Friday 11 August 2017

Mafambire erudo gwevakaroorana

Vanhu vanoroorana nemitovo yakasiyana siyana zvichibva nokuti vanhu vakaita sei. Mumagarire edu isu vanhu veChikaranga munhu kuti hahi ava mukadzi wemunhu anenge abva panyaya yakaitaseidzi:

1 Kunyengwa, wobvisiswa bhurugwa, wopiwa mimba mukomana asati afunga zvokuroorana, wotizira mukomana kumufosa kuti akuroore.

2 Kutizira usina mimba iri ngari yokuti unofunga kuti mukomana akunonokera. Unomuda asi iye haakudi.

3 Kudanana kwevanhu vepamusika, kunoita mugare mese muchibika mapoto zvisina ane hanya kuti zvichaita vhiki ngani kana mwedzi mingani kana makore mangani makadaro.

4 Mukomana nemhuri yake vanouya vokumira vorooreswa, votora mukadzi wavo voenda naye mese muchidanana.

Uyu mutovo wekupedzisira uyu ndiye watinofungira kuti vese mukadzi nomurume vanotangira parudo, voroorana vese vane rudo, voronga nyaya dzavo murudo. Avo vamwe kazhinji vanotanga muchato wavo vane matambudziko akawanda, iri ngari yokuti Havana kunge vachibvumirana kuti nguva yokuroorana yakwana. Kune vasikana vanoona sokuti kuvhurira murume makumbo asiri murume wako, zvoreva kuti anofanira kubvuma kuva murume wako kana mapedza kuvatana. Asi handizvo.

Kuroorana chinhu chinofanira kubvumiranwa. Nyaya ngaitangire apo pokuti hakuna musikana anoita mimba asingadi kuita mimba, zvikuru mazuvano. Chokutanga kana usina kubatwa chibharo, unofanira kuronga nomukomana wako kuti motanga kuisana riini. Pakuronga apa mofanoenda kumaTEST mese monoudza STATUS dzenyu mese motaridzana. Mobvumirana kuti mese muri vanhu vakakodzera kuisana pauviri hwenyu.

Mabvumirana kuti munokwanisa kuisana, mobvumirana kuti mese munoda kugutsana zvokuti hamuzodi zvokufambafamba. Ipapa ndipo pamunotaurirana kuti mimba muchadzivirira sei.
1 Musikana anokwanisa kumwa mapiritsi
2 Musikana anokwanisa kubaiwa jekiseni reDepo
3 Musikana anokwanisa kuiswa IMPLANT
4 Musikana anokwanisa kushandisa COIL
5 Musikana anokwanisa shandisa Femidom
6 Mukomana anokwanisa kushandisa makondhomu.
7 Mukadzi anokwanisa kundopiwa mapiritsi anohi MORNING AFTER kana kondhomu rabvaruka kana kuti mukomana amutundira urume zvisingafungigwi, sokuti muvete hope. MORNING AFTER inopiwa kusvika pama HOUR 72 kubva pamakaisana. Tichiongorora magarire edu tinoona kuti hakuna munhu anogara kure nevarapi zvokuti anopedza 72 HOURS ari muzhira yokufamba achienda kuvarapi.

8 Zvokuvhomora chombo murume oda kutunda hazvishandi saka ngatisataura nezvazvo.

Tinoona chose chose kuti kuti ubate mimba usingadi kubata mimba hazviiti zvachose.  Vasikana vakawandisa vanoita mimba kuri kuzama kufosa mukomana kuti amuroore nokuda kwemwana. Hino kana mukomana agara asingadi muchato asi ari munhu anongonakigwa nokuisana kwenyu, zvoreva kuti muchapanana kunyunyuta kwakawanda kwenguva refu muri mese.

Pano toda kutarisa vanoroorana murudo chete kuti michato yavo iri STABLE zvakadii. Zvinozikamwa kuti chero mune rudo gwakadii, panombosvika imwe nguva yamunotadza kunatsova panzvimbo imwe chete. Munopedzisira umwe noumwe achiita zviitwa zvake ega muchingonosangana pakunovata zvisisinei nerudo asi zvangori HABIT kana kuti kujairirana. Munokwanisazve kusatombofunga nezverudo gwenyu asi kungova vanhu vanogara mumba imwe chete.

Pakutarisa maitikire enyaya dzemudzimba, zvinotaridzika kuti vanhu vaviri vakaroorana zviri zverudo, kwete zvokuforesedza kuva pakumitisana, rudo gwavo gunosvika pakuneta vose voshaya EXCITEMENT pamuchato wavo. Panguva iyoyo vanokwanisa kuhurirana kana kurambana, zvisinei kuti vane vana here kana kwete. 

Nguva iyi inoonekwa kazhinji kubva pamakore manomwe ekroorana kusvika pamakore mapfumbamwe. Kunetsana nokushungurudzana kunoramba kuripo kusvika pamakore gumi nematatu. 

Kana mukazopfuura makore awa muchiri mese, zvinokwanisika kuti munojairirana pamaitire enyu zvokuti kana kuvimbana munokwanisa kuvimbanazve sezvamaichiita pamakore manomwe okutanga aya amaiva norudo. Munokwanisazve kutodzokera parudo sakare. 

Apa tiri kuti DANGER ZONE yemichato inoonekwe pamakore 7-11 kubva pamakaroorana. Asi tinozoonazve nguva yakadai panobva mwana wekupedzisira pamusha achinzi ayaruka. Pamakore iwawa panguva inoti vakawanda vanopedzisira varambana.

Pano toda kumbotarisa zvimwe zvezvikonzero zvinokanganisa michato panguva iyi. Kana uri panguva iyi, tora nguva kuzama kuhwisisa kuti chii chiri kuitika muupenyu hwako ukasire kugadzirisa kana une dambudziko.

Zvino MANAGEMENT yemakore ekushushana awa anobva pa 7 achisvika pa 11inoda kugara mahwisisa kuti kushushana kunobva papi uye zvinoonekwa sei kuti kwavapo. 

Saka zvinotanga sei?

Tinotanga muchato wedu tichingori vaviri. Atention yese iri pamunhu umwe chete. Tikada kubika tese, kugeza tese, kuone TV tese, kubuda tomboenda kumafaro tese, kuvatana sharaude, etc. Zvese zvatinoita tinoita tiri vaviri. Fungwa dziri pamurume/mukadzi chete. Hapana chaunoda chaunoshaya kana umwe wako anacho.  
Napo napo mukadzi iota mimba. Moita nguva muchigadzirira mwana. Munonotenga zvinotengwa mese, moita nyaya dzomwana mofara nemimba yenyu muchiona ichikura. Murume anofarira kuti anogona kuisa mukadzi mimba. Mukadziwo anofarira kuti anogona kuita mimba. Chinhu chinofadza chose. Kana une mima murume wako anokubata zvakasiyana. Anokuitira zvakawanda kuita sokuti uri mugwere.  Kana kuisana kwenyu  kunosiyana. FOCUS yese yemurume iri pamukadzi nedumbu rake rine mwana. Focus yese yemukadzi iri pamurume ne ATTENTION yaari kupa mukadzi wake.  Kana vanhu ava vakasiiwa vari vega mumba mavo vanoita munhu umwe chete pauviri hwavo.

Nhamo yese inotanga mwana azvagwa. Mukadzi anoisa ATTENTION yese pamwana. Zvese zvinoitika mumba zvinoitika pamusoro pemwana. Mukadzi anogwadziwa nomuviri wake asi anorera mwana wake. Murume kazhinji anoona sokuti nyaya haichinei naye nokuti pamusha pave nomunhu anodiwa kupfuura iye. Kana mukadzi akasahwisisa kuti murume anodawo ATTENTION, zvinokwanisika kuti nyaya inochinja pasina kupera nguva mwana azvagwa. Zvino iye mukadzi apapa ane basa rakawandisa. Zvikuru kana ari ega sevemuDIASPORA.

Mwana paanongoti kurei kusvika makore maviri unoona mai vake vava neimwe mimba futi. Ipapo nyaya dzese dzakabuda pakuzvagwa kwemwana wekutanga dzichiripo, vowedzera nyaya yese. Hapana afunga nezverudo guya gwaivapo kare.  Munombowana kamufaro kwemwedzi yakati kuti asi mwana munhu anonetsa kuchengeta. Mai vemwana vanoriritira vana vavo uye vanoita mabasa akawanda avenge vasingaiti vasina vana. Murume anotangawo kuwedzera nguva yokushanda kuti mari iwande mumba nokuti pava nomwana.  Nyaya zhinji dzachinja dzava dzamhuri. Kare dzaiva pakati penyu.  Kuonana kwenyu kwave kushoma. Nyaya iyi ichaita makore yakadaro uye pasina anonatsoona kuti ndizvo zviripo

Kuzosvika makore manomwe, vaviri vaimbodanana vava kuti uyu zvake uyu zvake. Kubhowekana kunouya mumba nokuti kana uchifunga kuti haudiwi unokasira kuona usingatodiwi zveshuwa. Kushorana kana vanhu vasinga nguva yorudo hakushaikwi. Meso meso haanonoki. EXCITEMENT yese yaimbovapo pakati penyu yoita sokuti hapachina.
Isu tinogarokurudzira vakadzi kuti vahwisise nyaya iyi nokuti ndivo vanopiwa shaisano kana ikakanganisika. Asi chokwadi ndechokuti varumewo vanokwanisa kuzoerekana mukadzi amuhurirawo zvinova zvinosvodesa chose kuvarume vakawanda. Asi dai akagara ahwisisa kuti nyaya yemumba iri kuchinja dai akaita mazano okugadzirira mhuri yake kuti ive pamwe chete pakuchinja kweupenyu hwavo.

Kana mukadzi achishanda panguva iyi, STRESS yemumba inokwira chose. Kana muchigara kure nemhuri dzinokwanisa kubatsira munokwanisa kutsvaka vanhu vekubhadhara mari kuti aite mamwe mabasa emumba, asi zvinoreva kuti kushanda kunofanira kutowedzere kana kuti mari mumba inoshota. Hapana chinonakidza pakutapudzigwa mari mumba.

Saka todii?

Haisi nyaya yokubvunza kuti todii. Chikuru kungohwisisa kuti tinoda kuti michato yedu irambe yakasima. Zvimwe zvezvinouraya muchato zvinoitika nokuti hatizvihwisisi. Panguva yatareva iyi mumusha muri kuitika zvakawanda. Tinofanira kuhwisisa kuti zvinopa STRESS saka ngatibatsirane kurera mhuri dzedu nevarume vedu. Mai vemba, garai muchiziva kuti mhuri yenyu iri papi. Saimba riritira mhuri yako uchihwisisa kuti mukadzi wako mhunhuwo. Pane nguva dzaanoneta zvokuti anongoda kuvata. Kana ane mwana iwewo pota uchiti mwana akachema usiku womuka wonoona kuti chii chiri kunetsa.

Potawo uchibatsira mabasa emumba. Zvikuru kana mukadzi achishanda. Kungohwisisa nokupanana nguva yekuzorora chinhu chikuru. Kugaroudzana rudo nokuwana nguva yamunoti ndeyenyu zvinobatsira. 

Nhamo dzevakaroorana vasina rudo dzinokwanisa kuwedzera kupfuura vaiva norudo. Asi moyo wemunhu unokwanisa kudzidza kugamuchira zviri paari. Usafunga kuti uri nani pane munhu akatizira murume wake. Zvinokwanisika kuti iye ari nani. 

Zvimwe zvinhu zvinoderedzwa nokuzviziva. Pano taona kuti kunyika dzakawanda STRESS yemumba inoonekwa pamakore anobva pa 7 -11 kubva pamunoroorana. Tatarisa zvikonzero asi ziva kuti zvimwe zvezvikonzero hazvizikamwi. Unokwanisa kungohwa usisadi umwe wako chero pasina chaitika chinganzi chikonzero. Kujairira chaiko kunokwanisa kuita usamuda.  Kozotiwo zvimwe zvakaita seizvi


  1. Kugara kure nakure
  2. Kusadiwa nehama dzake
  3. Kubhowekana nemaitire amwe chete iwayo pakuvatana
  4. Kusada kudzidza nokuchinja mabasa
  5. Kusageza kwemurume/mukadzi
  6. Kusawhisisa nyaya yeDIET mumba, kukoresa kana kuondesa
  7. Kusabvumirana pakushandisa mari
  8. Kupokana panyaya dzechitendero (CHURCH)
  9. Mukadzi anofarira kuwirirana nemaPASTOR.
  10. Kupokana panyaya dzemishonga mishonga idzi.
  11. Kusada kuuya kumba kana wachaisa kubasa.
Dzese nyaya idzi dzinokwanisa kupokanisa vanhu nokukasira zvisinei kuti maita makore mangani makaroorana.

Summary: Makore anonetsa muchato

Gore
Zviitiko
1-5
Rudo gunopisa chose kana makaroorana murudo
5-7
Unokwanisa kutanga kufunga zvakawanda nokuona kuipa kweumwe wako. Rudo gunodzikira. Panoita nyaya nyaya. Vanohurirana vanowanzotanga nguva iyi
7-9
Kupokana kunowedzera chose. Umwe noumwe anoita zviri mufungwa dzake. Kana usingahwisisi kuti ndizvo zvinoitika unokwanisa kutomboparadzana.
9-11
Ndiyo nguvainorambana vakawanda vanorambana.
11-13
Kana mukakwanisa kupfuura pa11 muri mese zvinokwanisika kuzotangazve kudanana. Vana vati kurei, mabasa ava mashoma mumba. Mava nenguva yokuita zvinhu pamwe chete.
21
Mwana wekupedzisira akayaruka, vabereki vanosara vasina RESPONSIBILITY yakawanda. Vanokwanisazve kutanga kupokana kana kuwedzera kudanana.
Udzai vamwe!!!!!


No comments: