Thursday 9 October 2014

Mibvunzo nemhinduro 1

Pano ndoda kumbounganidza mibvunzo inobvunzwa navamwe zuva nezuva inokwanisa kuzobvunzwazve navamwe umwe musi.  Kana mubvunzo uchiita nyaya huru handiuisi pano asi kuti ndinozopindura uri wega nbva ndapindura zvakakwana. Imwe mibvunzo inobvunzwa nevanhu vechidiki zvokuti unotoona kuti munhu uyu zvoupenyu chaizvo haazvihwisisi. 

Saka muchaona kuti mubvunzo yepano inoramba ichiwanda nenguva. Haisi yese inobvunzwa inosvika pano. Imwe yacho ndinongopira nyakubvunza wacho.

Mubvunzo umwe noumwe unongonyogwa semabvunzigwe awaita asi kungoti ukashandisa mavara anonyanyosvodesa tinochinja mavara acho chete.



Mubvunzo
Mhinduro


 Q1
Kubviswa ujaya naSUGAR  MOM chinhu chakanaka here?
Zvinobva nokuti jaya racho rine makore mangani uye kuti mukadzi wacho akurawo zvakadii. Asi iwe jaya hwisisa kuti munhu waunoti MOM haachisiri munhu waunofanira kunge uchivata naye.

Kana jaya rine makore ari pasi pe 18 mukadzi ane makore apfuura 20, zvakakodzera kuti mukadzi asungiswe panyaya ye STATUTORY RAPE. Kana jaya rapfuura makore 18, hapana mhosva asi kungochenjerera zvigwere zvechihure chete, saka shandisai Kondhomu. 


 Q2
Kurapa nhova kunoitwa sei?

Vanhu vechidiki vanofunga kuti ndova chigwere.
Nhova hachisi chigwere saka hapana chinorapiwa panhova. Nhova yomwana inotamba kana mwana ane nyota zvoreva kuti anofanira kupiwa mvura kana mukaka.

Musarapa nhova uye musafungira varoyi panyaya yenhova. Ukakwira bhazi nomwana uchaona kuti nhova yake inotamba zvakawedzera. Ingari yokuti mubhazi munopisa saka mwana anoda kupiwa mvura kana mukaka nokukasira uye kusamuputira zvakanyanya nokuti kunopisa. 

Mwana rusvava anokwanisa kuita DEHYDRATION kusvika afenda kana kutoshaika chaiko kana mai vake vasina ruzivo gwenhova. Garoongorora nhova yomwana wako. Ukaona ichitamba kasira kupa mwana mvura kana mukaka wezamu



 Q3
Chii chinoita kana mukadzi ane pamuviri
Kana mukadzi ane pamuviri hapana chinoitika kuzhe kwekuti umwe musi achazvara mwana. Hapana chinotyisa pakuva nepamuviri. Inguva yakanaka uye inofadza. Vakadzi vakawanda mupasi rese vanohwa kufara panguva iyi nokuti zvinotaridza kuti uri munhukadzi akakwana. 

Hapana chimwe chingahi chinoitika. 



 Q4
Chitubu chehure chakasiyanei nechemukadzi asiri hure.


Mubvunzo uyu unobvunzwa kakawandisa nevarume vasingazivi BIOLOGY

Mhe*** yehure
Be*** rehure
Hapana siyano pakutarisa kana kuti pakuvata nehure, asi kungoti hure rinokwanisa kuva nezvigwere zvakawanda kupfuura mukadzi asingahuri.  Hapana imwe siyano. Varume vakawanda chose vanokwanisa kuvata nehure vagobvapo vachifunga kuti imhandara. Chitubu hachitaridzi HISTORY pakuvata nomuridzi wacho. Zviri mufungwa chete.  Mahure ane Experience zvese neyokusimbisa masuru kupfuura vakadzi vemumba nokuti ndiro basa remahure rinovawanisa mari. Ndoosaka varume vakawanda vachibhadhara mahure nokuhura nawo  mukadzi ariko kumba asingabhadhagwi.

Hapa na chinogonekwa nehure chisingagonekwi nomukadzi wemumba asi kungoti vamwe vedu kufadza varume havadi.

Siyano iri pakuonekwa kwepamberi pemunhu ajaira kuvata nomurume neasina ndeyokuti pe ajaira pakasvibirira kupfuura peasina. Asi izvi zvinoonekera kuvanhu veganda jena uye vatsvuku chete Kana ganda rako riri dema hazvionekeri. 



 Q5
Ndoita sei kuti vhudzi rangu rikure nokukasira?

Hapana zvaungaita kuti vhudzi rikasire kukura. Vhudzi remunhu wega wega rinokura paradira hazvinei nezvaanoita iye.

Asi kune vanoti ukawedzera kudya GINGER uye kugeza musoro nemvura yambokurungigwa GINGER POWDER vundi rinokasira kukura. Handisati ndambozvizama saka kana uchida kuzvizama zama hako. Hapana chingakukanganisikira nokuti GINGER inotodyiwa muzvokudya zvakawanda. 


 Q6
Pana makwirirwe andingaita here kuti ndiite nhumbu?


Ichokwadi here kuti mukadzi ane mazuva matatu ukobata pamuviri?
Verenga pakahi “Kana wada mimba”. Asi chikuru kuhwisisa kuti urume hwemurume nezai romukadzi ndizvo zvinoitisa mimba. Kana wakakoresa kana kuondesa, kana kuti wave munhu mukuru (over 35) uye kana murume wako asina mhodzi dzakakwana muurume hwake, zvinonetsa kuita mimba. 

Makwirigwe ako haana basa asi kungoti kana zvichinetsa wanzai yekufongorera murume kana kuvata nedumbu wakasimudzira chiuno zvishoma. Izvi zvinoita kuti pakudiridzira murume anosiya urume hwakawana pamuromo wechibereko chaipo. Zvinofungigwa kuti zvinobatsira. 

Mukadzi ane mazuva mashomanana okubata pamuviri. Tikati matatu pamwe tnge tatowanzisa. Asi chakanaka ndechokuti zai parinodzika ngariwane kuchibereko kwakazara urume. Urume hunoita mazuva akati kuti huri upenyu hwakamirira zai. Mukadzi ankandira zai Musi wa 13, 14, or 15 pamazuva ake emwedzi saka piwa urume kubva musi wa 10 zvichienda meri. 



Q7
Ndingashandisei kubvisa nhunbu.
 Ndakamitiswa asi mukomana haasi kundida.

Ko munhu anobvisa sei mimba?
Hazvina kukodzera kuti ndikutsanangurire kuti nhumbu inobviswa sei. Hachisi chinhu chakakodzera kuitwa nomunhu akachenjera. Asi kungoti kana wazvara mwana chikasira kundokumbira mapiritsi ekudzivirira nhumbu kuti usazomitiswazve. Mukore uno hakuna munhu anoita mimba asingadi mimba, ndizvo uchiona mukomana achikuramba. Ukavata nomurume musina kondhomu unokwanisa kubvapo wondopiwa mapiritsi anohi MORNING AFTER kusvika pa 72 hours kubva pawapiwa urume, kuti usabata mimba. Mimba inokwanisa kubata pamazuva matatu kubva pakuiswa urume.

Ngatisabata varume chibharo nenhumbu. Vhura makumbo uchiziva chawakatembha. Kumitiswa unenge washayeiko? Makondhomu, mapiritsi, kuroogwa, zvese zviriko. 



Q8
Pane mushonga wandingashandisa kukudza chombo here, kana wechivanhu hawo? 

Ndingakudza chombo changu sei? 

Kukura kwechombo kune basa here pabonde?



Chombo kana chimire ukachivanzarika padubu reMurume, chiniti pfuurei guvhu zvishoma.  
Hapana. Kubva kare nakare varume, nengari yokupusa vaingotoregwa mari vachipiwa mishonga yenhema. Chombo chinongokura kusvika pachada. Hakuna zvaunokwanisa kuita kuchiwedzera. Asi kunyika dzese varume vanomwiswa mishonga asi chombo hachiwedzeri kukura chero zvodii. Kukura kwechombo hakunei nokuti baba vako vakakura sei kana kuti muviri wako iwe wakakura sei. Chombo hachina pattern zvinongobva nokuti waita mahormones akadii pazera rinoti 12-18.

Zvinozikamwa kuti tikaunganidza varume kwavo tinoona vane zvombo zvinoita AVERAGE ye 13-16 cm pakumira uye 13-14 cm kukora. Asi tikazounganidza varume ngochani vane AVERAGE hombe kupfuura varume kwavo. Iyi inyaya inonetsa chose.

Kozotizve varume vane mabhora mahombe vanohura kupfuura vane madiki. Izvi zvinoreva kuti kana uchida kuvaka musha nomunhurume tsvaka murumeane chombo chidiki chisingasviki 16 cm chimire uye  anemabhora madiki.  Kwahi ukawana murume ane rino zidanda chanzi ndeyokuti anohura uye anokwanisa kuda kurhojana nevamwe varume. Ichanzi chete hazvirevi kuti ndizvo zvichaitika panewako, asi gara wakazvipira kuti zvingangoitika. 


Chombo hachikudzwi nomushonga.
Chombo kukura kwacho hakunei nekukura kwechababa vako.

Chombo chese chinokwana mumukadzi
Chombo chesaizi ipai zvayo chinoitisa mimba.
Chombo chesaizi ipi zvayo chinongonaka



Q9
Ko kuchemerera pakuvatana kunobatsirei?

Ko kubatirira murume achindirhoja zvakanaka here kana kuti kwete? 



Pamwe ndenge ndichida kuchemerera asi handizivi kuti ndotanga ndichiti chii. Ko vamwe munochemerera muchiti chiiko?
Kuchemerera kunoitwa nomurume kana mukadzi, kazhinji zvichibva pakunakigwa kwairi kuita nezvaari kuita zvacho. Vashoma vanhu vanotozvisarudzira kuchemerera. Chinhu chinongoitika kana munhu achinakigwa zviri pamusoro nezvaari kuita. Hatingati zvinobatsirei nokuti tingatozobvunzwa kuti KUNA ANI? Asi kungoti kana paya   muchikoirana ukahwa umwe wako ochemerera chinhu chinopa manyawi okuwedzera basa chikapa kana kukoira.

Pavanhukadzi kunaka kunochemereresa kunoitika pokutanga chaipo murume achipinza chombo. Unohwa muviri wese kuti zharara, kudavira kuti ndahwa chombo kupinda, uye kazhinji ipapo unobva watora mweya wakawanda mumapapu, (gasp) kuti uwane ENERGY yokushanda. Pakupinda kwechombo unoita sokuvhunduswa nokunaka kwacho. Kozoti murume okoira zvinonaka chose kana wakarerusa muviri.

Mukadzi anokasira kutanga kuchemerera. Murume anozotanga kana ambokoira oda kuti achizodiridzira urume.

Kana pana vangakuhwai muchichemererana hamurerusi muviri saka hazvinyatsi kunaka. Ndosaka muchihwa vanhu vachiti muhotera munonaka kuvatana. Ingari yokuti hakuna anokuhwai uye chero vakakuhwai havakuzivii kuti ndim vana ani saka hazvisvodesi. 

Kuti wachemerera uchiti chii hazvina basa. Isa fungwa pakunakigwa chete. Zvinobuda mumuromo wako usava nebasa nazvo. 

Zvese kuchemerera nokubatirira nokusimudzira chiuno kugamuchira murume zvinoitika usingazvifungi kana uri kunakigwa nomurume. Zvikuru kana muchikoirana makatarisana mumaziso iwe uchiona kuti murume ari kunakigwa ye achiona kuti uri kunakigwa uye achikunonokera kuti uwedzere kunakigwa.  Kubatirira kuwedzera kuvhura makumbo, kushandisa masuru kushinya chombo, kuchemerera, kuwedzera chikapa, zvese zvakanaka chose. Garozviitira murume wako. Mahure ndizvo zvaanodirwa nevarume vedu asi ibasa redu isu varidzi. 


Q10
Ndoita sei kuti mukadzi anakirwe nebonde.Ini ndoda kuti achemerere asi iye haadi.Kana asvika orgasm anoedza chose kusabuditsa any sound.Haadi kukwirwa kanodarika kamwe round pahusiku.Ndodii




Murume angaziva sei kuti mukadzi wake anakirwa nebonde?


mukadzi anonakirwa nekukwirwa nguva yakareba sei?

10-15 minutes uri mukati memukadzi wako uchikoira nokuzorora nokukoira nokuzorora. Ndizvo zvinonaka chose. 
1 Unzova sei kuti haasi kunakigwa nazvo.
2 Ko iwe unoda kuti achemerere Seiko? Kuchemerera hakusi kwekungoita kuti umwe wako afare. Kunongoitika kwega munhu anakigwa nezviri kuitika paari. 

Ukatoudza munhu kuti chemerera watomukanganisa. Iwe basa rako kumupa zvinonaka chete, iye ega akanakigwa anochemerera.
3 Kuedza kuyarara zvinobva pakuti akarerwa sei mumhuri yake. Kana akakura achiudzwa kuti kuvata nomurume chinhu chisingafaniri kuitwa haakwanisi kuzofunga kuti chinhu chinofanira kuitwa. Anoona sekuti musikahwa. Zvoreva kuti haarerusi muviri kuti anatse kuhwa pane moyo paanenge achivata nomurume.

 Uchaonazve kuti munhu anofunga kuti pakuvatana iye anongori VICTIM yemurume zvokuti murume ndiye anoita basa iye achingomirira kuitwa. Uchaonazve kuti haakwiri murume. Anomirira kukwirwa nomurume. Zvimwe zvakadai zvinobva paATTITUDE yemurume wacho kuti anoona sei munhukadzi. Varume vedu vechiZimba kazhinji vanoda mukadzi anenge chimwana chiri muGRade 5 chinongoita zvachinoudzwa nababa. Varume havabvumidzi mukadzi kuitawo mazano ekunakigwa. Vanongoda murkadzi anoti akahi vhura ovhura, akahi fongora ofongora, akahi vata nedivi otevedzera. Kuti audze murume kuti anodavo kukwira murume hazvigoni. Kwahi wandidherera. Ndipo panonetsa varume vedu. Zvinotadzisa mukadzi kuita Development panyaya dzokuvatana.
 

4 Nyaya dzemaROUNDHI idzo dzinobhowa zvokuti. Vakadzi tinoda murume anoti akavhurigwa onyatsotora nguva achizadzisa chirango kusvika kwapera kana 10 -15 minutes kubva pakupinza kusvika pakudiridzira. Munguva iyi mukadzi anotoguta murume ogutawo chose. Ita nguva yemarhaundhi matatu murhhaundhi imwe chete yokutanga iyoyo. Kwete kusiya mukadzi ane zemo wozomumutsa ambovata. Zvinobhowa chose.  Hwisisa nyaya iyi Bheta kuti murume opinza iota basa opota achizorora vombokisana nokubatabatana murume ari mukati chombo chimire, votangazve kuita, kozoti mukadzi aguta murume opedzisa hake nokudiridzira vose vabatwa nehope. Kana mazodazve moita zvokumukirana kuseni. Kana ukapepuka chombo chimire, vashoma vakadzi vanoramba kuti murume apinze uyezve mukadzi akazvijaira pamwe haanatsi kumutswa nokurhojewa nomurume kuhope. Murume anongoita opedza mukadzi pamwe avete. Ndezvokujaira.
5 Pamwe mukadzi anotya kuhwikwa navanhu vamunogara navo. 

Zvokuita ndeizvi sezvo wabvunza kuti zvoitwa sei. Jaira kutaura nomukadzi nyaya dzekuvatana kana muri mega. Wojairazve kumutenda kana iwe wanakigwa nechimwe chinhu chaaita pakuvatana. Jaira kugaroongorora pamberi pemukadzi nokumuudza kuti pakanaka hapana chausingadipo uye unofarira kutamba napo. Udza mukadzi kuti muviri wemukadzi wako wakanaka chose, magaro, mazamu, kumeso, kunyemwerera kwake, mafambire ake, womuudza kuti ukazvitarisa chombo chinomira.  Izvi zvinop mukadzi confidence yokusununguka pakuvatana. Usamuudzoa zvokuita asi kuti mukudze kana aita kuti awedzere. Muudze kuseni asi usamuudzira muBedroom. Muudze pafoni yeke womutumira TEXT kuti aite manyawinazvo.
 

“Madeko wainaka zvokuti”
“Shamwari chiuno unogona kushandisa”
“Ndokupeiko nokundinakira kwawaita patamuka?”
Akakupindura ramba unayo nyaya mutaudzane nezvayo kuti agone kutaura akasununguka.
Ipawo mukadzi chombo atambe nacho umuratidze mashandure acho pamabasa acho. Muratidze pakuweta, muratidze pakumira wava nezemo, muratidze pakudiridzira aone urume huchibuda. Unokwanisa kumbohubudisira padumbu pake aone huchibuda. Iwewo dzidza Biology yemunhukadzi pamukadzi wako. Bvunzanai mibvunzo muchipindurana. 

Mubvunze maitire anomunakira iwewo womuudza zvinokunakira. Usapinza mukadzi chombo kusvika akuti pinza kuti aite sokuti ndiye anokupa mvumo. Iwe kwezva mukadzi chete, Kiss, body bath, kumwa mazamu. Kunanzva dumbu, kukwenyerera matinji, kupinza zvigumwe mukati, etc. Woita zvokudembademba kuti akupe mvumo yokupinza. Akakupa iwe chibvunza kuti anoda maitire api. Akakuudza chimirira aite mavhurire aanoda. Zvadaro chiita zirhaundhi risingaperi, ndipo paunozoziva kuti anochemerera here kana kwete zveshuwa. Iwewo kwete kungoshanda wakati zii. Tungamirira mukadzi pakuchemerera kwacho.
 

Kana pamba penyu pane vanhu, imbotora mukadzi uende naye kuhotera monovatana ikoko.
 

Mukadzi wemumba akakosha chose zvokuti anofanira kukupa zvese iwe uchimupawo zvese kusvika mese makona kuzoona vamwe vanhu. Vanhu gutai mumba menyu. Ini handineti kukudzai mafungire angu. Asi handigoni kukupai SUPERVISION muchiita.
 

Mapedza vhunza mukadzi wako mangwana kuseni kuti madeko zvange zviri sei? Usaenda kubasa kusvika akuudza. Wasvika kubasa mutumire TEXT kana WhatsApp kuti zvange zviri sei uri kuda anakigwewo saka ngaakuudze zvokuita.

Tiri tese here? Ndadavira mubvunzo here? 


Q11
Urume hunobuda pakuzvifadza hwakafanana  nehwe pakuvatana nomukadzi here?
Ndizvo zvimwe chetezvo. Kana mukaroorana mukatadza kuita mimba, varapi vanoongorora mese mukadzi nomurume. Vanovheneka muviri wemukadzi. Murume anoverengwa mhodzi muurume hwaanobusdisa. Kuti vawane urume vanotora murume vomuisa muPRIVATE ROOM vomupa kandigwana kana kapu vomuratidza mafirimu ezvokuvatana kuti afungezvo chombo chimire. Zvadaro anorhoja maoko ake kusvika urume hwabuda oita kuti hubudire muchikapu chiya, varapi votora voverenga mhodzi.

Koitazve vakadzi vaya vasingadi kuwanikwa asi vachida vana vanoita zve ARTIFICIAL INSERMINATION semombe dzepapurazi. Vanoenda kubhangi reurume vonopiwa urume hwakasiiwa nomunhu aishandisa maoko ake, votora Syringe voishandisa kudira urume mukati mechitubu voita mimba.

Saka hapana siyano. 

Q11
Chii chinoita kuti pamberi pemunhukadzi pagare pachivavirira?

Sei pamberi pachivava?


Kuvaviwa pamhe***
Kuvaviwa nebe***

Chii chinoita kuti kuzasi kuvave?


Sei ndichivava kuzasi kwemhe*** yangu? 

Pakuiswa kana une murume anoda zvokupinza shure, ngaasapinza muchitubu asina kunatsogeza kana ambobva kupinza shure.

MaBatcteria anzwimbo mbiri idzi akasiyana.

Nani kupinza mberi ozopinza shure.

Nani kusapinzwa shure zvachose but vamwe vedu vane varume vanoda zveungochani saka hapana chokuita.
Pamberi pemunhukadzi panhu panyoro kureva kuti pane zviri kuitikapo nguva dzese. Chibereko chinozvigeza mwedzi wese chichibudisa zvachisingadi ukuwo chichikurudzira chitubu kunyorova kuti murume akwanise kupinza chombo mukadzi nomurume vasingasvuuki. kueredza uku unovavirira. Pamwe unongonyorova wega nokuti wafunga kuiswa. unosinira pamberi. Kozotizve murume akakusiira urume mukati humwe ushomanana hunochururuka. Kotizve kana kukanyanyopisa unodikitira nokuti hapana panopinda mhepo ingakuomesa. 

Kotizve pabhinzi pakafikidzwa nezzvinyama zvinoona kuti bhinzi haina chinoikuvadza. Zvinosinira kaoiri kanourunga bhinzi nokuona kuti hana chinoikwiza ivete. Zvese izvi zvinovavisa pamberi. Jaidza murume wako kukwenyerera pamberi pako kana vana vaenda kundovata uku muchiona henyu TV mugere pasofa renyu. Uchisvika kumba manheru wabva kubasa bvisa bhurugwa ne BRA muviri uwane mhepo. murume awane basa. Mozonogeza henyu monovata yave nguva.

Asi ukatarisawo varume uchaona kuti vanongogara ruoko guri mubhurugwa kureva kuti pake pari kuda kukwenyewa  vo. Iwe mukadzi wake wana mukana wekumukwenya, iye agojairawo kukukwenya. Zviri nani kukwenywa noumwe munhu pane kuzvikwenya. 

Yambiro ndeyokuti iwe gara uchinhuwidza pamberi pako. Pane minhuhwi miviri inoda kubviswa. Kunoti wegweme koti umwe unoitika kana une INFECTION. wegweme unobva pabhinzi kana wamboita zemo kakawanda uye usina kugeza, unobva kana wageza ne Vinegar. We Infection unozikamwa kana kuzasi konhuwa zvisirizvo. Kasira kundoonekwa nevarapi upiwe mushonga. 

Infection inokwanisa kubva shure nokuti maburi awa ari pedo napedo. 3cm kumunhu asina kumbozvara 5 kune ambozvara. Saka pakupisika unofanira kupisika uchienda shure kuti usaisa BACTERIA kuchitubu. 

Q12
Ko sei zvichiti paunotanga kurara nemusikana kana kuita mhandara maoko unoburitsa urume hwakawanda zvozoti ukaramba uchizviita unoburitsa ushoma? 
Kuwanda kweurume kuri pakawanda. chikuru chinowandisa urume kuwanda kwemvura yaanomwa murume wacho. Kana achimwa mvura yakawanda urume hunowandawo. Kuwanda kweurume hakunei nokuwanda kwemhodzi dziri muurume.

Kotizve kana muchiwanza kuvatana kwacho murume achibudisa urume zuva nezuva hunomboita ushoma Asi mukazomboparadzana kana kuti kumbomira kuvatana, sokuti mukadzi ari kumwedzi, musi wamunozotanga urume hunoita gusvi, asi napo napo hwoderera.

Kotizve pamwe murume haana zemo rakawanda kana kuti akaneta. Zvinokwanisika kuti urume huite ushoma. Chokuhwisisa ndechokuti isu vazhinji vedu vanofarira kuwadzigwa urume nevarume vavo. Zvine PSYCHOLOGY yokuti murume anakigwa ndoosaka andizadza urume, asi kwavari ivvo varume hazvina basa chero hwabuda chete .
Q13
Ko vaya vanoburitsa urume senge madrop anosvika 5 anokwanisa kupa mukadzi pamuviri here 
Kuita pamuviri kunongoda mhodzi imwe chete. Pakudiridzira mukadzi kamwe chete pane mhodzi dziri pakati pe 40 Million ne 600 million zvichibva nokuti murume ange agara nguva yakadii asina kubudisa urume. mu DROP imwe chete yourume mune mhodzi dzakawandisa. Mimba inoitika chero murume ane mhodzi shoma. Kana muchivatana zuva nezuva murume anobudisa mhodzi 20 Million zuva nezuva. asi mimba unotoita chete. 

Murume asingamwi mvura yakakwana zuva riwe nerimwe anobudisa urume ushoma asi mhodzi dzakangowanda. Akawedzera kumwa mvura anowedzerawo kuwanda kweurume.

Kuwanda kweurume kunodiwa nevakadzi nokuti PSYCHOLOGY  yevanhukadzi inoona sokuti kupiwa hwakawanda zvoreva kuti murume anakigwa, Mapedza unohwa humwe urume huchivhinza kubva muchitubu wotozoita zvokupukuta. Chinhu chinofadza kuziva kuti murume anokuzadza zvokutozovhinza. Zvikuru kana ange ambokukwesha kwenguva refu ukahwa pane moyo.

Varume vanoita urume hwakawanda kana mange madarikira mazuva musina kuvatana, sokuti mukadzi ari kumwedzi kana kuti mange makaparadzana. 


Q14
Kuvata nomukadzi ane pamuviri kwakanaka here?


Mubvunzo uyu unobvunzwa nevakawanda chose vanotya kugofa mwana nechombo. 

Zviri nani kurhoja mukadzi ane mimba pane kusamurhoja. 
Kune varume vasingahwisisi kuti muviri wemunhukadzi unoumba mwana sei. Vanofunga kuti mwana ari muchitubu chomukadzi uye ukapinza chombo unokwanisa kugofa musoro wemwana. Havanatsi kuhwisisa kuti mwana anokurira muchiberero chakavharika zvokuti hakuna chinosvikako. Chero murume ane chombo chakareba sei haasviki kune mwana. Chibereko hachina buri rokuti panopinda chimwe chinhu. 

Kuvata nomukadzi ane pamuviri kwakanaka chose uye kunobatsira mukadzi pane zvakawanda. Panguva yese mukadzi ane mimba anoda murume wake kuti aone makurire emimba uye kuhwisisa kuti mimba yakaitwa navo vari vaviri. Inguva yokuti mukadzi anenge asingatyi kuita mimba nokuti atova nemimba saka anokwanisa kunatsorerusa muviri obva anakigwa nomurume wake.

Kugaronakwigwa kunoita mukadzi awane hope dzakanaka, uye kuti avimbe nomurume wake. Kuvata nomurume une mimba kunobatsira pakuzvara. Urume hune maChemical anobatsira vanhukadzi kuwedzera mufaro uye kudzivirira zvigwere, nokuti azvare mwana nyore. (Labour inoita pfupi uye kugwadziwa kunoita kushoma)

Usarega mukadzi ane mimba achiendeswa kumusha kwake nokuti panguva iyoyi anofanira kugarorhojewa kuti kuzvara kumuitire nyore. Kurhojewa ndiwo mushonga wekuvhura masuwo. Hakuna umwe mushonga. Mishonga yamunopiwa nechembere dzokumusha iya inokwanisa kukanganisa mwana nokuti haina DOSE yokupima nayo.

Kana mimba yazokurisa hazviiti kutsimbirira mukdzi saka mowana maitire ekuti mukadzi asaita DISCOMFORT pazviri. sokuti movata nedivi rimwe mukadzi mberi murume shure. Mukadzi osimudza gumbo kuvhurira murume, murume opinza chombo mokoirana zvisina ganyabvu kusvika mukadzi apedza, murume ozoramba hake achikoirawo kusvika apedzawo.

Q15
Ko chombo chomurume asingabereki chinomira here?

Munhu asingabereki akaita sei?
Murume kuti ahi haabereki hazvnei nokumira kwechombo. Chombo chinongomira sezvinongoita zvevamwe uye pakurhoja anongobudisawo urume. Siyano iri pakuti urume hwake hauna mhodzi dzakakwana saka mukadzi anotadza kubata mimba naye. Hapana chingaonekwa kuti chakaipa pamurume akadai sezvo mhodzi dzeurume dzisingaonekwi nemaziso.

Q16
Ko sei ndichiti pese pese pandinoona musikana kana mukadzi chombo chinomira?
Kurwara uku. Enda undoona varapi urapiwe nokuti handizvo zvinoita vamwe varume kungo paaonera munhukadzi otomira chombo. Bodo. Chombo chinomiriswa nezviri kufungwa nefungwa chete, kwete zvaonekwa nemaziso. Maziso anoona zvaaona fungwa yofunga zvainoda kufunga, chombo chomira.
Q17
Ukaita zvokuzvirhoja maoko urume hunofanira kubuda huchimhanya here?
Urume kubuda kwahwo pese pese pahunobudira hunobuda zvokuti tsa tsa tsa, zvisina basa kuti chakonzeresa kuti hubude chii, Masuru inohubudisa ndiyoyo imwe chete.

Kubuda kwehurume kana murume ane utano hunobuda ne SPEED inopfuura 45 kmh uye pakashaika chinohumisa hunobarika kubva pachombo kusvika panzwimbo iri pakati pe 30cm ne 60cm. Asi kana huchibudira mukati memukadzi, vashomanana vanhukadzi vanohuhwa huchirova madziro echitubu, iru ngari yokuti chitubu chine tumakoronga mukati anogamuchura urume zvokuti mukadzi haahwi kubuda kwahwo muchombo. Unongoziva nokuda kwemaitire emuviri emurume pahunobuda. 

Q18
Kuvhura nzira yemwana kana uine mimba kunoitwa sei? 

Kuvhura masuwo kuita sei? 


Ndingavhura masuwo sei, ndine nhumbu yokutanga? 


Ko uno vhura sei nzira yemwana?

Nhumbu yokutanga masuwo anovhurwa sei? 
Mwana achizvagwa anotanga kubuda muchibereko munova maanenge akurira kusvika pamusi wekuzvagwa. Mukova wechibereko kana usina mimba mudiku zvokuti penzura haikwanipo zvinoreva kuti mwana haakwani kubudapo. Asi musi wekuzvagwa mwana anobudapo. Anokwanapo nokuti muviri wanyamimba unoziva kuti nguva yokuti mwana abude yasvika wogadzira ma HORMONE anokudza mukova wechibereko kusvika musoro wemwana wakwana. Zvadaro kuno kuchitubu kunokurawo mwana wobuda hake zvakanaka.

Nyamimba hapana chaanofanira kuita kuti zvese izvi zviitike, asi pachivanhu pedu vanamai vakuru vemuraini vanodai kupiwa rukudzo pakuraira munhu ane mimba saka vakafunga kuti nyaya dzavo dzionekwe kuti dzine uremu, ndokuunza nyaya yemishonga iina chainorapa. Kana ukaisa zvimwe zvinhu muchitubu unokwanisa kutoisa utachiona hunozokangania mwana. Hapana chinodiwa kumwiwa kana kupinzwa muchitubu. 


Dai zvisizvo dai isu vekuZimbabwe tirisu tinogona kuzvara chete vekunedzimwe nyika vasingagoni. Asi uchaona kuti tinotoita vana vashoma pane vamwe vasina mishonga iyi. 

MaHORMONES ako iwe ndiwo anovhura masuwo. Usaudzwa nhema nevanhu vanoda kukutyisa pakuzvara. Mwana anotofanira kubuda uye anokwana kubuda. Usambotya chinhu pazviri. 

Q19
Ndaigarorota ndichivata nomurume anogara mumaruwa medu. Ndakazoudzwa nevamwe kuti ane mushonga wekuvata nemukadzi wesewese waada. Zvinoita here kuti ndingabata chirwere? 
Chokwadi ndechokuti ukavata nomurume anovata nevakadzi vakawanda unokwanisa kubata zvigwere zvakawanda. Asi kurota uchivata nomunhu handiko kuvata naye. Mushanga wauri kutaura unohi mubobobo. Ukahwa munhu achikuudza nezvawo ari kungokutyisidzira hake asi chokwadi ndechokuti hazviiti kuti munhu avate nomukadzi waada mukadzi wacho asingadi, uye pasina chibharo, kana kuti murume ane kiyi dzedzimba dzese dzemuraini uye achiziva kuti vakadzi vasingapepuki pakuvatana ndevapi.

Vanhu tinofarira kuudzana zvinhu zvinotyisa nokuvhundusa asi kazhinji inhema hadzo saka usaita hanya nazvo. Kana usina kumbomuka une urume muzvidya, zvikuru musi waunenge warota, ziva kuti hapana chakaitika asi kuti unogarofunga murume uyu masikati zvoreva kuti unomufunga kana wavata.

Hakuna mishonga inokwanisa zvinhu zvakadai. Asi vanhukadzi vanohura vanokwanisa kupomedzera murume kuti ane mushonga kuti vagohi ivo havahuri. Asi mukadzi anotaura izvi akazobatwa ane chikomba feya feya chero akati chikomba chine mushonga hapana anoterera, nokuti vese vanoziva kuti inhema. 

Ukamika mangwanani une urume muzvidya kana kuti uchiziva kuti wakarhojewa usiku, enda kumapurisa uvaudze murume iyeye asungwe. 
Q20
Zvinoita here kuyamwisa mwana mai vari kumwedzi? 


Zvinoita here kuyamwisa mwana mai vake vane mimba? 
Zvinoita chose nokuti kugadzigwa kwemukaka hakunei nokuenda kumwedzi. Kumwedzi kunoita nengari yokuti mukadzi akandira zai zvinoreva kuti anokwanisa kubata mimba. Kana wazvara mwana, zvinoita kuti ukwanise kubata imwe mimba mwedzi umwe chete usina kupera asi vakawanda vanononoka kubata imwe mimba kana vachiri kumwisa mwana. 

Asi kumwedzi unokwanisa kutanga mwedzi unotevera wazvara mwana. Hino kana uchida kumwisa mwana wako gore rese zvinoreva kuti uchaenda kumwedzi kakawanda mwana achiri kumwa mukaka. Hapana chakaipa. Chero ukabata mimba yacho mwana anokwanisa kumwa mukaka kusvika umwe mwana azvagwa. 

Kare vanhu vedu vaifunga kuti pane chingakuvadza mwana asi chokwadi chaicho ndechokuti hapana chinoitika kumwana chingabva pakumwa mukaka mai vake vane mimba yemwana anotevera. Usatyiswa nazvo nokuti hazvina chazvakaipa.
Q21
Ko kurota ndichivata nehama yangu zvinorevei? 
Hapana chazvinoreva. Kurota kunoitiswa nokuti munhu paanovata fungwa yake avete haivati nokuti ikavata anofa. Fungwa inotaririsa zvinhu zvakaita sokufema, kushanda kwemoyo, kugaya zvokudya mudumbu, uye kufunga zvinofungwa. Ukahwa munhu achiti arota zvinongoreva kuti pane chaange achifunga avete chaarangarira.

 Asizve pane kumwe kurota kunohi navakuru pane zvakunoreva. Ndosaka tichida kuziva kuti chii chichaitika kana tarota. Asi kurota kuzhinji hakuna zvakunoreva.
Q22
Kuvata nomurume anokasira kudiridzira zvingakwanisa kumbonakawo here?  
Hazviiti nokuti paanopedza iwe unosara uchine zemo zvoreva kuti hapana chaaita. Mutemo wekunakirana unoti mukadzi ndiye anotanga kupedza, murume ozotevera. Mukadzi akapedza hapana chinomisa murume kuramba achikoira achinakigwa kusvika azodiridzira achipedzawo.

Asi murume akava iye anotanga zvotoreva kuti mese hapachina chokuita. Murume kana achida kukaurisa mukadzi wake anomukasirira. Ukaterera vakadzi vachikomburena unohwisisa kuti nyaya iyi ihuru chose mudzimba. Varume zvokunakira vakadzi havadi. Asi kunakira hure ndoozvavanoda chose. 

Q23
Kana vanhu vachangoroorana vanofanira kuvatana kangani pazuva?  
Zviri kwamuri kuti munoda kuvatana kangani pazuva. Kunyika dzakawanda vanhu vakaroorana vanobva pamusha voenda kumwe kure kwavasingazikamwi kuti vaite mukana wekungogarira zvokuvatana chete vari panguva inohi HONEYMOON. Zvadaro vadzoka vanoramba vachingovatana pavadira. (more than 15 times per week) Kunozoti vava vanhu vakuru kumakore 35 uko votanga kuderedza kusvika ka gumi pavhiki (8 to 12 times per week ). VekuAfrica vari mberi. Kuno ku Europe zvinohi kaviri pavhiki. Hameno kuti imwe nguva yese vanoregerei.

Q24
Kune vano vatana kuseni here?    Zvinodii? 

Ko kuiswa makuseni kunoita here?


Vanhu vakawanda vanovatana kuseni. Zvinoita sokuti vanhukadzi vanoda kuseni asi vanhurume vanoda manheru. Varume vakawanda vanomuka vakamira chombo vakadziwo vanomuka chitubu chakanyorova. 

Zvinoreva kuti vese vane zemo rinongoda kubviswa saka kana mune nguva hapana chakaipa kuisana kuseni. Zvikuru kana muchangoroorana munoisana pese pese pamaitira zemo. Inguva inohi BONDING, kureva kuti muri kuvaka ukama hwenyu. 

Muviri wemunhukadzi unenge wakareruka kuseni zvokuti anogamuchira chombo chomurume zvakanaka, uye unokwanisa kuita Orgasm nyore unoenda kubasa hana yakagandikana. Kuseni ndizvo.  
Q25

Ndoda kubvunzawo. Ndakanzwa vanhu vachiti unogona kupfeka course salt kuiisa pacotton wool wopfeka kuburi kunodzoka ichokwadi here uye hazvikuvadze here?  
Kune zvakawanda zvinoshandiswa nevanhu vasina njere noruzivo panya dzoutano hwechitubu, kudzora chitubu vachifunga kuti ndizvo zvinonakira varume. Iyi inyaya yave nemakore akawanda chose vanhu vachiudzana nhema. Chokwadi ndechokuti zvinokuvadza uye zvinowedzera kukasira kubata zvigwere. 

Hapana chaunofanira kupinza zasi kuzhe kwezvinoshandiswa kana uri kumwedzi uye kana wabata chigwere chinoda kurapwa ne mishonga yakadaro. Kuti kuzasi kudzoke zvinongoda kusimbisa maruru chete. Verenga pakahi "Kusimbisa masuru
Q26

Muviri wangu unotonhora zvekuti ndikapinda mumagumbeze unotozotora nguva kuti ndidziye murume wangu anotozoti mira ndikudziise. Chii chandingashandise kuti muviri udziye?  

Umwe noumwe munhu ane muviri unoshanda zvakasiyana nomuviri weumwe munhu. Vamwe vanodziya muviri kupfuura vamwe. Muviri wemunhurume unodziya kupfuura muviri wemunhukadzi kuvanhu vakawanda. Kazhinji hapana chinokwanisika kuitwa kuti muviri uchinje avarage temperature yawo.Kune vanhu vanotengesa mishonga isina chainoshanda panyaya iyi koita vamwe vanokupa pasina mutengo asi mishonga yakadai inongoshanda kukuvadza tsvo (kidneys) chete.
Q27

Ko mukadzi anobata sei nhumbu?

Kubata pamuviri kunoitika kana munhukadzi ava nemakore anopfuura 13 akavata nomurume vasingashandisi kondhomu, uye munhukadzi wacho asingamwi mapiritsi okudzivirira mimba. Pakuvatana apa murume anosiya urume mukati memukadzi, mukadzi iota pamuviri. Kuti mukadzi aite pamuviri anenge akandira zai rinova ndiro rinosangana nemhodzi imwe chete kubva kuurume hwemurume mwana ogadzigwa. 

Mukadzi anokandira zai pamazuva anobva pa 14-16 pamazuva ekumwedzi. Asi hwisisa kuti urume hunoita mazuva mana huri upenyu mukati memukadzi saka unokwanisa kuvata nomurume musi wemazuva gumi wozokandira zai musi wechi 14 asi wobata pamuviri.

Mhodzi dzeurume dzinoziva kwekuenda, uye chitubu chomukadzi chinoziva kukwezva mhodzi saka hazvinei kuti murume adiridzira mukati here kana pamuromo wechitubu. Pakunakigwa nokuvatana chitubu chomukadzi chinoita ma SPASM anoita kuti zvese zviri pedo nomuromo wechitubu zvikwire. Urume hwasiiwa pedo hunokwanisa kuitisa pamuviri asi mukadzi asina kubvaruka chivharo chechitubu.
Q28

Zvinoita here kuenda kumwedzi une pamuviri?

Mukadzi anokwanisa here kuenda kumwedzi ane nhumbu? 
Kuenda kumwedzi une pamuviri zvinoreva kuti pane chaipa nepamuviri pacho. Unofanira kukasira kundoonekwa nevarapi kuti vaone kuti zvakamira sei. Pamwe mimba inenge yabva. Mimba dzakawandisa dzinobva muridzi asati atomboziva kuti ane mimba. Chibereko chikangoziva kuti chakanganisa kuvaka mwana chinomisa basa rese mimba yobva. Izvi zvinoitika pasi pemavhiki matatu mimba yabata, asi dzimwe dzinosvika kuvavhiki matanhatu. SPONTANEOUS ABORTION.
Q29
Zvakasiyanei kuvata nomukadzi mutete kana mukobvu, murume mutete kana mukobvu?

Mukadzi ane magaro makuru anganakawo here seane madiki? 
Zvinohi nevanoziva, "Hakuna mukadzi akakora zvokutadza kuvhura makumbo kana kufongora zvakakodzera pakurhojewa nomurume, Chitubu chiri panzwimbo yakanakira kuti murume akwanise kurhoja chero mukadzi akava mukobvu zvakadii. Ukabvunza vanhukadzi vane mumhu mukuru vanokuudza kuti vanongovata nevarume vavo zvinongogutsa zvakakwanirana nemadire avo.

Murume mukobvu anongokwanisawo kurhojana nomukadzi wake chero zvadii.Chero mukadzi nomurume vese vakakora vanongovatana zvakanaka pasina dambudziko.  Chitubu chiri panzwimbo yokuti mukadzi akafongora chero akakora sei chinobuda pachena murume opinza chombo. Pamwe zvinganetsa murume kukwira pamusoro hameno.

Chakangoipa ndechokuti kukora kunokonzera zvigwere zvakaita se diabetes kana chigwere chomoyo zvoreva kuti kana uri murume chombo chichanetsa kumira pava pane imwe nguva. Hachisi chinhu chakanaka pautano kuita muviri mukuru. Asizve kune varume vanoda vakadzi vane miviri mikuru saka hazvishamisi kuonawo vakadzi vanoda varume vane mazidumbu makuru. Asi fidha murume wako uchiziva kuti uri kumuuraya.

Saizi yemagaro hainei nokunaka kwemukadzi. Zvinongobva nokuti anoshandisa sei chiuno chake iye muridzi kwete kuti magaro ndiwo anoita kuti anake kana kusanaka.

Q30
Murume anobatwa sei mumba?



Kuna mai chibwe ndodawo kuziva kuti murume anobatwa sei mumba?
Varume havanetsi sevakadzi. Murume chaanongoda kuchengetwa zvakanka pasina kupopota. Kuchengetwa zvinoreva kuti mukadzi anozvipa kumurume wake pazvinhu zvinoonekwa zvinoti:
1 Kubika
2 Kuwacha  (asi mazuvano imba inemuchini wekuwacha)
3 Kufarira kuvatana nomoyo wose.
4 Kuda kuita vana vomurume wako.

Pakuvatana apa ndipo panoda unyanzwi asi varume vanoda kuti ungomuratidza zvawakadzidza wava naye chete, kwete zvawagara uchiziva. Asi iwewo ngwara.

Chokutanga shamwaridzana nechombo chomurume uye wonekwa uchiona kuti chombo chinhu chinoshamisa maitire acho, kumira kwacho, tsinga dziripo, chimusoro, kubuda kweurume, Zvese izvi unozviona pakujaira kuchibata mumaoko nokuchitarisa nokuchipurudzira. Kuchiongorora murume avete hope. kubvunza murume mibvunzo pamusoro pechombo. Kukumbira kurhojewa. kupurudzira murume magaro kusvika amira chombo, kusveta minyatso yemurume pakutamba naye. kukisa murume, kumwisa murume zamu, kumbunda murume. Kuita nyaya dzinovaka nomurume wako. Kukudza murume sababa vemusha. 
Q31
Mukadzi anobatwa sei mumba? 
Munhukadzi munhu anoti kana ava nomurume, uye achida murume wake, anodawo kuziva kuti murume wake anomuda. Murume anofanira kuratidza rudo kumukadzi wake muupenyu hwavo. Zvinhu zvinoratidza rudo kumukadzi zvakawanda kupfuura zvomukadzi zvinoratidza rudo kumurume. ndoosaka varume vasingahwisisi zvimwe zvacho.

1 Mukadzi anoda kugaroudzwa kuti anodiwa saka murume garoudza mukadzi wako kuti unomuda. Zvinofadza moyo.
2 Murume wana chimwe chinhu chaunoyemura pamukadzi wako ugogarochitaura, sokuti ane magaro anoyevedza, mazamu, makumbo, kumeso, maziso, etc. Garomuudza kuti ukatarisapo unomira chombo. Zvinoitisa manyawi kumukadzi wako.
3 Garoudza mukadzi kuti kubika kwake kunofadza.
4 Muudze kuti wakasarudza zvinogutsa uye haudi vamwe.
5 Muudze kuti unofarira kumurhoja uye anonaka chaizvo.
6 Usamufosa kuvata newe. Ita zvokumukwezva nokurezva nokukumbira, uchipota uchidembademba. Kana abvuma womutenda chose kuita sokuti chinhu chawanga usingafungiri kuti achabvuma.

Kana mukadzi akubvumidza kupinza chombo chihwisisa kuti zvinotora nguva inoita 10- 12 minutes kubva pakupinzwa chombo kusvika pakutunda kwemukadzi, saka tora nguva uri muati uchiterera machemerere aari kuita uchizama kukwiza mukati make nechombo uchiti uku uri kuita seuri kukurunga bota uku uri kupinza uchibuda kuita zvokugofa nechombo.

Zvadaro mapedza muudze kuti chikapa nokubata murume anogona. Usamirira kuti abvunze kuti sei wava nemazuva usingamurhoji. Garokumbira kuti ambokwirawo pamusoro akataridze maitire
.
7 Pota uchimuvigirawo zvinhu kana zvisina maturo kungoratidza kuti wange uchimufunga.
8 Kana akapopota iwe nyarara kusvika apedza, wozotaura wakaderedza hwi rako, womuti gara pasi undiudze dambudziko womuterera achitaura womuudza zvauchaita nenyaya yake. Vakadzi kuiginoiwa hatidi. Zvinogwadza moyo.

9 Pakunovata rega mukadzi avate ari mumaoko ako achihwa SECURITY yaanopiwa nomurume wake. Usafuratira mukadzi mumubhedha.
10 Taridza kuti unomuvimba uye unoziva kuti anokuda.

Vakadzi tinonetsawo kuti kana tiri kumwedzi MOOD inochinja. Kana tikabata mimba, MOOD inochinja. vamwe vedu vakaita zemo havaudzi varume saka anongotsamwa kuti sei murume asina kuzviona ega, MOOD yochinja. Varume gwaraiwo muhwisise vakadzi venyu.

Q32
Kukoira kuita sei?



Chii chinohi kukoira? 
Kukoira kuti paya murume apinza chombo mumukadzi, vese votanga kushandisa zviuno zvavo kukwizirana chombo nechitubu zvichibva pakuti murume anopinda nokubuda muchitubu (kukoira) mukadziwo oshandisawo chiuno kugamuchira chombo chomurume (chikapa kukoira kwemukadzi) vese vachiita kuti chombo chigofe mukati mechitubu panzwimbo dzakasiyana siyana zvichibva nemashandisire avari kuita zviuno zvavo. Murume anopota achimboiita achikurungira, mukadziwo achimboshandisa masuru yechitubu kushinya chombo, vese vowedzera kunakigwa.

Kana murume akapinza akangoti sapfakanyika hake asi ari mukati mukadzi anomuudza kuti achikoira, kureva kuti ngaachitanga kushandisa chiuno kuti chombo chipinde nokbuda muchitubu chiine RHYTHM inobatika nomukadzi kuti achitevedzerawo nechikapa.  
Q33
Nhai Mai Chibwe, yangu haisi comment...mubvunzo.

Zvinoita here kuti mwana we mwanakomana ari murume orara ne mwana we mwanasikana ari mukadzi?

Apa ndi sekuru ne muzukuru, zvinoita here?

Ko pakuzoti muzukuru mutsago zvinorevei?

Ndatenda
Sekuru nemuzukuru hazviiti chose chose. Ava sekuru nambuya vavo ndivamwe saka vana vomunhu umwe chete ava. Zvinokwanisika kuti vaite mwana akaremara pane chimwe chinhu, kana kuti asina njere dzakakwana.

Ukatarisa vana vevanhu vanobva kunyika dzakaita se Pakistan uchaona kuti vakawanda vakaremara. Zvinobva pakuvatana nokuzvarisana nehama sezvawabvunza izvi. Hazvifaniri kubvumidzwa. Mune dzimwe nyika zvinotosungisa.

Pamaonere angu hazvifaniri kuitika zvachose. Vana ngavakure vachidzidzswa kuti chinhu chakaipa kuvatana nehama uye vakuru vachirondedzera kuti sei tichiti hazvibvumidzwi.


Q34
Mazamu angu ari kubuda zvimvura zvichena. Chingava chii?
Chokutanga kasira kundotestitwa kuti une mimba here kana kwete. Kana une mimba wochirega kuzvinetsa nenyaya yacho.Vamwe vanhukadzi vanovhinza mazamu pakutanga kubata mimba. Muviri unotanga kudzidza kugadzira mukaka kuitira pachazozvagwa mwana.  Hapana chinotyisa.

Kana usina mimba zvinbvunze kuti uri kushandisa mapiritsi ekudzivirira mimba here. Kana uchimashandisa zvoreva kuti unokwanisa kunge muviri wako uchipota uchifunga kuti une mimba. Pane CONDITION inohi  GALACTORRHOEA inoitika kana ma HORMONE ako asina kukwanirana.

Kana usina mimba uye usiri pamapiritsi, funga maitire emurume wako. Kana ari munhu anofarira kumwa mazamu pamunotamba mese pakuvatana uye achitora nguva achimwa mazamu, zvinoita kuti muviri wako utange kugadzira mukaka kusvika pakuvhinza. Vakadzi vakawanda vane varume vanofarira mazamu vanovhinza (zvikuru kana aita mimba) kupfuura vane varume vasinganyanyi kumwa mazamu. Kana waita mimba, zvikuru yokutanga dzidzsa murume wako kufanomwa mazamu kuti kana nguva yako yosvika mwana azowana mukaka nokukasika uye wakakwana.


Kana usina mimba, usiri pamapiritsi, usina murume anoda mazamu, kuvhinza kunokwanisa kukonzegwa nezvinoda kurapiwa. Kasira kunoonekwa nokuti zvimwe zvacho zvakaipa. 

Q35
Mukomana wangu ari kuda kuvata neni asi ini handidi, Manje ndotya kuti anondiramba. Ndiri mhandara. Iye akambovata noumwe musikana. Ndoita sei?

ndachinja mavara kubvisa anosvodesa 
Ko musikana waakambovata naye aripi? Saka iwe uchaendepi kana wavata naye? Usaudzwa nhema.

Mukomana anokurambira kuti waramba kuvata naye munhu asina kukodzera kuva mukomana wako saka kana akuramba tenda Mwari kuti vabvisa munhu akadai muupenyu hwako. Kubviswa humhandara chinhu chokuti iwe muridzi uzvifungire kuti zvoitwa riini kwete kufosiwa. Pane zvinhu zvaunofanira kunge wagadzirira kare.
1Kana muchidanana zvechokwadi endai kunotesitwa mese moonekwa kuti hamuna zvigwere.
2 Kubvumirana kuti munoshandisei kudzivirira mimba
3 Kuhwisisa kuti mhuri dzenyu mese dzinoziva kuti muri kudanana uye makura zvokugona kuroorana.
4 mese muri kuda kutanga kuvata mese uye munohwisisa kuti mimba inokwanisika.
5 Rongai musi wekuzoita uye kwamunoitira mugoita mune nguva yakakwana kuti mese mugozoyeuka musi uyu nezvakaitika. 
Q36
Kana mukadzi abiswa chibereko for medical reasons anongoramba achida bonde here? 
Chibereko chemukadzi chiri mudumbu rake paseri peguvhu nechepazasi zvishoma. Kuti uone mukova wechibereko unopinda muchitubu woona kaburi kadiki kakaita sebhatani diki. Ukatonona wakapatsanisa makumbo unokwanisa kupinza chigumwe muchitubu ukanobata mukova wechibereko. Zvinokwanisika kuti pakuva munhu mukuru unokwanisa kuita chigwere che CANCER pamukova wechibereko unohi CERVIX pachirungu. Chinoitiswa nezvakawanda asi chikonzero chikuru kupiwa urume nevarume muviri wako usati wakura zvakakwana. Vasikana vanotanga kuvata nevarume vari pasi pemakore 18 vanowedzera chanzi yokuita CANCER iyi. Koitazve vakadzi vanovata nevarume vanopfuura 6 vachiri vechidiki vanowedzera kuda kuitika kwechigwere ichi. Asizve unokwanisa kungoita kana murume wako achihura nevamwe vakadzi kureva kuti anopinza chombo chisina kondomu mumukadzi amboiswa nevamwe varume obva auya kumba okupa zvaabva nazvo. Saka zvangofanana nokuti dai wange uchihura iwe.
Asi urume ndihwo hunoitisa saka kunohi ukagara waziva ukashandisa Makondhomu anova anodzivirira urime kusvika pamuromo wechibereko, unokwanisa kuzvidzivirira pachigwere ichi.

Chigwere ichi chinouraya saka ukaziva kuti unacho kasira kundorapwa. Kumwe kurapwa kwacho kubviswa chibereko. Kana waudzwa kuti nani ubviswe chibereko usatya chinhu. Ingokumbira kuti vasabvisa zvifactory zvemazai nokuti zvinokupa BALANCE yema HORMONE. Mamwe acho anosimbisa mabhonzo zvikuru kana wazochembera.

Kana mukadzi achibviswa chibereko anochekwa dumbu vobvisa chibereko vovhara muromo wechitubu zvokuti kana apora anokwanisa kurhojana nomurume wake pasina dambudziko.

Kana wapora zvokukwanisa kuvata nomurume vata hako sezvawaingochiita une chibereko chako. Chitubu chinongotatamuka sekare saka chero murume anezichombo rakakura hazvinei rinongokwanamo sakare. Kuita zemo kwako kwakangofanana, kunyorova unongonyorova, bhinzi inongomira,  saka nyaya dzokuvatana hadzichinji. Chinongochinja ndechokuti hauchaendi kumwedzi uye hauchaiti mimba, Saka kuvatana kwava kwemazuva ese kana simba racho munaro.

Q37
Ko chii chinonzi runyoka?


Zvakafana nokusunga mukadzi kana murume. 
Kana tichida kutaura chokwadi hakuna chinhu chinohi Runyoka chingawanikwa pavanhu. Runyoka ivara rakangoiswa mumutauro wedu richibva pakutyisidzira vanhu kuti vasahura nevakadzi kana varume vevanhu muraini. Zvinohi kana murume wako akakuisa runyoka, murume anenge avata newe anokwanisa kufa kana kupinza chombo otadza kubudisa, kana kukura chombo kuenzana negumbo rake, kana kuti chombo chake hachimiri.

Kotiwo mukadzi akaisa runyoka pamurume wake murume akada kuhura chombo hachimiri chero zvoita sei.

Idzi inhema hadzo asi varipo vanhu vasingahwisisi ANATOMY and PHYSIOLOGY yemuviri wemunhu vanofunga kuti mishonga yechivanhu inokwanisa kuitisa masaramusi. Chokwadi ndechokuti kana vanhu vachida kuhura hakuna mushonga unovaregesa.

Asi tichiri paugino hwakadai vaporofita nen'anga vari kuita mari pazviri. Kana uchifunga kuti munhu wauri kuhura naye ane mushonga shandisai kondomu. Hazviiti kuti kondhomu rinamire mukati memukadzi chombo chomurume chigonambirawo mukati mekondhomu. 
Q38
Ko murume angaita sei kana akasangana nomukadzi ari kumwedzi?

Zvinoita here kukwira mukadzi ari kumwedzi

Pamutemo wedu wechiKaranga, mukadzi kana ari kumwedzi haapinzwi chombo muchitubu. Mutemo weBhaibheri unodaro futi. Hazvikuvadzi saka hameno kuti zvakaitigwei asi zvinosemesawo hazvo saka kumirira mazuva matatu kuri nani.

Kana mukadzi ari kumwedzi murume haaregi kuita zemo. Saka zviri nani kuti mukadzi ahwisise kuti murume anofanira kubviswa zemo. Mukadzi anokwanisa kushandisa maoko kana mazamu kukwizirira chombo chomurume kusvika murume adiridzira

Q39
Ko maitire anonyanyonaka ndeapi pabonde?



Ndomupa sei murume kuti anakirwe? 
Hazviiti kuti umwe munhu akuudze kuti ichi chinonaka kupfuura icho asi kungoti imi pachenyu mumba menyu zamai zvakasiyana siyana kusvika mawana chinokunakirai. Asi muchaona kuti pamwe murume anonakigwa nezvakasina nezvinonakira mukadzi wake.
 Vakazviongorora nguva refu vanoti kusiyanisa maitire ndicho chikuru nokuti kusvitswa chombo panzvimbo yachisina kujaira mukati mechitubu kunonaka. Hino iwe ukanakigwa ukadavira pakuchemerera murume anoita manyawi owedzerawo onakigwa.

Garai muchibvunzana kuti nhasi unodei? moita zvarebwa izvozvo. Iwe wabvunza kuti wopa sei murume kuti anakigwe. Mubvunze each time kuti anoda maitire api asi iwewo wombomuudza zvaunoda kuti unakigwewo.

Q40
Ko nhai mai Chibwe, vakadzi vanoitawo here zve chijaya maoko sezvinoita varume mhandara maoko?


Kutamba nebhinzi kusvika ndatunda pane chingaipa here? Ndichiri mhandara. Ndava nenguva ndichizviita (makore oda kusvika matatu)

Uyu mubvunzo wakanaka chose. Vanhukadzi munyika dzese vanotanga kuziva kuti kubata bata zasi kunonaka vava nemakore kubva pa 9 zvichikwira. Vakawanda vanozotanga kuzvigutsa vava ku 15-16. Asi vamwe vanosvika kana 20 vasati vatanga. Pakuwanikwa zvinombomira kwekanguva asi kana murume asingamugutsi anotangazve kuzvigutsa upenyu hwake hwese. Vane varume vasingagoni basa vanoita kakawanda kupfuura vane vanogona. Asi vanogonekwa nevarume vavo vanongoita futi nokuti manakire acho akasiyana. Vakadzi vakambozviita 83%

Varumewo vanoita zvisinei kuti akaroora kana kuti haana. Kuzvinakidza hakunei nokuti une mukadzi/murume. Chinhu chinongoitwa nevanhu mhomho yese asi kuti kana usina wekuvata naye unowedzera kuzviita. Varume vanotanga vari vadiki kupfuura vakadzi 14
Varume vakambozviita = 95%

Kare zvaidziviswa nevakuru. Mazuvano zvakasoonekwa kuti munhu asingazviiti akaziroorana noumwe munhu zvinonetsa kuti agute kana kugutsa umwe wake.

Kutamba nebhinzi yako uchizvinakira hakuna dambudziko. Vamwe vese vaunoona vachifamba, vanozviita kana vari vega. Chikuru kuzoti waroogwa wodzidzisawo murume wako kuti bhinzi inonaka kana aita sei nayo. Varume havahwisisi nyaya yebhinzi.  Vanongofunga kuti kupinzwa chombo ndiko kwega kunonakira munhukadzi.
Q41
Ko pakutanga kuvata nomurume zvinorwadza here?


Kobviswa humhandara
Kana uri mhandara usina kumbopinzwa chombo, pachinopinda chinotatamura kanyama katetetete kari pamukova wechitubu. Katete chose zvokuti hakanetsi kubvaruka asi pakubvaruka apa unokwanisa kuhwa sewabaiwa netsono kwekanguva kadikidiki. Kugwadza kuripo asi kushoma.

Zvadaro unohwa chombo kuti chapinda mukati. Zviri nani kumboti chombo chapinda, mese mosafakanyika kusvika wagadzikana hana. Asi kana ari mukomana ange ari jaya, anobva atokudiridzira pamwepo. Hapana chinonaka pazviri. Unongoti uku wabvarugwa mukova uku wazadzwa urume, Achingodaro mukomana anobva chombo chavata iwe wochitanga kuchururuka urume huya. Ipapo anenge akupa hwakawanda nokuti ijaya. Mese menge muchityiswa nezvamuri kuita.

Kunzoti majairana monakigwa nazvo chaizvo.

Kana wabviswa humhandara nomurume mukuru zviri zvokuhura haakasiri kubudisa urume nokuti ajaira kuvata nemamwe mahure. Anokurega wotura mafemo chombo chirimo mukati. Adaro okukoira kusvika akudiridzira urume. Pamwe unonakigwa pamwe hana inenge ichirova nokutya. Dambudziko rako guru imimba uye zvigwere zvechihure. Zvokugwadza kwekuvhugwa inyaya dikidiki.

Q42
Kubatwa bhinzi nomukomana ndichiri mhandara kwakaupei?



Kubatwa magaro
Kubatwa mazamu
Kubatwa bhinzi

nemukomana zvakaipa here? 


Ko ati kwakaipa ndianiko? Kubatwa bhinzi kana pamberi kana mazamu nomukomanawo zvake asina kukuroora kana kudanana newe kwenguva refu uye asingazikamwi nevanhu vemhuri yako zvinotaridza kuti uri munhu asina unhu zvokuti hazviiti kuti mukomana wacho afunge kudanana newe zviri siriyasi zviya zvokuzoronga upenyu newe. Pamberi panhu panokosha. Hapasi pekungoti chero munhu ada iwe womuvhurira achiita zvaanodapo. Ukabatwa bhinzi unokwanisa kuita zemo guru wobitirigwa naro kusvika wazoti pepu mukomana atopinza chombo mukati mako akuzadza urume. Zvozodii.?

Kana uchihwa kuda kubatwa bhinzi iwe uchiri mwanana kana kuti usina murume, zvibate wega iwe muridzi uzvibvise zemo kwete kuuraya unhu hwako muraini. Vakomana vanotaurirana zvese zvavanoita nevasikana asi murume akakuroora haaudzi shamwari dzake zviitiko zvomumba make. Hwisisa ipapo. Hazviitiki zvakanaka kuita shamwari yechikomana asiri mukomana wako unopedzisira wasvika pamuedzo chete umwe musi. 
Q43
Chii chinotanga kuitwa musati mavatana kuti zvinake?
Pane zvakawanda zvinofanira kuitwa.
1 Endai kunotesitwa muzive STATUS yenyu mese.
2 Tauriranai nyaya yokudzivirira mimba uye kuti mukadzi akaita mimba ne accident munoita sei. (Mazuvano hakuna mukadzi anoita mimba neaccident)
3 Zikamwai nevakuru vemhuri dzenyu kuti muri kudanana uye mava pachinhanho chokuvatana.
4 Zvadaro chirongai henyu kuti munovatana kupi.
5 Imbotambai mese musina kunyatsopfeka, kukisana, kusvetana minyatso, kubatana pamberi, kupurudzirana, etc. Mukadzi kusvika anyorova zvinoonekera. Murume ozopinza hake chombo moita basa.
6 Murume asadiridzira kusvika mukadzi atunda kuti mese munakigwe.

Kana une murume GINO, uchatadza kunakigwa, uku ugoita zvese chigwere nemimba ugozvara mwana ane chigwere futi, uku ugorambwa. Asi imhosva yako iyoyo nokupusa kwako. Murume wemumba chete ndiye anokupinza chombo chisina kondhomu. Kana waziva kuti wava kuhura (kuvata nomurume asina kukuroora) chitenga makondhomu akawanda ufambe nawo ari muhandbag nguva dzese.

Q44
Ndine makore 26 mukadzi 23. Tagara tese kubva August. Dambudziko mukadzi anondimutsa usiku achida kus**rwa. Handisi Comfortable nazvo. Ndoona senge ndini ndofanira kumutsa mukadzi. Ndoita sei?
Varume vakaita sewe ndimi munoderedza unhu hwevarume vedu nokuti hamuhwisisi kuti mukadzi achibva kumusha kwavo achiuya kumurume chinhu chega chaasingakwanisi kuwana kuhama dzake chaanozowana kumurume wake kurhojewa. Hapana kana chimwe.

Hino iwe woda kumurambidza kuita zvaakafambira kuzoita upenyu hwake hwese. Kana waita rombo rakanaka rokuwana mukadzi anogara ane zemo kusvika pakumutswa nezemo zvokudzungaira naro kusvika akumutsawo kuti umubatsire, iwe wava kuda kutonetsekana nazvo kuti dai uriwe watanga kuita zemo. Hazvina musoro zvauri kubvunza. Mukadzi ndewako, iyewo anoziva kuti iwe uri murume wake saka chaipa chiiko?

Kana akumutsa mupe chombo atange atamba nacho iye kuti chimire zvinomugutsa womupa zvaanoda umudzosere kuhope. Kwaedza womuudza kuti zvaari kuita unozvida chose arambe achiita

Q45
Ini ndinoshanda, asi murume wangu haashandi. Hatina vana asi takaroorana muna 2012.
Ndashaya kuti mubvunzo here kana kuti uri kungotiudzawo hako. Hapana dambudziko apa. Mumisha yakawanda mune varume vanoshanda vakadzi vavo vasina vana vachiita zvokuchengeta musha. Kwenyu murume ndiye anochengeta musha iwe uchishanda. Chirega kuzviona sokuti une dambudziko asi kuti une musha une murume. Paweekend usina kuneta chiwana nguva nomurume wako anenge azorora vhiki yese. Kana mada zvemwana mowana nguva yokugadzira mwana.

Usatsvaka dambudziko pasina dambudziko. Kudza murume wako somurume wako zvokuti anoshanda izvo hazvinei chero mari yenyu yomumba ichikwana zvamunoda.

Mabasa ndeekuzhe kwemusha. Murume ndewemumba. Murume ndiye mukuru mumba. Hwisisa ipapo ugare uchikudza murume wako. Kana waona achitsvakawo basa mubatsire kutsvaka basa asi usada kutaridza kuti iwe ndiwe shasha pazviri.

Q46
Chii chinokonzera kusazvara kwemunhukadzi?





Dambudziko rekusabata pamuviri rinoitiswa nei?

Chii chinoita kuti munhu asabata nhumbu? 


Kusabata mimba   kunoitiswa nei?             
Kushaya mbereko imhosva yei?
Kuti mukadzi abate mimba zvinoda vanhu vaviri iye mukadzi nomurume wake. asizve unokwanisa kubata mimba nomurume wekungohura naye, zvikuru kana uri munhu anofunga kuti ukaita mimba murume wacho wauri kuhura naye achakuroora.

Kuti mimba ibate unofanira kuvata nomurume woiswa urume mukati mechitubu chako zvinoreva kuti hamuna kushandisa kondhomu. Zvadaro kana nguva yako yokumwedzi isati tapfuura toti mazuva ako ari pakati pe 8 ne 16 kubva pawakaenda kumwedzi unokwanisa kubata mimba. Musi wemimba chaiwo uri pakaita semazuva 14 asi urume hunoita mazuva anosvika kana 8 huri upenyu mukati memukadzi saka unokwanisa kuita mimba kwapera vhiki wavata nomurume.

Dzimwe nguva mukadzi anotadzi kuita mimba iri ngari yechimwe chezvakawana. Zvimwe zvacho ndeizvi.

Kana akambobvisa mimba zvisina mwero
Kana asingakandiri zai zvakanaka
Kana akazvagwa asina mazai (vakadzi tinozvagwa nemazai nechekare)
Kana machubhu anouya nemazai kuchibereko akavharika
Kana muromo wechibereko uri padivi zvokuti urume hahupindiko.
Kana mukadzi achigaroisa zvinhu muchitubu make. Kune vakadzi vasingahwisisi BIOLOGY yechitubu vanoisa zvinhu zvakasiyanasiyana mukati vachiudzwa nhema kuti zvinoisuka chitubu. Zvinokwanisa kukushaisa vana.

Kana mukadzi asina PH balance yakanaka urume hunofa husati hwasvika kuchibereko.
Kana mukadzi akakoresa kana kuondesa.

Kana murume asina mhodzi muurume hwake
Kana musiri kuvatana zvakanaka nguva yemimba isingawirirani nokuvatana kwenyu sokuti murume/mukadzi anoshanda kure munongoonana panguva yakusina zai mumukadzi.

Q47
Kudzora nhengo yomukadzi kunoitwa sei?
Kudzora kuti iite seiko nhawe? Varume ndivo vanowanzoti kana iye murume ane kachombo kadikidiki anokasiri kuudza mukadzi kuti ane chitubu chakakurisa opa mukadzi INSECURITY pazviri izvo ndiye ane dambudziko.

Mishonga yokuti chitubu chishinye chombo iriko asi yese zvayo inokuvadza mukadzi uye inokwanisa kukuvadza murume. Mahure anoishandisa kuti vaite semhandara asi ndoosaka muchiona vanhu vazhinji vachibata zvigwere kumahure.

Mushonga wekuti zvinake kana murume wako ane chidikidiki kusimbisa masuru yechitubu. Verenga paBLOG ino paARTICLE yakahi "Kusimbisa masuru"

Usambofawakaisa zvinhu mukati mechitubu. Zvinokuvadza. Kana mvura chaiyo usaiisa mukati. Mukati munongopinda zvinhu zvinoti:
Chombo chomurume wako chinongopinda chakadaro
Chombo chechikomba chinopinda chakapfeka kondhomu
Tamboni kana uri kumwedzi
Mushonga wekupiwa nevarapi kana waita chigwere.
Zvimwe zvese bodo. 
Q48
Ndinohwa vamwe vachiti pakuzvara unokwanisa kubvaruka kana kuchekwa wozoitwa maSTITCH pamberi. Zviri kundityisa.

Ndine pamuviri pekutanga.
Pakuzvara zvimnoitika kuti unokwanisa kubvaruka nechezasi koenda kumashure asi vanogamuchira mwana vakaona kuti ungangobvaruka, vanoita zvokucheka usati wabvaruka kuti mwana akwanise kukasira kubuda. Zvadaro mwana abuda unosonwa kuti pakasire kupora. Unoita kana vhiki zvichipora wozoona kuti ronda ratopora. Kana vashandisa shinda inoda kubviswa unonobviswa, Kana vashandira iya yemazuvano inongonyungurudika mumuviri zvinongoperawo zvakadaro.

Hapana chinotyisa pakubvaruka kana kuchekwa nokuti vanokusona zvongopora zvakadaro. Kana wazvara zvinohi usavata nomurume kwemwedzi nehafu kuti muviri ukasire kupora asi chokwadi ndechokuti unokwanisa kuita mimba kubva pavhiki mbiri wazvara. Zvonobva pakuti unotangazve kukandira mazai woenda kumwedzi.

Q49
Ichokwadi here kuti kukadzi/murume wemunhu anonaka kupfuura wako?

2 Kuvata nomuzuku
3 Kuvata nababamunini
4 Mukaita nomuramu
5 Kuvata nomukomana/musikana webasa


Vakadzi vanowedzera kuhura panguva yokukandira zai. 

Kana une wako wedzerawo kumurhoja panguva iyi. 


Chinonaka pamukadzi/murume weumwe munhu handi maitire amunoita asi kuti chinhu chitsva zvakangoita seEXCITEMENT yaunoita kana watenga mota tsva kana imba tsva. Mazuva ekutanga unodadiswa nayo kozoti papera nguva wongoona zvakafanana nedzimwe mota.

Kuvarume, kuvata nomukadzi wemunhu ingari yokusaziva kuti paanovata nomurume wake urume hunoita vhiki huri mumukadzi iye osvikopinzawo chombo chake imomo makazara urume hweume. Zvasiyanei nembwa?

Kumukadzi kusahwisisa kuti chimwe chezvinokonzera CANCER yechibereko kuvhenganisa urume hwevarume vakasiyanasiyana. Kana une mukadzi mumba nguva yaanowanzohura kana achihura inguva yekukandira zai. Mazuva ari pakati pe 12 ne 18 panguva yokumwedzi. Panguva iyi mukadzi wese anowedzera zemo saka iwe murume ita simba rokumurhoja zvakakwedzera. Zvokutukana panguva iyi mombosiya. Izvi hazvinei kuti ari pamapiritsi here kana kuti kwete. Wedzerai kurhojana chete nyaya ipere.

Iwe wako ankwanisawo kunaka saizvozvo kana mukadzidza kusiyanisa nzwimbo, nguva, nemaitire enyu.

Q50
Murume nemukadzi vakabata HIV nhasi ndiani anotanga kufa ndiani(murume kana mukadzi)


Ko kuita mimba une HIV zvinofamba sei? 

Kuita pamuviri une HIV


Zvinobva nokuti atanga kubata chigwere ndeupi. Kana vakaroorana kazhinji murume ndiye anotanga kubata chigwere kumahure ouya nacho kumba opa mukadzi wake. Kashoma kuti mukadzi ahure agouya nechigwere kumba. Ukaona panotanga kuti mukadzi aite chigwere munenge maroorana anacho nechekare.

Kotizve pakati penyu IMMUNE system dzenyu hadzifanani sana ane IMMUNE SYSTEM isina simba anotanga kukurigwa ne HIV

Kotizve pakati penyu nyakuhura wacho haawanzi kuhuranomunhu umwe chete ane chigwere saka anokanisa kubata zvigwere zvakawanda zvinova zvinokwanisa kukurira muviri wake.

Mazuvano chakanaka ndechokuti ukangofungira kuti une chigwere, kana chipi zvacho, kasira kundotesitwa. Ukabatwa kuti unacho, wokasira kutanga kurapwa. Kana une HIV unokwanisa kurarama makore anopfuura 35. Hazvichatyisi kubatwa HIV. Toranai mese munorapwa.

Kana mukadzi akaita mimba umwe wenyu kana kuti iye mukadzi ane HIV, chokutanga ngaanoudza varapi aiswe pachirongwa chokudzivirira mwana kuti asabata chigwere chamai. Zvadaro pakuzvara mwana anosvagwa nokuchekwa dumbu. Zvadaro usamwisa mwana mukaka wezamu nokuti unenge une chigwere. Ukadaro mwana anokwanisa kupukunyuka chigwere chamai.

Q51
Mukadzi anonhuwa pamberi. Murume anonhuwa pamberi anobatwa sei?

Pamberi pemunhu wese panokwanisa kunhuwa. Asi varume vanokasira kupopota kana pemukadzi pachinhuwa. Vese varume nevakadzi vanoita gweme rinova rinopa pamberi munhuwi nokuda kwemaBACTERIA anenge arimo. Varume vanoita pasi peganda rakafukidza chimusoro chechombo. Vakadzi vanoita gweme pasi peganda rakafukidza bhinzi.

Kana uchigeza geza panhu apa zvakanaka nesipo. Kwanisazve kuti kamwe chete pavhiki wonyika donje muVINEGAR wozvipukuta pamberi pese panokwanisa kuita gweme, wombosiya pakadaro wozogeza hako pava paya. Vinegar inouraya maBActeria anopa munhuhwi wepamberi, nomuhapwa, nepasi pamazamu, nekuseri kwezheve, nepakati pe buri retsvina neburi rechitubu. Asaisa Vinegar mukati mechitubu chero zvodii. Unouraya maBACTERIA emo zvisingafaniri kuitwa.

Kana umwe wako achinhuhwa pamberi kana ganda, enda utenge VINEGAR mupukutane mese nayo mombomira mozonogeza. Itai izvi kaviri vhiki yokutanga. Haumbozohwi kunhuwa kwake futi. Kune vanhu vakawandisa vanonhuwa ganda asi vachigeza zuva nezuva. Ingari yokuti ane maBACTERIA paganda rake anoda kubviswa ne VINEGAR.

Q52
Kuzasi kwangu kuri kubuda zvinhu zvichena. Ndoita sei?

Muchitubu memunhukadzi wese akatanga kuenda kumwedzi kunogarosinira tumvura tune ruvara runoti:
 1 CLEAR
2WHITE
3 Yellowish
4 BROWNISH WHEN DRY ON UNDERWEAR

usava nebasa nazvo nokuti zvinoitiswa nokuti chibereko chinozvisuka, chobudisa zvachinobudisa nukuchitubu. Hakuna imwe nzira yazvingabuda nayo.

Chokugaroita ndechichi. isa ruoko pamberi upukutire zvacho zvinobuda paruoko ugonhuwidza. Kana zvisina munhuwi wakaipa uye zvisingavavi pamberi zvinoreva kuti hapana chakaipa. Kana zvine munhuwi, zvawandisa kana kuti zviri kuvava zvokuti unongogarokwenya zvausingasiiti, zvinoreva kuti waita utachiona hunoda kurapiwa. Kasira kundoonekwa. Zvikuru kana wakavata nomurume wausingazivi STATUS yake kana kuti wanazvipinza chimwe chinhu usina kuchisuka.
Q53
Unoita bonde here mwana aine gwirikwiti?


Mubvunzo uyu hauna musoro

Mubvunzo uyu hauna musoro wakati tasa. Zvakangofanana nokubvunza kuti "Unoita here bonde mwana achihwa mudumbu?"

Kuti mwana anogwara nei hazvinei nokuti munoita bonde here kana kwete. Kana mwana achigwara zvinokutadzisai kuvata zvoreva kuti hamufungi zvebonde saka hamuiti. Kana mafidha mwana mukamuisa mumubheda akabatwa nehope mukanomutarisa modawo kuvata mukaona kuti avete uye muviri wake hausi kupisa, munokwanisa kuvatawo hope dzakanaka. Musati mavata hapana chakaipa kumbotura mafemo monyaradzana nebonde.

Gwirikwiti rinoitiswa ne Virus asi kungoti kwedu ndekwevaroyi saka vanoti mwana aroyiwa pamwe vachitokuudza kuti amuroya wacho ndiani asi dziri nhema hadzo. Hakuna technology yokutumira virus kuvana vevanhu.

Kotizve zvinohi mwana akaita Gwirikwiti, mai vake ngavarevurure kuti vari kuhura nani. Vakasarevurura mwana anofa. Chokwadi ndechokuti kuhura kwamai nokuti mwana abata VIRUS yegwirikwiti hazvienderani. Mwana anokwanisa kushaika mai vachihura kana kuti vasingahuri. Vakarevurura mwana anokwanisa kungofa zvakadaro. Chinouraya mwana kunge IMMUNE SYSTEM yemwana isina kukwanirana nechigwere chaabata.

Tinoonazve kuti pese apa haumbohwi kuti baba vemwana vanoreurura kuhura kwavo. Zvinotaridza kuti nyaya ndeye CONTROL kwete yokuti mwana ararame. Nhema mazuvano dzava kunetsa kuudza vanhu.

Q54
Ndiri munhukadzi.  Ndaita mapundu kusikarudzi .  Chingava chii?
Pase pese paunoita mapundu ausingazivi kuti akonzegwa nei, unofanira kukasira kunoonekwa nomurapi mapundu acho asati apera, kuitira kuti murapi akwanise kukuudza kuti mapundu acho ndee rudzii.  Pamberi pane SENSITIVITY yakawanda zvokuti zvimwe panongoita mapundu kwekanguva kadiki. Kana uchisingoita mapundu kwenguva shoma obva apera, zvinoreva kuti chinhu chawajaira kuita saka hazvikuvhundusi. Asi kana zvatanga nhasi, unofanira kundobvunza murapi. Zvikuru kana zvatanga wambovata noumwe munhu. 

Onazve kuti waudza munhu wacho kuti muende mese kundoonekwa. Izvi zvinoitigwa kuti usazobatazve chigwere ichocho kubva kumunhu uyu uye kuti iyewo kana iwe musapa vamwe vanhu chigwere. 

Woonazve kuti paunovata nevarume vasiri vako mashandisa kondhomu. Hazvinei kuti akubhadhara kana kuti haana, kugarobata zvigwere zvechihure kunokonzera zvimwe zvakawanda muupenyu, uye unokwanisa kupiwa chigwere chinouraya

Kana uri munukadzi hwisisa kuti maBACTERIA anoita pamurumo wechitubu anokwanisa kubva kuburi retsvina uko. Kana uchipisika pisika uchibva mberi uchienda sure nokuti maburi awa ari pedo napedo 3 cm saka anopomerana maBacteria. 

Q55
Ndibatsireiwo. ndakavata nomukomana wangu  (8 months tichidanana ) asi akatadza kundibvisa humhandara. Kungava kuroiwa here?  

Chii chinokonzera kutadza kubviswa humhandara? 

Chii chinenge chaitika kana murume achitadza kubvisa humhandara?
Kana uchiti mukomana akatadza kukubvisa humhandara ndinofunga kuti uri kuti akatadza kupinza chombo. Hakuna muroyi anokwanisa kuitisa munhu kuti atadze kukuvura kana kuti iwe utadze kuvhurwa.  Zvinhu zvinotadzisa kuti murume akwanise kukupinza chombo zvokukwanisa kubvisa chivharo chechitubu uri mhandara zvishomanana zvinoti :
  1. Unokwansa kunge uchitya kugwadziwa wotadza kurerusa muviri nokuvhura makumbo kuti murume apinze chombo
  2. Unokwanisazve kunge une chivharo chakati korei zvokuti chinogwadza kubvarura
  3. Unokwanisa kunge usina kunyorova mukati zvinova zvinogwadza kupinzwa chombo wakadaro
  4. Unokwanisa kunge wamanikidzwa kuvhurira murume uyu zvokuti fungwa yako haidi kuti apinze
  5. Unokwanisa kunge une zvitubu zviviri kureva kuti chimwe nechimwe chidiki zvokusakwana chombo. Vanhu vakadai vashomanana, uye variko vane zviviri asi chombo chinongopinda mukadzi otozoziva kuti ane zviviri pakuzvara uku kwese ange achingopinzwa chombo asingazivi. 
  6. Murume anokwanisa kunge asina kumira chombo
  7. Murume anokwanisa kunge ane zemo rakawandisa zvokuti kungoona pamberi anobva azvidiridzira obva chombo chavata. 
  8. Mese murume nomukadzi munokwanisa kutya pane zvamuri kuita. 
Usajaira kuvata nomurume asiri wako wemumba asi kana wazvipira kuvata naye chishandisai makondhomu kuti usaita mimba nezvigwere. 

Q56
Chi chinoita murume akurumidze kutunda?
Chinoitisa kuti murume akasire kutunda kushaya ruzivo panyaya yezvaari kuita. Varume vakawanda havahwisisi kuti mukadzi anofanirawo kunakigwa nekuvatana nomurume wake. Vanoona sokuti kuvatana chinhu chinoitwa nevarume kuvakadzi vavo vakadzi vasinei nazvo. Saka murume kazhinji anenge asina hanya newe kuti unohwa sei pakuvatana kwenyu.

Ukabvunza vakadzi vakawanda vanohura kuti sei vachihura unohwa vachitaura kuti vanoda varume vavo chose asi hapana chinoitwa nomurume chinoratidza kuti anoda mukadzi wake, zvikuru pakuvatana haanei nokufunga kuti mukadzi wake anakigwa nazvo here. Anongoti kupinza obva atodurura urume ovomora chombo chake otanga kuridza magwiri. Ipapo mukadzi hapana chaahwa pazviri.


Murume anoda kuva neruzivo uye kuzodzidzira kunonokera mukadzi wake.  Zviviri izvi znodzidzswa nomukadzi wake pasina kutukana kana kutsamwirana, asi kudzidzisana. 
Q57
Kutotesa mukadzi kunoitwa sei?
Mukadzi anonyorova kuzasi kana aita semo. Dzimwe nguva anoita zemo asingazivoi kuti aita zemo asi anongonyorova chete zvakadaro. Kuwanda kwekunyorova kwake kunowirirana nekuwanda kwezemo rake.  Zemo rinotangira mufungwa zvichibva nokuti mukadzi ari kufungei. Basa rako iwe somurume kutsvaka zvinhu zvinofungisa mukadzi nyaya dzokuvatana.

Kuzivisa mukadzi kuti uri kufunga kuvata naye kunomufungisa zvokuvatana. Unokwanisa kumutumira ma TEXT ezvorudo uye kumuudza kuti uri kumurongera zvinhu. Mava mese jaira kugarobata muviri wemukadzi nokumugarisa pedo newe. Kugaromikisa, kumupurudzira chiuno, magaro, kutamba nemaoko ake, kumutarisa mumaziso, nokuudza kuti unomuda. Kumumbundikira. Etc. Zvese zvinomunyorovesa.


Kana mazonyatsokutanga nyaya dzokuvatana, kukisana zvakadzama, kumusveta matama, kumusveta zheve nomutsiba, ku mumwa mazamu zvinyoro nyoro, kumupurudzira pakati pemakumbo, kutamba nebhinzi yake , zvese zvinomuwedzera kunyorova kusvika oda kuti uchimupinza chombo. Mirira akuudze kuti chipinza. Kana ari munhu anosvoda kukuudza ita zvokubvunza kusvika ati pinza. 

Mukadzi anozvitotesa ega nezvaari kufunga. Iwe chikonzera zvaari kufunga kuti zviite zvinototesa. 
Q58
Kufirwa nemukadzi, kune vamwewo here vakafirwa. Makazviita sei nokuti zviri kundirwadza? 
Kufugwa nomukadzi/murume chinhu chinogwadza zvikuru nokuti unenge waronga upenyu hwako hwese nomunhu uyu poitika nhamo iwe wosara wega. Saka ndichigara ndichikurudzira vanhu kuti kana maroorana rongai kuti umwe wenyu akashaika umwe anosara achikwanisa kuchengeta mhuri.

Chokutanga kutora Insurance youpenyu (Life insurance) Chero ukatora hako diki sokuti 50 000 USD. (Mu UK 100 000 Pounds inoita 20 Pounds pamwedzi. ) zvinobatsira.

Chechipiri kuti mese mudzidze muwane mabasa okuita. Ukasara wega unombofamba  noupenyu une basa uchichengeta vana vako.

Chechitatu kushanyidzana nehama dzako neshamwari. Kana wafigwa ukada kungogara uri kumba kwako wega unokwanisa kuita DEPRESSION wopedzisira watadza kuchengeta mhuri.

Isuwo vanoona, tikaona munhu afigwa, ngatizame kupota tichimusapota paupenyu hwake. Tinomuvhakashira nokumunyaradza kwenguva refu inoita kana makore maviri. Kana wange uri shamwari yake kubva kare, ona kuti pazvirongwa zvako unomufungawo auye.

Poitazve nyaya yokuti wafigwa usakasira kutsvaka umwe munhu nokuti zvinokwanisa kuwedzera kugwadziwa kwako. Vanhu vari SELFISH zvokuti ukawana munhu mutsva anokwanisa kusahwisisa kuti uri kuchema oda kutovata newe ipapo zvinova zvinokufungisa umwe wako akashaika. 
Q59
Zvinoita here kukwira mukadzi ari kumwedzi?

Mukadzi anokwanisa kubata nhumbu here ari kumwedzi?

Ukarara nemurume uri kumwedzi unobata mimba here?

Kuvata nomukadzi ari kumwedzi handizvo. Iye kazhinji haadi kuvata nomurume asi murumewo anofanira kutaridza rukudzo pazviitiko zvomukadzi wake zvomuviri. Kana ari kumwedzi inguva yokuzorora mazuva matatu kana mana chete. Momborega. Asi hazvirevi kuti murume haamiri chombo. Mukadzi anokwanisa kubatsira murume wake kubudisa urume nemaoko, kana kukwiza chombo chimire nemazamu kana une mazamu makuru.  Varume chavo kungoda kuti abude urume chete. Zvadaro mombundikirana movata henyu.

Mimba haikwanisi kubata mukadzi ari kumwedzi. Mimba inoda zai asi mukadzi anokandira zai pakati pemwedzi wekuenda kumwedzi kwake. Asi chinongokanganisa plan iyi ndechokuti urume unogara mukati memukadzi huri upenyu kwemazuva matatu kusvika kuvhiki yese saka unokwanisa kupiwa urume nhasi wozobata mimba kwapera mazuva, paunokandira zai. Zvikadaro unoita mwana musikana. Urume hunoitisa vanakomana hunokasira kufa kupfuura hwevasikana. 
Q60
Kana murume aita chihure unoita sei kuti aregedze? 
Hapana zvaunoita kuti murume aregedze kuhura. Kuhura kwemunhurume kunokonzegwa nokushaya self respect paari iye murume uye kusava nehanya nomukadzi wake. Vashomanana varume vanoti ambohura ozokwanisa kuregera. Murume haanyanyi kunetsa kubata kuti ari kuhura.

Kana murume atanga kuhura chigadzirira kubata zvigwere uye kugarotukwa nokupopotegwa nokuhi pane chakaipa pauri. Asi kuhura haaregi.

Vanhukadzi vanowanzohuriswa nokusagutswa mumba zvikuru pakuva nomurume anomukasirira, kana kuti murume asingataridzi rudo. Saka pakuhura apa anenge achitotsvaka chinhu chaanokwanisa kuzoti murume wake atsvangamuka akatanga kumupa, anokwanisa kurega kuhura. Vakadzi futi vanonetsa kubata kana vachihura, kureva kuti anenge achifunga murume wake even ari kuhura. Avhareji yokuhura kwemunhukadzi  igore rimwe chete.

Ndiyo siyano yevakadzi nevarume pakuhura. 
Q61
Ku kupinzwa chombo neshure zvakaipei? Murume wangu haambodiwo kuita zvakasiyana saka tinongoita zvimwezvo mazuva ese.

Kusvirwa neshure 
Maitire amunoita zvinobva pakuda kwenyu musi iwoyo. Iyewo murume wako ari kutofunga kuti iwe hausi kuda kumboitawo zvakasiyana. Haisi nyaya yokumirira murume kuti akuudze kuti fongora. Iwe wega unoziva pane chitubu chako uye kuti murume anopindapo sei. Unokwanisa kungovata nedumbu wosimudzira murume chiuno womuudza kuti ngaapinde. Kana kungomufuratira muvete nedivi rimwe wosimudzira gumbo kuti apinde. Hazvisi zvokumirira kuti murume akuudze kuti simudzira gumbo. Kana uchivata naye zvoreva kuti watova mukadzi mukuru saka chiona kuti waiswa zvinokugutsai mese.

Munhukadzi mumba ndiye MANAGER wezvokuvatana saka gara nyaya iyi iri mufungwa dzako uye kuti nhasi inotanga sei inoenderera mberi sei, inopera sei. Zvese ndiwe. Kana kubatsira murume kukunonokera ndiwe unofanira kuita ruzivo gwacho. Wakauya kuzochengeta murume pane zvese. Murume basa rake kuriritira mhuri yake.

Ukasatogadzirisa nyaya iyi uchabhowa murume ugohurigwa.

Q62
Ko kana chombo chisiri kumira zvakanaka chingava chii?
Mubvunzo uyu unonetsa kupindura nokuti hauna kutaura kuti kumira zvakanaka kuita sei?
Chombo pamwe chinomira hacho zvisina simba. Zvinobva nokuti


  1. Muridzi ari kumwa mushonga wechimwe chigwere here
  2. Muridzi ane Diabetes here
  3. Ane chigwere chomoyo here
  4. Kana chombo haisimira zvakakwana zvoreva kuti pane chaitika kuti chisamira zvakakwana. 
  5. Kana chagara chisingamiri zvakanaka dambudziko nderekare. Vamwe varume vane chombo chakakurisa hachimiri zvine simba. 
Kana uchifunga kuti pa dambudziko kasira kundoona varapi nokuti ukanonoka rinokura. 


Q63
Chikonzero chinoshaisa munhu zemo chii?

  1. Kana usingavimbi murume/mukadzi wako
  2. Kana usingadi mukadzi/murume wako
  3. Kana uchangofigwa uchiri panguva yakaoma pazviri
  4. Kana une chigwere 
  5. Kana uchishandisa imwe mishonga inobvisa zemo
  6. Kana une mimba inovenga murume
  7. Kana uchitya mimba 
  8. Kana wabvisa mimba
  9. Kana wakambohurigwa mukasagadzirisa nyaya
Nyaya dzinoshaisa zemo dzakawanda zvokuti iwe muridzi kana waona kuti hauchaiti zemo, funga kuti chii chiri kuitika mupenyu hwako. 

Kana waichimboita zemo zvinoreva kuti unokwanisa kuzoitazve asi tarisa chikonzero uchigadzirise. 

Q64
Ndiri mhandara asi ndine mukomana. tadanana kwenguva refu (8 months). Dambudziko rangu nderokuti ndinotya kusvika pa PANIC kana akatanga kutaura nyaya yokundivata. Ari kuda kutanga kuvata neni asi ndinotya.
Kupinzwa chombo musi wekutanga chinhu chikuru pamunhukadzi. Vakawanda vanoyeuka zuva rakatanga kupinzwa chombo, uye kuti zvakaitika sei. Chinhu chaunofanira kuita nomunhu aunoziva kuti anokuda  nomoyo wese. Inyaya inoda kurongwa nokubvumirana. Murume anofanira kuhwisisa kuti kana ukaratidza kuti zvinogwadza anofanira kumira obvisa chombo muchitubu kana pedo nechitubu kusvika hana yako yagadzikana.

Kutyisa kwazvo kuri mufungwa chete. Pazvinoitika hapana chingahi chinotyisa. Torai nguva muchitamba mese kusvika wanyorova zasi. Zvadaro wiriranai kuti nguva yakwana, Zvinoita nyore kana murume ari pamusoro. Momboita nguva musina kupfeka. Wovata pamubhedha nomurume wako wovhura makumbo, murume woenda pakati. Rerusa muviri wotora chombo chomurume wonangisa pachinopinda, Chizvipira kuvhugwa. Woudza murume kuti ngaapinde. Uchahwa kugwadza sewabaiwa netsonouye hazvitori nguva, wotohwa chombo chava mukati. Kusajaira kupinzwa kunoita usanakigwa zvinghi zvinonaka musi wekutanga, asi ukazorhojewazve zvinotanga kunaka chose.

Shandisai kondhomu kuti usaita mimba kana chigwere. Kukura kwechombo hakuna basa, chinokwana mukati mako chete. Chero ukahwa kuzara, haukuvari, Chitubu chinotatamuka. Iwe zama kurerusa muviri chete. RELAX. Pachabuda sviropa svidikidiki Rega murume aone ropa agoziva kuti agona kukuvhura. Murume achabuda urume muchombo hunobva hwasara mukondhomu.
Kasirai kubvisa chombo muchitubu mako. Kana chavata murume ngaanogeza. Mombomira kusvika chamira futi moisa kondhomu rimwe mopindana futi. Ingoita nguva makapindana muchiudzana zvorudo kana kuchemerana kana zvimwe zvamunoda kuita.

Pamazuva anotevera vatai mese chero pamagonera. Zvinoita ujaire uye utange nokuwedzera kunakigwa
Q65
Ko mahure anoitei zvinoda varume vedu, zvatisingaiti isu mudzimba?

Chii chinoita kuti mukadzi asiiwe mumba murume achinotsvaga umwe?             
Varume vakawanda vanhu vasingakwanisi kuhwisisana nevanhukadzi. Ukahwa kazhinji munhurume achikuudza kuti anokuda, haarevi rudo pauri semunhu asi kuti anoda kukurhoja chete chete. Kana akawanisa kukurhoja, fungwa yake haichinei newe. Ave kutotsvaka umwe musikana wekurhoja futi, Vanhukadzi tinofoiriswa nokufunga kuti kana murume akamira chombo zvoreva kuti anondida. Handizvo. Murume haana kusiyana nebhuru tomuraini rinongoda pese pane mhou.

Zvokuti uri mukadzi wakewemumbahazvinei nevarume vakawanda, Zvikuru kana akuroora nokuda kwekuti akumitisa. Koitazve vamwe vanotya kuvata nomukadzi ane mimba zvokuti ukangoita mimba otofunga kuti hauchafaniri kurhojewa kwemwedzi mipfumbamwe obva atanga kutsvaka vamwe.

Koitazve vamwe vanongokuona sekuti hausi munhu. Uri chitubu chinemakumbo chokungoti paadira opinza chombo asi fngwa chaidzo hauna.

Varume havana FORMULA yokuti ungashandisa nokuti zviito zvavo zvinobva pakureriwa kwavo. Kana baba vake vaihura iye kazhinji anohurawo. Vanakomana vevarume vanohura kazhinji vanohurawo. Vanasikana vevakadzi vanohura kazhinji vanohurawo. Chinonetsa pavasikana vakawanda ndechokuti vanomirira kutsvakwa nekunyengwa nevakomana pane kuzvisarudzira munhu akakodzera. Saka usazokomburena kana ava kukuitira zvakaipa.

Hapana chausiri kuita zvakanaka mumba chingahi chaitisa kuti ahure. Vanhukadzi ndivo vanohuriswa nokusabatwa zvakanaka. Varume kukara chete, kudherera mai vevana.

Asi zvadaro iwewo mumba farira kushandisa chiuno zvine simba. Ratdzawo kuti kana ari mumba ndewako, kwete kuti umusiya seari paLEAVE yezvinhu. Misa chombo chomurume umutapudze urume hwaanahwo. Taridza murume shungu dzokuda kurhojewa nguva dzese.  
Q66
Magaka akanaka kudya here kana uine mimba


Balanced diet chete.
Kana une mimba ingodya zvese zvaunofarira kudya asi hwisisa kuti unofanira kuita BALANCED DIET kuti mwana akure zvakanaka. Usagarofunganya pazviri nokuti unofanira kugadzikana hana kuti muviri uite basa rawo rokuumba mwana pasina zvinokunetsa mufungwa. Ukuwo wedzera kuvata nomurume uye unakigwa nazvo. Uchaona kuti panguva yokuva nemimba panoita mwedzi yaunoda chose kugarorhojewa nomurume wako. Rega arhoje iwe uchitokurudzira. Urume hune zvahunazvo zvinobatsira mimba.
Chimwezve garoshanda mumba usajaira kungogara nokuti mimba inoda EXERCISE kuti muviri ugare wakasimba. 
Q67
Ko zvokuti mukadzi wemunhu anonaka ichokwadi here?



Mukadzi wemunhu chinoita kuti anake iEXPERIENCE yakanaka chete. Kana achigona kushandisa chiuno, kubatabata chombo, kushandisa masuru yechitubu, kubatirira, kukurudzira murume kuti aite ichi neicho pakuvatana, kumwa minyatso yemurume, kukisa zvinotaridza kuda kuiswa, kuhwisisa zvinodiwa nomurume kuti anakigwe, Zvese izvi kumunhu asina EXPERIENCE zvinoita sokuti mukadzi anonaka kupfuura musikana. Ndiyo same reason uchihwa varume vachifunga kuti hure tinonaka kupfuura wemumba. Wemuma haana kusununguka panyaya dzekuvatana nokuti varume vedu vanoda AUTHORITY zvokufunga kuti akasunungura mukadzi zvinoderedza AUTHORITY yake. Kusaziva kuti zvinoderedza kunakigwa futi.

Pane kutsvaka kuvata nomukadzi wemunhu, dzidzsa musikana wako kuti aite EXPERIENCE yokunaka. Mokura mese muchinakirana. Zviri nani chose uye hazvina zvigwere.

Murume wemunhu anongonaka kana achihwisisa nyaya yokunonoka kudiridzira chete. Zvimwe zvakaanda vese vanogona, kunyeba, kupa mari, etc. 
Q68
Unoona sei kuti une mimba
Kana wabata mimba pane zvinoitika kwauri zvingakutaridza kuti une mimba zvinoti:
Unokwanisa kutanga kurutsa zvausingasiiti, zvikuru mangwanani
Kumwedzi kunomira wosaenda kumwedzi
Mazamu nowedzera kukura,
Minyatso inokura,
Pakasvibirira pakapoteredza munyatso panokura
Chitubu chinowedzera kubuda zvinhu
Unokwanisa kutanga kudya zvinhu zvausingasidyi
Kuhwa kuneta zvausingasiiti

Zvese izvi hazvionekwi kusvika mimba yagadzikana tingati kwapera mwedzi nehafu kana kupfuura. Usafunga kuti unozviona uchangobata mimba.
Mimba inokwanisa kungobva yoga kana iri pasi pe 8 Weeks. Ndosaka zvichinzi usaudza mhuri kusvika mimba yava ne mwedzi miviri kana kupfuura.
Q69
Chikapa chinoita here kana mukadzi aripamusoro. 

Chikapa kushandisa chiuno kupa murume Rhythm, Hazvinei kuti muri kuita maitire api. 
Chikapa haasi masaramusi. Chikapa kukoira kwemunhukadzi. Kana mukadzi ari pamusoro murume akamira kukoira mukadzi anokwanisa kushandisa chiuno kuti chombo chipinde nokubuda muchitubu chake. Ndicho chikapa ichocho. Kana atanga kudaro murume otangawo kutevera Rhythm iyoyo zvotoita. Napo napo mukadzi anotanga kuchemerera nokubatirira murume uku chiuno chake chichiramba chichi pomba chombo.

Zviri nani kusangoruramisa chombo muchitubu asi mukadzi kuita seari kukurunga bota riri muchitubu make nechombo. Ukuwo achiti akarerekera mberi omborerekera shure kuti chombo chisvike kunzwimbo dzese dzomukati make.

Ukuzve achipota achishandisa masuru yechitubu kushinya chombo.

Kana mukadzi ari pamusoro anokwanisa kusarudza kuti chombo chopinda mukati make zvakadii. Kana chakakurisa anokwanisa kuzvisimudza chiuno mabvi ari pamubhedha kuti chisapinda chese, Kana ada chese kuhwa kuti chinodii, anodzikusa chiuno  nokudhefura musana nokurerekera shure chombo chese chopinda.

Chikapa chinongonetsa  kana wakapakicha makumbo pamafudzi emurume. Mamwe maitire anobvumira chikapa. Usajaira kungoiswa wakati kwindi seusina basa nezvawati murume aite. Shandisa chiuno varume vedu vemumba ngavabvume kuti vane vakadzi mumba, kwete kupfuugwa nemahure. 
Q70
Ko kana pasina matinji sex harinake?

Hakuna munhukadzi asina matinji asi kuti vamwe vane madiki/mapfupi pane vamwe. Kunakigwa nomukadzi hakunei nesaizi yematinji. Matinji ari nechokuno kumusoro kwechitubu takananga kuguvhu. Chitubu chiri zasi. Kunaka kwmukadzi kunobva pa FRICTION inoitika kana murume nomukadzi vapinzana chombo muchitubu uye vatanga kukoirana. Panguva iyoyo hapana ane hanya nematinji. Kunakigwa kwemurume kunobva pakuona nokuhwa mukadzi achishandisa chiuno uye kuchemerera nokubatirira nokukukurudzira murume kuti awedzera kukoira.
Kunakigwa kwemukadzi kunobva pakunonoka kwemurume kudiridzira urume muchitubu. Matinji ndeeDECORATION yepamberi pemukadzi chete hazvinei nokunaka.  
Q71
Sei murume achida Small House ini mukadzi ndiriko kumba uye handina kumbomurambira kana kumunyima?


Small house munhu anovata nevarume vakawanda achipiwa mari ye RENT nezvimwe. Hure remuSTREET ne Small House zvakangosiyana pakuti Small House in Base. Hakuna Small house ine murume umwe chete.

Varume vanoda Small House nokuti Small house mukadzi akangomirira nyaya imwe chete yokuiswa saka anoswerozvigadzirira nokuti ane nguva yacho. Somukadzi wemumba waimbodarowo paya muchangotanga kuvatana, murume aimbova ne FOCUS yake yese pauri. Chii chakazoitika? Funga ipapo udzokere pamanga muri kare.

Varume havana kusiyana nembwa. Murume akangoziva kuti mukadzi uyo anokwirisa, iye otodawo kundomukwira. Zvokuti mumba mune umwe mukadzi haanei nazvo.  
Q72
Ndine Addiction yekuda mamelons. Ndichiri mukomana ndakawana kuti ndikaboora buri pavise kana shamba, ndinokwanisa kupinza chombo ndozvibatsira. Kuti ndichirega ikozvino ndava nomukadzi zvonetsa.
Ko unodirei kurega. Zvokuti wava nomukadzi hazvina nebasa rese. Iye mukadzi wako anotozvibatabatawo kana iwe ukamukasirira akasanatsoguta.

Vise kana shamba harina kana kumboipa nokuti haititi zvigwere uye haupedzi mari uchiritengera makondhomu kana kuriengera maGIFTs.

Dai varume vese vakaita sewe dai mudzimba umu mune mufaro chose. Dai watotsanangura manakire azvo vamwe vatevedzerewo. 
Q73
Chii chinofarira mudzimai mumba?       
Chii chinonakira vakadzi pabonde ?
Vakadzi hambonetsi kunakira uye zvinhu zvavanofarira zvishomanana zvinoti
1 Kunonoka kumudiridzira. Ita 10 minutes kana kupfuura  kubva pakupinza  kusvika pakudiridzira. Shanda mukadzi ahwe pane moyo
2 Hwisisa kuti usati wapinza chombo tambai muchikisana, nokubatana nokupurudzirana kusvika anyorova zasi.

3 Ziva kuti kunaka kunoita chombo chako kutamba nacho ndizvo zvinoitawo bhinzi yake. Shamwaridzana nayo. Kana usingaityi kisa bhinzi woisveta sezvaunoita minyatso yake. Wopawo mukadzi chombo kuti asvete. Chombo chinonaka kuchisveta nokutamba nacho saka achanakigwa nazvo. Saka mosvetana, uyu kubhinzi uyu kuchombo. Zvinofadza (Relaxing kumwa chombo uye zvinonyorovesa zasi chose.)

 4 Taridza rudo nguva dzese. Udza mukadzi kuti chii chaunoona chakanaka paari, mazamu, maziso, magaro kumeso, zvese muudze ugomuudza kuti chero pawamufunga chombo chinomira. ndosaka uchida chose kumurhoja.

5Gara uchimwa mvura yakawanda kuti uite urume hwakawanda. Vanhukadzi vanofarira kupiwa gusvu reurume.

6 Murume ane utsanana. Kugeza muviri wese, mazino, hapwa, kugeza zvakanaka pasi peganda rechombo, Kana zvichikunetsa gezai mese pamwe chete mukadzi okugezesa chombo. Zvinoita achijaire uye zvinoita iwe ujaire kubatwa chombo zvinova zvinonotsa pakudiridzira.

7 Shaya ma SECRETS nomukadzi aite enyu mese sezvinoita shamwari. 
Q74
Kana mukadzi akahura unomuona sei?

Zvinoita here kuziva kuti mukadzi ahura? 
Vakadzi pakuhura vanovanza kupfuura varume zvokuti ukazoona wobata mukadzi kuti ari kuhura zvoreva kuti ange achihura kwenguva refu.

Hapana chaungaona chinotaridza kuti ari kuhura.

Varume havanetsi kubata kuti ari kuhura nokuti havana hanya nokuhura kwavo saka havavanzi sezvinoita vanhukadzi. Pane zvinotaridza kuti murume wako ari kuhura zvisinganetsi kuona. 
Q75
Murume wangu akatsamwa haanditaudzi kwemazuva, ndoita sei?
Kana iwe usana chawakatsamwa paari usaita hanya naye. Ramba uchiita zvese zvaunosingoita. kubika, kumuisira mvura yokugeza, Kumutenda kana ane zvaaita. Hino pane nyaya inoitwa nevarume yaunokwanisawo kuita. Varume vanoona sokuti kana mapopotedzana ukamuvhurira makumbo ukamupa chikapa chine simba oona sokuti zvataisana nyaya yokupokana kwedu yapera. Izvo bodo.

Saka iwewo kana akatsamwa kudaro, kana akasada kukubata sokuti oda kuvata kure uko. Iwe rega akadaro asi muudze ariko kure ikoko kuti uri kuda kuiswa. Kana akaramba akati zii iwe isa ruoko pachombo wotanga kupurudzira. Kana chikamira iye asingadi kuisa ramba uchipurudzira kusvika waona chagwinya. Chimuudzazve kuti unoda kuiswa. Kana akaramba akanyarara iwe chitanga kutaura nyaya yako yokuisana. womuudza kuti zvokuti ataure kana asingadi hazvinei uri kungoda kuiswa chete,
woona kuti anoita sei. Kana akangobvuma nyaya yese yapera musi waanongokunyararira woona zvokuita futi.  Murume anonetseka kuisa Discipline pachombo chamira mukadzi wekuisa aripo.

Kana aramba zvikwizirire wega iye achihwa kuti uri kuitei.

Q76
Ko kana nhumbu isina mwedzi ikabva yega unogezwa chibereko here?
Chibereko chinovaka mwana chichishandisa foroma yezai neurume zvichibva pa DNA iri muzvinhu zviviri izvi. Pamwe chibereko chinokanganisa chimwe chinhu panyaya yacho. Kukanganisa uku kunowanzoitika panguva inobva musi unotanga mimba kusvika pa 6 weeks.  Kana paita chakanganisika, chibereko chega chinoziva kuti mwana uyu haazokwanisi kuva noutano chobva chamira kuramba chicgimuumba mimba yobva. Kana yabva panguva iyi, kazhinji chibereko chinozvisuka chega zvokuti hapana chikonzero chokunosukwa. Kana mimba ikabva yapfuura apa, zviri nani kunoongorogwa uye pamwe varapi vanoti chibereko ngachisukwe.

Vanhukadzi vakawandisa vanoita mimba dzichibva vasingatombozivi kuti vange vane mimba. Inonzi pachirungu Spontaneous Abortion.

Chibereko kazhinji chinozvigeza cheka. Chenyu kungomirira chete. Mimba ine mwedzi hamutombozivi kuti yabva kusvika maenda kuTEST. 
Q77
Kusura uripakati pokurhojewa zvinoitiswa nei? 
Zvinobva nokuti mweya wacho uri kubuda papi, shure kana muchitubu. Kana uchibuda muchitubu zvinoitiswa nokufasa kwechombo kumadziro kwechutubu pachinopinda nokubuda. Magadzirigwe akaita chitubu ndeekuti madziri acho anobatana pachinenge chisina chinhu mukati zvichiitiswa neSHAPE yacho uye kuti makanyorova. Murume paanopinza chombo, chinopatsanudza madziro choita zvokutatamuka kuti chombo chipinde. Hino kana pakaita mukana wekuti chombo pachinopinda chinotorana nemweya chomusungira mberi, mwaya wacho hauna kwekuzoenda saka chombo chinomusundira mberi woita puresha woda kubudazve nokuno kumurumo kwechitubu kwawapinda nako. Pakubuda unoita ruzha sezvinongoita mhepo yokusura. Zvinokonzegwa nesaizi yechombo chomurume inofasa chitubu kuvharira mweya kusvika waita puresha.

Ukaona uchiramba uchiita kubudisa mweya, wedzera kunyorova murume asati apinza uye chinjai maitire. Kukwira murume kana kufongora zvinoita nani, asi kana wafongora usawanza kupatsanisa makumbo. Pinzwa makombo akangopatsana zvishoma. 
Q78
Kupukuta chombo chomurume kana wapedza kuiswa ndizvo here?
.  
Kupukuta murume itsika yechivanhu yokutaridza kuti wakaraigwa kuti murume anochengetwa sei. Murume paanoti zviya akudiridzira urume hwese , chombo chinovata iye obva achibvisa mukati memukadzi. Ipapo chinenge chakanyorova nekunyorova kwemukati memukadzi uye kweurume. Zvinoita kuti ukasapukuta anonyorovesa machira pamubhedha saka vakawanda vanoti zviri nani kupukuta. Mukadzi ndiye anopukuta murume. Ichi chinhu chakanaka nokuti pakupukuta chombo unojairana nechombo nokuchibata zvinova zvinokuunzai pamwe chete murume nomukadzi.
Saka nyaya yenyu pachivanhu inotanga nomurume achikwezva mukadzi wake, nokumurezva kusvika anyorova kuti avhure makumbo. Avhura, pachivanhuzve, murume ndiye anohi anokwira mukadzi, mukadzi ogamuchira murume, Zvadaro murume opa mukadzi urume, Mukadzi odetemba murume pabasa raaita, obva apukuta murume. Zvadaro mukadzi anotora musoro wemurume oisa pachifuva voita hope vakadaro.


Mazuvano vakadzi havachazvizivi nokuda kwekusaraigwa. Unozooudza vatete watombofongoreswa musango kare. Vatete vakakuudza iwe wotoseka nokuti unoti hazvina basa. Asi mahure anozviitira varume vedu, varume voona sokuti hure rine care yakawanda kupfuura mukadzi. Mangwana murume odzokera. Vakadzi vemumba dzidzai zvinhu zvinopa varume rudo. Chombo ndechenyu mese.  
Q79
Mukadzi anotunda zvaitasei pabonde? Mukadzi wese anofanira kuweta here pabonde?
Kutunda kwemukadzi kuti patatu. 
1 Kunoti kutunda weti,
2 Koti kutunda kwekuti wagutswa pakurhojewa (ORGASM/CLIMAX)
3Kutizve kutunda kwekubudisa tumvura tunoti tsaa, tsaa, wanatsorhojewa nomurume anoziva panohi pa G-Spot.

Number 1, tese tinozviita
Number 2 Vakawandisa vanozvikwanisa kana ane murume anohwisisa kutora nguva uye kurezva mukadzi. Pamwe ukasvetwa kana kunanzwa bhinzi unokasira kutunda (ORGASM) uye unoita rino ziORGASM rakasimba, kutopera samba. Vanhukadzi vakawanda havaiti nokupinzwa chombo chete. Zvinoda kuti uku chombo chiri mukati uku iwe uri kuzvikwizirira bhinzi uku uri kushandisa chiuno kuti chimbo chigofe nzwimbo dzakasiyana mukati. Mukadzi wese anofanira kuita EXPERIENCE yokuweta uku asi hazviitiki pese paunovata nomurume, uye varume havanatsi kuzvigona. Iwe murudzi unozvikwanisa namaoko. Kana wangozvigona kamwe chete, zvinozoita nyore kugaroita. Zvinonaka zvokuti. Tundisa mukadzi wako nguva zhinji. 


Number 3 iyo havasi vakawanda vanozviita, kwahi vashomanana. Zvoda maitire enyu achinogofa G-Spot (Mudzi webhinzi pakaita sezibhundu kumadziri ekumusoro mukati mechitubu pasi pebhinzi)

Q80
Murume wangu anokasira kupedza ndichiri kuda, ozononoka kumirazve chombo. Ndinoita nguva ndine zemo. Ndingaita sei ?
Zviri nani kudzidzisa muru wako kunonoka. Jairai kuti murume akapinza, mosakoirana. Mongoita nyaya makapindana. Muudze nyaya dzinotyisa kana kuti dzinosemesa, pamwe chombo chinotovata, iwe wochirezva futi kusvika chamirazve, murume opinza motanga futi nyaya isingaiti. Mukadaro mazuva mazhinji murume anojaira kudziya kwemukati memukadzi zvokti anowedzera kunonoka. Kana zvaramba ngaapfeke kondhomu. 

Zvinohi futi nevamwe Kana muchangopedza kuisana, ukafukidza murume zvokuti mese menge muri pasi pejira iwe wakavhura makumbo, Hwema hwepamberi pemukadzi hunenge hwakasimba zvokuti murume haanonoki kumira chombo. Asiiwe wozvipukuta murume asati apinza. Mochinjazve maitire sokuti ukavata nedumbu wosimudzira chiuno murume opinza neshure. Zvinoita kuti ukwanisa kushinya chombo. Kana kuti ukapakicha makumbo pamafundi ake, chombo chopindisa. Iwe unenge uchine zemo iye asisina asi iwe ita zvinokukasirira. 
Q81
Chii chinokonzera kurwadziwa mudumbu kana wapedza bonde uine nhumbu?


Kugwadziwa pakuiswa une mimba, chii?

Zvinokonzegwa neCONDITION inohi Dyspareunia kureva kuti kugwadziwa chombo chiri mukati kana kuti mapedza. Kana zvakawandisa enda unopoiwa mushonga unohi Trylon unobatsira. ei nokuumbiwa kuri kuita mwana asi kungoti kana wagara wazvitanga zvinowedzera pamwedzi 7, 8 and 9.
Chimwezve chokuita ndechokuti musashandisa maitire anoti murume anopinza zvakadzika. Ngaapinze chihafu uye mokoirana zvisina simba rakawanda. Iwewo rega murume akoire iwe chikapa womborega. Chombo chorega kunyatsoti nyurududu. Kufongora kana kupakicha makumbo pamafudzi emurume momborega kusvika wazvara mwana ukamirira 6 weeks.


Chimwezve usapinzwa chombo usina kunatso nyorova kuita machakwi chaiwo. 
Q82
Ungaziva sei kuti musikana wako imhandara/ mukomana wako ijaya?

Hapana chinoonekwa kuratidza kuti munhu imhandara kana jaya. Pakuvatana dzimwe mhadzara dzakavharika pachirubu, dzimwe hadzina kuvharika. Dzimwe dzinobuda ropa dzimwe hadzibudi ropa. Vamwe vanoreva nhema vanoti mhandara hainyorovi muchitubu. Idzi inhema. Mukadzi anotanga kunyorova muchitubu achiri mudiki makore 12. Mazuvano kune mishonga inoitisa kuti chitubu chiomarare chigogwadza pachinopinzwa chombo, zvokuti murume anofunga kuti uri mhandara.

Majaya ane zvombo zvakangofanana nevamwe varume. Hapana chinoitika kumurume pakutanga kuvata nomukadzi. Vamwe vanoreva nhema vanoti pane tsinga inodambuka. Idzi inhema saka usaita hanya nadzo.
Kana uchida kuziva bvunza iye munhu wacho. Kana akakuudza nhema hapana mazivire aungaita. 
Q83

Chii chinokonzera kuzvara mwana musope?

musope= Albino


Kunzi musupe/musope zvinoreva kuti kutariswa kwako unoonekwa wakasiyana nevamwe pachimwe chezvinhu zvitatu zvinoti maziso, vhudzi, ganda romuviri. Unokwanisakuva nechimwe chete kana zviviri kana zvese.

Maziso anenge asina vimwe ruvara, zvoreva kuti mwana akabudiswa panze anokwanisa kukuvara maziso. Anofanira kugara mumumvuri, uye kuti mwana apfeke magirazi akasvibirira. Anofanirazve kugaroenda kuEYE test.

Vhudzi rinenge rakachena kuti mbuu risina ruvara.
Ganda rinenge rakachena.

Mwana anokwanisa kuva nezvese izvi, kana zviviri, kana chimwe chete.  Kuva musope hachisi chigwere saka hazviripwi uye mwana anazvo upenyu hwake hwese.


Chikonzero kukanganisika kweforoma yemuchibereko. Chibereko chinokwanisa kukanganisa pakawanda ndoosaka muchiona vamwe vana vachizvagwa vakaremara chimwe chinhu. Hazvivhundusi asi munofanira kukasira kutarisa maziso kuti ane ruvara here. Kana asina kasirai kuti aonekwe nevarapi. Uye mwana asaenda pane zuva asina heti. 
Q84
Mwana anobuda sei mudumbu?

Mwana haagadzigwi mudumbu, Anogadzigwa muchibereko. Mukova wedubu murumo. Mukova wechibereko uri mukati mechitubu. Kanongori kaburi kadikidiki kasingakwani penzura. Paunovata nomurume anopinza chombo muchitubu, mokoirana, urume hwobuda muchombo hwosara muchitubu, pedo nekaburi ikako. hunokwansa kupinda muchibereko hwosangana nezai rakandigwa nomukadzi ikoko. Mwana ototanga kuumbwa zvinoita mwedzi mipfumbamwe. Kuti mwana abude buri riya rinokura kusvika mwana akwana kubuda, ubva apfuura nomuchitubu obuda pazhe.

Hazvidi mushonga. Zvinongoitika zvega. Muviri unoziva zvokuita, asi vanhu vasina njere kana ruzivo nazvo vanokuudza kuti imwa mushonga wekuvhura masuwo. usaterera izvozvo unokuvadza tsvo dako uye dzomana asati azvagwa. Usamwa mishonga kana une mimba. 
Q85
Chii chinonaka pakuvatana kumukadzi kana kumurume?


Chii chinonaka pamurume?
Pamberi pemukadzi nepemurume pane maNERVES anoto ukamatenkenyedza anonaka. Ari pese pamberi nemukati mechitubu asi akawanda pabhinzi panova panonakawo chose. Pamurume akawanda pachimusoro chechombo. Hino kana murume akapinza chombo mumukadzi vakatanga kukwizirana pamberi. murume achikoira mukadzi achikoirawo (chikapa~), zvinonaka chose, zvikuru kana majairana ye muchivimbana uye pasina anosvoda pazviri, muchitaurirana nokupana manyawi azvo. Varume vanofarira mukadzi anogona chikapa, anochemerera, anobatirira murume, nokuudza murume zvokuita. Vakadziwo tinofarira murume anononoka kubudisa urume. Anoti akakoira zvinyoronyoro, ombokoira zvine simba, okoirazve zvinyoro nyoro achingodaro uku arikukisa mukadzi, achinazvwa mutsiba, achimbomwa mazamu, Achipurudzira magaro, achichemererawo, pamwe achikomhanisa mukadzi. Zvinonaka.
Q86
Kana murume asingafariri bonde zvinokonzegwa nei.
Kune vakadzi vakawanda vakaroogwa vanotaura kuti varume vavo havadi kuvata navo zvakakwana pavhiki kana pamwedzi. Kune varume vanongoda zvekurojana kuda kamwe chete pavhiki mukadzi achida nguva dzese. Kana murume wako aimboda nguva dzese asi unoona kuti haachadi, zvinoitika kuti ane rimwe rematambudziko awa:
  1. Ari kushanda zvakawandisa kubasa
  2. Ari kumwa mushonga unomudzikisa zemo (mishonga yemoyo)
  3. Haachakudi kana kuti akakutsamwira. kana kuti wakakoresa/kuondesa.
  4. Pane zvaari kufunganya muupenyu hwake.
  5. Ane Depression. 
  6. Ari kutya kukupa mimba
  7. Haana confidence kuti unobvuma kuiswa. (NOTE)
  8. Mari ishoma mumba kana kuti haasi kushanda. Murume asingashandi kazhinji chombo hachimiri nefungwa. 
Hwisisa kuti chihure kazhinji chinowedzera zemo remurume kumba zvokuti kana achihura anowedzera kuda kuvata newe, zvinova zvinowedzera zvirwere mumba. 

Q87
Kana munhu achibuda mukaka aine mimba zvinokonzerwa nei?

Mazamu basa rawo nderokugadzira mukaka wemwana. Kana wava nemimba mazamu anoziva kuti une mimba otanga kugadzira mukaka. Kana mukaka ukawandisa unosinira kubuda. Usatyiswa nazvo, ndizvo zvinotofanra kuitika.

Kune vamwe vanoti aita mimba akazvara, mazamu oramba kubudisa mukaka. Koita vamwe vanokasirisa kubuda mukaka. Zviri nani kukasira pane kunonoka.

Kana ukagarorhojewa nomurume une mimba uyezve ukaita murume anofarira kumwa mazamu, unokasira kubuda mukaka. 
Q88
Ndoita sei kuti mukadzi wangu asaita chihure
Vakadzi vakawanda vanohuriswa nokusava nomufaro mumba. Varume vakawanda vanohuriswa nokumhura mukadzi waanaye mumba.

Izvi zvinoreva kuti mukadzi akawana zvaanoda mumba make kazhinji haahuri. Kuhura kwemukadzi kutsvaka rudo kana kumba kusina rudo. Chimwezve ndechokusagutwa nomurume wake. Mukadzi anongogara ane zemo risina anobvisa anopedzisira ahura chete. Kune varume vanongoti kupinza napo napo nokutunda napo napo nokutanga kuridza magwiriri, ndizvozvo zuva nezuva. Hino ungati une murume pakudii? Murume anofanira kurongera mukadzi wake rhoji yakakwana zvokuti mukadzi azive kuti mumba mune murume, kwete kungozadzwa urume iye ane zemo.

Kuti mukadzi asahura, taura naye umuhwisise, umuterere, umupe nguva, umupe rudo, uite nguva naye muchishamwaridzana muchikudzana uchimupawo twake twakakwana ahwe pane moyo zuva nezuva. Kana usingagoni rega ahure. 
Q89
Ndibatsireiwo, ndononyaya kukumbira murume kuiswa. Ndingaita sei? Ndava  nemwedzi miviri nehafu ndaroorwa.

Inyaya inonetsa kuidzidza nokuti zvinobva nokuti pamaidanana muchiri mukomana nomusikana maitaudzana sei. Asi kana wava mumba varume vanokuona somunhu ava mai vemba. Unongoita mukadzi wake mava kuBEDROOM. Mataurire ake anochinja kuti umutye somurume. Ndicho chivanhu chedu kuipa kwacho.

Tanga nokuita Body Language chete pakunovata. dzidza kutaura nechibhende pakukumbira kuvata nomurume. Pamwe unomuudza akukwenye panovava pamagaro kana pakati pemakumbo. Zvinohi vashoma varume vasingamiri chombo kana akwenya mukadzi dzimwe nhengo.
Purudzira magaro emurume, haanonoki kumira chombo,
Tamba neminyatso yake.
Jaidza murume kuti aziva kuti ukamutarisa nemamwe matarisire zvinoreva kuti une zemo. Ukangozviita kaviri nekatatu anobva aziva.
Chimwezve kuhwisisa kuti kana chombo chamira ndiyo nguva yokuraira murume. Anokuterera nomoyo wese saka mubvunze kuti sei achimbokusiya asina kukuisa. womuudza kuti kana achida kuisa izvozvi ngaape promise yokuzviita nguva dzese. Womuudza SIGNAL yauchamupa kuti azive kuti uri kuda. Varume vanotyawo kukumbira sezvatinongoitawo isu. Chibhende chepauviri bwenyu chinoshanda.

Zvinohi ukavhura makumbo une zemo ukafukidza murume musoro muripo mese, murume anonhuwidza zemo rako nkuti kuzasi kunoita hwema hwezemo chombo chomira. Imbazvizame.

Ipa chombo chake zita sokuti PFUTI. Nguva yawada womubvunza kuti ko pfuti yangu iripi? anobva aziva kuti uri kuda chombo.

Q90
Kana tapedza kuisana ndinogeza here kana kuti ndinopukuta pamberi?

Pukuta uvate chete. asi vata paTawero ugofumoribvisa nokuti unovhinzirapo 


Pamutemo weChikaranga kana mapedza kuisana mese maguta, kana kuti zvinoitika kazhinji murume aguta iwe usina kuguta, Unopukuta chombo chomurume, wadaro wozvipukuta iwe mukadzi. Mochivata henyu. Urume haisi tsvina yokuti unomhanyira kunogeza. Unogeza musati mavatana kwete mapedza. Ukada zvokuti pawarhojegwa wogeza, uchaita dambudziko rokuti unomutsigwa kuiswa wodii zvino. Mazuva okutanga unoiswa kakawanda pazuva rimwe chete. Zvino ungageza katatu here pazuva. Unenge wava kutopenga.

Murume anomira chombo avete hope 8 times each day kana kupfuura. Pamwe zvinomumutsa, Akamuka akawana uwe uchiisika anongopinza chombo otokukwesha. Kana une murume mumba unojaira kuiswa zvokuti pamwe hautopepuki, pamwe unopepuka nokinaka kwazvo. Pamwe uvete murume akakubata noumwe mutowo unongovhura uri kuhope murume opinza, Saka uchageza kangani pazuva?

Kuva nomurume anoda kukuisa irombo rakanaka chose zvinoshungurudza kusaiswa kwenguva iye murume aripo pamba.
Q91
Zvinoita here kudanana asi muchigara kure nakure?

Unoita sei kana uchidanana nomunhu musina kumboonana kuzhe kwemapikicha?
Kudanana muchigara kure hazviiti. Rudo gwenyu ndegwekunyeberana chete nokuti hamuna wekudanana naye panguva iyoyo. Kuti muite rudo munofanira kutombosangana mozivana mudanana, Mukazoparadzana henyu ndizvozvo asi fungwa inoziva munhu wayo.

Kudanana zvokungoti waona pikicha kana kuti wataura nomunhu pafoni, pa WhatsApp, paFaceBook, izvo hazviiti. Kungozvinyebera kuti une mukomana/musikana chete. Vakawanda vanongozopiwa mimba nyaya yopera yakadaro. Hapana chimwe chinobudapo.

Vanhu nyenganai zvine mwero muchizivana pazviito, chimiro uye mhuri dzamunobva.

Usadanana nomunhu wausina chokwadi kuti mhuri yake yakamira sei. Vabereki vanoita upombwe vanozvara vana vasinei noupombwe futi. 
Q92
Kutamba musati maita bonde kuita sei? Kunobatsirei?

Ukazviita wega unoziva kuti zvinobatsirei. 
Kutamba musati maita bonde kuri paviri. Kana uchigara nomurume/mukadzi unoziva kuti unokwanisa kumudenha sei. Kudenha kunowanzotanga kana umwe wako achikuiginowa kana kuti achitaridza kuti haasi kufunga nezvebonde iwe uchihwa kuda kuita zvebonde. Varume vari nyore kudenha pane vakadzi. Vakadzi tinomboita imwe MOOD yokuti zvinonetsa murume kuwana mukana wekudenha.

Kudenha kunowanzibva pakutaura. Sokuti mukadzi wokotama kuti anhonge chimwe chinhu. Unohwa murume oisa mutauro pamusoro pemagaro aaona. Mukadzi onyemwerera nechomumoyo. Murume anokwanisa kumuti aswedere garo ripurudzigwe kana kuti anongosimuka onopurudzira mukadzi. Mukadziwo anosimudzira muromo kuti akisiwe zvakanaka, obva abatirira murume pakukisana, Nyaya yatotanga. Murume maoko pamagaro emukadzi mukadzi maoko pamutsiba wemurume votowedzera kukisana. Kutamba kwatotanga. Murume anotanga kuonkwa kufuta bhurugwa, Mukadzi anokwanisa kupurudzira pamberi pemurume, Murumewo owanza maoko pamuviri wemukadzi nokumutaurira twunonaka muzheve.

Kubvisirana hembhe, mukadzi anotaura nezvaari kuona, murumewo achitaura vachibatana batana mukadzi ozotanga kubata chombo nokuchirezva, murumewo mazamu, magaro, mutsiba, dumbu zvese zchibata nokupurudzira. Vanosvetana minyatso, kukisana, kupinzana rurimi mumuromo. kubatana pamberi. zvese kusvika mukadzi anyatsonyorova. Kupinzana chombo kotevera. 
Q93
Ndibatsireiwo. Murume wangu haafariri bonde. Tinoita kuda kamwe chete kana kaviri pavhiki.
Pamwe anenge achitofunga kuti iwe hausi kuda. Muudze kuti uri kuona seasingakufariri nokuti haasi kuratidza kuda kuvata newe. Musi wamavata mese, achingopedza muudze kuti unodazve muite mangwana, mangwana acho womuudza kuti hauna kukangamwa. Akangoziva kuti unoda nguva yese, unoona okuyeuchidza uye. Kana zvaramba izvi, ukaona kuti shuwa haana hanya nazvo, avete pedo newe nyebera kuti uri kuhope wobva wamubata chombo. Unotohwa chichimira muruoko gwako. Rega akumutse iye, zvadaro uri kuhope kwako ikoko vhura apinze.

Musi waakurhoja muitire chimwe chinhu chaanofarira kuratidza kuti wafara nezvaaita. 
Q94
Ndakaperekedza mukomana wangu ndokubva tambogara muchisango, tikaisa Zambia yangu pasi ndokubva andikwira. Ndotya nhumbu. Ndomutizira here?
Kutizira mukomana kuzviisa pakaoma chose nokuti hauzivi zvichaitika mberi. Zviri nani kuudza mukomana kuti uri kutya, woudza vabereki vako, zvikuru mai kuti ndizvo zvawaita. Mai vako kana vakachenjera vachita zvinhu zviviri.

1 Vachakuudza kuti umirire mwedzi kupera kuti uone kuti unoenda kumwedzi here?
2 Vachaenda newe kunotsvaka mapiritsi ekudzivirira mimba mwedzi wapera kana usina mimba izvozvi.

Kana uri munhu wechidiki ukaravira chombo kana chitubu, hazvibatsiri kukudzivisa kuzoramba uchiita okuti uchaita chete.  Saka mubereki akangwara anokudzivisa asi anokudzivirira mimba uye kukuudza kushandisa makondhomu kuti usabata zvigwere.  Zvimwe zvigwere zvechihure zvinokonzera kusazozvara kana woda mwana. Kubvisa mimba kunokwanisa kukukuvadza mukati zvokusazoita mwana, uye fungwa yako haikangamwi kuti wakambouraya mwana wako.

Chikuru ndechokuhwisisa kuti vakomana vanoda chose kuvata newe asi kukuroora havadi. Usajaidza mukomana kuvata newe. Anoona sokuti hauna unhu.

Usatizira mukomana chero ukaita nhumbu. Hazvishandi. Asi vabereki vake ngavazive kuti wakavata naye uye uri kuvata naye. Uchahwa ivo voti uri hure asi mwana wavo haasi hure. Ndiko kuipa kwekuva munhukadzi.
Q95
Kuiswa wakafongora zvinodii? Ndingaita sei kuti murume wangu ade kundifongoresa?
Une murume akaita seiko waunomirira kuti akufungire zvokuita pakuisana kwenyu. Ko wega kungofongora woti murume apinze zvinogozha papi? Ungatoita zvokubvunza here? Nhasi chaiye ingofongora aite uzvionere pamhino sefodya kuti zvinodii?

Kuhi mai vemba zvoreva kuti unofanira kuita CONFIDENCE mumba mako.Hazvina basa kutiune makore mangani.

Uye hwisisa kuti iye murume wako ari kutokomburenawo kuti iwe hausi kufongora. Iwe ipapo uchikomburena kuti haasi kukufongoresa. Saka uchafongora riini?

Ingotanga kuvata nedumbu womuudza kuti akupinze nokumashure. Mangwana womuti apamhidze futi kusvika wangosimudza chiuno pakufongora. 
Q96
Kusaenda kumwedzi kunokonzerwa neyi
Kusaenda kumwedzi kunokonzerwa nezvinhu zvinoti:
1 Kana wabata mimba hauendi kumwedzi kwemwedzi mipfumbamwe. Ndicho chinhu chikuru chinokonzera kusaenda kumwedzi ichochi. Kana wakambovata nomukomana, ukaona wadarikira mwedzi chikasira kundotesitwa uonekwe kuti une mimba here.

2 Kana uchangotanga kumwa mapiritsi ekudzivirira mimba unokwanisa kudarikira imwe mwedzi chero usina mimba asi kasira kuenda kuTEST nokuti ukaramba uchimwa mapiritsi iwe une mimba zvinokanganisa mwana.

3 Kana ukaonda zviri pasi pe BMI =17. unokwanisakumira kuenda kumwedzi kureva kuti muviri wako hauchakwanisi kuzvipa MAINTENANCE. Zvinokwanisika kuti ukabata chigwere unofa.

4 Ukakoresa unokwanisa kuwedzera mazuva ukumwedzi uye kugwadziwa nazvo, asizve unokwanisa kuchinja pattern yokuenda kumwedzi kuti umwe mwedzi unoenda kaviri umwe wosaenda.
Q97
Kugona kunyenga mukadzi kuve nechombo chihombe here?
Kunyenga kunoitwa nomuromo, nokutaurirana, saka zvechombo izvo hazvinei nokunyengana. Ukaona musikana waunoona achiyevedza zvokuti unoda kumunyenga, Wana mukana wekutaura naye umuudze kuti unomuda uye unokumbirawo abvume kuva musikana wako. Usava nehanya nokuti chombo chako chikuru sei. Kungotaurirana chete nokubvumirana. Ukamutaridza chombo anokwanisa kukusungisa.

Kunozoti mamboita nguva muchidanana motaurirana yokuvata mese kana muri vanhu vasina unhu. Chiendai KumaTEST motenga makondhomu modzidza kuashandisa. Moashandisa zvakanaka. Rimwe rikabvaruka mukasira kundopiwa Morning After Pill. Masavatana vabereki vasingazivi kuti munodanana. 
Q98
Mukadzi wangu ava nenguva achirwara. Ndikarara noumwe mukadzi ndenge ndakanganisa here?
Mhinduro iri pakuhwisisa kuti iwe ukagwara kwenguva refu, mukadzi wako akavata noumwe murume anenge akanganisa here? Mhinduro yako yomubvunzo uyu ndiyo ichakuudza mhinduro yemubvunzo wako.

Asizve toti wahura wobata chigwere kondhomu rabvaruka, wonzi mukadzi wako ava nani iwe womupa chigwere. Zvinoita here? Ndinohwisisa chose kuti kuvarume vechitema munhukadzi anongoonekwa semutakuri wechitubu chete, kuti murume awane pokutambira, asi chokwadi ndechokuti munhukadzi munhu. 
Q99
Kudzora kuzasi kwemukadzi kunoitwa sei?

Chii chinoshandoswa kudzora kuzasi kwemukadzi?
Mukadzi asina kumbozvara mwana ane chitubu chinoshinya chombo pakuiswa. Hazvinei kuti anoiswa kangani pazuva/paviki kana pamwedzi, uye kuti anoiswa nevarume vangani kangani. Pakuisana mukadzi wese zvake ari NORMAL, pakupinzwa chombo anezemo,chitubu chinokura kusvika pasaizi yechombo chiri machiri. Panongopera zemo, chitubu chinodzokera pasaizi yachange chiri mukadzi asai aita zemo. Ndizvozvo zuva nezuva chero akaiswa zvakadii. Hakuna chitubu chomukadzi asina kuzvara chinokwanisa kuhi chadhambha. Hazviitiki. Kana achitoziva zvaari kuita chinotowedzera kushinya chombo.

Kana azvara, kunoita 6 WEEKS asngafaniri kuiswa. Panguva iyi anofanira kusimbisa masuru yechitubu kugadzirira paanozotanga kuiswa. Zvinotora nguva kana mwedzi mitanhatu kudzokera paange ari asati azvara. Kana akasasimbisa, ndipo paangahi  ane chitubu chakadhambha. Akanonoka kuita imwe mimba anoramba achisimba masuru kusvika azvarazve umwe mwana.

Musashandisa mishonga. Hapana mushonga unodiwa asi kushandisa maitire ekusimbisa masuru chete.Verenga pakahi

Kusimbisa masuru
Q100
Kana ukasangana nemunhu akakubvisa humhandara unoitei? 
Unenge wambosanganepi naye? Unofanira kusangana naye mumba menyu nokuti anofanira kuva iye akakuroora. Hino kana asiriye zvinotoreva kuti kune vamwe vaunotya futi kusangana navo nokuti unenge wakavaudza kuti uri mhandara.

Hapana zvaunofanira kuita. Asi kazhinji kana mune Familiarity nechekare, mukasangana maCONDITION akanaka pakusabatwa akataura newe zvakanaka kana ane makondhomu momota yake kana kuti uriwe wamupa Lift unawo mumota yako, munotombomira musango imomo wokwigwa hako. Ndizvo zvinoita vazhinji. Kana uchida kusina neizvo zviri kwauri kusiyanisa. Hazvidi mubvunzo. 


Toenderera mberi. Moramba muchibvunza mibvunzo yenyu. Pano hatitauri mazita evanhu vabvunza. Tinongopindura mubvunzo chete. Kana yasvika 100 toganga futi rimwe raini. 


Tasvika pamibvunzo 100. Tozotangazve imwe kana yawanda yakamirira kudavigwa. 

UDZAI VAMWE!!!!

4 comments:

Anonymous said...

Koo vaya vanoburitsa urume senge madrop anosvika 5 anokwanisa kupa mukadzi pamuviri here

Anonymous said...

Thank you very much Maichibwe. You answered my question very well. Mapindura wangu neyevamwe. Tinotenda.

Unknown said...
This comment has been removed by the author.
Anonymous said...

muromo wechibereko uri padivi unoita sei