Friday 1 January 2016

Mirira kusvika taroorana

Ndingabvunzawo here kuti zvinemusoro here kuti musikana wangu akandiudza kuti haasi mhandara asi ari kuti tisaita bonde kusvika taroorana? Handisi kupanzwisisa kuti chii chaari kutya?

Iyi inyaya yevarume kuti vanatse kuihwisisa nokuti ndivo vane dambudziko pairi kupfuura vanhukadzi. Varume havanatsi kuhwisisa kuti vanhukadzi vanofarira kuvata nevarume kupfuura varume kuda kuvata nevakadzi. Muiyano wacho ndewekuti vanhukadzi vanoda kuzviita kana dzimwe nyaya dzakanaka muupenyu hwavo. Kune vamwe vakadzi vashoma vanongdawo havo kungovatana nomurume wese wese asi panosvika imwe nguva chero kuvashoma ivavo yokuti vanohwisisa kuti upenyu hwekungokwigwa pasina chawavaka haubatsiri chinhu.

Saka apa totangira panyaya yokuti mukadzi haasi mhandara. Otanga kudanana nomukomana. Vodanana nomuyo wese kusvika pakutsanangurirana HISTORY dzavo.  Mukomana wohwisisa kuti musikana uyu haasi mhandara asi zvosamunetsa fungwa. Anoda musikana wake chose saka haanei nokuti musikana akambovata noumwe murume.

Posvika nguva yokuti mukomana wofunga kuti dai vachitanga kuvata vese. Ipapo musikana oti bodo ngatimirire kusvika taroorana. Aikazve, chii chatiri kumirira. Mukomana anoda kupahwisisa. Pamwe vanotokonana nenyaya iyi.

Ngatimbodzokera shure kusvika pakabviswa musikana uyu humhandara. Funga kuti vasikana vakawanda chinoita kuti vabvume kubviswa humhandara chii? Uchaona kuti kazhinji nyaya yorudo inotaugwa chaizvo pazviri kusvika musikana afunga kuti kuiswa kutaridwa rudo, iri ngari yokuti vanhukadzi ndiwo mafungire edu. Unoona sokuti kuvhurira mukomana wako makumbo kumutaridza kuti unomuda chose uchifunga kuti iye achazvibatawo saizvozvo. Wozoona kuti pava paya haana kana hanya nazvo anotokuona sehure asi ndiye akubvisa humhandara uye anoziva kuti hauna kumbovata noumwe munhu kuzhe kwake.

Toti musikana uyu azorambwa nanyakubvisa humhndara, Ndiye nhasi munhu ava kudanana nomukomana anomuda chose nomoyo wese asi mukomana ava kuda kuvata naye. Musikana PSYCHOLOGY yake yasiyana nezvayange iri achiri mhandara. Hakusi kuti haachadi kuvata nomukomana. Bodo. Munhu anotoshushikana kusavata nomukomana kupfuura kushushikana kunoita mhandara nokuti mhandara haizivi kunaka kwazvo. Uyu anoziva.  Saka chii chiri kuitisa arambe, uye mukomana anofanira kuhwisisa chii?

  1. Musikana awedzera makore ekuberekwa kubva paakabviswa humhandara
  2. Musikana ava kuhwisisa mafungire evarume kubva paakabviswa humhandara
  3. Musikana akambowana nguva yokufunga zvakaitika muupenyu hwake akadzidza pazviri
  4. Musikana ari kuda kugadziridza upenyu hwake kuti huve nani kubva paakasiiwa nowakamubvisa humhandara. 


Saka apa ari kuudza mukomana kuti ndakakanganisa, ndikadzidza chidzidzo pazviri saka kuvata newe ndinoda chose asi ngatozoita tambosvika pachinhanho chakafanira nyaya dzokuvatana.

Varume:
Munhurume kazhinji akangoziva kuti mukadzi wekuti ari kugarorhojewa, anongodawo kurhoja ipapo. Tichitarisa mahure tinoona kuti varume vanotobhadhara mari kuti vharhoje vachinatsohwisisa kuti mukadzi uyu ipapo anotori nourume hwavarume vakawanda mukati make. Ruzivo igogu ndigo gunovapa zemo.   Haumbohwi kuhi murume akakumbira kurhoja mhandara akada kuipa mari. Bodo. Hure ndiro rinopiwa mari, mhandara ndeyokurhoja mahara.

Kozoti asangana nokudanana nomusikana asiri mhandara, anoona sokuti munhu asina chaangada kuPUROTEKITA saka ngaangovhura ndirhoje.  Asi musikana anoona sokuti kungovhura zvorudo handizvo nokuti kare akavhura zvorudo akarhojewa akarambwa, akadzidza chidzidzo pazviri.  Iwe murume chifunga ipapo kuti shuwa musikana uyu kubva ipapo haasi kukwirisa kusvika awanikwa.

Varume ukaterera vachitaura nyaya unohwa vachibvunzana nenyaya ye MILEAGE yemahure avari kuvata nawo. Zvoita sokuti vanohwisisa kuti musikana akavata nomurumwe umwe chete ari nani pane akavata nevakawanda.  Saka unobva wafunga kuti vanohwisisa kana akaramba kuvata naye achiti mirira titange taroorana, asi bodo zvinotovasvota kuti sei akavhurira uyo asi ini achindirambira.
Nyaya iripo ndiyoyo yokuti ava kutotya MILEAGE yamunogarotaura iyo. Iwe kumuda kwauri kutaridza ndiko kwaingoitwa nouyo akazomuramba. Sakai we ukavata naye ukazomuramba, MILEAGE yatokwira kubva payange iri. Murume anozotevera ipapo otofunga kuti musikana uyu ihure rake rakangomirira kuiswa pasina zvokuzovaka musha naye.

 Ndiyo naya iripo. Varume tendai musikana anoti ngatimire tiroorane. Hwisisa kuti ane chigumbu mumoyo make chokuti varume hamuoni kuvhura makumbo sechinhu chinotaridza rudo. Munongoona sekudya kwechombo chete.  Saka mirai kusvika munhu ava mumba.

Vakadzi:
Pakudanana nomukomana iwe usiri mhandara kasira kumuzivisa kuti hausi mhandara uye kumukurudzirawo kukudza kuti iye HISTORY yake iri papi. Varume vakambovata nevakadzi vakawanda vanopa vakadzi RISK ye CERVICAL CANCER saka zviri nani udanane nomurume achiri jaya kana kuti akavata neumwe chete kana vaviri kwete vanosvika vashanu kana kupfuura. Unokwanisa kupiwa chigwere ichi. 

Kana mahwisisana HISTORY dzenyu ndipo pakubvunzana kuti pane zvese zvawahwisisa uchiri kundida here kana kuti tochiparadzana? Kana mabvumirana kuti munodanana chihwisisa kuti ndipo panotangira RELATIONSHIP yenyu zvedi saka kana wada kutsanangura zvimwe zvinhu pamafungire ako, chitsanangura murume achiru muMOOD yekoterera.

Varume chinhu chavasingadi kuudzwa nhema. Kana ukafungira kuti ungangoda murume uyu zvechokwadi, chimuudza chokwadi uyezve kuti unoda kuti aite sei nechokwadi chawamuudza. Muudze kuti unoda ahwisise kuti wamuudza kuti awane nguva yokufunga kuti anokuda here kana kwete kuti murege kupedzerana nguva. Kana ati anoda kumbonofunga, rega aende. Muudze kuti ngaakufonera kana afunga, zvisinei kuti ankuda kana kuti haakudi.

Hwisisai kuti kuda umwe munhu iDECISION inoitwa nomudi. Hazvingoitiki zvega. Tese tinotozvisarudzira kuda kana kusada. Kana ukanyengwa mubhazi nomurume wawange usingambozivi, wega unozvisarudzira kuchinjana nhambha dzefoni naye kuti muzotaurazve. Kuzodanana kwenyu kusarudza kwenyu.

Pananai nguva yokufunga nokusarudza  zvamunoda. Hakuna RELATIONSHIP inofamba zvakanaka kana yakavakwa pamusoro penhema nokuti musi unozikamwa nhema dziya panoita nyaya dzakaanda. Kana usiri mhandara buda pachena usati wawanza INVESTMENT pamunhu. Kana ati hazvina mhosva moenderera mberi. Kana ati haachakudi, chirega aende.  Zviri nani uzive mafungire ake musati mamboita nguva mese.

Kana uchida kumirira kusvika maroorana kasira kuudza murume kuti ahwisise mafungire ako. Usafunga kuti kumuvhurira makumbo ndiko kuchaita asakuramba. Kazhinji ndiko kunoita akurambe. Vasikana vakamboiswa vanorambwa kupfuura vasina iri ngari yokuti unoonekwa sokuti uchavhurira vamwe varume. 


Varume/Vakadzi
Humhandara hachisi chiganda chinobvaruka wapinzwa chombo. Humhandara i Experience. Kungoziva kuti tisu chete tinoisana pauviri hwedu muupenyu hwedu hwese chinhu chinofadza. Kumbova wakavata noumwe mukomana/musikana zvoita sokuti EXPERIENCE yaunayo ine vamwe vanhu mukati ndizvo zvinotenderedza fungwa dzevamwe vanhu zvikuru varume. Saka uchiona varume vachida kuroora mhandara.

 Kana madanana tererai zvamuri kuudzana. Kasirai kubvunzana nyaya dzeHISTORY kuti musazoti kwapera mwedzi muchidanana munhu otanga kuti hauna kundiudza chokwadi iye asina kumbobvunza. Kana uchingoda munhu zvokuda kuvata naye pasina chimwe chinorongwa, taura ipapo muite muchiziva kuti mahumbwe.  Zvikuru imi varume nokuti ukasataura musikana anokuitira mimba iwe wange usingamudi.

Mimba mazuvano dzese zvadzo ndedzokuita uchitoda kudziita. Hakuna mimba inoitika ne MISTAKE mazuvano. Saka kutaurirana zviri pachena kunoitisa musaita mimba yamusingadi. Iwewo murume chidzidza kupfeka kondhomu kana uchingoona musikana wako semunhu wekungokwira chete chete.


UDZAI VAMWE!!!!!

No comments: