Sunday 6 December 2015

Kudya sadza nemuriwo mazuva ese Zvinobhowa

Unohwa munhu anoda kuhura achikuudza kuti "Kudya sadza nemuriwo mazuva ese zviinobhowa" kureva kuti kuvata nomukadzi wake mazuva ese zvinobhowa. Awa mashoko emunhu uya waunoti ukasangana naye ukaita nyaya naye kwemaminitsi mashanu wega unohwisisa kuti munhu uyu njere ishomanana uye upenyu hwake hahuwandi panyi pano. Haasi munhu wekuti angakupa mazano panyaya kana ipi zvayo. 

Saka pano toda kumbohwa kuti nyaya ye sadza nomuriwo zuva nezuva inobva papi uye zvinoita here kuti isabhowa mumba menyu. 

Matangire azvo:
Ngatitange nokutarisa kuti zvinotanga sei kuti mumba mungoita sadza nomuriwo. Kune varume vanoti achikunyenga anoita sokuti munhu ane njere uye anokuda nomoyo wese, asi kana wangomudawo nyaya dzotanga kuchinja. Zvozosvika pakuti wavata naye, anobva aziva kuti hazvichaiti kuti utsvake umwe murume, obva achikuratidza ufuza hwake hwese kubva ipapo. Munozoroorana watove nhapwa yake zvokuti hapachina simba raunaro mukugara mese somurume nomukadzi. 


Varume vese zvavo vanoziva kuti munhukadzi kana wada kumuita semwanana zvinoitwa sei, kusvika pane vamwe vanobva vatoda kurova mukadzi, nokuda kwekuti vanoona mukadzi sekamwana kane makore maviri kasati kava nenjere dzokuona magarire evanhu. Murume akadai kazhinji akakura achiona mai vake vachirohwa nababa vake. Kotizve vakawanda pavarume vakadai vanhu vaya vasingakwanisi kutsanangura zvinhu kana kutaura nyaya noumwe munhu zvokuhwisisana.

Kana aroora, anoona sokuti aenda kusupemarket akandotenga mukadzi saka mukadzi uyu imhuka yake yaanoita zvaanoda nayo semombe yaunosunga pajoko wokwevesa ngoro. Chero ukapedza mwedzi uchizama kutsanangura kuti mukadzi munhu mukuru ane njere kukupfuura, haatombohwisisi kuti uri kuti kudii. 


Mukadziwo kana awanikwa nomurume akadai anopedzisira angobvumakuitwa nhapwa oita zvinodiwa nomurume uyu. 

Pakunovatana paya kuti vachitaurirana kuti uyu anofarira zvipi, hazvichaiti nokuti mukadzi haana kusununguka pakutaura. Saka tinoona kuti mukadzi anokwanisa kungonakigwawo musi wazvangonakawo pasina kuti pane ane hanya nazvo. Murumewo munhu uya wekuti kana achitaura nezvokurhojana nomukadzi wake anoshandisa mashoko ekukuvadza. Ndakamubaya, Ndakamusurisa, ndakamukaurisa, ndakamutadzisa kufamba, etc. Hapanawo musi waanoti ndakamunakira. Munhu anongoda AUTHORITY chete pamukadzi wake. Haana SECURITY yokuda kuziva kuti mukadzi anofungei uye zvine basa rei. Mukadzi inongori Mheche inemakumbo nemaoko. Haasi munhu chaiye.

Kuti azoona kuti pamunhu iyeyu imwe chete pangabva zvimwe zvisiri sadza nomuriwo, hazvichaiti.


Kuenderera kwazvo mberi:
Vashoma vakadzi vanoti awanikwa otadza kuona kuti mavatirane aanoita nomurume wake anobhowa. Vashomazve vakadzi vasingadi kuisa kutapira mukuvatana kwavo nevarume vavo. Nyaya chaiyo inoitika ndeyokuti mukadzi anosvikoihi kwii nomurume, osungwa muromo sengwa inoruma obva atadza kana kuti bufu. Opedzisira ongoita serhobhoti mumba make. kushaya hwi rokutaura naro nokuti murume ndiDICTATOR anoda zvokuteregwa chete iye asingadi kuterera.

Pakadai mukadzi anomboti regai zvirambe zvakadai. pakuisana onge hove yakafa. Chiuno chiya chaifanira kunge chine moto chenge chakazara madota akaoma. Murume anobhowa mukadzi obhowawo. Uchaona kuti mukadzi akaita zemo pakadai, anongoshandisa maoko ake zvopera zvakadaro. 


Kotizve murume akazoohwisisa kuita handiye nyanzwi yokurhoja, zvabva pakuti haaoni kuti mukadzi ane hanya nazvo, zvabvawo pakuti mukadzi haasi kunakigwa nezviito zvemurume, murume obva atanga kuti pano paita sadza nemuriwo zuva nezuva. 

Kunomboita nguva murume achingoshandisa mukadzi sepanhu pekungotundira mukadzi asiri STAKE HOLDER yemuchato uyu. Mozosvika pakungohwisisa mese kuti kuroorana chinhu chinobhowa chose. Zvadaro fungwa dzenyu hadzisisina shungu nomuchato wenyu. Mukadzi anoti akafunga zvaafunga akadudza oudzwa zvouhure, izvo iye azvihwawo kutsime kana kumagirosa akafunga kuti murume wake angangozvidawo.

Vanhu vakawanda vakaroorana ari kudya sadza nomuriwo zuva nezuva. 


Saka zvohwimwi? 
Vanhu mumba dzidzai kusununguka pakutaurirana, zvikuru muBEDROOM menyu. Asi mese hwisisai kuti murume ndiye anosunungura mukadzi nokumukurudzira kuti adzidze kutaura zviri pamoyo wake, zvaanoda kuitira murume wake uye kuti kana azviita murume otaura mashoko anovaka munhu nokumuwedzera CONFIDENCE. Vanhukadzi verudzi gwedu vanotya twakawanda muBEDROOM. Asi kana akavambuka kamwe kagwizi, haadzokeri shure. Akadzidzswa kubatabata chombo nomurume, akahwisisa kuti murume uyu ndizvo zvaanoda haazoregeri nokuti anodawo kufadza murume wake. 

Murumewo akasunungura mukadzi, ndiye achatohwina nokuti achauya achipiwa twakawanda mumuchato wake. 

Hauzosweri uchigara matare nomukadzi wako muchiudza vanhu nyaya dzenyu. Haupopotedzani nomunhu mumba. Ukatarisa muraini renyu unokasira kuziva vanhu vane misha isina kunakirana pakuvatana nokuti hasha mumisha iyi dzakawanda. Mukadzi anogaroguta haumuhwi achipopotedza nomurume wake. Musha une kuguta TENSION ishoma. 

Totangira papi? 
Kana murume asina mufaro nezviito zvomukadzi wake kana kuti anofunga kuti mukadzi haasi kufara mumba make, ndiye anofanira kuwana nguva yokutaura nomukadzi wake zvinoratidza kuti ari kuda kugadzirisa nyaya dzavo kusvika vese vava kushandira pamwe panyaya dzese dzomusha.
Tora mukadzi wako uende naye kuhotera pa WEEKEND. womuvharira imomo mopedzerana mohwisisana modzokera kumba mabvumirana zvokuita. Murume ndiye mukuru wemusha saka kana musha usina mufaro murume ndiye ane mhosva. Kana asingahwisiswi nomukadzi wake ngaa wane mukana wekuti vahwisisane.

Ndinohwa varume vakawandisa vanonyora vachiti vakadzi vavo havahwisisi. Asi sokuona kwangu mukadzi kuti asvike pakusahwisisa anenge aona pamusha pasina zvinhu zvinomukurudzira kuva muvaki. Hatisi kuti vanhukadzi vese vanhu kwavo aiwa. Kune vamwe varoyi chaivo vokuti wega unongozvionera kuti apa hazvanzi yangu yakaroora muroyi. Asi variko vakadzi vari pakaoma izvozvi asi vachida chose kuvaka michato yavo. 


Murume ngaafunge zvokuita kuti iye nomukadzi wake vaonere pamwe chete. 

Hakuna mukadzi anobvuma kuwanikwa obva azoti ava mumba oda zvokungoita sadza nomuriwo zuva nezuva. Mukadzi wese anoziva pane chitubu chake saka akada kukupa VARIETY yemaisigwe akasiyana siyana anokupa. Ukaona ave kungomirira zvade murume, ziva kuti yave nyaya ye SAFETY pazviito nepakutaura. Anoziva kuti murume ndewe zvibinge. Akafongora ihi wakadzidziswa nani kufongora, akada kukwira murume ohi wanditi ndiri mukadzi wako, Akada kusveta chombo kwahi wakambosveta chaani?  Mukadzi wese anoziva kuti chiuno chake chine simba rakadii. Adaka kuzvikurunga nomugoti wemurume anopedzisira arakashwa kwahi waita zvechihure. 

Mukadzi wese anofarira kumisa chombo chomurume wake asi akada kuchipurudzira ohi wadherera chombo. Mukadzi wese anofarira kuziva kuti agutsa murume wake asi mukana chete ndiwo waasina. Imhou yakasigwa pamuti. Bhuru rinongouya richiita zvarinoda iye zii zvake asi zviripo zvaanodawo.  

Saka iwe murume tarisa maitire ake kana kuti funga zvaaichiita muchiri kudanana nomoyo wese. Mukurudzire adzokereko kwakare ikoko. 

Mese muri vaviri maimbodanana zvokuitisana mabhanan'ana mudumbu. Dzokerai ikoko kwamaiva. Hwisisai kuti hachizi chinhu nyore kutora vanhu vaviri vanobva kumhuri dzakasiyana wovati garai mese pasina kupokana. Chinoita kuti varambe vari vese iBONDING inoitika panguva refu asi pamakore awa vanopota vachidzokera kumisha yavakareriwa. Munhukadzi anofunga kuti ACCEPTANCE yake inobva pakudiwa kwake nokurhojewa kwake. Mukadzi anopiwa rhoji yakawanda anofunga kuti anodiwawo zvakawanda. Murumewo anoda kufungiswa kuti ndiye anogona kunatsorhoja zvinogutsa saka mese mune PSYCHOLOGY dzenyu dzokuti mukahwisisana munokwanisa kugadzirisa nyaya dzakawanda. 

Kuti sadza nomuriwo imhosva yenyu kwete mhosva yomuviri wako kana wemurume. Fungwa dzenyu. Muviri une maisigwe akawandisa aunokwanisa kuitwa, sadza nemuriwo, sadza nenyama, sdza nederere, Sadza nemukaka, mashakada, mangai, mbambaira, Nyama yehuku, yemombe, yembudzi, yenhoro inouya kamwe chete pagore, zvichienda zvakadaro. 

Varume tisunungurei mumba tikuratidzei zvibikwa zvakasiyanasiyana. 

Udzai Vamwe!!!!!!!




No comments: