Sunday 15 September 2013

Ugwere mumba

Zvinoitika kuti umwe wenyu anobata ugwere mumba zvinova zvinokonzera kuchinja zviitwa zvemumba. Hatikwanisi kudzivirira zvigwere zvese mumba saka pamwe tinoona chimwe chasvika mumba. Dzimwe nguva umwe wedu otomboenda kuchipatara kana kuti kungovata hake mumba achida kuriritigwa. Mazuvano okuti vanhu vanogara kure nehama, nyaya dzougwere dzinowanda nokuti tenge tichidiwa kubasa uku tisina watinoziva ari pedo wekuti unokumbira kuti apote achitarisa mugwere.

Kugwara kwemurume:
Murume anogwara haana kusiyana nomwana anogwara asi kungoti anokuudza zvaari kuhwa saka unokwanisa kuziva zvokuita naye, kuti woenda naye kuchipatara here kana kuti womuchengetera mumba. Kana wafunga zvokumuchengetera mumba ari mumubhedha pane zviitwa zvinodiwa kuti mugwere akasire kupora. Chokutanga kuwana mvura yakawanda yokumwa. Kana ukaswera naye unomupa mvura yakawanda kumwa asi zvoreva kuti anowedzerawo kuweta. Kane asingakwanisi kuenda kutoireti unomubatsira. 

Chechipiri kuwana zvokudya zvakakwana. Kana zvichikwanisika bikira murume zvokudya zviri FRESH kuti akasire kupora. Kana mari isipo unongomupawo zvawawana izvozvo. Pane zvokudya zvinowedzera dambudziko, sokuti munhu akaita manyoka iwe ukamupa mukaka kana zvokudya zvine mukaka, watova kuda kumuuraya nokuti mukaka nemanyoka hazvipindirani. Munhukadzi anofanira kugara achiziva zvinhu zvakadai kuti asakuvadza vanhu vemhuri yake. 

Chechitatu kugarokurudzira munhu kuti amuke azame kumbofambafamba nokufugwa nemhepo pazhe. Kana munhu achigwara akava nekufunga kuti ari kugwara kupfuura zvaari kuita chaizvo, anotowedzera kugwara. Varume vakasikwa vane musoro wekuda kuchengetwa nevakadzi saka kana agwara anoita sokuti otofa izvo hapana chiripo. Iwe mukadzi kurudzira murume apote achimuka, woenda naye mubhabhu womugezesa uchiita naye nyaya kuti ambofarawo. Zvadaro zama kuti agare achiita chimwe chinhu kwete kungovata nguva dzose. 

Kana muri kure nehama usakasira kufonera hama dzake uchidziudza nokuti kana munhu ari kure akahwa REPORT yougwere anofunga kuti kofiwa obva aronga yokufamba kuzoona hama yake, Akazosvika kwapera mazuva maviri munhu ava kutoronga yokudzokera kubasa zvinoita sokuti uri benzi.  Kana wafona ingotaura kuti ar kuhwa musoro zvoita sokuti hapana chakanyanyoipa. 

Murume aita vhiki yese achigwara anoonekwa kuti ava nani kana ukaona oda kukurhoja. Chiziva kuti fungwa yabva kuugwere yava kunezvepamberi. Kana iwe uchiona kuti haasi nani, muudze kuti bheta muzoita mangwana.

Kugwara kwemukadzi
Kugwara kwemukadzi mumba kune zvakawanda zvinoda kuhwisiswa. Mukadzi ane basa rakawanda chose pamba zvokuti akagwara zvokutovata, hapana anoita basa racho. Imwe nyaya ndeyokuti varume vakawanda havagoni kuriritira mukadzi anogwara iri nyaya yokushaya rudo. Varume vakawanda vanoona mukadzi sechinhu chake chakangoita semombe kana mbudzi. Musiyano uri pakungoti munhu anohi mukadzi munhu wekuvata naye uye munhu anoitira murume wake mabasa awa. Kune varume vakawanda vasingatomboiti nyaya nevakadzi vavo zvokuti kuti mukadzi akawanikwa nomurume akadai asangane nomurume, vanosangana pakunovata chete.

Mukadzi akadaro akagwara murume anokasira kutsvaka vanhu vabiri vanoti mukadzi wekuvata naye akamirira kuti mukadzi wake aite nani, koti munhu wekuchengeta pamba nokuchengeta mukadzi wake. Murume akadai munhu asingamiriri mukadzi aita nguva achigwara.

Mukadzi akagwara mumba mune vana mhuri yese inoita dambudziko kubva pane zvokudya kusvika pautano hwevana. Varume vanhu vanogona kugadzira vana asi kurera kunovanetsa chose.

Iwe muridzi wemurume ukagwara une vana, chikasira kuzvigadzirisa uite nani. Enda unorapiwa. Funga murume  nevana vako kuti vanogara sei vasina mai.

Ukatarisa kuti varume vanokasira zvakadii kuroora kana mukadzi akafa pamusha, ugotarisazve kuti vakadzi vanonoka zvakadii kuroogwa kana murume afa, ndipo paunohwisisa kuti murume anoita dambudziko kana usipo. Kune varume vanoroora vasati vatombochema mukadzi wafa.

Kugwara kwenguva yakareba
Kugwara kwenguva yakareba kana uri murume/mukadzi chinhu chinoshungurudza vanokuona. Kana ukagwara uri mai vemba unoona wega kuti musha unochinja kubva pane zvawange uri. Ndipo paunoona kuti basa romukadzi iguru. Uya murume anogarokufoya achikuita seusina maturo, unoona angoti vavava asisazivi zvokuita. Vanotaura vanouya vachiudza murume kuti aendese mukadzi kuchipatara. Kana muri kumusha kusina zvifambiso inoita nyaya inotyisa.

Pachirudzi chedu vekumhuri yako vanotumira munhu, zvikuru mununguna wako kuzochengeta musha, zvinoreve kukuriritira nokuchengeta vana. Hino kana waita nguva yakareba uchigwara, uku mainini vevana vachirera vana nokubikira mhuri, munopedzisira majaira magarire iwawa okuti mai vemba mugwere. Zvikaonekwa kuti kuita nani kunozonetsa, murume kana ari wechidiki vaya mainini vasinawo murume, unokwanisa kusvika pakugagwa nhaka uri mupenyu.

Vanhukadzi zvokudanana namadzibabamukuru hazvitinetsi. Tinoona sokuti mukoma munhu anogona kusarudza saka akasarudza murume akanaka. Kozotizve varumewo vanofarira zvechiramu anenge atogara achinemerana nomuramu zvokujairana. Uku vanoenda vese kunoshopa, muramu uyawo achiisira murume mvura yokugeza, achimuwachira nokuaina nhumbi dzokupfeka. Varume vakaona munhu anodai vototi ndiye ava mukadzi wemumba. Ndizvo tichiona vakawanda vachiona mushandi somukadzi wechipiri ava mumba. Ukatarisa vashandi vemumba vechikadzi unoona kuti vazhinji vavo vanopedzisira vavata nomurume nokuti murume anogarokwezva muramu/mushandi uya kusvika vave kutaura sevane zera rimwe chete seshamwari kusvika murume oti aka purudzira magaro hapana chinoitika. Mushandi/muramu uya anongosekerera sezvisina basa. Akajaira kudaro anozoti akabatwabatwa oitawo zemo.

Zemo nefunga hazvienderani saka ukaita zemo muchingori vaviri zemo rinokurira fungwa zvokuti unoona munhu akachenjera chose achipedzisira aiswa nomurume wemukoma. mukoma wake achigwara muchipatara. Zemo rinokangamwisa hama chero hama dzapamoyo dzakaita semwana wamai. Zemo rinokukangamwisa mukadzi wako avete nougwere muchipatara. Zemo chinhu chine simba kupfuura fungwa zvokuti kana uwe usina kusimba unotevera zemo. Pakuvata nomuramu, kashoma kuzofunga kushandisa kondhomu. Kazhinji mumba munenge musina kondhomu zvokuti hamutombofungi kuti zverhoji zvinoda kupuraniwa. Kungoti pamawanira chanzi vana vavata masara muripo vaviri, munozoti pepu zemo rapera.

Kana ari murume agwara nguva refu. kazhinji mukadzi wako anozvipira kukuriritira. Haaendi kumusha kwako kunotora mununguna wako kuti azokuchengeta pamba. Anokuchengeta iye amene. Ndiko kusiyana kwedu nevarume. Mukadzi anoronga zvese kuti vana vareriwa sei uye iye mugwere ariritigwa sei. Zvadara vaya vanouya kuzoona mugwere anoronga kuti vagadzirigwa zvokudya chero ivo vauya vasingazivi kuti zvokudya zviripo here kana kuti hapana. Pachirudzi chedu vashoma vanofunga kuti kuenda kunoona mugwererume zvinoreva kuti munhu ange achishanda pamusha hapachina saka zvinokwanisika kuti zvokudya hapana. Hakuna anofunga kuenda akabata kana huku zvayo.

Kugwara komurume mumba hakuna kusiyana nokugwara kwemwana. Mai vemba vanoziva zvokuita. Chero  murume akasvika pakusungwa manapukeni, mukadzi anosunga agogezesa murume wake, ago wacha manapukeni aya zuva nezuva. Tinohwa hedu achidembademba asi basa anoita. Vakadzi tine rudo gwakawanda kupfuura varume vedu zvokuti pamwe tinozviisa panzvimbo yakaoma nokuda kwerudo. Tinohwisisa kuti munhu wawaita vana naye yave hama yako kusvika parufu. Dai varume vedu vachikwanisa kuita hafu yemafungire nemaonere edu, dai upenyu hwapanyika huri chinhu chinofadza vakawanda.

Ukaona murume wako achiita sokuti angaunza zvigwere mumba, ziva kuti ndiwe uchazvigwadzigwa moyo ugochengeta iye murume wacho agwara kusvika afa. Zvadaro iwe hapana ane hanya newe kana wava kugwara.

Nyaya iyi innetsa chose nokuti kana muri kure nokumusha, sokuti muri kune imwe nyika mukadzi akagwara murume kazhinji haaratidzi rudo kusvika panosvikwa nmukadzi kana iye agwara. Murume akapa mukadzi chigwere uchaona kuti mukadzi anongoriritira murume wake achiziva kuti ndiye aunza chigwere mumba. Mukadzi akaunza chigwere mumba kazhinji murume akangozviziva anodzinga mukadzi kuseni, zuva rozodoka atova kunyenga vamwe. Kuvarume vakawanda mukadzi haana kusiyana nenhumbi dzokupfeka. Ikangoratidza kuda kubvaruka yotoraswa kutengwa imwe.

Isu tikaita moyo yakaita seyevarume vedu nyika inoparara.

Saka apa ndichitaura kuti kuita ugwere uri mai vemba zvinokonzera nyaya dzakawandisa zvokuti chero ukazopora ukadzokera kumba kwako unowana kwava nenyaya dzausingakwanisi kugadzirisa nyore. Ndizvo muchiihwa ndichigarotaura kuti munhu ane mhuri ngaazvichengete utano. Chengetedzai utano mumba. Ukahwa murume achikomburena kuti rhoji haisi kukwana mumba, kasira kuzvigadzirisa nokuti ndiwe uchati uku une chigwere chaakupa uku uri kumuchinja napukeni. Zvigwere zvamazuvano zvinotora nguva unazvo ndezvechihure. Muchihwa ndichikurudzira vakadzi vane varume kuti variritire mhuri yese zvose nomurume uye kuona kuti awana zvose pamba, kuziva kuti zvinhu zvikaipa pamba mukadzi ndiye ane musengwa mukuru. Ngatisanyeberana.


Kugwara kwemwana . 
Mwana akagwara mumba kazhinji zvinoita kuti mese muise fungwa pamwe chete kurera mwana wenyu asi munofanira kuzviita makachenjera nokuti kugwadziwa kweyu nazvo kunokubatai moyo zvakasiyana. kuona mwana wako achigwara zviya zvinotyisa chinhu chinorovesa hana zvokuti unokwanisa kuita nguva usingavati hope, usingadyi zvakanaka, usingafungi nokuti une murume/mukadzi mumba. Uku unotokangamwa kuti murume/mukadzi wako ari kuzvifungawo. Chikuru kuti mufunge pamwe chete kwete kuti uyu zii achifunga ega uyuwo zii achifunga ega. Kana une zvokutaura taura noumwe wako muve pamwe chete.

Vanhu vanouya kuzoona mugwere vanouya havo asi kuhwisisa zviri mumoyo yenyu havakwanisi. Sapotanai paugwere hwemwana.


Udzai vamwe!!!!!


No comments: