Saturday 14 December 2013

Kugara Usingazivi Status Youmwe Wako

Vanhu vakaroorana zvinohi vanoziva zvese pakati pavo. Zvinoitika here chaizvo kana kuti tinenge tichngotaura zvinofanira kunge zvichiitika? Nyaya dzezvoutano mumba inyaya dzinopokanisa vanhu kana vange varoorana pasina kunyorerana mitemo yomumba menyu. Mazuvano vakawanda vanoti kana vakadanana votanga kuvata vese vonakirana zvokuti wozohwa votaura kuti voda kuroorana uku hapana chabvumiranwa asi kungoti vanonakirana pakuvatana. Kuzoti varoorana, murume osiya zviya zvokunakigwa oda kufosa mukadzi kuti ange kamwana kadiki kasina zvakanoziva. Mukadzi akakomburena kohi mukadzi haatereri. Nyaya dzotanga.

Ukada kuti hendei kuTest, wotoudzwa kuti wandipumha chihure. Mukadzi akaita mimba anotestwa zvigwere zvechihure. Zvadaro akawanikwa ane chimwe, anokwanisa kurapwa murume wake asingazivi. Kana ane HIV, pamwe haatomboudzwa iye mridzi. Kne nyika dzisingakuudzi. Kana vakakuudza unoita sei nazvo. Ukada kundoudza murume anokuudza kuti ndiwe wakahura ukabata chigwere. Ukada kunyarara unokurhoja zuva nezuva uku uchirapwa uku uchipiwa futi chigwere chiya nokuti iye anenge asina anorapa.

Nyaya kwadzo ndedzokuti mugare maudzana maitire amuchaita mumba menyu. Mukangodanana paya mototanga nyaya yese nokubvumirana kuinda kuTEST mese movhenekwa moudzwa zvamuri. Kana umwe ane chigwere motaurirana zvokuita zvichibva nokudanana kwenyu. Kana mukakwanisa kubvumirana pakadai hazvizonyanyi kunetsa kubvumirana maroorana. Munohwa makasununguka pakutaura nyaya dzezvigwere zvechihure.

Pakuroorana mukakwanisawo kundoroodzwa nomufundhisi kana umwewo munhu anokupai mazano kana musingapindi chechi, muchaona kuti munokwanisa kukurudzigwa kunyora zvibvumirano zvenyu pasi kuti mese muzive mafungire enyu. Chinhu chakanaka kuchengeta gwaro iri kuti mukazokanganisirana munokwanisa kundoritarisazve moona kuti pakutanga makabvumirana chii.

Mazuvano haasi okugara usingazivi STATUS yako kana yemurume wako. Wana mukana wekuti mugare muchienda kuTest mese. Kaviri pagore zvinoita. Ukaona waita gosoro risingadi kupera, imbofunga kunotestwa. Ukaona waita tumaronda kusingadi kurapika, funga yokunotestwa.

Kuenda wega kutest hazvina chazvinokubatsira. Test inoda kuti muende mese. Motestwa mese, moudzana zvokuita. Hino nyaya inoshungurudza ndeyokuti kana uriwe watanga kufunga kuti muende kutest unoitanga sei nyaya yacho nomurume/mukadzi wako. Kuti ungomuka rimwe zuva woudza mukadzi/murume kuti wava kuda kuenda kuTest zvinoita sokuti pane chaunoziva chisingazikamwi noumwe wako. Zviri nani kutanga watsanangura chikonzero chokuti wadirei kuenda kuTest. Chii chakufungisa kuenda kuTest? Kana usingagoni kutsanangura zvinoreva kuti iwe muridzi hauhwisisi nyaya yako.

Kana mange musina kumbotaurirana nenyaya iyi, unokwanisa kuti musi wamunotaura nyaya yokutanga mhuri, iwe woudza umwe wako kuti zviri nani kuti mutange maenda mese kutest nokuti mukatanga kuita nhumbu mukadzi ane zvigwere, mwana anozvagwa anazvo. Zvimwe zvacho zvinoitisa mwana aite bofu.  Mukahwisisana ipapo mochitanga kugaroenda kuTEST.

Kana mune Crisis, unokwanisa kugadzikana hana woudza murume kuti wamuregerera asi kuti mutangezve kuva murume nomukadzi, motanga manovhenekwa mese. Izvi hazvitaugwi nehasha asi kuti hana yakadzikama wotaurawo chikonzero chokuti murume unomuda asi zvaakutaridza zvinoreva kuti moyo wake hausi pauri. Kuti mudzokerane motanga maenda kuTEST. Kana achikuda anobvuma. Kana asingakuti anoramba zvoreva kuti wotora twako wodzekera kwawakabva.

Asi usamirira kuti pamusha paite CRISIS sokuti murume amitisa umwe mukadzi kana kuti azikamwa pakuhura, kana kuti mukadzi afungigwa kuti anohura. Kana masvika pakadai ukada kuwedzera nyaya nokuti ngatiende kuTest, uchaona kuti haabvumi. Anokuudza kuti enda wega iwe wazvifunga.

MuDIASPORA vashoma vasingatangi vaenda kutest nokuti zvinoitwa pachivande. Munongobhuka moenda monovhenekwa mese. Ukavaudza kuti wange uri kuAfrica vanokuvheneka mahara.

Mavhenekwa kokutanga hazvizonetsa kugaroenda muchinovhenekwa.

Kugara mumba usingazivi zvaunazvo kana kuti zvine umwe wako zvakafanana nomunhu asingazivi kuti haagoni kunyora kana kuverenga. Hazvina wazvinobatsira Iwe mese nemhuri yako muri padambudziko. Hazvibatsiri kuvaka zvinovakwa nokuti hauzivi kwaunenge uri vhiki inouya kana gore rinouya.

Kugaroenda kuTest hazvirevi kuti uri hure kana kuti unofunga kuti umwe wako ihure. I program yamunokwanisa kuva nayo mese kuratidzana kuti hamuna shungu nezvechihure. Ukahwa umwe wako achiramba kuenda kuTEST anenge asina kuhwisisa kuti test inorevei pakati penyu. Ndizvo ndati usazongotanga kufunga nezve TEST kana wahurigwa. Funga nezveTest usati wava ne dambudziko mumba. Funga nazvo mune mufaro mumba.

Ukatarisa mudzimba uchaona kuti vakadzi vanokangamwira varume vavo panyaya dzechihure vakawanda kupfuura varume vanokangmwira vakadzi vavo kana vahura. Onazve kuti zviri nyore kumunhukadzi kuti abate chigwere, iri ngari yokuti mukadzi anopiwa urume hune chigwere hunokwanisa kugara mukati make kwemazuva matatu.  Izvi zvinoreva kuti kana uri murume ane mukadzi mumba, ndiwe unofanira kukurudzira mukadzi wako kuti mese muende kuTest nguva nenguva kuti mudzivirire kuhura, kana fungwa dzokuhura. Ndiwe unofanira kukurudzira mukadzi wako kusununguka pakutaura nyaya dzinomudya moyo, kuti umubatsire kudzigadzirisa.

Murume ndiwe unofanira kuronga zvinovaka musha. Ndiwe unoterera nyaya dzomumba nokukasira kudzigadzirisa. Ndiwe unofanira kuhwisisa kuti mukapokana, ndiwe unokasira kuudza mukadzi wako nezverudo gwako kwaari uye nokumhuri yenyu. Ndiwe unombundikira mukadzi wako nokumupa rudo pese paunogona napo kuti agare achifara. Ndiwe mukuru wemusha.

Tora mukadzi wako mutaure mupanane nguva yokunoTESTWA mese kuda kaviri pagore. Uchahwisisa kuti pavanhu vakadai, chero umwe wenyu akahura anofunga kushandisa kondomu kuti asabata chigwere uye asaunza chigwere kumba.

Umwe noumwe wedu munhu akazvimiririra pautano hwako. Murume wako haasi iye muridzi weutano hwako asi ane simba rokukukanganisira upenyu. Mukadzi wako haasiri iye muridzi weutano hwako asi ane simba rokukukanganisira upenyu. Kuhwisisana mumba chinhu chakakosha. Ukahwa murume/mukadzi wako achiti ari kuda kuvata newe, fungisisa usati wamurambira. Hwisisazve kuti kubvuma kwako kunobva pakuziva kuti haasi kuzokupa zvigwere kana kuuraya mese nokusiya vana venyu vava nherera. Sokuona kwangu mukadzi ndiye Manager weupenyu hwemumba saka ane RESPONSIBILITY yokuongorora zvese nokuzvigadzirisa. Varume, zvikuru verudzi gwedu ava, chikuru mufungwa dzavo kuziva kuti mukadzi wake anoda zvinodiwa nomurume. Zvimwe zvese zvokuti vana vanoreriwa nani kana tafa varume havanei nazvo.

Saka isu ngatiite nyaya dzinovaka varume vedu kuvaita vanhu vanoguta mumba uye vanotaura zvavanoda kuti zviitwe. zvadaro toita tovagutsa togara hana yakagadzikana. Kuenda kuTEST kuti ukasire kugadzirisa zvinenge zvakanganisika.


Udzai vamwe!!!!





No comments: