Saturday 24 January 2015

Kudzokerana newawakamborambana naye.

Zvinoita here kuti wamborrorana nomunhu, pamwe moita mwana/vana, morambana, mozobvumirana kudzokerana futi. Nyaya yefuma inofambiswa sei pakadaro? Tiri kutaura vakamboroorana vakarambana kwete vaingonyenganawo havo vachiita zvemahumbwe. Iwe unopaona sei? Toti marambana kukaita nguva inopfuura mwedzi mitanhatu marambana zvinoita here kuti udzokerane nomunhu wako?

Tichiongorora tinoona kuti vakawanda vanorambana vanobvapo vonoroorana nomunhu akarambwawo nomukadzi/murume wake. Izvi zvinoreva kuti pakurambana kwenyu hamuna kuzama kurhizena asi kuti makaita chinhu chinobva pakuonekwa kwenyu nevanhu vemuraini. Unoona munhu achiti haachadi murume/mukadzi nokuti ahura, asi obvapo anonyenganazve nemunhu ane mwana noumwe munhu. Zvinoreva kuti chamusemesa pane waarambana naye hakusi kuti akavata nevamwe vanhu, asi kuti akamumhura pakuzviita.  Vanhu vakawandisa varoora mukadzi/murume wechipiri vanohura kupfuura zvavaiita vane wekutana avakarambana naye.  Ukaroorana nomunhu ane mhuri yake kare ari munhu asina fukigwa, akarambwa nenyaya yechihure, ziva kuti ava newe achahura kupfuura zvaaiita kare.

Vamwe vedu vanoti paya arambana noumwe wake voparadzana havo vogovana fuma yavo voenda. Panosvika nguva yaanohwisisa kuti chokwadi muchato wapera. Vanokwanisa kunge vakatsamwirana zvokuti zvinonetsa kuregererana. Tinomboona vamwe vanodana vafundhisi vemudzichechi kupindira kuzama kuyananisa asi zvoramba. Ozoti kutsamwa kuya kwapera oongorora upenyu hwake oona sokuti atova rombe chairo pasina umwe wake. Pedzezvo osimuka onozama kuyananisana naye kuti vadzokerane.

Hapana chakaipa pakadai kana mange marambana mese muri vanhu vane njere nounhu. Asi kazhinji tinoona kuti kana munhu arambwa anoona sokuti haasi munhu anokwanisa kupiwa rudo nevamwe vanhu saka anowanzochinja maitire ake kuti vekuzhe vaone runako gwake. Kana ari munhukadzi anokwanisa kutanga kuratidza kuti anoda kunyengwa. Vanonyenga vobva vatangawo kunyenga. Varume vakawanda akangopiwa mukana wekunyenga anonyenga.

Varumewo vanotanga kunyenga vamwe vakadzi kuti aone kuti achiri munhu anokwanisa kuwana umwe mukadzi here?

Panguva iyi ndipo panoti kana vaya vange vasingahuri, anobva awedzera chanzi yokuvata nevamwe vanhu, iri ngari yokuda kuziva kuti achiri munhu anokwanisa kudiwa. Panguva iyizve munhu anenge asina hanya nezvakawanda zvinokuvadza saka kufunga kunoita kushoma. Makondhomu anokwanisa kusashandiswa zvinoreva kuti unokwanisa kubata zvigwere. Kurambwa chinhu chinoshungurudza munhu kwenguva yakareba, Umwe anokwanisa kuzvimhura pakutadza kuchenetedza muchato.

Vakawanda vaunonyengana navo panguva iyi vari kutohurawo newe zviya zvokungoti ndawanawo chombo chemahara pano. Haanei newe somunhu. Anoti mapedza oenda kumba kweke onovatazve newake wekumba iwe wosara wofunga kuti washandiswa.  Zvinowedzera FRUSTRATION.

Pavanozotanga kufunga zvakanaka unokwanisa kuona kuti zvaiva nani uchine wako wawakarambana naye. Tinoona vakawanda vanombopokana vogara kana mwedzi mitanhatu kana gore wozoona kutsamwirana kuya kwatonhora votangazve kufamba vese vopodzisira vadzokerana.

Nguva iyi inguva yakaipa pavaviri ava. nyaya dziripo ndedzokuti pakudzokerana kwavo
1 havaudzani chokwadi kuti vakavata nani pavange vakaparadzana.
2 STATUS yezvigwere zvavo inokwanisa kunge yatochinja panguva iyoyo
3 Matyira panyaya yokuhura anokwanisa kunge aderera nokuda kwekuparadzana.
4 Kuvimbana kwavo kunokwanisa kunge kwava kushoma.

Zvoitwa sei? 
Kurambanna kunoitika pavanhu asi kan wafunga kusiya murume, hwisisa kuti ndiwe unobvapo nevana vako saka murume wese achakunyenga anokuona semvana. Machirudzi chedu mvana munhu anoonekwa sokuti akangomirira muvata nevarume vemuraini saka hapana remekedzo yaanopiwa.

Usafungazve kuti murume wako anokubvumira kuiswa achiti nokuti akuramba. Varume misoro yavo panyaya dzevakadzi vavakamboroorana navo haina kuti tasa. Anokuramba asi akakuona uchibuda muhotera noumwe murume anonetseka nazvo pamoyo. Anokutika nechomumoyo.

Usafungazve kuti kana warambigwa chihure, murume wawanga uchihura naye achaita hanya newe kana warambwa. Pese pamaivata mese aikuudza kuti unonaka uye anokuda asi musi waunobatwa ukarambwa haumubati futi achida kukubvisa bhurugwa.

Murumewo ukarambwa nokuda kwekuhura usafunga kuti hure rako richada kuti richiita SUBSTITUTE yemukadzi wako. Vanhu vakawanda havadi munhu avarambisa nokuti zvinoonekwa kuti ndivo vakanganisa musha.

Apa ndiri kuti musati marambana, wanai nguva yokuparadzana henyu moishandisa kunatsofunga kuti ndizvohere zvamunoda kuita. Munokwanisawo kubvunza shamwari dzenyu kuti zvamafunga kuita ndizvo here. Kuno kuDIASPORA tinogaroverenga mumapepanhau kuti kuti vamwe vekwedu kumusha vanopedzisira vaurayana nokuda kwekusawirirana mumba. Zvikuru kana mukaita munyama wekutongeswa na Pastor wechiZimba. Ava vanowanzoda kuti mukadzi angogamuchira kukanganisigwa nomurume asi murume kana akanganisigwa hazvinei kuti azvigamuchira here kana kwete.

Itai nguva yokutapudza kutsamwa muhwisise kwamuri kuda kuenda nenyaya yenyu. Kana zvazoitika kuti morambana moita muchiziva kuti mese munoda kurambana. Iwewo wega panguva iyi ukahwa umwe wako achitaridza kuti haadi kuti murambane gara naye pasi mutaurirane kuti sei asingadi uye anoda kuti iwe uite sei nazvo. Iwewo wotsanangura kuti sei uchida kuti murambane. Kana mune vana motaudzana muchihwisisa kuti vana venyu mukarambana hazviiti kuti upenyu hwavo hunake kazhinji.

Kana marambana mukazoda kudzokerana munofanira kuziva pokutangira. Hwisisa kuti umwe wako haachina kuita zvaange ari musati marambana. EXPERIENCE yokurambwa inenge yava paari. Hwisisazve kuti anokwanisa kunge akambovata noumwe munhu pamange makaparadzana. Hwisisa kuti iyewo ari kukufungira zvauri kumufungira. Saka zviri nani dai magarazve pasi mukataura nyaya yenyu, mobudisa zvese pachena kuti pamange makasiyana chii chamakaita.

1 Pakutukana umwe musi hapana anozobudisa mashoko akaipa panyaya iyi
2 Mese mukanovhenekwa munodzokerana muchiziva zvamuri. Kana mada kuita nomazvo, movhenekwa kaviri. Moenda kokutanda moudzwa, moshandisa makondhomu kwemwedzi yakati kuti, modzokerazve. Mukaudzwa kuti kwakanaka mochibvumirana zvokuita.


Zviri nani chose kudzokerana newako pane kundoroorana noumwe. Pakudzokerana apa mhuri inokwanisa kuita zvayange iri asi maitire enyu haazofanani. Munokwanisa kuwedzera zvinhu zvakaita serudo, rukudzo, etc, asi kufungirana kunowanda kana pakabuda nyaya. Asizve dai waroorana noumwe munhu akarambwawo kwake waitowedzera kusavimbana naye.








1 comment:

Unknown said...

Amai makapenga, maakunzi VaTETE vangu MaiChibwe, munopa advice inovaka. Mwari vakukomborerei. Ndini mzukuru wenyu Fidel Nkobi