Saturday 9 January 2016

Kana uchida musikana/mukomana vabereki vasingamudi

Zvinoitika kuti unokwanisa kudanana nomunhu kusvika pakufunga zvokuenderera mberi naye, wozoti wamutaridza vabereki vako zvoonekwa kuti havamudi zvachose, zvokuti vanozama kukuparadzanisai.  Iyi inyaya inoshungurudza chose zvokuti vamwe vanopedzisira vafosa vabereki kusarudza. 

Kune vaberek ivanoti ukanyengana nomukomana/musikana asina kukodzerana newe vanokuudza kuti hazviiti, vozama kuti uhwisise kuti unofanira kurambana naye.  Zvikuru kana umwe munhu akakuudza kuti mafungire ako akaipa iwe unobva watowedzera kufunga saizvozvo. Uku kusahwisisa nokuti vabereki kazhinji vanohwisisa nyaya dzorudo kupfuura vana vavo saka vanenge vatoona kuti hapana kwamuchasvika uye munokwanisa kumitisana mozoshaya zvokuita.

Vabereki vakawanda vanotya kuti mwana wavo mukomana kana musikana atange kuvata nomunhu waanoti anodanana naye vasina kuroorana. Kufunga kuti mwana wako akura zvokukwanisa kuvata noumwe munhu chinhu chinotyisa. Saka mubereki wese wese anoda kuti ugare uri mwanana kwenguva refu.

Koitazve vabereki vanoona sekuti mhuri dzavo nevana dziripamusoro kupfuura vana vekune dzimwe mhuri . Hino iwe ukazoonekwa wosvika pamba nomusikana/ mukomana wekumhuri dzisingaite, vabereki vanogumbuka nazvo vozama kukudzivisa.  Pakukudzivisa apapa vanokwanisa kukukonzera kuita chinhu chawange usingafungiri kuti ungaita.

Uyavo mukomana/musikana wako akaziva kuti vabereki vako havamudi, anokwanisa kuitawo zvinhu zvamange musina kuronga.  Saka pano toda kumboongorora zvimwe zvezvinhu izvi kuti zvinosvika kupi panyaya yokuzama kuti vabereki vako vade munhu wawasarudza kudanana naye.

Jessica:
Pakashaika vatete vaJessica, vange vaita mwana umwe chete nomurume wavo, ndokubheuka nemota ndokushaika. Murume ndokuuya kumhuri yomukadzi ndokunyengana nomwana wehazvanzi, uyu Jessica. Baba vaJessica nomufi vange vari hazvanzi nehazvanzi asi vasiri vemumba mumwe chete. Madzibaba avo vari vatevedzani vanga vagara vachingovenganawo havo pazvinyaya zvavo zvemumusha.  Jessica ange ane makore18 oda kutoenda ku University, uye murume watete ane makore 42 achiticha pa University ku Kenya.  Jessica waona mota ne suit yababamuru nokuumburudzwa moyo nazvo.  Vayavo babamukuru voti vakapfekegwa mini hana yorova.  Hapozvo!!.

Baba vaJessie vahwa kuti mukuwasha ada mwana wavo ndokuputika chifuva nehasha kutoda kuuraya munhu kwahi handina mwana anowanikwa nomurumme ane makore 42. .

Saka unoita sei?
Kuita mimba
Kana wava panyaya iyi urimusikana unokwanisa kutosvika pokuti unonyengegwa
Nevamwe kuti kana ukaita mimba vabereki vanokubvumidza kuwanikwa nomukomana wako. Idziinhema.  Havasi vabereki vese vane hanya nokuti waita mimba.  Vamwe vanotokwanisa kukuwedzera puresha yokuti ubvise mimba yacho.  Wosara wava nenhamo mbiri, yokuti vabereki havadi mukomana wakouye yokuti havadi mwana wako voda kuti umuuraye.  Chimwezve ndechokuti mimba hachisi chinhu chaunoita nomunhu pasina kubvumirana. Iyewo akaona pava ne puresha yakawanda paari anokwanisa kukusiya iwe wava nemimba. Kuita mimba pakadai kuratidza kusahwisisa nyaya yako.

Kubvumirana nevabereki:
Vakawanda, zvikuru vakomana, vanokwanisa kuwirirana nevabereki voramba musikana asingadiwi uya. Vakomana vanhu vanoita sevavhimi. Akaona sokuti mhuka iyi haibatiki anokusiya wakadaro. Iwe ndiwe unotozomutevera kusvika madzokerana.  Varume vanoita rudo chaigo vashoma. Kazhinji mukomana anongotanga nokuchiva mamirire akaita musikana. Zvinomboramba zvakadaro kwenguva refu zvokuti kuzoti ava nerudo hazvifanani nerudo gwemusikana. Saka kuramba musikana hakunyanyi kumudya moyo.

Asi kumusikana hazvisi nyore kuramba mukomana uchiti nokuti vabereki vako havamudi. Unenge wagara usingamudiwo hako. Munhukadzi akava norudo pamukomana anoita rudo chaigo zvokuti kuudzwa kuti murambe zvinonetsa.  Ndipo unozoona otsvaka mamwe maitire kuti arambe achidanana nomukomana wake.

Kubvumirana nevabereki kazhinji zviri kuvakomana. Kana mai vake vaketi musikana nhingi akaipa pokuti nepokuti mukomana anoterera mai vake. Kana iwe musikana ukahwisisa kuti ndiko kwaenda nyaya, chimusiya akadaro utsvake umwe mukomana. Chinhu chakaoma chose kudanana nomukomaka kana mai vake vasikufariri. Mukomana namai vake vanhu vanonetsa kusiyanisa mafungire avo.  Kana vari baba vake vasingakudi, kazhinji inyaya yekuti vanoona sokuti uchatadzisa mwana wavo kuita chimwe chinhu chavanga vakamurongera kuti aite, sokuti vanoda kuti aende kuUniversity

Kumirira vabereki kuti vachinje mafungire
Pane vanoramba vachidanana nomukomana/musikana vakamirira kuti vabereki vachachinja mafungire. Zvinobva pakuterera kuti vabereki chavari kurambira munhu wawasarudza iwe chii, wopedzisira wafunga kuti vabereki vakaramba vachiona mukomana/musikana wako vachafunga kuti munhu kwaye vozobvuma kuti wasarudza zvakanaka.

Kurambana nevabereki
Koita vamwe vanoti akaudzwa kuti musikana/mukomana wako hatimudi nokuti chino nechino, anobva angosiyana nevabereki kusvika pakusavaudza nyaya dzake. Vabereki vongozoita zvokuhwa nemakuhwa kuti mwana ane musikana/mukomana. Izvi zviri nyore kuvakomana nokuti anokwanisa kuti achishanda kutawundhi, ongoramba achionana nomusikana wake vabereki vasingazivi. Pamwe anongozorega kundoona vabereki nokuti havafariri zvaari kuita.

Kuvana vaye vane vabereki vakarambana, zvinoitika kuti umwe mubereki anoda umwe haadi. Pakadaro unokwanisa kusiyana nomubereki asingafariri sarudzo yako wofambidzana nouya asinei nazvo.

Kutsvaka munhu wemhuri anonotaura nevabereki
Pane vamwe vanoita zvokupotera kune umwe munhu mukuru wemhuri. Sokuti kana mai vako vasingadi sarudzo yako unokwanisa kundopotera kwambuya, mbuya vozotaura namai kuti regai mwana azvitsvakire rudo gwake ega sezvandakakurega uchizvitsvakira wega. Pamwe mubereki anozoti anatsofunga okuti ita hako. Asi kune vamwe vanoomesa moyo zvachose.

Chokwadi
Chokwadi ndechokuti vabereki vanokuhwisisa kukupfuura. Usakangamwa ipapo. Kune vabereki vanongoda kuhwa kuti unofadzwa nesarudzo yako, asi kune vamwe vabereki vanopindira nyaya dzevana vavo kusvika pakuti uyu tomuda uyu hatimudi. Kana une vabereki vakadai  zvinonetsa kuti ubvumidzwe kukura. Vanoda kukuitira zvese.  Kana wafunga kuti wava munhu anokwanisa kuva nomukomana/musikana onofanirazve kukasira kufunga kuti munhu mukuru haawedzeri dambudziko rake asi anoridzikisa kusvika rapera.
Taona kuti kuitisana mimba kuwedzera dambudziko. Kutizirana kuwedzera dambudziko. Saka chasara ndechokuzama kuhwisisana nevabereki kuti chii chaicho chiri kuvadya moyo. Pamwe unotaura navo wosambohwisisa kuti chavari kurambira sarudzo yako chii. Dzimwe nyaya dzinonetsa kuti mubereki ataure.

Zvinokwanisika kuti ndiwe mwana mukuru mumba uye wange wava kubatsira panyaya dzemari mumhuri. Hino ukauya nomusikana/mukomana vabereki vanoona sokuti mukana wemari wapera. Mari yange yava kupota ichiuya yava kushandiswa kuvaka musha wako. Iyi inyaya huru kune dzimwe mhuri uye kana mubereki atanga kufunga seizvi anokwanisa kuvenga munhu waunodanana naye kusvika pakadzika. Anoona sokuti ndiye ari kukunyengera kuti upokane nevabereki. Kana uchida mukomana/musikana wako, zama kudzivirira umwe wako kuzvinhu zvakaipa zvemhuri yako nokuti mukazokwanisa kuroorana achada kufambidzana nehama dzako asina zvakaipa zvaanoziva kuzhe kwezvavamuudza ivo.

Kupikisana nevabereki handi chinhu chakanaka kuita uye hazvifadzi asi zvinokwanisika kuti unosvika pakadai. Ramba uchitaura nevabereki uchiratidza kuva munhu akura pkufunga. Usapopotedzana nomubereki. Bvunza zvausingahwisisi umirire vatsanangure. Wava wega zvibvunze kuti zvawaterera mubereki achikuudza zvine musoro here kana kwete. Kana zvisina, dzokera undobvunza futi kuratidza kuti waterera asi unoda kuwedzera hwisiso. Uchaona kuto kupopota kwevabereki kunoita kushoma.

Kune vabereki vanoda kuti mwana kana ari kuchikoro asambowana nguva yokunyengana nevamwe vana vechikoro. Kuri kufunga kuti unozotadza kupasa bvunzo dzako. Mafungire awa haana kuipa asi kungoti tese tinozosvika kuCOllege  kana University muviri wakura zvokuti unoitawo zemo, unoziva kushandisa maoko kuzvibvisa zemo, unohwa kuda kuvata noumwe munhu.  Kuti uku uterere muviri uku uterere mubereki zvonetsa. Ipapo unenge uchionawo vamwe vane vakomana/vasikana zvoita sokuti wasarira sure.

Zvikuru kana ukadziviswa kuita chinhu unotowedzera kuchida. Ukahwa mubereki achiti watadza kusarudza, ndipo paunotoda kutaridza kuti wasarudza zvakanaka.  Saka kuudzwa kuti ramba munhu zvinokwanisa kutokuwedzera kumuda. Saka iwewo pakuzvibvunza mibvunzo uri wega zama kuhwisisa kuti maonere ako ari kubva papi. Ari kubva pakuti hausi kuda kuramba musikana/mukomana wako here kana kuti ari kubva pakuti unomuda zvechokwadi. Hwisisazve kuti vanhu kuti varoorane pane nyaya dzakawanda dzinofanira kuvaro. Rudo inonova imwe yenyaya idzi. Whisisazve kuti kune vanhu vakawanda vaunokwanisa kuda. Zvokuti pari zvino uri kuda uyu hazvirevi chinhu. Asi hwisisazve kuti vabereki pamwe AGENDA yavo haineyi nezvavari kukuudza. Panodaro pane nya dzaksitika pakati pemhuri dzenyu dzavasingadi kukuudza.
  1. Mai vake vanohi vanoroya
  2. Hazvanzi yake iri kujeri saka imhuri inosvodesa
  3. Haana kudzidza sewe
  4. Mhuri yake haina mari, dai wanyengwa na nhingi vane mabhizimisi.
  5. Haana motikari
  6. Haana chimiro chakanaka

Nyaya dzakawanda dzinobva pakudanana nomunhu anobva mumaruwa/maraini ekwenyu.  Nyaya dzinoita shoma kana ukatanga kudanana nomunhu anobva kure. Mazuvano kune zvifambiso zvakawanda saka vanhu vanosangana nevanobva kure asizve unohwa mubereki okuudza kuti vasikana ve Vhitori hatidi. Muzezuru bodo dai watsvaka wekuno. Mukorekore haatomboiti. VekuChipinge vanonetsa.
Hwisisazve kuti kana wagara une kuwirirana kwakanaka nevabereki vako nyaya dzokupokana dzinoitawo shoma uye kana vakahwisisa kuti moyo wako wazvisarudzira munhu uyu, vanokusapota pane zvauri kuita.

Jessica akazotogwa nehazvanzi yake yaigara ku USA akaudzwa kuti anofanira kuenda kuUniversity. Kwahi kana mukomana wako achikuda mozoroorana wapedza kudzidza. Ndofunga mese pakuhwa nyaya iyi munokwanisa kufembera zvakazoitika. Jessica ava nemhuri yake uye anogara ku USA.

Udzai vamwe!!!!!

No comments: