Sunday 27 December 2015

Chigwere che PROSTATE

Pane chigwere chevarume chinohi hafu yevarume mupasi rese vanotomboti vachiite chinohi PROSTATITIS kureva kuti kugwadza kwe PROSTATE GLAND inova ndiyo inobatsira panyaya dzekuvatana. Toda kuboongorora kuti chinoitika sei uye chii chingaitwa kuti zviite nani.

 PROSTATE ENLARGEMENT;

Prostate Gland inowanikwa pazasi pechigusvi cheweti ine tsika yokuti kana pakaitika zviwe zvaisingadi yotanga kuzvimba. Kuzvimba uku kunogwadza muridzi saka panodiwa kuti undorapwa. 

Kuti uzive kuti paita dambudziko re PROSTATE hezvinoi zvinoitika.
Kuweta kusina mwero
Kutadza kuweta iwe uchida kuweta
Kungoda kuweta pese pese
Kuti kwasviba wongogaromuka uchienda kunoweta
Kuweta weti isina puresha
Kuhwa kupisa kana uchiweta
Kutadza kumira chombo zvakanaka pakuvatana nomukadzi

Iwe wega muridzi ndiwe unotanga kuziva kuti pane chakanganisika. Kasira kuenda kundoonekwa nevarapi wovatsanangurira zviri kuitika. Vamwe venyu havadi kundorapisa zvigwere zvinoitika pameri asi chokwadi ndechokuti ukasarapisa ichi unokanganisika upenyu hwako chose. Enda undorapwa.

 Mushonga wavanokupa unohi unoshanda hawo pakukurapa asi panguva yaunoushandisa hwisisa kuti unokwanisa kusamira chombo. Usatyiswa nazvo uye usada kuvata naye kusvika wapora. Izvi zvinokwanisika kuramba zvakadaro kusvika wapora, chombo chobva chazotangazve kumira zvakanaka. Apa ndangokuudza kuti usafunga kuti zviri nani kusamwa mushonga.

 Paunosvika kwamurapi, vakafungira kuti iProstate iri kukugwadza vanotarisa kuti yakazvimba here. Nzvimbo yairi inonetsa kuiona saka vanokupinza zvigumwe kumashure votsvanzvadzira pasi pecheweti apo kuti vahwe kuti saizi ye PROSTATE yakakura zvakadii, uye kuti iwe pakupuresiwa kwayo unohwa kugwadza kwakadii. Hwisisa kuti unofanira kurerusa muviri (RELAX) Iwe hwisisa kuti kugwadza kwacho kuri papi uye tsanangurira murapi kuti iri kuhwa sei.

Prostate CANCER
Varume vakati wandei vanoti vava vanhu vakuru kumakore anophuura 60 voita Prostate Cancer. Usashushikana nazvo asi aka ukafungira kuti kuweti uku hakuna kumira zvakanaka enda undotariswa nokukasira nokuti vakakasira kubata Cancer vanokasirawo kutanga kuirapa.

Chokutanga ndechokuti chigwere ichi chinokwanisa kuita kumurume wega wega asi varume vanonyanya kuchibata varue vasina munhu wekuvata naye kwenguva refu. Zvinohi varume vaya vakaita sevafundhisi ve Roma vasingadi kuhwa nezvekurhoja vakadzi, ndivo nanonyanyisa kuita chigwere ichi. Munhurume anofanira kugarowana mukana wekubudisa urume zvisinei kuti anozviita sei. Urume unofanira kugarotapudzwa kudzivirira chigwere ichi.

Zvinohi murue kana ava nemakore anopfuura makumi maviri nemashanu, kana kuti akatanga kuvata nomukadzi, zvinobatsira chose chose pakudzivirira chigwere ichi kana akajaira kuti pamwedzi wega wega oburitsira mukadzi wake urume zvinopfuura makumi maviri nekamwe chete (More than 21  ejaculations per month) Ndizvo zvanzi vaya vechifundhisi vasingadi kuvata nevakadzi havazokwanisi kusvitsa kwese uku. Kumurume ane mukadzi mumba, ona mukadzi wako semushonga wezvigwere zvakati wandei. KGarokwezva mukadzi kuti afarirewo kuiswa nokuti zvinorapawo zvigwere zvevakadzi. Chero mambotukana wanai mukana wekumbovatana musati mavata hope. Kana kumukirana usiku zvakanakawo futi kana mese muchizvifarira.

Asizve iwe muridzi hwisisa kuti pakudzivirira chigwere ichi usazonobata zvimwe zvigwere.

Kana wabata chigwere ichi PROSTATE yako inokura zvinova zvinoonekwa pa SCAN kana kuti ukanotariswa kuvarapi. Vanokupinza chigumwe kumashure votsvanzvadzira PROSTate kuona saizi yayo kuti iri papi. Kana yakakurisa vanokuudza. Vane mamwe matarisirezve avanoita. Usatya kutariswa nokuti zvinoda kukasirigwa kuti vakasirewo kukasira kutanga kurapa.

Tichaenderera mberi nenyaya iyi.




1 comment:

Unknown said...

Ini ndiri kuita kunge mawet dreams zvingawa chii uye bdingashandisa mapiritsi api wakuti kuchipatara hatina mushonga