Wednesday 6 September 2017

Chii chinokonzera kushaya hope?

Kune vanhu vakwanda vane chigwere chokushaya hope zvokuti pamwe anongovata nguva pfupi obva atomuka asisina hope.  Ndati chigwere asi hachisi chigwere chaicho pachirungu chigwere i DISEASE isi apa toti CONDITION nokuti hapana INFECTION. Chaitisa kuti nyaya iyi itaugwe pano ndechokuti zvinoita sokuti chiratidzo chedzimwe nyaya dzingangozoitika kana munhu agara nguva asingavati zvakanaka.  Saka ndicharamba ndichiwedzera panyaya iyi.

Asi kana uri munhu asinavati zvakanaka, enda unobvunza kuchipatara kuti woita sei. Usarega vachikupa mapiritsi ehope nokuti ukatanga kumamwa hazvizoiti kuti uwane hope usina kuamwa.

Zvikonzero :
  1. Chigwere che Depression
  2. Kufunganya panyaya dziri muupenyu hwako
  3. Kuva nezemo usina munhu wekupedza naye- Kushura rudo
  4. Chigwere che PROTATE
  5. Chigwere cheNhetemwa kana kuti Parkinson
  6. Chigwere che Alzheimer
  7. Chegwere che STROKE
  8. Kufamba nendege zvikuru uchiva kumavirazuva uchienda kumabubazuva.
  9. Kuhotsira
  10. Kuhwa uchida kurutsa uye mudumbu musina kugadzikana
  11. Chigwere che Asima
  12. Musana unogwadza.
  13. Kungogara wakadaro kubva kare uri mwanana
  14. Kana une mimba unokwanisa kushaya hope.


Vanhukadzi pakushaya hope vari mberi kwevanhurume. Zvinofungigwa kuti ingari yokuti vanhukadzi vemukore uno vava vanhu vanoti uku vanoriritira mhuri uku vanoshanda kumabasa. Zvoreva kuti nguva yokuzorora havachina. Vanababa vanoendawo kumabasa asi kana adzoka kuma anosvikogara pasi ozorora mukadzi achiita mabasa omumba.

Tinoonazve kuti mai vemba ndivo vanofuna zvichadyiwa nemhuri, ndivo vanoona kuti BUDGET yemuma yakamira sei. Ndivo vanoona nezveutano hwevana. Kana vachimukawo vachienda kubasa, vanofanira kusiya varonga kuti vana vanoenda sei kuzvikoro. Vanababa havanei nazvo mudzima dzakawanda. 

Koitazve vakadzi vemukore uno vanoda kuzviona sevarume asi uku vachingodazve kuzvara vana. Vakadzi vane vana asi vasina varume mumba vari kuwanda. Matambudziko avo matsva asati ahwisiswa ari kuwandawo saizvozvo. Anenga ariye mai, ariye baba, ariye mushandi wepama ari ega. Uku haana wekutaurira nhamo dzake dzepamoyo.

Tinoonazve kuti vanhu vekufonera uchida kutaura navo vava kuita vashoma muupenyu hwemunhukadzi. Shamwari dzako kana usina murume dzinoita shoma nokuda kwekutya kutoregwa varume. Kana ukada kufonera vafundhisi vemudzichechi, havanonoki kuuya kumba kwako asi ukasachenjera vakawanda vanoda kumbovata newe. Ukafonera varume vasina vakadzi, anouya oda kuikigwa kumba kwako iwe nguva yacho hauna. Vana vako haana hanya navo futi.

MaREPORT ese ari kubuda ari kuti vanhukadzi vari kushaya hope vakawanda chose kupfuura vanhurue vari kushaya hope. Saka kana uri munhukadzi asinanatsi kuvata hope, gadziridza nyaya yako inake nokuti zvichakuvinga zvakawanda.

Chii chingaitika kana usingavati zvakanaka?
  1. Kushandisa fungwa zvakanaka masikati kunokunetsa 
  2. Unogara wakaneta mumuviri
  3. Unokwanisa kutadza kuita zvimwe zvimabasa zvidiki
  4. Kugara uchihwa musoro kana huro
  5. Muviri unokasira kubata zvigwere
  6. Kusahwisisa zvinotaugwa nevamwe
  7. Kungomuka pakati peusiku uchishaya zvokuita.
  8. Kufunganya panyaya yokuvata.

Saka todii ? 
Saka todii?
Kana une murume/mukadzi mumba, ukaziva kuti umwe wako haasi kuvata zvakanaka, mubatsire kuti avate. Chokutanga kumupa mukana wekuzorora. Chinjai nguva yokunovata, Moenda kumubhedha wenyu. Ita nyaya naye dzinorerusa muviri, dzinosetsa, dzinoita ahwe sokuti une rudo naye. Kana uchiziva chiri kumudya moyo wana mukana wekuti abatsirike.  Mumba nyaya dzinowanzonetsa ndeidzi:

  1. Mari ishoma
  2. Rudo mumba hamuna
  3. Mumba mure ugwere
  4. Kuvengwa nehama
  5. Nyaya dzekudzidza iwe wava nemhuri
  6. Kushaya mabasa
  7. Kuhurirana
  8. Kusungwa nemapurisa
  9. Kushaya pekugara nemhuri
  10. Rufu mumhuri

Dzese zvadzo inyaya dzinogadzirika asi kungoti iwe uchiona kutambura kweumwe wako chii chaunoda kumuitira kuti awedzere kusununguka moyo. Kugumbatirana kunobatsira vakawanda uye DEPRESSION inoita shoma kuvanhu vane munhu wekugumbatirana naye.

Kana uri wega mubereki mumba kana kuti uri munhu asina vana asi uri wega, joina ma CLUB ekuti usangane nevamwe vezera rako uchiita nyaya navo. Enda kuCHECHI ine vanhu vezera rako.

Wana zvokudya zvinovaka muviri uye chinja nguva dzaunodya. Wedzera kumwa mvura. Womosiyana nezvinhu zvine shuga zvakaita sema SOFT DRINKS, zvihwitsi, vana CHOCOLATE. Zvese izvi zvinokanganisa muviri, zvikuru kana fungwa dzine zvakadziwandira.

Wana chimwe chokuita chinokuvaraidza, sokuti kunyora mabhuku, kutora mapikicha ezvinhu zvinokufadza uchitaridza vamwe. Kufambafamba neshoka.

Kana ari umwe munhu ari kukunetsa fungwa, wana mukana wekugadzirisa nyaya dzenyu. Kana uriwe wakakanganisa inotumira shoko kuti sori. Shoko rimwero uchaona kuti rinochinja zvakawanda kumunhu aritumigwa kana ane njere.  Kana ari umwe munhu akakutadzira asingadi kukuti sori, iwe tanga nokumuti sori. Hapana chimwe chinodiwa. Kungomuti soti chete, iye achahwisisa kuti chauri kuti sori chii.

Kana pane nyaya inoda DECISION ita DECISION yacho upedze nyaya 

Kana woenda kunovata, tanga waisa mvura inopisa muchidhishi, wonyika shoka dzako imomo mvura ichipisa kupfuura muviri wako asi zvokusakukuvadza. Werega dzakadaro kwekanguva 15 minutes. Wobvapo wonovata.

Kudya zvokudya zvemanheru kasira kudya kuti paite nguva refu kubva paunodya kusvika paunonovata.

Kuvatana kunowedzera hope zvese kuvnhukadzi nevanhurume.


Siyana nemabasa asina basa anokwanisa kuzoitwa pa Weekend. 

Wedzerai vanowedzera. 

No comments: