Sunday 9 October 2016

Mukadzi anorova murume

Munyika dzese kune varume vakawanda chose vanoti nyaya ikaipa mumba mukadzi anomurova pamwe zvokutopedzisira aenda kuchipatara kundorapwa. Vanhu takajaira nyaya yomukadzi anorobwa nomurume. Yamerume anorobwa nomukadzi hatina kuijaira asi kuwanda kwenyaya dzakadai kunoda kufanana.

Asi pano toda kuongorora chimiro chemukadzi anorova murume. Zvevarume vanorova vakadzi takambokurukura nazvo kare tikati siyanai navo nokuti kana zvangotanga hazviperi. Ko vakadzi vakadiiwo ndiyo nyaya pano.


Kuti mukadzi akwanise kurova murume chinhu chinonetsa kutanga. Kumunhukadzi murume wake munhu akakosha chose aanopa chiremera zvoreva kuti hazviiti kuzosimudza ruoko achimurova.  Vakadzi vakawanda vadiki pazera kuvarume vavo asi varume vanhu vasingakasiri kukura sevanhukadzi zvokuti chero murume ari mukuru, kwemakore maviri kana matatu, pakukura kwefungwa dzokuvaka musha (MATURITY) vakangoinzana kana kuti mukadi ndiye mukuru. Murume kana asina mukadzi anohi rombe rinova vara rakaipa kuti munhu ahi irombe. Mukadzi kana asina murume iye abva zera anohi Tsikombi, vara risina chakaipa paari.  Zvinoreva kuti kazhinji kuti murume atange kuhwisisa nyaya yokuvaka musha anoda kunge ava nomukadzi muupenyu hwake.


Vakadzi vanodzidziswa kuremekedza varume vavo nguva dzese, uye kutora murume kuti ndiye mukuru wemusha pamusha. Murume, parudzi gwedu, ndiye samusha wemusha. Vana vanotora zita remhuri yemurume nomutupo wemurume.


Mukadzi kana ane mimba anoita fungwa yokuzvarira murume vana. Unohwa kazhinji vanhu vachitukana mukadzi achibvunza murume wake kuti “handina kukuzvarira vana here?” kureva kuti mukadzi anoona sokuti basa rake kumurume kumuzvarira vana.  Asi vana ndevakewo iye mukadzi. Ndiye akarutsa mangwanani nokuda kwemimba. Ndiye akaita mimba akatakura mwana mwedzi mipfumbamwe. Ndiye akagwadziwa nemimba akagwadziwa nokuzvara mwana. Asi ega anozvitaurira kuti akazviitira murume wake.

Kana tichitarisazve nyaya yokuti ane simba muupenyu ndeupi murume nomukadzi wake, tinoona kuti vakadzi vakawanda vanoti murume akahura vomuregerera, vachinatsoziva kuti achatohurazve, asi varume vakawanda mukadzi akahura vanoona zvakavaremera kumuregerera. 

Kana muri pane vanhu, murume wako achitaura, iwe mukadzi wake unotsigira murume wako kuti aonekwe ari pakakwirira.  Kana muri vaviri muchitaura nyaya dzomusha, kashoma kupopota pasina chinhu chikuru chaitika.

Kana muchivatana zvinoonekwa kuti mukadzi ndiye anopa murume zvinhu. Vakadzi vakawandisa Mupasi rese vanovata manhede, vovhura makumbo murume opinda pakati pemakumbo ovate nomukadzi wake. Izvi zvinoreva kuti mukadzi ndiye anopa murume. Mukadzi ndiye anofanozvigadzirira kuiswa nomurume. Murume ndiye mukuru pane zvakawanda mumusha.
Kureva kuti mukadzi wemumba nzwimbo yake inzwimbo yakatosiyana neyemurume wake.  Kuti mukadzi  asimudzi ruoko arove murume, pane chaitika muupenyu hwavo change chisina kufanira  kuitika pakati pavo.


Kana tiri muUK, tinoona kuti tikatora vanhu vese vanoita inohi DOMESTIC ABUSE, tinoona kuti Varume vanorova vakadzi vavo 60%. Vakadzi vanorova varume vavo 40%. Kureva kuti dambudziko iri idambudziko guri.  Kuvanhu vedu hatizivi kuti iguru zvakadii asi ririko. Kungoti vamwe varume vanosvoda kutaura kuti vakarohwa nomukadzi kumba. Kutaura kunofumura mese murume nomukadzi.  Vanhu vanoterera nyaya yokurohwa kwemurume nomukadzi wake vanowanzoseka, ask kana murume iyeye akarova mukadzi vanokasira kuudza mukadzi kuti ngaanoudza mapurisa murume asungwe. Vanhu vemuraini kazhinji havahwisisi kuti kurohwa kwemunikadzi kwakanofanana nokurohwa kwemunhurume.

Asi chii chinoitisa kuti mukadzi arove murume, zvisiri zvokuti mukadzi ari kuzvidzivirira kurohwa nomurume. (SELF DEFENCE) ? Chii?  Kuti tihwisise zvikonzero zvekurohwa kwevarume ngatitarise zvikonzero zvinoitisa vanhu hasha. Apa tinoona kuti kazhinji vanhu vane hasha vanhu vasingakwanisi kunatsotsanangura zvavari kuda kutaura. Vese vakadzi nevarume hasha dzinobva pakusagona kutaura zvaunoda kutaura saka ukataura ukashaya mhinduro yaunoda, iri ngari yokuti wawataurira haahwisis zvawataura, Pane kutsanangura, munhu anotanga kurova.

Vanhukadzi vanorova varume havana kunyanyosiyana nevanhurume vanorov vakadzi. Chikuru ndechokti mukadzi anokasira kuhwisisa kuti murume waanaye haadzoreri. Obva aita tsika yokurova murume. Murumewo kazhinji haatauri kuti ari kugarorohwa nomukadzi kureva kuti mukadzi anokasira kuziva kuti akarova murume hapana chinoitika.

Asi pavanhu vakabvunzwa kuti sei uchirova murume, mhinduro dzakapiwa ndeidzi nedzimwe.

Ndoda andihwisise
Haadi kushanda
Akandihurira

Haatereri kana ndichitaura
Ndakamuti gadzira chokuti akasakasira kugadzira.
Ndiye akatana kundirova (21%) 

Saka 79% yevakadzi vanorova varume vanorova murume asina kumurova.



Taurai tihwe.
Uri mukadzi akamborova murume here/ uri murume anogarorobva nomukadzi here? Tiudzeiwo mafambire azvo.

1 comment:

Anonymous said...

Ini mudzimai wangu akatanga kundirova mushure mekuziva kuti ndaiita zvegumbo mumba gumbo pazhe. Aisarova zvakanyanya hake asi waiita zve kutsunya ndakarara kusvikira ndamuka. Aksozombondidirawo mvura inopisa. Iye zvino watonhorera. Haachadaro. Mhirizhonga iyi yaive yakonzereswa nekubuda kwangu ndofunga