Saturday 24 December 2016

paKISIMISI

Veduwee, Chenjerai mafambire enyu pa Kisimisi. 

Inguva yokuti vanhu vanomwa doro vogwa vokuvadzana. Iwe kana murume wako achimwa doro, mukurudzire kumwira doro kumba neshamwari dzake kwete kuenda kumabhawa.

Musafamba mumigwagwa. Pane zvakawandisa zvinokuvadza mumigwagwa vanhu vakawandisa vanofa gore rimwe nerimwe. Mhuri dzinosara dzinoshungurudzwa chose saka kana zvichikwanisika garai panzvimbo imwe chete.

Mudzimba umu zamaiwo kuwedzera kufadzana pane kutsvaka zvokukutukanisai. Chinhu chisingambonetsi kutanga kutukana noumwe munhu, asi ukagara une moyo muchena wekukangamwira vanhu vemhuri yako unona kuti kutukana kunoita kushoma. Kana ari murume/mukadzi wako, pedzera shunhu pakuvatana naye kwete pakurovana naye.

Kana uri wega paKisimisi, tora nguva yehorodhei iyoyi kutsvaka munhu akakodzera wekudanana naye zvisina zvigwere mukati. Ronga upenyu hwako wakachenjera. Kana uri kuDIASPORA usina shamwari kana hama, fonera vari kumusha uwane wekutaura naye. Kisimisi inguva yemhuri kuva pamwe chete kuti vafare.

Kana une chitenderi, enda kuchechi unoterera zvinoparidzwa. Ndokunge chechi yenyu yakavhugwa. Dziwe dzinenge dzakavhara.

Usadhakwa zvokukangamwakuti uri munhu ane unhu. Nyaya yokuzopepuka mangwanani uri mumubhedha wausingazivi kuti ndewani uye kuti chii chaitika usiku hwese handizvo. Munu nakigwa noupenya wakachenjera.

Kana ukajoinira zvavanhu vanobhema mbanje, whisisa kuti unokwanisa kusungwa ugopedza nguva mujeri, zvikuru kana uri kunyika dzisingadi zvevanhu vanobhema manje.

Ngatiite Kisimisi yakananatese. Ndatenda.

No comments: