Friday 22 August 2014

Zvokuita kana murume/mukadzi wako asingagoni basa

Pane nyaya dzakawanda chose dzingaita kuti ufunge kuti umwe wako haasi kunyatsokupa zvinokugutsa. Chinhu chinonetsa kuti uudze murume mukadzi kuti mafungire ake nemaitire ake haasiriwo sokuona kwako. Zvikuru vanhukadzi tinoziva kuti hachisi chinhu chakanaka kuudza murume kuti haagoni basa. Zvinokwanisa kumupa COMPLEX yokutozowedzera kutadza. Kuvarumwewo kuudza mukadzi wako kuti haagoni basa zvakakwana kunogumbura chose.

Asi kana waziva nokuhwisisa kuti maitire enyu haagutsi uye kuti unoziva zvingagutsa, unofanira kuti uudze umwe wako kuti mumbozama zvitsva muone kuti zvinogutsa here. Pakuudza umwe wako apa, unofanira kungwarira kuti iye asafunga kuti zvauri kuda wakazvidzidzira pane umwe munhu kana kuti une Experience yazvo. Ita sokuti unotodawo kumbozvizama asi pari zvino hauzivi kuti zvinogutsa here kana kwete.

Saka pano toda kumbotarisa mabvunzire aungaita kuti mese munge munoda kumbozama zvitsva.

Vakadzi vasingagutsi:
Chokutanga ngationgorore zvinhu zvingaita kuti mukadzi ahi haagutsi murume. Varume vanofunga kuti mukadzi haagutsi vashoma chose kune vakadzi vanofunga kuti murume haagutsi. Mukadzi asingagutsi munhu asingambowaniwo nguva yokuti paya ari ega ombofunga mavatire aangaita nomurume wake kuti zvinakire murume.

Munhu asingazivi kushandisa chiuno chake kupa murume manyawi okumukoira

Munhu asingaratidzi kuti anofarira chombo chomurume wake

Munhu asina CONFIDENCE nomuviri wake kusvika pakusaziva kushandisa muviri kukwezva murume wake. Varume vanokwezvwa nomuviri wemukadzi panyaya dzinoti:
Mukadzi kutaridza kuva nomusikahwa kana ane murume wake
Mukadzi kunemera murume wake panyaya dzokukwigwa kana vari vese
Mukadzi kunyemudza urume nhengo dzomuviri dzinoitisa zemo
Mukadzi kudzidza kuti kana pane CD inorira zvinomufadza ombojaivhawo zvinoratidza kusununguka pamberi pomurume wake.
Mukadzi akasununguka kuva asina kupfeka kana ane murume wake chete.
Mukadzi anoziva kuti kana pamwe pemuviri wake pachivava, anopa murume mukana wekupakwenya achiita sokuti zviri NATURAL kukwenyewa nomurume chero papi zvapo.
Mukadzi anotaridza kugaroshamiswa nechombo chomurume wake zvisinei kuti wachipinzwa kwemakore mangani, chinhu chinoshamisa kubata, kurezva, kupinzwa, etc
Mukadzi anobvuma kuti kana chombo chapinzwa anohwa muviri wake kupwiswa nazvo zvokuti haakwanisi kusachemerera.
Mukadzi anogamuchira kupinzwa chombo nokusimudzira nokupa murume simba rechiuno chake mukupa chikapa.
Mukadzi anofarira kuvata nomurume wake magetsi akabakiswa achiziva kuti murume achaona maitire ake ase vachiita.

Kana paya usina hembhe ukatarisa murume wako nekona yeziso uchaona kuti pane nhengo dzomuviri wako dzaanotarisa kupfuura dzimwe. Dzidza kudzishandisa kumukwezva kuti amire chombo agoda kuvata newe.  Pamwe imborambirirawo kuiswa kuti aise EFFORT pazviri. Motombokwikwidzana uchimuvharira makumbo kuti umupe mukana wekuita seakukurira asi uriwe uri kutoda kumupfuura. Uchaona kuti mavatigwe aunoitwa anonaka chose.

Toti uri murume asi mukadzi wako haana zvese izvi, anongovhura makumbo iwe wopinza woita zvese iye achinge munhu akafa kare kusvika mapedza, ungaita sei kuti nyaya ichinje?

Varume
Vakadzi vane nyaya shoma dzavanowanza kukomburena nadzo asi vanadzo mudzimba vakawandisa, iri ngari yokuti varume havadi kudzidza pazviri. Nyaya dzinoti

Murume anokasirira mukadzi - Iyi ndiyo nyaya huru chose chose pakusagutsa mukadzi. Kuti mukadzi agute anoda kushungurudzwa nechombo kwenguva yakareba chichingokwizakwiza mukati make iye achingosinira mvura nefuro achihwa pane moyo. Dai varume mainyatsoziva manakire azvo maisakasira kuzvipedza.

Murume asingazivi kutora nguva pakumbotamba nomukadzi wake achimukisa, nokumwa mazamu, nokukwenyerera pamberi nemuzvidya, magaro, seri kwemabvi, etc, kuti mukadzi wako azivewo kuti unoziva kuti munhu kwete kungomuona  seburi rokupinza chombo chete. Mukadzi munhuwo sewe, ziva pane nhengo dzomuviri wake dzinoda kutokonywa kuti afare. Ziva pokubata. Chitubu ndicho hacho asi ane zvimwe zvinoda kuti utambe nazvo.

Murume anozivawo kuti kunogezwa nokukwesha mazino mazuva ese, uye kuchinja nhumbi dzomukati. Murume anoutsanana murume kwaye veduwee. Kana achiuya kumubhedha hautyi kumumwa chombo nokuti unoziva kuti ageza zvakanaka.

Murume asingasvuti fodya nokumwa doro ozoda kuvata newe. Bodo veduwee. Kana wamwa hako doro rako chidzvova uri kure uko.

Murume anomirira kuti mukadzi anyorove zasi asati apinza zvigumwe kana chombo. Kana mukadzi anyorova ava nezemo uye ari munhu ane unhu, iye ega anokuvhurira makumbo wotesita wega kuti panyorova here, wozopinza chigumwe wombokwizirira mukati kuno kumadziro akananga kubhinzi, wokwenya kwenya mukati uchihwa kuwedzera kunyorova. Zvadaro chiziva kuti chombo chokwanisa kupinda pasina dzimwe nyaya. Kupinza mukadzi asina kunyorova kuratidza ufuza nougino hwekusaziva kuti zvinogwadza.

Murume anoziva kuti mukadzi anokwanisawo kuneta saka kana basa romumba rawanda anobatsigwa kuti simba rasara riya rizoshandiswa pane zvokugovana rudo. Mukadzi kana akaneta zemo ishoma ndipo paunohwa oti "Kwira ukasire kupedza ndoda kuvata"

Idzi ndidzo nyaya dzinoitisa kusaguta kwevakadzi mudzimba. Hadzinetsi kugadzirisa uye hadzisi nyaya dzokutukanirana.

Saka kana uri mukadzi wemurume ane nyaya idzi ungadii kuti zvinhu zvichinje?


Zvokuita mumba menyu.
Kana ukaona kuti umwe wako ane nyaya yakarerekera pakusakugutsa uchaita sei nazvo. Kunyarara hachisi chinhu chakanaka nokuti nyaya yenyu inoenderera mberi iwe woshaya mufaro kwenguva refu. Iye anokwanisa kusatombofunga nezvekuguta kwako kana iwe unyerere.  Saka pano ngatibvumirane kuti nyaya ngaibude pachena. Mabudire ayo ndiwo anonetsa nokuti unokwanisa kuzvitangira dzimwe nyaya kana ukasagona kutaura zvakanaka.

Chokutanga dzidza kugarobvunza umwe wako kuti chii chaanofunga kuti chinganakira murume/mukadzi. Ita sokuti uri kuongorora kusiyana kwekunaka kwemaitire akasiyanasiyana. Toti mukadzi wako haasi kukupa chikapa. Unokwanisa kumubvunza kuti chii chaanofunga kuti chingahi chinonaka pamukadzi kusvika ange akasiyana nevamwe. Rega arondedzere ega iwe uchingobvunza mibvunzo yako chete. Apedza kana ambotaura nechimwe chinhu chaunoda kuti ange achiita, chimukumbira akuratidze kana mava kundoita basa. Paanongokuratidza chete chiratidzawo kuti wazvifarira. Chero akasanyatsogona, ipa rukudzo pane zvaaita izvozvo kuti aite manyawi.

Panyaya dzokugeza nokukwesha mazino panoda kufunga. Isira murume mvura yokugeza ageze. Mubatsire kugeza. Mugezese musana tsoka, vhudzi, etc, wotombotamba nechombo uchimugezesa kudaro.  Muisire TOOTHPASTE pa TOOTHBRUSH womupa akweshe mazino. Mutengerewo mishonga yokupfapfaidza muhapwa kuti anhuwirire zvinofadza. Zvadaro kana musi waafungawo kuva noutsanana, muudze kuti ari kunhuwirira zvinoitisa zemo. Ndizvo azive kuti utsanana nezemo romukadzi wake zvinoenderana.

Chisingaiti ndechokutanga kutsoropodza umwe wako kana asingagoni chimwe chinhu chaunoziva kuti chinokunakira. Ukadaro nyaya yako yatowedzera kushata kwayo. Munhu wese panyika dzese anoda kuva iye anogarofungwa nomunhu waakaroorana naye. Ita zvinhu zvinoita agare achikufunga pane vakanaka kwete zvakaipa. Ndizvo tichiti pamazuvano edzifoni dzemuhombodo idzi, unokwanisa kutumira murume/mukadzi wako zvimagwaro zvinoita akufunge uye adzidze chimwe chinhu chaange asingazivi pauri. Unokwanisa kumuudza zvaunoda pafoni.

"Uri kufungeiko? Wasvika kubasa zvakanaka here?"
"Ndasvika. Hapana hangu, basa riri kutobhowa. Ko kwako kuri sei"
"Kunobhowa. Saka rega ndigokutsivira tava kumba"
"Kutsivira chii futi ndakanganisei? "
"Hapana chawakanganisa. Madeko wakandikwira zvemimba chazvo. chii change chaitika? Ndamuka ndichifara zvokuti."
"Ini ndaitoti ndiwe uri kugona. Saka zvemimba ndozvinofamba sei. Asi wava kuda mimba here? "
"Chitaura zvimwe zvaunoda ndigowedzeraka"

Nyaya yoenda mberi yakadaro pamafoni enyu. Masvika kumba wana mukana wekutanga nyaya nomurume wako, zvikuru kana akambokupurudzura magaro kureva kuti ari kufunga nezvemuviri wako. Asi uchaona kuti varume vakaroora/gwa vanotaura nyaya idzi nevanhu vasiri vavo asi vavo havana chavanotara pazviri pamafoni nepamaFACEBOOK, WhatsApp, etc.

Murume wako munhu anoda kukukwira nguva yakawanda asi hausi kumupa manyawi azvo. Ukatarisa mufoni yake uchawana kuti ane zvimahure zvemuraini zvaanogaronemerana nazvo iwe uripo. Nemerana nomurume wako panyaya dzese muchitamba.

Mukadzi wako munhu anoda chose kuti dai wafunga nezvake nguva dzese. Ukatarisa foni yake uchaona kuti pane zvikomana zvemuraini zvaanoudza nyaya dzisingaiti, kuri kuda munhu wekutamba naye chete. Iwe ipapo uri kufunga kuti kushamwaridzana nomukadzi wako zvinoita akudherere, bodo, zvinoita akwire zemo agokufadza. Unokwanisa kutengera mukadzi wako kamwe kanhu kasina kana maturo asi kwaari zvinoreva kuti wamufunga asipo. Uchaona ochigamuchira achinyemwerera achikoshesa chinhu chawanga uchifunga kuti hachina basa. Value yacho iri pakuti wamufunga. Hwisisai ipapo varume. Tenga maruva, chihwitsi, bhiro yokunyoresa, sambo, kana chimwe chaunoziva kuti anochida choita SURPRISE. Mukadzi anodadiswa nazvo.

Gadzirisai zvinofadza mudzimba dzenyu veduwee.

Udzai Vamwe!!!!!!







7 comments:

Anonymous said...

Maichibwe, wangu murume chero ukamupa mvura haadi kugeza. Zvinonyangadza. Ndodii?

Mai E Chibwe said...

Ndosaka nyaya iyi yatanga nokuti varume vakadai variko chose. Hausi wega pazviri. Asi hazvirevi kuti wongogamuchira maitire awa pasina zvawazama. Ramba uchitaura naye uye ramba uchimupa mvura yokugeza. Womuudzazve kuti zvinokushungurudza kuti haasi kugeza.

TM said...

very nice topic ndogara ndichi verenga your articles and i enjoy them very much. my fav part was

" Murume anokasirira mukadzi - Iyi ndiyo nyaya
huru chose chose pakusagutsa mukadzi. Kuti
mukadzi agute anoda kushungurudzwa
nechombo kwenguva yakareba
chichingokwizakwiza mukati make iye
achingosinira mvura nefuro achihwa pane moyo.
Dai varume mainyatsoziva manakire azvo
maisakasira kuzvipedza.''

although not yet married but ndiri kubata zvakawanda sterek from your blogs ndatenda.

Anonymous said...

Pane zvingabatsira here kuti murume asakurumidza kubudisa urume? Kazhinji kana murume angobudisa urume haachanyanyi kuenderera mberi. Tingaita sei kuti murume agone kutora nguva yakati rebeyi achikwiza mukadzi kuti mukadzi asvikewo pakunyatso pedza? Ini ndyo nyaya inondinetsa.

Mai E Chibwe said...

Verenga apo pakahi kunonoka kudiridzira mukadzi

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/07/kunonoka-kudiridzira-mukadzi.html

Woverengazve pakahi

murume anokasirira mukadzi

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/09/murume-anokasirira-mudzi.html

Anonymous said...

Wangu mukadzi kusagona basa ingir nyaya yenungo chete. anotoziva zvese asi haatodi zvake uye nekundidherera.

Mai E Chibwe said...

Ko nungo dzacho dzinobva kupi? Iwe ndiwe waita CONCLUSION yokuti ane numgo. Dai wambozama kutaura naye kuti uhwisisewo mafungire ake. Pamwe zvingabatsira.

Ko kudherera nokusada zvinhu kunowirirana papiko? Imbotijekeserawo apa.