Sunday 6 November 2016

Kusadudza baba vemwana.

Kune vakadzi vakawandisa vaoita mimba vagozvara mwana vagorera mwana kusvika akura, vasina kuudza baba vemwana kuti ndiye baba vemwana kana kuudza mwana kuti baba vake ndiani. Pamakore apfuura zvawedzera chose. Chii chinokonzera nyaya yakadai?

Kana une mwana wausina kuudza kuti baba vake ndiani kana kuti murume wausina kuti kuti akakuitisa mimba, Tiudzewo nyaya yako kuti chikonzera chaivei?

Nyora kukero inoti maichibwe@yahoo.co.uk.

2 comments:

Anonymous said...

Ndini uya unonyora pano (comment) kakawanda. Ndiri murume. Mondiregererawo kuti ndichanyora zvakawanda asi mononga nonga zvikonzero imomo.

Ini kumhuri yandakazvarwa zvakaitika kakati wandei. Pokutanga vaive vatete vangu vakaramba kududza kuti murume akavamitisa ndiani. Mwana wavo iyeye akatopihwa zita rekwedu uye akura chose (38years now). Pana vatete ava, chikonzero chaive chekuti vakamitiswa nemunhu aive aine mhuri yake. Ivo vakaona sekuti kuzvibudisa zvaizokanganisa ukama hwemurume kumudzimai wake, pamwe nevemhuri yeduwo. Asi mwanakomana wavo uyu vakazomuudza kuhama dzake atokura sekungoti makore matatu apfuura.

Pepiri ndibaba vangu vakamitisa umwe mudzimai. Mwana wakabuda ipapo mukuru kwandiri zvishoma. Mwana uyu akazoziviswa kunevemhuri makore mashoma achangopfuura. Kuziviswa kwaisanganisira babawo vaive vasingazivi kuti kwakaitika mwana uyu.Izvozvi anemakore 40. Kunonzi zvakaitika ndezvekuti mai avo vaidanana nababa vakazongosiyana havo nababa. Asi pavakasiyana baba Havana kuziva kuti aive atotakura mimba yavo. Musikana uyu akazotizira imwe mhuri kwaaifunga kuti ndivo varidzi vemwana asi vakazoramba mwana musure mekusawirirana kwemazuva. Vakabva vaenda nemwana wavo mumusha wavo vakachengeta kusvika akura. Mwana uyu anoti aiudzwa kuti wakaitiswa nemagandanga munguva yehondo. Vemhuri yavowo hapana akaudzwa kuti muridziwemwana ndiani. Mwana uyu akazotanga kutambura tambura, vakafambira nyaya dzocho uko vakanoudzwa kuti endai nemwana wevaridzi. Ndizvo zvakaita kuti azozivikanwa.

In summary, I can say 1. bitterness 2. Kumitiswa nemunhu anemhuriyake kudhara 3. kusatoziva kuti ndiani kana wanga uchipa vazhinji.

Mai E Chibwe said...

"Mwana uyu akazotanga kutambura tambura, vakafambira nyaya dzocho uko vakanoudzwa kuti endai nemwana wevaridzi"

Zvimwe zvese ndazvihwisisa chose asi apo chete pokutambura kwemwana. Yaingova nzira yokuti mai vake vazivise baba vake kuti mwana ndewavo. Zvokutambura kwemwana hazvinei ne GENETICS yake. Ndezve ENVIRONMENT yaari panguva iyoyo.

Saka apa tahwisisawo zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti mai vemwana vasadudzira baba vemwana kuti mwana ndewavo. Tatenda chose.