Sunday 8 June 2014

Mishonga inoderedza zemo remurume

Ndichada kumboongora nyaya iyi nokuti iri kubvunzwa nevakawanda. Mishonga iriko mudzimba inoderedza zemo romurume asi haisi mishonga chaiyo. Zvinhu zvinotodyiwa hazvo. Asizve kune zvimwe zvinodyiwa zvinowedzera zemo.

Saka regai tigokurukura uye kuongorora kuti sei vakadzi vane varume vachida kuziva zvokudya izvi. Zvaita sei mumba kuti mukadzi afunge kudereza zemoromurume wake. Vakawanda vanotochemachema kuti dai murume awedzera. Asi chokwadi ndechokuti kana uchida kupanicha murume, muisire zvinhu zvinomutadzisa kumisa chombo. Varume vedu ava vanhu vanongotanga kuhwisisa kana pamba paita CRISIS. Kana pasina havadi kuhwisisa zvinhu zvisingambonetsi kuhwisisa.

Chinhu chokutanga kuhwisisa ndechokuti mai vemba ndivo MANAGER wezvokudya zvomumba saka kuti mhuri iite utano zvinobva pakugona kana kutadza kwamai vemba. Varume vanongoona sokuti inyaya yema HUSBAND RIGHTS kuti anouya obikigwa odya, osiya ndiro dziripo otanga kuverenga nyuzipepa rake




No comments: