Friday 28 February 2014

Misha miviri, kumusha nokudhorobha

Kuroorana nemurume ane misha miviri, wekumusha newekudhorobha kune nyaya dzakawanda dzinoda kuti tese tidzihwisise kuitira kuti tisazoshupikana nadzo mberi uko. Ndichawana nguva yokumbodziongorora kuti vanowedzera vagozowedzerawo havo tambotaura.  Tinoda kuhwisisa kuti zvinoita here kuti umwe wenyu apedze nguva achirima kumusha umwe achishanda kudhorobha pagoshaya anohurira umwe pakati penyu.

Toti maroorana muchiri vanhu vechidiki vane miviri inodziya inoda kugaro kwizirana. Poitika kuti mune misha miviri. Kumusha kune minda inoda kurimwa nokuchengetwa, kudhorobha kune basa remurume rinodawo kushandwa kuti mari iuye mumba. Powanikwazve kuti mune mombe nezvimwe zvipfuwo zvisingakwanisi kusara zvega pamusha. Kana mwundhi ega achishaukadzi asingashandi kazhinji anohi chienda unochengeta musha, murume osara mutanda.

Vanhu vakadai vanosangana kupera kwemwedzi murume atambira ouya kumusha opedza weekend yese aripo odzokera kubasa vomirirazve kupera kwemwedzi. Ngationgorore nyaya iyi takasvinura maziso kwete kuda kunyeberana. Nyaya dzokuvatana idzi dzinonetsa kuti kana muviri ozvida fungwa inonetsa kuibvisa pazviri saka unongogarozvifunga kusvika wazviita. Kana murume achishanda paguta riri pedo, mukadzi anokwanisa kungokwira bhazi rinoita kana 5 Dollars ondovata kumurume mangwana odzoka hake kumusha. Mari iripo anokwanisa kuuya vhiki imwe neimwe. Hino kana murume achishanda kuHarare musha wenyu uri Zaka zvinonetsa kuti musangane. Mari yachozve inonetsa kuiwana.

Pakadai vakawanda vanongogara kwakasiyana voonana katatu pagore. Vanhu vakadai zvinonetsa kuti vasahurirana. Ndakambosangana noumwe watinoti muzukuru aishanda basa romugadheni kuHarare. Pakutaudzana ndakamubvunza kuti mhuri yakadii, zvikahi ndava nemazuva ndisina kuvaona asi tinotumirana tsamba nebhazi kubva ku Morgenster. Vange vatova votoda kusvika gore vasina kuonana. Ndakabvunzurudza ndikapedzisira ndangomupa mari yokuti andoona mukadzi nevana vake  yaaishaya yebhazi USD 18, ndokuzomutora nemota ndokunomusiya Masvingo isu todzokera kwedu. Izvi hazvina zvazvakabatsira nokuti akangonovaona kamwe chete. Ko mberi uko zvozodii? Hapana batsiro yatakapa ine musoro.

Munokwanisa kuita henyu misha miviri mugogara muchionana henyu kana mari iripo. Kana pasina idambudziko guru nokuti hazvigoneki. Ini sokuona kwangu kana murume achishanda basa rine mari isingakwani zvokuonana kakawanda (kaviri pamwedzi kana kupfuura) zviri nani vese vanogara kumusha vorima vachitengesa vachiwana mari yeshuga nesipo uku vachiriritira mhuri yavo pamwe chete. Kugara makasiyana kune zviedzo zvakawandisa zvinokwanisa kukuurayai mese.

Imwe nyaya inonetsa ndeyokuti kana munhu akatanga kuhura anokwanisa kumboita zvemakondhomu kwekanguva asi anozoti ajairana newaari kuhura naye vese vongozoisana vasina kondhomu. Pakadai panonetsa panyaya mbiri dzokuti chigwere uye mimba. Panokwanisazve kuita nyaya yerudo, yokuti uya wauri kuhura naye akatanga kukuda zvinokanganisa muchato wako. Iwewo ukatanga kumuda nokuti ndiye anogara pedo newe anoti ukamuti uya kumba anouya, zvinoita kuti usazoda wawakaroorana naye. Tinoona vakawanda vanopedzisira vodanana nomunhu waari kuvata naye kupfuura waakaroorana naya iri nyaya yokuti waakaroorana naye haapo panguva yokuvata saka COMFORT yese iri kubva kuhurekadzi/hurerume  riya. Miyedzo yabva pakugara makapatsana apa.

Murume ane mukadzi ari kumusha iye ari kutawundhi anoitamba sei nyaya yekuvata ega? Mukadziwo ane murume ari kutawundhi iye ari kumusha anoswera achishanda mumunda zuva richipisa kwasviba anozvibikira sadza odya ovata. Kupisa kwezuva kuya kunoitisa zemo asi apa haana wekuvata naye. Vanhu munoda kuti aite sei ega? Vanhu vaviri ava vese vane nyaya inonetsa kugadzirisa. Inongoda kuti vagare pamusha umwe chete. Zemo ukatotanga kutaurirana newaunoda kuti aripedze pafoni rinotowedzera nokuti unowedzera kumufunga.

Saka todii kana zvisingaiti kusiya musha wega uchienda kudhorobha kune murume. Zviri nani kuwana hama inozogara pamusha wenyu ichirima moitawo kaPROJECT kenyu kokutengesa zvirimwa zviya mogovana nehama iya mari. Mazuvano okuti kana madomasi chaiwo anotengeseka munhu akatowana 10 per day nazvo, itaiwo shungu muwane zvokuita. Monorima mese kana kuti mogara mutawundhi mese kuti muchembedzani muri vapenyu mumuchato wenyu.

Tinoziva kuti varume vemunyika yedu havaremekedzi vakadzi vavo asi nyaya iyi haisi yeremekedzo. Ndeyerufu noupenyu zvinobva pamagarire enyu. Vanazve vanofanira kukura vachikuonai mese baba nami kwete kuti baba vanoonekwa kamwe pamwedzi. Ugoti chauri kuzvarisira mukadzi wako vana chii?

Kugara takati uyu uko uyu uko zvakabva pavarungu vaitirambidza kugara nevarume vedu. Vaivaka dzimba dzainzi majaradha dzaingoti ziimba rimwe chete rakareba richienda uko, umwe noumwe mushandi opiwa ROOM yake imwe chete isingakwani mhuri. Kana woda mhuri wonoroora kumusha wosiya mukadzi wako ikoko. Hino mazuvano hatingagari saizvozvo. Tava pane imwe nguva ine kuhwisisa.

Kana zvazonyanyonetsa mukadzi ngaatsvakewo basa chero basa haro raawana kuti muwane mari yokubhadhara mushandi kumusha imi muchigara mese kunoshanda murume.


Ane zvaanofunga pazviri ngaafanonyora tihwe.

UDZAI Vamwe!!!

No comments: