Monday 3 July 2017

Nyaya yokuhurira mwana

Iyi inyaya yokuti murume nomukadzi pauviri hwavo vashaya mbereko. mukadzi kana murume ofunga zvokunozama noumwe murume/mukadzi asi ipapo achiri kuda uyu waanaye. Chihure ichi chichingobva pakuda mwana chete chete.

Stella akawanikwa ane makore makumi maviri nemaviri, mugore ra 2006, ndokuchata nomurume wake Simoni. Vaidanana zvokuti asi havana kumbofunga kuti pane nyaya ingavashungurudza pamuchato wavo. Vakaita rombo rakanaka chose kukwanisa kuwana nzwimbo yokudzidzisa pachikoro chimwe chete ku Masvingo District, pachikoro chokumamisha.

Kwakapera makore maviri Stella achimwa mapiritsi okudzivirira mima. Vange vabvumirana kuti vombomira zvevana vozoita vatenga kana kuvakisa imba isiri yepachikoro. Umwe musi vari kubasa vakaerekana tete vakuru vanoberekwa kumhuri yokwa Stella vasvika nomununguna wavo. Kwasviba, tete vakatsanangura kuti vauya kuzotora mwana wavo kuti vandobvunzisa kuti sei asiri kuita pamuviri sezvo nguva yareba pasina chaonekwa. Simoni akamoterera ndokushaya musoro wenyaya, ndokuzohwisisa kuti Stella ange asina kuudza hama dzake kuti ari kumwa mapiritsi.

Kwakaita nguva nyaya ichitaugwa kusvika Stella aona kuti vana tete havahwisisi kuti sei asina mimba, uye zvavashungurudza kusvika pakukwira bhazi kuuya kuchikoro kuzomutora kuti vaende naye kunomurapisa. Pane kungoti dai vfona vakati iye aende ega. Vakazotsanagurigwa havo kuti chikonzro chii asi hazvina kuvafadza kuti mwana wavo anotoita zvozvikonesa kuita mimba iye ari pamurume.

Muna 2009 Stella akabva pamapiritsi ndokuchitanga kuronga nyaya yokuita mimba. Mugore ra 2010 richinopera vakaenda kumusha paKisimisi. Mai va Simoni vakabvunza kuti Muchakamirira here? Simoni akaudza mai kuti vakamirira. Mai havana kufara nazvo, Pavakangowana mukana vakaudza muroora wavo kuti dai awana zvokuita kuti abate mimba. Ndizvo here kuti  aitombomwa mapiritsi okuti asabata mimba kuita sezvinoita mahure asingadi mimba? Nyaya yakashungurudza vakawanda kusvika Simoni atorana nomukadzi wake akadzokera kuchikoro kundopedzisa horodhei.

Kwapera mwedzi yakati kuti hazvanzi dzaSimoni dzakatangawo kutaura mashoko dzichiita sokuti Simoni akasarudza mukadzi asingazvari. Gore reshani rino pasina mwana zvinorevei? Ivo vese vaiva vadiki paari uye vakazochata iye atochata asi vange vatozvara vana kare. Sei iye asina mwana?

Muna 2011 Tete vakakwira bhazi vakasvikazve pachikoro vakati handiendi ndisina Stella. Ngaauye azobvunzigwa kuti chii chakaipa. Ne Friday, Stella natete vake vakakwira bhazi ndokuenda kumusha wanei pane vakarongwa kuti vabvunzigwe, mudzi yaurawa, vanhu vakuru vemusha vaunganidzwa.  Paakazodzokera neSvondho, akapiwa midzi yokunoisa muporridge yaaifanira kudya mazuva ese, uye mushonga wekuvhenganisa nemafuta ekuzora.

Muna 2012 pakasvika horodhei yeEASTER, pange pasi na mimba, mhuri dzese mbiri dzava pakaipa panyaya yacho. Umwewo musi Stella akatsvaka makomhi okundoshopa kuMwasvingo. Pakudzoka ndokusangana na Finos, mununguna wa Simoni wekwa babamukuru mukoma wababa vake, aiva mupurisa. Vakamirira ma Lift vese kwekanguva ndokutaudzana panyaya dzakawanda. Maiguru vakaudza murunyana wavo kuti nyaya yembereko yaivadzya moyo chose zvokuti havachazivi zvokuita. Finos aitiva nomukadzi wakewo nemwana umwe chete nemimba yotoonekera.

"Zvino muchaita seiko nhai maiguru? "
"Babamunini, ndatoperegwa zvandiri izvozvi. Mhuri yenyu yese iri kuti ndirambwe nokuti handizvari. Murimi ini maidiiwo nhai babamunini? Munohwisisa nyaya yangu.? "
"Pamwe regai nditaure namukoma kuti iye anofungei. Pamwe muri kungozvinetsa pasina nyaya. Imi mange mafunga kuti chii changaitwa, maiguru?"
"Mukoma wako hapana chaanotaura. Hama ndidzo dzinogara dzakangofona dzichindituka. Dai waiziva zviri pamoyo pangu waindibatsirawo shuwa. Pavanhu vese vemhuri yenyu iwe Babamunini, haungaregi ndichidzingwa pamusha. Dai waonawo zvokuita. Ndibatsirewo, Finos, shuwa. Ndodzingwa here iwe wakatarisa? "
"Maiguru muri kurevesa here kana kuti muti kutamba? Ko mainini venyu vozoti kudii? "
"Babamunini, ukandibatsira, chakaipa chiiko. Mwana ndewemhuri yenyu. Mainini vanoudzwa nani? Mukoma wako anoudzwa nani? Iwe kana wangoonawo kuti moyo wako wandiitira tsitsi, wofona woti ndizotora muriwo, wondibatsira. zvopera zvakadaro shuwa babamunini. Uye zvikaita ndingafara chose. Bundu randinaro pamoyo uguru. Ndamirira makore awanda veduwe. "
"Mandiomesera maiguru asi ndahwisisa hangu."

Muna February 2013, Stella wakazvara chana chisikana chakafanana chose nomurume wake Simoni. Nanhasi vakawanda vanongoti mwana akafanana nababa vake. Paakangotanga nyaya yokunotora muriwo kuGarden yemurunyana wake, haana kunonoka kumira kuenda kumwedzi.

Asi chihure ichi ndechekuda mwana chete pamusha wevanhu vasingahwisisani. Zvaifanira kunge zvakaitika ndezvokuti mukashaya mbereko moona sokuti idambudziko renyu mese morigadzirisa mese. Taurai maonere enyu pakuhura kwa Stella nomurunyana wake. Zvaikwanisika kuti ahure nomunhu wekuzhe kwemhuri kusvika aita mimba. Asi akasarudza murunyana aaiziva kuti anevana nechekare saka anozvarisa. Zvinokwanisika here kuti Stella aitoziva kuti murume wake ndiye ane dambudziko asi achishaya mayaurire?


Kune varume/vakadzi vane nyaya yokushaya mbereko asi vasina mukana wekutsanangurirana kuti zvoitwa sei. Ngatiude pachena kuti vakawanda vari kuzopedzisira vahura.



Kana wakambosvika pakadai, tiudzewo kuti wakazozvifambisa sei nokuti nyaya dzinokwanisa kubvapo dzakawanda.

3 comments:

Anonymous said...

Ini ndine shamwari yanguwo yakandiudza yakaita saizvozvo. Anoti iye akagara nemurume makore akati kuti pachishaiwa mbereko. Vakatorana nemurume kuenda kwanachiremba asi kwese vaiti murume ndiye ane dambudziko. Mukadzi akazvigamuchira asi vachingoramba vachitsvaka mhindu dzokurapa murume.

Zvino hama dzemurume dzakatangawo kushungurudza mukadzi kusvika voti ngaarambwe. Mukadzi uyu akazonzwa kuchitorongwa kuti murume wake adanane neumwe musikana wemumaraini mavo imomo. Akati, zano ndini.....regai nditsvake chikomba tiwane mwana. Akaita munhu waakataurirana naye akaitiswa mimba. Izvozvi ane kamwana kake murume asingazivi hake kuti hakasi kake.

Chinokonzeresa kuti vanhu vazohura uku, inyaya yepressure kubva kuhama. Dai hama tikagona kugamuchira zvinenge zviripo and just give advice to seek medical attention.

Anonymous said...

Nyaya yemwana iyi yakatooma. Shamwari yangu inedambudziko rimwe chete. Vakaroorana in 2006 asi hapana mwana nanhasi uno. Sahwira wangu akandikurukurira dambudziko rake akabuda pachena kuti iye ndiye aiva nedambudziko.ini ndakaroora uye tava nevana 2. Sahwira wangu akazouya kumba kwangu nemudzimai wske madhamu vangu vasipo vamboenda kumusha kwavo kundoona ambuya vaidzimbwa nemuviri.ndakavagamuchira ndokuvapa zvokumwa sezvo kwaipisa musi uyu. Vakazondisuma nenyaya yavakange vauya nayo uye vakange vatotenderana kuti ndirare nemukadzi wesahwira wangu ndivaitire mwana. Ndakatarisa sahwira wangu sei wafunga kuti ichi chinhu chakanaka . Ndakavaudza kuti hazvaigona zvavakanga vakumbira. Ndakazonovasiya kumba kwavo vachitaridzika kusafara nemhinduro yangu.mushure memwedzi mitatu mukadzi weshamwsri yangu akauya kubasa kwangu palunch hour achiti andivigira chokudya.saka takabuda ndokunogara pamabhenji ecemende kunze .pakarepo vasahwira vangu vakabva vasvika nechikafu. Vakasimudzira chikumbiro chavo chakare chiye apa vachiti vanemubairo we 5000 dollars.ndakaramba kuita zvavakange vakumbira.ndakazoudzawo vadzimai vangu nezvenyaya iyi pakabva paita chimoto chaicho zvokuti nhasi uno hatichaonani nasahwira wangu.vanhu ngavahwisise kuti mwana chipo chinobva kunaMwari.

Mai E Chibwe said...

Tinotenda nenyaya mbiri idzi dziri pamusoro. Kana wava munhu ati kurei, unotoziva mhuri dzine vana vasiri vababa vomusha. Ugozivazve vana baba vakamitisa kuzhe kwemusha iri ngari yokuda mwana. Nyaya dzakadai dzinoda kubudirana pachena. Kuhurirana kunokwanisa kutokonzera matambudziko akawedzera kupfuura pamange muri.