Thursday 25 July 2013

Kuchengera murume/mukadzi

Tinogarohwa nyaya dzakawanda chose dzevarume/vakadzi vanochengera. Vamwe vanoshandisa mazano okuti mukadzi asatombobuda mumba iye asipo. Mukadzi haabvumigwi kuenda kusupermarket ega. Haabvumigwi kudhiraivha mota kana kufambafamba murume asipo.

Varume veChiArabhu vanotokusingasa kana ukabuda mumba usina hama yokukutarisa kuona kuti hauhuri. Vedu varume havazosviki uko asi varipo vanochengera kusvika pakutonyadzisa vanoona zviri kuitika. Unoona murume asingambotambiri mari yakasvinura achirambidza mukadzi kushanda kwahi rera mwana chete zuva rese. Ipapo mukadzi akatodzidza kupfuura murume uye basa rake rinopa mari.

Kunozoti mwana uya akura zvokuenda kuchikoro kureva kuti mai vanokwanisa kushanda, unoona somuno mu UK murume oti zvikoro hazvigoni kudzidzisa vana zvakanaka. Iwe chigara nomwana kumba uite HOME Schooling, uone marhizeni opiwapo kuti zviite sokuti munhu anei nomwana izvo bodo kungoda kuti azive kune mukadzi kana iye ari kubasa.  Murume akadai anofonera mukadzi wake kashanu kana gumi pazuva, Kwahi
Mwana ari sei?
Wadya chii makuseni?
Wadya chii masikati? Zvange zvichinaka here?
Uri kuona chii pa TV?

Usafunga kuti ari kubvunzira kuti umuudze zvauri kuna kuti afare nazvo. Nyaya ndeyokuti agotarisa nguva pa TV magazine kuti zvawareva ndizvo zviri kutaridzwa here, kuti azive kuti uri kumba. Munhu wakadai ukasamudavira foni paanofona anoita STRESS isingaiti otokumbira kuenda kumba. Paanosvika kumba anokupopotera kuti sei usina kudavira foni. Ndafunga kuti waenda kuchipatara nomwana. Kutoti bodo ndange ndiri mubhavhu mwana avata, kwahi bodo tora foni yako uende nayo kubhavhu. Ukasadaro unondidzingisa basa. Izvo ndiye anozvidzingisa basa nokuchengera mukadzi.

Kana muri mese kuzhe, anotarisa vanhu vese vanokutarisa ovaongorora kuti aone zvavari kuda. Hino chinonetsa ndechokuti mukadzi wese ane magaro kana mazamu makuru anotariswa nevarume. Iye murume wako iyeyu anotarisawo vamwe vakadzi, asi haadi kuti wake atariswe. Unohwa oda kunokutengera nhumbi dzokupfeka kwahi dzaunosarudza iwe dzinomusvodesa. Ukada kuita nharo anoti ndiani wauri kupfekera zvakadai zvinopfekwa nemahure. Chimubvunza kuti mahure aanoziva mangani uye anopfekei? Watova kumuitisa hasha.

Mumba mari unonyimwa kuti usagaroenda kure nepamba kana kumbokwirawo bhazi kana chitima kwahi unnoona zvikomba.
Kana mune mota hautombofi wakadzidza kuidhiraivha. Kana makaroorana watova ne LICENCE haubvimidzwi kudhiraivha mota kana kuti iye achienda kubasa wokusiira kii.
Shamwari haubvumidzwi kuita unongohi rera vana vako.
Anogarokuudza kuti murume ndiye mukuru pamba kuti usapindura kana achitaura. Unomirira kusvika akubvunza.
Chikoro haubvumidzwi kuwedzera kwahi unozofundha kundipfuura wobva wazviita murume mumba
Musoro haurukwi zvinoitwa vamwe kwahi unozviitira ani ini handizvidi.
Pakuisana unoudzwa zvokuita zvaanoda iye iwe zvako wonyarara kuzvitaura. 

Mukadzi wemurume akadai ari mumoto chaiwo nokuti haaonekwi somunhu akura zvokufanira kuva nomurume. Anooitwa sezvinoitwa mwana mudiki watinotya kuti anobiwa namabhinya. Kana uri munhu akakurira mumhuri yakasununguka, pakusarudza wekuroorana naye sarudza wakachenjera.
Varume vanochengera vanhu vaya vanoti ukapopotedzana naye nenyaya iyi anotoona sokuti ndiwe une dambudziko rokusaterera murume. Ukapikisana naye anokasira kukuitira hasha. Akaona kuti hasha hadzichashandi anoda kutaura nenyaya yokuzviuraya. Munhu asina kusununguka nokuroorana kwenyu nokuti haanyatsi kuhwisisa kuti sei uchimuda. Anozviona somunhu asina mature wekuti umwe musi uchamusiya wotsvaka munhu akakukodzera.

Zvinonetsa kuhwisa vanhu ava asi vagwere chaivo vanotofanira kundopiwa COUNSELLING yakasimba uye kuhwisisa zvakawanda zvakavakonzera kudai muupenyu hwavo. Ukavatarisa uchaona kuti pamwe munhu akakura achigarosiiwa namai vake pamwe asina baba kana kuti baba vaishanda kure asingavaoni nguva dzese. Pamwe akakurira mumhuri ine vanhu vashoma. Pamwe aiona mai vake vachimusiya vachiitogwa nevamwe vanhu iye achivada. Pamwe aiva nababa vaichengera mai vake iye achizviona. Zvakawanda zvinokwanisa kukonzera mwana kuti kana akura ochengera mukadzi.

Zvokuita kana wadanana nomunhu anochengera.
Kasira kumuudza kuti zvaari kuita handizvo uye anofanira kukurega uchimuda nemadire ako iwe wega sezvaanoitawo iye kukuda semadire ake. Kamna ari mnhu ane CHRONIC PROBLEM pazviri uchaona kuti munogaropopotedzana nenyaya iyi asi haamboregi zviito zvake.

Unoonazve kuti munhu asina kumboitawo musikana anozikamwa kwenguva  refu nokuda kwekuti haavimbi vanhu. Anogarokuudza zvinokuvhundusa kuti iwe usambomuramba chero zvodii. Unohwa achiti haagoni kurarama iwe usipo. Vhura zheve uterere mitauro yake.

Uchaonazve kuti anoda kukupatsanisa nehama neshamwari dzako kuti ungoita wake chete. Akakuona une shamwari yako anokasira kukuudza kuipa kwayo. Hama dzako akadzivhakashira anodzoka ane chakaipa padziri uye kuti havamufariri. Iwe unopedzisira wave kutofunga kuti  pane zvakaipa zviri kuitika izvo bodo ndiya ari kuda kuti usaenda kure naye.

Akakurova anokuudza kuti ukangoudza munhu zvaitika anozviuraya. Usafunga kuti ari kunyeba. Vanhu vakadai vanhu vanogwara saka zvinotonetsa kumutsanangurira nyaya dzeupenyu semaonere adzinoitwa nemhomho.

Ukakasira kuona kuti munhu anochengera, kana wakachenjera siyana naye. Haziiti kuti agadzirike, uye kana maroorana achawedzera kuchengera nokuti anenge ototya kuti ukamuramba hakuna munhu achazomudazve.
Nyaya iyi inyaya inoshusha vakawanda uye inoitika kuvakadzi nokuvarume zvese. Kana ukanyengana nomunhu akadai chokutanga tarisa ATTITUDE yake kushamwari dzako. Unoona achishanda kuti usiyane nadzo ONE by ONE. Vachengeri vanoziva kushandisa fungwa kuita zvanoda newe. Ndiwo magarire avakaita upenyu hwese. Usamutora nhando. Hapana zvaunokwanisa kuita zvingaita kuti afunge kuti hapana chakaipa chaunoita kana asipo.

Vanhu vanoseka vachengeri asi chokwadi ndechokuti zvinonetsa kusiyana nomunhu anochengera. Kana waona hama yako yadanana nomunhu akadai waunoona kana kuti waunoziva sapota hama yako panyaya iyi nokuti upenyu hwake hwatova pakaoma. Usamuseka, mubatsire, uye usati kana watukana nomuchengeri wake woda kumusiya nokuti pamwe ndizvo zviri kutohi zviitike. 

Munhu anochengera haahwisi zvinhu zvatinoona zvisinganetsi kuhwisisa.

Kuchengera pafoni:
Foni dzemuhombodo idzi dzakatiparira zvakawanda mudzimba umu. Vanhu vanochengera vanotambudzika chose pamoyo nenyaya yefoni. Kuziva kuti mukdzi/murume wake ane foni yaanokwanisa kukiya kuti umwe wake asakwanisa kuona zviripo inyaya inotonetsa chose. Vakawanda vanopedzisira varovana mumba nokuda kwefoni. Unoona munhu ange asingatombozivi nenyaya yokuchengera otanga kuchengera nokuti akaona mukadzi/murume wake achiita sokuviga foni.

Kana ari wako anotsvaka kuona zviri pafoni yako, nyebera kukangamwa foni yako umwe musi wozodzoka papera nguva inokwana kuti ange averenga zvese zviripo. Chimwe chinoitisa kuti vanhu vade kuona zviri pafoni youmwe kuona kuti iyehaasi kukuda kana kukufadza zvakakwana saka ofungira kuti ungangoda konowedzeresa kuzhe. Pane kungokubvunza kuti zvoitwa sei kuti tiwedzere mufaro mumba. Vanhu havadi RESPONSIBILITY yavo mumba asi kuda kukumisa kuti uwane mufaro kumwe. Iwewo garokurudzira murume/mukadzi kuhwisisa zvaunoda kuti awane chanzi chokuzviita. Haasi muporofita anongoziva ega kuti chiichinokufanda.

foni, Facebook, Twiter, WhatsApp, etc zviri kutorambisana nokurovesana vanhu izvozvi. Hwisisanai mumba menyu pauviri hwenyu. Imiwo varume/vakadzi gutsai varume/vakadzi venyu mumba. Isa EFFORT pamunhu wawakaita INVESTMENT youpenyu naye.

Zvinobatsirei kuchengera?
Chero uri munhu akachenjera sei, hazviiti kuti ukwanise kuchengera zvokuti mukadzi/murume wako anotadza kuhura kana achida kuhura. Chero ukasiya wamusungirira mumba sembwa, unowana ahura cheni iya iripo. Munhu anoda kuhura anowana mazano ekuhura chete chero zvodii. Kuchengera inongova DESPERATION yokuziva kuti
"Handisi kugutsa umwe wangu saka dai ndirini asingandigutsi ndaitohura zvinoreva kuti iye ari kutodawo kuhura." Hapoka apo munhu haachina zano rokuti usa hura saka okutarisa zvese zvaunoita kuti aone kuti hauhuri.

Uyawo afungigwa kuhura kazhinji anofunga kuti kana achitonzi anohura zviri nani apiwe mhoswa yaaita pane kupomegwa mhosva yaasina kuita.

Varume/Vakadzi
Musaudzwa nhema kuti varume vanochengera kupfuura vakadzi. Tinozviona kwese asi maitire acho akasiyana. Varume vanoita zvinoonekwa pachena uye zvinonyadzisa. Vakadzi vanoitira pachivande. Vakadzizve vakawanda nane mutoo uyu vanoshandisa kunyima murume zvinhu kana murume aita zvavasingadi kuti aite.

Ukaona mukadzi kwako achingoti napo napo oramba kuvata newe, inyaya yokuda kukupinza mugwara rokumubvumidza kukuita nhapwa yako achishandisa kuda kwaunomuita uye kuda kwaunoita kuvata naye.  Kasira kuzama kugadzirisa nyaya isati yaenda kure. 

Udzai vamwe!!!

2 comments:

Anonymous said...

Ichi ndicho chokwadi, ukazotarisa woona kuti iye anohura zvisingaite apo haaadi kuona wakabata foni, kana kuti ubude mumba, kana kusara pamba ega iwe wabuda anototsvaka kwekuendawo.

Unknown said...

Haa pakaipa shuwa varume vekuchengera vane inferiority complex chete