Kuchirudzi chedu chechiKaranga kune mitemo yakawanda chose
isingabvimigwi kusateveregwa. Mitemo yacho yakawanda mitemo yakanaka chose
pakugadziridza nokuvaka mhuri dzedu, uye kuhwisisana mumaraini edu mukugara
pamwe chete.
Chinhu chikuru chinoita kuti imwe yemitemo iyi isatevegwa
nevanhu vakadzidziswa mitemo iyi, inyaya yokuti hapana mapurisa erudzi anofamba
achitonga munhu kuti sei arega kuteverera mutemo wekuti newekuti. Pamwe dzimwe
nyaya dzinoendeswa kwaSabhuku kana kuti kwaShe, asi zvinji dzacho dzinonetsa
kudzitonga nokuti hapana zvakanyogwa zvingahi ndiwo mutemo wacho. Tinopedzisira tava kungoona munhu
akanganisigwa otsvaka maitire aangaita kuti nyaya yake igadziriswe. Kazhinji
iwe nyakukanganisa ndiwe unongozoona wega kuti washaisa munhu mufaro wobva
wanokumbira regerero wobhadhara huku kana mbudzi, nyaya yohi yapera.
Kana nyaya yako isingagadziriki nehuku kana mbudzi, sokuti
inyaya yaitika mumusha, tinoona vakuru vachikushisidzira kuti zvawaita
zvinokonzera ngozi saka unofanira kuwana mukana wekuzvigadzirisa. Kune nyaya
dzakawanda dzinokwanisa kuhi dzinokonzera ngozi. Dzimwe dzacho ndeidzi:
- Mwana kurova mubereki wake
- Mwana kubata mai chibharo, Mai kubata mwana chibharo
- Baba kubata mwanasikana chibharo
- Vana vemunhu umwe kuvatana
- Kusecha hombodo dzemunhu akafa nokuba zvirimo
- Kurera mwana kumadzisekuru ake vokudzinza rake vasingazivi kuti kune mwana
- Kuuraya munhu asiri hama yako
- Zvimwe zvakadaro zvinozikamwa kuipa kwazvo
Vanhu vakawanda vanowanikwa vachiita nyaya dzakadai vanhu
vanotova nemweya wakaipa kureva kuti vanogwara fungwa nechekare. Kana kukashaya
anosungisa munhu akadai, kunofanira kuwanikwa munhu anokwanisa kutaura naye
kuti asazoita mhosva yakadai futi. Fungwa dzake hadzina kugadzikana zvakanaka.
Kana kukashaya anokwanisa kumutsiura zvoreva kuti
achatopamhwazve zviito zvake. Pakutsiura
munhu akadai kumushisidzira nenyaya dzengozi kunokwanisa kushanda asi kana
wadaro chihwisisa kuti iye achafunga kuti anofanira kuripa ngozi kuti
asakanganisika upenyu hwake nokuti akatoita mhosva kare. Saka panofanira kuitwa
mutambo wekuti ngozi isavinga munhu uyu.
Ngozi Chiiko?
Ngozi kushaya mufaro kwevakuru verudzi gwakanganisigwa. Asi
vakuru ava havasi vanhu vapenyu. Vanhu vakafa kare kare. Zvinohi kuChivanhu,
munhu akafa ane vana, anoramba achiriritira vana vake murufu. Kana umwe wevana
vake, vazukuru vake, vana vevazukuru vake, vakashaiswa mufaro kana kukuvadzwa,
mukuru uyu anoshayawo mufaro, obva akonzera ngozi kuna nyakukanganisa.
Zvinoonekwa kuti hazvigoneki kuti munhu akafa kare kare
ahwisise kuti vana vake vakanganisigwa. Tese tinoziva kuti kana munhu akafa
haachakwanisi kuterera kana kuona zvinoitika panyika. Kune vamwe vanofunga kuti
munhu pakufa anobuda mweya uye mweya uyu une njere dzakangofanana nedzemunhu
mupenyu saka anongoita zvaanga achigaroita asi kungoti ava kukwanisa kuenda
kwese kwaanoda kuenda nokuti haachisina muviri wemunhu. Zvinohi mweya unoenda
chero kwawada kuenda. Tese tinoziva kuti mweya haukwanisi kungova wemunhu umwe
chete. Mweya ndewedu tese. Tinozivazve kuti munhu akafa haachisina mweya.
Kana tichitaura chokwadi, hakuna chinhu chinohi ngozi. Kana
ukauraya munhu hapana chakaipa chinoitika kwauri chingahi chaitiswa noumwe
munhu akafa kare tichiti nokuti anoera mutupu umwe chete nomunhu wawauraya
kanakuti mwana wemwana wemunhu akafa kare wawashaisa mufaro pazviri. Bodo
hakuna zvakadaro. Ichi ndicho chokwadi.
Asi kana ukauraya
munhu, hazviiti kuti ugare wakagadzikana hana uchiziva kuti wakauraya munhu,
zvisinei kuti munhu iyeye ihama yako here kana kwete. Kana ukabata munhu
chibharo, zvisinei kuti uhama yako here kana kwete, hazviiti kuti ugadzikane
hana pazviri. Zvisinei kuti fungwa dzako dzakatokanganisika kare here kana
kwete. Kugadzirisa nyaya dzengozi hakunei nevakafa. Inyaya yokuti isu vapenyu
tifunge kuti nyaya yapera. Mhuri yese yenyakupara mhosva nouyo
nyakukanganisigwa yaudzwa kuipa kwenyaya ikabvuma kuti muripo watariwa
nevapenyu wakakwanirana nemhosva.
Kana ukaba chinhu mumusha meumwe munhu, ukabatwa, ukakumbira
regerero, ukaripiswa zvese nokudzosera chawange waba, nyaya yapera. Fungwa
dzako dzinoti nyaya yapera uye zvokuba handichaiti. Uyawo awange wabira
anobvumawo kuti nyaya yapera. Hana yako pazviito zvako inotanga
kugadzikana. Zvichibva nokuti chii chawakatauri padare rakakuripisa, vamwe
vemuraini vanokwanisa kutanga kukuona semunhu ava umwe wavo, zvoreva kuti
hauchavafungiri kuti vanokuona somunhu akaipa.
Napo napo vanhu vanombotaura nezvokuipa kwako asi vamwe vane
tsitsi vanotaura nokushushikana kwako pakuipa kwezviito zvako, kureva kuti
vanokuona uri munhu akanaka dzimwe nguva.
Kune vanhu vakawanda chose mhondi chaidzo kuitazve masoja
anouraya vanhu vavasingazivi . Kune masoja anoti akauraya munhu zviri zvebasa
chaizvo, anokwanisa kusamboita basa nazvo, koita mamwe masoja akareriwa
zvakaemurika, anoshushikana nokuziva kuti auraya munhu waange achikwanisa
kusauraya asi kubata somusungwa. Anokwanisa kushushikana pazviri zvokusvika
pakuti kuitwe chimwe chinhu kana mutambo wekununura fungwa dzake panyaya
iyi. Kuhwisisa ngozi uye kuti nyaya
dzekutyisidzira vamwe nengozi dzakaitigwei, kuhwisisa kuti murudzi gwedu tiri
vanhu vanofarira kugdzirisa PSYCHOLOGY yevanhu vatigere navo.
Tinohwisisa kuti pane dzimwe nguva munhu anokanganisika
fungwa iota chinhu chakaipa, pamwe oenda kujeri kwemakore akawanda. Kana
adzokako anofanirazve kugamuchigwa mumusha nomuraini. Kuti agamuchigwe panoitwa
mutambo unohi ndewekufadza vakuru vemusha vakafa kare kuti vagamuchire
kukumbira regerera kwemukanganisi uyu. Kuyawo kwaakanganisa vanofanira kugadziridza
musha wavo kuti vapenyu vemusha vafunge kuti nyaya yapera nokuti yagadziridzwa.
Ndiro basa renyaya dzengozi. Hakuna chinhu chaicho chinohi
ngozi nhingatoitika pakukanganisa kwemunhu chinoitiswa nokushaya mufaro
kwemunhu akafa kare. Hazvikwanisiki. Asi kuti ndigere pano ndinokwanisa kufunga
kuti mbuya vangu dai vari vapenyu vaindiona sei pachiito change ichi. Kana
ndikafunga kuti hava fari nazvo, ndinokwanisa kuhwa ndiri munhu akaipa pamberi
pemhuri yangu. Kana zvadai ndichahwa ndiri munhu akaipa kusvika mhuri yangu
yati ndave munhu akanaka.
Kuti vati ndiri munhu akanaka vanofanira kuudzwa numunhu ari
IMPARTIAL, anoziva zvaari kutaura. Munhu wemweya haabvunziki, haafungigwi kuti
angakanganisa, haana anomushora, saka kuti
zvabva kumadzitateguru uye kwahi urayai mombe mubike doro mudire rimwe
pasi vagokuregererai zvinobva zvaratidza
kuti mhuri yese yava kundiona semunhu anohwisisa kuipa kwake panyaya uye ava munhu akakodzera
kuva mumhuri kana mutambo wapera.
Ngozi muVanhu vane Chitenderi
Nyaya dzengozi idzi inyaya dzakakosha chose nokuti dzinounza
inohi REHABILITATION kumunhu akanganisa upenyu hweumwe munhu zvese neupenyu
hwake iye, uyezve nokumhuri dzese dziri munyaya iyi. Kuvatendi, vanhu vakawanda
nevafundhisi, vanoona sokuti nyaya dzengozi inyaya dzevahedheni dzisina maturo
. Bodo. Inyaya yakakosha chose nyaya yengozi. Zvikuru kuvatendi. Kana mutendi
akakanganisa sokuti aita chinhu chakaipa, anofanira kuwana mukana wekutaridza
kuti anobvuma kuipa kwake uye pane zvaadzidza panyaya yake zvokuti akwanise
kusazozviita futi achinyadzisa vamwe vatendi. Anofanirazve kutaridzwa kuti
vamwe vatendi vanohwisisa kukumbira kwake regerero zvokuti vanomubatsira
kudzokera musangano ravo.
Mazuvano kune vanhu vakawandisa vanoita zvitadzo mumakereke
umu nokuda kwekuti vamwe vevafundhisi vedu Havana hunhu. Kana sangano renyu
rikashaya maitire e REHABILITATION munokwanisa kukanganisa upenyu hwevatendi
venyu vanenge vaita zvakaipa. Kana mufundisi
wenyu, zvikuru avo ve RHOMA vanopota vachibata zvanakomana chibharo, akashaya
mukana wekusapotiwa mukusungiswa kwake paanobuda mujeri, zvinoreva kuti hapana
inohi CLOSURE panyaya yake zvese nenyaya yechimwana chaakabata chibharo.
Kune avo madhikonikadzi vanowanikwa vachihura nomufundhisi,
kudzinga mufundhisi basa hazvirevi kuti mudhikonikadzi haachisiri hure pakuona
kwevamwe vatendi. Kunofanira kuti musangano renyu munge mune mukana wekuti
nyaya dzakadai dzigadziriswe zvinoonekwa kuti nyaya yagadziriswa. REDEMPTIVE
DISCIPLINE. Ndicho chinhu chikuru mudu.
Tese ngatihwisise kuti vanhu vekare vachigara pasi
vachigadzirisa chivanhu nemitemo yacho vakaronga nyaya dzese vachihwisisa kuti munhu umwe noumwe
anokwanisa kukanganisa, uye kana akanganisa anokwanisa kuvengwa nevamwe.
Panofanira kuiswa mukana wekuti agadzirise nyaya. Panofanirazve kuiswa HIGHER
AUTHORITY inotyiwa nevanhu vese.
Ndokubva vati Ngozi inokuvinga kana ukasahwisisa kuipa kwako kwatinenge
takuudza. Avo vanozvibudisa mumagarire
awa vachitora chitenderi, hwisisai kuti imwe mitemo yechivanhu uye kuti chii
chatingadzidza kubva kwairi. Tadaro
ngatitore zvakanaka kubva kumitemo iyi tounza kuno kuchitenderi chedu kuti
vanhu vakwanise kugara zvakanaka.
Kuudza munhu kuti uri kumunamatira chinhu chakanaka chose
asi kuudza munhu pazere shamwari dzake kuti zvinofadza kuita chimutambo
chokumugamuchira musangano, uye kumupa mukana wekutsanangura maonere aanoita
nyaya yake kubva musi waakanganisa, kusapotiwa kwake pakuenda kujeri,
kuvhakashigwa mujeri kuziva kuti vamwe vemhuri yake yesangano vanofunga
nezvake, chinhu chakanakawo kuti vaya vanozviona sevanhu vasingaiti mhosva
vahwisise kuti munhu aita mhosva anohwa sei.
Ngozi hakuna. Hapana zvazvinoita nokuti vanhu vengozi vanhu
vakafa hapana chavanoudzwa vakahwisisa. Havana simba rokugadzirisa nyaya kana
kupanicha munhu akanganisa. Ngozi ndeyedu isu vapenyu kuti tigarisane
zvakanaka.
Nyaya yengozi Mumba:
Kana uri mumba nomukadzi/murume wako nevana, hwisisa ngozi.
Kana ukakanganisa kana kukanganisigwa, wana mukana uye chido chokugazirisa
nyaya. Kumbira regerero nokukasika. Kana umwe wako achiramba kukupa regerero
zama kuhwisisa kuti chitadzo hako chamugumbura zvakadii. Kana abvuma
kukuregerera funga pazviri umutsanangurire kuhwisisa kwako pakuipa kwechiito
chako uye kuti uchaita sei kuti zvisazoitikazve. Kana waudza munhu kuti
wamuregerera, usazoti matsamwisana wochitanga kupopota uchinovhukunyura nyaya
dzawakambomuudza kuti wamuregerera. Nyaya dzomumba ngadzive imwe chete pachayo
yega pasina dzimwe.
Udzai Vamwe !!!!!!!
No comments:
Post a Comment