Wednesday 4 June 2014

Kusanganiswa nemwana wemurume wako ne hure rake

Panoita nguva yokuti murume wako ahura asi iwe wamuregerera, iye ohwisisawo orega zvokuhura, kopera mwedzi yakati kuti, murume ouya kumba achidikitira nokutya, okuudza kuti hure riya raaiva naro razvara mwana rikamufonera atova payadhi. Iwe unotoziva zvimwe zvikomba zvehure iri.

 Makore matanhatu akaroorana nemurume uyu. vana vatatu nemimba ine mwedzi mina. Murume akagwara ndokuendeswa kuchipatara ne amburenzi mukadzi ane mimba achichemachema arimo achitya kuti pamwe murume apiwa poizeni. Vasvika kuchipatara murume ndokupiwa mubhedha mukadzi ndokupiwa chibhegi chine zvinhu zvomurume zvese nefoni yake. Ndipo akavhura WatsApp yemurume pafoni wanei izere mapikicha evasikana vasina kupheka vanonyorera murume mwadhi dzokuvatana chete nokutenda nebasa rake. Hachisi chinhu chinofadza kuona umwe mukadzi akanyenamisa chitubu chake pafoni yemurume wako. Padzezvo ponyogwa zvakawanda zvinoratidza kuti iye mukadzi ndiye akatozvitora pikicha dzacho achitumira murume. Hachisi chinhu chinofadza kuona pikicha ye chombo chemurume wako chakati twii iri pafoni yake pa nhamba yehure. kureva kuti vaitochinjana mapikicha awa. Kutonyorerana kwahi "Pfuura nokufrati kwangu kana wapedza basa. Wondimirira pagedhi."

Hino mafoni edu awa anopa nguva ne Date. Zvese kuti zvakaitika riini uye makataurirana chii chacho. Kuti munhu arambe zvaakanyora pafoni yake zvinonetsa, asi unohwa munhu achiramba kwahi handizivi kuti zvakaitika riini nokuti handina kumboona pikicha yemusikana akavhura makombo uyu.

Umwe wevakadzi ava aitoudza murume kuti anoda kuti murume avepo pakuzvara kwake mwana vhiki inouya. Murume ange atobvma nokuudza mukadzi uya kuti anofara chose uya anoda kumuroora gore rinouya. Kwahi nomukadzi wemumba "Ndakati uku ndinochema kuti murume oda kufa, uku ndinochema kuti akararama ndinorambwa."

Sezvineiwo Hosipitari yaigwarira murume ndiyoyo yaizvarigwa mwana wake nehure iro. Mukadzi ndokuchema kusvika misodzi yapera. Vanoona havana kuziva kuti paita nyaya mbiri, vakangofunga kuti ndiyo hayo yokugwarigwa nababa vevana.

Veduweeka, dai tambohwisisana mudzimba umu. Chiiko chinowanikwa kuhure chisingawanikwi pamukadzi wawakabvisira fuma? Ndisu vana mai vevana here tiri kukukanganisiraiwo pamwe mudzimba umu kusvika mude kunovata noumwe mukadzi pasina kana zvokushandisa makondomu kudzivirira zvigwere zvingauya kumba, uye kudzivirira mimba dzingaitwa. Chii chatisiri kuita mumba? Chii chawakati unoda mukadzi wako akakurambira kana kuti akasataridza mufaro nacho?

Mukadzi wakafunga yokusaudza hure riya kuti murume ari muchipatara ndokungotangawo kunyora WhatsApp achiita somurume kuti awane nyaya yese. Mwana akazvagwa murume ari pa DRIP. asi akawana simba rokuudza mukadzi kuti Manheru kana ouya asakangamwa foni yake. Ndokutoti purizi kuita sokuti munhu ane unhu izvo imbwa zvayo inoitira tsvina pa Bus Stop pagere vanhu. Zvnoita seiko kuti hure rako riri kuzvara mwana, uku mukadzi wako ari kukuriritira nokuchengeta mhuri yako. Iwe haunei nazvo uri kungoda foni yako kuti uzive kuti uri rava papi nokuzvara.

Mukadzi haana kuuya nefoni asi akaramba achingotaura nomuhure uya kurongoa yokunoona mwana hure richiti murume. Nyaya payava nhasi ndepekuti mukadzi akanoona mwana wehure muchipatara murume avete pamubhedha kune rimwe divi rechipatara. Mukadzi akarondedzera kuti murume wauri kutumira mwadhi dzeWhatsApp uyu murume wangu ane vana vatatu uye mmba yauri kuona iyi.

Zvikahi Ah, sorry, akandiudza hake kuti ane mukadzi asi akati hamuchagari mese kubva gore rakapera.

Zvinhu zvakatiomera zvakawanda pamisha yedu mazuvano. Murume kana ariye anoshanda pamusha iwe mukadzi usingashandi, murume, zvikuru vaya vasina njere dzakawanda, anoona sokuti mari ndeyake kwete yemhuri. Saka anogovanisa kuti imwe yoenda kubhawa, imwe kumahure, imwe yasara iya youiswa kumba vamwe vese vawana chavo. Hino pakugovaniswa mari iyewo anopiwa zvakawanda, mapikicha ezvitubu, mwadhi dzinokudza aitire ake pakuvatana, anozvarigwa vana, asi kumba kwake anopiwa zvese izvozvo kuzhe kwepikicha dzechitubu chomukadzi wake.

Kana mukadzi asingashandi pamusha achiwanawo mari yake yokugovera semadire ake, zvinoreva here kuti murume ngaachimubata seizvi?

Chimwe chinhu chakakadzidza ndechokuti vanhu vanotuka mhombwe i vanhu vakatomboitawo upombwe saka zvinoreva kuti mhomho yese panyika pano inotoziva kuipa kweupombwe. Saka sei upombwe huchiri kuitika nanhasi. Saka ndabvunza kuti Nhaimi varume vedu, chamuri kuda mapikicha ezvitubu zvedu here pafoni dzenyu? Kana zvirizvo, taramba kukupai here.  Handifungi kuti murume wangu akati bvisa bhurugwa uvhure makumbo nditore pikicha, ndingaramba. Chii chandingarambira.

Ini sokuona kwangu, kana murume/mukadzi ada kuhura, ngaachisakangamwa mhuri yake kumba akasire kuziva kuti chihure chese chinoitwa vanhu vachisandisa kondhomu kuti zvigwere nemimba zvasaitika. Asizve ndinohwa vanhu vanoita zvechihure vachitsanangura kuti makondhomu anongoshandiswa mazuva maviri okutanga. Zvadaro vanoita vasina nokuti varume havamadi. Kumukadzi zvakangofanana kupinzwa murume ane kondhomu kana asina. Chakangosiyana kupiwa urume nokuzoeredza mapedza uye kuti murume anowedzera kunaka kana ane kondhomu gobvu nokuti anononoka kudiridzira.

Murume anoti akavhurigwa makumbo nehure otenderera musoro kusvika pakupinza chombo chedu chekumba mukati mehure raanoziva kuti rinogaropiwa urume nevamwe varume, murume asingahwisisi nyaya dzeupenyu saka bheta kuita chimwe chinhu kuti iwe nevana murarame iye kana achifa ofa hake. Sokuno ku UK unokwanisa kuita chimwe chinhu kuti murume akubate chibharo ugomusungisa. Akambonoti garei kujeri akabatwa chibharo ikoko, iwe pedzezvo womuramba futi anozosvika pakuhwisisa kuti chihure handicho.

Isu maitire edu ekuregerera varume ndiwo anoitisa kuti vahure. Kana munhu ahura aratidza kuti kuti muroyi chaiye anoda kuti iwe ufe. Chaunomuregererera chii iye achizama kukuuraya?

Taurai tihwe vane mazano. Veduwe. Tongai tihwe vanogona. Oita sei mukadzi uyu.

No comments: