Monday 21 August 2017

Kuhwisisa minyatso nemazamu

Toda kumbotaura nyaya yemazamu neminyatso yawo kuti tiwedzere kuhwisisa. Umwe noumwe munukadzi anohwisisa mazamu ake, asi kana ava nomurume, pava nevanhu vaviri vanofanira kuhwisisa vese kuti mazamu awa akamira sei. Kana pava nomwana, pava nevanhu vatatu umwe noumwe ane AGENDA yake pamazamu. Saka toda kumboongorora nyaya iyi tichida kujekesera kusahwisisana kunokwanisa kuitika.

Munhukadzi anoonekwa kuti munhukadzi nokuda kwemazamu ake, uye magaro ake. Zvese zviri zviviri zvinoitisa kuti munhukadzi afame mafambire akasiyana neemunhurume. Kune vanhurume vane magaro echikadzi. Kuitazve vamwe vane mazamu sevanhukadzi, asi kuti munhurume aite zvese mazamu namagaro echikadzi, kashoma.

Kana munhukadzi akaona murume anoyevedza kutarisa, kazhinji anochinja mafamire kuti aonekwe navese vakatarisa kuti munhukadzi. Anowedzera kufamba akati tasa zvinova zvinoitisa mazamu awedzere kuonekera uye magaro awedzere kuita inohi pachirungu BOUNCE. Izvi zvinoitika zvega kwete maune. Inongori INSTINCT. Chinhu chinongoerekana chaitika.

Kana wada kufamba uchitaridza kuti uri munhukadzi zvemaune chaizvo, pakufamba, funga kuita semunhu akadengezera svinga rehuni kana mugomo wemvura. Zamazve kuti shoka dzako dziwedzere kutarisa mberi kwete kuita seune mateya. Wadaro zvese mazamu nemagaro zvingowedzera kuyevedza varume vanokuona uchifamba. Uchaona kuti kana uri musikana kunyengwa kwako kunowedzera. 

Minyatso yevanhukadzi yakasiyana siyana zvokuti zvinokwanisika kuti murume wako akataridzwa pikicha yeminyatso yako chete pasina chimwe chiripo, anokwanisa kuziva kuti minyatso yako.  Minyatso yakasiyana saizi kureba nokukora kozoitazve chirhaundhi chakatenderedza munyatso chine ganda rakasvibirira kupfuura rezamu rese. Vakadzi vane zvirhoundhi izvi zvakakura vanoonekwa sevakadzi vanoyevedza chose kuvarume. Kukurazve kweminyatso kunodiwa nevarume.

Minyatso inomira kana zvikonzero zvava pamhuridzi. Zvikonzero zvakawanda asi zvimwe zvazvo ndeizvi
Kana mukadzi ane zemo
Kana minyatso yahwa kutonhora
Kana minyatso ikapurudzigwa sokuti mukadzi akapfeka dhirezi asi asina kupfeka homwe dzemazamu. Anoti achifamba dhirezi ropurudzira minyatso yobva yamira.

Kune vakadzi vakawanda chose vasingamiri minyatso kana vane zemo. Hazvinatsi kuhwisiswa kuti chikonzero chokumira kan kusamira minyatso kana munhu ane zemo chii?

Minyatso yakagadzirigwa kufudha mwana nomukaka. Kuti mukaka ubude pamunyatso pane maburi emukaka. Vakawanda vanofunga kuti munyatso umwe chete une buri rimwe chate asi handizvo. Pane maburi akawanda. Ukasvina zamu rako kana rizere nomukaka, unokwanisa kutoona mukaka uchibuda nepakawanda.

Vamwe vakadzi vanomera vhudzi paminyatso. Hapana chakaipa Zvinotowanikwa pane vakawanda. Kana ukaona une tuvhudzi paminyatso usatya kuti pane chakaipa.

Ukatarisa pakarhaundhi kakatenderedza munyatso wezamu, uchaona kuti pane tumapundu twakatowanda. Usanetseka nazvo uye usazama kutupudura. Mapundu awa anobudisa oiri yakatsetseka zvokuti inoita basa rokuchengetedza ganda remunyatso kuti risaoma, uye kuti iwe muridzi usagwdziwa kana uchibatwa kana kumwiwa nomwana.

Kuatwa mazamu kunosiyana mahwire aunoita zvichibva nokuti inguvayi yomwedzi. Pamwe zvinogwadza, pamwe zvinogwadzirira, pamwe zvinonakidza. Kana une murume anofarira mazamu taura naye ahwisise mazamu ako nenguva yawo yaasingagwadzi.

Mazamu anokwanisa kuvhinza zvisinei kuti uri kumwisa mwana here, kana kwete, une mima here kana kwete. Pane nguva yaunokwanisa kungobuda zvimvura pasina chikonzero chaungatsanangura. Usatyiswa nazvo asi kana ukaona pane ropa, chero shomanana, enda kuvarapi unovhunza kuti zvabvepi. Kazhinji kuvhinza kunouya kana wambotamba nomurume wako akakusvinyanga mazamu kwenguva refu kana usina mimba kana kuti usingamwisi. Kana waona achivhinza funga kuti wamboitei uye wamoita zemo here.

Kune vakadzi vanoitiswa ORGASM nokungotamuswa mazamu chete chete pasina zvimwe zvaitwa. Asizve kune zvakawanda pamuviri wemukadzi zvinotundisa mukadziwo, zvichibva nokuti muviri wake wakaita sei.

Kukiswa pamuromo, kana mutsiba
Kunanzwa bhinzi
Kunanzwa zheve
Kupurudzigwa magaro
Kumwiwa mazamu
Kupurudzigwa zvidya
Kusveta chombo chomurume
Zvinongobva nokuti mukadzi akaita sei.

Hwisisa kuti kukura kweminyatso hakunei nokunakigwa kwemukadzi pakubatwabatwa kana kuiswa, Zvimwechetezvo nkukura kwebhinzi. Zvinongobva nomunhu kuti munhu akaita sei mufungwa dzake uye anoona sei nyaya yokuisana nomurume wake.

Ko sei minyatso ichimiswa nezemo?
Mazamu ane ma NERVES akawanda chose zvikuru paminyatso saka kubatwa kunoitisa muridzi ahwe zemo. Pese pane ma NERVES akawedzera panoitisa zemo kupabata. Chinonakidza ndechokuti minyatso yevanhurumewo inomira kana vane zemo kana kuti kuchitonhora.

Kana murume wako anatanga kumwa minyatso yako zvinyoronyoro zvisingagwadzi, unotohwa kuzasi kodavirira. Bhinzi unohwa yoti nyevenyevenyeve. Kuzasi kotozvimbirirawo wotohwa zemo kumuka, napo napo wotonyorova kana akaramba achiita.

Iwewo kana ukatanga kunanzva kana kusveta minyatso yemurume wako haanonoki kumira chombo kana ange asina kutomira nechekare. Hwisa kuti minyatso yevarume haina kukura seyevakadzi saka inonetsa kuimwa. Asi kusveta nokunanzwa hazvinetsi.


Sei varume vachida mazamu?
Zvinofungigwa kuti nhengo dzese dzimuviri dzisingabvumidzwi kuti munhu afambe asina kudzisimira dzinoitisa zemo padzinozonekwa. Mazamu haabvumidzwi kufama akashama kuvanhu verudzi gwedu. Mrume paanoaona anokasira kuona asi zvinhu zvinoyevedza nokumukwezvera kumuridzi wemazamu. Uchaona kuti ukangobvisa zvipfeko murume kazhinji anokasira kuisa maoko pamazamu nokutanga kutamba nawo, obva atomira chombo nokukasira.

Kune varume vakawandisa vanoti kana muchiisana iwe wakavata nemanhede, vanofarira chose kuti uku ari mukati mako zasi, uku iwe munyatso wako uri mukati make mumuromo ari kumwa. Kune varume vanoti ukamugumatira akahwa mazamu pamuviri wake, anohwa kugutsikana nokurerusa muviri.

Zamu rine ganda rakatsetseka chose rinonakidza kupurudzira nokubata zvokuti varume vanoona zamu sechinhu chinongofanira kuatwa zvakanyorovera. Kashoma murume kukbata rhafu pamazamu kana pabhinzi, matinji, zvidya, iri ngari yokuti pane ganda rakatsetseka.

Murume kuona mwana achimwa mukaka. 
Kune varume vanoshushikana PSYCHOLOGY yavo pakuona mwana achimwa mukaka pazamu ramai vake. Kune vakadzi vanoita tsika yokuti murume anomukama mukaka, iye murume ozonopa mwana mukaka uya nebhodhoro, iri ngari yokuti murume arambe ari pane zvemazamu, uye kuti iye murume awanewo nguva nomwana achimupa mukaka webhodhoro, zvikuru kana mwana akachema usiku mai vasamuka. Baba ndivo vomuka. Zvinoitisa varume vane dambudziko rokuitira mwana majerasi vkasire kutanga kuriritira mwana, dambudziko riya ropera. 

Haisi mhosva yako kuti uri kunetseka nemajerasi nokuti mwana ari kutama nekuma mazamu emukadzi wako. Ndiwe wakatanga kutama nawo mwana asati avapo. Kuzokama mukaka kunobatsira fungwa. Vamwe varume vanomwa mukaka wemwana. Hazvina dambudziko. 

Zvokuita nemazamu ako:
Chokutanga:
Kare zvainzi musi waunobviswa humhandara nomurume wako kumusha kwako, mombe youmai yagamuchigwa namai vako, kugamuchira kuchireva kuti murume ava nemvumo yokuvata newe, Vanatete vaitanga vakuvunza kuti
1 Uchiri mhandara here?
2 Ukati bodo, vobvunza kuti uyu ndiye akakuvisa here?
Ukati ndiye, votora ropa rehuku rachengetwa pahuku yauraiwa masikati, vofanoisa pama SHEET emubheda ari madomhwe matatu kana mana, kuti mangwana vozotaridza mai vako kuti wange uri mhandara.

Kana wange uri mhandara vaikuraira kuti murume anochemachema paanokupa urume asi hazvibvumidzwi kuti ahwikwe nevamwe vanhu vakavata mumaBEDROOM avo saka iwe zvokunakigwa nhasi wombosiya. Unofanira kuiswa kuti ubude ropa asi ukahwa murume otanga kuchemachema, muise munyatso mumuromo amwe zamu anyarare.

Chechipiri:
Kana murume achigwara mazamu omukadzi wake anobatsira kumurapa. Zamu rinorerusa hana yomurume. Rine COMFORT seyaaipiwa namai vake ari mudiki. Kana murume wako ane DISTRESS, mugumbatire umuise pazamu, zvikuru kana musina kupfeka. Kana achichema ngaacheme ari pazamu romukadzi wake. Kana pane chaitika, sokuti afigwa, kana kuti apotsa akuvara zvikamuvhindusa, Hwisisa basa remazamu pakumunyaradza. Varume nemazamu Havana kusiyana nevana

Chechitatu:
Kumunhukadzi kumwiwa zamu nomurume chinhu chakanaka chose nokuti unohwa uri pedo chose nomurume wako. Kujaidza murume kukumwa mazamu kana kungotamba nawo zvinofadza mese. Iwewo kuhwisisa kuti murume wako anoshuva kutamba nomuviri wako zvinokupa CONFIDENCE. Kana mambopokana zviya umwe wenyu akazokumbira regerero, kupa murume zamu zvinotaridza kuti mava pamwe chete, nyaya yapera kana arigamuchira. Unotoona kuti maisigwe auchaita ndeekupedza shungu uye kunatsokuratidza kuti ndiwe mukadzi wake. Iwewo kana ange akukanganisira, chiratidza nechiuno kuti unomugamuchira murudo. Mapedza gumbatira murume wako womoisa pazamu aite hope ari mumaoko ako. Munozomuka mongonyemwererana semusina kumbotukana.

Chechina:
Ukagaromwiwa mazamu unokwanisa kutanga kugadzira mukaka. Kune varume vanfarira chose chose kumwa mukaka wavakadzi vavo zvisinei kuti pane rusvava here kana kuti hapana, kana kuti une mimba. Hwisisana nomurume wako kuti asapedzera mwana mukaka. Iyi ndeimwewo nyaya yakatokura kune vamwe vamhu mudzimba.

Chechishanu:
Mazamu ako ndicho chinhu chinotaridza kuti uri munhukadzi. Hwisisa kuti kuyevedza varume kwako kunotangira pamazamu nemagaro mamirire azvakaita. Zvino iwe ukasazvibata zvakanaka mazamu akawa uchiri pazera diki, zvinokunetsa. Mazuvano unokurudzigwa kupfeka BRA dzinotaridza mazamu akati simukei. Asi kutaridza minyatso kuonyoka. Hazvibvumidzwi. Minyatso ndeyemurume wako chete kana mwana.
__________________________________________________________________
Mazamu ari kwese:

1 Mhomho yevanhukadzi vane mazamu asi kune vakadzi vasina mazamu zvachose vanongori neminyatso. Pamwe minyatso yavo mikuru hayo asi zamu hapana
2 Mhomho yevarume havana mazamu asi vane minyatso chete. Asi kune varume vane mazamu makuru chose zvokutoita seemukadzi. Pamwe kutourungana sezamu romukadzi.  Aimbova Prime Minister we UK anonzi Tony Blair ane mazamu makuru chose asi haana kuurungana. 
3 Pakutanga kumera choya vakomana vanomumudza mazamu sevasikana asi haazokuri.
4 Varume vanokwanisa kuita Breast CANCER sevakadzi.
5 Tese vakadzi varume tinofarira kumwiwa mazamu noumwe munhu. Zvinoitisa zemo kwatiri tese.
6 Kune vakawanda vane mazamu asina kuinzana kukura kwawo
7 Kune vanhu vaoita zamu rimwe chete kamwe kari kadikidiki
8 Koitazve vanhu vane minyatso yakawanda inoita mina (4)  kana mitanhatu (6) zvese kuvarume nevakadzi. Unokwanisa kundochekwa kuchipatara.

_________________________________________________________________
Chokutanga, kana une murume anofarira mazamu ako tiudzewo kuti anoitei nawo kana muri mese uye kuti iwe unohwa sei nazvo.

Kana uri murume anofarira mazamu. tiudzewo zvaunofarira kuita nemazamu emukadzi wako. Unofunga kuti mukadzi wako anohwa chii pazviri?

kana uri mukadzi anofarira kusveta minyatso yemurume wako, tiudzewo kuti iwe unohwa sei uye murume wako unofunga kuti anohwa sei pazviri.

1 comment:

Anonymous said...

Ho nhai?.Aaah makapenga !!!!!