Sunday 22 September 2013

Kudanana nomunhu ane zera nomwana wako

Pane vakawanda vakabvunza kuti zvinoita here kudanana nomusikana/mukomana ane zera kana kuti mudiki pamwana wako? Vamwe vanobvunza iri nyaya yokuda kudzivisa murume ari kuhura nechisikana chidiki. Vamwevo vanobvunzira kuda kuziva kuti voenderera mberi here nomunhu wavari kudanana naye. Takamboitaura hedu nyaya iyi tiri pakuti zvinoita here kudanana nomunhu asiri wezera rako. Pano toda kutaura nezvekudana nomunhu ane zera kana kuti mudiki pamwana wako.

Mutemo wefungwa nomuviri wemunhu unoudza munhu wese kuti akaona murume/mukadzi akasvika ari wezera remuoni, muoni anotanga kuita fungwa dzokudanana newaari kuona. Pamwe kafungwa kacho kanenge kari kadikidiki asi kanenge karipo. Kuvapo kwacho ndiko kune dambudziko nokuti zvinhu izvi zvinoenderana nemazera evanhu. Kana uchitsvaka wekudanana naye unotanga kutarisa vanhu vezera rako. Uyu mutemo wakagara uripo zvokuti kazhinji munhu akasachengeta mutemo uyu vanhu vanotanga kuita makuhwa pamaitire ako. Ukaonekwa uchidanana nomunhu mudikidiki pazera rako kana mukurukuru pazera rako vanhu havanonoki kuita makuhwa.

Saka apa ndipo panotangira nyaya yedu. Ngatitange nomurume anemwanakomana ane makore toti 22. Zvoreva kuti iye ave nemakore 45 kana kupfuura uye nokuda kwezera rake ave munhu ane kamari zvokuti anokwanisa kudanana nevasikana vanotsvaka kugarika vaya asi vari vanana. Toti onyenga kamusikana kane makore 20 kana 21. Toti musikana haashandi  saka anokwanisa kuswera ari pamba kana avhakashira mukomana wake baba vemukomana ane makore 22 asingashandiwo. Vana ava ndeve zera rimwe saka nyaya dzavo dzakafanana uye kuhwisisa kwavo ndekwezera rimwe chete.

Ukatarisa mumaraini munyika dzakawanda uchaona kuti nyaya dzakadai dzinopedzisira dzakanganisa kuwirirana kwevanhu vemhuri imwe chete. Mukomana uya achiona musikana wababa anoona munhu wezera rake saka haaoni sokuti atsvakigwa mai asi kuti pamba pave kugara musikana akanaka.

Pane nyaya apa.
1 Musikana wababa anounza shamwari dzake pamba dzinova dzinokwanisa kunyengwa nomwana wemukomana wake, zvinoreva kuti vaya mainini vanopedzisira vahwa zvese zvinoitika muupenyu hwemukomana uyu.

2 Musi unoti vanhu ava vanodhakwa, vanokwanisa kukanganisa kufunga. Baba vozobva kubasa vowana mwana anyenga musikana kana kuti musikana anyenga mwana. Vanhu ava ndeve zera rimwe , zviitiko zvinoitika pazera ravo.

3 Pakati penyu panokwanisa kuita chihure nevamwe vanhu vasiri vemhuri. Ngatigare tichihwisisa kuti panyika pano pane vanhu vane zemo guru kupfuura njere uye vakawanda.

Toti paita mukadzi mukuru ave namakore 45 and mwanasikana ane makore 21. Toti onyenga mukomana ane makore 22. odanana naye achiuya naye kumba mwana wake aripo pamba. Vana ava vanotarisana fungwa dzichiuya mumusoro. Zvinhu zviya zviviri zvinokwanisa kuitika.

Kuhwisisa kwemunhu mukuru:
Kana iwe wave munhu mukuru uchinyenga/ngwa noumwe munhu, unofanira kuva nekufunga kwevanhu vakuru vakachenjera. Kusvika pazera rawava zvinoreva kuti unoziva EXPERIENCE youpenyu uye kuti hunokwanisa kukanganisika panguva dikidiki. Tichitaura kudai pane murume anogara pedo nepano akapisigwa imba nababa vake nokuda kwekuti aivata nomukadzi wababa, mukadzi ari mudiki pavari vese. Baba vakatosungwa. Chinhu chokuti baba ava vaifanira kunge vaziva kuti mukadzi uyu nezera rake anokwanisa kudanana nevanhu vezera rake zviri zvechihure.

Ukatarisa nyaya dzakaita sedzinotongwa kumatare amadzishe neemasabhuku, uchaona kuti zhinji dzacho ndedzokuhurirana, kutorerana varume/vakadzi, nokumitisana. Dzokudyisirana minda dziriko hadzo asi ishoma.  Ukaenda kumachechi kunoparidzwa zvokuti vanhu vasaita upombwe, unowana kuti inyaya huru chose yokuti kana vafundhisi vacho vanoparidzira vamwe, zvinovanetsa kusaita upombwe hwacho nevakadzi vezera ravo vomuchechi.

Ukaenda kuvanhu vechiMahamadhi ava vanodai kungouraya vanhu vasinei navo, uchawana kuti vanoti ukavata nomunhu wausina kuroorana naye vanokuuraya. Ukabatana maoko nomunhu wausina kuroorana naye vanokurova nechambhoko kusvika wasvuuka musana wese nemagaro. Asi tichitarisa tinoona kuti kuuraya kwese nokurova kwavanoita hakuregesi vanhu kuhura. Usambofa wakafunga kuti musikana/mukomana uya arobwa zvokusiiwa akafenda seafa acharega kuvatazve nomunhu waasina kuroorana naye kana akawana chanzi. Zemo iguru kupfuura njere.

Kuvanhu vakawanda vane fungwa dzokuhura zvokuti ari kupedza zemo ravo ndiani havanei nazvo. Chavanongoda kupedza zemo noumwe munhu. Ndizvo ndichiti nyenga munhu akakodzera pazera rawava kana une vana vakura zvokuitawo zemo ravo vega. Kuti uite mukadzi/murume mudiki pavana vako chinhu chaunofanira kuita uchihwisisa zvinokwanisika kuitika kumhuri yako. Kunyenga/ngwa wakura zvinoreva kuti unofanirawo kuzviita wakachenjera.

Hwisisa kuti hatisi kuti kudanana nomunhu asiri wezera rako kwakaipa kana kuti hakubvumidzwi. Tiri kuti tarisa zera romunhu ugofunga vana vako mazera avo kuti ari papi. Vana vako vana vemhuri yese, vemununguna, vemukoma, vehazvanzi, vese vaunodyidzana navo vachisvika kumba kwako. Kana uchigadzirisa nyaya yezemo rako ita hako asi ita zvisingawedzeri dambudziko pamusha wako somunhu mukuru.

Kuti uwanikwe uchinyenga/ngwa iwe wava nevana vakura zvinoreva kuti wakatowigwa nedambudziko rimwe nechekare zvikakupatsanisa nomunhu wawakaita vana naye. Pamwe wakafigwa, pamwe makarambana, pamwe wakangotizwa ukasiiwa wega, pamwe ari kujeri, pamwe ari kune imwe nyika muri kungodanana zvefoni zvisingapedzi zemo, pamwe unongodawo zvekuhura. Hazviiti kuti uve munhu anonyenga/ngwa uri pazera iri usina rimwe dambudziko nechekare. Pano ndiri kuti chiita hako asi ita wakachenjerera kusawedzera dambudziko raunaro kare. Zvimwe zviitwa zvinosvodesa mhuri yese.

Kwedu kuhwikwa kuti mwana akavata nomukadzi wababa, kana kuti nomurume wamai chinhu chinotyisa asi zvinoitika uye vanhu vakawanda vanotoziva munhu ari kuzviita. Ndinogaronyoregwa mwadhi dzichibvunza kuti "Ndoita sei nokuti ndiri kudanana nomwana weGirlfriend/Boyfriend yangu?" Munhu anobvunza zvakadai munhu anenge asati abatwa kuti ndizvo zvaari kuita. Munhu anobatwa nhapwa nezemo. Musi waanobatwa, mhuri yese inosvitswa pasingafaniri kusvikwa.

Nyenganai makachenjerera utano hwemhuri yese. Munhu waunouya naye kumba ngaakwanise kubatana nemhuri pasina chakaipa chinokwanisa kuitika.


Udzai Vamwe!!!!!

No comments: