Wednesday 23 November 2016

Kunyengana nokudanana pa Internet

Toda kumbokurukura nenyaya yokusangana nokudanana pa Internet, tigohwisisa kuti zvinoshanda here kana kuti kwete. Kune vakasangana pa Internet vakatodanana zvokuroorana here vaunoziva.

Ndasangana nomurume nomukadzi vakaroorana vatori nevana vaviri, mukuru ane makore matatu mudiki and mwedzi mina. Murume akakurira kuSouth Africa, mukadzi anobva ku Poland. Uchivaona vanoratidza kudanana chose as rudo gwavo gwakatangira pa Internet.

Ngationgorore nyaye yerudo pa Internet pane zvinoti

  • Twitter.
  • Facebook
  • WhatsApp
  • Skype 
  • MeetMe. ...
  • Google Plus. ...
  • Dot429. ...
  • TalentSplash. ...
  • Empire Avenue. ...
  • Orkut.
  • Zoosk's
  • Pof 
  • Harmony
  • Martch
  • Elite singles
  • Tinder (ndeyekuhura hete)
  • Grindr (ndeye kuhura kwema GAY)
  • Zvimwewo zvakawanda. 

Kunyengana panzwimbo idzi hakuna kuipa asi kungoti nyenganai muchihwisisa mese kuti zvamuri kuita zvinofamba sei. Ngatitange nokunaka kwekunyengana panzwimbo idzi. 

1 Kukasira kutaudzana:
Kana ukasangana nomukomana/musikana paINTERNET, munokwanisa kuudzana zvakawanda chose panguva shomanana uye zvese zvamunoudzana zvinenge zvakatonyogwa pasi zvokuti unokwanisa kupota uchidzokera kunozviverenga uchiwedzera kuhwisisa. 

Unokwanisa kubvunza mubvunzo ugowana mhinduro nokukasira. 

2 Kuongorora zvarebwa:
Unokwanisa kutarisa PROFILE yomunhu wauri kutaura naye kuti ukasire kuziva zvaari usati wafunga zvokuita naye, kuti wobvuma kudanana naye here kana kwete.

3 Kusangana nehama dzake:
Zvichibva nokuti masangana papi, unokwanisa kuona hama dzake nemazita adzo paINTERNET zvokuti unokwanisa kuziva kuti mhuri yake inevanhu vanofungei. Mazuvano vanhu vakawanda vanonyora fungwa dzavo paFacebook kana pamwe. Kana wakachenjera unokwanisa kutoshamwaridzana nedzimwe hama dzake ukatoudzwa zvakawanda ipapo. 

4 Kuhwisisa zvaanokoshesa
Ukatarisa zvaanogaronyora unohwisisa kuti chii chaanokoshesa muupenyu hwake. Zvinonetsa kuti munhu avanze zvaanofunga kana apiwa mukana wekutaura. Unokwanisazve kuita nyaya naye zuva nezuva achikuudza fungwa dzake zvese zvakatonyogwa zvokuti unokwanisa kubvunza shamwari dzako kuti zvinorevei. Kana ari munhu uya anotsoropodza hama dzake, unokasira kuziva womusiya akadaro wotsvaka umwe. 

5 Kuziva kuti anofungei nezvako
Mazuvano kana mukomana/musikana achikuda anofarira kuudza vamwe paINTERNET. Kana achingoda zvokukutambisa anongoti zii nezvako. Hakuna waanoudza. Unoona status yake ichiti SINGLE woziva kuti achiri kutsvaka wekudanana naye. Iwe uri wekutamba naye chete. Hazvisi zvokubvunza kuti ko sei usina kuchinja STATUS yako. Ukaona waita zvokubvunza ziva kuti iye haana hanya newe. Asizve, usati watanga kufunganya pazviri tarisa kuti akapedzisira kuenda pa FACEBOOK riini. Kune vanhu vakawanda vane maACCOUNTS p FACEBOOK vasingaashandisi. Zvinokwanisika kuti munhu asatarisa zviri pa ACCOUNT yake kwenguva refu. 


Tobva ipapo totarisa zvakaipa pakudanana paINTERNET. Kare Internet ichangotanga nyaya dzokudanana idzi kwakaitika zvakawanda zvakaita kuti vamwe vafunge kuti haisi nzvimbo. 

Kuudzwa nhema
Iri ndiro dambudziko guru paINTERNNET. Zvikuru vanhurume, nhema dzavanoreva dzakawandisa. Unoona murume ane makore kuma THIRTY SOMETHING achiudza musikana ane makore 15 kuti iyewo ane makore 15. Zvoreva kuti kana ukasachenjera unokwanisa kudanana nomunhu asinei nemunhu ari kuti anokuda. 

PaInternet panonetsa kuti unatse kubata munhu kuti ndeuyu. Kana ukanyengwa mubhazi rokwaGororo muchibva muHarare, unotoona munhu ari kukunyenga kuti munhu akaita sei pakutarisa. Unokwanisazve kuita nyaya naye ukaona mafungire ake. 

PaInternet unokwanisa kutotumigwa mapikicha asiri emunhu ari kuti anokuda. Kana kuti anokutumira mapikicha ake ekare achiri mwanana. 

Kudanana numunhu pasina umwe anoziva:
Kudanana kwepaInternet kunokwanisa kuitika pasina umwe munhu anozviziva. Zvakasiyana nokudanana kwevasangana muchitima vanoonekwa vachitaudzana. PaInternet iwe ndiwe unotokasira kuudza vamwe kuti pane munhu wauri kudanana naye. Zvinokwanisika kuti zvakawanda zviitike pasina umwe anoziva kuti zviri kuitika. Unokwanisa kudanana nomukadzi/murume wemunhu ukasatomboziva kuti ndizvo zvauri kuita. 

Saka toti chinhu chakaipa here? 
Kuipa kana kunaka kwekudanana paInternet zvinobva nokuti iwe inofungei nazvo uye uri kuzviitirei. Kazhinji vanhu vanosangana pa Internet vanhu vanongosangana pa CHANCE kana kuti umwe anokuziva zvishoma otsvaka mukana wekukutaudza. 

Kana munhu wausingazivi akakutumire MESSAge, iwe unobvunzwa kuti unoziva here munhu iyu. Kana usingamuzivi unokwanisa kuramba kumutaudza. Asi chinoitika chaicho ndechokuti unoita EXCITEMENT wipindura. zvadaro munhu uya atova ne nhambha yako uye ava kutoziva nezvako. Zvasara kuti azive ndiwe uchamuudza. Hazvinetsi kupiwa zvakawanda nomunhu. Zvikuru kana akafunga kuti pangangoita rudo apa. 

Kusangana nomunhu pa INTERNET hakuna kusiyana nokusangana naye pa magirosa. Chakasiyana maitire ako kana wasangana naye. Varume vakawanda vane vasikana vavanotaura navo pa INTERNET, asi hazvirevi kuti vari kuita AFFAIR. Zvinongoreva kuti vari kutamba. Asi vamwe vavo vakazosangana nemusikana waanombotaura naye pa INTERNET, hazvinetsi kumunyenga nokuti munotozivana. 

Zvokuita:
1 Chokutanga usangoti munhu wese akutumira mwadhi iwe wopindura iwe usingamuzivi. Vamwe vavo vanokwanisa kukukuvadza. Kone vakawanda vakatopinda pakaoma nokusahwisisa INTERNET. 

2 Ukadanana numukomana/musikana pa INTERNET kasira kuda kusangana naye kuti ukasire kuziva kuti zvaari kutaura ndizvo zvaari. 

3 Wakamiririra kusangana naye usamuudza zvese pamusoro pako. Usamuudza zvinhu zvakaita semusi wekuberekwa zvaanokwanisa kushandisa kutora mari dzako. 

4 Pakunosangana naye, usaenda wega. Enda neshamwari kana mbiri. Sangana nomunhu pane vanhu sokuti mu RESTAURANT. Tanga iwe kusvika. Mopinda muRESTAURANT makasiyana iwe neshamwari dzako. Iwe wogara paunokwanisa kuona zviri kuitika kuti iye azogara paanoonekwa neshamwari dzako. Shamwari ngadzikwanise kutora mapikicha, zvikutu kana ari mukomana. 

5 Zvadaro Pakuparadzana rega iye atange kuenda, usabvuma kuperekedzwa. Muudze kuti shamwari yako ari kuzokutorapo. 

6 Kana wasvika kumba tarisa pa INTERNET nezvake munhu uyu uwedzere kuhwisisa. Kana usingadi zvawaona pamasangana, kasira kumuudza kuti uri kungoda shamwari haudi mukomana/musikana. Usaita tsika yokuudza vamwe nhema. Budira munhu pachena asatambisa nguva yake newe. 

7 Kunge wambosangana nomunhu hazvirevi kuti wava kumuziva. imboita nguva uchiti paunonosangana naye wotanga waudza umwe munhu kuti uri kuendepi. Wasvika paari, ngaakuone uchifoera umwe munhu kuti wasvika uye unodzoka riini. Wozamawo kuchengetedza nguva. 

8 Mukomana/musikana wekunyengana naye paINTERNET haana kusiyana nevamwe. Budiranai pachena kuti chii chamuri kutsvaka pane umwe. Zvadaro kana pane chanzi yokuti munokwanisa kuisana, tangai manovhenekwa mopiwa maRESULTS enyu motaridzana, mozotanga kutsanangurirana zvokuisana.  Usazvinyebera kuti unokwanisa kudanana nomunhu mugosavatana kenguva refu. Zvinoitwa nevanhu vane DISCIPLINE yakakwana. Zemo rine simba kupfuura njere.  Vanhu garai mune maKondomu muHANDBAG. 

9 Kana mangopedza pekutanga ipapa, zvimwe zvese zvamuchazoita hazvina kusiyana nevakanyengana pasina INTERNET. 

10 Usa tumira mapikicha ako kumunhu waunoda kudanana naye kana kuti waunotodanana naye INTERNET. Mapikicha chinhu chokuchengera. Chero mukazoroorana hwisisa kuti pane mhando dzemapikicha dzisingatumigwi paINTERNET. Unokwanisa kusungwa. 


Hwisisai kuti mazuvano vanhu vakawandisa vava kusangana paINTERNET mazuvano. Vanhu vane upenyu hwakasiyana nehwekare. Unokwanisa kuona munu wauri kutaura naye pa SKYPE ukatodzidza zvakawanda. 

Vanhu hwisisai kuti paINTERNET pane vanhu vakawanda vanoishandisa kungotsvaka munhu wekuvata naye musi iwoyo. Kune vamwezve vanotsvaka munhu wekuhura naye zvokupiwa mari. Pane mapurisa futi anotarisa zvakaipa zvinoitwa navanhu vemunyika yauri nevekuzhe. Hwisisa izvi kana uchitanga kutaura nomunhu. 

 Iwe kana usingaiti zvakadaro, dudzira munhu kuti hazvisirizvo zvaunoita akasire kukusiya aende kwaari kuenda. Iwewo wosara uchitsvakana nevanhu vanoda zvaunoita uye zvauri kutsvaka. Ngatisaita tsika yokuudzana nhema. paINTERNET hapana nyaya dzevabereki, hama, kana shamwari dzausingadi kuudza. Unokwanisa kuita nyaya dzako pachivande. 
_____________________________________

UDZAI vamwe!!!!!

Tiudzewo kana wakamosangana neumwe parudo paInternet. 

No comments: