Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here? Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO
Ndatenda
Mubvunzo | Mhinduro | |
1 | Musikana wandange ndichida kuroora akabatwa RAPE usiku aburuka bhazi. Zvinoita here kumuroora? | Ndineurombo chose kuhwa kuti umwe wako akabatwa chibharo. Ndinovimba kuti uri kumusapota. Kubatwa chibharo chinhu chakaipa chose kuitika kumunhu chero upi zvake. Ndinovimba kuti makanotaurira mapurisa uye munhu akazviita achabatwa. Pamubvunzo apo handina kuhwisisa kuti fungwa yako iri kukuudza kuti kudii nezvokubatwa chibharo kwemusikana wako. Uri kufananidza kubatwa chibharo nokuhura here kana kuti uri kufunga kuti kana munhu abatwa chibharo haachakodzeri kuva mukadzi wako? Nhubu dzinobata munhu chibharo hadzinei kuti musikana kana kuti mukadzi wemunhu. Ko dai akabatwa chibharo matoroorana waizobvunza mubvunzo wako uchiti kudiiko? Chokutanga sapota munhu panguva yakaoma yaanayo. Chechipiri mubatsire kunoonekwa nevarapi uye kuona kuti haana kukuvadzwa here kana kupiwa chigwere chaange asina. Zvadaro ratidza rudo nguva dzese kuti ahwisise kuti haisi mhosva yake. Kana wange wagara uchimuda zvoreva kuti unomuda saka nyaya yaitika iyi hainei nokudanana kwenyu kana kuronga kuroorana kwenyu asi kungoti munofanira kundoongorogwa panyaya dzezvigwere. Pakati penyu ndiwe uchataridza kuhwisisa. |
2 | Zvinotyisa here kutanga kuita bonde nemukomana? Ko kana ane chinhu chihombe zvakanyanya? | Hazvityisi. Usagara uchityiswa nazvo asi hwisisa kuti kana watovata nomukomana ukabviswa humhandara hazvichakwanisiki kuti uve mhandara kune umwe mukomana wauchavata naye. Zviri nani kumirira kusvika wava nemukomana anoda kukuroora. Kuvata nomurume asina hanya newe zvinotyisa kupfuura kuvata nomurume anokuda chose asi ane "CHINHU" chikuru. Kuva nechinhu chikuru kana muchihwisisa nyaya yokuisana hazvina chazvakaipa asi kungoti iwe mirira kusvika wanyorova zasi kuti zvisanyanyogwadza. Varume vakawanda havana chombo chingahi chakakurisa. Chinenga chiri pakati pe 12 cm ne 17 cm kana chimire choita 10cm kusvika pa 15 cm kukora. Kana wakanatsonyorova uye murume achiterera zvaunomuudza chombo chinokwana zvakanaka mukati mako. Mazuva okutanga hazvinatsonaka asi zvinowedzera nenguva. Usatyiswa nazvo. Itya zvigwere zvechihure. Kana musina kuroorana shandisai makondhomu nguva dzese. verenga apa http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/saizi-yechombo.html |
3 | Please, matinji angu akakurisa kwete kureba asi kukora kunge akazvimba iwo asina. Zvoita sokuti panhu pangu pakakurisa. Zvinogadzirika here? | Kana zvisingakugwadzi hapana dambudziko. Umwe noumwe ane matinji akasiyana neeumwe, mazamu edu akasiyana, Magaro akasiyana, makumbo akasiyana, kumeso kwakasiyana, kureba nokukora zvakasiyana. Harisi dambudziko asi kuti ndiwo maumbigwe akaita vanhu. Kuti uzofunga kuti ako akakurisa waona aaniko? Ko iyewo ari kufungei? pamwe ari kutozvishusha kuti ake madiki. Ngatisazvipa kufunganya panyaya dzisina maturo veduwe. Ukabvunza murume wako pamwe ari kutofara chose nematinji ako. Zvino iwe ukachanja zvaakaita, zvzodii? |
4 | Ndingadii kuti murume anakigwe pakus***ana? | Taridza kuda kuisana nomurume wako pese paada iye uye kana akaita nguva refu asina kuratidza kuda (sokuti 12 hours) muudze kuti uri kuda kuisana. Kana mava kuisana terera murume wako, mubvunze zvaanoda. Shamwaridzana nechombo chake. Jaira kuchibata uchichinangisa pachinopinda uriwe. Jaira kugarokwira murume nokusununguka kushansa chiuno pakugamuchira chombo muchiisana. Siyanisa maitire enyu kwete kungodzokorora zvimwezvo. Kana muri mega zvisinei kuti inguvai, udza murume kuti uri kuda kuiswa, moisana. Murume ngaagare ane CONFIDENCE yokuti akada anowana. |
5 | Pane kubata murume wako kuti asahura kwandingaita here? | Kuhura kwemurume hakunei nokubatwa kwake mumba. Kunoitiswa nokusada munhu kana kuti kumhura munhu waanaye mumba kusaona sokuti munhu akakodzera kuva mukadzi wake. Hapana chaunokwanisa kuita kuti murume wako asahura kana ari munhu asina hanya newe. Kuhurirana chinhu chakaipa chose asi zvinoitika. Ukaona murume wako ahura, hazvichaiti kuti azoregera kuhura. Zviri nyore kuti murume aregera fodya kana doro pane kuti aregere kuhura. Kuhura kuita mhunhu kafira mberi. |
6 | Mushonga wekuti ndinhuhwirire kuzasi unowanikwa kupi? | Kugeza nesipo nemvura inodziya chete chete ndizvo zvinoitwa kuzasi. Usagaropfapfaidza zvimwe zvima Perfume zasi uko. Chinodiwa kuti usaita munhuhwi wakaipa. Asi munhuhwi wakaipa unoitiswa neutachiona (BACTERIA). Kamwe chete pavhiki geza zasi ne VINEGAR asi usaisa mukati. Unongogeza pakatenderedza bhinzi, wozvibhenengura bhinzi yova pachena wogeza ne VINEGAR wombosiya zvadaro, wozogeza nemvura nezipo. Gezazve muhapwa, muzvidya, pakati pemagaro, kuseri kwezheve, pasi pemazamu, zvese neVinegar kamwe chete pavhiki. Zvinoitisa muviri wako usaita hwema hwakaipa (BO). Hwisisa kuti iwe muridzi kuna une BO, hauzvizivi. Zvinohwikwa nevamwe. Usaisa mvura mukati mechitubu chako. Usapinza zvinhu mukati. Munongopinzwa TAMPON kana chombo chomurume chete chete. Ungakuvadza maMEMBURANE ari mukati kana kukanganisa BALANCE yema CHEMICAL arimo. Munhu kadzi wega wega ane munhuhwi wake wakasiyana newevamwe. Munhuhwi uyu unobva paberi uye varume vakaunhuwidza havanatsi kuziva kuti vaunhuwidza asi chombo chinomira nezemo. |
7 | Ndinorwadziwa pakurara nomurume. Chii chikonzero? | Kugwadziwa pakuisana kunokonzegwa nezvinhu zvishomanana zvinoti: 1 Kusanyorova: Kune vasinganyorovi pakugadzirira kuiswa. Kana uri umwe wavo zvinoreva kuti unofanira kuhwisisa chiri kukuitisa kusanyorova. Pane zvinokwanisa kuitwa kubatsira vasinganyorovi asi chokutanga kutenga inohi KY jelly woizora pachombo chomurume asati apinza chombo. 2 Kana une INFECTION zvinogwadza kupinzwa chombo. Kana zvichangatanga kuitika hwisisa kuti unokwanisa kunge une chigwere chechikadzi kana kuti wakapia chigwere nomurume, kana kuti kana wakambofambafamba unokwanisa unge wakachibata kuzhe. 3 Unokwanisa kunge une chigwere chokutya chombo chinoita kuti usarerusa muviri pakuiswa. Zvinoita kuti ugwadziwe. Kana zvirizvo pane zvinokwanisa kuitwa nevarapi asi vamwe varapi havana hanya nazvo saka vanongoti dzokera kumba hauna dambudziko. |
8 | Chii chinonzi kutizira? | Kutizira : Kana ukavata nomukomana asiri murume wako iwe uri musikana asinawo murume, Mukasashandisa Kondhomu uye iwe usiri kumwa mapiritsi okudzivirira mimba, ukaita mimba. Pamutemo wechivanhu ukaudza mukomana kuti une mimba yake, akakuramba, unofanira kutizira kumusha kwake kubva kuvabereki vako. Wasvikako woudza mhuri yake kuti une mimba yemwana wavo. Ivo vodana mwana wavo vomubvunza kuti anoyeuka here kuti makamboisana. Kana akabvuma zvapera iwe wotogarako watove mukadzi wake. KUnodiwa kundodaidzira kuti "TSVAKIRAI mwana wenyu kwedu." Pochitanga nyaya dzokuroora kana kuti mukomana asingakudi mhuri yake yobvisa DAMAGE. |
9 | Mapundu kumeso zvinobviswa sei? Ndebvu kumeso dzinobviswa sei? | Kana une mapundu, vamwe vanoti manheru kana woenda kunovata, zora COLGATE kana imwe TOOTHPASTE, worega yooma, wovata zvakadaro. Mangwana wofumogeza, manheru wozorazve COLGATE. Handizivi kuti zvinoshanda kusvika papi saka ukazvizama, ukaona zvichishanda ndokumbirawo unditumire mwadhi kuti wazvionawo se. Vamwe vanoti kamwe chete zvinoita. Ndebvu pamunhukadzi dzinoda kuenda kumunhu ane muchini unoita "Electrolysis" |
10 | Kukwira mukadzi asina matinji kwakaipa here? | Hakuna mukadzi asina matinji. Vese vane matinji asi kungosiyana saizi yawo chete. Vamwe vane madiki chose zvokuti ungaona sokuti haana asi bodo aripo kungova madiki chete. Pakuvatana hapana siyano ingahi iripo nokuti matinji makuru kana kuti madiki. asi pakutamba nawo ndipo murume angahwa pakubata kana kuaona kuti mukadzi ane makuru kana madiki. Mapedza kutamba, hapana siyano kana chombo chapinda mumukadzi. Kungoti pachivanhu chedu tinoda kugarotaura nenyaya yematinji. |
11 | Kumutsa chombo chomurume kunoitwa sei. | Kumutsa chombo hakunetsi kana murume ane utano. Kungopurudzira magaro emurume kana kumusveta minyatso, kana kumupurudzira zvidya sezvavanongotiitawo isu varume. Kungozevezera muzheve yemurume kuti une zemo chete zvinomisa chombo chake nokukasira. Chombo ndicho chinhu chisingambonetsi mumutsa. |
12 | Murume kuti anzi agutsa mukadzi pabonde zvinenge zvamboita sei chaizvo | Hakuna umwe munhu anokwanisa kufingira mukrume wemunhu kuti agutsa mukadzi wake kuzhe kweiye mukadzi wake. Saka kana uchida kuziva kuti mukadzi wako aguta here kana kwete zvinotori nani kubvunza iye mukadzi asi sokuziva kwangu kuti ndifunga kuti ndaguta zvinobva ne MOOD yandiri pakuisana kwedu. Pane musi wandine zemo zvokutoda kutundiswawo pota musi wandinongoda kuhwa chombo chiri mukati nokuva pedo nomurume wangu zvisinei nokutunda. Saku kuti ndihi ndaguta ndenge ndaita zvandiri kuda ipapo. Pamwe unotanga usinei nokutunda asi pakukoirana kwenyu fungwa yofunga zvimwe zemo rokwira zvokubva wada kukutunda Kana murume akatunda usati watunda unozvipedzisa nemaoko. Murume akakasira kuona kuti hauna kutunda asi uri kuda anokwanisa kukusveta minyatso, guvhu, mutsiba, zheve, uku iwe uchizvikwiza bhinzi nemaoko wobva wakasira kutunda. Kuguta kwemudzi kunosiana zuva nezuva. |
13 | Mukadzi anoshusha murume chikonzero chii? | Chikonzero chikuru kushaya kuiswa kwakakwana uye kuhwa sokunge murume wake haamudi zvakakwana. Mukadzi anogaroiswa kushusha kwake kushoma. Chake kungoda kufidha murume wake chete. Mukadzi wechidiki sokuti makore ari pasi pe 30 vakawanda verudzi gwedu vanoda kuiswa kaviri paziva kana kupfuura. Muchangoroorana munokwanisa kusvika kuma 18 pavhiki. Inohi BONDING PERIOD. Kunozoti majairirana moita kuma 12 and 14. pavhiki. Mukazito makore kana mashanu mochiita kuma 8 pavhiki asi QUALITY YAVHO inenge yawedzerawo zvokuti mukatanga kuisana mune nguva yacho unotunda kaviri kana katatu murume asina kutunda. Zvinonaka zvokuti kana usina chiri kukudya moyo. Kana akakusveta bhinzi unokwanisa kutanga watunda asina kukupinza chombo. Ukazovata nedumbu iye okupinza nekumashure, ukasimudzira chiuno, pansvika pekuti anonogofa mudzi webhinzi mukati mako ugotunda futi. Hakuna zvokufunga kushusha murume. Unongofunga kumufidha chete chete. Varume imbozamai kuwedzera zvinhu kana uchiona kuti mukadzi ane ATTITUDE isangakodzeri. Haasi kuguta. |
14 | Unoona sei kuti mukadzi ari kuhura? | Kuhura kwemunhukadzi kunonetsa kubata kupfuura kwemunhurume nokuti vakadzi zvinovatyisa kuzikamwa chihure. Kuti munhukadzi abatwe achihura anenge abatiswa nomurume waari kuhura naye nokuti varume vanofarira kuzvirova dundundu kuti avata nomukadzi wemunhu. Kashoma kukwanisa kuziva kuti mukadzi wako ari kuhura. Ukaona wava kuzviziva zvoreva kuti ahura nguva refu. |
15 | Kuroiwa wakarara kuita sei? | Kuroiwa wakarara hachisi chiitiko chaicho chingahi chakaitika asi kuti iwe unokwanisa kurota chimwe chinhu chinityisa chichiitika wobva wapepuka zvichikutyisa. Hapana chinenge chaitika. Hakuna chiitiko chinohi kuroya chinoitika usiku. Dzinongova ngano dzakatangwa nevakuru vedu kare kuti vanhu vechidiki vasajaira kufamba usiku. Saka vakuru vakabva vasanganisa nyaya idzi nemhuka dzinofamba usiku dzakaita semapere, mazizi, hurekure, nyoka, nezvimwe zvakadaro. Hazviiti kuti munhu akura akwanise kugava bere rigokwanisa kumhanya naye. Inhema dziri pachena asi vanana vanemakore ari pasi pegumi nemaviri, vanokwanisa kutofunga kuti ichokwadi. |
16 | Murume wangu anouya kumba makuseni? | Zvinobva nokuti anenge achibvepi. Kana achishanda usiku hapana chakaipa. Kana achishanda masikati kana kuti asingashandi pamwe anenge ari kubhawa, pamwe anodhakwa ovata musango, pamwe anovata kushamwari dzake kana hama dzake. Pamwe ane mukadzi waanofambidzana naye. Iwe kuti uzive kuti anenga aripi zvoda kuti umubvunze motaurirana kuti ange aripi musi iwoyo. Murume kana asina mufaro mumba anokwanisa kana kuvata mumota ozopinda mumba mangwanani. Kana mune nyaya mumba menyu, iwe mukadzi usingahwisisi kuti murume anogagwa naye sei, panoita zvakawanda zvausingahwisi kusvika wabvunza usingapopoti, mobva mataurirana musoro wenyaya mogadzirisa mogara zvakanaka. Kutanga watinyorera kuti kureva kuti hamusi kutaudzana. Mese mune misoro yakaoma. Manje uchazopiwa siki. gadzirisa nyaya. |
17 | Chii chinoita kuti murume agare akaneta? | Chikuru hunge ane chigwere chomoyo kana kuti ane ANAEMIA, kana Diabetes. Anofanira kukasira kundoonekwa kuti audzwe zvokuita nokuti zvimwe zvigwere zvakadai zvinokwanisa kukanganisa upenyu zvachose. |
18 | Ndingabvisa sei munyama? Ndave nemakore 23 but handina mukomana. | Hakuna chinhu chinohi Munyama. Ndiwe unongozvikonesa kuwana mukomana nokuda kwezviito zvako. 1 Jaira kubuda uchindofugwa nemhepo uchionekwa nevakomana vemuraini uye vamwe vanovhakasha. 2 Potawo uchipinda mutaundi kune vamwe vanhu. 3 Pfeka zvinoonesa mamirire awakaita. Varume vanofarira zvavanoona vasati vatsvaka unhu. 4 Shamwaridzana nevamwe vasikana vanogaronyengwa zvinoita unyengwewo. 5 Dzidza kutaura nevamwe chero makamirira bhazi. Ita nyaya vanhu vakubvunze kuti ndiwe ani utaure. 6 Enda kunoungana vanhu, kumachurch, kuma Club ezvaunofarira joinako ugaroenda. 7 Ukasiya zita rako (pasina Surname) pano ukangotaura kuti uripi uye unoda mukomana akaita sei. haungamboshayi. 8 usagarozviudza kuti une munyama, nokuti unobva waita somunhu ane munyama. Ratidza CONFIDENCE uye usangomhanyira kudanana nomukomana umboita nguva uchimuongorora. Varume vanookuona se CHALLENGE kana uchimborambirira asi usingabudi pachena. |
19 | Ndoita sei kuti murume wangu asada umwe mukadzi? | Hapana zvaunokwanisa kuita kuti murume wako asada umwe mukadzi. Iyewo hapana zvaanokwanisa kuita kuti iwe usada umwe murume. Kuhura kunoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye kana kuti nyakuhura akakurira mumhuri yakaita sei. vana vanokurira mumhuri dzine vabereki vanohura anozohuravo kana awanikwa zvisinei kuti murume kana mukadzi. Kozoitawo vakadzi vashomanana vanohura nokuda kwekushaikwa kwemari mumba. Munhukadzi kutanga kwake kuhura kushaikwa kwerudo mumba kubva kumurume wake. Varumewo akashaya rudo mumba anokwanisa kutanga kuhura. Kuhura kwemunhu kunonetsa kudzivirira nokuti haakuudzi kuti ava kuda kuhura. |
20 | Chii chinokonzera kubuda kwemvura munhengo yemukadzi? | Kana munhukadzi akaita zemo, zvisinei kuti anoziva kuti ane zemo here kana kwete, anobva atanga kunyorova kuzasi. Kana zemo rikaramba richiwedzera, anobva awedzerawo kunyorova. Kunyorova kwakaitigwa kuti paanozopinzwa chombo zvisagwadza murume nemukadzi nokuti mukati make menge muchitsvedzerera asi muchikwanisazve kukweshana nechombo kuti mese munakigwe. Mukadzi asinganyorovi ane dambudziko guru uye anogwadziwa pakuiswa. |
21 | Kusunga murume chinhu kuti asahura kunoitwa sei? | Hakuna zvakadaro zvinoitika kana munyika ipi zvayo. Saka usatambisa nguva yako uchifunga izvi. Kana usina CONFIDENCE pamurume wako kuti haakuhuriri, zvoreva kuti une dambudziko guru mumba mako. Hakuna mushonga unoregesa murume/mukadzi kuhura. Kusunga inyaya dzevanhu vakadhakwa idzo kana kuti dzevanhu vaperegwa vasisina mamwe mazano okuti vadanane nevakadzi/varume vavo. Hazvishandi. |
22 | Kubata chombo chomurume kwakanaka here, uye kunobvumidzwa here? | Zvinobva nokuti murume wako here kana kuti kwete. Ukabata chombo chomurume asi wako unokwanisa kusungwa ukaenda kujeri. Kana ari murume wako chombo ndechako kuita zvaunoda nacho. Kuchibata chinhu chakatonaka chose uye zvinobvumigwa. mAbatire ako anobva pakuti iye anofarira chii. Mubvunze kuti anofarira zvipi. asi kupurudzira, kurezva, kusveta, zvese zvinoitwa pachombo uye zvinofadza mese. |
23 | Musikana anobatwa sei kuti anzwe kuda kuvata newe? | Kuti Musikana zvinoreva kuti haasi mukadzi wako. Kureva kuti iwe haufaniri kufunga nyaya dzokumubata kuti aite zemo. Unokwanisa kuti ava kuda kuvata newe, ugomubata agokusungisa. Kana ava mukadzi wako, Hwisisa kuti umwe noumwe mukadzi akasiyana nevamwe. Unotoita zvokuhwisisana naye kusvika waziva zvinomuitisa zemo. |
24 | Mukadzi wangu anochema pese patinoita bonde. Zviri normal here? | Hapana chingahi chiri NORMAL panyaya dzokuisana. Iwe nomukadzi wako ndimi muri NORMAl pazviito zvenyu pauviri hwenyu. Kuchema zviri NORMAL pamukadzi wako kana achinakigwa nokuiswa. Hazvinei kuti vamwe vakadzi vanodii. Iwe hwisisa zviri NORMAL kumukadzi wako. NORMAL youmwe munhu haina kufanana neyeumwe. Asizve, zvinokwanisika kuti anochema nokugwadziwa. Saka iwe paanotanga kuchema imbomira zvauri kuita wobvunza kuti ari kuhwa sei. Mhinduro yake ichakuudza kuti ari kunakigwa here kana kuti ari kugwadziwa. Kana achigwadziwa kazhinji inyaya yokuti munoisana asina kunyorova. Saka wanai mukana wekuti anyorove. |
25 | Kudzora nhengo yemunhu kadzi kunoitwa sei? Zvikuru kana azvara mwana. | Verenga apo http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kusimbisa-masuru.html Ugozama kuita zvimwe zvacho. |
26 | Ko kuzvara kunorwadza here? | Kuzvara kunogwadza hako chose asi hauna nguva yokufunga nezvokugwadziwa. Fungwa inenge iri pakuti mwana abude chete. Mwana kana ada zvokubuda anofanira kutobuda chete. Usazvinetsa nokugwadza kwekuzvara. Ukangotanga chete unototi upedze. Hana chimwe chokuita. |
27 | Mutemo wekuroorana pachivahu unotii? | Zvinobva nokuti muri kupi mu Zimbabwe. Asi kwedu kuMasvingo kana mada kuroorana, musikana ndiye anonoudza tete, kuti ava nomukomana. Tete vanofanira kusanganiswa nomukomana wacho vokurukurirana vohwisisana. Musikana anorongegwa kunoona musha wemukomana. Anoperekedzwa natete. Kana vadzoka afadzwa nezvaaona, tete voronga naana babamunini vemusikana kuti mhuri yomurume inouya riini kuzokumbira. Panoitwa zvimwe zvakawanda, roora ronyoresanwa pasi mombe youmai yobviswa. Kubva ipapo wava mukadzi wemunhu. unobvumigwa kuvata naye, pachivande asi munofanira kumirira musi wemuchato. Mukachatiswa, unoperekwa kumurume naanatete, vana tete vemurume nevemusikana vanoita INSPECTION yemubhedha kuti pakabuda ropa here. Kana wange usiri mhandara nechekare unopiwa ropa rehuku wodonhedza pamubhedha vanozoita Inspection voona. |
28 | Ndedzipi nzira dzekufadza murume mumba napabonde? | Umwe noumwe murume ane zvinomufadza zvakasiyana kana kufanana nevamwe varume. Iwe hwisisa murume wao pakutudzana nokupota uchimubvunza kuti anoda chii, akakuudza womuitira ofara newe. Usajaira kukopera zvinoitwa nevamwe. Bvunza murume wako. Iwewo udza murume wako zvaunofunga kuti ungada. Ndiko kutodzidzirana kwacho. |
29 | Kudzivirira kunhuwa mukanwa | Mukanwa munonhuwiswa nemazino akaora, nekusakwesha mazino, nokudya zvokudya zvinonhuwa. Kuti musanhuwa tanga nokukwesha mazino kaviri pazuva. Kana usina TOOTHPASTE kwesha nemadota. Kana une zino rakaora enda kwa DENTIST rindorapiwa. |
30 | Ko murume anoburitsa urume senge madrop anosvika 5 anokwanisa kupa mukadzi pamuviri here? | Kuwanda kweurume (semen) hakunei nokuitisa mumba. Chinongodikwa imhodzi (SPERM) dzacho chete. Kuwanda kweurume kuinitiswa nokuti murume aswera achimwa mvura yakawanda sei. Chete chete. Saka kana murume wako achiburitsa ushomanana mukurudzire kumwa muvura yakawanda. Unozovata uchivhinza usiku hwese. Asi hazvinei nokuti unobata mimba here kana kwete. |
31 | Kupinzwa chombo kunorwadza here? | Kupinzwa chombo usina kunyorova zvinogwadza. Kana wada zvechombo, imborega murume wako achikupurudzira pamberi nokutambisa bhinzi nematinji ako kusvika wanyorova. Zvadaro kupinzwa hakuchagwadzi. kunotonaka zvokuti unongozoona wava kutobatirira nokuchemerera pasina ambokuudza kuti ita izvi. |
32 | Ndokumirawo kubvunza kuti zvinoita here kuti vabereki vangu vazive zvandisingazivi. Vari kuti ndakadyiswa nomukadzi wangu. | Vabereki kana mwana aroora vanokasira kuhwisisa kuti zvese zvavanga vachiwana kubva kumwana wavo zvava zvemhuri yake nomukadzi wake. Kune vabereki vanohwisisa kuti mwana ava nomukadzi saka zvonetsa mugovana nomukadzi wake. Kana vakasahwisisa nyaya vanokwanisa kukunetsa iwe panyaya dzezvanoda kuti iwe unge uchiita uye dzokuti mukadzi wako ange achiita. Kukuudza kuti wakadyiswa, inongori FRUSTRATION yokuti sei vasiri kukwanisa kukudza zvavanoda uye iwe sei uchiita sokuti uri kuterera mukadzi kupfuura vabereki. Haitongeki nyaya yako saka iwe ukatogumbuka pazviri wava kutowedzera nhamo dzako. Hakuna chinohi kudyiswa saka usaita hanya nazvo. Asi wana mukana wekutaura nevabereki vako, zvikuru mai. |
33 | Pane mushonga wekubvisa mimba here? Please musandituka. | Mishonga Yokumbisa mimba iriko yakawanda asi pano hatikurudziri munhu kubvisa mimba nemishonga yakadai. Kana waita mimba, chirega zvakadaro kusvika wazvara mwana wako. Kubvisa mimba chinhu chausingakangamwi kusvika wachembera. Kana wabvisa mimba fungwa dzako dzinohwisisa kuti mwana ashaika, asi hapana rinda raunokwanisa kuenda uchinoona sezvinoita vamwe vakashaikigwa nevana. Kana ukaona mwana wezera remwana wako unozvibvunza kuti dai ndine mwana wangu aidai asvikawo pazera iri here? Hazvisi nyore kugara zvakanaka wambobvisa mimba. Pano ndinowana nyaya zhinji chose pakubviswa kwemimba. Dai wahwisisa kuti hachisi chinhu chakanaka. Enda kuna mai vako kana imwe hama uvaudze kuti une mimba uwane wekutaura naye. Kana zvichikunetsa ndinyorere, asi handikwanisi chose kukubatsira kubvisa mimba. |
34 | Kunyima murume imhosva here? | Zvinobva nokuti wakavingei pamurume uye wakamuudza here kuti chawakavinga ndeichi mukabvumirana izvozvo kubva pakutanga. Zvinobvazve nokuti unoda kugara nomurume wako here kana kwete. Kunyima murume zvakafanana nokuti woenda kuchitoro wopa muridzi wechitoro mari uchida kutenga Grocery, iye ogamuchira mari asi wokunyima GROCERY, iwe wobvunza kuti Kunyima nyakutenga GROCERY imhosva here? Vanhu hwisisai kuti kana une murume/mukadzi hazviiti kuti umushotese pakuvatana ugogara naye zvakanaka mumba. Kukapera makore kana maviri tinokuona wasvika pano futi uchibvunza kuti woita sei nokuhura kwemurume. Hakuna achakubatsira. Uri kuzvibikira mbodza wega. |
35 | Kurebesa bhinzi kunoitwa sei? | Ko zvamboita sei kuti ude kurebesa bhinzi yako? Kana uchifunga kuti murume wako achaishaya, ingovhura makumbo wobhenengura matinji wotaridza murume pane bhinzi ako. Kureba kwebhinzi hakuna zvakunobatsira nokuti ma NERVES aripo haawandi achiti nokuti bhinzi yareba. Asi kana zvichikunetsa chose pane zvipombi zvinohi VACUUM Pump zvinoshandiswa nevamwe kurebesa bhinzi. Enda unotenga uzame asi hwisisa kuti zvinoita nguva sokuti mwedzi mitatu kana mina uchipomba zuva nezuva. Wochenjera kuzvikuvadza. |
36 | Kukurumidza kutunda pakuvata nomukadzi kunobva papi? | Zvinobva pakushaya hanya nomunhu wauri kuvatana naye. Zvinobvazve pakusagarovata naye zuva nezuva. Kana muchangosangana unenga usina kujaira kuvata nomukadzi saka unongoti kupinza nokutotunda pamwepo. Zvinoda kuti panguva iyoyo muwanze kuisana kwenyu sokuti katatu pazuva kana kupfuura. Kana muchivata mese usiku hwese potai muchimboita nyaya makapinzana musingafakanyiki, kuti ujaire kudziya kwemukati memukadzi. Kana maita kanyaya kenyu, wombobuda mumukadzi, moitazve nyaya makambundikirana asi musina kupindana, mozopindanazve moita imwe nyaya. Iyi itsika yokuti ujaire kudziya kwemukati memukadzi. Potazve uchiti kana uri mukati memukadzi wotanga kufunga zvinhu zvisinganakidzi, sokuti mbudzi yatsikwa nemota, kana bere rapindira madhongi mudanga renyu. Zvinotora nguva uye zvinoda kubatsirana nomukadzi wako. Mukadziwo ngaaite tsika yokutamba nechombo mumaoko ake kuti ujaire kubatwabatwa pachombo. |
37 | Chii chinoita kuti urwadziwe kana uchiita bonde nomurume? | Kana wada zvebonde nomurume, tanga nokuhwisisa kuti munhukadzi wese anofanira kutanga anyorova murume asina kukupinza chombo. Kuti unyorove tora ruoko gwemurume uise pakati pemakumbo ako woudza murume kuti akukwenye zvinyoronyoro nokuti pari kuvava. Achikukwenya wedzera kuvhura makumbo uye ratidza kunakigwa kuti awedzere kukwenya. Chibatawo chombo chomurume upurudzire iye achikukwenya. Chitanga kufunga chombo chaunacho muruoko chichikupinda zvinyoronyoro wakavhara maziso nokurerusa muviri wakasimudzira chiuno kana kufongorera murume wako. Uchahwa zasi kunyorova. Unohwa kuzasi kuchiti nyevenyevenyeve kudavira kukwenya kwemurume. Rega kunyorove. Kisana nomurume wako. Muudze apinze chigumwe mukati akwenye kumadziro ukumusoro kwakananga kubhinzi. Tora ruoko gwake umukwenyese pedo nebhinzi. Kana wahwa zvisisaiti kuti usapinzwa chombo chiudza murume apinze akukwenye nechombo mukati. Uchahwa kuti kupinda kwake hakugwadzi. Kana usinganyorovi zvachose enda unotenga inohi KY Jelly utevedzere mashandisigwe ayo. |
38 | Mapundu pamberi pemunhukadzi anoitiswa nei uye anobviswa sei? | Kana waita mapundu pamberi, zvisinei kuti akaita sei, Kana wakakura usina mapundu ipapo, kasira kundoonekwa kuchipatara uye usa vata nomurume kusvika wahwisisa kuti inyaya yei yaitisa mapundu. Kana wange wagara une murume uye uri munhu asingahurisi, hwisisa kuti pane chakaitisa mapundu here chawakaita iwe sokuti wakachinja sipo yaunosishandisa, kana kuti wakaisa PERFUME pamberi kana chimwe chausingasiiti. Zvokwanisikzve kuti murume akakuhurira. Kana kuti wakangoitawo chigwere chechikadzi. Kune zvigwere zvechikadzi zvisinei nokuhura. Asi kasira kundoudzwa kuti chii chaicho. |
39 | Kuiswa nemurume wemunhu kwakaipei. Nezuro ndakaiswa nemurume wemunhu asi anoti haarare nomukadzi wake. | Apa uri kubvunza kuti kuhura kwakaipei. Hausi mubvunzo ungabvunzwa nomunhu apfuura makore gumi uyu. Kuhura nomurume wemunhu zvoreva kuti iwe wacho hautombohwisisi kuti uri benzi rakaita sei. Zvokuti haavati nomukadzi wake hazvinei newe izvo. Iwe kana uchida kuvata naye mirira kusvika varambana, asi pachaita kanguva iwewo ugohurigwa nomurume uyu. Hazviiti kuti munhu anohura akwanise kuregera kuhura. Pari zvino nokusahisisa kwako ziva hako kuti ukita mimba, chigwere, kana kuti ukabatwa nomukadzi wake, murume wacho haamiri newe, unotohwa okutuka kuti uri hure. Izvozvi ari kuudza shamwari dzake kuti uri hure rake. Ndiko kuipa kwacho kana wahwisisa. |
40 | Panotunda murume muchitubu mukadzi anonzwa kunakirwa here? | Chinonaka pakuiswa chiri patatu panoti: 1 Panotanga kupinda chombo pana kanguva kadikidiki paunohwa muviri kunakigwa nokupindwa. Asi kana usina kunatsonyorova zvnogwadza zvobva zvakanganisa nyaya yese. 2 Pakukoirana nomurume chombo chichikwesha mukati, zvinonaka chose. 3 Pakunakigwa zvokusvika pakutunda kana murume akunonokera. Asi hwisisa kuti vanhukadzi vanotunda kubva pakungopinzwa chombo nokukoigwa vashoma. Mhomho yese inoda kuti uku murume ari kukukoira uku iwe kana murume ari kukwizirira bhinzi. Zvinonaka izvozvo. Kozotiwo kusvetwa kana kunazvwa bhinzi kunonaka kupfuuta kuiswa. Pakutunda kwemurume vakawanda havatombohwi kutu murume atunda. Kungoona nemaitire ake kuti ari kutunda. Asi kana mukakwanisa kuti iwe wotanga kutunda murume otevera. Ndizvo zviri nani. |
41 | Kuchekwa chombo uri pabonde zvichirwadza kunofamba sei? | Kuchekwa chombo kunoitika kuchipatara kwete pakuisana. Kana wachekwa chombo wotombomirira zvopora mozotanga kuisana zvapora, kwete kungoti uchichekwa uchibva watoda zvokuisana ipapo. Hakuna mukadzi akachenjeta angada kukucheka chombo. Ndezvekuchipatara izvo. Kugwadza zvinofanira kugwadza zvisinei kuti wachekwa kupi, kumba kana kuchipatara. Kana mada zvokuchekana kumba, shandisai zvichekeso zvakabviswa majemhisi. |
42 | Mushonga we kuvava muviri wese (munyaviri) unowanikwepi? | Munyaviri unohi ALERGY pachirungu. zvoreva kuti haurapiki. Hachisi chigwere asi i CONDITION. Saka mushonga ndewekungoti usashushikana nokuvaviwa. Ukaenda ku CHIMIST vanokupa mushonga wekuti zviite sezvisiri kuvava. Vamwe vanoti unofanira kugeza neruredzo kunobatsira. Zvino dzimwe nguva ruredzo hakuna. Kana usingazivi kuti ruredzo chii, ndinyorere. |
43 | Mukadzi anoramba bonde, zvinoitiswa nei? | Vakadzi vakawanda vanoramba kuvata nevarume vavo inyaya yokuti murume anokasirira mukadzi saka mukadzi obva aona kuvatana nomurume kuri kutambisa nguva nokuti haawani mukana wekunakigwa. Koitazve nyaya yomurume anozikamwa kuti haadi mukadzi wake asi anongoda kuvata naye chete. Mukadzi anoziva kuti mumba hamuna rudo haaoni zvakakodzera kuvata nomurume wake. Kuitazve murume asingabatsiri mukadzi mabasa emumba. Mukadzi anoneta obva ada kungovata. Murume asingatsvakiwo kupa mukadzi zemo haafadzi kuvata naye. garobatabata mukadzi wako uchimuudza nyaya dzinosetsa nokuterera zvaanotaura. Akasimika kundotora mvura yokumwa, simukawo uende naye muchiita nyaya. Achibika miramira pedo muchiita nyaya. Asizve, kana asisakudi haadi kuvata newe futi. asi chikonzero chikuru pakuti arambe ndiwe. |
44 | Cancer inokonzerwa nei? | Chigwere chinohi CANCER hachisi chigwere chimwe chete. Chine mabato akawanda. Zvikonzero zvacho zvakawandawo hazvo asi zvimwe zvacho zviri pamugwere anoita cancer. Cancer yemapapu inoitiswa nokuputa fodya Cancer yepamuromo wechibereko (CERVICAL) inoitiswa nokugaroiswa nevarume vakawanda pasina Condhomu, uye kutanga kuisana nevarume une makore ari pasi pe 18. CANCER yepaganda inoitiswa nokugara usina kupfeka kuchipisa zuva Cancer yepahuro inoitiswa nokuputa fodya Kune cancer dzakawanda chose 85% dzinokonzegwa nevanhu nemagarire nemaitire avo. Kugara munzvimbo ine tsvina, Kusadya zvokudya zvakakodzera vanhu, Kusamwa mvura yakakwana, Kusavata nguva yakakwana, Kugara une STRESS mumuviri Zvese izvi zvinokonzera CANCER yebato iri kana iro. Vanhu vanoita CANCER iya yokuti wangoitawo munyama havapfuuri 15% yevanhu vese vane CANCER. |
45 | Kusveta sikarudzi yemurume kwakanaka here? | Kusveta murume zvinobva nokuti unoziva zvaari here uye unovimba naye here. Kana usingazivi STATUS yake uye usingagari naye, uchiziva maitire ake, Uchizivazve kuti haahuri nevamwe vakadzi/varume, usasveta chombo chake kana kumurega achikuinza chombo asina kupfeka kondhomu. Kana ari murume wako uye uchinatsa kuziva kuti haahuri uye haana zvigwere, unokwanisa kumusveta asi hwisisa kuti unotangira nechekure uko wotanga wajaira kumbotamba nacho mumaoko uchiratidza murume kuti unochifarira. Uye uchimupawo mukana wekutamba nebhinzi yako nematinji ako. muchijaira kubatana pamberi. Kongozotiwo umwe musi kana akakukumbira kuti sveta wotaidza kuti uri kutodzidza kusveta kwacho. Kozoto wambodzidza uchimubvunza kuti zvinonaka ndezvipi, wozogarosveta zvinonaka zvacho. Kune varume vanovhunduswa nazvo koita vamwe anonakigwa chose asi agokubvunza kuti wakazvidzidziswa nani. Varume vamwe havabvumi kuti isu tinokwanisa kuzvifungira maisigwe atinoda pasina umwe murume akatidzidzisa. Hauwa kana ari wako sveta hako uye achanakigwa nazvo chose iwewo zvinokufadza uye zvinobatsira kukurerusa muviri pakuzoiswa wapedza kusveta. |
46 | Chikapa chengwena chinoitwa sei | Ngwena hadziiti chikapa. Vanhu chete nedzimwe mhuka shomanana ndivo vanoita chikapa. Ko wadireiko kutora ekizambhuro kungwena? Ko kungoita chikapa wega kudzidzira kusvika murume wako ava kukupa rukudzo pazviri zvakaipeiko? Siyana nengwena. |
47 | Nhova in English inonzi chii? | Nhova inonzi FONTANELLE. Inoitiswa nokuto mwana pakuzvagwa mabhonzo emumusoro anenge asina kunatsopera kugadzigwa, kuitira kuti mwana akwane kubuda mudumbu ramai nokuti nzira idiki. Uyezva kana abuda, anenge asingagoni kutaura zvaanoda. pane zvaanoda chikuru imvura yaanopiwa iri mvura kana kuti mukaka. Unoona kuti mwana ava nenyota kana nhova ichitamba. Kana waona nhova ichitamba kasira kumwisa mwana mukaka kana mvura. Nhova hachisi chigwere uye haikonzeri chigwere asi vana vemuAFrica vakawanda vanourawa nokuti mai havahwisisi nhova. vanoona ichitamba voisa mushonga wenhema wavapiwa kumunhu anoda mari pane kumwisa mwana. Pakufamba mumota kana bhazi unoona nhova ichitamba kana mubhazi muchipisa, Bvisa zvipfeko zvemwana arohhwe nemhepo kwete kumuputira. Anokwanisa kukugwara kana kutoshaika nazvo. Zvinoitika kune vakawanda. Usaputira mwana kana kuchipisa. Mwana anozvagwa ane BODY FAT yakawanda kuti ahwe kudziya. |
48 | Chii chinomisa munhu kuzvara | Kana wambozvara, ukazosvika makore anopfuura 32 unokwanisa kupera mazai wobva washaya mwana. Munhukadzi anozvagwa ane mazai ese aachada muupenyu asi kuti anenge asiri MATURE. Kunozoti atanga kuenda kumwedzi Zvikandiro zvake zvinochinjana kukandira zvichiti mwedzi uno zai robva kuruboswe, mwedzi unouya robva kurudyi. Saka pagore anokandira mazai gumi nemaviri. Zvodaro kusvika apfuura makore 32. Vamwe vanotanga kushaya mazai vobva varega kuenda kumwedzi, Vamwe vane mazai akawanda vanokwanisa kuenda kumwedzi kusvika makore kuma 45 kana kupfuura. Kana mazai apera hauchaiti mumba asi kuisana nomurume unokwanisa kutowedzera, uye kunakigwa kunowedzera futi. Mukadzi ane makore kana 70 kana kupfuura anoita ORGASM uye ORGASM yake inonaka kupfuura yevechidiki. kungoti anononoka kunyorova kuti apinzwe chombo. Asizve mukadzi anogaroiswa anokasira kunyorova zvisinei kuti akura zvakadii. |
49 | Chihure chemukadzi akaroorwa chinoitiswa nei. | Mazuvano vakadzi vava kungotevedzerawo chihure chevarume asi STILL varume vanhura kupfuura vakadzi kana tichitarisa vanhu vakaroorana verudzi gwedu. Uyezve mahurire avo akasiyana zvese kubva pazvikonzero kuscika pamaitire. Murume anohura zvisinei kuti kumba anogutswa here nomukadzi wake kana kwete. Mukadzi kazhinji anohura nengari yokusagutswa kana kusapiwa rudo nomurume wake. Ndiri kuti KAZHINJI nokuti kune vakadzi vanongohurawo zvisine kuti kumba kwakadii, asi vashoma pane varume vanohura pasina chikonzero. Kuvata nomurume anokukasirira zvinoitisa SEXUAL FRUSTRATION zvokuti muviri unotsvaka kugutswa munhu opedzisira akwezvwa kuchihure. Kusapiwa rudo mumba ndicho chikonzero chikuru pakuhura kwevanhukadzi. Murume ngaagaroratidza mukadzi wake rudo. Kushungurudzwa nokushaikwe kwezvinhu mumba kunohurisa vamwe vashomanana. Kana pasina zvinhu zvoupenyu mumba wedzerai rudo mutambure mese pamwe chete asi murume ngaaratidzewo kuti ari kuzama kugadzirisa zvinhu. Kugara makatarangana kunohurisa mese murume nomukadzi. Apa ngatisaudzana nhema. Kutarangana hakushandi pavanhu vakaroorana. Kuita murume ane hasha mumba, mukadzi anotanga kuhura iri nyaya yokutsvaka rudo. kana mukadzi akakura achiona mai vachiuya nezvikomba mumba baba vasipo kana kuti vakashaika, mukadzi anokwanisawo kuzohura zvaaiona mai vachiita. Sezvinongoitawo vakomana kana baba vaihura. Koitawo mukadzi ane murume akanyanya kunaka asina hasha, asingapopoti, asingarambi kuita zvinoda mukadzi wake. Kune vakadzi vanoda murume anonetsa anoratidza kuti ndiye she wemumba. Saka unoona mukadzi achisiya zvese zvakanaka mumba achinohura nechimurume chisina kana sipo kumba. Koitazve mukadzi akakura asingaoni zviitiko zvenyika. anoroogwa ari mhandara asi akangoravira chombo oita DHIMONI rekuda chombo. Anohura pasina chikonzero chinoonekwa. 30% yevakadzi vanotombohura dzimwe nguva, 33% yevarume vanohura. Varume vane mabhora mahombe vano CHANZI yokuhura kupfuura vane madiki. Ndiko kusiyana kwevanhu. |
50 | Kubuda zvinhu zvichena kusikarudzi yechikadzi | Munhukadzi anokwanisa kubuda zvinhu zvichena panguva dzinoti 1 Kana kumwedzi kwave pedo 2 Kana achangbva kumwedzi 3 Kana muchiisana 4 kana mapedza kuisana Hapana chakaipa asi kuti ukahwa kuzasi kwako kune hwema hwakaipa uye kuchibuda DISCHARGE ine hwema, hwisisa kuti une INFECTION saka unofanira kundoonekwa nevarapi, zvikuru kana kuchivava. Kana uri kure nevarapi kana kuti usina mari, tsvaka GARLIC woimenya kusvika yave chena, woboora buri wosungisa tambo woisa mukati asi kwete kure, wosiya tambho yakabudikira kuti ugokwanisa kudhonza uchibvisa. Mangwana chigwere chinenga chapera asi hwisisa kuti paunoipinza zvinogwadza kwenguva inoita kana hafu yehawa. Mushonga wekuti kana muri kure nevarapi shandisai. Dzidzsai vsikana vadiki kupisika kuchimbizi, pisika uchibva mweri uchienda shure kuti utachiona hwekumashure husaenda muchitubu Maburi achi akatarangana 3 centimeters chete. kana wazozvara inowedzera kusvika 3.5 cm. |
No comments:
Post a Comment