Saturday 3 June 2017

Nyaya yokusvinira mwana mukaka

Pano toda kumbokurukura nenyaya yokusvinira mwanasikana mukaka kuti tihwisisane kuti zvinofamba sei uye zvinoitigwei naanamai vevana. Kana usina kumbohwa nezvenyaya iyi uchaihwisisa uye uchafungawo nezvayo uchizvionera wega kuti zvinobatsira ani. Kana iwe wakazvarigwa muZimbabwe namai verudzi gwedu, pamwe wakasvinigwa mukaka. Zvifungire wega kuti zvakakubatsira here muupenyu hwako pane zvavaida kuti ubatsirike pazviri.

Zvinoitwa sei?
Kusvinira mwanasikana mukaka kunoitwa mwana achiri rusvava. Hamakadzi dzinounganidzwa, kobikwa zvokudya vanhu vodya havo vachifara. Pedzezvo mukadzi mukuru mumhuri yenyu wochidana vanhu kuti vaungane mumba vachiita ma WITNESS okuti chiito ichi chaitwa pamwana wavo. Kana vaungana kudaro mwana unotogwa obatwa nambuya vaya vakuru mumuhuri, vamwe vakuruwo zvichitevera vopatsanura makumbo emwana, kuvhura muromo wechitubu chake. Zvadaro mai vemwana vanozvikama mukaka vakanangisa munyatso pachitubu chemwana wavo.

Mbuya vaya vane mwana mumaoko vodembademba kumwana zvichemo zvavo zvavanoda kuti mwana akure ane tsika dzakanaka dzakakodzerana nemhuri yake. Vanhu varipo obvumirana kuti zvaitwa vofukudza mwana nyaya yapera.

Zvinoitwa nani?
Zvinoitwa nevanhukadzi vese vemhuri vava vakadzi vevanhu kana kuti vanamai vevana. Vasikana nevana vasina varume havasvikipo panyaya iyi. Zvinoitwa nevakurukadzi vemhuri. Vamwe vanononodaidzira kuita semutambo. Vamwevo vanongoti chero auya asi mukurukadzi wemhuri anenge aripo.


Zvinoitigwei?
Nyaya iyi inoitigwa kuti mwana paanozokura ava mhandara asada varume zvokusvika pakuita nhunzvatunzva yemuraini achisvodesa mhuri yake nenyaya dzechihure kana kumitiswa nevakomana.

Vanozviita vanotozviita nomoyo wese vachipanana ruzivo gwekuti mwana akasvinigwa mukaka wamai muchitubu anoita munhu asingahuri, zvichibva nokuti varume vanoona mukaka uya chiri chinhu chinoera nokuti zvoita sokuti mai vake varipo. Asi zvinofungigwa kuti murume wake achamuroora haazvioni kuti mai varipo nokuti munhu akabvisa mombe youmai akapiwa mvu,o yokuvata nomwana wamai vake vakamusvinira mukaka.

Chihure ndiyo nyaya huru pakusvinira mukaka pachitubu chomwana. Zvinohi zvinodzivirira chihure uye varume vanoremekedza mwana uyu kana akura


Zvinoshanda here? 
Kushanda kwazvo kunonetsa akuti hapana munhu akamboita RESEARCH yacho kuti zvionekwe kuti vasikana vakasvinigwa mukaka vari rusvava vakazokura vakahura here kana kwete. Asi tichitarisa munyika yedu yeZImbabwe nokusaremekedzwa kunoita vanhukadzi nevarume mumaraini nomumabasa, tinoona kuti zvinonetsa kuti titi zvinoshanda.

Totarisazve panyaya yacho tozvibvunza kuti mukaka wemunhu unei nokuzohura kwemwana azvagwa? Hazviiti kuti mukaka wemunhu une simba rokutadzisa munhu akaupiwa makore makumi maviri akapera kuhura. Kuhura kunokonzegwa nedzidziso yevabereki mumba. Dzidziso iyi inpiwa mwana ava kuhwisisa kuti chii chaari kudzidziswa kozoti kana ati kurei anoona zviito zvevabereki vake otevedzerawo izvozvo.

Mwna anozvarigwa mumhuri ine vabereki vanohurirana zvinonetsa kuti iyewo akazowana wekudanana naye agotadza kuhura. Chihure hachibviswi nomukaka asi kuti chinobviswa nemaitire evanhu vemhuri yakurira mwana.

Asi awa maonere evanhu vanoverenga mabhuku. Hakuna bhuku rinotaura nezvemukaka wamai kuti unokwanisa here kubvisa chihure pamwana saka inyaya yekuZimbabwe chete iyi.  Mubvunzo wasara ndewekuti "Vasikana vemuZimbabwe vanohura zvakasiyana neve kune dzimwe nyika here? " Kana vakasiyana tingawana mukana wekuongorora kuti chikonzero chacho chii? Mukaka wamai here kana kuti pae chimwe? Ko kana vachitohura kupfuura vekune dzimwe nyika, zvoreva here kuti mukaka hausi kushanda ?

Pane chakaipa here pachiito ichi?
Kuipa kwechiito kunokwanisa kubva panyaya yokuti mukaka ukasvinigwa panhu pemwana panova panodziya, pedzezvo mofukidzazve mwana kuwedzera kudziya, zvoreva kuti maBACTERIA ari muukaka uya achaenda muchitubu chomwana zvisinei kuti chakavarika. Kuvakari kwacho kuri nechemberi toti kubva pa hafu ye centimetre kusvika pa centimetre asi muvharo wachi une maburi hauna kuvhara kuti kwindi zvoreva kuti mukaka unokwanisa kupinda mukati

Ndipo pane dambudziko randinoda kuti tibate kuti mwana akaita INFECTION ari rusvava inguva isina kunaka nokuti haana RESISTANCE panguva iyi. Hatifaniri kuwedzera zvingaitika kwaari.

Mukaka hautani kuita maBacteria kana wangobuda muzamu. Zvorevava kuti unokwanisa kukuvadza mwana wauri kufunga kuti uri kubatsira kuti asazoita chihure.

Pane zvimwe here zvatingaita?
Zvatingaita kana mhuri dzedu dzisingahwisisi kuti mukaka haudziviriri chihure ndezvokuti mapedza kusvinira mwana mukaka. kasira kundogezesa mwana. Zvimwe zvese unokwanisa hako kutevedzera nokuti kana uri muroora, zvikuru usina sapoti kumurume wako, unokwanisa kufosiwa kuita zvinhu zvisina maturo vevanhu vemhuri yake. 

UDZAI VAMWE!!!!!

 Asi kana iwe wakasvinigwa mukaka, kana kuti wakaudzwa kuti svinira mwana mukaka, chii chawakahwisisa pazviri ?

Kana uri murume, ukaudzwa kuti mukadzi wako wasvinira mukaka muchitubu chemwanasikana wako unofungei nazvo?

Kana ukasangana nemusikana akakuudza kuti akasvinigwa mukaka, zvinokutadzisa kuda kuvata naye here?

2 comments:

Anonymous said...

Nyaya ndakamboinzwa hanzi inoitirwa kucontroller chihure just like ma myths ekuti ukagara muroad unoita mamota.Ndakanzwawo kuti vanakomana vanonyorwa chipiyaniso (plus) pamhanza nemb*ro yababa cake.zvoitwa achiri rusvava futi.

Mai E Chibwe said...

Isu tingati hedu in Myth asi vaiti vazvo vanotoona sokuti zvinobatsira mwana uye mhuri yese kuti mwana asafarira chihure. Koitazve nyaya yokuti kana mhuri yako vanazvo iwe ukaita mwana vanokuunganira vachida kuti zviitwe. Unofanira kuwana mukana wekuvadzidzisa kuti vahwisise.

Nyaya dzakadai hadzisi dzokungofunga kuti hadzina maturo saka ngatidzisiye dzakadaro. Chinoitika ndechokuti unoerekana wava pa puresha isingaiti kuti uunganidze vanhu chiitwa chiitwe. Ukatanga kuramba vanokuunganira.

Ndinoyeuka pandakaita mwana vanambuya vaitobvunza kuti totumira here mushonga wenhova. Vaifunga kuti nhova chigwere.