Saturday 26 August 2017

Kuzoziva kuti mukadzi imvana matochata

Veduwee, tongai tihwe apa.

"Tete, Ndakabva pamba nezuro ndaenda kune imwe town. Takadanana makore maviri kusvika tachatiswa muna May 2017. Mukadzi wangu ane pamuviri pava nemwedzi miviri. Pane zvakaitika nezuro kubva kuhama dzake ndikazoziva kuti ane mwana ane makore 5 aakaita ane makore 17. Amai vake vanorera mwana.

Ndagumbuka chose nokuti haana kundiudza kuti ane mwana. Hama dzake havana kundiudza kuti ane mwana. Tete vake havana kundiudza kuti ane mwana.

Dai akandiudza ndaingomuroora chete zvakadaro. Ndofunga kuti kana achikwanisa kuvanza mwana chii chimwe chaanokwanisa kuita? Ndipeiwo mazano. "

Tiri kutaura nyaya iyi nemuridzi wemuvunzo. Batsirai nefungwa tihwe pamumire. Asi pakubatsira kwenyu, fungaiwo nyaya dzevarume vasingaudzi vakadzi kuti vane vana.
____________________________________________________________________________

2 comments:

Anonymous said...

Iwe Sahwira hausiriwe wega. Nyaya dzakadai dzinoitika zvikuru munzvimbo dzakasiyana-siyana dzemunyika medu. Semaonero angu, zviri kwauri iwe mwene wejira kufuka kana kuwaridza. Chikuru chiripo ndechekuti kubva musi waziva nhau iyi, mudzimai wako akatsanangura maitiro ake nehama dzake ekuvanza mwana uyu, achiti chii. Pamwe anogona kunge akavanza mwana uyu pamusaka pekutya kusaroorwa newe murume ainge adhingura moyo wake kusvika pekupedzisira. Uye dzimwe hama dzake dzose dzainge dzichigona kunge dzisina kukutaurira nezvemubvandiripo uyu, vachifunga kuti iye mudzimai wako ndiye achakutaurira pachake.
Semaonero andinoita ini, isu veruzhinji hatikwanisi kutonga nyaya yakadai nekuti chinonzi kanda pasi, ndechiri mumaoko. Zviri kwauri iwe nemumwe wako kuti mugare pasi mochinyatso kuvunzana nekugadzirisina umwe nemumwe achitaura zviri mumoyo make. Kana muchiregererana, ndimi vaviri munoregererana sekudanana kwamakaita muri vaviri.

Anonymous said...

Manje ukaramba mukadzi mwana wako ari panhumbu iyo anorerwa nenext boyfriend. Try to understand kuti mukadzi semi Asian kukuudza kuti and mwana. Maybe ange arambwa nevarume vakawanda because of it. 17 years of age mwana futi naiye. You cannot punish someone because of mistakes yaakaita before you met, be it its a big one.

Is my two cents.