Saturday 22 October 2016

Munhu hwisisa upenyu hwavamwe vanhu.

Pano toda kumbotaura nenyaya yokusahwisisa utano hwevamwe. Inyaya dikidiki hayo asi inoda kutaugwa nokuhwisiswa.  

Kuti vanhu tigare tine utano hwakanaka hwemuviri nefungwa, tese tinofanira kunge tiri vanhu vane hwisiso youpenyu uye kusaitirana majerasi pazviri. Iwe wega zvionere kuti unokudza upenyu hwavamwe vanhu vari mu SOCIAL CIRCLE yako vakaita sehama, shamwari, vavakidzani, vaunoshanda navo, vaunosangana navo pamabhazi, etc. 

Munhu ane murume/mukadzi anoshanda kure.
Kana munhu ane murume/mukadzi anoshanda kure achingouya kumba pa WEEKEND, zvoreva kuti paanouya kumba ndiyo nguva yake yokusangana nemhuri yake. Iwe ukazviziva izvozvo chionawo kuti wavapa nguva yokusangana nokufara pamhuri dzavo. Chirega kupindira pazviri nokuva netsa panyaya dzisingawedzeri mufaro wavo. Iwe enda kumba kwako unofara nemhuri yako. Kana usina mufaro kumba kwako hazvirevi kuri unofanira kushaisa vamwe mufaro.  

Murume nomukadzi vanoshanda
Murume nomukadzi vanoshanda vese zvinoreva kuti pakati pevhiki vanoshaya nguva yokunatsogara vese vasingafungi zvekubasa. Pakati pevhiki vanokwanisa kungoonana kwekanguva kadiki maneru uye mangwanani.  Ikako kanuva kadiki kakavakwanira asi kuvanhu vakaroorana inguva shoma iyoyo.  Zvinoreva kuti isu vokuzhe tinofanira kuvabatsira kuva nenguva iyoyo pauviri hwavo nevana vavo.

Vanhu vasingashandi
Vanhu vasingashandi vane nguva yakawanda chose asi pakuwanda kwenguva apa vanokwanisa kupokana nokuti murume ndinzvengamutsvairo mumba. Mukadziwo anokwanisa kuva munhu anofoya. Chero muchidanana henyu sei, kugarisana mumba pasina chamuri kuita hakuvaki musha. Isu vokuzhe kuona kwedu apa ngakubatsire mhuri iyi kuti umwe wavo akwanise kuwana chokuita chinovaka musha wavo.  

Vanhu vachangoroorana
Vanhu vatsva pamuchato vanhu vanofanira kukurudzigwa kuita nguva vari vese vachidzidzira rudo gwavo uye kugarisana. Musva mutsva chinhu chinonetsa kuvaka. Hino isu vokuzhe ngatione kuti tinoratidza rukudzo mukuvaka kwavo. Zvokuti isu takatadza kuvaka dzimba dzedu saka toda kutadzisa vamwe kuvaka dzavo, kukananisa kufunga. 

Vanhu vanogara mumba yako vachibvisa mari
Kuva nevanhu vanogara mumba mako vachikubhadhara rhendi hazvirevi kuti vafanana nevana vako. Vanhuwo varikutoda kuwana musha. Havakwanisi kutenga musha wavo saka vauya kuzorhenda pako.  Hwisisa kuti vanhu vanofanirawo kupiwa rukudzo kuita sokuti vari pamusha wavo. Munokwanisa kushamwaridzana navo asi ushamwari hwevanhu ngahubatsire kuvaka vanhu kwete kuputsa.

Vanhu vanoshanda usiku.
Kana tine hama, shamwari , vavakidzani , etc vanoshanda usiku, ngatihwisise kuti zviito zvedu kwavari zvinobatsira upenyu hwavo. Kune vanhu vasinei zvachose nevamwe vanhu zvokuti chero vanozviona vanopedzisira vaona kuti pane dambudziko apa.  Ngatihwisisezve kuti kupokana navavakidzani chinhu chinoitika kakawanda chose nengari yokusahwisisana, asi vavakidzani ndivo vanhu vanoti ukaita dambudziko vanokasira kukubatsira.  Iwewo batsira paunogona napo.

Vanhu vane vana vadiki
Kurera vana ibasa guru chose zvokuti kune vanhu vasingarikwanisi.  Kana une hama dzine vana vadiki hwisisa kuti upenyu hwavo hwakamira sei.  Vana vanoendeswa kunovata nokukasira kwasviba kuitira kuti vakwanise kumukira kuchikoro kana kuti vawane nguva refu yokuvata.  Zvadaro vabereki vanombosara vakasvinura asi vanenge vakaneta  zvokuda kumbozorora. Isu vokuzhe ngatichiregawo kuwedzera kuneta kwavo nokuvapa zvimwe zvokuita zvisina basa. Ngatirege kuvanonotsa kuvata pazvinhu zvisingavaki upenyu hwavo.

Mukadzi/murume wemunhu
Kuti munhu anzi murume/mukadzi wemunhu zvoreva kuti iye ari kutozama kukura uye kupiwa rukudzo. Isu vokuzhe ngatichitevedzerawo izvozvo nokuremekedza chinhanho chaava munhu uyu.  Kuhi mukadzi/murume wemunhu hazvirevi kuti ava kutogona kuva munu ari pachinzwimbo chakadaro. Ari kutodzidzawo kuzviita. Ndosaka muchiona kuti munhu anokwanisa kuhura asi ega ozochemedzwa nokuhura kwake, achichemerazve munhu waahura naye kunge abatwa achihura. Kuchema uku kushungurudzwa nefungwa yokuti , mukadzi/murume wangu ndomuda chose uye ndiri kuzama kumuratidza rudo neremekedzo asi ndongoerekana ndahura.  Zvinobva pakuti isu vokuzhe hatiremekedzi upenyu hwemunhu uyu. Kana munhu ahi mukadzi/murme wemunhu, ngatichisiyana naye panyaya dzinopedzisira dzahurisa.

Saka tingaratidza Seiko kuti tinohwisisa?
Zvimwe zvezvinoratidza kuti uri munhu anofungawo upenyu hwavamwe zvinhu zvisingambonetsi kuita. Ngatiudzane zvimwe zvacho kuti tese tizive.

1 Usavhakashira munhu ane murume/mukadzi anoshanda kure paWEEKEND, nokuti ndiyo nguva yavo yokusangana pamhuri yavo. Rega vaite zvavanoda, kunonoka/kukasira  kuvata and kunonoka kumuka. Kana uchida kuvavhakashira vhakasha pakati pevhiki. Kana zvisingaiti vatumre zvaunoda pa WHATSAPP mutaure ipapo.

2 Usafonera vamwe kwasviba usingafungi kuti pamwe vavata kana kuti pane zveuviri hwavo zvavari kuita. Sokuti vanhu vachangoroorana vanofarira kuwana nguva yokudzidza zvoupenyu. Vasiye vakadaro. Kana ukafona foni ikarira katatu isina wadavira, chirega kuti irambe ichirira. Tumira MESSAGE.

3 Usafonera munhu kana upi zvake kana 9 yachaya mu UK kana 7.30 yachaya muZimbabwe. Inguva yokuti vana vaendeswa kunovata. Zvino hazviiti kuti uku munhu ari kuzama kuti vana vavate uku foni iri kurira. Kana munhu wauri kufonera ane vana vadiki, tumira MESSAGE iye azvifungire kuti opindura here kana kuti ozopindura mangwana.

4 Usavhakashira vanhu vakaita sevatataura ava pa WEEKEND kana kuti manheru kana makuseniseni. Handizvo. Hazvina kunaka kuti wosvika kumba kwevanhu wowanika vanhu vatopfeka hembhe dzokuvata nadzo kana kuti wowanika magetsi emuhedrhumu mavo atotungidzwa. Zvoreva kuti uri munhu asingahwisisi.

5 Usavhakashira munhu asingazivi kuti uri kuuya uye asina kubvumirana nazvo. Hakuna chinhu chinobhowa sokungosvikigwa pamba pako nomunhu wausingafungiri kuti achauya, hazvinei kuti ihama yako here kana kuti shamwari. Munokwanisa kuti maendesa vana kunovata, magara kuti muchitanga nyaya dzenyu imi vabereki, rimwe benziwo rogugudza pamukova. Unohwa kusembugwa Kana wovhura mukova kuona hama yako yaunoziva kuti hapana chakaipa chaitisa kuti auye nguva iyi. Munhu fona usati wanovhakasha ubvunze kuti zvinoita here kuti uvhakashe. Kana vati zvinoita, wovaudza kuti ndozvikako nguva yokuti.

Unoona umwe munhu achikwira bhazi kubva kwamutare kusvika Bulawayo, ozofona ava pa RANK kwahi uyai muzonditora ndasvika. Vamwe vanoenda kana Joni chaiko, pasina anoziva kuti ari kuuya. Remekedza vamwe vanhu noupenyu hwavo. Magarire avo anongogozhawo seako saka usafunga kuti varipo kushungurudzwa newe. 

6 Usatanga kutaura nyaya dzisiridzo nomukadzi/murume wemunhu. Kana iye akakutsverukira iwe dzora nyaya idzokere kwakanaka. Usanemerana nomurume/mukadzi wemunhu. Siyana naye akure mumuchato wake. Zvinoitwa nevamwe varume zvokuda kutaridza kuti vane mari nokunyenga vakadzi vevanhu izvo handizvo. Hazvina kusiyana nezviito zvembwa.  Remekedza michato yevamwe vanhu.  Usaita nyaya dzekuvatana nomunhu ane mukadzi/murume wake pafoni yako. WHATSAPP haina kuitigwa kuti iwe uwedzere kuhura. Ita unhu kwete kuzviita imbwa. 

7 Usavhakashira munhu anoshanda usiku nguva isiriyo. Hwisisa kuti nguva yako neyake zvakatosiyana. Munhu uyu ane dambudziko rokuti anovata masikati. Iwe unovata usiku. Usafonera munhu uyu masikati kana kumuvhakashira masikati. Usagugudza pama pake. Musiye avate womutumira MESSAGE yokuti kana ava nenguva akuudze mugotaura. Vanhu vanoshanda usiku vakaita semanesi, madhokotera, vanodhiraiva magonyeti, vanokorobha mumahotera ne zvikoro nemabhizimisi, vanocheneta nzvimbo vakaita seve SECURITY,  vanocheneta chembere, nevamwe vakadaro. Hwisisa upenyu hwake munhu akadai.

8 Kana kukaita mabasa kubasa kwenyu, kasira kuudza vaunoziva vasingashandi kuti vakwanisewo kutsvaka basa. Hazvirevi kuti wavatsvakira basa. Kana asingadi hake kuzvitsvakira rega asada asi iwe muudze kuti kwaita basa rokuti nerokuti azvifungire kuti anorida here kana kuti kwete. Zvinokubatsirawo iwe nokuti vanhu vokuziva kana vakatambura vanouya vachikumbira zvinhu kwauri. hino kana vakatangawo kushanda zvinokuitira nyore iwe. 

9 Usajaira kufonera umwe munhu kana upi zvake paWeekend mangwanani 10 isina kuchaya. Vanhu vakawanda vakaroorana vane tsika yokunonoka kumuka paWEEKEND kuti vawane nguva yakanaka nevarume/vakadzi vavo. Zvino iwe nokusahwisisa izvi uye nokusada mukadzi/murume wako, woda zvokukanganisa upenyu hwavamwe. Hazvina kunaka. Mirira wozofona zuva rakwira.


10 Iwewo kana uri umwe wavanhu vatataura nezvavo ava vanofanigwa kubatsigwa, hwisisa kuti sei tichiti ngavabatsigwe. Kana murume/mukadzi wako achishanda kure, iwe chirega kukurudzira vanhu kukuvhakashira nguva yamuri mese. Kana foni ikarira muri mese usadavira foni. Pamwe dzima foni kuti isarira, shamwari dzako dzihwisise kuti kana mukadzi/murume wako aripo, moita zvemhuri. Zvefoni mombosiya. Usajaidza vanhu kukupa nguva dzavo dzokuita zvavanoda iwe une mhuri.  Ita musi wamunoti musi uyu ndewemhuri yenyu pasina zvokuita nevamwe vanhu, hazvinei kuti ndevekuChechi kwenyu here, kana kuti ihama kana shamwari. Ngavahwisise kuti nguva yemhuri yako ndeyenyu.

Usajaidzazve vanhu kuti akangosvika asina kukuudza kuti ari kuuya, iwe wotosiya zvinhu zvawange uchida kuita womomubikira kana kumutaudza. Bodo. Iye ndiye anofanira kujoinira zvawanga uchida kuita, basa rako rokasira kupera.  Kana wange uchida kuwana nguva yokutamba nomurume/mukadzi wako, wowana mukana wekuti muvhakashi aende kwaanoenda muite zvamuri kuda kuita.

Usajaidza vanhu kukutonga nefoni dzavo. Kune vanhu vanokuudza kuti uvafonere. Wadaro munhu agokunyomba nokukutuka pafoni yawamufonera iwe, kureva kuti uri kubhadhara kuti utukwe.  Usajaidza vanhu zvinhu zvakadai. Udza munhu kuti nguva yaafona haisiriyo. Uchazotaura naye mangwana. Foni dzakagadzirigwa kuwedzera mufaro muupenyu hwedu, kwete kutishungurudza.

Rongai nguva dzokuonana zvakakwana pamuchato wenyu. PaWEEKEND inguva yokuti muonane masikati kana usiku. Rongai zvokuita musarega vane nyaya dzavo vachikukanganisai.

Kana uchida upenyu hwakareruka, kana kwasviba, toti kuma7.30 mu Zimbabwe, 9 pm ku Europe, dzima foni yako uite nguva yakanyarara nemhuri yako. Kuzhe uko kune vanhu vasinei noutano hwako vanongokufonera pafoni yako pasina nyaya iripo ingahi munhu afonera umwe usiku. Kana uchinovata, siya foni iri pa Charge yakadzimwa, uvae hope dzakakwana kwete kupota uchimutswa navanhu nezvinhu zvisina maturo. Unoona munhu ari kuZimbabwe achikufonera na 6 am kukubvunza kuti vana vamuka sei. Bodo, kana uri kuZimbabwe uchifonera munhu ari ku UK fona kana 10 am yapfuura. KuUSA mirira 1400 hrs ipfuure.

Chinonetsa ndechekuti vanhu vakawanda vane foni vanotya kudzisiya pese pese nokuti mukadzi/murume wake angangoitarisa kuti inei. Iri ngari yokuti inenge ine ma MESSAGE asina kukodzerana nomunhu ane murume/mukadzi. Saka kuzoda kungoti kwatikwati nefoni yako kwava kutokutadzisa kuva nenguva yakanaka kumba kwako zvoreva kuti wava kusapota nyaya dzechihure dziya dziri pafoni kupfuura nyaya dzemumba. Dzima maMESSAGE asina kukodzera aya utange upenyu hwemunhu ane murume/mukadzi. Kana une chinokupa EXCITEMENT pama MESSAGE epafoni, chiite nomukadzi/murume wako zvipere zvakadaro. Murume/mukadzi wako iyeyu anotogonawo Zvekurhojana sezvinongoita uyo wauri kutaura nayewo pamukadzi/murume wake. Murume/Mukadzi wako anongodawo kutaura nyaya dzekuisana sezvinongoita iyo wauri kutaura naye saka tanga nyaya idzi naye uone EXCITEMENT yaunoita nazvo kutopfuura yechihure iyo.

Usajairazve kungoti munhu wese wawasangana naye womupa nhambha yako yefoni. Ndivo vanhu vanozokushungurudza ivavo. Ipa nhambha kuvanhu vakakodzera vanokubatsira kuvaka upenyu hwako. Ngatihwisise kuti kune vanhu vasingatohwisisi kuti magarire evamwe akanaka akamira sei, zvokuti ukasavadzidzisa kuti unoda nguva iyi neiyo kuti ive yako, vanokushungurudza.

Vanhu ngatipe rukudzi kumhuri dzedu dzatakazvisarudzira idzi. Kana une murume/mukadzi mumba hwisisa kuti
1 Murume wako munhu anofarira kugara achikurhoja kakawanda chose. Haaneti nazvo. Haakangamwi. Hazvimusemburi. Chako kumurongera chete kuti aite. Usanete kupa murume zvinhu. Hapana imwe nyaya yawakabvira kumusha kwenyu. Kuiswa kunodzivirira zvigwere, kunodzivirira MENTAL ILLNESS. Kunofadza moyo.

2 Mukadzi wako munhu anofunga kuti chimwe chezvinhu zvinotaridza rudo, kuiswa kakawanda. Usatya kugaroisa mukadzi wako. Ndizvo zvaakatovinga. Hauiti mhoni nokuisana. Unotonakigwa nazvo uye hope dzinowanda.

Saka wanai nguva yakakodzera nokuroorana kwenyu, kwete kupembedza nyika pa WEEKEND imi muchimboparadzana vhiki yese. Kana matowana nguva iyi chitaridzai kuti mange musipo vhiki yese, mopedzerana shungu.

Hama dzapedo
Kana uri hama yomunhu, remekedza ukama hwako ubatsire hama yako kukura. Kana une mwana nomuroora, ukaona mwana wako achimbosara achiita nyaya nevasina vakadzi, mukadzi wake aenda kunovata, dana mwana wako umutsiure muri vaviri. Wotsanangura kuti kana mukadzi aenda kunovata iwe chikasira kutevera nokuti ndivo mai vemhuri yako. Kana une mwana ane murume, ukaona sokuti haasi kuchengeta murume zvinokugutsa, tora mwana wako umutsiure urondedzere zvawaona zvisina kururama. Womukumbira kuti umubatsire kuronga PROGRAM yemumba inoshanda. Mwanasikana anoita zvaakabva araigwa namai kana tete zvinoitwa mumuchato wake, zvese nokuti murume anochengetwa sei. Iwe mubereki ndiwe unofoirisa mwanakomana kana mwanasikana, nokusagona kuraira nokutsiura.

Unoona vamwe mai voti sika nomuroora wavo kwahi uri kunditorera mwana wangu. Hezvo. ko moda kuvaka musha nomwana wenyu here mhai? Mwana atokura ava murue wemunhu. Chimubatsirai kuwedzera mufaro nomukadzi wake. Idai muroora wenyu mwana wenyu azive kuti akasarudza zvakanaka. Muroorawo azive kuti akauya kuhuri yakakodzera.

Ngatibatsirane kuvaka misha.

Udzai Vamwe!!!!!

No comments: