Monday 7 August 2017

Kubviswa chibereko uchiri kuda vana.

Kumunhukadzi pane zvinokwanisa kukanganisika pautano zvokuti varapi vanokuudza kuti unofanira kubviswa chibereko asi iwe ipapo uchiri kuda kuita vana. Mazuvano vanhu vanowana nyaya iyi vari kuwanda nokuda kwemagarire atava kuita anowedzera kuipa kweutano hwedu.  Tichada kumboongorora zvemwe zvezvinokwnisa kuitika panyaya iyi.

Kana wakamboudzwa kuti unofanira kubviswa chiereko, tiudzewo kuti zvange zvaita sei uye wkapiwa COUNSELLING here pazviri? wakazvigamuchira sei?

3 comments:

Anonymous said...

Ini ndakabatwa ne chirwere chema fibroids. Ndiri mhandara yemakore makumi matatu nemashanu asi mukandiona munotofunga kuti pamwe ndakazvitakura

Vazhinji vohutano vandinoona vanokurudzira kubvisa chibereko asi in handina kuzvigamuchira. Nyangwe kuvhiiwa kuti ndisare ndinacho asi ma fibroids abva handisi kuda

Ndiri kutarisa dzimwe nzira dzinosanganisa kuminya mishonga....kuvhiyiwa bodo

Anonymous said...

Mmmmm. Regai ndipindure vatete vanemafibroids avo. Mishonga yamuri kuminya iri kubatsira here? Munoda kuzoita vana here? Chamunotya pakuvhiiwa ibanga kana kuti kubviswa chibereko?

Chiregai nditaure zvandakambonzwawo vamwe vachitaura. Mafibroids anogona kuchekwa mukagona kuita vana asi anowanzodzokazve. Kuvhiiwa hakuurayi. Vamwe vanoti mafibroids anokonzerwa nekuti chizvaro chinenge chichitarisira kuita mwana chobva chagadzira ma"growth" acho in place yemwana. Dumbu rakakura iro ndiro rinonzi pachishona chimimba mutekwa. Kunonzizve, mafibroids akabuda ropa anonetsa kumisa ropa iroro zvekuti zvinogona kukuuraya.

Maonero angu, vateteka,muupenyu huno, chakakosha pazvese kurarama first. Zvimwe zvese zviwedzerwa. Potential yekuti mubude ropa rinokurayayi iri high kana muchiti dumbu rakurisa zvekuita semimba. Chimboendai munonzwa vana chiremba kuti vanoti chii kuti abviswe. But I suspect nesize yaanenge ava nawo, it might be difficulty kubvisa ma fibroids without removing the womb. Maifanira kungobviswa mafibroids awa achimadiki.

I hope muchabatsirikanawo nezvishoma zvandinoziva izvi.

Unknown said...

Ndirikuda kuziva kuti kubvuswa chibereko hakuurayi here. Handizogari ndichinzwa kurwadziwa nguva dzose here kana chabviswa. Ndatenda