Wednesday 9 August 2017

Pakusangana nomukadzi weBOYFRIEND yako.

Kune vakadzi vakawandisa vanonyengwa vevarume vane mhuri vagotadza kuziva kuti murume ane mhuri, kusvika vapedza nguva refu vachidanana, vachivatana, vachiporomisana kuroorana, izvo murume ane mukadzi nechekare.  Nyaya dzakadai mazuvano dzawandisa nengari yokuti vanhu vava kufambafamba kunyika dzakawanda nemadhorobha akawanda kureva kuti vari kure nemhuri dzavo.

Pano toda kumboongorora nyaya yomusikana anozoziva kuti mukomana wake ane mhuri atombovatwa naye kakawanda achiudzwa nhema pane zviri kuitika. Unotamba sei nyaya yakadai kana ukazoziva kuti murume ane mukadzi wake zvechokwadi? Iwe somunhukadzi uchazvifambisa sei. Ko kana wange waronga upenyu hwako nomukomana uyu mufungwa? Ko kana une mimba yake?

Nicola akahwa foni yake ichitinhira ari pakati pemunamato kuchechi kwavo. Akamboirega ichitinhira sezvo pange asina anoihwa kuzhe kwake iye. Asi yakambomiri ndokutangazve ndokuramba ichitinhira kusvika aibudisa ndokutarisa kuti ndiani ari kufona. Paakaona kuti hapana zita raanoziva, akambozamazve kusaidavira asi yakaramba ichiti ikamira, yotangazve. Akabuda muchechi ndokudavira foni.

"Hello!"
"Hello, ndingataurawo na Nicola here? "
"Ndini Nicola, Ndiyani andiri kutaura naye?"
"Ndinonzi Tendai. Ndokumbirawo undibatsire. Ndawana zita rako nenumbha yako pafoni yeBoyfriend yangu. Handisi kuti munozivana kana kuti pane chakaipa asi ndiri kungoda kuziva kuti hapana chaari kuita chaasingafaniri kunge achiita. Please musanditsamwira kana kundipopotera. Ndiri kungodawo kuziva chete."
"Hoo, Uri kupiko Tendai? "
"Ndiri kuBirmingham."
"Ko mukomana wako aninzi ani.?
"Anonzi Cathbert Masimba. Unomuziva here. Kungoti ndaona kuti munogarotaudzana pa WhatsApp."
"Eh ndinomuziva. Kana uri paBirmingham apa ngatisangane titaurirane. Ndoona sokuti pane nyaya. Kana uchikwanisa ngatisangane. Ini ndiri kuCoventry. Zvinoita here tisangane masikati ano. Asi ngatisaudza Cathbert, nhaika? une mota here?  "
"Ndine mota asi handina Licence. Wava kundityisa. Unomuziva here Cathbert? Pamwe muri hama."
"Usatya hako. Ihama yangu saka rega tisangane ndikuudze zvimwe zvausingazivi. Saka chinditumira pokuti tisangane ndouyako ini kuma 4 masikati ano."

Vakasangana panotengeswa maTicket ezvitima pa Birmingham New Street Station. Nocola akatenga zvinwiwa ndokutsvaka pekugara naTendai kuti vatsanangurirane pane nyaya yavo. Tendai ange anyengwa ndokuita tsika yokuvata na Cathbert kaviri kana katatu paviki kwemwedzi mipfumamweyapfuura, iri ngari yokuti Cathbert anoshanda kuBirmingham achigara kuCoventry nomukadzi wake Nicola nevana vavo vaviri. Tendai haana kunge audzwa kuti mukomana wake ane mhuri, kusvika asangana nomukadzi wake pa Birmingham New Street Station akazvionera pamhuno sefodya. Mhosva chaiyo ange asina. Aitoriwo munhu akangokurukiwa nomurume uyu. Zvakatozobudawo kuti Tendai ange akweretwa mari ne Cathbert, inoita £2430 inova yakashandiswa kutenga mota iya yaaiti anayo asi haana Licence, uye kutenga chimota che £530 chinofamba na Nicola.

Tendai anofanira kuita sei?
Nicola anofanira kuita sei?

Nicola kugamuchira kwaakaita foni ya Tendai, munhu aihwisisa murume wake maitire ake nokuti kaiva kechipiri achibatwa pakuhura nevamwe vakadzi. Tingati mhosva yange iri pana Nicola nokuti akatombobata murume achihura, akamuregerera achifunga kuti zvichapera. Munhu ari pamuchato akatanga nyaya dzechihure, zvinonetsa chose chose kuti azoregera. Kana wafunga kumuregerera, regerera hako asi mumoyo mako ziva kuti achatoti ahure futi zvisinei kuti murume kana kuti mukadzi.

Pano nyaya iri pana Tendai ange aporomiswa muchato, kuti akasire kufunga kuti kuiswa kunovaka rudo. Ndosaka ange ava kungoti katatu pavhiki nomurume wemunhu, achifunga kuti awana murume. Zvakangozoitikawo kuti afunge kuti sei munhu ava munhu mukuru asingadi kuvata kumba kwake usiku hwese ndokukwanisa kuona foni yemurume, wanei mune nhambha dzevamwe vakadzi, nedzomukadzi wemuchato. Tendai akaita nguva yoda kusvika gore rese achishandiswa se DRIVE By Sex achitofunga kuti upenyu hwake hwava pari nani nokuti awana murume. Kuzoti murume wacho neEXPERIENCE yekufamba nevakadzi aihwisisa zvokuita. Pakuvatana achinatsoonawo kuti musikana aguta. Uku achitenga zvinotengwa achipa musikana, achitaridza rudo nokuronga nyaya youpenyu naye, asi dziri nhema nguva yese iyi.

Tendai kuzvipa nomoyo wese kumurume. Hazvisi nyore kuzoziva kuti zvese zvawaiita nomurume, aisvikozviita nomukadzi wake kuma kwake. Hapana chaaida chausina kumuitira.

Uriwe unofungei pakadaro?

Ko dai asina kuzofunga kutarisa foni? Ko dai akaita mimba panguva yese iyi? Toti akabuda nepaburi retsono nokuti akakwanisa kusiya murume uyu pasina EVIDENCE yokuti zvakamboitika. Asi chigumu chaanacho chokuti aitwa sebenzi hachikasiri kupera, uye varume vese vaachazodanana naye achavaona sevanhu vasina kuvimbika.

Saka aifanira kuzvidzivirira sei? 
Kana musikana akanyengwa nomukomana akabvunza mibvunzo yese inobvunzwa, akaudza mhinduro dzenhema angaziva sei kuti inhema? Chokutanga ndechokuhwisisa kuti hazviiti kuti murume anogona kunyenga, asvika makore anopfuura 21 asina musikana, zvikuru kuvakomana verudzi gwedu. Saka zvoreva kuti akakunyenga iwe zvifungire kuti sei ange asina musikana.

Chechipiri ndechokuongorora kuti anodei pakudanana kwenyu. Kana akakasira kuda zvokuvata newe pasina chinoonekwa kuti munhu anoronga upenyu newe, zvoreva kuti munhu asina nyaya refu newe. Asizve isuwo vanhukadzi tinoda varume vanotaridza kuda kuvata nesu. Saka varume vanoziva kuti ndizvo zvatiri. Mukamana akadanana newe kwevhiki mbiri akasambotaridza kuti akakufunga anomira chomo, zvinoita sokuti ingochani kana kuti nyakunyengwa haana APPEAL. Musikana anofarira kukumigwa kuti azviramire ega kwete kuti mukomana asangotaridza kuda kuvata  naye. Ndiyo nyaya inonetsa iyi. Murume ane mukadzi kuma munhu anotogarovata nomukadzi wake. Zvinoreva kuti anokwanisa kuita nguva yakareba achikurezva kusvika wafunga kuti munhu ane unhu.

Zvinonetsa musikana asina kumosangana nenhubu dzakadai kuti afungeri munhu kuti pane chakaipa.

Chechitatu musikana anofanira kutarisa mafamire emukomana. Kana pane kwaanogaroenda uye asingambokukumiriwo kuti uende naye, fungwa yako ngaikasire kufunga kuti pane chaari kukuvanzira paupenyu hake. Cathbert akakwanisa sei kuita musikana kwenguva refu yakadai asi uku ane mukadzi kumba. Zvinoreva kuti aitova ne ROUTINE yaaiteverera. Kuti zvibude zvakadaro pairehwa nhema dzakawandisa. Munhu anoreva nhema ukamuterera anokasira kutaura zvakasiyana nezvaakakuudza vhiki yakapera. Rudo rudo hago asi gara wakasvinura maziso. Ukaudzwa chinhu terera musoro wenyaya. Hwisisa munhu wako nemafambire ake.

Zama kusangana nehama neshamwari dzake. Kazhinji munhu anokuda zverudo anoda kuti uone hama neshamwari dzake, pamwe vanhu vaanoshanda navo. Kana uri wezvechihure unovanzwa zvokuti hautombozivi vanhu vaanotama navo. Iyi nyaya ukaihwisisa unokasira kuziva munhu wako zvaari. Kana ukasaihwisisa panyaya yehama neshamwari zvoreva kuti hapana zvauri kuita. Chinhu chokutanga kana wadanana nomunhu kuziva hama dzake neshamwari dzake. Ukaona achikuvharira kuti usasangana navo, ziva kuti ane nyaya dzisina kururama. Kana ukahwa achiti iye nomukadzi wake vakarambana, zvoreva kuti munhu anokasira chose kutaridza mukadzi wake kuti ava noumwe mukadzi. Usatya kundoonekwa nomukadzi wake waakaramana naye. Chinhu chinokuita uhwisise mhuri yemukomana wako uye kuti ude kana kusada kuvaka upenyu naye.

Kana zvese zvaunoona zvakati tasa asi uchiona usina shuwa kuti amire papi, zvoreva kuti unofanira kumuongorora wega kusvika waziva zvaari. Hapana chakaipa kubhadhara munhu kuti amuteverere nokuti panopera vhiki, uchaziva zvakawanda pamusoro pake.

Kune vasikana vakawandisa vanoudzwa nhema kusvika vavatwa navo kusvika ivo vapa nhubu rudo gwakapfurikidza. Ukasangana nomusikana akadai usafunga kuti munhu akapusa kukupfuura. Munhu anovimba nezvinotaugwa noumwe munhu kureva kuti iye munhu akavimbika. Nhubu iyo ndiye anofanira kutsoropodzwa nokuti haana unhu. Pakubatsirana kwevasikana, kana shamwari yako ikakuudza kuti anyengwa nomukomana ava munhu mukuru. Mutsanangurire kuti EXCITEMENT yake ndiyo hayo asi ngaaite nguva achiongorora mafambure emunhu amunyenga kana achimuda zveshuwa. Kana achingodawo hako kuwana munhu wekuisana naye, zviri kwavari.

Hwisisa kuti zviri nani kuziva kuti mukomana ari kukuda ane mukadzi, pane kuzoziva watombopedza nguva uchivata naye. Vashomanana varume vane mhuri vanoda kusiya mukadzi wemumba kuti vadanane nemusikana aasina vana naye. Usafunga kuti unokwanisa kuramanisa murume nomukadzi wake achiti nokuti ava kuda iwe.

Kana wanyenga nomunhu ane makore anopfuura 21 tora nguva uchiongorora upenyu hwake kuti ane umwe musikana here kana kuti mukadzi uye kuti sei akunyenga iwe. Mazuvano zvese vakadzi nevarume vava kuita vanhu vavanongoda kuitira INSURANCE.

Vanohwisisa vanhurume taurai mafungire enyu panyaya yakadai.


1 comment:

Anonymous said...

Vakadzi kupusawo futi. Ungasv*irwa nomunhu usingazivi kuti and mukadzi njani? Stupid yemunhu.