Tuesday 13 August 2013

Kusanakigwa nomurume/mukadzi

Unokwanisa uzvagwa usinganaki asi kazhinji kusanakira umwe wako mazvokuda ako iwe. Vakadzi vakawanda vasinganakigwi navarume vavo vanotaura kuti varume vavo vanonakigwa chose. Ukuwo varume vasinganakigwi navakadzi vavo vanotaura kuti vakadzi vavo vanonakigwa. 

Saka toti hausi kuna umwe wako okuudza kuti ndiyo nyaya iripo. Unoita sei nazvo. Chokutanga inogumbuka kuti akuudzirei nyaya inosvota saiyoyo asi ukazozvifungisisa unoona kuti zviri nani akuudze kuti uigadziridze iwe. Pane kuti dai angonyarara iye asinganakigwi nazvo. Unozoona kuti munhu anokuda anokuudza kuti haunaki.

Varume:
Murume kuudzwa kuti maititire ako haanaki haadi chose nokuti anotonge anchizvirova dundundu achifunga kuti anonaka. Kuzoodzwa kuti haanaki zvinomuwedzera kusanaka kwacho kwekanguva kuzvika azvigamuchira kuti zveshuwa haasi kunakira umwe wake. Chikuru chinoitisa kuti varume vasanaka ndechokuti varume havataurirani nyaya dzokuisana pachavo neshamwari dzavo. Havadi kubvunza mazano ukugona basa. Zvinoonekwa sokuti ukabvunza zvoratidza kuti hausiri kugona. Saka umwe noumwe murume anongoti zii ega achifunga kuti ndiye ari kutogona kupfuura vamwe izvo bodo mukadzi wake ari pakaoma nazvo.

Pane nyaya yakaitika yokuti mukadzi nomurume vange varoorana kwekanguva asi murume achingoda izvozvo zvimwezvo zvomusi wekutanga. Mukadzi ongoti murume akapedza ovate iye ozosara ozvipedzisa ega murume ava pangonono. Kuzoti umwe musi murume pepu mukadzi ari pakati pekushinyira ega nemaoko ake, murume ndokuterera kusvika mukadzi apedza, ndokuchimuvhundisira. Kwahi ndiudze kuti wange uchiitei ini ndiripo. Mukadzi nokutya ndokuzoudza murume kuti haasi kunakigwa nemaitire emurume saka anoita ega kana murume avata.

Murume akadya rasha kubvunza mukadzi kuti unoziva sei zvinonaka kana ndisiri kukunakira ini. Kubata mukadzi kurova kwahi akakuudza zvinonaka izvozvo ndiani. Mukadzi mukuchema kuya ndokuti kumurume aende andobvunza shamwari yavo inohi Wendero. Murume ndokutowedzera kumurova kwahi wakavata naWendero.

Kuzoti yotongwa nyaya wanike bodo mukadzi waWandero ndiye akva vachitaura nyaya vachishopa, ndokuudza shamwari yake kuti Wendero anomutadzisa kuvata achingoda zvinhu usiku hwese uye kana iota anotora nguva yakarebesa achiita zvinova zvinonetesa mukadzi wake. Saka uyu shamwari kuzoudza murume kuti “Enda undobvunza Wendero.” Kwaiva kuti nokuti ndiye ane maitire aanoda iye .
Vatongi vakazoti vahwisisa nyaya ndokutsanangurira murume kuti mukadzi haana kuhura naWendero asi kuti mukadzi waWendero ndiye akaudza mukadzi kuti Wendero and maitire ake angafadzawo mukadzi wako kana ukanobvunza Wendero kuti anozviita sei.

Varume havadi kutaurirana nokupana mazano, zvikuru kana vari shamwari. Dai vaigarotaurirana nokupanana mazano sezvavanoita panyaya dzebhora, dai vakadzi vakawanda vane mufaro mudzimba.

Vakadzi:
Kuudzwa kuti haunaki nomurume wako zvinogwadza moyo uye kutyisa nokuti hauhwisisi kuti murume anokuda here kana kwete. Asi chookwadi ndechokuti dai asingakudi dai asina kukuudza. Kukuudza kuti ufunge zvokuita. Zvokuita zvacho dai waizviziva dai wakatozviita kare. Saka kana waudzwa enda unobvunza umwe mukadzi wechikuru kuti zvinhu zvinoitwa sei ubve wapiwa mazano. Zvadaro dzokera kumba kwako undozama mazano aya.

Kuti waudzwa wopedza nguva uchichema hazvibatsiri chinhu.

Maudzire ako:
Kana waona kuti umwe wako haanaki manakire aunoda iwe, usamirira kuti mupopotedzane nenyaya yacho kuti umuudze.

Usamuudza uchishandisa mashoko anogumbura.
Usamuudza maudzire anoita ashushikane.

Tanga waudza umwe wako nezverudo uye kuti zvaunoda kumuudza ndezvokuti upenyu hwenyu huite nani. Kana ahwisisa wochimuudza kuti hausi kunakigwa pakuvatana kwenyu asi unofunga kuti pane zvinokwanisika kuitwa kuti unakigwe. Womubvunzawo kuti iye ari kunakigwa here. Kana ati anonakigwa panoda kuti uwedzere nyaya dzokumuita azive kuti unomuda chose asi pakuvatana uri kusaririra pane zvaari kuita iye. Wohimutsanangurira zvaunofunga kuti zvingawedzera kunakigwa kwenyu.

Zviri nani kumuudza kwawakahwa zvinhu izvi nokuti ukasadaro anozofunga kuti pane wawakavata naye akakuratidza zvauri kutaura izvi. Kana wange wazviverenga mubhuku muratidze bhuku racho avengewo ega.


Zvadaro chionaiwo mese kuti mapinda paPROGRAM itsva yokuzama, uye mowedzera kutaurirana kuti munohwa sei pazviri nguva imwe neimwe. Kana zvisingakunakirii, zamia zvimwe. Zvinhu zvakanaka pamuchato zvinobva pakutaurirana. Chero kunakigwa noumwe wako kunobva pakuhwisisana naye pakutaurirana. Kungomirira kusangana pakunovata handizvo zvinoita muchato. 

4 comments:

Anonymous said...

Saka kuto nyeperwa ka kwataiitirwa ka kuti vakadzi vakangofanana asi pfungwa dzako chete. Zvakaita zvakanaka handisi hure, wangu mukadzi ndiye ega andinongoziva. chero zvazvo mazuva ekutanga ndaito shamisika kuti ko mbiri yacho iripapi kunaka kwacho zvakuri kushoma, asi pakufamba kwenguva zvakawedzera kunaka.

Izvi zvinenge zvinongoda kungo fundisana mumba menyu., kusvika pakunakirwa mese nekuti zvino taurwa nevamwe zvinogona kusashanda mumba mevamwe.

Pfungwa dzinongoda dzakarerukirwa kubva mumaproblems akawanda, uye mese muchifara.
Zvekusanakirwa izvi dzemwe nguva kuda.

Mai E Chibwe said...

Vanhukadzi havana kufanana. Vanhurume havana kufanana. Ndizvo tichikurudzira vanhu kuti pakusarudza paya tora nguva uchisarudza uye SARUDZA kwete kumirira kusarudzwa iwe pasina zvawaita. Kutarisa mhuri yemunhu kunokuudza makurire aaita. Ukahwa achirhafura mubereki wake, siyana naye nokuti iwe uri mutogwa saka uchapinzwa pakaoma.

Terera mataurire ake kuti uhwisise zviri mufungwa dzake. Zvitaurire chokwadi iwe pachako. Kunaka nokunakigwa kwemunhu kunobva mukufunga kwake. Fungwa chinhu chikuru paupenyu hwemunhu mumba make.

Kugara akasununguka chinhu chikuru chinobva paaki kupfuura kubva pano umwe wake.

Asi iwewo batsira umwe wako kusununguka mumba make.

Anonymous said...

Tinotenda nemazano amunopa pamwe nedzidziso zvinotibatsira chose. Ndiri muruume ane dambudziko mukadzi wangu haadziye miiri nyangwe ukapinza chombo mukati makatonhora chirwere here kana kuti idambudziko rudzii uye zvinga gadzirika sei nokuti ini handinakidzwi imwe nguva chombo chinotovata chisina kudiridza asi iye anenge achito nakidzwa aonyorova zvakanyanya nekuita maorgasm ndatenda zvikuru nekundibatsira kwamuchaita.

Mai E Chibwe said...

Ndakambonyora nenyaya iyi apa

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/02/kudziya-kwemuviri-kunoitisa-zemo.html


Panotaura nezvokuderedzwa kwekudziya kwemuviri