Saturday 16 January 2016

Zviito zvevabereki pakukura kwevana

Vabereki pakurera vana vanowanikwa vane zvinhu zvakawanda zvavanofanira kufunga. Pano toda kumbotaura nezvimwe zvacho kuti zvinokonzera chii pavana.  Umwe noumwe we vanhu panyika pano machengetere atinoita vana anobva pakuchengetwa kwatakaita isu tiri vana. Hakuna chikoro chinodzidziswa vanhu kuva vabereki asi kuti tinodzidzira pakuona vabereki veu vachitichengeta isu.

Ndizvo uchihwa vanhu vachiudza vana vavo kuti vasaroorana nevana vokwanhingi nokuti vabereki vavo imbavha kana kuti mahure, kana kuti zvidhakwa, kana kuti vakamboenda kujeri. Kana mubereki ane tsika dzakaipa idzi zvinoreva kuti ndiwo makurire anoita vana vakevo kusvika vangoitawo izvozvo zvavakakura vachiona.


Tichataura nezvokuti

Pakudanana kwevabereki: 
Vana vanokura vachiona vabereki vari vanhu vanodanana mumba uye vanotaridzana rudo, vanoti vava nemhuri dzavo vova vanhuvo vanotaridza rudo kumhuri dzavo. Kutaridza rudo kuri pakawanda asi vana vanokasira kuhwisisa mafungire avabereki vavo kubva vachiri vadiki. Kana umwe wavabereki asipo uya wasara navana anoshushikana moyo nokushuva umwe wake. Anotaurira vana zvaanofunga, hazvinei kuti vana vanhu vadiki. Vana vanodzidziswa kuhushikana kana baba/mai vasipo.

Vana vanoona kuchingamdzwa kunoita mubereki uye ange asipo paanodzoka kumba, vanoterera mashoko okukoshesa kudzoka kwaaita nokuona kufara kunoita mhuri.  Vana vanoona kushaya mufaro kunoitika kana vabereki voda kuparadzana. Vanohwa zvinotaugwa nevabereki. Vanoona misodzi yamai nokuziva zvainoreva.

Vana vanoona mushandirapamwe wevabereki vavo pakuronga nyaya dzomumba. Vanokasira kuhwisisa kuti musha uno una mai nababa vanogadzira zvinogadzigwa pamwe chete. Vana vanokura vachifunga kuti ndiwo maitire evabereki vese.

Vana vanoona kutarisana mumaziso nokutaurirana nokubatana kwevabereki vavo vohwisisa kuti baba namai vanorudo. Vanohwa kukumbirana regerero kwevabereki kana pakanganisiranwa pakati pavo. vofunga kuti ndiwo maitire ezveupenyu.

Vana vanoona vabereki vachinyemwererana nokusetsana nokutamba vese. Vanoona vabereki vachikokana pakudya. vanoona vabereki vachipanana zvokumwa pasina kupopotedzana vofunga kuti ndiwo magarire evanhu.



Pakupokana
Vana vanoona vabereki vachiti vakapokana baba votora chitirobho vorakasha mai, kana kuti mai vanobuda pazhe vopopota kusvika raini rese raunganapo kuterera kuti chii chaitika, vofiunga kuti ndiwo magarire emunhu anohi mubereki.

Vana vanoona baba vachiramba kudya zvabikwa namai kana vabereki vakatsamwa vohwisisa kuti kutsamwira munhu nokudya zvaabika hakuenderani kana uri mubereki. Vanohwisisa kuti kana munhu anohi baba akatsamwa haafaniri kudya mumba make kusvika nyaya yapera, hazvinei kuti inoita mazuva mangani.

Vana vanogaroona vabereki vachichemedzana pakupokana, vofunga kuti ndiwo maitire emunhu anohi mubereki. akatsamwa panofanira kuita umwe anochema pazviri.

Vana vanoona vabereki vachitsamwa kusvika pakusataudzana kwemazuva akati kuti musha wakangoti zii kuita sepasina vanhu, vofunga kuti ndizvo zvinoita kuti uhi mubereki. Vanoona sekuru nambuya vachiuya kuzotonga nyaya voterera kupopotedzana kunoitwa ipapo nemhosva dzamai nababa dzinotaugwa ipapo dzakadzika uye dzinoitwa zvokupopotwa kuti vanopfuurawo havo vahwe kuti pane nyaya apa. Vana vanoti ndiwo maitire evakuru kana mhosva yaitwa.


Pakusaita nyaya mumba
Vana vanohwa vabereki vachiti kana vane vamwe vanhu vanoita nyaya vachiratidza mufaro asi kana vava kumba hapana nyaya inotaugwa. Kunongori kuti ndipe ichi kana ich kusvika vanhu vaenda kunovata. Mangwana ndizvozvo, mangwana ndizvozvo kusvika gore rapera. Vanobva vangofunga kuti kuva mubereki kureva kuti hautauri noumwe mubereki.

Mwana akangoti kurei unoona ongoti akabva kwaabva oenda kuimba yake yokuvata ogarako vabereki vasingazivi zvaari kuita ikoko. Hakuna une hanya naye kuti chii chadzidza kuchikoro nhasi kana kuti shamwari dzake ndivanaani. Vabereki zii zvavo sepasina vanhu.


Pakuhurirana zvinobuda pachena
Vana vanokura vachihwa nyaya dzekuhura kwevabereki vavo. Dzimwe ndedzekuhwa pakupopoterana mumba, dzimwe dzinobuda vabereki varovana umwe achigumira kuchipatara, dzimwezve dzinobudira kwasabhuku vana vachidzihwa nevanhu vomuraini vachiseka kuti mai nhingi kuhura nanhingi here veduwee, kana kuti baba nhingi vakamitisa mwana wekwanhingi. vakadzi patsime/pamagirosa votaura voridza chikuwe vorovana maoko. Vana vevabereki ava vachizvihwa uku vachiona uya amitiswa achitakwaira nemmba yababa vavo kana kuti vanotengegwa zvihwitsi nechikomba chamai.

Vana vanokura vachifunga kuti munhu anohi mubereki munhu anomitisa vasikana vemuraini kana kuti munhu anoshamwaridzana nevarume vanotengera vana vake zviwhitsi,

Pakurambana
Pakurambana mai nababa vanopomerana mhosva dzakawandisa zvinji dzacho dzinoudzwa vana kuti vafunge kuti baba kana mai munhu akaipa chose pazvinhu zvinoti nezvinoti. Vana vanokurudzigwa kutongesa vabereki uye kuhwisisa kuti mubereki munhu akaipa anoitira vana vake zvinhu zvakaipa uye asingadi umwe mubereki aakaita naya vana.


Pakusagara mese nenyaya dzemabasa
Vano vanokura vachiona mai nababa vachiti umwe anogara Joni umwe anogara Harare. Vanokura vachiona kuti pakusangana vabereki vanouya nezvinhu zvakaita senhumbi dzokupfeka dzokupa vana vanoona vabereki vachiita mwedzi nemwedzi vasina kuonana vanoterera uya wavanogara naye achidembademba kuti murume/mukadzi haapo, vofunga kuti mubereki munhu asingagari noumwe mubereki pamusha nenyaya yemabasa anowanikwa kure.

Pakusavhakashira hama
Vana vanokura vachiti kana chikoro chakavhara vakada kuvhakasha vanonoona shamwari dzevabereki asi havaoni hama dzamai kana dzababa, vofunga kuti munhu anohi hama haana kukosha. Vanoona kuti kana kukaita rufu baba vanokwira mota yavo voenda vega kana kuti mai vanoenda vega kwavo. Vanoonera hama pamapikicha vachiita zvokubvunza kuti uyu ndiani. Vana vanokura vasineiwo nehama dzavo.


Pakusadzidza zvinoonekwa nevana
Vana vakakura vasingaoniwo mubereki chaverenga kana kuratidza kudzidza zvinodzidza kumabasa kana kuti kudzidzawo zvokungoda kuhwisisa zvimwe zvinhu kana kuti kudzidza kana Bhaibheri haro kana rimwe bhuku redzinza kana rinotaura nezvekuita zvinonakidza kudzidza, sokuti kurima, kuteya mbeva, kuvhima, kuchengeta magarikuni, kana chimwewo hacho chinowanikwa mumbabhuku. vana havazokoshesi kudzidza. Kana mubereki akagumira muForm " asingaratidziwo kuti anofanira kuwedzera kudzidza tinoona kuti vana havaneiwo nazvo.


Pakureva nhema.
Mubereki anogaroreva nhema anowanza akakurudzirawo vana vake kurevawo nhema zvikuru kune umwe mubereki. Nhema hadzizonetsi vana ava kureva nokuti ndiwo makurire avakaita.


Chibharo: 
Kune vakawanda vanobata vamwe vanhu chibharo zvokutoti akabatwa nemapurisa anosungwa. Ukatarisa makurire emunhu wakadai uchawana kuti pane zvakaitika kuti asava norukudzo kune vamwe vanhu saizvozvo. Tese tinoziva kuti ukahwa kuti hama yako yabatwa chibharo nomunhu anohi nhingi unoita fungwa dzisina kunaka panhubu iyoyo. Asi ruzhinji zvakabva pakukoniwa kwevabereki. Hakuna mwana anozvagwa akahi achava munhu wekubata vamwe chibharo asi kuti vabereki ndivo vanoita vimwe zvinhu zvinokanganisa musoro wemwana.

Basa romubereki:
Kana wazvara mwana, chironga yokurera mwana zvine mwero uchimutsiura pazviito zvaka asi iwewo chirega kuonekwa nomwana uchiita zvinhu zvaunotsiura mwa kana azvita. Mwana haana kuzvarigwa kuti agozvirera kana kuti agopiwa umwe munhu kuti arere mwana wako. Iwe kuva mubereki kwako kureva kuti unofanira kurera mwana wako zvakakodzera. Kwete kusiya mwana achikuri usingazivi kuti ari kukura sei.

Vana vanoda kuva mumhuri yakadzikama inokoshesa vana zvese nevakuru. Hatisi kuti vabereki havapokani asi kana mapokana vana ngavasaziva kuti pavabereki paita nyaya yokuti uye vazotukana vachiti vakanyimana zvokuti. Vana vanei nakupokana kwenyu. Tukanai henyu pachenyu asi vana ngavasaziva zviri kuitika. Mwana anofanira kukura achifunga kuti vabereki vake vanhu vanoziva havo nhamo asi vanogadzirisa zvinonetsa mumba. Kana musina mari mhuri inoziva kuti mari hapana. Haisi nyaya yokupopota.

Tinoona vana vachikura kuita zvimwe zvinhu zvinotyisa asi tochema chema kuti mwana azviitirei asi kazhinji tisu takarera mwana wacho tichimupa mafungire akadai.

Musaona sokuti mwana mudiki hapana chaanodzidza. Kana mwana achiona zvinhu zvechikuru anohwisisa zvakawanda pane zvaari kuona uye anodzidza kubva pazviri. Anozoti ava munhu mukuru moshamisika kuti akazviwanepi izvo ndimi makamudzidzisa.

No comments: