Monday 5 August 2013

Kuvata nehama yausingazivi

Mazuvano, vanhu vakawanda havachazivi hama dzavo dzese nokuda kwezvokonzero zvakawanda zvinoti:
1 Kushaika kwevanhu vakawanda mumhuri nokuda kwerufu gwakawedzera mumakore ma
kumi maviri akapera.
2 Kuwedzera kufambafamba kwevanhu vamwe vachinosvika kunzvimbo dzavasingazivi munhu ikoko.
3 Kubuda munyika yedu vanhu vachienda kumbonogara kune dzimwe nyika. Vadaro vobvazve vonogara kuneimwezve nyika, ikoko vachisangana navanhu vavasingazivi.
4 Kushaya munhu anohi uyu ndiye mukuru wemhuri zvichireva kuti hapana anoziva ukama hwemhuri pane dzimwe mhuri.

Zvadaro unokwanisa kusangana nomukomana/musikana akanaka zvokuti modanana. Zvinohi vanhu veukama vane ATTRACTION yeropa yakawedzera saka unobva waita rudo gusingaiti. Ipapo motadza kubvunzana mutupo kana dzinza. Pakudanana kwenyu zvakawanda zvinokwanisa kuitika. Munokisana, mobvisana hembhe moisana, mobikisana mapoto, nezvimwe zvakawanda zvisingafanigwi kuitwa nehama. Kunozotiwo panyaya dzokofonerana nevanhuvari kune dzimwe nyika, monokwanisa kuzoona kuti mune nhambha dzefoni dzomunhu umwe wamunoziva mese, kuzoronda nyaya yenyu munoona kuti pakati penyu mune ukama.

Zvinokwanisikazve kuti munoenda kuPARTY mosangana nomunhu wamunoziva mese mohwisisa kuti mune ukama. Kune mhuri iri kuno yakakokwa kumuchato wehama yavo. Vasvikako wanei munhu waari kuchata naye ihama yavozve yavanga vasingatozivi kuti ari kuno. Ipapo paitoti kana dai vari kumusha vaikokwa kumuchato wemukoma na kana wemusikana. Asi kusazivana kwevanhu kwanga kwaita kuti vaviri ava vasangane, vadanane, nokuronga yokuroorana, ipapo musikana ange atova nemimba. Hapana ange abvunzurudza umwe kuti hama dzako dziri papi chaipo. Kungoona runako ndokuputswa fungwa dzimwe.

Kozotiwo kuChikaranga kwedu haukwanisi kuwana munhu waunoshaya ukama naye asi pano tiri kutaura ukama hwepedo zvokuti unotoona kuti dai muri kumusha dai mega musina kutombonyengana.

Saka kana zvadai modii. Kana wasangana nehama, musingazivani mukadanana mukavata mese zvokutodanana henyu zvisi zvechihure, panoitwa sei musi wamunoziva kuti muri hama chaidzo. Tichitarisa paChikaranga tinoona kuti pane ukama hunokwanisa kuchekwa kana zvinhu zvaipa nomutowo uyu. Pozoita ukama hunonetsa kucheka. Kare kwaiva nemombe yaifa ichihi ndeye Chekaukama kureva kuti vakuru vaiudzana kuti tinoziva hedu kuti tiri hama, asi hazvichaiti kurambidza vana kuroorana saka ngatichingonyebera kuti tange tisiri hama asi tabatanidzwa navana.

Chekaukama yaibvumidzwa kana:
Musikana ari muzukuru mwana wemuzukuru mwana watete vababa vemukomana. Kureva kuti sekuru vemukomana nambuya vemusikana ndivo hazvanzi. Zvikuru kana musikana ari mwanasikana wemwanasikana watete ava. Chainyanyobvumidzwa ndechokuti kana paita mazera mana kubva pakazvagwa hama idzo asi padzakazvagwa vana vadzo vasina kuera mutupo umwe chete. Uyu mufananidzo wandapa wainge uri wemazera matatu saka dare raigagwa iri nyaya yokuti vabereki vomusikana vazukuru vava kuitiswa vana tezvara norudo gwevana.

Mazera matatu ainetsa kugadzirisa zvokuti pamwe vaiti ukama ngahurambe hwakaita zvahwange huri asi tongochinja IMMEDIATE FAMILY yevaroorani ava.  Saka muzukuru uya ava muroora aikwanisa kungoti akaona baba vomurume oramba achivati sekuru, pamwe kana ada oti baba.

Imwe nyaya yaibvumidzwa ndeyokuti kana mukomana anyengana namainini mununguna wamai vake asiri mwana wavabereki vamai vake, toti ndewekwababamukuru kana babamunini. Zvaikwanisa kubvumidzwa kuti varoorane mwana namainini vake.

Zvisingabvumidzwi ndezvokuti vanhu vane mutupo umwe chete varoorane. Maitoudzwa kuti zvamaita hazviiti chitokangamwai kuti mazviita motosiyana modaidzana noukama hwenyu kuti hazvanzi kana kuti tete nomwana wehazvanzi.

Mazuvano pamwe munozoziva matova nomwana. Kuti muchizvikangamwa kana kusiyana, hazviiti. Kana kudanana nehama chiri chinhu chikuru chausingadi kuita, unofanira kuti ukanyengana nomukomana/musikana, kasira kubvunza kwaanobva uye mutupo wake. Asi chero ukadaro, unokwanisa kunge wasangana nomunhu akakurira mudhorobha asingazivi zvinhu zvemhuri yake, Kozotizve vanhu vakakura vachiti vakambogara nemhuri iyi, vobva vonogara neiyo, iri ngari yokuti vanga vasiiwa vari nherera. Vanhu vakadai vanokwanisa kusanyatsorondedzegwa ukama hwavo nehama dzavo. Saka unokwanisa hako kubvunza asi kana nyakubvunzwa asingazivi munoita nguva muchidanana mozoziva masangana nomunhu anozviziva. Ipapo zvese zvisingafaniri hama kuita matoita.

Pachirudzi chedu hama hadzidanani, kana kuvatana kana kuroorana kuzhe kwekuti varamu. Tangoti timboitanga nyaya iyi nokuti yaitika kakawanda. 

Kune vamwe vanotodanana vachiziva kuti ukama hwavo huri pedo. Kutobva munyika vachinogara kure kuitira kuti vadanane pasina anovabvunza. Havasivo vakadaro vatiri kutaura pano. Pano tiri kutaura nezvevanhu vanosangana vodanana vasingazivi kuti ihama. Zviri kuitika zvakawedzera uye kune vanotyiswa nokuziva kuti vari kuvata nehama. Ndosaka nyaya yasvika pano. 

Munhu bvunza mutupo wewawada, wamai vake newake. mohwisisana. Kuziva kuti wakavata nehazvanzi yako yokwababamunini/babamukuru, muchiira mutipo umwe chete chinhu chinotyisa vanhu vane njere. Asi tinohwa kuti pane vamwe hazvanzi vakatobva muZimbabwe kundogara kuSouth Africa kuti varambe vachivatana asi vachitoziva kuti ihama dzapedo. Uhu umbwa zvokuti hapana zvokuzviita. Inyaya inotongwa nemhuri dzavo. Pamutemo hazvanzi haivatwi nayo. Hazvinei kuti ihanzanzi rudzii kana mubvandiripo wamai kana baba kana wemurume wamai, mukadzi wababa ihazvanzi yako haivatwi nayo.

Asi ngatihwisise kuti panyika pano pane vanhu vari CORRUPT vasina hanya nemitemo yeupenyu kana kuti yakabvepi. Vanotoona sokuti zvinovakonesa mufaro.


Udzai vamwe!!!

4 comments:

Unknown said...

Ko zvekudanana mitupo yakafanana zvine basa here?

Mai E Chibwe said...

Mutupo wakapiwa vanhu kuti vazive hama dzavo munyika ine vanhu vane rufambo. Pamutemo ukaona munhu anoyevedza kutarisa ukatanga kutaura naye, chimwe chezvaunobvunza pokutanga mutupo. Ukaona mitupo yafanana wobvunzurudza kuona kuti mutupo wenyu unobva kumwe chete here. Sesu vaira Shumba. Pane Shumba yokwaChivi neyokwa Chirumhanzu. Vaira Moyo vane moyo mbiri. Zvichidaro asi imwe mitupo inongova imwe chete. Sokuti vaira Ngara kana Gumbo. Kana maudzana mutupo ikafanana kwese muri hama. Saka zvekudanana hazvifaniri kuitika.

Mai E Chibwe said...

ko nyaya yekuroorana mitupo yakafanana muchaibatawo riini. ndinodanana nemusikana ane mutupo mumwe neni. Vanhu varikunditi hazvitwe asi hapana anombondipa chikonzero chaicho chinobatika, ndodii

Mai E Chibwe said...

Munhu ane mutupo umwe chete newe ihazvanzi yako. Mutupo iSYSTEM yakaiswa kare kuti vanhu venyika yedu varege kuroorana mumhuri imwe chete. Ukatarisa vana vevanhu vokuPakistan uchaona kuti mukati mavo mune vanhu vakaremara kupfuura vanobva kune dzimwe nyika. Wotarisazve vanhu vanogara pazvisuwa zvidikidiki unowana pane vakaremara vakawanda. Zvese izvi zvinobva pakuroorana nehama.

VekuPakistan vanoroora hazvanzi dzavo vana vekwababamunini kana babamukuru vanozvagwa mudumbu rimwe nababa.

Kwedu kuZimbabwe munhu anongonzi hama yorudzi rumwe chete haabvumidzwi kudanana naye kana kuvata naye kana kuroorana naye. Hazviite. Dai wakatoudza vabereki vako kana vake vaitokurondedzera kuti hazviite zvachose. Hama dzeropa rimwe hadzivatwi nadzo.