Wednesday 12 April 2017

Chombo chisina simba

Vakawanda muri kubvunza chikonzero chechombo chisina simba uye kuti zvinogadziriswa sei. Kana tichiti chombo chisina simba tiri kureva kuti:

1Chombo hachinatsi kumira zviya zvokuoma zvokuti ukabata chombo chake mumaoko unohwa chakagwinya uye chichiita sechine moyo mukati kuti gwii, gwii, gwii muruoko mako nehasha uye chichidziya kupfuura ruoko gwako.

2 Chombo chinokwanisa kumboti mirei kwekanguva kashoma chobva chaita sokuramwa kushandiswa.

3 Chombo chinomira murume wopinza chobva chabatwa nehope chiri mumukadzi.

4 Chombo chinoti musi uno chambonyebera kumira mangwana chobva charamba Umwe musi unofunga kuti chamira zvokukwanisa kupinzana asi choramba.

Nyaya dzese idzi dzinokonzera mese kushushikana pazviri. Chero ukatora vanhu vaya vanoti mukadzi anogaronyima murume. Musi waanongoziva kuti murume wake haachamiri chombo anotoshushikana pazviri kuita sokuti ari kuda kuiswa.

Kushushikana kwemurume panyaya yokusagwinya kwechombo chake chimire kunowedzera dambudziko. Zvikonzero zvinozikamwa chaizvo zvinoti

- Kugaroona mafirimu e Pono evanhu vachiisana
- Kusvuta fodya
- Kushandisa imwe mishonga yakaita semushonga we BLOOD PRESSURE.
- Kuwanzisa zvokurhoja maoko ako iwe murume
- Kugaroshandisa mapiritsi ekumisa chombo akaita saana Viagra kana kuti Vhuka.
- Kusajaira kuvata nomukadzi wako mumba, kungovata pasina zvaitwa zuva nezuva
- Kuva nezimuviri ziguru (Overweight)
- Kugarochovha bhasikoro kwenguva refu pazuva kana mazuva akawanda
- Kuwanza doro
- Kuva ne Cancer
- Kuita Diabetes
- Kuva ne BP yakakwirira
- Chegwere che Depression (Kushishikana pamoyo nenyaya dzoupenyu hwako)
- Kurambwa, kutadza kuita musikana, kutya vakadzi
- Stroke
-Kusamwa mvura yakakwana
-Kusadya zvokudya zvine BALANCE
- Kuva nomukadzi anogarokufoya kuita sokuti hapana chaunogona.
-Kuva nomukadzi wausina hanya naye wausingadi.
-Kana wakamboita siki
-Kana wakambokuvara musana


Apa taona kuti zvikonzero izvi zvinhu zvinoitwa naivo vachazotadza kumirigwa nechombo. Zvinhu zvaunokwanisa kurega kuita uye kugadzirisa. Hatisi kuti ibva warega zvachose kurhoja maoko ako kana kuona mafirimu aunoda kuona. Tiri kuti hwisisa kuti zvinokanganisa fungwa dzako panyaya dzekuisana. Kumira kwechombo chako kunobva mufungwa saka iwe ukatanga kufunga kuti kuisana kwevanhu chaivo vasiri vekunyebera kwakafanana nekwevanhu vemumafirimu ava uchaona kuti fungwa yako inoti kuisana nomukadzi wako hakunatsi kunaka saka kumira chombo chingamirirei hacho?

Kusvuta fodya kunoitisa kuti maHORMONES anokurudzira kumira kwechombo aite mashoma. Mabhora ako anoita madiki oramba achidaro kwenguva kusvika ava madiki chose. Varume vanosvita fodya mabhora avo anotsonga. Kana mukomana wako ari wefodya ziva kuti muchasvika pamunotanga kunetseka nezvokuisana. Kana wakachenjera siyana naye. Kana ari murume wako isa maSANCTIONS asiye zvefodya izvo. Asi kana asya iwewo chimupa REWARD inomubvisa fungwa pakudzokera kufodya.

Kushandisa mishonga imwe yezvigwere imwe yokuzviitisa, kunokwanisa kukonzera kusamira kwechombo. Imwe mishonga inokwanisa kutanga ichiwedzera kumira kwechomo asi chombo chinozojaira kungomira kana mushonga iwoyo uripo chete. Kana usipo choti bodo.

Kuva OVERWEIGHT kunowanzoitiswa nokugarodya zvokudya zvakawanda iwe pasina chaunoita. Kumunda hauendi, Kufamba haufambi, Kushanda haushandi zvinonetesa. Napo napo woda kudya futi. Kotizve vamwe vanodya zvokudya zvine mafuta akawanda sokuti muriwo wafuraiwa, kana kuti nyama yagochwa, kana dovi rakawanda. Kana BMI yako yapfuura 25 hwisisa kuti wakoresa. (BMI inongotaridza kuti une mafuta akawanda zvakadii mumuviri asi haitaridzi kuti une utano hwakanaka sei) Uchasvika pakunetseka kumira kwechombo, uye kuti maitire enyu pakuisana achanetsa nokuti wava nezidumbu. Unokwanisazve kubata zvimwe zvigwere zvawange usingazoiti.

Pakuisana mukadzi ane chidumbuzenene ari nani pamurume nokuti anokwanisa kufongora kana kukwira murume. Murume ane dumbuzenene anonetseka pakuisana. Vabiki hwisisai pakufidha varume venyu kuti ndimi munovakodza kuita sokuti imombe dzemafidha. Chengeta murume wako ane utano kuti asazoita diabetes inova ndeimwe inokonzera chombo kunetsa kumira futi.

Taonazve zvimwe zvatisingakwanisi kugadzirisa tega asi ngatihwisise kuti zvakawanda zvinokwanisa kusamboitika kana mumba muchigara mune mufaro. Vakawanda vedu tinozvinetsa nezvigwere zvinokwanisa kudzivirigwa nokugara munhu ane mufaro. Kana mumba mako mukashaya mufaro zvigwere zvinoswedera pedo nemi mese murume nomukadzi. Mufaro wenyu ndimi munoitisa kuti uwande kana kuita mushoma. Kana mapopotedzana kasirai kukumbirana regerero mudzokera pakuva murume nomukadzi, moudzana rudo. Kunozoidza mangwana matomboisana mukachemererana mukaridzirana magwiriri makambundikirana kureva kuti muri nyama imwe chete.

Kotizve iko kuisana chaiko kunorapa zvigwere zvakawanda chose saka munhu dzidza kuva nehanya nokuisana nomukadzi wako mumba menyu. Inga zvokudya munodya wani pasina kuti moita vhiki musina. Ko kuisana munoitirei vhiki musina. Zvikuru muchando muya kuisana kunonaka kugodziisazve muviri kugodzivirira zvigwere. Mukadziwo wana mazano ekumisa chombo chomurume wako aanoziva iye kuti akakuona uchiita uri kuda kuti chombo chimire muisane.

Kana uchida pono, onai muripo mese. mapedza monoisana movata. Pono kamwe pamwedzi kwete zuva nezuva.

Mapiritsi ekumisa chombo kwahi e Viagra musamwa anopfuura maviri pamwedzi. Zvoreva kuti rimwe chete pa 15 days kuti muviri wako usajairira kumiswa chombo ve VIAGRA.

Saka nyaya ndiyoyo ipfupi chose kuti muihwisise nokukasira. Kana waziva chikonzero chako wochigadzirisa wega nokukasira.

Saka Chombo chine simba chinodiiko? 
Kana murume ane chombo chine simba. Anokwanisa kuti pamunotamba musina kupfeka makamirira kuti mai vemba vawane kunyorova, murume haanonoki kuti twiii. Mukadziwo kuona kuti saimba amirira zvinopa zemo. Kuzoti pakutamba kupurudzirawo murume chombo nokumuvhurira makumbo kuti atsvanzvadzire achifeyafeya kuti kuri kunyorova here, unohwa wega kuti murume akwana.

Chero mukaita nguva muchirezvana chombo hachihoonekwi kusvika pakuvata. Zvadaro murume akapinza chinoramba chakadaro. Mukakweshana, mukambozorora chinoramba chakangoti twii.

Ukakwiziwa pasipo zviya zvikuti unohwa sooda kuweta, ukasimuka ukaenda kutoireti ukanoweta, unodzoka uchiwana murume akangoti twii. Chinhu chega chinozokunda chombo kudiridzira chete chete. Ndipo kuti titi chombo chine simba. Pamwe chero akadiridzira anomboita kanguva akadaro zvokuti kana ukamushinya anotokwanisa kumboramba achichovha.

Kumira kwechombo kunopa mese CONFIDENCE mumba. Pamwe kana une murume ano chiramwira anoti mukapokana oramba kuvata newe, usamujaidza kudaro nokuti anozoramba achizviita. Rega azame kuvata ari kure newe. Ukamutaudza uchibvunza kuti tongovata here kana kuti uri kuda kundipanicha? Akakunyararira, vata nomusana, wovhura makumbo wozvibatabata achihwa kuti ndizvo zvauri kuita. Chombo chake chinokasira kumira uye kana chamira asina dambudziko chinoita nguva chimire. Ukazoswedera pedo ukamupurudzira magaro ukati Shamwari sori ndakanganisa chiuya undipaniche tivate. Haanonoki nokuti anenge atogara amira nechekare.

Tese ngatiwirirane pakuhwisisa kuti mukadzi wese ari mumba anoda chombo chinomira nesimba. Kuiswa nechombo chine simba kunofadza moyo zvese nenyama dzomuviri nefungwa. Unohwa wega kuti ndawanikidzwa nhasi. Mukadzi wese ari mumba anoda murume anofarira kuisana naye uye anoda murume anomupa urume hwakawanda hunoeredza mapedza kuisana. Tinonyebera hedu kuti kupukuta kunonetsa asi chokwadi ndechokuti ukaiswa ukanatsa kupiwa urume hwakawanda zvinofadza kupfuura ushoma. Kana murume akatadza kukudiridzira zvoita sokuti  watadza basa, hauna kufadza murume.  Saka varume dai majaira kutarisa utano hwechombo.

Kana ukaziva kuti chombo chako hachichina simba kasira kundoudza varapi vakuongorore nokuti unokwanisa kunge une damudziko rinorapika. Ukarinonokera zvinokuomera  mberi

ZVOKUITA:
1 Wana balanced diet
2 Siyana nefodya. Fodya inokanganisa chose nyaya dzokumira kwechombo. doro riri nani
3 Ongorogwa DIABETES
4 Ongorogwa chigwere chomoyo zvese ne BP
5 Wana nguva yokuzorora nokufara nemhuri
6 Zama kusamwa mapiritsi ausina kupiwa nevarapi nokuti anokwanisa kukuuraya
7 Dzidza kuti damudziko rabva papi ugogadzirisa nyaya yacho nokukasira.


Udzai vamwe !!!!!





7 comments:

Anonymous said...

Mai Chibwe, BMI haichashandiswa kupima kuti munhu mutano here kana kuti kwete. Ndangoti tifambe nenguva

Mai E Chibwe said...

Ndizvo chaizvo asi inotaridza kuti munhu akakoresa here kana kuondesa zvinova zvandanga ndichida kutsanangura. Regai ndigoisa CHART rekureba nouremu. Pamwe zvingabatsira. BMI inokasira kukuudza kuti ungave une dambudziko rekukora kana kuonda. Asi kwete kuti utano hwakakwana here, nokuti kune vakawanda vane BMI iri pakati pe 17-24 asi utano vasina zvachose.

Ndotenda nejekesero.



Anonymous said...

I think imwe nyaya yamasiya ndeye chikafu....pane chikafu chinoita kuti chombo chemurume chishaye simba, uye panewo chikafu chinoita kuti chombo chemurume chiwane simba. I think makambotaura nezvazvo in another thread

Anonymous said...

Kunyimwa bonde mumba futi zvinogona kukonzeresa. Ndofunga idepression inoita zvidaro. Zvakaitika kwandiri kwapera makore anoita mana ndichingonyimwa nguva zhinji.

Ndoda kuti kunevamwe varume vadzidzewo kubva mune zvandakasangana nazvo. Ukaona pakapera gore uchirambirwa zvirane musiyane henyu. Unogona kufunga kuti hapana zvazvinokuita uchajaira kana kuponera kumahure. Constant rejection nemukadzi wako inorwadza chero ukada kuzvinyepera kuti unokwanisa kuzvitambira.

Zivai kuti kana uchimwa bonde nguva refu kudai pamwe hazvigumire ipapo chete. Paneni mukadzi wangu akanga achishambadza kushamwari dzake kuti harari neni. Munoziva kubatwa sembwa ndakapfuura neko - gore randatenga imba musi wekisimusi ndakasiiwa pamba ndega apo ndaifunga kuti ndichange ndichipembera nemhuri yangu. Ndakachema kuzvibvunza kuti ndiri munhu here iniwo?

Mai E Chibwe said...

Gore rese uchigara nemukadzi musingadanani zvinotyisa izvo. Hapana chakanaka chinobuda ipapo. Uyezve kutenga imba iwe usingawirirani nomukadzi hazvibatsiri chinhu nokuti munotamisa mari. Mukarambana zvohi mutengese futi imba mugogovana mari. Saka zvabatsirei ipapo?

Nyaya dzakaita seyenyu dzinoshungurudza chose. Asizve kana zvakonzegwa nokuhura mukadzi anenge aita zvakanaka kuzoramba kuvata nomurume anohura. Hakuna kumhura munhu kunopfuura kumuhurira.

Anonymous said...

Masiya nyaya yemukadzi anohura. Ini mukadzi wangu ndakamubata achihura. Kubva ipapo chombo hachimiri naye. Asi ndikafunga umwe mukadzi chinomira. Zvokuvata nomukadzi wangu handichagoni. Ndofunga HIV chete kana ndichimuona.

Unknown said...

Mabatsira pazvikinzero ini ndinayovo problem but zvinoutika myshure memwedzi yakati kuti, chombo changu chinogona kumira zvinesimba kuita kunzwa kuti ndaa ready but pandoisa chotanga kurara.Saka ndaishushikana kuti chingava chii chirikuitika.Mkadzi aisvikakufudzira kuti ndino cheater because musi wazvinouya ndaigona kuzama maybe 2 to 3 times ichingodonha. So i think ndinobatika pachikonzero chekugara ndichiona ma video e pono. Ndinotenda mabatsira