Wednesday 25 December 2013

Nguva yokupokana mumba

Pane vanoongorora nyaya dzokurambana kwevakaroorana munyika dzakasiyana siyana vanoona zviitiko zvakawanda mudzimba. Zvimwe zvezvavakaona toda kumbozvitaura pano.

Nguva dzokurambana kwevanhu:
Mu UK nguva inorambanisa vanhu zvakanyanya inguva yeKisimisi. Pakuongorora vakaonekwa kuti vanokumbira hurumende kuti ivapatsanuse vanowedera zvakanyanyisa mumwedzi waApril, May, June, asi kupokana kwavo kunenge kwatanga mumwedzi wa February. Zvotariswa zvakaonekwa kuti pamakore akati wandei vanorambana ava vinotangira panyaya yemari uye chihure. PaKisimisi zvinhu zviviri izvi zvinowedzera kukosha kwazvo.

Mari
Vanhu vakawandisa vanoda kutengera vana vavo zvinhu paKisimisi, asi mari yacho haikwani. Hino vanobva vashandisa ma CREDIT CARD kuwereta mari yokuwedzera pane yavanayo vobva vatenga vakawanda. Ukuwo puresha yese iyi inotapudza kufunga kwevanhu panyaya dzokuti achazobhadhara zvikwereti izvi ndiani. Kunozoti mwedzi wa February wotanga, magwaro ezvikwereti osvika pamba zvoonekwa kuti mari youbhadhara hapana uye ichanetsa kuwana. Ukuwo mwedzi wa December vanhu vanobhadhagwa Kisimsi isati yasvika zvinoitisa kuti mwedzi January uite murefu zvakawedzera. Mhuri dzokumushawo dzinotarisira kuti paKisimisi mari inotumigwa inge yakawedzera. Havahwisisi kunetsa kwemari panguva iyi.
Kozotizve vanhu vanoshandisa magetsi nemvura zvakanyanya kureva kuti mukota yokutanga muna April, mabhuri acho anouya akakura zvinowedzera dambudziko ratovapo kare.

Pakutadza kuripa zviwereti uku vanhu vasina kutsigirana pakuzviita vanopopotedzana vopokana votsvaka kupanana mhosva, uku vachitya kudzinga mudzimba kana kutoregwa dzimba. Muchiri pakadai unoona kuti varume vanomwa doro vanowedzera kumwa kuti vakangamwe nhamo iyi. Vakadzi vanoshanda vanowedzera maShift kuti mari iwedzere asi zvadaro havaonani nevarume vavo zvoreva kuti vava kutomutsa rimwe dambudziko rokuhi mai vako vari kuda mari yatisina.  Gore richinotanga, kuZimbabwe vanoda mari yevana vechikoro, zvikuru vane vana vavakasiigwa nehama dzakashaika. Vamwe vevana ava vari kuma BOARDING SCHOOL. Kuti urega vachidzingwa chikoro hazviiti.

Chihure
Kana mumba mune bopoto kugaramo kunonetsa saka uchaona kuti murume nomukadzi vanochinjana kuva mumba. Murume akafunga kuti mukadzi ari kumba anononoka kuendako, Mukadziwo ndizvozvo. Kana mune vana zvotoita sokuti havasi venyu. Vana vanosiiwa mumba ne TV baba namai vari kunhamo dzavo.
Pakadaro unosangana nevamwe vanodawo kuterera nyaya dzenhamo dzako. Mukuterera uku vanokuhwira tsitsi vokuvaraidza. Varume vakawanda vakafunga kuti pane mukadzi anoda kuvaraidzwa, vanomuvaraidza nechombo. Vakadzi vakawanda vakawana murume anoda kuvaraidzwa vanomuvaraidza nechitubu. Kana une nhamo kumba ukawana munhu anoterera zvaunotaura, achiita sokuti anohwisisa nyaya yako paanokuvaraidza nokukumbundikira, nokukupurudzira musana kuti uzive kuti pane umwe munhu anokuterera kupfuura murume wako. Anotanga achipurudzira musana napo napo opurudzira magaro. Ukaramba uchimuudza zviri mumoyo mako uye kuti murume wako akashata pakadii, anokupurudzira mabvi mugere mumota, ozokupurudzira zvidya achiterer nhamo yako.

Anokutumira zvitaugwa pafoni iwe uchidavira uchimukurudzira. Muchasangana agokukwidza mota yake kuti umuudze zvakawanda zvokumba kwako. Achakuterera agokupa mazano okuita kumba kwenyu adaro anokubata ruoko agokutarisa mumaziso agokupa konifidence kuti uhwisise kuti ari kukutsigira. Uchabvuma zvaari kumuudza. Uchachema chema agokubatsira agokunyaradza agokukisa mumota agorhojana newe pasina kondomu mumota yake. Hazvina basa kuti uri murume here kana mukadzi. Nhamo yekumba inokwanisa kukukonzera kuhura.  Mimba nezvigwere hazvizivi kuti mukadzi/murume wauri kurhojana naye haasi wako. Kana nguva yakakodzera mimba anoita mimba. Kana ane chigwere anokupa chigwere.
Hwisisa kuti chombo chinovaraidza moyo unogwadza. Chitubu chinovaraidza moyo unogwadza.

Kuti uchizoyeuka kuti wako wekumba anachovo chauriu kupemha kumunhu wekuzhe ichi, zvinokunetsa nokuti chasiyana izheve dzokuterera nadzo. Dai wekumba aitawo zheve akaterera nhamo yako dai iwe usina kuzoda uyu wawava kuudza nhamo dziya. Kuzorhojana nouyu umwe  zvabva pakuhwisisana pakutaura chete.

Kana waita nhamo mumba chinhu chakanaka kugadzirisa nhamo yako nomukadzi/murume wako nguva ichipo.  hwisisanai pakutaura mumba menyu pauviri hwenyu. Zvese zvaunoda kuudza wekuzhe uyu udza murume/mukadi wako. Mapadza varaidzanai nekurhojana mugovata hope dzakanaka. Mangwana nderimwewo zuva rine zvarakakurongerai. Pamwe nhamo yenyu inoita shoma. 

Gadzirisa nyaya dzako paunotangira kudziona kuti dzaita nyaya. Kana uchida mukadzi/murume wako, kana uchida muchato wako, kana uchida mhuri yako, ronga nezvemari yomumba naye.

Makore ekuroorana
Muno mu UK average yemuchato makore mapfumbamwekusvika pamakore gumi nerimwe. Zvinonzi matambudziko anorambanisa vanhu anotangira pamakore mashanu uye vanhu vane matambudziko awa panguva imwe neimwe vanosvika 40% yevanhu vakaroorana. Zvinohizve kana ukakwanisa kupfuura makore 14 wakaroorana noumwe, munenge mayambuka panogozha.

Izvozvi tiri kutaura nyaya ino, pane vakawanda vanhu verudzi gwedu vari panyaya dzakavagozhera mudzimba dzavo. Vamwe vavo vachitadza kudzigadzirisa vagopedzisira varambana. Asi Ukatarisa nyaya dzavo padzakatangira uchaona kuti dai vakadzigadzirisa kare dzaigadzirika uye dzange dziri dikidiki.
Saka pano tiri kuti mari inonetsa chose mumwedzi inoti December, January, February, asi kana mukaronga nyaya yenyu mese pamwe chete, mukawirirana, hapana anozokwanisa kupopotera umwe kuti atadza ichi kana icho.  Munotokwanisa kuunganidza ruzivo pakubhadhara zvikwereti zvenyu. Kana tsamba ukabva kuBANK ichikuudzai kuti  matadza kubhadhara uye masara nemazuva manomwe, munoronga mese zvokuita nayo. Mukawana mukana wekukwereta kubva kushamwari kana hama, mese menge muchiziva zviri kuitika.

Munhu wawakaroorana naye
Dambudziko ratinaro muvanhu vekumusha vari mune dzimwe nyika nderokuti vamwe vavo vakarorana nevanhu vemamwe marudzi vane maitire akasiyana needu. Tito wakaroorana nomunhu wekuKenya kana Nigeria kana England, kuhwisisa kwake panyaya dzezvikwereti kwakangofanana nekwedu. Kupopota kwake kwakafanana, Kutyiswa nenyaya dzinodzingisa pamba kwakafanana. Chingasiyana kuhwisisa zviri kuitika kumusha uye kuti mari yokuzama kuzvigadzirisa inobvepi. Kana iye ane nhamo dzakewo kumusha kwake anenge achidhonzerawo kwake zvinokwanisa kuwedzera kupopotedzana.


Chikuru kugarohwisisa mamirire akaita musha wako kuti kana uchitaura noumwe wako utaure uchiziva kuti zvinowedzera nhamo ndezvipi. 

Kuvaraidzwa nechombo/chitubu chinhu chakanaka chose asi ngazviitwe pauviri hwenyu mumba menyu, kwete kunotsvaka umwe munhu wekuzhe. Kana ukaona murume/mukadzi wako asingakutereri, kana kukuhwisisa, tsvaka hama, mufundhisi, munhu achembera, kuti akuyananisei, kwete kunoudza umwe munhu anokwanisa kukuhurisa. Kana pasina wekuudza akakodzera, Nyorera umwe wako tsamba averenge ari ega. 

Kna umwe wako akuudza zviri pamoyo pake kana kuti akupopotera nenyaya yamuri mese, zama kuzvibvunza kuti zvaita sei, ugozvipindura wega kusvika hwahwisisa kuti zvaita sei. Kana watadza kuhwisisa, kumbira nguva yokutaurirana. Pakutaurirana tanga nkuudza umwe wako kuti unomuda asi unoda kuti nyaya igadziriswe. Muudzezve kuti unoda kutaurirana kwete kupopoterana. 

Musadherera nyaya dzemari kudziita dzisina maturo mumba. inyaya dzinotokwanisa kukuparadzanisai zvikusvika pakuvengana chose imi mange muchimbodanana. Kana mari ikaita shoma mukasashandira pamwe chete, munokasira kupokana mopedzisira pasisina ane hanya noumwe. 

Ngatidye kisimisi ne nyuwere tine mufaro. 

Udzai vamwe!!!! 

No comments: