Friday 31 March 2017

Tongai vanotonga mupe munhu mazano.

Tongaiwo nyaya iyi vane njere pazvinhu. Nyaya yange yakareba uye ine zvinyogwa zvakadzika pakusvodesa saka ndaidimbura dimbura kuti vechidiki vakwanise kuverenga zvisingatyisi.

_____________________________________________________________

"Ndibatsireiwo. Murume akashaika 2014. Ane muningina ari kuUSA ane mukadzi ikoko nevana. Ndinochengeta fuma yake yaari kutumira ari ku USA saka anogarouya kuzoona kuti zvinhu zvakamira sei. Kana ari kuno anogara pano pamusha wemukoma wake. Ndisu takamupinza chikoro achigara pano. Vabereki vakashaika kare.

Akauya muna February akagara 3 weeks neni. Vana vakura havachipo pamusha.

Ndakamunetsa kusvika arara neni. Aimbosiuya pamusha pane vanhu. This time pange pasina vakuru paingova nezvana zviviri. Ndakamutsanangurira kuti handina kumborara nomurume  29 months dzese kubva pakashaika mukoma wake neAccident. Iye aiti maiguru ndimai, havararwi navo. Kuti ndimai ichokwadi asi kana mukoma ashaika vachiri mai here. Ndakakumbira vhiki yese achiramba, asi ndakamupindira mubedroom usiku ndikakumbira kusvika abvuma.Two weeks dzese tiri tese mumubhedha umwe chete.

Asi ane mukadzi nevana uye ini handisi kutsvaka zvimwe asi kungoti kana aripo ndosarara ndega.  Iye achiri mwanana kwandiri. 33 ini makore 48.  Nyaya yangu ndotya kuti zvikabuda anorambana namainini. Ndoitawo sei nokuti akazouyazve tinorara tese futi. Dzimwe hama dzikazviziva zvinozofamba sei. ?"

________________________________________________________



6 comments:

Anonymous said...

Tinopanzwa kuti semunhu munopota muchihwa kuda kuvata nemurume zviri normal. Kana mukakwanisa kuti muite rudo rwenyu muchihwande pasina anozviziva itai sokudero asi vanhu havasi mapenzi vanoona havo vonyarara umwe musi zvichatushuka zvikasvodesa. Deno maedzawo kutsvakavo murume akafirwawo hake mopota muchidzimura moto.

Anonymous said...


Pachibhoyi chedu there is nothing wrong with maiguru sleeping nabamnini. However, nenyaya yezvirwere, dzinza rese rinopera nenyaya dzakaita so, becoz hatizivi kuti bamnini vanorara nevakadzi vangani or even mainini vacho kuti vanorara nevarume vangani.
My advice would be to stop it forthwith, coz munoputsa imba yabamnini over such minor inconveniences

Unknown said...

Zvinoita here kuti urare nemhunhu mukasazoguma mava kudanana. Chinoitika ndechekuti munopedzisira mava nyama imwe saka zvirinani kuti utsvage wako waunoti murume wako.

Lavisto said...

Kazhinji kazhiji vakadzi vakuru vane experience yebonde yakanyanya.Sekuona kwangu imba yabamunini ichaita dambudziko nekuti kupakura kwamanini kuripasi nekwamaiguru zvoita kuti imba yavo iputsike nekuti bamunini vanenge vakuda maiguru nekuti ndovanogona kurunga gapu.Zvekutozotadza kudzokera kuUSA.

Lavisto said...

Asika pachinyakare ndizvozvo chaizvo.Handingasiyi mukadzi vamukoma achidyiwa nemagora ini ndiripo.Asika moregawoo kupakurira vamwe bamunini vasipo nekuti hey dzimba dzingavharwa nechakapedza mbudzi.

Anonymous said...

Maiguru vatadza kufunga. Sokutaura kwavo ndivo vakarera nokupinza Babamunini chikoro. saka ukama hwanga huripo hwakafanana ne guardian and ward relationship. Saka ivo varikuita child abuse. Mainini vakaziva kuti ndiyo iri kutambika panobuda chakanaka? Ko ivo kufunga kuti dai ndiri ini ndirikuitigwa zvakadai?