Tuesday 14 February 2017

Nyaya Ye INSURANCE parudo.

Mazuvano kune vanhu vakawanda chose vanoshandisa vara rokuti INSURANCE kureva kuti iye munhu abva zera ane mukomana/musikana waari kudanana naye uye waari kuda kuroorana naye, asi haana vimbo yokuti musikana/mukomana wacho anomuda zvakafanana uye achada kuroorana naye zveshuwa.

Saka anotsvaka umwezve wekudanana naye anohi ndewe INSURANCE kuti kana nyaya ikakanganisika uko ndobva ndakasira kungozoroorana nouyu pasina zvokuita rimwe gore ndichitsvaka wekudanana naye. Kune vasikana vakawandisa vanoshandisa INSURANCE parudo. Varumewo vava kuzvitevedzera.

Nyaya dzakadai dzinobuda kana paita mimba woona musikana opomera uyu naponapo wopomera uyu. Zvoreva kuti vese varume vange vachipakurigwapo. Asi chero pasina zvokuvatana kune vasikana vanoita INSURANCE nokuda kwemaitire evarume pakuramba vasikana kwapera nguva refu vachidanana.

Saka pano toda kumbotarisa kuti INSURANCE inyaya yakana here kuva nayo kana kuti pane chingahi chakaipa here?


No comments: