Thursday 31 August 2017

Kuzviwetera wakura

Kune nyaya iri kuitika mudzimba isingawanzi yataugwa pachena nokuda kwekuti inoonekwa senyaya inoitika kuvanhu vasina kuwanda vanoonekwa sokuti pane zvakaipa pavari. Ngatitange nokuhwisisa kuti kuzviwetera kwakawanda kuvangukadzi kupfuura kuvarume kana tichitarisa kuvanhu vakuru vapfuura makore gumi.
 Kana une mwana uchaona kuti anozviwetera ari mucheche oiswa napkin/nappy/ mugwada kuti asangowetera pese pese. Anozoti ava nemakore maviri kana ari musikana otanga kupedza usiku hwese asina kuweta. Vakomana vanoti nonokei. Panozosvika mwana pamalore mana (musikana) kana kuti mashanu (mukomana) anenge ava kugona kuzvionera ega usiku nemasikati, asi pamwe anomoita ACCIDENT ozviwetera. Ipapa pa ACCIDENT kana vakuru vakasahwisisa kutsiura mwana, zvinokwanisika kuti kuweta kwese nguva ipi zvayo kunomupa STRESS, zvokuti anokwanisa kuzowedzera ma ACCIDENT ake usiku nemasikati.
Kune vanhu vanozviwetera panyaya dzakasiyana siyana vava vanhu vakuru. Tichitarisa vanhukadzi chete tinoona vakadai:
1 Kana ane chigwere: Kune zvigwere zvinopinda paboka rezvigwere zvinohi UTI zvinokwanisa kuti munhu atadze kudzivirira kuzviwetera kusvika chigwere charapiwa.
2 Kana akadhakwa: Kune vanukadzi anoti kana akadhakwa haazivi kuti aripi okwanisa kuzviwetera.
3 Kana avhundusigwa: Unokwanisa kutyiswa nezvawaona ukazviwetera.
4 Kana uchangozvara mwana. Panokwanisa kuita nguva yaunoti ukakosora kana kuhotsira woweta, pasina zvaunokwanisa kuita pazviri.
5 Imwe mishonga: Pane mishonga yokuti kana uchiishandisa unokwanisa kuzviwetera. Sokuti mushonnga wekuwana hope.
6 Kuzviwetera wachembera: Kana munhu akura pazera anodzokerazve kuva mwanana panyaya dzokuzviwetera, zvokuti munosvika pakumupfekedza manapukeni. Asi zvinozikamwa kuti vanhu vanorama vachiita zvokuisana utanga kuzviwetera. Mukazi anogaroiswa ava munhu mukuru uye akura kusvika pazera iroro achigaroiswa, anononoka kuzotanga kuzviwetera zvichibva pakuchembera. Murumewo anogaroisana nomukadzi wake kusvika ava munhu mukuru toti kumakore 80 uko anononka kutanga kuzviwetera. 

7 Kukura uchingoweta: Kune vashomanana vanotadza kuzvibata panyaya yokuweta usiku vavete. Mwana anokwanisa kukura pamusha pane zvinhu zvinomupa STRESS zvisinei kuti mwanana obva atadza zvachose kudzidza kubata dundiro rake usiku avete.  Anosvika makore kana makumi maviri achingoweta avete. Ndivo vatinoda kumbotaura nezvavo pano kuti inyaya i nokwanisa kugadzirika here.
  
Mubvunzi wemubvunzo ndambotaura naye BACKGROUND yake zvikaonekwa kuti ane nyaya dzinofamba dzakadai:
·          Mai vakamitiswa nababa vake ndokurambwa ndokuva iye andoreriwa nambuya mai vamai.
·          Mai vaishanda kure ndokuwanikwa noumwewo murume akati haadi mwana asiri wake.
·         Baba vake vaipota vachiuya kuzomuona asi pakaita nguva vasina kugamuchira mwana uku vakaroorawo umwe mukadzi
·         Mbuya vairova mwana kana aweta ndokubva atowedzera kuweta. Mwana aiva ne STRESS yokushuva kundogara namai vake  asi mai vachiramba, iye achiona vamwe vana vamai vake vachigara namai.
·         Mukadzi wababa ndiye akatozoti murume aende kunotora mwana nokuti paagere hapana kumira mushe asi vaishanda kwakasiyana (baba nomukadzi wavo) saka aipota achinogara kwamuya mai vababa
·         Mwana aiti kana ari kwamai vamai owedzera kuweta. Kana ari kwamai vababa kwaiva nevamwe vana vokutamba navo ange achimboweta hake asi zviri zvishoma. Hakuna aimurova kana kuutuka kana awta. Mbuya vaingofumobvunza kuti kwakanaka here, iye odavira kuti ehe kana kwete. Kana kusina mbuya votora zvanyoroveswa vondowacha pasina imwe nyaya.
·         Ava nemakore gumi nemapfumbamwe akadanana nomukomana wake kuUniversity, vakapengesana zvokuda kuroorana. Akazongomitiswa mukomana ava mugore rokupedzisira kuUNIVERSITY.
·         Mukomana ndokutyiswa nazvo ndokuramba musikana nemiba iya zvese, achiti haana mari yokuroora.
·         Musikana akaita STRESS ndokutanga kuwedzera kuzviweterazve usiku uku ane mimba. Musi wekupedza University anga ane mima ye mwedzi misere.
·         Uku ange asingadi kusangana nevekumhuri yababa achitya kutukwa. Akanozvarira kwambuya mai vamai. Mukomana nemhuri yake Havana kuzoona mwana. Ndipo pakatanga kuuda nyaya yokuti mukomana haadi mukadzi nokuti anowetera mubhedha usiku. Stress ndokutowedzera.
·          Mainini, mukadzi wababa ndiye akazoti abva kundoona mwana murume asingazivi, ndokuuya oudza murume kuti ape mwana mari yokurera mwana nayo.  Uye ataure nemwana amuudze kuti hapana chaakakanganisa. Ndokuzokwira mota kundoona muzukuru uye kupa mwana mari yokuzviatsira.
·         Kwakuzotumira shoko kumhuri yemukomana kuti muri kufungei. Mukomana akati anoda mukadzi wake chose asi mari yokuroora haana sezvo ari nherera akareriwa nasekuru vava munhu mukuru.
·         Mhuri dzese dzakazosangana ndokubvumirana kuti vana kana vachida vanonochatiswa kwamuDzviti mhuri dzobatsirana kuti vavake musha wavo. Ikozvino vagere zvakanaka vava nechimwe chana mukadzi anopota achiita ma ACCIDENT asi zviri nani.
Ndiyo nyaya yake yaari kukumbirawo kuti pamakore 26 aava awa, zvichagadzirikawo here?  Saka tati timboongororawo kuti nyaya dzakadai dzinogumirepi? Vamwe vanoti vakazvihwa voseka voumuruka vomhura munhu ane dambudziko asi shuwa mangwana ndiwe. Tikasataura nyaya idzi tichipanana mazano okuita tinozoti tavesu todyiwa moyo nokushungurudzwa nadzo. 
 Poitazve nyaya yokuwacha zuva nezuva kana asinafariri kuvata akapfeka mugwada. Ko iyo mari yesipo pamwedzi inobvepi kana uri muZimabwe. Unodazve kuva nomurume anohwisisa nokuti weti inokwanisa kunhuwa mumba. Chero mukajaira henyu, uchaona kuti vamwe vanhu vanopinda muma menyu vanohwa kunhuwa kwayo. Zvosapa chimiro chakanaka. 
Nyaya idzi tikakwanisa tichadzitarisa kuti tione zvimwe zvingaderedza kuipa kwadzo. 
Kana uchimbozviweterawo kana kuti uchigara nomunhu anozviwetera tiudzewo kuti nyaya yake yakamira sei. Ndichazama kutsvaka kuti chii chingaitwa nevarapi kuti nyaya iyi iite nyore kuvanhu vari mairi nokuti ukanatsofunga unoona kuti inyaya yakaomera munhukadzi, zvikuru kana ane murume.


No comments: