kuti nyaya yefoni kana yatanga inokwanisa kutora nguva refu kugadzirisa. Pamwe
haigadziriki.
Kana muchida kukasira kurambana tangai nyaya dzokupokana
pafoni dzenyu. Foni chinhu chakanaka chose, asi mukadzishandisa zvisirizvo,
munozoona kuti shuwa foni chinhu chakaipa chose.
Saka todii?
Paunozotanga nyaya dzekuda kuona foni yake pane chakaipa
chatoitika mufungwa dzako. Unenge watomufungira kuti pane chaari kuti chisina
kururama. Kuda kutarisa pafoni yake kwava kungoda kuti asaita nharo pazviri.
Akaramba kuti uone foni yake zvowedzera kuti ude kuiona, nharo dzotanga. Kana
akaramba kukupa KEY yefoni, hasha kune vaya vane hasha dzotanga. Hino kana akazoita tsika yokuti kwese
kwaanoenda anoenda nefoni yake, kuTOILET, kundogeza, etc, unowedzera
kumufungira. Kuzobvunza kuti ndodii
nyaya yadai mhinduro yoonekwa kuti inonetsa.
Tangai nyaya dzefoni pamunotanga kutengerana foni. Mogara
pasi mobvumirana kuti muchada kufambisa foni dzenyu nezhira dzipi. Ipapo nyaya
chaiyo menge musina saka zviri nyore kuwirirana. Chakanaka ndechokuti umwe noumwe paadira
kuongorora foni yako ngaaongorore. Chimwezve ndechokuti usati watarisa foni
youmwe kumbira kuitarisa kwete kungotora wotarisa. Zvoratidza kuti wamumhura. Asi
mune dzimwe dzimba hazviitiki izvozvo. Vanhu vakaroorana vanoshaya chiremera.
Zvikuru varume. Unohwa oti ndini ndakakutengera foni iyoyo saka ndipe ndione
zvawange uchiita.
Mudzima zhinji mune foni dzakapwanyiwa nokuda kwekuti
muridzi airamba kuti foni yake ionekwe nomukadzi/murume wake. Foni dzinodhura.
Hamufaniri kusvika pakadaro nadzo. Hwisisa kuti mumba munoda kugarisana
zvakakodzera.
1 Kana ukatanga kuhura kana kuita zvimwe zvakaipa
uchishandisa foni, uchakasira kufunga kuti umwe wako ari kuzviitawo
2 Kana ukatanga kukiya foni yako chinhu chakanaka kuti
murume/mukadzi wako azive kuti inokiinugwa sei.
3 Kana pane chawaita chausingadadi nacho, udza
murume/mukadzi wako akasire kuziva kuti chiri pafoni yako.
4 Kana munhu akakutumira pikicha/mwadhi isiriyo, ratidza murume/mukadzi wako ubvunze
kuti zvoitwa sei
5 Vakadzi vakawanda vanotumigwa SMS nevarume vanotsvaka
wekunyanga. Kunyengwa hazvina kuipa. Zvinoratidza chete kuti uri munhu
anoyevedza kutarisa. Maitire ako kana wanyengwa ndiwo anofanira kutaridza kuti
uri munhu akavimbika.
Kana wakambosangana nenyaya yefoni mumba mako, tiudzewo tihwe.
Wednesday, 12 April 2017
Chombo chisina simba
Vakawanda muri kubvunza chikonzero chechombo chisina simba uye kuti zvinogadziriswa sei. Kana tichiti chombo chisina simba tiri kureva kuti:
1Chombo hachinatsi kumira zviya zvokuoma zvokuti ukabata chombo chake mumaoko unohwa chakagwinya uye chichiita sechine moyo mukati kuti gwii, gwii, gwii muruoko mako nehasha uye chichidziya kupfuura ruoko gwako.
2 Chombo chinokwanisa kumboti mirei kwekanguva kashoma chobva chaita sokuramwa kushandiswa.
3 Chombo chinomira murume wopinza chobva chabatwa nehope chiri mumukadzi.
4 Chombo chinoti musi uno chambonyebera kumira mangwana chobva charamba Umwe musi unofunga kuti chamira zvokukwanisa kupinzana asi choramba.
Nyaya dzese idzi dzinokonzera mese kushushikana pazviri. Chero ukatora vanhu vaya vanoti mukadzi anogaronyima murume. Musi waanongoziva kuti murume wake haachamiri chombo anotoshushikana pazviri kuita sokuti ari kuda kuiswa.
Kushushikana kwemurume panyaya yokusagwinya kwechombo chake chimire kunowedzera dambudziko. Zvikonzero zvinozikamwa chaizvo zvinoti
- Kugaroona mafirimu e Pono evanhu vachiisana
- Kusvuta fodya
- Kushandisa imwe mishonga yakaita semushonga we BLOOD PRESSURE.
- Kuwanzisa zvokurhoja maoko ako iwe murume
- Kugaroshandisa mapiritsi ekumisa chombo akaita saana Viagra kana kuti Vhuka.
- Kusajaira kuvata nomukadzi wako mumba, kungovata pasina zvaitwa zuva nezuva
- Kuva nezimuviri ziguru (Overweight)
- Kugarochovha bhasikoro kwenguva refu pazuva kana mazuva akawanda
- Kuwanza doro
- Kuva ne Cancer
- Kuita Diabetes
- Kuva ne BP yakakwirira
- Chegwere che Depression (Kushishikana pamoyo nenyaya dzoupenyu hwako)
- Kurambwa, kutadza kuita musikana, kutya vakadzi
- Stroke
-Kusamwa mvura yakakwana
-Kusadya zvokudya zvine BALANCE
- Kuva nomukadzi anogarokufoya kuita sokuti hapana chaunogona.
-Kuva nomukadzi wausina hanya naye wausingadi.
-Kana wakamboita siki
-Kana wakambokuvara musana
Apa taona kuti zvikonzero izvi zvinhu zvinoitwa naivo vachazotadza kumirigwa nechombo. Zvinhu zvaunokwanisa kurega kuita uye kugadzirisa. Hatisi kuti ibva warega zvachose kurhoja maoko ako kana kuona mafirimu aunoda kuona. Tiri kuti hwisisa kuti zvinokanganisa fungwa dzako panyaya dzekuisana. Kumira kwechombo chako kunobva mufungwa saka iwe ukatanga kufunga kuti kuisana kwevanhu chaivo vasiri vekunyebera kwakafanana nekwevanhu vemumafirimu ava uchaona kuti fungwa yako inoti kuisana nomukadzi wako hakunatsi kunaka saka kumira chombo chingamirirei hacho?
Kusvuta fodya kunoitisa kuti maHORMONES anokurudzira kumira kwechombo aite mashoma. Mabhora ako anoita madiki oramba achidaro kwenguva kusvika ava madiki chose. Varume vanosvita fodya mabhora avo anotsonga. Kana mukomana wako ari wefodya ziva kuti muchasvika pamunotanga kunetseka nezvokuisana. Kana wakachenjera siyana naye. Kana ari murume wako isa maSANCTIONS asiye zvefodya izvo. Asi kana asya iwewo chimupa REWARD inomubvisa fungwa pakudzokera kufodya.
Kushandisa mishonga imwe yezvigwere imwe yokuzviitisa, kunokwanisa kukonzera kusamira kwechombo. Imwe mishonga inokwanisa kutanga ichiwedzera kumira kwechomo asi chombo chinozojaira kungomira kana mushonga iwoyo uripo chete. Kana usipo choti bodo.
Kuva OVERWEIGHT kunowanzoitiswa nokugarodya zvokudya zvakawanda iwe pasina chaunoita. Kumunda hauendi, Kufamba haufambi, Kushanda haushandi zvinonetesa. Napo napo woda kudya futi. Kotizve vamwe vanodya zvokudya zvine mafuta akawanda sokuti muriwo wafuraiwa, kana kuti nyama yagochwa, kana dovi rakawanda. Kana BMI yako yapfuura 25 hwisisa kuti wakoresa. (BMI inongotaridza kuti une mafuta akawanda zvakadii mumuviri asi haitaridzi kuti une utano hwakanaka sei) Uchasvika pakunetseka kumira kwechombo, uye kuti maitire enyu pakuisana achanetsa nokuti wava nezidumbu. Unokwanisazve kubata zvimwe zvigwere zvawange usingazoiti.
Pakuisana mukadzi ane chidumbuzenene ari nani pamurume nokuti anokwanisa kufongora kana kukwira murume. Murume ane dumbuzenene anonetseka pakuisana. Vabiki hwisisai pakufidha varume venyu kuti ndimi munovakodza kuita sokuti imombe dzemafidha. Chengeta murume wako ane utano kuti asazoita diabetes inova ndeimwe inokonzera chombo kunetsa kumira futi.
Taonazve zvimwe zvatisingakwanisi kugadzirisa tega asi ngatihwisise kuti zvakawanda zvinokwanisa kusamboitika kana mumba muchigara mune mufaro. Vakawanda vedu tinozvinetsa nezvigwere zvinokwanisa kudzivirigwa nokugara munhu ane mufaro. Kana mumba mako mukashaya mufaro zvigwere zvinoswedera pedo nemi mese murume nomukadzi. Mufaro wenyu ndimi munoitisa kuti uwande kana kuita mushoma. Kana mapopotedzana kasirai kukumbirana regerero mudzokera pakuva murume nomukadzi, moudzana rudo. Kunozoidza mangwana matomboisana mukachemererana mukaridzirana magwiriri makambundikirana kureva kuti muri nyama imwe chete.
Kotizve iko kuisana chaiko kunorapa zvigwere zvakawanda chose saka munhu dzidza kuva nehanya nokuisana nomukadzi wako mumba menyu. Inga zvokudya munodya wani pasina kuti moita vhiki musina. Ko kuisana munoitirei vhiki musina. Zvikuru muchando muya kuisana kunonaka kugodziisazve muviri kugodzivirira zvigwere. Mukadziwo wana mazano ekumisa chombo chomurume wako aanoziva iye kuti akakuona uchiita uri kuda kuti chombo chimire muisane.
Kana uchida pono, onai muripo mese. mapedza monoisana movata. Pono kamwe pamwedzi kwete zuva nezuva.
Mapiritsi ekumisa chombo kwahi e Viagra musamwa anopfuura maviri pamwedzi. Zvoreva kuti rimwe chete pa 15 days kuti muviri wako usajairira kumiswa chombo ve VIAGRA.
Saka nyaya ndiyoyo ipfupi chose kuti muihwisise nokukasira. Kana waziva chikonzero chako wochigadzirisa wega nokukasira.
Saka Chombo chine simba chinodiiko?
Kana murume ane chombo chine simba. Anokwanisa kuti pamunotamba musina kupfeka makamirira kuti mai vemba vawane kunyorova, murume haanonoki kuti twiii. Mukadziwo kuona kuti saimba amirira zvinopa zemo. Kuzoti pakutamba kupurudzirawo murume chombo nokumuvhurira makumbo kuti atsvanzvadzire achifeyafeya kuti kuri kunyorova here, unohwa wega kuti murume akwana.
Chero mukaita nguva muchirezvana chombo hachihoonekwi kusvika pakuvata. Zvadaro murume akapinza chinoramba chakadaro. Mukakweshana, mukambozorora chinoramba chakangoti twii.
Ukakwiziwa pasipo zviya zvikuti unohwa sooda kuweta, ukasimuka ukaenda kutoireti ukanoweta, unodzoka uchiwana murume akangoti twii. Chinhu chega chinozokunda chombo kudiridzira chete chete. Ndipo kuti titi chombo chine simba. Pamwe chero akadiridzira anomboita kanguva akadaro zvokuti kana ukamushinya anotokwanisa kumboramba achichovha.
Kumira kwechombo kunopa mese CONFIDENCE mumba. Pamwe kana une murume ano chiramwira anoti mukapokana oramba kuvata newe, usamujaidza kudaro nokuti anozoramba achizviita. Rega azame kuvata ari kure newe. Ukamutaudza uchibvunza kuti tongovata here kana kuti uri kuda kundipanicha? Akakunyararira, vata nomusana, wovhura makumbo wozvibatabata achihwa kuti ndizvo zvauri kuita. Chombo chake chinokasira kumira uye kana chamira asina dambudziko chinoita nguva chimire. Ukazoswedera pedo ukamupurudzira magaro ukati Shamwari sori ndakanganisa chiuya undipaniche tivate. Haanonoki nokuti anenge atogara amira nechekare.
Tese ngatiwirirane pakuhwisisa kuti mukadzi wese ari mumba anoda chombo chinomira nesimba. Kuiswa nechombo chine simba kunofadza moyo zvese nenyama dzomuviri nefungwa. Unohwa wega kuti ndawanikidzwa nhasi. Mukadzi wese ari mumba anoda murume anofarira kuisana naye uye anoda murume anomupa urume hwakawanda hunoeredza mapedza kuisana. Tinonyebera hedu kuti kupukuta kunonetsa asi chokwadi ndechokuti ukaiswa ukanatsa kupiwa urume hwakawanda zvinofadza kupfuura ushoma. Kana murume akatadza kukudiridzira zvoita sokuti watadza basa, hauna kufadza murume. Saka varume dai majaira kutarisa utano hwechombo.
Kana ukaziva kuti chombo chako hachichina simba kasira kundoudza varapi vakuongorore nokuti unokwanisa kunge une damudziko rinorapika. Ukarinonokera zvinokuomera mberi
ZVOKUITA:
1 Wana balanced diet
2 Siyana nefodya. Fodya inokanganisa chose nyaya dzokumira kwechombo. doro riri nani
3 Ongorogwa DIABETES
4 Ongorogwa chigwere chomoyo zvese ne BP
5 Wana nguva yokuzorora nokufara nemhuri
6 Zama kusamwa mapiritsi ausina kupiwa nevarapi nokuti anokwanisa kukuuraya
7 Dzidza kuti damudziko rabva papi ugogadzirisa nyaya yacho nokukasira.
Udzai vamwe !!!!!

Thursday, 6 April 2017
Mibvunzo nemhinduro 10
Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 9 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 9 8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here? Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Ndatenda
Ndatenda
| 1 | Baba vangu vakashaika ndine makore maviri mai vakaroorwa kumwe. Ndakarerwa nemurume wamai. N dave kuda kurorwa. Zvinoita here kuti kurume wamai odya fuma hama dzababa vangu dziripo? Ndoita sei? | Kana wakarerwa namai nomurume wavo, zvoreva kuti ndivo vabereki vako ivavo. Iwe haunei nevanhu vemhuri yababa vako kana ivo vasina kufunga kuatsira mai vako kukurera uchikura. Kudza vanhu vakakupa upenyu. urege vakuroodze kana vachida kukuroodza. Kana vasingadi ivo ndivo vachanotsvaka mhuri yekwababa vako nokuvaudza kuti mwana akura ava kuda kuroodzwa. Kana vachida kuuya vanouya. Kana vasingadi zviri kwavari asi haisi nyaya yako iwe. Yako ndeyokuroorana nomurume wako mogara zvakanaka. Usashushikana nenyaya dzisinei newe. Usazviona sokuti uri COMMORDITY inokwanisa kutengeswa. Chivanhu chezvefuma rega chiitika maitikire achinoda kuitika kubva kuvakuru. |
| 2 | Kubata murume kuti asade vamwe vakadzi kunoitwa sei? | Tanga nokufunga kuti iwe chinokuitisa kuti usahurira murume wako inyaya yokuti anokuata zvakanaka here kana kuti unongova munhu ane tsika dzakanaka? Murume anoda zvechihure haanei nokuti wamubata sei. Anongohura chete chete zvisinei kuti wamubata sei. Kazhinji vanhu vaiona vabereki vavo vachihurirana vanohurawo. Kana ukaroorana nomurume/mukadzi anobva pabarika kana pavabereki vanohura, kashoma kuti asakuhurira. Kuhura kunoitiswa ne kumhura munhu wawakaroorana naye, hazvinei kuti aitei kuti uwane mufaro. Munhu anobatwa chibharo nomunhu mukuru ari mwanana, anokwanisa kuhura kana akura. Kune vanhu vanohi vanohura zvaunoona wega kuti ndezveshavi. Hapana zvaunokwanisa kuita kuti murume/mukadzi wako asahura. Zvinozikamwa kuti varume vanobhadhara mahure vanhu vane vakadzi kudzimba. Vakadzi vavo vanotodawo kuiswa zvisinei nokupiwa mari asi unoona murume achibuda mumba achinotsvaka hure rinobhadhagwa. Koitawo vakadzi vakawanda vanohura vane varume vane mari nedzimba dzakanaka asi anobudapo wonotsvaka chikomba. Hakuna mushonga wekudzivirira chihure. |
| 3 | Sare inorapwa nei? | Nyaya yeSare inowanikwa apa |
| 4 | Ndiatsireiwo nokukasira. Kunhuwa mheche nokurwadziwa zvinokonzerwa neiko? | Zvese zvinoitiswa ne INFECTION. Chitubu chisina INFECTION hachinhuwi zvakaipa. ukangohwa kunhuwa kwasiyana hwisisa kuti waita INFECTION saka mukira kwachiremba undopiwa mushonga nokukasira nokuti ukanonoka unokwanisa kupa muviri wese chigwere chakaipa. Zvokuti INFECTION yako yabvepi chitomosiyana nazvo kufunge nevokurapwa chete. PLEASE kasira kundoonekwa. |
| 5 | Chii chinoitika pakunyengana? | Vanhu havanyengani. Mukomana chete ndiye anonyenga musikana kusvika musikana abvuma kudanana naye. Zvadaro kunyengana kwatopera kudanana kwatanga. Pamwe munozoroorana hameno. Zvinobva nokuti mafambisa sei rudo gwenyu. Mukomana akakunyenga unofanira kuongorora upenyu hwake kuti munhu akakodzera kuti umude here? Kana akakodzera iwe uchionawo kuti munhu anokuda nomoyo wese, unokwanisa kusarudza kumudawo asi kana zvadaro chiatsiranai kuvaka rudo gwenyu. Kunyengwa hazvirevi kuti anokuda. Kune vakomana vanongonakigwa nokunyenga musikana kuti aone kuti anoti kudii. Mubhazi, muSupermarket, Muchitima, unokwanisa kunyengwa pese apa. |
| 6 | Murume wangu kubva pakutannga kugara tese 2015 hafariri kuvata neni. Anokwanisa kungoti kuda 4 times pavhiki rese. Zviri Normal here izvi.? | Mubvunzo wako hauna kukwana nokuti hauna kutaura kuti murume anoramba here kana kuti pane chinokukonesai kuwedzera basa. Mumba, mukadzi ndiye MANAGER wezvokuvatana nezvimwe zvese zvomumba. Murume anodya zvaabikigwa otenda ovata zvave zvemangwana. Murume anogeza mvura yaaisigwa, Murume anopinda pamakumbo aavhurigwa. Saka hatisi kuhwisisa kuti ari kukurambira here kana kuti iwe ndiwe uneunyope hwekumukwezva. Kana uchida kuwedzera ndiwe unowedzera. Ndiwe uri kusagona basa mumba menyu. Pamakore maviri vanhu vakawanda vanoisana kakawanda. Vechivanhu vanofarira chose kuisana zvokuti pamwe kaviri kana katatu pazuva muchiri vanana kudai. Kana mazopfuura 35 munokwanisa kuita zvamuri kuita izvo. Hwisisa kukwezva murume umupe aite zvaapiwa. |
| 7 | Ndiri musikana ane body diki. 1.48 metres, 53 kg. Mukomana wangu ane body hombe. Ndiri mhandara saka ndotya kuti maybe ndikaita sex naye hakwanisi kupinda. | Kukura kwemuviri hakunei nokuti muchakwanisa here kuvatana kana kwete. Varume vakakura muviri vanokwanisa kuva nechombo chakangoenzana nechevane muviri mudiki. Kotizve iwe chitubu chako kana ukaita zemo chinonyorova uye chinokwana chombo kana chezaisi ipi zvayo. Chinotatamuka chokuti unokwanisa kupinzwa chombo uchitohwa kunakigwa chose usina hanya nokukura kwechombo. Pakuvhugwa chete ndipo pauchagwadziwa kuda kwe miniti imwe chete achitanga kukupinza, asi kana ukamirira kusvika wanyorova uye ukarerusa muviri paanopinza kekutanga zvinoita nani. Unozoti wajaira, wega unoita murume wekumutsa usiku kuti muka undiise. Unenge watokangamwa kuti waimbofunga kuti zvichakunetsa. Bodo usafunganya nazvo. |
| 8 | Ndinganakira sei murume wangu? | Kunakira murume kunobva mufungwa dzake iye kuti ati iwe unonaka here kana kwete. Kuti afunge kuti unonaka hazvibvi pakungisana kwenyu chete. Zvinobva pa RELATIONSHIP yenyu kuti munoifambisa sei uye unoshamwaridzana zvakadii. Kuno kuEurope kune PROGRAM yavako yekuti vanhu vanohura nayo chose inohi FRIENDS WITH BENEFITS kureva kuti vanoshamwaridzana kusvika pakuti shamwari ikada kuiswa voisana paushamwari hwavo. Iwe nomurume wako kuhi murume nomukadzi itsamba yomuchato chete asi kufadzana ushamwari hwenyu pauviri hwenyu. Dzidza kukwezva murume kuti iyewo akukwezve muve shamwari neshamwari. Kushamwaridzana zvokuti mese mongoda kugaroisana paushamwari hwenyu, kwete zvokuti ibasa. Kana zvadaro chijaira kutaura nomurume wako FREELY panyaya dzokuisana uchigaromukurudzira kukuudza zvimwe zvaanoda kukuita kana kuti iwe umuite. Kana akuudza ita. Uchaona kuti mese munonakigwa nemaitire enyu. Garomukurudzira kuita zvamunofunga kuti ndezvounhubu. (UNUSUAL AND NAUGHTY THINGS) Kuisana zvokungoti nokuti munogara muimba imwe chete hazvinaki. |
| 9 | Kana munhu achiti apedza maperiods then ukarara naye pobuda ropa shoma zvinokonzerwa nei? | Dzimwe nguva kumwedzi kunokwanisa kuita sekwapera iko kusina kunatsopera. Unokwanisa kunge wapedza zuva rese usina chiri kubuda wongozoti washandwa mukati nechombo chomurume wotangazve kubuda zvishoma zvange zvasara. Hapana chakaipa asi kuti pane kumirira mazuva mana kana mashanu. wedzerai rimwe zuva musati madzokera pabasa. Hapana chine dambudziko. Kuisana ari kumwedzi hazvina chazvinokuvadza asi kungoti zvinhu zvinohi zvinosemesa. Asi hwisisa kuti mukadzi achangobva kumwedzi kazhinji zemo rakawanda kupfuura mamwe mazuva saka anenge achitoda kukasira kutanga kuiswa pamwe oti apedza iye asina kunatsopedza iri ngari yezemo. |
| 10 | Ndotunda sei kana murume achindisv**a? | Iwe kana usingakwanisi kuzvitundisa iri wega nokutambisa bhinzi yako nemaoko usafunga kuti kuiswa nomurume kunokwanisa kukutundisa. Kunaka kwazvo kwakatosiya. Chingatokutundisa nokukasira kuti murume akuzvete bhinzi kana kuikwiza norurimi. Ndizvo zvinonaka chose chose kupfuura kupinzwa chombo uye zvinokuita ukasire kutunda. Chombo ndicho hacho pakuti chine PSYCHOLOGY yacho yokuti ndava nomurume mukati asi kana wakavata manhede murume ari pamusoro isa ruoko pakati ukwize bhinzi iye achikukoira ari mukati. Chimbotsinzinira maziso uise fungwa pakuteverera chombo chichipinda nokubuda muchitubu mako uchikwiza bhinzi uchihwa pane moyo. Kana uri munhu anogona kutunda haunonoki. Asi mhomho yevanhukadzi vanonakigwa chose nokuisana nevarume vavo asi havatundi. Vamwe zvinozotanga vapfuura makore 30. Ndiwe unozvidzidzisa wega kana zvagara zvisingatoiti nomurume nechekare. Asi kazvinji murume akaita nguva ari mukati akapfuura maminitsi anoita kuma SEVENkana EIGHT achikwesha, unokwanisa kuhwa zvouya, zvikuru kana uchikwizirira bhhinzi. |
| 11 | Chii chinokonzera munhu kuti aite ngomwa? | Ngomwa zvinoreva kuti munhu asingazvari kana kuzvarisa. Saka kutanga nomurume tinoona kuti munhu anotadza kupa mukadzi wake urume (SEMEN) hunoitisa mimba, kubva nokuti hahuna mhodzi (SPERM) kana kuti hune mhodzi dzakaremara. Zvinokwanisikazve kuti haatobudisi urume zvachose. Zvikonzero zveizvi zvakawanda zvokuti zvimwe munhu anozvagwa anazvo zvimwe anozviitisa iye zvimwe zvinoitika nezviitiko zvoupenyu. Mukadzi kuti ahi ngomwa anenge ari munhu asingakwanisi kubata mimba. Zvinoitiswa nezvakawanda chose zvokuti anokwanisa kusakandira zai, anokwanisa kuva ne PH muchitubu isingawirirani nourume zvokuti inouraya urume, Anokwanisa kuva nechibereko chakarereka kana kuti anokwanisa kuva ne ALERGY kuurume hwemurume wake kana kusava nemaHORMONE okuti EMBRYO igare muchibereko. Zvikonzero zvezviitiko izvi zvakawanda. Zvimwe anozvagwa anazvo zvimwe anozviitisa iye. Chikuru kuenda kundotarigwa kuti chii uye chingava chakakonzegwa nei. |
| 12 | Kuiswa masikati kwanaipei? | Kuiswa kana nguva ipi zvayo kwakanaka chose kana uchida kuiswa kwacho. Kuiswa kwakangoipa kana wabatwa chiharo chete chete kana kuti waiswa nomunhu ane siki usina kondhomu kana kuti usingazivi kuti ane siki. Pano zvechihure tinomosiyana nazvo toda nyaya dzevanhu vakaroorana kana kuti vane LONG TERM RELATIONSHIP chero havo vasina kuroorana. Kana muchangotanga kugara mese kana kuti muri vanhu vanodanana asi musingagari mese, kana kuti muchisangana pasina nguva yokuva mese yakareba, muchaona kuti kuisana kwenyu hakunei nenguva. Munongoti chero pamaitira zemo kana kuti ukatarisa murume mumaziso ukahwa zemo rouya unokwazva murume moisana, Iyewo akakutarisa akhwa zemo rauya unokukwezva moisana. Nguva hainei nokuisana. Chine basa izemo uye kuti muri mega here pamuri pacho. Kana mune imba yenyu kana kuti muri muhotera, Unokwanisa kutoiswa chero pawadira. |
| 13 | Kana une HIV uchida mwana ungaita sei? | Nyaya iyi inonetsa chose nokuti munodawo kuti mwana wenyu azvagwe asina HIV yamunayo imi. Uyezve munodawo kukwanisa kurera mwana wenyu kusvika akura. Saka inyaya inoda kuti ufunge zvakawanda kupfuura vaya vasina HIV kana kuti vaya vanofunga kuti havana ivo vanayo. Imboverenga apa pandakambonyora nenyaya yacho. http://maichibwe.blogspot.co.uk/2015/12/kana-une-hiv-uchida-mwana.html |
| 14 | Chibereko chinogezwa nemushonga upi vechivanhu | Chibereko = Womb= Uterus Veduweeka, mubvunzo uyu unobvunzwa vhiki imwe neimwe. Chibereko hachigezvi kumba. Unozvikuvadza. Chinogezwa kuchipatara chete. Chiri mukatikati uye hachina mukova mukuru wekuti ungakwanisa kuchigeza. Kana wafunga kuti chinoda kugezwa hameno kuti unenge wafungiswa nei kudaro, enda kuchipatara utsanangure kuti sei wada kuti chigezwe. I OPERATION inotoda ugare muchipatara mazuva akati kuti zvichibva nenika yauri. Siyana nokufunga izvi kusvika murapi ati unofanira zviitwe. |
| 15 | Murume wangu haade kudya zasi kwangu asi ndinogeza, ndinodya kwake uye anofara nazvo. Ndodii? | Kune varume vasingafariri kudya zasi kwemukadzi iri ngari yokuti havahwisisi mamirire akwakaita. Tsanangurina murume kuti haanei nokunazva kana kusveta kumuromo wechitubu asi kungogumira pabhinzi chete. Bhinzi ndiyo inonaka kubatwabatwa norurimi gwemurume. Bhinzi haina zvinobuda pairi sechitubu chinonyorova kana waita zemo. Bhisa bhurugwa utaridze murume mamirire akaita zas kwako ahwisise kuti kana waita zemo zvinochinja sei. Womutsanangurira zvese. Kana ahwisisa uchaona kuti anokwanisa kufunga zvakasiyana. Kana azodzikawo zasi iwewo chiratidza kuti agona. Womuitirawo zvese zvaanoda. Panyaya idzi ngatisangokomurena asi kuti ngatidzidze kutaura nevadikamwi vedu tichihwisisana tichienderera mberi. Hakuna murume anongomuka achitoziva kuti kuzasi kwemukadzi kune bhinzi. Anotoita zvokutaridzwa nomuridzi oiona yakamira ohwisisa pairi kuti pakasiyanei nokunopinzwa chombo. |
| 16 | Zvimapundu zvichena zvakatenderedza musoro wechombo zvinorevei? | Kana waita mapundu awawabva pakuvata nemukadzi wausingasivati naye usina kondhomu, hwisisa kuti unokwanisa kunge wabata siki. Kasira kundotariswa urapwe uye uende nomukadzi wacho murapwe mese. Kana wangoitawo mapundu usina kuvata nomukadzi kana upi zvake kwenguva refu toti mwedzi, hwisisa kuti anokwanisa kuva mapundu asina zvaanoreva. Kana akagarisa aripo sokuti vhiki yese enda undobvunza kuti chii kuvarapi. Kana waita mapundu wabva pakuvata nmukadzi wako wemuma sezvamazuva ese, mukadzi anokwanisa kunge ane chigwere. Kune zvigwere zvisinei nokuhura zvinoitika kuvakadzi zvinokwanisa kubatwa nevarume. Endai mese munotariswa muudzwa kuti chii. |
| 17 | Chibereko chinokwana chigunwe here? | Muromo wechiereko haukwani kupinza chigumwe nokuti mudiki chose. Asi iwewo haufaniri kutsvaka kupinza chigumwe muchibereko. Unozvikuvadza. Unenge uchimboda kuitei kuchibereko? Siyana nechibereko chako hachinei nokupinzwa chigumwe. |
| 18 | Chombo chomurume chinobatwa sei kuti chikasire kumira. |
Usajaidza chombo kukurumidza
kumira nokuti chinozoita nguva yakawandisa murume amira iwe wakamirira
kunyorova. Varume havanetsi kumisa
chombo. Isu ndisu tinonetsa kunyorovesa. Unokwanisa kuita kana 15 minutes kana
kupfuura kuzasi kusina kunyorova zvakakwana kuti murume apinze chomo, asi iye
anenge atomisa chombo kare kare.
Zviri nani kubvunza kuti
unakasira sei kunyorova pane kuvunza kuti ungabata sei chomo kuti chimire.
Murume haanetsi. Pamwe hautombodi zvokubata chombo asi kungo kisana nomurume,
kumupurudzira magaro, kumupa zamu kuti amwe, kumusveta tuminyatso twake,
kumupurudzira chombo, kumuudza chete kuti uri kuda kuiswa anobva atomisa
chombo. Kana murume achinonoka kumira
chombo, zvoreva kuti pane dambudziko.
|
| 19 | Musikana wangu akandibvunza kuti "watova mukati here?" Ndofunga chombo changu chidikidiki. ndingaita sei. | Hauna kutaura kuti wanga watove mukati here kana kwete. Kukura kwechombo hakunei nokuti ahwe kuti uri mukati here kana kwete. Maitire enyu ndiwo anoshanda. Pamunoita itai nemaitire anobvumidza kuti chitubu chishinye chombo. Sokuti mukadzi ofongora makumbo ari pamwe chete murume opinza achibva shure. |
| 20 | Chinokonzeresa kurwara nenhova kumwana nhova chii? | Hakuna chihwere chinhohi NHOVA. Mwana wese wese mupasi rese anozvagwa ane nhova kureva kuti mabhonzo emusoro haana kusangana pakati saka pane buri rakangovhagwa neganda chete. Izvi zvakaitigwa kuti musoro wemwana ukwanise kuuda paanozvagwa. Azvagwa kunoita nguva muchiona pamusoro wemwana pachitambatamba. hachisi chigwere. Ndiwo maitire evanhu vese. Kana pachitamba zvoreva kuti mwana ane nyota, mupe mvura kana kuti mukaka. Kana ukasamupa anokwanisa kuita DEHYDRATION akafa kana kuchipisa. Hazvirevi kuti afa nenhova. Afa nokuti iwe mai vake hauhwisisi kuti mwana anochengetwa sei. Afa ne DEHYDRATION kureva kuti mumuviri wake hamuna mvura yakakwana. Hazvidi mushonga nokuti hachisi chigwere. Zvinoda mvura kana mukaka chete chete. |
| 21 | Ndinonyara kuudza murume kuti ndoda bonde naye. Ndingapedza dambudziko iri sei? Tine mwedzi mina taroorana. | Unokwanisa kumuudza kuti unonyara saka uri kukumbira kuti iye akuudze paadira asi okuudza nezvinokunyadzisa zvacho kusvika zvisisanyadzisi. Kunyara munhu waunobvisira bhurugwa womuvhurira makumbo zvinonetsa kuhwisisa. Kana uripo wakavhura makumbo, chichakunyadzisa kutaura ipapo chiiko. Tanga nokutsvaka chibhende woshandisa chibhende kusvika mese majairana kuti mashoko okuti anoreveri. Kana muri kutaurirana pachenyu nechibhende hapana chinonyadzisa. Sokuti ukatumidza chombo chomurume zita sokuti PITO iwe uchinzi Mamoyo. Unozokwanisa kuti kumurume. "Mamoyo ari kuda Pito nhasi" "Pito aripiko nhasi?" "Pito mupenyu here nhasi?" |
| 22 |
Mabhora emurume anobvumidzwa kubata pakuvatana here?
| Mabhora emurume anopurudzigwa asi haasvinyangwi. Unokwanisa kumapurudzira uye kumabata zvinyoronyoro asi usaabata zveganyabvu. Pota uchibvunza murume wako kuti zviri kunaka here kubatwa mabhora. Zvinohi varume vanonakigwa nokupurudzigwa magaro sezvinongoitawo vakadzi, zvikuru kana chombo chake chiri mukati mako. Ukamupurudzira magaro anowedzera sima pakukukoira. |
| 23 | Kurota uchiona honye zvinorevei? | Kurota uchiona honye zvinongoreva kuti warota uchiona honye. Hapana zvimwe zvazvinoreva. Kana ukaona honye wakasvinura zvinoreveiko? Hapana siyano. |
| 24 | Zvinoita here kuhura kana murume wangu asingafariri kundis**ra? | Kana murume wako asingafariri kuvata newe zvinoreva kuti iwe pane chakaipa chaari kuona kana kuti iye ane chiri kumunetsa panyaya yokuvatana. Unofanira kugara pasi nomurume wako motaurirana kuti dambudziko renyu riri papi. Womutsanangurira kuti hausi kuona semuri kuvatana zvakakwana. Dai awedzera. Pamwe uchatoona kuti iyewo ari kutofunga kuti iwe wacho hausi kuvata naye zvakakwana. Tanga nokutsvaka kuvata naye kakawanda, uone kuti anoti kudii. Usangomufungira zvaasina kukuudza. |
| 25 |
Kutota kunobatsirei panhengo
yemudzimai?
| Kunobatsira kuti murume paanopinza chombo chake mukati memukadzi, mukadzi haagwadziwi nazvo uye kuti pavanotanga kukoirana hapana anosvuuka kana kugwadziwa. Usapinzwa chombo nomurume kuzasi kusina kunyorova. Zvinokanganisa maMEMBRANE emukati kureva kuti unozokasira kubata zvigwere zvinobva pakuisana. |
| 26 |
Mheche ine maburi mangani?
| Ine maburi maviri. Kunoti reweti riri nechapamusoro asi pari pazasi pebhinzi. Kozoti guru rinopinda nechombo pakuisana riri nechezasi. Rinonyorova kana muridzi ava nezemo. |
| 27 |
Zvinoita here kupinza chombo muburi
rinobuda neweti?
| Hazviiti. Kaburi keweti kadikidiki zvokuti ukabhenengura matinji unokaona kaburi kacho asi hakatombokwani kana penzura chaiyo. Usazama kupinza zvinhu ipako unoita INFECTION. |
| 28 |
Hurume hwakasimba hwakaitasei?
| Verenga apo pakahi kuremara kweurume http://maichibwe.blogspot.co.uk/2015/08/kuremara-kweurume.html |
| 29 |
Kugadzira murume kuti adzoke kumba
pachivanhu kunoitwa sei?
| Kugadzira murume kuti asahura kunoitwa asati atanga kuhura. Kana munhu akangotanga kuhura hazvichaiti kuti achizorega kuhura futi. Kuhura kunoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye kumuona somunhu asina maturo. Kumugadzira kuti asahura kunotangira pakusarudza kuroorana nomunhu akakodzera. Zvadaro iwe mukadzi chiratidza kuti uri mukadzi wemunhu pazviito zvako mumba. bvunza zvinodiwa nomurume. kana akuudza womuitira zvisinei kuti iwe hauzvifariri. Dzidza kuzvifarira kusvika wozviita nomuyo wese. Murume akati anoda kuisana iwe wakafongora, fongora aise. Murume akati kwira pamusoro, kwira. Murume akati sveta chombo, sveta. Murume akati anoda kukuisa uri kuhope vata uchifunga kuti achakuisa uvete kuti kana okupinza chombo usaramba. Varume vese zvavo vanoshandisa mahure vane vakadzi kumba. Chihure chakawanda ndisu tinokonzera varume vedu kuhura nenari yokusavabata zvakanaka mumba. Kana uri kumwedzi wana mukana wekutundisa murume wako. Murume haaendi kumwedzi saka anongoda kunakigwa chete. |
| 30 | Kusungwa nhengo kuti isamira panemumwe mukadzi kunoitwa sei? | Zvinhu zvinotandzisa murue kusamira chombo zvakawanda chose uye zvinozikamwa. Kusunga murume hakukonesi chombo kumira. Kana ukafunga kuti wasunga murue wako kuti asamira chombo noumwe mukadzi, hwisisa kuti watamisa nguva. Kana murume asina chimwe chezvinotadzisa chombo kumira anongonokwira umwe mukadzi pasina kana dambudziko. |
| 31 |
Mukadzi asingazvari ndingaita sei naye?
| Chokutanga kuhwisisa kuti mese murume nomukadzi munokwanisa kusazvara saka usamhanyira kuti mukadzi ndiye asingazvari nokuti uchamukonzera kuda kuongorora kuti ndiye here asingazvari, agonoiswa noumwe murume kuti azive kuti ndiye here. Chokuita kuenda kuvarapi mese monoitwa maTEST kuona kuti ndeupi ane dambudziko, mobva mapiwa mazano ikoko. |
| 32 | Zvii zvinofanirwa kuitwa nemukadzi kumurume? | 1 Chikuru kuterera murume, 2 Kumuhwisisa, 3 Kumutaridza rudo nguva dzese 4 Kuzvipa kumurume nguva dzese uye kudzidzisa murume kuti pese paada kuvata newe haumofi wakamurambira. Iwewo ukaita zemo unotsvaka murume wako womumisa chombo moisana. Kuhwisisa kuti chero mukatukana zvakadii, pakunovata unozvipa kumurume wako wokumbira kuti muisane kusvika abvuma. mapedza kuisana pukuta chombo chomurume. 5 Kuhwisisa zvokudya zvaanofarira asi wohwisisa kuti BALANCED DIET inofamba sei futi mumba 6 Kuziva mataurire aunoita nomurume wako. Kusataura mashoko anogumbura. 7 Kuda hama dzomurue sedzako 8 Kushandisa mari yomumba zvine mwero. Kana iri shoma rongai mese kuti yoshandei. 9 Kutsvaka zvinounza mari mumba kwete kungomirira murume kuti ashande iwe wakagara. 10 Kuchengeta musha zvakanaka, Tsvaira mumba, wacha, isira murume mvura ageze. gezesa vana, 11 Ita tsika yokugarombundikira murume wako, zvikuru kana muvete. Zvinopa murume SECURITY sezvazvinongopa iwe SECURITY. 12 Usanyeya murume panyaya dzakaipa dzaanokuitira. Taura zvinomuvaka chete, zvikuti kuhama dzemhuri. |
| 33 | Murume wangu chombo chake hachina simba ndodii? Chombo chinomira asi chisina kusimba pakumira. Pane zvatingaita here? | Kusamira zvakanaka kwechombo kunobva pachimwe cheizvi. 1 Ropa kusafamba zvakanaka 2 Diabetes 3 Kufunganya 4 Chigwere chemoyo 5 BP 6 Kushandisa mishonga ye BP 7 Kusada mukadzi 8 Kana murume akamokuvara musana Kubata kuti chikonzero chaicho ndechipi endai kwamurapi. |
| 34 | Ungaziva sei kuti mwana ndewako kana uri murume.? | DNA test ndiyo chete inotaridza kuti mwana ndewani. Asi iwewo murume kana wakamovata namai vemwana musina kondhomu, zvooreva kuti mwana anokwanisa kunge ari wako, hazvinei kuti wakabudisira urume mukati memukadzi here kana kwete. Urume hunotanga kubuda pamunongotanga kuisana pane oiri inobuda pachomo inenge ine mhodzi dzeurume. |
| 35 |
Chii chinokonzera kuti mukadzi abudise
zvinhu chichena ku nhengo yake?
| Zvinobva nokuti zvichena zvacho zvakaita sei. Chikuru kunhuwidza. Kana pachibuda furo jena risina munhuhwi, rinoti mapedza kuisana rokasira kuoma pachombo chomurume zvokuti unokwanisa kufunura, zvinoreva kuti hapana chakaipa. Zvinowanzoitika kana mukaisana kana kuti ukaita zemo nguva yokumwedzi yava kuda kusvika. Vamwe vanongozviita pese pese pavanoita zemo kana kuiswa nomurume, zvisinei kuti nguva yokuwedzi iri papi. Kana ukabudisa zvine munhuhwi, kasira kundoonekwa nokuti une INFECTION. |
| 36 |
Chii chinoita kuti mukadzi asa bata
pamuviri?
| 1 Murume ane urume (SEMEN) husina mhodzi (SPERM) 2 Murume ane urume hune mhodzi dzakaremara 3 Murume asingatundi urume 4 Mukadzi asingakandiri zai 5 Mukadzi akavharika ma chubhu anokwidza urume kuzai 6 Mukadzi ane ma FABROIDS muchiereko 7 Mukadzi ane chibereko chakatsveyama nokurerekera kusiriko. 8 Mukadzi ane PH inouraya urume mukati mechituu chake. 9 Mukadzi nomurume vasingaisani nguva yezai inoti DAY 8-15 kubva pa DAY 1 musi wekutanga kuenda kumwedzi. Ndizvo zvezvimwe zvinotadzisa kuita mimba. |
| 37 | Ndingaona sei kuti ndine siki? | Kazhinji unoita DISCHARGE inonhuwa asi dzimwe nguva unongohwa kugwadza pasina discharge. Pamwe hautombohwa kugwadza. Kana ukangovata nomurume/mukadzi musina kondhomu musinazve kundoTESITWA mese, fumira kundoongorogwa ugodzokerazve kwapera mazuva mashoma. Ukaita zvimapundu enda undoonekwa urapiwe. Ukavaviwa enda unorapiwa |
| 39 | Murume wangu akandiudza kuti handina GRIP paanondis**a. Ndodii? | Ingari yokuti ane chombo chitete. Hapana zvaanokwanisa kuita. Chombo hachiwedzereki kukura. Kana wakambozvara mwana zvoreva kuti hauna kusimbisa kuzasi wazvara. Unofanira kusimbisa. Verenga pakahi KUSIMBISA MASURU. |
| 40 | Chii chinokonzera kusaenda kumwedzi? | Pane zvinhu zvitatu zvinoitisa usaenda kumwedzi zvinoti Kukoresa kuita zimuviri rakakurisa Kuondoroka zvokuonekwa mabhonzo Kana wava nemimba. Ndizvo zvitatu zvinozikamwa kana wakamboenda kumwedzi kuti zvikuregese kuramba uchienda. |
| 41 | Chii chakakoshera kudzora sikarudzi yemukadzi | Chokutanga kuhwisisa kuti kudzora kuita sei. Kudzora hazvirevi saizi yachitubu chako kuti yaitwa diki. Bodo. Zvinoreva kuti wava kugona kushinya chombo chomurume kana chiri mukati nokuti wava kugona kushandisa masuru dzakapoteredza chitubu. Kubatsira kwazvo ndekwekuti : 1 Unokwanisa kutadzisa murume kuita sipidhi pakuisana. 2 Unoshinya chomo kureva kuti kukwizirana kwenyu kunowedzera zvinoreva kuti mese munonakigwa 3 Ukakosora hauzviitiri weti (kana wakambozvara mwana) 4 Kana wachembera hauzviitiri weti 5 Kana une murume ane chombo chidikidiki (pasi pe 11 cm kukora chimire ) unonakigwa naye. Kudzora kunobatsira chose murume ane chombo chidiki. Zvikuru ukahwa murume achiti "Mukadzi nhingi igaba." zvoreva kuti ane chombo chemwanana saka haakwanisi kuzadza mukadzi pakuisana. Mukadzi pakadaro zviri nani adzore nokuti hakuna murume anokwanisa kukudza chombo chake. |
| 42 | Chibereko nezai zvakasiyana pai? | Mubvunzo wako wakafanana nokubvunza kuti mombe ne danga zvakasiyana pai. Mukadzi anokandira zai kubva muchikandiro (ovary) robvako rofama nemuvhubhu inohi FALLOPIAN kusvika rasangana nourume, robva ratanga kugadzira mwana rondomirira muchibereko (Womb) Mwana ndimo maanozokurira kusvika azvagwa. |
| 43 | Ndine chidumbuzenene. ndingaita sei kupedza chidumbuzenene? | Chidumbuzenene (pot belly) hachienderani nomunhu ari pasi pemakore 45, zvikuru munhukadzi. Kana wazvara mwana panoita nguva une dumbu asi ukazvibata zvakanaka rinopera. Kana usina kuzvara asi une dumbezenene, unofanira kuribvisa. Zvinoda kutarisa zvokudya zvako kuti zvakawanda muriwo uye nyama isvoma asi zvine BALANCE. Zvadaro chiita ma exercise akaita se: 1 kufamba 2 km zuva rimwe nerimwe 2 Ma SIT UP anopfuura 20 pazuva 3 Ma SQUART anopfuura 10 mangwanani nemanheru 4 Wedzera kuisana nomurume uye wedzerazve chikapa, zvikuru pakukwira murume. 5 Siyana nema SOFT DRINK kana doro 6 Wedzera kumwa mvura. Kana zvichikunetsa kumwa mvura imwe inodziya. 7 Manheru idya pachine nguva yokuzeya. Usanovata kusvika kwapera maAWA mana nehafu kana mashanu kubva pawapedzisira kudya. 8 Vata maawa anopfuura manomwe pazuva rimwe nerime. |
| 44 | Zvinoita here kubata pamuviri usingaende kumwedzi? | Zvinobva nokuti chiri kukutadzisa kuenda kumwedzi chii. Kana wakamomira kuenda kumwedzi nengari yokuondesa kana kukoresa, kana chigwere, zvinokwanisika kuti kuita zemo kunokwanisa kukuitisa kuti uite OVULATION inova inokukandirisa zai wobva watobata mimba usati waenda kumwedzi. Mwanana anokwanisa kuita mimba asati atanga kuenda kumwedzi. Kumwedzi handiko kunoitisa mimba. Kukandira zai ndiko. Kuzoenda kumwedzi zai rinenga rashaya urume. |
| 45 | Tete, Murume wangu anondinyima bonde. Usiku ndinopepuka ndichiwana m**ro yake yakamira zvisingaite. Zvinonditsamwisa nokuti haadi kundis*ira. Ndingaita sei. Tava nemwidzi muviri achiramba. Anoti handidi hama dzake. Ndoziva kuti haasi kuhura. Ndibatsireiwo please. | Murume wako munhu asingafaniri kuva nomukadzi mumba. Achiri mwanana mumafungire ake. Apa ari kukudzidzisa kuti iwe musi waunogumbuka pane imwe nyaya unofanira kumuramirawo bonde. Hazvina musoro zvachose. Chokuita kana musina vana muudze kuti unoda kumbonoona tete vake, kana mune vana kumbira tete vauye mutongeswe. Hazvinonoki kupera nokuti kana tete vari munhu anovaka musha, vanongouya voswera mugariswa pasi motongwa. Ipapo iwe chitora nguva uchitsanangura kuti murume wako anokuita uhwe somunhu asina kuwanikwa. Kubika unobika, kuwacha unowacha, kuaina, kukorobha, zvese unoita asi unoita somushandi. Pakunovata hapana chaanoita newe. Vatete vachamuvunza musoro wenyaya iye wotaurawo maonere ake. Iwe terera nokuti ndiwo maonere ake. Zvadaro muchayananiswa natete vagodzokere kwavo. Iwe uchasara nomurume wako moona zvokuita. Kana murume ada kuvata newe iwe chimutaridzawo kuti wange uri pazhara chaiyo. Uyezve kushushikana kwawaita panyaya yako ndizvo zvaachaitawo kana ukaita ubenzi hwekumurambira. |
| 46 | Pane mushonga wekudzora nhengo yemurume here? Murume wangu akakurisa. Dambudziko redu nderekuti usiku kana ndiri kuhope hazviiti kuti andis**re. Zvinoda ndakasvinura chete. Saka iye zvinomunetsa nokuti anenga achida usiku. Toita sei? | Muudze akumutse asati atanga kukupinza chomo. Kana kuti vata une fungwa yokuiswa woudza murume atanga akukwenyerera kuzasi kwenguva kuti unatse kunyorova. Zvinoita chero uri kuhope. Ukajaidzwa chete kuti usiku unoiswa unovata une fungwa yokuti uchaiswa uvete zvoreva kuti kana woiswa hazvikuvhundusi. Kukura kwechombo haisi nyaya huru. Iye anofanira kungoziva kuti anotanga nokupinza zvishoma nezvishoma kusvika kuzasi kwako kwanyorova. Musapanana matambudziko anogadzirika mudzimba umu veduwee. Kana wakazvisarudzira murume ane zidanda, ona zvokuita naro mese mufare. Hakuna mushonga wekuderedza saizi yechombo. |
| 57 | Zvinoita here mukomana kuroora musikana mukuru kwaari? | Zvinoita chose. Seiko wabvunza. Zera revanhu vanoroorana harinei nokuroorana kwavo asi kungoti kana muchida vana mukadzi anofanira kuva pazera rinokwanisa kuti aite mwana. Mukadzi ane makore 35 anokwanisa kuita mwana nomukomana ane makore 20. Kana vachidanana hapana chakaipa. Zvinotori nani chose nokuti mukomana wezera iri anongosweroda kuvata nomukadzi wake. |
| 48 | Chikwambo chinoshandiswa sei? | Hakuna chinhu chinohi chikwamo saka zvinonetsa kushandisa chinhu chisipo. Inyaya dzokubhawa idzi dzinotaugwa nevarume kana vadhakwa kana kuti vaperegwa nenyaya kwadzo. Hakuna munhu ati amboona chikwamo kana kuchishandisa. |
| 49 | Mukamana wangu ari kuti nguva yokuti tiite bonde yakwana. Ini ndinofunga kuti yakwana asi ndinotya kuti zvinorwadza. Ndoita sei? | Kugwadza zvinogwadza asi zvinongogwadza kwekanguva kashomanana zvotopera. Funga kubaiwa jekiseni kugwadza kwacho zvakangoda kufanana. Unongohwa kugwadza zvotopera. Wotohwa chomo chapinda mukati. Zvinokwanisa kuti kana ukarerusa muviri unotonakigwa nokuiswa kwako. Verenga pakahi KANA WAFUNGA KUBVISWA HUMHANDARA |
| 50 | Kubatwa mazamu nemukomana wako zvakashatei? | Kubatwa mazamu nomukomana wako zvinoitika chose kana muchidzidza kuva vanhu vakuru. Kuti uite mukomana zvoreva kuti wava nemakore anopfuura 15. Asi kuzobatwawo mazamu zvoda kumbowedzera kukura nokuti unokwanisa kuitiswa zemo ugotadza kuhwisisa zvokuita naro. Zvinoda mati kurei. Asi kubatwa mazamu hapana chakaipa. Ingodzidza chete MANAGEMENT yerudo neumwe munhu. Kazhinji mukomana wako wekutanga haasiriye munhu aucharoorana naye saka hwisisa kuti ndezvokudzidzira chete. |
Subscribe to:
Posts (Atom)