Tine mufaro kuti tachengetwa mugore ra 2016 tikaripedza tiri vapenyu. Pane hama neshamwari dzakashaika asi tinotenda nenguva yatakaita navo. Kana uri mutendi panyaya yoMusiki wevanhu nemhuka nezvese zviri panyika, ipa chipo chokutenda. Kana usiri mutendi vitende iwe kuti ndiwe wachenjera chose kuti usafa kusvika nguva ino.
Ngatichitendawo nenguva yatinayo tese isu vasara tigohwisisa kuti kuitirana zvakanaka ndicho chinhu chikuru mumhuri uye kuzhe. Tine matambudziko akawanda chose asi kana mumba mune rudo zvizhinji zvimwe zvinoita nani. Rudo chinhu chinoti iwe ukapa vamwe rudo iwewo unowana rudo kubva kune vamwe. Hazvirevi kuti iyeye wawapa rudo ndiye anofanira kukudzisera rudo, bodo, hachisi chikwereti. Rudo gwakanakira pakuti ukaguhafura ukapa umwe munhu hafu yerudo gwako, iwe unongosara une rudo gwakazara. Hazvinei kuti wahafurira vanhu vangani.
Hino mumba kana une murume/mukadzi wedzera kumupa rudo mugore ra2017. Zvibvunze kuti chii chandinorangarira chandakaitira murume/mukadzi wangu mugore ra 2016 chaachiri kurangarirawo iye? Kana pane chaunoziva kuti wakamuitira, chifunga chimwewo chokumuitira mugore ra 2017. Kana pasina chaunorangarira chawakaita, zvoreva guti gore rino unofanira kuita zviviri.
Mudzimba medu umu mukadzi hwisisa kuti irombo rakanaka kuva nomurume waunoti uyu ndiye wako anokufadza, anoita nyaya dzechikuru newe muchiseka, anokumiririra pamhuri yenyu. Anoti ukanonoka kusvika kumba onetseka moyo kuti mukadzi wake aendepi, uye kushuhikana kuti kwakanaka here kwaari kusvika wasvika pamba. Itira murume wako zvakanaka nguva dzese. Hwisisa zvaanoda zvaunogona kumupa. Varume vedu vanofunga kuti ndidzo shasha dzokuriritira mhuri. Ipa murume wako manyawi muraini renyu adade nomukadzi wake.
Panyaya dzomumba hwisisa murume wako aramba ane meso pauri chete. Muviri wako ndewake. Zvipe kumurume wako muviri wako uite wake. Unoona ava kuita nawo zvimwe zvawange usingafungiri kuti anokwanisa kuita. Ngaasununguke kuita zvaanoda uye azive kuti hapana chaanoda chaasingawani.
Varumewo hwisisai vakadzi venyu. Vakadzi tine pamuromo nguva zhinji. Pamwe tinongopopota nyaya chaiyo pasina. Murume swedera pado nomoyo wemukadzi wako. Terera zvinomupopotesa Gadziridza nyaya. Potawo uchitenda basa remukadzi wako pamusha. Anobka, anowacha, anoaina, anokorobha, anokumwisa zamu, anokudziisa muviri, anokugezesa, anoriritira vana, anochengeta BUDGET yemusha zvakanaka. Anokuzvarira vana, Anofarira kukubvisa zemo kuti uvate hope dzakanaka zuva nezuva. Wanawo musi waunoti musi wekumutenda kuti ari kuita zvakanaka mumhuri yenyu.
Gore rino wanaiwo chinhu chamunobvumirana kuwedzera paupenyu hwenyu mumba menyu chamunokwanisa kupurakitiza muripo vaviri chamunokwanisa kuzorangarira kuti makachiita mugore ra 2017.
Upenyu hwatinahwo handi hwekupedza tichipopotedzana kana kupokana. Upenyu ngatizame kuva vavaki vemhuri. Kuva vanhu vanonakigwa noupenyu.
Kune avo vari pakati pamatambudziko sokuti une chimwe chaizvi:
1 Wakashaikigwa nomurume/mukadzi/mwana
2 Wakarambana numurume/mukadzi
3 Wakahurigwa nomurume/mukadzi
4 Wakamitiswa
5 Wakapiwa siki
6 Hamusi kuhwisisana mumba
7 Pane ari kugwara mumhuri
8 Mari ishoma mumba asi hamuzivi kuti modii
9 Munodanana asi hamugari pamwe chete
10 Mukadzi/murume wako ari kukunyima zvinhu mumba
11 Hamuna pokugara pakakodzera
12 Zvokudya zvishoma
13 Vana havagoni muchikoro
Tese umwe noumwe ane chinomudya moyo. Nhamo dzedu dzakasiyana siyana. Kana tikatanga nokuwirirana mumhuri uchaona kuti nhamo dzimwe dzese dzinoita shoma. Kuchema kunoita kushoma kana une wekuchemera anohwisisa zviri kukuchemedza. Kugwadza kwemoyo kunoita kushoma kana une munhu anokuhwisisa chinokugwadzisa moyo.
Nhamo dzakawanda dzomumba tisu tinodzikonzera. Murume/mukadzi anokuudza zvaasingafariri iwe woona sokuti ari kutaura zvisina maturo. Nyaya yange ichifanira kuita awa imwe chete yoramba ichienderera mberi yoita mwedzi mitatu muchitukana wozoona yakurisa zvokuti haichagadziriki. Kana uchiziva pakatangira nyaya yako, enda kumurume/mukadzi wako umuudze kuti zviri nani mugadzirise nyaya dzese dziri kukunetsai kuti muite upenu hwakareruka.
Kukumbira regerero chinhu hakanaka chose. Kana asingadi keterera murumire mwadhi pa WhtsAPP kana ane foni. Kana asina munyorere pabepa azive zviri mufungwa dzako. Kupopota nokutuka handizvo. Hazvivaki musha.
Ngatitore gore ra 2017 tiriite redu. Tibatane nevamwe vedu kugadziridza zvatinogona kugadziridza kuti upenyu hwuite nani. Ngatiregei kuwedzera nhamo. Murume/mukadzi wako ngaave ne KONIFIDHENZI newe kuti uri munhu anokwanisa kumuhwisisa nguva dzese.
Vanoda kuwedzera wedzerai
Udzai vamwe!!!!!!!
Saturday, 31 December 2016
Saturday, 24 December 2016
paKISIMISI
Veduwee, Chenjerai mafambire enyu pa Kisimisi.
Inguva yokuti vanhu vanomwa doro vogwa vokuvadzana. Iwe kana murume wako achimwa doro, mukurudzire kumwira doro kumba neshamwari dzake kwete kuenda kumabhawa.
Musafamba mumigwagwa. Pane zvakawandisa zvinokuvadza mumigwagwa vanhu vakawandisa vanofa gore rimwe nerimwe. Mhuri dzinosara dzinoshungurudzwa chose saka kana zvichikwanisika garai panzvimbo imwe chete.
Mudzimba umu zamaiwo kuwedzera kufadzana pane kutsvaka zvokukutukanisai. Chinhu chisingambonetsi kutanga kutukana noumwe munhu, asi ukagara une moyo muchena wekukangamwira vanhu vemhuri yako unona kuti kutukana kunoita kushoma. Kana ari murume/mukadzi wako, pedzera shunhu pakuvatana naye kwete pakurovana naye.
Kana uri wega paKisimisi, tora nguva yehorodhei iyoyi kutsvaka munhu akakodzera wekudanana naye zvisina zvigwere mukati. Ronga upenyu hwako wakachenjera. Kana uri kuDIASPORA usina shamwari kana hama, fonera vari kumusha uwane wekutaura naye. Kisimisi inguva yemhuri kuva pamwe chete kuti vafare.
Kana une chitenderi, enda kuchechi unoterera zvinoparidzwa. Ndokunge chechi yenyu yakavhugwa. Dziwe dzinenge dzakavhara.
Usadhakwa zvokukangamwakuti uri munhu ane unhu. Nyaya yokuzopepuka mangwanani uri mumubhedha wausingazivi kuti ndewani uye kuti chii chaitika usiku hwese handizvo. Munu nakigwa noupenya wakachenjera.
Kana ukajoinira zvavanhu vanobhema mbanje, whisisa kuti unokwanisa kusungwa ugopedza nguva mujeri, zvikuru kana uri kunyika dzisingadi zvevanhu vanobhema manje.
Ngatiite Kisimisi yakananatese. Ndatenda.

Kunyimana Mumba
Zvikonzero zvokunyimana zvakawanda asi zvese hazvo zvinobva pakusahwisisa nyaya yokuroorana nokugarisana. Kana ukaona munhu achigarokunyima mumba ziva kuti haana hanya newe. Usatombofunga kuti pane chawakanganisa bodo. Iye ndiye ane damudziko.
Hakuna chombo chinotadza kumira chichiti nokuti baba vakatsamwa. Hakuna zvakadaro. Hakuna mukadzi anotadza kunyorova achiti nokuti akatsamwa. Kutsamwa ikoko kunotoita kuti mukaisana, kuisana kwenyu nehasha kunonaka zvokuti, zvikuru kumukadzi. (i EXPERIENCE ka iyi) Mukatukana, mukaita hasha chose, pakunovata mukawana mukana wekuisana, unoshuva kuti dai murume wangu achigara akatsamwa shuwa. Unooneswa ndondo.
Chiri nani ndechipi kushaya zvachose kana kuwana zvishomanana?

Mubvunzo uri pano uri kuti chiiko chiri nani kupiwa
zvishomanana kana kusatombopiwa zvachose mumba. Pakuona kwangu inyaya inonetsa
kutsanangura nokuti mhinduro yayo yakatosiyana zvichibva nokuti uri murume here
kana kuti mukadzi.
Hwisisai kuti hapana chimwe chinhu chinokasira kupokanisa vanhu mumba senyaya yokunyimana kana kusapanana zvakakwana.
Hwisisai kuti hapana chimwe chinhu chinokasira kupokanisa vanhu mumba senyaya yokunyimana kana kusapanana zvakakwana.
Vakadzi vakawanda vane varume vasingavagutsi pakurhojana,
iri ngari yokuti murume haatombonatsi kuhwisisa kuti chinogutsa mukadzi chii.
Zvoreva kuti mukadzi anongobvuma kuiswa nokuda kwekuti anongoda kuti murume
asamushusha pazviri asi iye mukadzi chake panyaya iyi hapana. Anokwanisa
kupedza makore akawanda asina kunakigwa nomurume wake.
Kunozoti umwe musi fungwa dzabva pakungogarogutsa murume,
Anotanga mukana wekubva panyaya yokuiswa. Kuti audze murume kuti zvokuiswa
haachadi , zvinomunetsa nokuti anenge azviparira mhosva ega, inova inonetsa
kubuda pairi. Vakawanda vanongoita nyaya dzokunyepa kuhwa musoro, kuneta,
kuporomisa kuti tozoita mangwana, kana kuwana mukana wekusiyanisa nguva
yokunovata.
Ukabvuna mukadzi akadai kuti chii chiri nani kuiswa kamwe
chete pavhiki kana kusatomboiswa zvachose nomurume wako, anokuudza kuti zviri
nani kusatomboiswa, nokuti anoziva kuti hapana chazvinomubatsira, uye murume
wake haana hanya nokunakigwa kwake. Hazvirevi kutu achahura kana kuti anoda
umwe murume. Anongoona sokuti inyaya yaatadza kugadzirisa.
Varumewo kune vane vakadzi
vasinei nokuiswa zvokuti murume
anokwanisa kudembademba mazuva ese kuti dai abvumidzwa kuvata nomukadzi wake
asi mukadzi achiramba zvachose. Kana mukadzi akadai akasatsanangura chikonzero
chinohwisiswa nomurume, zvinokwanisika kuti murume anongogara achizama
kukumbira mukadzi kuti abvume. Panokwanisika kuti mukadzi anobvuma kamwe chete
pavhiki kana kaviri pavhiki kuita seSHOPPING inohi inopedza mari saka
hatikwanisi kuita kakawanda.
Ukazobvunza murume akadai kuti chiri nani ndechipi kupiwa
kaviri pavhiki kana kunyimwa zvachose, vakawanda vanoti zviri nani kaviri
pavhiki. Pawawanira ipapo unombofara nazvo.
Zvikonzero zvinoitisa kuti vaviri mumba vasiyane pakuda
kuisana zvakawanda. Zvimwe zvacho zvinobva pakusahwisisana mumba. Zvimwewo
zvinobva pakuti umwe haana hanya nokunakigwa kweumwe. Nyaya dzakadai
dzinokwanisa kukanganisa mafungire evaviri mumba. Zvishoma zvinhu zvinogwadza
kupfuura kuziva kuti munhu waunoda nomoyo wako wese haana hanya nokuvata newe.
Varume mhomho yese, zvikuru verudzi gwedu, vanoda mukadzi anomupa FREE ACCESS,
kuti chero paadira, zvisinei kuti inguvai kana kuti muripi. Kana akangotaridza
kuti ari kuda kukuisa iwe wotomiramira kuti aite zvaari kuda mupedze. Vakadziwo
vanoda murume anoratidza kuti anoda chose kumuisa. Zvinotaridza kudiwa
nomurume. Vanhukadzi takaumbwa tikapiwa fungwa yokuzvipa kumurume nemhuri.
Mufaro wedu unobva pakuratidzwa kudiwa nevarume vedu. Kuiswa ndechimwe
chiratidzo chokuti murume anondida. Akanditarisa anoita zemo. Chinhu
chinofadza.
Hino murume akangozotanga kushaya zemo mumba zvoita sokuti
pane chaipa pamukadzi. Zvisinei kuti zvikonzero zvokushaikwa kwezemo
zvakawanda.
Nyaya yedu yabva pakuvunzwa nomurume ane mukadzi mumba kuti iota
sei nemaitire emukadzi wake okuti anomurambira nguva dzese zvokusvika pokuti
anobvuma kaviri kana katatu pamwedzi.
Murume ari kubvunza kuti zviri nani achirega kukumbira mukadzi here kana kuti
oramba achingokumbira asi achiziva kuti anonyimwa nguva zhinji? Murume aiti ava
nevhiki mbiri asina kumbokumbira, nengari yokuti mukadzi wake akamuudza kuti haadi
zvokumanikidzwa kuita zvaasingadi. Murume kuti achibvunzurudza kuti saka uri
kuti haudi kuiswa here? Mukadzi zii. Saka kubudirana pachena konetsa kana umwe
asingadi zvokutaura.
Murume anoti iye akamboita nguva asingakumbiri, mukadzi
akandomurevera kwatete kuti haadi kuvata naye. Zvonetsa kuti tete vachitonga nyaya zvonetsa nokuti
nyakunyima ndiye andoturika nyaya kwatete. Zvonetsa futi kuti murume azodzokera
kwatete oti mukadzi ari kumunyima. Mukadzi ndiye akashaya rairo paakauya
kukurume kare. Kotizve nyaya dzokuisana mumba menyu dzinonetsa kuti mugare
muchidzokera kwatete muchindotongeswa.
Saka chiri nani ndechipi kuregera zvachose nyaya dzokuisana
kana kuti iwe nyakunyimwa wongotevedzera zvishomanana izvozvo zvauri
kupiwa? Kana tichida kutaura chokwadi,
tinoti hapana chiri nani. Vanhu mumba isanai zvinogutsa mese. Hapana chakaipa
kuti mukadzi angovhurira murume kuti amuise zvisinei kuti iye ari kuda here
kana kuti haadi. Vakadzi vese vane varume tinoziva kuti pane nguva zhinji
dzatinoiswa asi tange tisinei nokuiswa. Hazvina chazvinokuvadza uye
hazvigwadzi. Pamwe unotonakigwa wopedzisira wotoda chose kuiswa.
Varumewo kana mukadzi wako achida iwe usina
zemo, rega akutsvakire zemo. Varume hamunetsi sesu. Kungopurudzira chombo
nokutaura zvinopa zemo kuti chombo chimire. Kana changomira hapana chakaipa
kukwira murume kusvika mapedza. Hazvikuvadzi murume uye zvinokwanisa kutonakira
mese.
Asi kana umwe wako ane mweya wekukunyima uyu. Iwe chiona
kuti umire papi, uri kuda here kungopiwa
kaviri pamwedzi kana kuti zviri nani kungosapiwa zvachose. Kana wafunga
zvokusapiwa, wochirega kukumbira. Wongosiyawo zvakadaro. Uya nyakunyima ndiye oti paadira wokuudza kuti uya tiisane. Iwe chingomrira kuudzwa. Asi ukasawana chokuita
panyaya yokubvisa zemo paunenge wakamirira, unokwanisa kushushikana nokunyimwa kwako kusvika
wadzokera pakungofoya umwe wako.
Hwisisaizve kuti mukadzi anonyima iri nani pamurume anonyima. Mukadzi anokwanisa kuiswa asina zemo. Murume kana asina zemo hapana kuisana kunoitika. Imi varume chihwisisai kuti kusashuva kuvatana nomukadzi wako kunomushungurudza kusvika paitika chiitiko chisina kunaka.

Ngatiudzane chokwadi. Kana ukaita tsika yokunyima
mukadzi/murume wako hwisisa kuti achazvigamuchira hake asi pachasvika umwe musi
waanofunga kukuhurira noumwe murume/mukadzi. Unofanira kuhwisisa kuti imhosva
yako iyoyo. Ndiwe wazvisarudzira kuti mukadzi/murume wako ngaachihura hake.
Mumba nyaya yokuisana ndeyokutorongerana. Mukadzi rongera murume wako awane wekuisana naye. Murumewo rongera mukadzi wako awane wekuisana naye. Ndizvo zvamakaroorerana. Kurambirana kunokonzera zvakawandisa mumba zvisina kunakira vakaroorana.
Subscribe to:
Posts (Atom)