Saturday 24 December 2016

Kunyimana Mumba

Zvikonzero zvokunyimana zvakawanda asi zvese hazvo zvinobva pakusahwisisa nyaya yokuroorana nokugarisana. Kana ukaona munhu achigarokunyima mumba ziva kuti haana hanya newe. Usatombofunga kuti pane chawakanganisa bodo. Iye ndiye ane damudziko.

Hakuna chombo chinotadza kumira chichiti nokuti baba vakatsamwa. Hakuna zvakadaro. Hakuna mukadzi anotadza kunyorova achiti nokuti akatsamwa. Kutsamwa ikoko kunotoita kuti mukaisana, kuisana kwenyu nehasha kunonaka zvokuti, zvikuru kumukadzi. (i EXPERIENCE ka iyi) Mukatukana, mukaita hasha chose, pakunovata mukawana mukana wekuisana, unoshuva kuti dai murume wangu achigara akatsamwa shuwa. Unooneswa ndondo.


Chiri nani ndechipi kushaya zvachose kana kuwana zvishomanana? 
Mubvunzo uri pano uri kuti chiiko chiri nani kupiwa zvishomanana kana kusatombopiwa zvachose mumba. Pakuona kwangu inyaya inonetsa kutsanangura nokuti mhinduro yayo yakatosiyana zvichibva nokuti uri murume here kana kuti mukadzi.

Hwisisai kuti hapana chimwe chinhu chinokasira kupokanisa vanhu mumba senyaya yokunyimana kana kusapanana zvakakwana. 

Vakadzi vakawanda vane varume vasingavagutsi pakurhojana, iri ngari yokuti murume haatombonatsi kuhwisisa kuti chinogutsa mukadzi chii. Zvoreva kuti mukadzi anongobvuma kuiswa nokuda kwekuti anongoda kuti murume asamushusha pazviri asi iye mukadzi chake panyaya iyi hapana. Anokwanisa kupedza makore akawanda asina kunakigwa nomurume wake.

Kunozoti umwe musi fungwa dzabva pakungogarogutsa murume, Anotanga mukana wekubva panyaya yokuiswa. Kuti audze murume kuti zvokuiswa haachadi , zvinomunetsa nokuti anenge azviparira mhosva ega, inova inonetsa kubuda pairi. Vakawanda vanongoita nyaya dzokunyepa kuhwa musoro, kuneta, kuporomisa kuti tozoita mangwana, kana kuwana mukana wekusiyanisa nguva yokunovata.

Ukabvuna mukadzi akadai kuti chii chiri nani kuiswa kamwe chete pavhiki kana kusatomboiswa zvachose nomurume wako, anokuudza kuti zviri nani kusatomboiswa, nokuti anoziva kuti hapana chazvinomubatsira, uye murume wake haana hanya nokunakigwa kwake. Hazvirevi kutu achahura kana kuti anoda umwe murume. Anongoona sokuti inyaya yaatadza kugadzirisa.

Varumewo kune vane vakadzi  vasinei  nokuiswa zvokuti murume anokwanisa kudembademba mazuva ese kuti dai abvumidzwa kuvata nomukadzi wake asi mukadzi achiramba zvachose. Kana mukadzi akadai akasatsanangura chikonzero chinohwisiswa nomurume, zvinokwanisika kuti murume anongogara achizama kukumbira mukadzi kuti abvume. Panokwanisika kuti mukadzi anobvuma kamwe chete pavhiki kana kaviri pavhiki kuita seSHOPPING inohi inopedza mari saka hatikwanisi kuita kakawanda.

Ukazobvunza murume akadai kuti chiri nani ndechipi kupiwa kaviri pavhiki kana kunyimwa zvachose, vakawanda vanoti zviri nani kaviri pavhiki. Pawawanira ipapo unombofara nazvo.

Zvikonzero zvinoitisa kuti vaviri mumba vasiyane pakuda kuisana zvakawanda. Zvimwe zvacho zvinobva pakusahwisisana mumba. Zvimwewo zvinobva pakuti umwe haana hanya nokunakigwa kweumwe. Nyaya dzakadai dzinokwanisa kukanganisa mafungire evaviri mumba. Zvishoma zvinhu zvinogwadza kupfuura kuziva kuti munhu waunoda nomoyo wako wese haana hanya nokuvata newe. Varume mhomho yese, zvikuru verudzi gwedu, vanoda mukadzi anomupa FREE ACCESS, kuti chero paadira, zvisinei kuti inguvai kana kuti muripi. Kana akangotaridza kuti ari kuda kukuisa iwe wotomiramira kuti aite zvaari kuda mupedze. Vakadziwo vanoda murume anoratidza kuti anoda chose kumuisa. Zvinotaridza kudiwa nomurume. Vanhukadzi takaumbwa tikapiwa fungwa yokuzvipa kumurume nemhuri. Mufaro wedu unobva pakuratidzwa kudiwa nevarume vedu. Kuiswa ndechimwe chiratidzo chokuti murume anondida. Akanditarisa anoita zemo. Chinhu chinofadza.
Hino murume akangozotanga kushaya zemo mumba zvoita sokuti pane chaipa pamukadzi. Zvisinei kuti zvikonzero zvokushaikwa kwezemo zvakawanda.

Nyaya yedu yabva pakuvunzwa nomurume ane mukadzi mumba kuti iota sei nemaitire emukadzi wake okuti anomurambira nguva dzese zvokusvika pokuti anobvuma kaviri  kana katatu pamwedzi. Murume ari kubvunza kuti zviri nani achirega kukumbira mukadzi here kana kuti oramba achingokumbira asi achiziva kuti anonyimwa nguva zhinji? Murume aiti ava nevhiki mbiri asina kumbokumbira, nengari yokuti  mukadzi wake akamuudza kuti haadi zvokumanikidzwa kuita zvaasingadi. Murume kuti achibvunzurudza kuti saka uri kuti haudi kuiswa here? Mukadzi zii.  Saka kubudirana pachena konetsa kana umwe asingadi zvokutaura.

Murume anoti iye akamboita nguva asingakumbiri, mukadzi akandomurevera kwatete kuti haadi kuvata naye. Zvonetsa kuti  tete vachitonga nyaya zvonetsa nokuti nyakunyima ndiye andoturika nyaya kwatete. Zvonetsa futi kuti murume azodzokera kwatete oti mukadzi ari kumunyima. Mukadzi ndiye akashaya rairo paakauya kukurume kare. Kotizve nyaya dzokuisana mumba menyu dzinonetsa kuti mugare muchidzokera kwatete muchindotongeswa.

Saka chiri nani ndechipi kuregera zvachose nyaya dzokuisana kana kuti iwe nyakunyimwa wongotevedzera zvishomanana izvozvo zvauri kupiwa?  Kana tichida kutaura chokwadi, tinoti hapana chiri nani. Vanhu mumba isanai zvinogutsa mese. Hapana chakaipa kuti mukadzi angovhurira murume kuti amuise zvisinei kuti iye ari kuda here kana kuti haadi. Vakadzi vese vane varume tinoziva kuti pane nguva zhinji dzatinoiswa asi tange tisinei nokuiswa. Hazvina chazvinokuvadza uye hazvigwadzi. Pamwe unotonakigwa wopedzisira wotoda chose kuiswa.  

Varumewo kana mukadzi wako achida iwe usina zemo, rega akutsvakire zemo. Varume hamunetsi sesu. Kungopurudzira chombo nokutaura zvinopa zemo kuti chombo chimire. Kana changomira hapana chakaipa kukwira murume kusvika mapedza. Hazvikuvadzi murume uye zvinokwanisa kutonakira mese.


Asi kana umwe wako ane mweya wekukunyima uyu. Iwe chiona kuti  umire papi, uri kuda here kungopiwa kaviri pamwedzi kana kuti zviri nani kungosapiwa zvachose. Kana wafunga zvokusapiwa, wochirega kukumbira. Wongosiyawo zvakadaro. Uya nyakunyima ndiye oti paadira wokuudza kuti uya tiisane. Iwe chingomrira kuudzwa. Asi ukasawana chokuita panyaya yokubvisa zemo paunenge wakamirira, unokwanisa kushushikana nokunyimwa kwako kusvika wadzokera pakungofoya umwe wako.

Hwisisaizve kuti mukadzi anonyima iri nani pamurume anonyima. Mukadzi anokwanisa kuiswa asina zemo. Murume kana asina zemo hapana kuisana kunoitika. Imi varume chihwisisai kuti kusashuva kuvatana nomukadzi wako kunomushungurudza kusvika paitika chiitiko chisina kunaka. 


Ngatiudzane chokwadi. Kana ukaita tsika yokunyima mukadzi/murume wako hwisisa kuti achazvigamuchira hake asi pachasvika umwe musi waanofunga kukuhurira noumwe murume/mukadzi. Unofanira kuhwisisa kuti imhosva yako iyoyo. Ndiwe wazvisarudzira kuti mukadzi/murume  wako ngaachihura hake. 

Mumba nyaya yokuisana ndeyokutorongerana. Mukadzi rongera murume wako awane wekuisana naye. Murumewo rongera mukadzi wako awane wekuisana naye. Ndizvo zvamakaroorerana. Kurambirana kunokonzera zvakawandisa mumba zvisina kunakira vakaroorana. 

No comments: