Monday 13 March 2017

Kugumbatirana (Cuddling)

Kugumbatirana kwakakosha kuvanhukadzi kupfuura kuvatana, iri ngari yokuti kunoratidza rudo uye vanhukadzi mhomho yese, vanovata nomurume fungwa dzavo dzichivaudza kuti zvinotaridza rudo. Saka kuti avate nomurume wake anodawo kutaridzwa rudo. Kugumbatirana nguva dzakasiyana siyana kunoratidza rudo. Asi pane nguva dzandichatsanangura pano dzinodiwa uti murume ane achihwisisa kuti kugumbatira mukadzi wake nguva idzi chinhu chakanaka chose uye mukadzi ane murume akadai munhu akareruka hana anomufaro mumba make.

Vanhukadzi tine nyaya yokuda kuriritira mhuri yese. Maitire ekuriritira akasiyana kuvana nokumurume asi dzimwe nguva zviitwa zvacho zvakangoda kufanana zvokuti kana murume akazvihwisisa kuriritigwa kwake kunowedzera, kusiri kuti mukadzi ari kufunga kuti dai awedzera kuriritira murume asi kungoti maitire emurume anoita mukadzi awedzere.

Kune vakadzi mudzimba umu vanoti kana murume akati ita ichi kana icho, haambofungi kuramba. Anongoita chete nokuti anoziva kuti murume wake anozvifarira. Iyeweo anofarira kufadza murume wake. Asizve unohwa vamwe varume vachikomburena kuti mukadzi hadi kugaroiswa. Izvo bodo mukadzi handiye ane dambudziko, murume ndiye asina rudo zvokuti mukadzi haachatooni sokuti murume wake munhu akakodzera kuriritigwa kusvika pakuvhurigwa makumbo.

Kana murume ane mukadzi mumba, ngaaite tsika yokugarogumbatira mukadzi wake, uye kujaidza maoko ake kunanga kumuviri wemukadzi nokugarokwevera mukadzi wako kwauri kuti muve pamwe chete.  Mukadzi ngaagare achihwisisa kuti murume wake anomuda chose zvokuti pamunoparadzana murume anotaridza kushushikana nazvo. Kana muri mese, usagara kure nemukadzi wako moti uyu kusofa rake uyu rake kunge muri padare rekutonga mhosva kwasabhuku. Garai pedo napedo murume oitawo maoko anodzungaira akananga kumukadzi.

Mukadzi haanonoki kuzviona kuti murume uyu ane rudo, unoona ega oti akaiswa ruoko pafudzi nemurume, orerekera musoro kutsvaka kutsamhira murume wake kureva kuti ari kugamuchira rudo gwemurume uye anozvifarira.

Kana ukabva kure ukawana mukadzi wako achiita zvaari kuita, pakumhoresana mbundikirawo mukadzi wako wombomubata Makati zii wozomuregedza hako motanga kutaudzana.
Munhukadzi anodawo kuudzwa nezviri pamuviri wake. Kana murume akaita tsika yokugaro purudzira magaro emukadzi wake, mukadzi haanonoki kuti napo napo omisa magaro kuti murume amaone zvakanake. 

Kana mukadzi akaziva kuti murume anofarira mazamu ake, maitire ake anosiyana. Anotanga kuita zvinoratidza mazamu ake kuti aonekera zvakawedzera kumurume wake.
Mukadzi ajaira kumbundikigwa nomurume, unoona ega ozvipa kumurume kuti ambundikigwe pese pese paanoona zvichiita. Mukadzi ane murume akadai anoshuva murume wake kana asipo.

Pakunovata paya Murume jaira kuti kana monovata moenda mese kunovata kwete kuti umwe omboenda, iota nguva aenda umwe ozotevera. Bodo. Endai mese muwane mokana wekumboita tunyaya tusina mature tweushamwari hwenyu, hazvinei kuti makuhwa here kana kuti kutaurirana zvinosetsa. Chikuru kuita nyaya dzenyu pasina umwe munhu akakutererai.

Ipapo panyaya apa murume usaita nyaya nomukadzi ari uko iwe uri uku. Bata mukadzi wako umugumbatire, mozevezerana zheve nemuromo zviri pedo napedo, uchihwa hwema hwemumuromo make uchihwisisa kuti TOOTHPASTE yaashandisa ndeipi. 

Terera kutinhira kwemoyo wake newako kuti zviri kuenderana here. Isa ruoko kuseri kwemusana wake umukwevera pamuviri wako. Pota uchipurudzira magaro ake muchiita nyaya dzenyu muchidaro. Hwisisazve kuti mukadzi wese wese anoda kuziva kuti murume wake anomuda chero pasina nyaya yokuisana. Saka kana ari kumwedzi uchiziva kuti kuisana hakuiti, gumbatira mukadzi wako uite nyaya naye achiziva kuti unoziva kuti nhasi zvokuisana hapana. Uchazoona kuti maitire ake anosiyana. Kana asiri kumwedzi anozvipira kwauri kuti ufadzwe nomuviri nezviito zvake.

Kana mamboita nyaya mukazosvika pakuisana, uchaona kuti kana mukadzi achiziva kuti unoshamwaridzana naye murudo, hapana chaasingakuitiri kana wamuti ita. Anohwa akasununguka pamurume wake. Varume pakuisana munopota muchikoniwa dzimwe nguva. Taudza mukadzi wako muchiisana, kwete kungoti zii zvinokweshana zvichikweshana zvega iwe uchiita seusipo.  Ramba uchikurudzira mukadzi wako kuita ichi neicho uchimuudza kuti ari kukunakira. Zvinopa manyawi ekuwedzera. Uchazoona kuti mangwana kana umwe musi achakuitira izvozvo zvinonaka zvacho usina kumuudza.

Pamunonyanya kukoniwa ndepekuti paya murume adididzira mukadzi urume, chombo hachichina simba.  Zvisinei kuti mukadzi atundawo here kana kwete nyaya yese ndipo poyotombomirira nokuti chombo hapachina. Murume simba rokutaura nyaya haachina. Kana mukadzi achine zemo anofanira kubatsigwa kuripedza. Maoko enyu mese aripo. Hwisisa kuti mukadzi anoda kukwizirigwa papi kuti abve zemo. Kana ange abva zemo sezvawaita, gumbatira mukadzi wako ave pedo newe mobatwa nehope makadaro.  

Kana uchida kuvbunza kuti anakigwa here, bvunza  ugomutenda kuti akunakirawo.
Kune vakadzi verudzi gwedu vanoti akapedza basa nemurume anopukuta murume. Rega akupukute agozvipukuta asi kana angodzoka pakuvata mugumbatire muve pedo napedo. Hope dzozouya hadzo makadaro. Kana akakufuratira unokwanisa kuisa ruoko pazamu asi usarisvinyanga nokuti kana achangobva zemo rinenge riri SENSITIVE.  Kana makatarisana, isa ruoko pamagaro kukwevere mukadzi wako kwauri mudziisane muviri makadaro. Haanonoki kubatwa nehope.

Kune vakadzi vanofarira kuisa musoro wemurume pakati pemazamu maoko pamagaro emurume murumewo ane maoko pamagaro emukadzi. Hazvinei kuti munogumbatirana sei. Asi chikuru kugumbatirana. Mukuva vanhu vakaroorana, kugumbatirana ndicho chinhu chikurusa pakugadzikanisa hana dzenyu kuti musagarofunganya. 

Kana mukatukana ukaona kuti umwe wako agumbuka pazviri, usarega achibatwa nehope akagumbuka. Kana akaenda kunovata, tevera ugozviswededza paari ugomugumbatira. Mukamboti zii makadaro, chero iye asina kukugumatirawo, ukaona asina kukutuka kuti ubve paari, ndipo paunomukumbira regerero, chero ariye ange ane mhosva, zvitsvakire mhosva umuudze mhosva yako pakutukana kwenyu. Unohwa ega ozviswededza kuti uwedzere kumugumbatira, iri ngari yokuti anoziva kuti une rudo.

Ikoko kugumbatirana kunotonga nyaya dzakawandisa dzamange muchazopokana padziri. Zvinongobva pakuhwisisana kuti munodanana. Zvikuru varume, ratidzai rudo kuvakadzi venyu. Murume ane rudo zvishoma zvaanoshaya kubva kumukadzi wake.  Kuriritigwa nomoyo wese nguva dzese.  Vanhukadzi vanoita mabasa akawanda chose pamusha asi muripo wavo wavangoda vese muripo werudo kubva kumurume. Kuudzwa kuti wagona ichi neicho uye uri munhu ane moyo wakanaka, zvinofadza chose.

Vakadzi vakawanda vane fungwa dzokuti kuvhurira murume makumbo kupa murume muviri kuti anakigwe nawo. Apa tiri kuti mukadzi ndiye anopa murume zvinonaka sokupa kwaanoita zvokudya kumurume. Hakuna mukadzi anoti ari pa LEAVE yezvekuika, nokuriritira mhuri. Ndizvo zvimwezvo pakunovata, mukadzi LEAVE yake inobva pakuenda kumwedzi chete.

Kana murume ane tsika yokugumbatira mukadzi wake, mukadzi anotevedzera tsika iyoyo. Zvoonekwa kuti  zemo remurume rinogara riri pedo pedo, mukadziwo otevedzera tsika iyoyo.  Kana uri kumamisha ukaenda kutsime nevamwe vakadzi, kana kuhuni, uchahwa nyaya dzavo dzinorerekera kune zvokuisana nevarume vavo kuti dziri papi. Varume vane rudo havatsoropodzwi nevakadzi vavo kune vamwe vavo. Unotohwa mukadzi mukuru achitaura kuti mazuvano hope ishoma, oridza chikwee vamwe vosekawo kuri kuziva kuti ari kuiswa zvinofadza.

Mukadzi anogarogumbatigwa nomurume wake haana nyaya dzakaipa nomurume wake. Anohwisisa murume wake. Murumewo anohwisisa zvokugumbatirana anopiwa zvese zvaanoda. PSYCHOLOGY yekugumbatigwa yakakosha chose. Munoonazve kuti munoudzana nyaya dzakadzika pakati penyu. 

Ngatiwedzere kugumbatirana mudzima dzedu veduwee. Kana zvisingakufambiri zvakanaka imbowedzera kugumbatira, zvikuru pakunovata paya mapedza mamwe mabasa, iwe woda kuturirawo umwe munhu nhamo dzako. Ukamugumbatira anoterera nyaya dzako zvizere.

Zvokuita kwemukadzi werudzi gwedu kuti uriritire murume nemhuri zvinoti :
1 Kubika zvokudya nokugadzira DIET yemurume nemhuri
2 Kuita utsanana mumba kuwacha nokusuka, kutsvaira, kuaina
3 Kurera vana, kuvagezesa,
4 Kuisira murume mvura yokugeza
5 Kuronga BUDGET repamusha
6 Kuzvipa kumurume nokuona kuti anogara akasununguka pamoyo

Zvokuita kwemurume werudzi gwedu kuti ave saimba
1 Kuterera zvinodiwa nomukadzi wake
2 Kuronga kuvaka musha pamwe nomukadzi wake
3 Kugamuchira zvawapiwa nomukadzi, zvokudya, zvokupfeka
4 Kuda mukadzi nevana
5 Kukwezva mukadzi wako kuti ave pedo newe asaita fungwa dzevamwe varume
6 Kugamuchira muviri wemukadzi nokumuyemura nokunakigwa nawo kumubata, kumudziisa muviri, kuvata naye, kumukwenya panovava, kumuongorora asina kupfeka.

Hwisisai kuti vakadzi vasingafariri kugumbatirana nevarume vavo vashomashoma mupasi rese, uye kazhinji zvinoitiswa nokuti murume haana kugeza mazino, kana kuti iye mukadzi haana kuisira murume mvura yokugeza musati manovata. Asizve kune nyaya inoti kune vakadzi vanowedzera zemo kana vanhuwidza murume ane ziya/dikita. Kunhuwa kwemurume asina kugeza kunoitisa vamwe vakadzi zemo. Vamwe vanoshushikana nazvo.

Murume anogarogumbatira mukadzi wake anogarovhurigwawo muviri wese achiita zvaanoda nawo. Kana mukatadza kutaudzana muchiita nyaya, asi murume akajaira kugumbatira mukadzi wake kakawanda uye muvete hope kana kuti makasvinura asi muri mumubhedha wenyu pasina nyaya, mukadzi anohwisisa mutauro wekugumbatigwa.

Udzai vamwe!!!!!!!!

1 comment:

Brother bm said...

Seni baba wemusha ndinofarira kuiswa pakati pemazamu pakunorara. Hazvinei tambodyana kana kuti hatina pakati pemazamu ndizvo weduwe