Saturday 25 February 2017

Mibvunzo neMhinduro 9

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 8 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi.
Ndatenda


1 Ndakavata nemusina ari kumwedzi. Vamwe vanoti zvinoita ndasazozvarisa. Ndoita sei? Chakangoipa pakuvatana mukadzi ari kumwedzi kungoti hazvitaridzi utsanana uye kuti parmaitire edu hazvibvumindzwi. Asi kana mese magara musina chigwere, azvina chigwere chazvinokonzera. Kungosemesa chete uye kusvibisa mubhedha.

Kuzvara hakuna kana basa nazvo nokuti hapana chigwere. Usashupika hapana nyaya apa. Asi kungoti hazvina unhu. 
2 Pane mushonga wechivanhu here ungandibatsira kubata mimba nokukasira? Mushonga wekubata mimba kuiswa musingashandisi Kondomu kana mapiritsi ekudzivirira mimba. Verenga pakahi "Kana wada mimba." uhwisise kuti chii chinonosa mimba. Kukoresa ana kuondesa kana kuti wakamboita zvegwere zvechihure kana kuti murume asingazvari nengari yeurume heakaremara kana kuti husina kukora.

Mishonga yechivanhu iriko asi unokwanisa kuwedzera dambudziko rako. Zviri nani kutanga waenda kundoongorogwa kuti uzive dambudziko. moenda mese nomurume andoonekwa huti urume hwake hwakakwana here kukuitisa mimba. DIET yako yakakwana here. 
3 Zvinoita here kuti mukadzi mutema akwanise kuzvara mwana murungu? Zvinoita chose. Kune vatema vakatozvara vana varungu, koitawo varungu vakazvara vana vatema.  Kuva murungu kana mutema ruvara gweganda chete.

1 https://www.youtube.com/watch?v=xhkYTkzjQVs

2 https://www.youtube.com/watch?v=WpblcdxKc28

http://www.dailymail.co.uk/femail/article-1093674/The-tragic-story-white-girl-born-black-tore-family-apart.html

4 Kubva last week ndine tumapundu panhengo yangu. Ndoita seiKana wangoita chimwe chinhu chawanga usina, chokutanga enda ku CLINIC undotariswa uudzwe kuti chii.

Kana wakavata nomunu musina kondhomu, zvoreva kuti une chigwere chechihure. Munofanira kuenda mese kundotariswa moraphwa. Musavatana kana kuvatana noumwe munhu kusvika chigwere chapera.  Zvadaro dzidzai kushandisa makondomu.

Kana ukagaroita zvigwere zvechihure unokwanisa kuzotadza kuzvara/kuzvarisa. 
5 Bhinzi inofanira kureba zvakadii? Rega bhinzi irebe payadira. Unei nayo? Hakuna murairo wekuti bhinzi ngairebe kusvika apa kana apo. Siya zvakadaro chete.

Vakawanda bhinzi inobva pa hafu ye CENTIMETRE kusvika pa 5 CENTIMETRES as diki ndidzo dzakawanda.

Nakigwa nebhinzi yako chete kwete kuzvinetsa kuti yakareba zvakadii. 
6 Mukadzi wangu ane nhumbu. 5 months saka ndagarisa ndisina sex.  Ndingaita sei. Kuhura ndange ndisingadi. Mubvunzo wako hauna kana musoro. Mukadzi wako akaendepi nemimba yake? Kana aripo, chinokukonesai kuita sex yenyu chiiko? Kana mukadzi ane mimba ndipo paanotofanira kuwedzera kuiswa kuti agoshaya dambudziko pakuzvara mwana. Urume hunobatsira pakukura kwemimba uye pakuzozvara. Mukadzi kana zvichikwanisika ngaavate nomurume kusvika zvisakwanisiki. Vamwe vanotovatana kusvika kwasara mazuva mashomanana kuti mukadzi azvare.

Enda undovata nomukadzi wako wakasununguka. Uchatoona kuti iye anofarawo nazvo. 
7 Ndingafuhwira mukadzi wangu sei? Kufuhwira mukadzi hakunetsi zvachose.
1 Terera zvaanotaura, kana usingahwisisi bvunza mibvunzo kusvika wahwisisa zvaari kutaura. Wahwisisa chiita zvaanoda kana zvichivaka musha. Kana zvisingavaki muudze kuti hazvivaki womuudza zvinovaka zvauchaita.

2 Usapopotera kana kurova mukadzi. Kana akanganisa, gara naye pasi umutsanangurire kuti chii chausingabvumirani nacho pazviito zvake.

3 Kana akabika zvakanaka, ukadya, ukaguta, tenda nezvawadya. Ratidzawo kuti zvinofadza kuva nomukadzi mumba.

4 Harogumbatira mukadzi wako (hugs) pese pawawanira mukana. Garotarisa mukadzi mumaziso womuongorora kumeso womuudza runako gwake wonyemwerera pakumuona achinyemwerera. Womuudza kuti unofara chose kuti mukadzi wako.

5 Pakunovata tora nguva uchimubatabata muviri wake wese uchimuongorora pesepese uchiratidza kuti iwe wakagona kusarudza pawakasarudza mkadzi uyu. Itai nguva musina kupfeka uchiyevedzwa nomuviri wemukadzi wako iyewo achiziva kuti ari kukuyevedza.

6 Pakuvatana tora nguva refu uri mukati memukadzi wako, inopfuura maminitsi manomwe (7) achihwawo pane moyo. Mapedza, kwevera mukadzi wako pedo womugumbatira wodembademba nyaya yokumuda uye kuti anokunakira zviri pamusoro.

7 Kana paunokwanisa kumubatsira mabasa ake emumba, batsira.

8 Kana asingahwi zvakanaka, miramira uchitaridza kusagadzikana nokugwara kwake. Wopotawo uchimuitira tii uchimubvunza kuti ari kuhwa sei.

Ndiwo mufuhwira unoshanda zviri pamusorosoro uyu. Iya imwe mifuhwira inotengwa kuvanhu vemidzi, kungotambisawo mari. Hazvishandi.

8 Kana uchida mwana mukomana uno**irwa sei?Kwete kuti SEI asi kuti nguva ipi pamwedzi. Munhukadzi wegawega anokwanisa kuita mimba pamazuva anozikamwa epamwedzi. Pamazuva awa pane nguva yokuti ukapiwa urime unowedzera CHANCE yokuita mwanakomana kozotiwo awo asara anowedzera yokuita musikana.

Nyaya iripo ndeyokuti paunopiwa urume paya, urume hunoitisa mukomana hunokwanisa kudhidha nesipidhi iri pamusoro kupfuura hunoitisa musikana, asi hunokasirawo kuneta nokufa zvokuita kana mazuva maviri huchitsvaka zai. hwevasikana hunonogara kusvika mazuva mana huri upenyu.

Izvi zvoreva kuti kana uchida mukomana pamazuva ekukandira zai, mirira wozopiwa urume zai radzira rava pedo kuitira kuti urumu hwechikomana hukasire kuriwana. Kana uchida musikana piwa urume mazuva okutanga zai richiri kure nokuti hwechikadzi hunoramba huchitsvaka hwechikomana hwatofa.

Asi hwisisa kuti panguva yemazuva ekukwanisa kubata mimba apa unowedzera zemo chose chose zvokuti kuti urege kuiswa zvinokunetsa saka kutoronga yokuvhakasha kuti upatsane nomurume pamazuva ausingadi kuiswa. Hwisisazve kuti maitire awawa anohi anoshanda asi haasi 100%. 
9 Kugezwa chibereko 
kunoitwa sei?
Kugeza chibereko inotori OPERATION inoitwa kuhosipitari inohi DNC. Hazviiti kuti ungoenda wega woti ndoda kugezwa chibereko. Zvinoitwa kana pane chaitika dhokotera okuudza kuti unofanira kugezwa chibereko. Zvokuti zvinoitwa sei iwe haufaniri kuzvinetsa nazvo. Kana wahi enda undogezwa, rega vanoita vaite.
10 Inhu yemurume iri normal inoita macentimetre manganiKureba kana yakatsamwa inoita masendimita ari pakati pe 12 ne 15
kukora tichipima kutetendedza zvakaita sekusunga bhandhe inoita masendimita ari pakati pe 10 ne 14.

Asi kune vamwe vane pfupi hobvu koita vamwe vane refu nhete refu hobvu, pfupi nhete. Hazvinei kuti saizi yakadii. 
11 Kudyiswa. Chii chingaitisa kuti mukadzi adyise murume?  Munyika yedu, kune vakadzi vakawandisa vanotsvaka kudyisa varume vavo. Ingari yokuti varume hamudi kutaridza vakadzi venyu rudo. Mukadzi akahwa sokuti murume wake haasi kumuda zvomoyo wese, anotsvaka kudyisa murume. Ndiwo maitire aaanoudzwa nevakadzi vakuru vemuraini.

Kudyiswa ndizvo hazvo asi tese tinoziva kuti mhomho yevarume vemuraini vanohura, zvikuru nehure rimwe chete kana maviri muraini imomo, kureva kuti vese vakadyiswa mishonga yacho haishandi chinhu.

Mishonga yacho yakawanda uye inodhura. Vanotora chidhambakura, chifurira, kana gwaivhi. Vanomesa chimhuka ichocho, vokuya choita upfu. Zvadaro vovhenganisa nemushonga wemidzi wavapiwa kun'anga, vobika pamwe chete nechijira chapukutisa kuzasi kwemukadzi. Anoisa mushonga uya mubhotoro. Zvadaro mukadzi wako anopota achiisa mushanga uye muzvokudya zvako kuri kutamburira rudo kubva kumurume wake.

Munhu anohi murume wemunhu anofanira kungoda mukadzi wake pasina zvokutotsvakigwa mushonga. 
12 Kana mukomana achibata mazamu emusikana anonzwei?Zvinobva nokuti mukomna wacho ndiani uye ari kubatirei mazamu emusikana, uyezve kuti ari kuabata sei, uye kuti chii chavanotaurirana paanobata mazamu emusikana.

Izvi zvinoreva kuti vasikana vanohwa zvakasiyana siyana pakubatwa mazamu asi kana muchidanana musikana akakutaridza kuti ari kuda kubatwa mazamu anokwanisa kunakidzwa nazvi zvichibva nemabatire ako. 
13 Kuti ndinakirwe nekuiswa ndingaita sei? Tangai nokutamba mese muchiatana nokupurudzirana nokukisana nokusvetana, nokutaura zvinofadza, nokupa murume mazamu kuti amwe nokusveta, nokumudzidzisa kuti unoda matinji  nebhinzi zvikwiziwe sei. rezva chombo chomburume. Sveta minyatso yemurume. Nanzva guvhu rake, purudzira chombo. Tambai muchidaro kusvika wanatsa kunyorova.
1 Iswa nemurume anokuda uye waunoda iwe.
2 Rerusa muviri pakuvatana kwenyu,
3 Usava nezvimwe zvaunofunga kuzhe kwekuiswa
4 Mufungwa mako teverera chombo chomurume uchihwa chichipinda nokuuda.
5 Deredza sipidhi yemurume womupa RHYTHM yakanaka yaunohwa wega kuti inokonzera kuti chombo chikwize mukati zvinonaka
6 Ramba uchitaurira murume zvokuita achitevedzera
7 Kana uchifunga kuti kunatsopinzwa ndiko kunonaka, ita zvokufongorera murume. Kana uchifunga kuti kubatirira murume nokuona kumeso kwake muchiisana ndizvo zvinonaka, vata manhede murume ova pamusoro kana kuti murume manhede iwe pamusoro.
8 hwisisa kuti kuisana ndekwenyu mese saka mese shandisai chiuno iwe kugamuchira chombo murume kukupa chombo.


Wega unohwa kuti pano ndaiswa zvinonaka.

14 Ndoda kudya bhinzi yemukadzi asi iye haadi kuti ndidye ndoita sei? Handisi kuda kudya yeumwe mukadzi. Ndoda wangu chete. Chihure No No. Kune vamwe vakadzi vasingadi kudyiwa bhinzi dzavo iri nyaya yokusangozvidawo kana kuti kutyiswa nazvo. Hapana zvokuita kana mumba menyu umwe ane zvaasingafariri kuitwa kana kuitwa. Iwe unotofanira kuremekedza zvaanoda.

Kune zvikonzero zvakawanda chose zvinoita munhu asada chimwe chinhu. Chikuru kumubvunza iye kuti sei asingadi, iye okutsanangurira ega. Zvadaro ukahwisisa chizviremekedza. Vamwe vanhu verudzi gwedu havabvumi kuti kuzasi kunogezeka saka vanoona sokuti hakuna kunaka. Pamwe anotya kutariswa zasi nomurume wake, pamwe anoona sokuti chiitwa chinoitwa nevanhu vemishonga.

Iwe hazvigoni kuti uti ungaitiswa chihure nokuti mukadzi wako haadi kudyiwa bhinzi. Ah bodo hakuna zvakadaro. Kuisana mumba ndekwerudo kwete kudzvanyirirana kuti 2Vhura ndidye kana usingadi kuti ndukuhurire" Bodozve, Vakadzi vakawanda vantodawo kufadza varume vavo uye vanoita zvakawanda zvavasingadi kuta asi kuri kuti murume afare. Saka imi varume chiregari zvokungoti pese pese mounza nyaya yechihure. Ko iyewo akazotanga kuti ukasadai ndokuhurira, mungavaka musha sei? 
15
kurapira nhova nesikarudzi kunoitwa sei uye nemishonga ipi, ndinoiwanepi? 
Kana wazvara mwana sikarudzi inoita nguva kuti idzokere payange iri usati wazvara. Zvinoita Vhiki nhanhatu (6 weeks). Panguva iyi momborega kuisana. Kozoti wabva kwachirema kundotariswa ukaudzwa kuti zvese zvakanaka, Ndipo pomotanga henyu kuisana asi shandisai kondhomu nokuti unokwanisa kuita imwe mimba.

Hapana mushonga unodiwapo, asi kana wakachekwa ukasonwa, unokwanisa kupiwa maANTIBIOTIC ekudzivirira utachiona sezve pari pedo nekunobuda svina. Saka terera rairidzo yevarapi.


Takataura kare nenyaya yenhova yomwana kuti hachisi chigwere saka hapadiwi mushonga. Chinodiwa kugarotarisa nhova yomwana. Kana ichitambatamba zvoreva kuti mwana ane nyota, mwisa mwana mukaka kana mvura.
Verenga apa.
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2016/08/zvinoitwa-panhova-yemwana.html

16 Tange tichitamba nokukisana nomukomana wangu. Ndaona mb**o yake kukura kwayo. Hazviiti kuti tikaroorana akwanise kuvata neni. Ndomuramba here? Asi ndomuda dai pasina dambudziko iri. Varume chombo chinokura kuva pakati pe 10 cm ne 18 cm. Mhomho yese iri pakati pe 14 ne 16 nokukora 14cm. Hakuna munhukadzi akambohi chombo chatadza kukwana. Mukadzi wese anotatamuka zvokuti chero chikuru sei chinopinda zvakanaka chose vese vachitonakigwa nazvo.

Asi unofanira kungohwisisa kuti motanga matamba sezvamange muchiita kusvika iwe wanyorova zvakakwana. Uyezve pakupinza kana uchifunga kuti chomo chikuru ndiwe unochibata wochipinza zvishoma nezvishoma. Chapinda mombomira makadaro uchidzidza kufemereka une chombo mukati. Wega unotohwa nyama dzako dzichizvimirira nokudavira kuti une chomo mukati. Zvadaro ndiwe unotanga kufamasa chiuno kuti murume agoziva kuti wava kuda kuswa. Zviri nani kana iwe uri pamusoro pemurume. 
17 chii chinokonzera kuita weti kazhinji uye iri shomaKuita weti kakawanda pazuva zvinoreva kuti wava ne chigwere che
1 DIABETES
2 Cystitis
3 Prostate
4 Infection
Kana zvimwe zvigwere zvakatowanda zvinopfuura 16 zvinokwanisa kukinzera nyaya iyi saka kasira kundoonekwa nevarapi uudzwe zvokuita. 
18 Kupfeka tsangamidzi kuzasi kwakanakei? 

Kuisa Ginger muchituu. 


Most foolish thing
Izvi zvinoitwa nemunhu anohi GINO, asingahwisisi zvaari kuita. Hakuna chinofanira kuitwa zasi uko. Zvikuru kwemunhukadzi. Usaisa chinhu chisiri TAMPON kana chombo chomurume mukati mako usina kuhwisisa kuti chinotanga chagezwa sei. Zvinhu zviese zvhinokwanisa kusiya RESUDUE mukati usatomofa wakazviisamo.

Vanhu musaudzana nhema. Unozviitisa mamwe ma INFECTION asina kufanira.
Kana une chigwere chauri kuzama kurapa enda kwamurapi upiwe mushonga urapiwe, kwete kuudzwa nhema nepenzi emuraini. 
19 Kugutsa murume pabonde kunoitwa sei? Kugutsa murume kunobva pakudzidza kutaudzana muchiisana. Dzidzai kuhwisisana nokuudzana zvinokunakirai. Kutererana nokuita zvarebvwa noumwe. Murume haanetsi kugutsa nokuti varume vakawanda vanongoda mukadzi anohwisisa kuti kuisana ndekwevanhu vaviri kwete kuno kwindi sewafa murume achizama kuti muisane
Ratidza kuti uri mupenyu.
Shadisa chiuno,
batirira murume,
chemerera,
wana mukna wekuti murume anatse kuva pedo newe.
Kwira murume
Wirirana nechombo chemurume.
Farira kuisana nomurume wako.
Usakundwa nemahure. Une nguva yokupurakitiza kupfuura yemahure. 
20 Chii chingakonzera kurwadza nekubuda mvura mumazamu usina nhumbu? Vanhu jairai kuti ukahwa kugwadza panhengo yemuviri pausingasihwi kugwadza, wokasira kundotariswa woudzwa chilonzero. Pano tinokwanisa kukuudza zvikonzero zvakawanda kana zviripo asi kuti tizoti chako chaicho ndechipi zvonetsa. Saka kasira kundoonekwa. Kubuda mvura kana mukaka chaiwo usina mimba zvinokwanisika kune vakawanda zvichikonzegwa nezvinhu vakanaka zvinoti :

1 Kuwanza nokufarira kuiswa nomurume wako
2 Kugaromwiwa mazamu nomurume wako une zemo
3 Ku garozvibatabata mazamu iwe muridzi.
4 Kuva nemimba usingazivi kuti unayo.
Kuitazve zvimwe zvakaipa zvinokonzera nyaya iyi sokuti une chigwere chinohi MASTITIS.
Kotizve kana ukabatabata mazamu ukahwa muchiita semune mapundu kana kuomarara, kasira kundoonekwa.
Pamwe inongori INFECTION as kasira kundoonekwa

21 Nzira dzoku**irana nadzo kuti mukadzi afare ndedzopi? Kuti munhukadze agare ane mufaro pamurume wake murume anofanira kutaridza rudo pese pese kumukadzi wake. Kuzoti kuvata naye zvakanaka ngazvibve parudo zvoenda pakuvatana kwete kufunga uti kungovatana kwega pasina rudo kungafadza mukadzi. Mukadzi wako harisi hure rako raunopa mari kuti ribvise bhurugwa. Mukadzi wako anofanira kuva shamwari yako yepamoyo.

Kana monovatana usafunga kuti anodei kuti afare, mubvunze kuti anoda kuiswa sei iye akuudze zvinomufadza. Unofungira munhu aripo zvaita seiko. Rega iye akuudze zvaari kuda. Mukadzi ndiye anofanira kuva Manager wezvemumba. Rega aite basa rake. Iwe zvako ndezvokugarden uko nokumunda. 
22 Kunzwa weti ndichisvir** kuri nNormal here? Kune vanhukadzi vakawanda vanohi vanoweta pakuiswa. Ari haisi weti inobuda. Umvura usina munhuhwi. Kana ukahwa uchida kuweta pamunenge muchiita usazvishinya kuti usaweta. Rerusa muviri uudze murume aramba achiita Ukaweta saizvozvo unohwa kunakigwa kuri pamusorosoro kwekanguva kanoita kota ye miniti asi hauzvikangamwi.

Murume wako achazvifarirawo asi unofanira kumutsanangurira kuti haisi weti uye kuti ndiye azvikonzera nokunaka kwake. 
23 Murume wangu haatauri kana tichiita basa pamubhedha. Anongoita akanyarara, opedza ovata, pasina zvaataura kunge pasina chaitika. Handizivi kuti anonzwa sei pazviri. Tave nemwedzi miviri taroorana.  Ndoita sei? Varume vakawanda vanokomurena chose chose kuti vakadzi vavo havafakanyiki pakuiswa uye havatauri. Ukuwo vakadzi vakawanda chose vanokomburena kuti varume vavo havatauri pabasa.

Iyi inyaya inoda kuhwisiswa chose kut pakuvatana zviri nani kutaudzana nokutererana kuti umwe noumwe ari kuhwa sei kuti mese muzive zvokuwedzera nezvokuderedza.

Kungoti zii, zvoita sokuti hamuzivani. Kana mabvumirana kuti nyaya ndeiyi, motangawo nokuwedzerana zemo pakubatana batana nokupurudzirana nokunanzvana nokumwanana munyatso kusvika iwe muridzi wemurume wanatsonyorova ukuwo uchibata chombo chake uchihwa kuti chava nesima rakafanira. Iwe taudza murume. Bvunza mivunzo kuti anoda kuisana sei nhasi. Muudze apinze chigumwe mukati mako ahwe kuti manyorova here akuudze.

Pamunenge muri pabasa bvunza kuti zviri kunaka here akupindure. Ugomuudza kuti unofarira kuudzwa kana zvichinaka. Mapedza muudze kuti wahwa sei pazviri ugomubvunzawo kuti ko iye ahwa sei.

Kutaura kwevaviri kunobva pakutanga kutaura kwemunhu umwe chete. 
24 Ndingashandisa here mushonga wekumisa chombo? 
25 Varoyi zvidoma ne zvikwambo kuharare zviriko here? Harare yese haina kana muroyi umwe chete. Haina chidhoma, Haina chikwambo. Ndinodaro nokuti zvinhu zvese izvi mupasi rese hakuna. Dai zviriko dai Mugabe akatorohwa nezvidhoma zvemuroyi wacho wekuharare. Kutaura nezvevaroyi kana zvidhoma, kana zvikwambo, dzinongoriwo nyaya dzokuita kana vanhu vaperegwa.

26 Kubata pamuviri uchiyamwisa kwakaipa here? Vakadzi vakawandisa vanobata mimba mwana mukuru asai arumugwa. Hapana chakasipa pazviri uye hapana chingahi chakaipa. Mimba ndeyemwana ari mudumbu. Uyu mwana mukuru haanei nayo chake kumwa mukaka wezamu zvinova zvisinei nokut une mimba here kana kwete.

Kare vanhu vasina ruzivo vaifunga kuti mukaka wamai vane mimba unokwanisa kukanganisa mwana anoumwa. Uku kwaingove kufungawo kwavanhu dzidzo isati yanatsobuda pachena. Hakuna chakaipa chingaitika kumwana ari mudumbu kana kuti uyu ari kumwa mukaka.

Chiripo ndechokuti mai vevana vanofanigwa kuhwisisa kuti muviri unoda zvaokudya zvakakwana kuti ukwanise kuita mabasa maviri awa kuti uku uri kuumba mwana uku uri kugadzira mukaka weumwe mwana saka kana mwana ati kurei rumura mwana. Asi kana achiri mudiki imoramba uchimwisa mwana.

Munhukadzi akazvara, anokwanisa kuita imwe mimba kusina kupera mwedzi miviri kana murume wake iri nhuu asingadi kumirira 6WEEKS zvinokurudzigwa. Kana akamirira anokwanisazve kungobata mimba ipapo. 
27 Kunhuwa mukanwa kunopedzwa neiKana uchiziva kuti uri kunhuwa mumuromo zvoreva kuti une mazino akaora saka enda kwaDENTIST.

Kana usina mazino akaona unenge une ma Bacteria anokonzera kunhuwa. Imbosiyana ne TOOTHPASTE uende kusupermarkets utenge BAKING POWDER woisa pa TOOTHBRUSH wokwesha mazino nayo yakawanda. Wokwesha zvese nemazino ekumashure, ekumusoro, ese zvawo. Woita mazuva matatu uchidaro katatu pazuva.

Zvadaro wodzokera kuTOOTHPASTE. Kukapera mwedzi womboitazve zve Baking Powder.  Isaishandisa nguva refu nokuti inodya mazino.

Asi inouraya maBACTERIA uye inobvisa zvimwe zvimatombo zvinohi PLAQUE zvinogara maBACTERIA acho.  
28 Unonzwa kudii kana nhumbu ichibataMimba haiati nguva yaunopiwa urume nomurume wako. Inokwanisa kuzobata kwapera mazuva maviri kana matatu. Mima zhinji dzinobata masikati anotevera iwe wapiwa urume manheru akapera.

Hapana chaunohwa panobata mimba. Unotozoziva kwapera mavhiki anopfuura matatu wotanga kuhwa muviri kusiyana. Pamwe hautomozivi kusvika mwedzi nehafu. paunotanga kuda kurutsa.
29 Mushonga unoita kuti mazamu amireVeduweeka, siyanai nezvemishonga mishonga izvi. Munhu ita zvinokupa utano hwakanaka chete. Kwete kungoti pese pese woita zvemishonga.

Verenga pakahi Kusimbisa mazamu

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/01/kusimbisa-mazamu.html
30 Murume anozvarisa ane mabhora akaita sei?Zvokuti mabhora emurume akaita sei kazhinji hazvina basa. Chine basa ndechokuti murume ane mabhora uye anobudisa urume pakuisana kwenyu. Kuti urume hukwanise kuitisa mimba zvinobva noutano hweurume. Kune varume vanoita urume hwakaremara. Koita mhomho yese yevarume vanoita urume hwakavhengana hwakanaka nehwakaremara.

Verenga apo pakahu Kuremara kweurume

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2015/08/kuremara-kweurume.html
31 Zai remukadzi rinofamba sei? Munhukadzi wese wese anozvagwa achitori nemazai ake akakwana okuita vana vaanoda kuita asi nyaya iripo ndeyokuti akazvinonokera mazai anopera. Mukadzi anokandira zai kubva kuchikandiro chokuruoshwe kamwe chete pamwedzi miviri, chokurudyi kamwe chete pamwedzi miviri. Zvikandiro zvinochinjana kukandira saka mukadzi achienda kumwedzi kamwe chete pamwedzi.

pese paanoenda kumwedzi anoshandisa zai rimwe chete. Kana akabata mimba kumwedzi kunomomira saka anochengeta mazai ake. Kana azvara, kukapera vhiki nhatu muviri unodazve kutanga nyaya yokumwedzi kureva kuti anokwanisa kubata mimba futi.

Paanozosvika makore 40 mazai aya aakazvagwa nawo  anenge apera nokuda kwekuenda kumwedzi, zvobva zvagumira ipapo, kumwedzi haachaendi, mazai haachakandiri.

Vamwe vanopera mazai vari vaduku. Zvinotangira pamakore 32 zvichibva nokuti wakazvagwa une mazai mangani. Vamwewo vanokandira kusvika kuma 50. Kana apera apera hapana zvokuita. 
32 Ukaenda kunoongororwa kuchipatara wowonekwa usina nhumbu asi usingaendi kumwedzi chikonzero chiiZvinoitisa kuti usaenda kumwedzi zvakawanda as zvimwe zvacho zvinoti
1 Kuva nemumhu mukuru zvokuti BMI yako inpfuura 30. BMI inowanikwa kana watora Uremu hwako (weight) huri muma kg, wodhivhaidha nourefu hwako (HEIGHT) kaviri. Nhambha yaunowana inohi BMI inotaridza kuti wakakoresa here kana kuondesa kana kuti uri nani. Inofanira kuva pakati pe 17 ne 24

Kana iri pasi pe 17 unokwanisa kumira kuenda kumwedzi nokuda kwekuondesa. Kana yapfuura 30 unokwanisa kumira kuenda kumwedzi nokuda kwekukoresa.

2 Kana watanga kumwa mapiritsi ekudzivirira mimba unokwanisa kumboita nguva usingaendi kana kuti uchienda kaviri pamwedzi.

3 Kana uri munhu anoita ma EXERCISE akawandisa

4 Kana wava nemakore anopfuura 35 unokwanisa kunge wapera mazai anova ndiwo anoendesa kumwedzi.

5 Unokwanisazve kunga waita chigwere chezvikandiro zvemazai.

Enda undoonekwa kana usina chimwe cheizvi. Kana unacho, zvimwe zvinogadzirika gadzira kana uchida kuenda kumwedzi kwacho. Vamwe havadi. 
33 Zvinokwanisa kuitika kana wawanzisa mapiritsi ekudzivirira mimba zvii?Kuwanzisa mapiritsi emimba kunoitisa ubude ropa muchibereko.
Kuhwa kuda kurutsa
Kutorutsa chaiko
Kutanga kuenda kumwedzi

Ndizvo zvingaitika. Usagaroita tsika yokuwanza mapiritsi awa. Zvinokukanganisa muviri wako kana wazoda zvemhuri. 
34 Vasina matinji vanorambwa here? Sokuziva kwangu kusaziva kushandisa chiuno pamurume kunorambisa vakawanda, zvikuru kungoti kwindi sewafa murume achida zvinhu zvake.

Hakuna murume ane basa nematinji kana ava murume ava nemakore anopfuura 25. Zvikomana zvemuraini ndizvo zvinotaura nyaya dzematinji kumombe. Murume kana aroora anokasira kuhwisisa kuti kuisana kunonaka zvisinei kuti mukadzi ane chii. matinji makuru, magaro, mazamu, chii zvacho. Chikuru ndechokuti mukadzi anofarira kuisana nomurume wake uye mugere zvakanaka. Pakuisana unofarira kushandisa chiuno nokuita zvinodiwa nomurume wako, kumuvunza zvaanoda, kumuratidza kuti unonakigwa nokuiswa. Haumohwi achikubvunza nezvematinji, Matinji anonakidza mukadzi kwete murume.

Totizve hakuna mukadzi asina matinji sokuziva kwangu. Kungosiyana saizi yawo chete. Varumewo vakangosiyana saizi dzezvomo asi vese vanongonaka zvakadaro waniko.
Hakun akarambwa achihi ane matinji mapfupi akana kuti chomo chidiki kana chakakurisa. 
35 Chibereko chii uye chiri papi? hibereko chiri mukati memunhukadzi uye mukova wacho uri kuchitubu. Basa rechibereko kuumb mwana kana mukadzi ane mimba. Mwana ndimo maanokurira saka chichihi chibereko. Kana usina mimba chibereko chibereko chako chinenga chakaita se muchero uya unohi PEAR asi chakatarisa pasi chakarereka zvishoma. Mukova wacho unogara wakavharika ne PLUG yemadzihwa kuti zvigwere zvisasvikako. Mukova wacho mudikidiki zvokuti kana penzura haikwani. Asi ndipo panozokura zvokubuda nemwana.

Kana ukaita zemo, pameri pese panozvimbirira bhinzi yomira, matinji ese ozvimbirira, chitubu chotsonga kuita chidiki kuitira kushinya chombo kuti murume atunde urume ari mukati. Chitubu chinoreba kuti chombo chikwane chosunda chibereko kuendesa kumusoro kuzvimba kuya kudhonza dzimwe nyama dzomukati kuti chiereko chinangane muromo wacho nenzira yechombo. Murume paanonotunda urume, anohuudisa hwakananga muromo wechibereko uye hune sipidhi inopguura 28km/h.

Kana mukadzi akanakigwa kusvika pakuita ORGASM, chibereko chinopomba pomba zvokuita somunhu ari kusvita fodya kana tii. Chichikurudzira urume huya kunanga kumukova wacho. Kana mazuva ako ekumwedzi ari pokuti une zai, unokwanisa kuita mimba.

Urume hunogara mukati memukadzi mazuva matatu kana mana zvokuti ukaiswa nhasi unokwanisa kuzobata mimba kwapera mazuva. 
36 Chibereko chinogezwa sei. Chibereko chinogezwa kuchipatara chete. Haukwanisi kuzvigeza chibereko nokuti chiri mukati memuviri. 
37 Murume nemukadzi vanosangana kangani pavhiki? Kusangana kwemurume nemukadzi wake zvinobva nokuti vanoda kusangana kangani. Kana vachangoroorana vanosangana kakawanda. Vamwe vaoita katatu pazuva vamwe kaviri.

Kana vazojairana vanokwanisa kamwe chete pazuva ndivo vakawanda verudzi gwedu. Zvinobvawo nokti mune makore mangani uye munoita mabasa api. Kana murume apfuura makore 50 anoderedza kuvata nomukadzi wake. Kana mukadzi apfuura makore 30 anowanzofarira kuwedzera kuvata nomurume. Saka panokwanisa kuita damudziko kana mukasapangwarira. 
38 Chii chinokonzera kuti vakadzi vaite ngochani?Ngochani dziri kwese. Dzechirume ndidzo dzakawanda kupfuura dzechikadzi. Chikonzero hachizikamwi asi kune fungwa yokuti zvinoitiswa nokukanganisa kuumwa mudumbu ramai. Chiereko chinenge chatadza kuhwisisa kuti munhu mukomana here kana musikana chogadzira ari pakati nepakati.

Koitazve vamwe vanozvisarudzira kuita ngochani

Koita vamwe vanoitiswa ngochani nezviitiko zvinoitika muupenyu hwavo vari vanana. Sokuti musikana mudiki akabatwa chiharo nomunhu mukuru anokwanisa kukura achitya varume. Mukomanawo akabatwa chibharo noumwe murume zvinokwanisa kumukanganisa fungwa.

Zvikonzero zvakawanda asi ngochani panyika dzese ishoma pane vasiri ngochani. Kune vanoita zvechingochani asi vachiitazve zvisiri. vanohi BI-SEXUAL. Kudya kwese.

Kutsvaka zvikonzero kutambisa nguva. Chikuru kuhwisisa kuti usarorana nomunhu ausingabvumirani naye panyaya iyi. 
39 Ndiri kuvata nemukomana ana makore 27. Ini makore 44. Zvine basa here kusiyana makore? Kuita basa pane zvipiko? Matadza kuisana zvinogutsa here? Dambudziko chairo rabva papi kusvika pakuvunza? Murume ane makore 27 haazi mukomana. Murume anotokwanisa kukuchemeredza pakuisana kwenyu.

Haana kusiyana nemurume ane makore 50. asi kungoti iye haakasiri kuneta saka pamwe anotori nani pamudhara mukuru.  Vanhu dzidzai kuisana makasununguka pahana. Chakaipa chihure chete, kwete kuti maroorana moisana. Chakaipa ipapo chingava chii? 
40 Mubobobo ichokwadi here? Murume/mukadzi anongoisana nemunhu wese wese hakusi kuti ane mubobobo asi kuti munhu anongodawo hake kuhura. Hakuna mushonga unoitisa munhu ahure. Kana ukamuwana kasira kundinyorera ndikuwanire ma CUSTOMER anopfuura 200 million vhiki isina kupera.
Unokwanisa kufuma kupfuura vana Chiyangwa nana Bill Gates naana TB Joshuwa.

41 Kana uchibuda zvinhu zvinenge masperm problem chii?MaSPERMS hachisi chinhu chinooneka nemazosi pasina MICROSCOPE. Urume (SEMEN) ndihwo hunooneka.

Kana uchibuda discharge muchitubu hapana chakaipa. Chitubu chinozvigeza chega chichibudisa zvachageza zvichinge DISCHARGE inokwanisa kunge yakacheneruka kana kusvibirira hazvina basa. Zvinobva nokuti inguvai yomwedzi. Pavhiki yokukandira zai  DAY 9-16 Discharge inowedzera kuwanda.

Chaunofanira kutarisa munhuhwi weDISCHARGE. Kana ichinhuhwa zvisirizvo une INFECTION. Kana isinganhuhwi hapana chakaipa.

Vakadzi vakawanda vanonyorovesa mabhurugwa kusvika pakutipfeka LINER muhurugwa kuti DISCHARGE isamushusha ari kubasa.

Kana uchigarohwa zemo mumuviri DISCHARGE inowedzera nokuti ukaita zemo unonyorova zasi wakamirira kuiswa nomurume.

Kana uri murume uchibuda DISCHARGE inenge urume, zvoreva kuti une Siki. Kasira kundorapwa nokuti siki hadzidi kunonokegwa. Pakuzobuda DISCHARGE zvotoreva kuti wakatononoka. Ukatarisa kuti wakavata nemukadzi riini patori nemazuva.  Dzidza kushandisa kondhomu nomukadzi asiri wako.

Usavata noumwe munhu kusvika warapwa ukahi wapora. 
42 Kugadzira nzira yemwanaKo mwana anogadzirigwa nzira kuti aendepiko?
Haa  kutama hangu. Mwana hapana nzira yamunozvinetsa muchigadzira. Nzira inozvigadzira yega kana nguva yakwana yokuzvara. Muviri wemunhukadzi newemhuka dzese dzechikadzi unoziva kuti nguva yokuzvara yakwana wogadzira nzira yokuti mwana abude nayo. Hapana chaunofanira kuita. Zvinoitika zvega. 
43 Kuvatana nomukadzi wemunhu kwakaipei. Kana murume wake akavata naye anomusiira urume mukati. Hunogara mazuva anopfuura mana huri upenyu mukati make. Iwewo wozosvikapo wopinzawo chombo chako ipapo chidhidha muurume hwemuridzi wemukadzi. Kureva kuti iwe njere chaidzo hauna. Chiremera hauna. Wangova munhu pakutarisa asi wakafanana nemhuka. Ndiko kuipa kwazvo tisati tatanga kuttaura nezvesiki yamuchaita mese mhuri yako neyemukadzi iyeye. Handioni sokuti unenge une njere.  Chaunodira urume hweumwe murume iwe usiri ngochani chii? 
44 Nhumbu inobata here uchangobva kumwedziInobata kubva pa DAY 9 kusvika pa Day 17 tichitanga kuverenga kuva pazuva tokutanga kuenda kumwedzi.

Mima hainetsi kubata kune vanhu vakawanda. Kungoti zhinji dzinobva dzega neinohi SPONTANEOUS ABORTION zvinova zvinoitiswa nokuti chibereko chikaziva kuti chakanganisa kuumba mwana chinoramwa basa mwana wotobuda. Asi zvinoitika pamwedzi wekutanga zvokuti hautomozivi kuti wange wamboita mimba. 
45 Kuiswa nemwana wemurume kwakaipei Kare zvaibvumidzwa kuti ukanowanikwa pabarika vahosi vava munhu mukuru ane vana vakura iwe uchiri musikana wechidiki, murume akazofa waigagwa nhaka nemwana wemurume. Zvikuru kana ari mukuru pauri kana kuti muri vezera rimwe.

Mazuvano hazvichabvumidzwi asi kuvatana nomwana wemurume zvinoitika chose, zvikuru kana murume akura asisagoni basa asi ane vana vakura. Mainini vebarika havasi mai. Unongohi mukadzi wababa kana kuonekwa sehure rababa. Asi zvinosemesa kuhi unovata nomunhu uku ugovatazve nemwana wake. 
46 Chikapa chengwena chinoitwa seiChengwena motonoongorora ngwena dzichiita. Pano tongoziva chevanhu chete. Chinoitwa chero maitire amada imi vaviri pakuvatana kwenyu. Ukatanga kuita PRESCRIPTION yechikapa zvoreva kuti kuisana hakuchanakidzi nokuti mava kuita maitire asiri enyu. Munhu zivana nomurume wako uye kuti anofarira chii iwewo kuti unonakigwa nei pakuiswa. Zvadaro chijairiranai pachenyu mopanana zvinogutsa. Kana murume asipo fanofunga kuti uchamuitirei kana auya. Chikapa kuona kuti pakuiswa unoratidza kuda kuiswa, unoshandisa chiuno kugamuchira chomo chomurume wako, unobatirirawo nokuona kuti murume ahwisisa kuti uri kunakigwa nezvamuri kuita.

47 Kuisa Vicks pa chombo chomurume before sex zvinoshanda here? Zvinobva nokuti unoda kuti zvishande chii. Hwisisa kuti Vicks ndeyegosoro. Kana ukaiisa kuzasi unokwanisa kusvuuka pamunokoirana. Asi vamwe vanoti kana murume akaikzora pachombo chake chese akakwizakwiza kuti inatsekupinda muganda, akazoti kwapera kuda hafu ye awa, okwizazve imwe VICKS, pedzezvo ondogeza chombo nemvura inodziya, mobva mandoisa, zvinobatsira kunonotsa murume kukudiridzira urume kureva kuti uchawedzera kunakigwa.

Tese tinoziva kuti chombo hachiiti gosoro.  Hwisisa kuti kune vanhu vane ALERGY ye Vicks. 
48 Murume wangu ndinofarira kusv**wa naye chose asi akangotunda hakuperi one minute asina kubatwa nehope. Chirwere here kana kuti ndozvinoita varume vese.? Kufarira kwako zvoreva kuti murume anoshanda zvinesimba uye zvinoita apere simba. Kana iwe waguta chaachagarira akasvinura chiiko. Rega avate hope dzakanaka. kana zvichikudya moyo uchida kutaura naye mutaudza kwachena.

Usiku ukapepuka ukaisa ruoko pachombo chake abvete chinomira futi zvokuti unokwanisa kutomumutsa moita futi, kana kumirira mangwanani. Varume vakawanda vanohi vanoita hope nokukasira kana vabuda urume. Hapana chakaipa. Varaidza murume wako kuti kana achiita hope iwe uve chinhu chokupedzisira chaanoziva. 
49 Pane mushonga wekuti murume wangu awedzere kundida here? Uripo chose uye unoshanda kune varume vakawandisa. Unohi "Mukadzi ane rudo kumurume wake" Kana ukataridza kuwanza rudo kumurume uchaona iyewo otaridza kukuda chose.

Ita nyaya nomurume wako usingaiti nharo naye. Ita nyaya dzinofadza uye dzinosetsa murume agare ane mufaro mumba. Zvipe kumurume wako aite sharaude newe. Kwete kumirira kuti iye akumbire ichi neichi, bodo. Kana akaneta ukaziva kuti akaneta muisire mvura yokugeza ugopinda naye mubvavhu womugezesa semwana. Pakunovata, mirira murume wako kana kumukwezva kuti muchienda kunovata, kwete kuti uyu nguva yake uyu yake.

Chero mumba mune mari chero musina taridza rudo. Usafoya murume wako. Ndiwo mushonga wakuti akudewo saizvozvo.


50 Kurota uchiona honye zvinorevei? Kurota kunoitiswa nokuti fungwa hadziiti hope. Fungwa dzikamira kuitika unofa. Kurota zvoreva kuti waifunga honye uri kuhope. Pane chakaitisa kuti ufunge honye chinokwanisa kunge chaikufungisa honye dai wange usiri kuhope.

Kurota kazhinji kunoitika mazuva ese asi kungoti tinokangamwa zvatarota nokuti hazvityisi. Honye dzinotyisa ndoosaka usina kukangamwa. Asi kuti zvinorevei kazhinj hapana zvazvinoreva asi kungoti ndizvo zvawakafunga uvete.  


1 comment:

Unknown said...

Chii chinoita mukadzi asatunda aine mimba