"Mukadzi akabata pamuviri achiyamwisa mwana anopihwei kana kuti ungamurape sei?"
Kana ukabvunza vanhu vava vachembere kumusha mubvunzo uyu. vanotovhunduka nokuti kare vaifunga kuti pane chakaipa chinoitika kana mai vemwana vakabata mimba vachiri kumwisa mwana. Kunonzi kumwisira. Unohwa vachitaura vachiti.
"Mai Natsai vakamwisira mwana akarwara akaendeswa kuchipatara."
Mufungwa dzavo vanenge vachitotira chokwadi asi ingari yokuti havahwisisi kuti kugwara kwemwana nokumwa kwake mukaka hazvina pazvinoenderana. Unokwanisa umwisa mwana mukaka une mimba kusvika wazvara rusvava, ugomwisa vese vari vaviri kana une mukaka wakakwana.
Chinhu chimwe chete chakaipa pakumwisa vana vaviri ndechokuti paunozvara mwana mukaka wekutanga mukaka wakakosha pamwana paanozvagwa nokuti une zvinodzivirira zvigwere uye unozvokudya zvakakoshera rusvava. Saka zvoreva kuti kana ukaramba uchimwisa mwana mukuru unokwanisa kuramba uchigadzira mukaka wemwana mukuru pane kutangazve werusvava. Chete chete ndicho chinhu chingaita dambudziko asi hazvinei nokugwara kwako iwe kana kuti kwemwana.
Zvigwere zvinokonzegwa neutachiona kana kuti ne POIZENI. Mukaka unorapa zvigwere uye unodzivirira kushanda kwepoizeni, saka hapana chakaipa pakuti mwana wako mukuru kana mudiki amwe mukaka.
Saka apa ndiri kuti pamumbunzo uyu hwisisa kuti hapana chinodiwa mushonga. Hapana chigwere. Hapana utachiona. Hapana poizeni. Hapana chakaipa kuna mai vemwana, kumwana ari mudumbu kana kuti kumwana ari kumwiswa mukaka. Vese vari vatatu vanokwanisa kuramba vakadaro kusvika uyu ari mudumba azvagwa uyu umwe achingomwa mukaka.
Asi Pakurera vana hazvishandi kumwana mukuru kuti uzozama kumurumura wava kutomwisa umwe mwana. Zvisinei kuti wabata mimba papi, Ngatihwisise kuti unokwanisa kubata mima kwapera vhiki mbiri wazvara mwana, kana usingaterera varapi vanokuudza kuti mirai kuisana kusvika muviri wadzokera pawange uri usina mimba. Zvinotora vhiki nhanhatu (6 weeks). Kotizve kumwisa mwana kunoderedza mukana wekubata mimba nokuda kwekuti ma HORMONES anogadzira mukaka anoderedza maHORMONE anokandirisa mazai. Zvoreva kuti kana uchimwisa unonoka kubata mimba.
Asi dai waibata mimba nokukasira sokuti mwedzi mitatu, unokwanisa kuramba uchimwisa mwana kusvika wasvika pamwedzi mutanhatu uchimwisa, sezvinokurudzigwa kuti mwisa vana mwedzi mitanhatu kana kupfuura. Iwe nemimba yako ukasvika iyoyo mitahatu chirumura hako uchironga yokugadzirira uyu mwana mutsva.
Asi zvoreva kuti wamwisira kwemedzi mitatu. Hapana kana chakaipa chingaitika kumwana kana kuti kwauri iwe. Dzikamisa hana uite mabasa ako emumba uye kuhwisisa kuti kuvata nomurume wako hapachakaipa chinoitika chichiti chaitiswa nokuti wamwisa mwana. Kune vanhukadzi munyika dzakawandisa vanomwisira, pamwe vachiziva, pamwe vasingazivi kuti vanemimba. Hauna kumbohwa munhu akaenda kuchipatara akati auya nokuti amwisira, kana mwana akenda kuchipatara akahi amwisigwa. Hakuna zvakadaro zvinoitika.
Usazvityira
Usatyira mwana
Usatyira Murume/mukadzi wako.
Hana chakaipa chinoitika.
Udzai vamwe!!
Monday, 23 July 2018
Sunday, 22 July 2018
Chii chinohi rudo-2?
Ndingaziva sei kuti murume/mukadzi wangu
anondida?
Rudo chinhu chinonetsa kutsanangura. Ukabvunza vabereki vako
kuti chii chinonzi ruro kana kuti ndinoziva sei kuti ndawana munhu wekuroorana naye anondida/ndinoda, unohwa vachingoti
“Kana wamuwana wega unongoziva kuti ndeye munhu waunofanira
kuroorana naye”
Havatsananguri kuti unoziva sei nokuti zvinonetsa
kutsanangura rudo. Asi chokwadi ndechokuti kana wawana munhu anokuda unokwanisa
chose kuziva kuti anokuda. Iwewo ukada munhu unoziva kuti unomuda chose. Kuti mese muzoziva kuti munodanana, zvinonetsa nokuda kwekuti hazvitsananguriki. Hazviiti kuti mudanane zvakafanana. Pavanhu vanodanana umwe anoda kupfuura umwe. Asi hazvina kuipa. Chikuru ndechokuti mese muzive kuti munodiwa. Kuziva kuti umwe wako anokuda zvinofadza moyo.
Varume havana rudo gwakawanda sevakadzi asi kune vamwe vane rudo chose chose zvokusvika pakusarudza rufu pane kugara upenyu husina munhu waanoda. Kana munhu ada umwe munhu, haakwanisa kutsanangura chikonzero chacho nokuti kazhinji hapana chikonzero anongohwa achimuda. Iwewo kana wadiwa noumwe munhu unokwanisa kusahwisisa kuti sei achindida. Chero ukamubvunza kuti iwe sei uchindida, haakwanisi kutsanangura zvinogutsa fungwa, asi kungotsikatsika.
Varume havana rudo gwakawanda sevakadzi asi kune vamwe vane rudo chose chose zvokusvika pakusarudza rufu pane kugara upenyu husina munhu waanoda. Kana munhu ada umwe munhu, haakwanisa kutsanangura chikonzero chacho nokuti kazhinji hapana chikonzero anongohwa achimuda. Iwewo kana wadiwa noumwe munhu unokwanisa kusahwisisa kuti sei achindida. Chero ukamubvunza kuti iwe sei uchindida, haakwanisi kutsanangura zvinogutsa fungwa, asi kungotsikatsika.
Asi ngatihwisise kuti rudo gunotangira mufungwa yaiye
nyakuda wacho zvabva pakuyemura munhu waanoda. Kanauya munhu waanoda akakasira
kutaridza kuti zvechokwadi haana hanya nokudiwa nouyu munhu, uya nyakuda
anomboita hake kanguva achimuda asi zvinozopera. Kana nyakudiwa akataridzawo
kuti anomuda, zvinokwanisa kukanganisa fungwa dzanyakuda zvokuti tinoona kuti
kufunga zvine musoro kunozonetsa.
Ndizvo tichikurudzira kuti kana usingadi munhu zvechokwadi,
usatambisa nguva yake noupenyu hwake.
Saka pano toda kuzama kutsanangura kuti rudo chii uye rudo
gunoitei nefungwa dzako kana une rudo mumoyo/fungwa nomuviri wako. Izvi
ndezvimwe zvezvaunongohwa uchida kuita kana une rudo.
1. ___________________________________________________________________________________________
Kuhwa uchida kuvanomunhu waunoda nguva dzese
Kuhwa uchida kushamwaridzana naye
Kuhwa uchida kumuitira zvakanaka nguva dzese zvisinei kuti
iye ari kuitei kwauri
Kuhwa moyo wako uchifara chose kana wamuona kana kumufunga
Kushaya hope kana watanga kumufunga iye asipo
Kuhwa uchida kumuriritira
Kuhwa uchingoda kumuitira nyasha
Kumufungira zvakanaka chete chete
Kuda kuzvipa kwaari kupa muviri wako kwaari
Kuda kumubatsira zvisinei kuti hapana chaari kuita chinoda
rubatsiro
Kuda kumumbundikira nguva dzese kuti ave pedo pedo newe.
Kuhwa fungwa ichiti dai ari pano neni, kana asipo.
Kumushuva nguva dzese aripo kana asipo zvese
Kufadzwa nezvaanokuudza nguva dzese uye nokuhwa achitaura
zvisinei kuti ari kuti kudii
Kuhwa kuda kuvata naye zvokuti kumufunga chete kunokuitisa
zemo.
Kuda kumuudza zvinhu zvese zviri kuitika muupenyu hwako nemafungire
ako
Kumurota nguva zhinji uri kuhope uchirota hope dzakanaka
unaye
Kurota muchiisana zvisinei kuti uri mhandara/jaya
Kugarofunga upenyu naye mava nevana venyu nomusha wenyu
fungwa ichikuudza kuti muchachembera muri mese
Kuona sokuti ndiye munhu akanaka kupfuura vese kana
uchimuona kana kumufunga.
Kuhwa kugumbuka pamoyo kana hama neshamwari vachikutsiura
pamusoro pemunhu waunoda. Kuona sokuti vanokuudza nhema kana kuti vanotsvaka
kukukanganisira upenyu.
Kuzama kumufadza zvokuti akakuudza chokuita unoita zvisinei
kuti unoziva kuti chiito chakaipa, kana kuti chisina njere.
Kuda kuti akude sezvaunomuita iwe.
Kuhwa munhu waunoda achikukwezva kuti uve naye chete zvisinei kuti ari kure zvakadii.
Kuhwa munhu waunoda achikukwezva kuti uve naye chete zvisinei kuti ari kure zvakadii.
Kusada kubvuma kuti anokwanisa kusakuda kana kuti anoda umwe
munhu iwe uripo
Kusava nehanya noupenyu hwako kana asipo, kuona sokuti zviri
nani kufa pane kumushaya muupenyu.
____________________________________________________________
Apo pokurotana, zvinoita sokuti vaume vanorota zvakasiyana nesu. kunohi murume kana achikurota ari kuhope, anongorota zvokuchiva muviri wako nokukubata muviri wobva atokurhoja, wofadzwa nazvo, obva atopepuka.
Munhukadzi anorota zvakawanda zvichiitika nguva refu sokuti kufamba nemukomana wake pagwizi panoerera mvura pachinhuhwirira maruva vakabatana maoko, Kozoti kupinda musango mowana panoyevedza pokugara muchiita nyaya muchitarisana mumaziso, muchikisana muchipurudzirana, mukomana ozokubvisa zvipfeko wokupurudzira muviri achikuudza nyaya dzinofadza. Wozobva akupatsanisa makumbo okupinza chombo moita nguva refu muchiisana. Wotozoona wava nemwana wake muchienda kana kuSUPERMARKET. Unokwanisa kutrota kana makore matatu muchiroto chimwe chete.
Kurota uku kunotaridza mafungire evarume nevakadzi kusiyana kwavo nemaonere avo nyaya dzokudanana. Zvinoreva kuti kudanana kwavo kwakatosiyana zvachose. Varume vanongoda kuisana vakadzi vanoda inohi pachirungu ROMANCE.
_________________________________________________________________________
Apo pokurotana, zvinoita sokuti vaume vanorota zvakasiyana nesu. kunohi murume kana achikurota ari kuhope, anongorota zvokuchiva muviri wako nokukubata muviri wobva atokurhoja, wofadzwa nazvo, obva atopepuka.
Munhukadzi anorota zvakawanda zvichiitika nguva refu sokuti kufamba nemukomana wake pagwizi panoerera mvura pachinhuhwirira maruva vakabatana maoko, Kozoti kupinda musango mowana panoyevedza pokugara muchiita nyaya muchitarisana mumaziso, muchikisana muchipurudzirana, mukomana ozokubvisa zvipfeko wokupurudzira muviri achikuudza nyaya dzinofadza. Wozobva akupatsanisa makumbo okupinza chombo moita nguva refu muchiisana. Wotozoona wava nemwana wake muchienda kana kuSUPERMARKET. Unokwanisa kutrota kana makore matatu muchiroto chimwe chete.
Kurota uku kunotaridza mafungire evarume nevakadzi kusiyana kwavo nemaonere avo nyaya dzokudanana. Zvinoreva kuti kudanana kwavo kwakatosiyana zvachose. Varume vanongoda kuisana vakadzi vanoda inohi pachirungu ROMANCE.
_________________________________________________________________________
Saka izvi zvinoreva kuti kana uchida kuhwisisa kuti mukomana/musikana
wako anokuda here, unotarisa kuda kwaunomuita iwe wozvibvunza kuti anokuda
zvakafanana here. Mubvunzo uyu unonetsa nokuti iwe ipapo unomuda zvokuti chero
akakuudza nhema dzaunoona kuti shuwa inhema, kuti anokuda, unoona sokuti ari
kukuudza chokwadi.
Rudo nokupenga hazvina kunyanyosiyana, saka kana ukahwa
uchida munhu zvakadzika chose, hwisisa kuti wava kutopenga Unohwa vamwe vachiti
“Nhingi anopengesana na nhingi” nokuti vanoona zviito zvenyu kuti ndezverudo
saka hazvikwanisiki kutsanangugwa nevamwe vanhu. Imi chete ndimi
munozvihwhisisa pauviri hwenyu.
Rudo kazhinji gunokubata gokusungagokuisa muchitokisi
mausingakwanisi kubuda asi futi unenge usingadi kubuda . Asi napo napo fungwa
inoneta nokuda munhu. Rudo gwakadzika gunoita makore maviri uchipenga, asi
unozongoona watanga kubuda mukupenga muya wotanga rudo gwakati siyanei.
Unokura murudo nomunhu, wotanga kufunga zvine musoro
zvakaita sokuvaka musha. Unotanga kuterera zvaanotaura nokubvunza kuti
zvinorevei nokuda kunatsa kuzvihwisisa. Unotanga kubvunza vamwe kuti chii chiri
kuitika. Unobvunza kuti vanofunga kuti anokuda here nomoyo wese. Kana hama
neshamwari vakakutsiura pane zviri kuitika unokwanisa kuterera.
Unotanga kuhwisisa zvaunoda zvisiri pamunhu waunoda uye
kufunga kuti kana ndikavaka musha naye zvandinoda kuti ange ari zvaasiri
ndichazviwana sei. Unotanga kuzama kusakoshesa zvaasiri uchigadzirira kusazviwana paari. Sokuti kana
ari munhu anomwa doro iwe usingadi kumwiwa kwedoro, unotanga kuzvitsvakira
mukana wekugamuchira kumwiwa kwedoro.
Rudo pakutanga gunokukanganisa musoro asi nenguva unotanga
kufunga zvakanaka rudo gwekupenga goderera. Kana muchidanana mese munoramba
henyu muchidanana asi zvenge zvava zvevanhu vakura. Unohwisisa kuti vanodanana
vanokwanisa kupokana asi vachizoyanana futi. Vanodanana vanokwanisa paradzana
dzimwe nguva, vachizosangana futi. Vanodanana vanokwanisa kumbofunga nezvimwe
zvisinei nokudanana, zvinoita upenyu huende mberi, sokuti kudzidza mabhuku
nokupasa vhunzo kuti vawane mabasa.
Unohwisisa kuti rudo handi kungogara muchifunga zvokuisana
chete, zvisinei kuti kuisana kunonaka chose uye unoda kuisana nomudikamwi wako.
Munopa nguva kune zvimwe zvinovaka upenyu.
Rudo muupenyu nomunhu waunoda gunokwanisa kuti dzimwe nguva
unohwa kupengeswa naye, dzimwe nguva FOCUS yenyu iri pane zvimwe asi fungwa dzenyu
dzinoziva kuti munodanana nguva dzese.
Zvinoita here kuto wamboda munhu
wozosamuda?
Zvinoita nokuti kuda munhu kunoitika nokuti iwe
unozvisarudzira kumuda. Sakai we unokwanisazve kuzvisarudzira kusamuda. Kune
vanhu NHUNZVATUNZVA vanongoti pano ada pana asiya zvokuti muupenyu anokwanisa
kudanana nevanhu vakawanda.
Kana wasangana nomunhu, usati wanatsa kumuda, tanga watarisa
HISTORY yake kuti akamira sei. Kana akambodanana nevakawanda sokuti vanopfuura
vatatu, hwisisa kuti anokwanisa kukusiya pasina nguva refu.
Ngatihwisisezve kuti hazviiti kuti vanhu vaviri vadanane
zvakafanana. Umwe anoda kupfuura umwe.
Kana kune munhu waunoda iyewo achikuda, hwisisa kuti ibasa rako kuona
kuti MENTAL HEALTH yake yakamisa papi. Kune vakawanda chose vanozviuraya nokuda
kweti vanoona sokuti munhu waanodanana naye haana hanya naye. Kana uchimuda ita zvorudo naye. Kana
usingamudi, kasira kumuudza kuti zviri nani musiyane. Usatambisa nguva yomunhu.
Udzai Vamwe!!!!!!
Wednesday, 4 July 2018
Mibvunzo nemhinduro 17
Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 16 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 17. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 16, 15, 14, 13, 12, 11, 10, 9 8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.
Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here? Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO kana kungobaya ipo pano
Ndatenda
Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here? Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO kana kungobaya ipo pano
Ndatenda
Mubvunzo | Mhinduro | |
1 | Kana murume ane mukadzi akandinyenga ini ndikabvuma iye ane mari, ini boyfriend handina. Kurorwa naye handidi. Chakaipa chii? | Maiwee! hino ukaita tsika yokunyengwa nevarume uchiti nokuti vane mari, usina hanya nokuwanikwa, Uchazorega kunyengwa pane zvemari riini uye zvadii? Nyaya yauri kutaura handi yokunyengwa asi yokupiwa mari kuti uite zvinodiwa nevaridzi vemari. Kunyengwa kunoitika kana wasangana nemukomana kana murume anotsvaka musikana wekuroora. Iwe zvibvunze kuti murume ane mari ane mukadzi asi anokunyenga, ingari yei? Ko anonyenga vamwe vasikana here? Anovadii? Ko iwe wadii kungozvishandirawo uwane mari yako pane kumirira yekupiwa nevarume vevanhu? |
2 | Tete, mukadzi ane mazamu makuru anonaka kupfura ane madiki here pabonde? | Kunaka kwemunhu kuri mufungwa yemunhu anonakigwa naye. Hakunei nokuti munhu wacho anonaka akaita sei. Kune varume vakawandisa vanoti mukadzi akashata kutarisa ndiye anonaka, vamwe voti mukobvu ndiye anonaka, vamwe voti mutete ndiye anonaka, vamwe voti mupfupi ndiye anonaka, vamwe voti murefu ndiye anonaka, vamwe voti ane muromo mukuru ndiye anonaka vamwe voti mutsvuku ndiye anonaka, vamwe voti akasviba kuti zvii ndiye anonaka, vamwe voti ane chuma muchiuno ndiye anonaka, vamwe voti ane magaro makuru ndiye anonaka, iwe wouyawo woti ane mazamu makuru ndiye anonaka. Saka anonaka chaiye ndeupi? Iwe kana fungwa yako ichiti ane mazamu makuru ndiye anonaka, chitsvaka ane mazamu makuru. |
3 | Mushonga wekukudza nhengo yemurume unowanika kupi? | Hakuna kwaunouwana nokuti hakuna mushonga wakadaro. Kana wamuwana kasira kundiudza ndigokuwanisa mari inopfuura 2 billion USD. Kune varume vakawandisa vanofunga kuti kukura kwechombo ndiko kunonakira vanhukadzi. Kusahwisisa mashandire anoita muviri wemunhukadzi. Nyika dzese dzine vanhurume dziri kutsvaka mushonga wauri kutsvaka uyu asi hakuna anomuwana iwe uchiri mupenyu. Zvinofadza vanhukadzi vakanda kuti hakuna mushonga wakadai. dai uripo vamwe vedu vaitozotanda kuvata nevarume vavo nengari yemazichombo anenge matanda. Siyana nokufunga zvisina maturo. Chinonakira mukadzi chinoti, 1 Rudo kubva kumurume, 2 Kutora nguva uchirezva mukadzi kusvika anyorova, 3 Kutora nguva uri mukati memukadzi wako 4 Kurezva mukadzi mapedza kuisana kwete kutendeuka wobatwa nehope. |
4 | Kana munhu akarara nevakomana vaviri akabata nhumbu, ichokwadi here kuti nhumbu ndeye wekutanga wacho? | Une makore manganiko iwe. Shuwa mukore uno ungavata nevarume vaviri pasina hapo kana kondhomu here? Zvaita sei? Wakatemegwa nyora yekuiswa here? wandigumbura chose. Mimba inobata zvichibva kuti nguva yako yokumwedzi iri papi, uye murume wawavata naye ane mhodzi dzakawanda sei dzine utano (healthy SPERM) muurume hwake (SEMEN) Zvinokwanisika kuti wawatanga kuvata naye anokupa mimba, zvokwanisikazve kuti wawapedzisira kuvata naye anokupa mimba. Kana ikavata navo sese pavhiki imwe chete, hazvigoni kuti uzive kuti mimba ndeyaupi. Zvotoda mwana azvagwa moenda naye kuDNA TEST nevarume vese. Asi chokutanga kasira kundotesitwa HIV nezvimwe zvigwere zvechihure. Usarega mimba ichikura usingazivi zvigwere zvaunazvo kana unazvo. Pamwe hauna chigwere. hwisisazve kuti kana une mimba inguva yaunofanira kugaroiswa nomurume kuti kuzvara kukuitire nyore. Zvikuru mimba yokutanga. Kugaroiswa kunorapa zvigwere zvakati wandei. Uye kunoderedza DEPRESSION inobatwa nevakadzi kana vazvara. |
5 | Ndingaita sei kuti murume wangu anakirwe pabonde? | Murume umwe noumwe ane zvaanofarira pakuisana kwenyu. mukadzi umwe noumwe ane zvaanofarirawo. iwe pane zvaunofarirazvisinei nokuisana kwevamwe vakadzi nevarume vavo. Kuti uhwisise zvinonakira murume wako bvunza murume wako kuti chii chaanoda kuti umgare uchiita chinomunakira. Gara uchibvunza nguva nenguva kuti akuudze zvaanoda. Iwewo muudze zvaunoda mese munakigwe nokuisana kwenyu. Asi hwisisa kuti kana waziva zvaanoda chiona kuti unogarozviita. Kana akakuudza chaanoda iwe usingachidi, chitodzidzira kuchiita nokuti ndizvi zvinoda murume wako. Hakuna umwe murume wauchawana futi iyeyu ndiye wako. Unokwanisa hako kunoita hure reumwe murume asi uyu ndiye wako. Vanhukadzi vakawanda kana akaita chikomba anoitira chikomba zvese zvese asi murume wemumba anonyimwa zvaanoda. Uku kusahwisisa zvachose chose. fadza murume mumba iye akufadzewo. |
6 | Is it normal kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi umwe chete? | Zvinokwanisika chose kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi, kudarikira mwedzi, kumira zvachose kuenda kumwedzi iwe usina mimba, Zvinoitiswa nokusakwana kana kuwandisa kwema HORMONE maviri anohi ESTROGEN ne PROGESTRONE. Usavhunduswa nazvo asi enda kwamurapi undovaudza kuti ndiyo nyaya yako, vanokwanisa kuzvigadzirisa. |
7 | Ndibatsireiwo pakufunga nokuita. Ndakaroorwa muna May 2017 ndokubva tabvumirana kumbomira kuita mhuri. Ndakashandisa mapiritsi. Muna April tikabvumirana kutanga mhuri. Kubva ipapo murume tikarara tese anotundira panze. Haadi kunditundira mukati. N doita sei? | Nyaya iyi inonetsa kunatsa kuhwisisa nokuti uri kuti munobvumirana pakutaura. Zvoita sokuti murume ari kungobvumirana newe asi iye asingadi mwana. Zvobva nokuti iwe chiri kukunetsa pamoyo chii, inyaya yokuti unoda kuita mimba here kana kuti haufariri kuti murime anoteurira pazhe. Kana iri nyaya yemimba, hwisisa kuti kuteurira pazhe kwake hakudziviriri mimba nokuti paanozofunga kubuda muchitubu mako, madomhwe eurume anenga atombobudiramo saka unokwanisa kungobata mimba zvakadaro. Kuteurira pazhe hazvinyanyi kubatsira panyaya yemimba. Vanhukadzi vakawanda vanofarira kupiwa urume mukati saka kana zvichikusembura kuti murume wako aorasira pazhe, unofanira kutaura naye kuti asazviita. Kana ukahwisisa kuti inyaya yokuti haadi mwana, dzokera pamapiritsi kusvika iye ega azoti chirega tigadzire mwana. |
8 | Ko mushonga unowedzera ropa unowanikwa kupi? | Mushonga weropa imvura. Imwa mvura yakawanda, zvikuru uchangomuka makuseni, womwa mvura . Womwazve imwe kwapera nguva inoita awa uati wawana zvokudya. Unozodya kwapera kanguva wambomwa mvura kaviri kana katatu. Wodaro zuva nezuva wosweromwa futi mvura zuva rese. Uchaona ganda rako kuwedzera kutsetseka. utano hwako kuwedzera, uye kana uri murume uchahwa mukadzi wako okuudza kuti mazuva uri kumupa urume hwakawanda zvikuti anonyorovesa mubhedha nokuvhinza avete. Kana uri munhukadzi zemo rinowedzera uye unowedzera kudziya muviri. Pakutsetseka ganda murume wako anowedzera kufarira kuvata newe. |
9 | Pakusv**ana, chombo chomurume chinopinda chese here kana kuti chidimbi chete? Ndiri kuchata muna August saka ndiri kutya kusv**wa asi hapana mukana wekusaita. | Chombo chomurume chine saizi unobva pa 12 cm kusvika pa 20cm kureba zvichibva nokuti ndiani murume wako. Kukora kana tichitarisa sokusunga bhandhe chinoita 10m kushika pa 14 cm Munhukadzi kana asina zemo akadzika 8cm kusvika pa 10 cm Kana ava nezemo anotatamuka zvokukwanisa kupinzwa chombo chikuru chikobvu pasina kana chinotyisa. Ingohwisisa kuti unofanira kutanga wanyorova zvokunatsa kunyorova. Zvadaro musi wekutanga vata nemanhede wovhura makumbo murume oenda pakati pemakumbo wopinza chombo. Pamwe hafu yacho ndiyo chete inopinda. Kuti chombo chese chipinde unenga watosimudzira chiuno. Kureb kwechombo hakuna chinotyisa. Chinokwana mukati chete. Kukora ndiko kwaunohwa kunakigwa nako nokuti kunokutatamura mukova. Zvinonaka kupfuura kugofiwa nokureba kwechombo. Kana uri mhandara uchahwa paanotanga kupinza unobvaruka chivharo zvoita sewabaiwa netsoni asi kanguva kadikidiki zvatopera watova kubatirira murume motoisana nyaya yatopera. Kubva ipapo watori mukadzi wemunhu. Mazuva ekutanga hazvinyanyi kunaka asi unenga uchifarira chose kuiswa. Asi zvichawedzera kunaka kana wajairira. Uye dzidza kurerusa muviri pakuiswa kuti zviwedzere kunaka. Asi iwe wega tanga wahwisisa kuti murume wako anofanira kukupinza chombo papi pacho. Kune vakadzi vakawanda vasingamvizvitarisi zasi. Tora MIRROR uise pasi ugotonona wakatanyanga MIRROW ugozvivhura matinji uchiona pachazopinda nechombo. |
10 | Kufunuka kumeso kurapwa nei? | Zvinobva nokuti chikonzero chekufunuka ganda ndechipi. Kune zvinhu zvitatu zvingakonzera zvinoti 1 Kana uri munyika inopisa chose ukafambafamba usina kupfeka ngowani unokwanisa kufunuka ganda kwapera mazuva maviri. 2 Kana une chigwere che Eczema kana Dermatitis unokwanisa kufunuka ganda 3 Kana ukashandisa CREAM isingawirirani neganda rako unokwanisa kufunuka ganda. Kana zvichigaroitika enda undoongorogwa upiwa mushonga |
11 | Pane chinoratidza here kuti mukadzi ane Makongo marefu | Chokutanga hwsisa kuti uri kubvunzei. Hapana nokuti hakuna mukadzi ane makongo. Munhukadzi umwe chete anoita gongo rimwe chete ratinoti BHINZI, KABHINZI, CLITORIS. Saizi yebhinzi inobva pakadikidiki 5mm kusvika pahombe 2cm. Uye bhinzi inogara yakafukidzwa nekakaita kaJACKET kanohi CLITORAL HOOD. Asi kana mukadzi ava nezemo bhinzi inomira sezvinongoita chombo chomurume yokura asi hapana kwainokurira inongoita kana 3 cm. Matinji ndiwo angahi marefu. Kana usingahwisisi mamirire akaita munhukadzi verenga apa Kuziva mamirire akata mukadzi |
12 | Murume anoziva or kuwona sei kuti mukadzi anga agarisa asina bonde after or during sex? |
Kana munhukadzi akaita nguva refu asina kuiswa pane
zvinoitika muutano hwake zvinozikamwa zvinoti:
1.
Madziro echitubu chake anodhambha
zvokutadza kushinya chombo paanozotangazve kuiswa.
2.
Zvigwere zvpamberi zvinohi UTI (Urinary
tract Infection) Zvinoita zvishoma
3.
Kushungurudzika nokusuruwara (DEPRESSION)
kunowedzera
4.
Njere dzinoita shoma pazvinhu zvinoda
kushandisa njere.
5.
Kuita
Zemo kunoita kushoma.
6.
Paanozotanga kuiswa, anononoka
kunyorova kana kutadza kunyorova zvachose zvichibva nezera rake.
7.
Panguva yokuenda kumwedzi anowedzera
kugwadziwa.
Tichitarisa zvese izvi tinoona kuti zvinonetsa kuti umwe
munhu akwanise kuona kuti pane chiripo panguva yokuisana. Hapana chingahi
ukaona ichi zvoreva kuti anga agarisa asina kuvata nomurume kana kuti akavata
nomurume mazuva maviri aphuura kana kuti vhiki yakapera kana kuti madeko.
Kana ukavata nomukadzi wako sokuti maheru, mangwana kuseni
hapana chingaonekwa paari chinoratidza kuti makavata mese. Kana akaenda
kuchipatara vanokwanisa kuwana urume mukati make asi vanotoita zvokumuvhura
chitubu vonatsa kutarisa. Urume hunogara mukati memukadzi mazuva mana huchikwanisa kumuitisa mimba asi hazvionekwi noumwe murume anoisana naye pamazuva mana iwayo. Hapana chaanoona.
|
13 | Kubviswa chibereko ne chirungu kunonzi chiyi pamunhu kadzi? | Kubviswa chibereko (UTERUS kana kuti WOMB) kunohi HYSTERECTOMY pachirungu. Kana wabviswa chibereko zvoreva kuti hauchakwanisi kuita mimba asi pakuisana hakuna siyano pamuri mese murume nomukadzi. Zviri nani kuti paunonobviswa unoudza varapi kuti vasabvisa zvikandiro zvako ( OVARIES) nokuti zvine mabasa pama HORMONES. Kupora kunoita nguva inopfuura mwedzi nehafu kureva kuti menge musingavati mese panguva iyi kusvika wanatsopora. |
14 | Kudyiswa wakarara kunoitwa sei? | kana umwe wako achifunga nyaya yokukudyisa zvoreva kuti iwe pane chausiri kuita pakudanana kwenyu chiri kumushungurudza. Vese varume nevakadzi vanotsvaka kudyisa vamwe vavo. Asi chokwadi ndechokuti mishonga yese inoshandiswa pakudyisana hapana chainoshanda. Dzinongori shungu dzokuti dai munhu uyu andidawo sezvandinomuda ini. Kana ukaziva kuti wakadyiswa usaita hanya nazvo nokuti hazvishandi chinhu, asi hwisisa kuti anokuda chose. |
15 | Ndinoda kudzidziswa kukoira? | Unoda kudzidziswa naniko? Ko kungopurakitiza pamurume/mukadzi wako zvinodii? Hino ukamirira kuti pane munhu achazouya okudzidzisa uchamirira kusvika riini? |
16 | How do I fix mukadzi anohura? | Kana mukadzi wako achihura hwisisa kuti kuhura kwevanhukadzi kwakasiyana chose nekwavarume asi vese vanokwanisa kuunza rufu mumba. Hakuna munhu anofanira kukurudzigwa kuhura nokuti chinhu chakaipa chose. Hwisia chikonzero chaitisa kuti ahure. Chikuru chinokonzeresa vanhukadzi kuhura kushaya rudo mumba. Kana mumba musina rudo munhukadzi anokuhurira. Koitazve kuti unomuda uye unomutaridza rudo asi pakuisana unomukasirira. Hakuna chinhu chinobhowa saichocho. Ukaita nguva uchidaro anokwanisa kufunga kuti haumudi obva atanga kuhura. Kana ahura, chirega kufunga kuti zvaperera ipapo. Bodo, vakawanda vese varume nevakadzi kana akatangakuhura haacharegi. Excitement iri pakuhura yakawandisa zvokuti inoita munhu ade kuhura. Kana wada zvokumuFIKISA, murambe adzokere kumusha kwavo iwe wosara wotsvaka umwe asi uchaona kuti uchawana umwe anokuhurira futi kana usina kunatsa kuhwisisa kuti uyu wawaramba sei ahura. |
17 | Kana ndichirwadziwa pakuita bonde nemurume chingava chii uye ndingaita sei | Zvinobva nokuti panogwadza chaipo ndepapi. Unokwanisa kugwadziwa pazvikandiro, mukati mechitubu, Kana kuti unotsemuka kuzasi kwechitubu. pano tongotaura nokugwadziwa mukati kunoitiswa nokuti hauna kunatsonyorova. Kana moda kuisana imboitai nguva muchirezvana kusvika wanyorova mukati zvinoti unotosinira zvichibuda kutaridza kuti kwanyorova. Zvadaro chirega murume apinze chombo. Kana usinganyorovi nokurezvana chishandisa mafuta awa kuwedzera kunyorova. Shandisai KY jelly kana muchifunga zvemimba. Kana musina hanya nemimba muchingoda kuisana kusingagwadzi shandisai maoiri awa anoti 1 Walnut OIL 2 Almond OIL 3 Coconut OIL Dsese dzikunhuwirira kunoenderana nekuita zemo. Donhedza madomhwe eoiri pamukova wechitubu, uye kuzora oiri pachombo chomurume paanenge oda kuti muchitanga basa. Zvinoita kuti kuisana kusakugwadzisa. |
18 | Ndingaita sei kuti murume asaita chihure? Mushonga wekuchengetedza murume unowanikwa kupi? | Hapana chaunokwanisa kuita kuti murume wako asahura. Iye ndiye ega anokwanisa kurega kuhura zvabva mumoyo make kuti achirega. Hakuna chimwe chaunokwanisa kuita kana kumuitira chingamuregesa kuhura. Kune vamwe vanoti kune mishonga yokuregesa varume kuhura asi chokwadi ndechekuti dai mishonga yakadai yaishanda dai kusisina murume anohura. Iwe chaunofanira kuita kana uchida murume wako nokuhura kwake, kumuudza kuti zvinokushungurudza uye kana achihura ngaashandise makondhomu kuti iwe usazobata chigwere. Zvinozikamwa kuti varume vanoti ambohura ozokwanisa kuregera vashomana zvokuti mudunhu rokwenyu unokwanisa kushaya kana umwe chete. Chihure chinoitiswa nokumhura muhu waunaye mumba saka zvichinetsa kuregera. Unoonekwa somunhu asina maturo nomurume wako. Hapana chaunokwanisa kuita. Ndiwo maonere ake kana achikutarisa. |
19 | Ndikarara nemukadzi arikumwedzi anoita mimba here? | Aiwa bodo haaiti mimba. Mimba inozotanga kubata kwapera mazuva kuda manomwe mukadzi abva kumwedzi. Anozikandira zai ave kuenda kumazuva 13-15 asi hwisisa kuti urume hunorarama maziva mana huri mukati memukadzi saka munokwanisa kuisana neMuvhuro manheru iye ozobata mimba neChishanu manheru. Asi kana musingadi mumba itai tsika yokuisana iwe wakapfeka kondhomu. |
20 | Ndibatsireiwo. Chii chingaita kuti ndinakirwe nemurume? | Kuti udzidze kunakigwa nokuisana nomurume wajo iwe pachako unofanira kuziva zvinokunakira. Unofanira kuhwisisa zvinoda muviri wako sokuti kana uchizvibatabata murume asipo undohwa maitire api achinaka. Kana wahwisisa chiwana mukana wekutaridza murume wako kuti izvi zvinonaka izvi hazvinyanyi kunaka. Vamwe vanhukadzi vanonakigwa kana murume achitora nguva refu ari mukati memukadzi vachipota vachikoirana, pamwe vombozorora murume ari mukati, Pamwe mukadzi omboisa maoko pakati ozvikwizirira bhinzi murume ari mukati make (zvinonaka izvozvo) Kana murume wako ari munhu ane njere anokwanisa kuzokubatsira kuti unakigwe. nokuda kwekuhwisisa zvinokunakira. Vanhukadzi vakasiyana siyana asi vakawanda kunakigwa kwavo kunobva pabhinzi saka iwe hwisisa bhinzi yako. Vamwe varume vane njere shoma havatodi kuti mukadzi anakigwe. anongoda kukupinza chombo obva angoti kupinda nokutotunda nguva imwe cheteto pasina chamboitwa. Hazvinaki izvozvo. Murume ngaazame kuisana ari mukati mako kupfuura maminitsi manomwe. |
21 | Chii chinokonzera mvura yakawanda mukati memukadzi pakuisana? | Chinokonzera vura yakawanda izemo. Kana mukadzi akada chose kuiswa anowedzera kunyorova. Kune vamwe vanoeredza. Hapana chakaipa. Kune varume vakawanda chose vanofadzwa nokueredza kwemukadzi wake nokuti anobvz aziva kuti mukadzi wake ane zemo rakakwirira. Asi pane nyaya yokuti kuisana kana wakawanza mvura kunoderedza kukweshana kwenu zvoreva kuti pamwe kunaka kunoderera. Kana uchiona kuti unowedzeresa kunyorova, chinjai maitire sokuti ukavata nedumbu wakatandavara makumbo ari pamwe chete woisa pillow pasi pechiuno kuti ukwanisa kusimudzira chiuno kuti murume apinze. Kana ava mukati mese munokoirana asi unokwanisa kushinya chombo zvisinei kuti uri kueredza. Munohwa kukweshana kunonaka. Mamwe maitire kupakicha makumbo ese pamafudzi amurume wakavata manhede. Murume anokwanisa kupinza xchombo chese zvacho uye kunyorova hakuna mbosva pakadaro. Ukatarisa kumeso kwemurume wako makadaro uchaona kuti ari kunakigwa nazvo. Iwewo kunokwanisa kugofiwa pa G-spot zvinova zvinonaka. Kunyorova kwakanakira kuti kurume anononoka kutunda |
22 | Mishanga: mushonga wekukudza chombo Mushonga wekukudza mazamu Mushonga wekukudza magaro mushonga wekudyisa murume Mushonga wekudyisa mukadzi Musonga wekusunga mukadzi Mushona wekusunga murume. | Veduweeka ngatihwisise kuti mishonga iyi mupasi rese hakuna. Kana ukamuwana, Ndinyorere nokukasira nokuti unokwanisa kuita Billionaire gore risina kupera. Mishonga yese iyi dzinongori nyambo dzevanhu vekubhawa kana vasisina nyaya dzinonakidza. Hakuna munhu ane mishonga iyi chero n'anga ipi zvaya chero muporofita upi zvake. Hakuna. Musatombotambisa nguva muchitsvaka. Kurasha mari yaunayo muhombodo mako pasina chaunowana pazviri. Hwisisazve kuti mhomho yevanhukadzi vanoda chombo chesaizi yakaanira kwete ziguru runogwadza kuiswa naro. Kugwadza handiko kunakigwa. Chombo chimire chinosvika pa 13-15 cm kureba, kukora 12-14 cm. Hwisisazve kuti chombo chomurume umwe chete chine masaizi akawanda zvichibva nezemo rake. |
23 | Munhukadzi anobvumidzwa here kubata chombo chemurume wake? | Ndashaya kuti mubvunzo uyu wava kupi. Vanhu vakaroorana vanogarorezvana vachibatana pamberi pakupanana zemo vachigadzirira kuisana. Saka handisi kuhwisisa kuti mubvunzo wakanangepi. Hazviiti kuti uve nomurume mumbba ugopedza 24 HOURS usina kubata chombo chomurume wako. Zvinenga zvaita sei? Munhukadzi wese ane murume anoshamwaridzana nechombo chemurume wake. Kana murume akaneta asi muchida kuisana, unokwanisa kumupurudzira chombo kusvika chamira. Zvoreva kuti watochibata. Kana mukatanga kudyanana pamberi, iwe unobata chombo wotanga kuchisveta, zvoreva kuti watochibata nemaoko. Kana murume ava nezemo, iwewo wanatsa kunyorova, toti wavata manhede wavhura makumbo, murume pakati. murume haakwanisi kuona pokupinza chombo saka iwe unoisa ruoko pakati penyu wotora chombo wochinangisa murume opinza. Kana mapedza kuisana iwe unotora tawero wopukuta chombo chomurume wako, pamwe wotombochiputira netawero nokuti murume anokwanisa kuramba achivhinza osvibisa mashitibheta, Saka ukamboputira anovhinzira mutawero. Saka zvinokwanisika here kuti mungagara mese mumba musingabatani pamberi? Menge muchizviita sei? Hameno pamwe kune vanogara upenyu hwakasiyana. Tijekesereiwo tohwe. |
24 | Murume wangu kare aishanda pabonde zvinofadza. Parizvino akaita kana two minutes chaiyo anenga atowanza. Ndenge hure rake. Handisisina mufaro. Ndibatsireiwo Please. | Panyaya yokukukasirira apa, unofanira kuhwisisa chose kuti unofanira kuigadzirisa nokuti ndicho chimwe chezvikonzera zvinoitisa vanhukadzi vane varume, vaite sevasina varume. Zviri nani kugara usina murume zvachose pane kita murume anokukasirira. Gadzirisa nyaya. Kuigadzirisa tanga nokutsanangurira murume wako kuti unomuda chose asi zviri nani kuti mese munakigwe pakuisana. Womuudza kuti maminitsi maviri haaite. Kunodiwa kuti apfuure kumanomwe. Asi kuti zviitike unofanira kumubatsira. Womudzidzisa kupinza chombo nokuita nyaya makapindana pasina anofakanyika kwekanguva, Mombopatsana monoita chimwe chinhu chisinei nokuisana. Modzokera pakupinzana momboita futi dzimwe nyaya. Izvi zvinoitigwa kuti murume ajaire kudziya kwemukato memukadzi wake kuti akwanise kunonoka. Saka mopota muchidaro. Zvinotora nguva kuti murume ajaire kunonoka. |
25 | Ndiri murume ane mari asi handisi mufumi hangu. Ndinoda musikana wekuroora asi ndoda anoda ini kwete mari yangu. Ndomuwana kupi? | Kana uchisangana nokunyengana nevasikana usavaudza nezvoufumi hwako. Ingoitai nyanya dzerudo uye mabasa. Kune vasikana vashomanana vanotsvaka mari pamurume. Vamwe vese vanoda murume anoshanda, anemoyo wakanaka, uye anokwanisa kuriritira mhuri. Asi zvinonetsa kuvanza nyaya yokuti une mari. Kupfeka kwako nevanhu vaunofambidzana navo zvinoratidza kuti une mari here kana kuti kwete, saka pakutaura woona kuti hausi kushambadzira nyaya dzemari. |
26 | Ndiri kuda kudya chombo chomurume asi ndinonyara kumuudza. iye haazivi kuti ndinoda. Uye handizivi kuti ndinodya sei. | Unofanira kutanga wabvumirana nomurume wako kuti unoda kumudya. Kana akapusa anokubvunza kuti wazvidzidziswa nani, nokuti varume zvinovanetsa kuhwisisa kuti mukadzi angakwanisa kufunga ega nyaya dzokuisana. Vanofunga kuti unenga watodzidziswa noumwe murume. Kana ane njere hazvikunetsi. Unongokumbira kumusveta chombo anokuti sveta hako. unomubata chombo muruoko mabva kunogeza, wotanga nokunenzva norurimi chete. Unotoona chichiwedzera kumira. Pota uchibvunza kuti zviri kunaka here. Pamwe anokuudza zvimwe zvokuita. Kana asina kukuudza unokwanisa kutanga kumusveta sezvaunoita chihwitsi chine chitanda. Sveta zvinyoronyoro uye usa rega mazino achinosangana nechombo. Pamwe ita zvokumwa semwana ari pazamu, asi zviri zvinyoronyoro. Hwisisa kuti chinonakira murume wako ndechipi ndichochaunowedzera. |
27 | Ndodawo kuziva zvokuita wabata mukadzi achihura | Kana wabata mukadzi/murume achihura, chikutanga enda unotesitwa kuti hauna kupiwa zvigwere here, nokuti munhu anohura haana kutangira ipapo. Zvoreva kuti unokwanisa kunge watova nezvigwere. Unofanira kuksira kuziva paumire. Zvadaro kasira kuudza hama dzenyu mese. Kana mune vana kasira kufunga nezvevana. Matori pa CRISIS MANAGEMENT. Funga vana vako. Usaita hasha nemunhu nokuti zvinozoita sokuti pane chawaita kuti ahure. Kana uchikwanisa kutonyarara zvachose worega kutaura naye nezvaaita kusvika wanatsa kudzikama hana. Chihwisisa kuti nyaya yawava nayo yoda kuronga kutsva nokuhwisisa kutsva. Zvibvunze kuti chii chauri kuda kuita panyaya yako. Unoda mukadzi/murume wako here? Kana uchimuda mude hako asi hwisisa kuti vanhu vakawanda vanohura hazviiti kuti varegere kuhura. Asi kana uchiziva kuti chihure chake ndiwe wachikonzera nokuda kwezviito zvako, sokuti kusamugutsa, kusamuratidza rudo, kumusiya ari ega pamba uchienda kubasa kure, zvoreva kuti akanganisa asi iwewo uripo pakukanganisa kwake. Kana munhu akamboravidzwa nyaya yokuisana zvinomunetsa kugarisa asina, zvikuru kana pasina vimbiso yokuti zvichadzoka riini. Kana wafunga zvokuita, sokuti mukadzi/murume hauchadi chikasira kumuudza. Pamwe iyewo haachakudi saka hazvinetsi. Pamwe anonyebera kuchema kuti asatukwa. Hwisisa kuti kunyebera. Kana pane munhu mukuru mumhuri yenyu, ngaauye mutaure nezvevana. Kana usingazivi zvokuita, wana mukana wekuti muparadzane usare uchifunga zvaunoda mozotaura wava kuziva. Kana muri kune imwe nyika mese musina kwekuenda kana mukaparadzana, zama kuti mumba muve noumwe munhu nokuti kana munhu akagumbuka anokwanisa kukuvadza umwe. |
28 | Ndingagutsa sei mudzimai wangu pabonde? | Hakuna munhu anokwanisa kupindura mubvunzo wako zvakakwana nokuti umwe noumwe munhu anoguta zvakasiyana. Saka iwe kuti ugutse mukadzi zvinobva nokuti iye chii chaanoita kana ari ega chinomugutsa. Saka ita zvokubvunza kusvika wahwisisa kuti chii chinomunakira. Kana wahwisisa, chihwisisazve kuti kunaka kwezvese zvinomunakira kunobva pakuti iwe unotora nguva uchizviita. Kutora nguva kwemutume kwakakosha chose. Kana mabvumirana zvokupinzana chombo. Pfuudza maminitsi manomwe uri mukati memukadzi wako. |
29 | Kukurumidza kurasa mbeu pabonde zvinokonzerwa nei? | Zvinokonzegwa nokushaya hanya nokunakigwa kweumwe wako. Kukurumidzigwa nomurume zvinosvota zvisingaite. Zvinokonzera vakadzi vakawanda chose munyika dzakasiyana siyana kuti vafunge zvokuhura nokuda kwekusvota kwazvinoita. Unofanira kufunga pamusoro pezvauri kuitira mukadzi wako. Chinhu chakanaka kuti watanga nokubvunza. Chifunga zvaugaita kuti uwedzere nguva naye. Chokutanga kutaudzana naye pamusoro pezviri kuitika kuti mese muzive kuti inyaya yokubatsirana kuwedzera nguva. Kuisana chiito chinodzidzisanwa sezvinongoita zvimwe zviito. Chinonetsa ndechokuti imi muri vaviri ndimi munodzidzisana asi pamwe mese munotodawo kudzidziswa. Kuti unonoke chombo chinofanira kujaira kudziya kwemuviri wemukadzi. Saka funga kuti unochijaidza sei. |
30 | Kana tambotukana tikanyararirana, tinozotanga sei kutaudzana uye ndiani anotanga kutaudza umwe? | Kana muri vanhu vane njere hamufaniri kunyararirana muchiti nokuti matukana. Kunyararirana kunotanga nomunhu umwe chete kunyararira umwe. Iyeye ndiye anofanira kuzotanga kutaudza umwe, nokuti ndiye benzi. Kana umwe wako atanga kukunyararira, iwe usaita hanya nazvo. Musiye akadaro. kana oda kutaura achadzoka ega otanga futi kutaura. Asi munhu anowanzonyararira umwe anotaridza kushaya njere. Kana wagumbuka nezvaitwa noumwe wako, zviri nani kumutsanangurira kuti chii chaakanganisa kuti anatse kuhwisisa. |
31 | Chii chinoshandiswa kudzora kuzasi kwemukadzi kana wazvara? | Verenga apa. 1 https://maichibwe.blogspot.com/2014/12/kudhambha-kwechitubu-chomukadzi.html 2 https://maichibwe.blogspot.com/2012/06/kusimbisa-masuru.html Kana pane zvausina kuhwisisa wobvunzazve. |
32 | Handigoni kunyenga. Ndoita sei? | udza hama neshamwari kuti hagoni kunyenga wovaudza kuti musikana wauri kuda ndeupi voenda vonokusvitsira shoko. zvadaro iwe wozoenda uchiziva kuti musikana ava kutoziva kuti unomuda. Mazuvano zvakawanda zvinoitwa pafoni dzemuhombodo dzavako idzi. ingomutumira mashoko ehushamwari. Kana ava shamwari yako, garomuudza nyaya dzinofadza kusvika iyewo ava kukuydza nyaya dzinofadza. wongozomuudza kuti unomuda majairana. |
33 | HIV inoonekwa sei? Ndingaziva sei kuti munhu ane HIV? Ndingaziva sei kuti ini ndine HIV? | Kana wafungira kuti une HIV, enda kuTEST nokukasira HIV isati yadzika midzi. Kana ukabatwa HIV unkakasira kuenda pa PROGRAM unorarama nguva refu chose mazuvano. Vari kuti unopfuura 35 years. Kana ukainonokera zvinozokuvhiringa mberi uko. Asizve hwisisa kuti ndiwe wakonzera kuti uite HIV nokuda kwekusaita hanya noupenyu hwako. Mutemo wezvigwere zvechihure unoti iwo kana wada kuvata nomunhu, tangai maenda mese kuTEST, moudzwa pamumire, modudzirana mozobvunzana kuti mimba moidzivirira sei. Kana mabvumirana, mochitanga henyu kuvatana muchihwisisa kuti hamuhurirani. Kana umwe akahura, mumbomira kuvatana kusvika maenda ku Test kaviri pa mwedzi mitanhatu, Kana maregererana motangazve kuvatana. Haisi nyaya yokuti iwe unofunga kuti utano hwako huri mumaoko eumwe munhu. Bodo usavata nomunhu wausingazivi STATUS yake. |
34 | Mapiritsi ekudzivirira nhumbu angava nenjodzi here kumukadzi asina kumbozvara. | Mapiritsi ukudzivirira mimba ane zvakawanda zvaanokwanisa kuita pamuviri wemunhukadzi asi zvinogadziriswa hazvo. 1 Unokwanisa kukanganisa nguva yako yokumwedzi. Unokwanisa kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi kana kumira kuenda kumwedzi zvachose. 2 Kana wazoti wabva pamapiritsi, unokwanisa kuita gore nehafu usingakwanisi kubata mimba. Ndizvo zvikuru zvingaitika, asi hazvina basa kuti wakambozvara here kana uti kwete. Zvinoitika kune vakawanda. |
35 | Kusuwa chombo murume asipo. Ndoita sei? | Tese tinoshuva varume/vakadzi vedu kana vasipo. Zvokuita ndezvokugarotaura navo pafoni. Asi iwe mubvunzo wako hausi wekuti unoshuva munhu asi kuti unoshuva kuiswa naye. Saka inyaya yekuti une zemo asi wekuvata naye haapo. tanga wataura neye pafoni womuudza kuti uri kufunga nyaya yokuisana asi iye haapo. Iye achaziva kuti uri kumufunga. Iwewo uchiziva kuti ari kukufunga. Kana mapedza kutaurirana pinda muBEDROOM mako wokiya mukova, zvisinei kuti mumba hamuna umwe munhu. Wozvibatabata nokuzvikwizirira bhinzi kusvika watunda wabva zemo. Hakuna munhu, zvikuru verudzi gwedu, asingagoni kuzvibvisa zemo nemaoko. Uye tese tinoziva kuti manakire azvo akasiyana hawo nokuvata nomurume, saka zemo rinokwanisa kumbopera asi unongofunga kuti dai murume wangu aripo ambonditsimbirira ndichinatsa kumubata muviri wake, ndichinatsa kuhwa chombo chiri mukati mangu. Ndoosaka tichikurudzira vakaroorana kuti zamai kugara mese, kwete kuti umwe uko, umwe uko. |
36 | Chii chinonzi maronda emudumbu? | Maronda emudumbu ane mazita akasiyana paChirungu, zvichibva nokuti ari papi mudumbu. 1 Stomach ulcers/gastric ulcers 2 Duodenal ulcers 3 Esophageal ulcers Ese zvawo anofanira kuti ukasire kundorapiwa uye kana ukaterera zvaunoudzwa ukazviita nomoyo wese, anorapika. Asi anogwadza zvisingaite, saka terera. |
37 | Chii chingadyiwa kuti unakirwe nebonde? | Kunakigwa nekuisana kunobva mufungwa kwete mumuviri. Muviri unoterera zviri mufungwa.Iwe muridzi ndiwe unotozvidzidzisa kunakigwa nokuisana. Hwisisa muviri wako. Sanganisa mafungire ako nezviri pamuviri wako. Garokwizirira nyama dzakatenderedza bhinzi yako kusvika wava kuziva kuti mabatire anokunakira ndeapi, wodzidzisa murume wako zvokuita kukubatsira. Usapinzwa chombo kuzasi kusina kunyorova. Zvinogwadza saka hazvinaki. Tanga wanyorova zvichibva pakurezvana muchikisana, kupurudzirana, kupa murume zamu achisveta. kukupurudzira matinji, bhinzi, magaro, etc. Iwewo kutamba nechombo chake, kana wada kuchisveta zvinova zvinokuwedzera kunyorova zasi. Kana murume apinza chombo iwe isa maoko pakati penyu uzvikwize bhinzi iye achikukoira zvinova zvinonaka chose. |
38 | Ndingaita sei kusimbisa chombo? Hachisi kunatsa kumira. | Chokutanga kukasira kuhwisisa kuti sei hisna kusimba. Pne zvikonzero zvakati wandai asi hikuru chazvo ndechokuti unokwanisa kuva nedambudziko pautano, sokuti chigwere chomoyo, kana kuti uri kushandisa mushonga we BP, saka zviri nani kukasira kuenda kumurapi wonotsanangura kuti chombo hachina simba kuti vakasire kuongorora nokukuudza chikonzero. Kana chaimbori nesimba kare zvoreva kuti pane chawakaita kana kuti mishonga yauri kushandisa isingawirirani nokumira kwechoombo. Kana waimboshandisa mishonga yokumisa chombo ukazoregera chombo chinoramba kuita simba pasina mishonga yacho. Gadzirisa nyaya iyi nokukasira, zvikuru kana une makore ari pasi pe 65. |
39 | Ko candle rinobvisa humhandara here? Ko chigunwe chinobvisa humhandara here? | Mubvunzo wako haunatsi kuhwisisika. Kuti munhu ahi abva humhandara hunge apinzwa chombo nomurume. zvisinei kuti abvaruka chivharo here kana kwete. Kuzvipinza Vibrator, Dildo, kana chimwe chinhu hakunei nokubviswa humhandara. Hwisisa kuti unokwanisa kuva munhu ane chivharo chake chisina kubvaruka asi usiri mhandara zvachose, kugowanikwazve umwe akabvaruka chivharo kare kare asi ari mhandara. kuva mhandara hunge usina kumboiswa nomurume. Kana uchigaroshandisa ma TAMPON, uri kumwedzi, zvinoitika chose kuti unobvaruka chivharo asi uri mhandara. Kune vasikana vakawandisa vanogarovata nevarume asi vasina kubvaruka zvivharo. Izvi zvinoitwa sokuti ukawana mukomana anofarira kungopinza kutsvina chete zvoreva kuti kuno kumberi unoramba usina kubvaruka. Kunyika zvinji mazivano ndizvo zvavanoita. kuitira kuti akawanikwa agoti imhandara, zvikuru vechiMoslem vanokwanisa kuzopanichiwa. Unokwanisazve kupinzwa chombo ugosabvaruka chivharo. Izvi zvinoitika chose cokuti chivharo chinotatamuka saka kana murume asina EXPERIENCE yokuisana, iwewo usina, unokwanisa kuiswa ugosabvaruka. Asi hauchisiri mhandara nokuti wava kuziva chombo. Unokwanisazve kunakigwa chose asi chombo chisina kunatsopinda. Ingari yokuti kunaka kwakawanda kunobva pabhinzi. Vashoma vanhukadzi vane hanya nokuzvipinza chimwe chinhu. Chikuru kungokwiza bhinzi kana uri wega. Usazvinetsa nemakandhuro kana chihumwe. Hakuna umwe munhu anokwanisa kuziva kuti uri mhandara here kana kwete kuzhe kwako iwe nomukomana awakavata naye. Vamwe vese vanozotevera ava kungoita zvokufembera asi hazviiti vave nechokwadi pazviri. |
40 | Ko kana ndichiisana nomurume ndinofanira kuita sei? | Iwe unofunga kuti unofanira kuita sei? Varume vanhu vakatosiyana siyana. Umwe noumwe anofarira zvaanofarira, saka unofanira zvaanofarira. Iwe chokutanga musati maisana, bvunza murume wako kuti chii chaanofarira kuita newe. Kana akuudza woita izvozvo. Kana asina kukuudza, ramba uchibvunza. Kana moda kutoisana bvunza kuti anoda kuita sei? Kana akuudza ita izvozvo. Usangoiswa usina kubvunza kuti anoda kuita sei? Wabvunza, mirira apindure. Kana usingadi kubvunza, muudze zvauri kuda iwe. Mava kuisana taridza kuti zviri kukunakira. Batirira murume, chemerera murume, shandisa chiuno murume aite manyawi nazvo. Shinya chombo chomurume nechitubu chako. Woti Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwii inoitwa kana chombo chapinda chese, uku wakabatatirira. Ukahwa oda kubuda woti Regedzu. Kana ukahwa oda kunotunda, purudzira magaro ake uku womuti KWIII ari mukati. Kana uri pa manhede sunga mabvi ake nemakumbo ako kuti asakwanisa kufakanyika achitunda. Ramba uchipurudzira magaro kusvika apedza kutunda. Unoona achibuda rute nokuwedzera kubwaira nokuda kwekunakigwa. Asizve iwewo anokuzadza urume saka uchawedzera kuvinza kana mapedza. |
41 | Kana uchida magaro makuru uniita sei? | Kukura kwenhengo dzomuviri kunoitiswa ne anohi ma GENE aunopiwa navabereki vako. Hapana zvaunokwanisa kuita kuwedzera kana kutapudza makurire akaita zvinhu zvinoti magaro matinji bhinzi chombo chomurume wako. mazamu Zvimwe unokwanisa kuwedzera kudya wokora kuita zimuviri ziguru, asi uchashaya utano. Chikuru ndechokuti unofanira kuramba uri zvauri kubva pawakanyengwa nomukomana wako nokuti ndizvo zvakaita akude izvozvo. |
42 | Chii chinoita kuti chombo chirambe chakamira kwenguva yakareba pakuisana? | Kana une utano hwakakwana chombo chinoramba chakamira kusvikira muridzi atunda urume. Kana ari murume ane DISCIPLINE anononoka kutunda, zvoreva kuti chombo chinoramba chakangomira kusvika azotunda. Mukadzi wake obva anakigwawo chose. Varume vanokasira kutunda, sokuti havasviki maminitsi manomwe ari mukati achikwesha, havanakiri vakadzi. Zvikuru kana une murume akadai uri padambudziko guru nokuti haanaki. |
43 | Chii chinokonzeresa kuti musoro urwadze? | 1 Kana usingamwi mvur yakakwana pazuva unohwa musoro. Unofanira kumwa mvura inoita makapu 8 kana kuti ma LITRE maviri pa 24 hours 2 Kana usingavati nguva yakakwana inoita ma AWA manomwe kana masere zuva rimwe nerimwe. 3 Kana une BP yakakwira unoita musoro. 4 Kana uchidya zvokudya zvakawandisa Unoita musoro. Kana ukakunga chibhakera hwisisa kuti zvokudya zvaunodya katatu pazuva zvinofanira kuenzana nezvibhakera zvako zviviri. Saka pazuva unodya zvokudya zvakaenzana nezvibhakera zvitanhatu (6) 6 Kana uchinonoka kuenda kuchimbuzi kana muviri woda zvechimbuzi, unoita musoro. Kana wagadzirisa zvese izvi asi uchingogwadziwa musoro kasira kundoonekwa nokuti pamwe unenga une chiri kukura mumusoro. Kana kuti wakambokuvara musoro saka pane dambudziko rinoda SCAN kana X_RAY. |
44 | Chii chinoita kuti murume ade kuita marounds akawanda. | Varume vanhu vasinganatsi kuhwisisa kuti chii chinonakira munhukadzi pakuisana. Vanoona sokuti Kupiwa urume ndizvo zvinonakira munhukadzi. Chinohi RHOUNDI inguva yokubva murume paanopinza chombo kusvika paanotunda zvisinei kuti aita maminitsi mangani. Varume vakawanda vasina ruzivo pazviri vanoona sokuti mukadzi aktundigwa urume kakawanda zvoreva kuti anakigwa. Boro. Munhukadzi anokwanisa kunakigwa zvakawandisa atundigwa urume kamwe chete nomurume anotora nguva refu achikweshana nomukadzi wake, pane anoita miniti imwe chete obva atotunda. Nguva refu ndiyo inonaka, kwete kuti mrume atunda. Varume dai mahwisisa nyaya iyi. Ukazomukirawo hako mukadzi wako usiku wambomukweshakwesha kwemaminitsi anopfuura manomwe pamunoisana pokutanga, hazvichina mhosva. Chakaipa ndechokuti ma rhaundhi mashanu asi mukadzi haana kana kumbogutawo asi avata akasvinura. Bodo musadaro. Chinoitisa murume akwanie kuita maRhoundhi kugaroita marhaundhi. Muviri unotevedzera zvaunoda iwe kugaroita. Mukagaroisana katatu pazuva mese munopedzisira mongoda kuisana kakawanda pazuva. Mukaregereranawo ndizvozvo. |
45 | Kuzvibatabata uriwega kana kuti muri mese (bonyora) kunobatsirei | Kunobatsira kubvisa zemo. Kana une zemo unokwanisa kupedza zemo wega kana kuti neumwe munhu. Kana uri wega unozvibatabata wozvikwizirira bhinzi nepamberi kusvika watunda. Kana uri munhu wezera rechidiki unokwanisa kutora nguva, asi kana wapfuura makore 26 kazvinji hazvinetsi. Kuvarumewo vane maitire avo kuti azvitundise ega. Kana muri mese murume nomukadzi, Mukadzi anokwanisa kuzvikwiza bhinzi murume ari mukati make, kuti mese mutunde zemo ripere. |
46 | Chibereko chinosukwa sei? | Chibereko chinongosukwa kuchipatara chete. Hakuna kumwe kunokwanisika kusukwa chibereko. Usaenda kun'anga kana kumuporogita kana kune umwe munhu. Enda kuchipatara chete chete. Vanotanga vakutarisa kuti unofanira here kusukwa chibereko. Zvadaro vanokusuka chibereko. Hazvikwanisiki kuitwa pasina chipatara. |
47 | Musikana anobatwa pai kuti ade bonde? | Musikana haabatwi kuti ade bonde. Kana ava munhu abva zera anotoda bonde pasina zvokuti abatwa kana kuti kwe. Kuda bonde zviri muvanhu vese. Munenge matobvumirana kuti mese muri kuda bonde. Kana musina kubvumirana usatombomubata nokuti anokwanisa kukusungisa. Chokutanga bvumiranai kuti mese muri kuda bonde. Kana umwe asingadi hapana chinofanira kuitika. Chechipiri chiitai zvokubatana makamirira kuti mukadzi anyorove. Zvinokwanisa kuita nguva sokuti maminitsi gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri muchingo tamba. Chechitatu mukadzi opfekedza murume kondhomu. Chechina moisana murume oita nguva ari mukati memukadzi kusvika maminitsi anopfuura manomwe kuti mukadzi anakigwe. Zvadaro murume ozotundawo. Chechishanu umwe wenyu obvisa kondhomu oriputira ne TOILET ROLL. Mukadzi ozvipukuta opukitawo chombo chomurume. Mombundikirana morezvana kuratidza kuti mese mafadzwa nezvamaita. Moudzana kuti zvange zvichinaka sei. Chechitanhatu: Moonekana moita zvehope. Kana mange magutisana mese, zvava zvamangwana mangwanani kuma5.30 am. saka vatai rimwe kondhomu riri pedo. |
48 | Chii chingashanda nekukasika kudzora dumbu rakakurisa? Ndine zidumbu. | Enda unotenga bhasikoro uchovhe zuva rimwe nerimwe kwnguva inopfuura hafu ye awa. Idya zvokudya zvakakukwanira kwete kuwanza Idya zvokudya zvine balance. Pakubika usawanza mafuta. Famba ma KILOMETRE maviri pazuva, uye kana une gadheni imbopota uchinotimba kusvika wadikitira. Chimbosiyana nedoro. |
49 | Kunhuwa hapwa uchibva kunogeza kunokonzerwa nei? | Kunhuwa hapwa kunoitiswa nema Bacteria anova amwe chetewo anonhuwisa pamberi, kuseri kezheve, pasi pemazamu (kana akawa), guvhu ana une rakawira. Unokwanisa kugeza kaviri kana katatu pazuva asi hazvikubatsiri chinhu. Mvura haiurai maBACTERIA acho. Kana uchida kutapudza maBACTERIA unoita chimwe chezvinhu zviviri kana kuti zvese zvinoti: 1 kunyorovesa nzvimbo idzi ne VINEGAR. Isa vinegar pa COTTON WOOL, wo nyorovesa hapwa, zvidya nepamberi, (bhenengura chakafukidza bhinzi woisa vinegar ipapo) kuseri kwezheve, pasi pemazamu, pakati pemagaro. Mirira 15 minutes. Chienda undogeza. 2 Tsvaka mashizha emu GUMTREE achiri echidiki, woakuya wonyika mumvura. Wogeza nemvura yacho. Mashizha awa ane munhuhwi we EUCALYPTUS usingadiwi nezvipukanana zvakawanda. Kana wakashinga zora VICKS sezvinoitwa mafuta. VICKS in EUCALYPTUS OIL inotapudza ma BACTERIA. Wazora VICKS mirira kana awa, wozonogeza. Unokwanisazve kuizora woda kunovata wozogeza mamgwana. Asi hwisisa kuti VICKS inososona, zvikuru pamberi. Kaviri pavhiki mazuva okutanga. Wozopota uchiita kamwe pamwedzi. |
50 | Cocacola yakaboiliswa inobvisa mimba here? | Chakanaka kuhwisisa kuti Mimba inoitiswa nokuvata nomurume pasina kondhomu kana kuti usiri pamapiritsi uye usina kupiwa COIL kana Implant. Murume wacho haasi wako futi. Zvoreva kuti uri benzi remunhu hauna hanya noupenyu hwako. Murume wawakavata naye haanawo hanya newe. Zvino chiona pano wava kubvunza kuti COCACOLA inobvisa here mimba. Cocacola in zvinhu zvinoti 1 caffeine citrate. 2 citric acid. 3 vanilla extract. 4 lime juice. 5 flavoring 6 sugar. 7 coca leaf juice Pane zvese izvi chaunoonawo iwe chingabvisa mimba ndechipi? Kana ukawana chinokwanisa kubvisa mimba ukada kuchishandisa chitanga waoneka hama dzako, zvikuru mai vako vakakurera kuti uite munhu kwaye iwe ndokufunga kuita benzi, Mai vako vachakuchema wafa. Kana ukararama, unenga wakuvadza chibereko chako zvokuti kana wazowana murume ane hanya newe, uchatadza kuita mwana naye. Kana pane chausina kuhwisisa ndinyorere pa maichibwe@yahoo.co.uk tiongorore nyaya yako. Handina kufara chose nomubvunzo wako. |
Tuesday, 3 July 2018
Kupiwa mazano akaipa nevamwe.
Batsirai umwe wedu Peter
Takatukana nenyaya isina kana basa mukadzi wangu ndokubva
atanga kundinyararira kuita vhiki yese asingatauri neni, kana kuda kurara neni.
Ndakambozama kuita sokuti hazvina nyaya asi zvakandibatabata. Ndaitumira
Message pa WhatsApp iye asingapinduri. Kumba aingobika nokuwacha nokuita zvese
zvemumba asi akangoti zii. Pamwe unongoona misodzi ichierera asi munhu
haanzwiki kuchema. Anongondipa madrink akati zii. Kana foni yake ikarira, anodavira iota nyaya
nomunhu kunge pasina chakaipa. Achingopedza kutaura oti zii neni. Chero
ndikabvunza kuti ndiani akufonera haapinduri.
Tinogara tiri vaviri chete saka zvinonetsa kuuya kumba
ndichiziva kuti hakuna munhu. Muvhiki
rechipiri ndakaudzawo shamwari yangu dambudziko akati enda unomuudza kuti wava
kutotsvaka umwe mukadzi nokuti vakadzi havaperi. Kana asingakude ngaaende.
Ndakati But ndinomuda. Iye akati
ukamuudza kuti aende achavhunduswa obva atanga kutaudzana newe. Akati kumbira musikana wepa Reception
akutumire message pa WhatsApp ugonyebera kudanana naye. Tenga ma Condom wosiya rimwe chete muhomwe
yetiraizi rekubasa.
Ndakatererawo ndokunokumbira Shuvai kuti andibatsirewo
panyaya yangu. Ndakamubvunza kuti anofunga kuti zvingashanda here iye akati
zvinokwanisa kushanda asi ange asingadi kuti ndiise zita rake pama CONTACTS
mufoni mangu, saka ndakatora number yake ndokuisa zita rokuti Tsitsidzashe,
ndokuchitanga kutaudzana naye pa WhatsApp. Vhiki yoda kupera ndakatengawo
maCondom ndokuisa rimwe chete mu homwe yetitrauzi rokubasa. Musi we Thursday ndakanonoka kuuya kumba.
Friday ndakanonoka kuuya kumba. Saturday ndakakasira kumuka ndokubuda.
Ndakazodzoka kumasikati ndokuwanika awacha zvese zvaida kuwachwa. Ndakaenda
kunogeza ndokusiya shirt yangu nefoni pamubhedha. Hapana zvaakataura asi
ndakawana foni isinri zvayange iri.
Mukadzi ange abudawo aenda kwaaenda haana kutaura.
Akazodzoka ne grocery shoma shoma ndokutanga kubika ndokundiisira chikafu iye
ndokudya chake ndokubuda oenda kundorukwa vhudzi asi haana kutaura chinhu.
Ndaingoziva kuti ndiko kwaanoenda kana mwedzi wapera. Ndakazama kuvata naye
munheru akangosimuka akaenda ndokuwadzira pasi mukicheni ndokuvata.
Svondo akanonoka kumuka ndokusagadzirira kuenda kuchechi.
Ini ndakaenda ndega. Vekuchechi vaibvunza kuti aripi ndikati haasi kunzwa mushe
saka asara kumba. Ivo voti saka wamusiya nani. Ndakapedzisira ndabuda kuchechi
ndikaenda kumba. Manje vanhu vekuchechi kwedu vane tsika yokuti ukanzwika kuti
unorwara, vanouya kumba kwako vokuimbir vokusukira ndiro vobika vobva voenda
ivo havadyi zvavabika. Pandakazofunga kuti ndaudza vanhu kuti ari kurwara,
ndakashaya kuti ndoita sei kuti vasauya kumba kwedu.
Masikati eSvondo, ndakaona Pastor vasvika nemai Pastor.
Mukoma wanguwo haana kuita nguva, ndakaonawo asvika na maiguru. Sekuru hazvanzi
yamai ndokusvikawo nambuya. Zvino ipapo hana yotanga kurova ndava kutya manje.
Zvikahi na Pastor vharai mukova nokuti patiri ku Boys Kaya
pamusha wemunhu patinobhadhara RENT. Mukoma ndokuvhara mukova. Pastor
ndokutanga kurondedzera kuti nyaya ndeyei. Hanzi
“Tauya kuti utitsanangurire kuti sei une musikana wauri
kufambidzana naye. Zvakatanga riini uye chii chiri kuitika.”
Kusvika panguva iyoyo ndange ndisina kuona kuti pane
suitcase yaiswa mukicheni. Boys kaya yedu ine imba yakati kurei inoti uku
ndekwekugara uku ndekwekuvata muRoom imwe cheteyo asi iri hombe. Uko kumberi
koita kicheni. Toilet ne Bath zviri panze, Unobuda wopota seri wondogeza ikoko.
Saka apa ini namukoma namaiguru tange
tigere pamubhedha. Pasi na Mai Pasitor vakagara pacheya mbiri idzdzo
dzatinadzo. Mukadzi wangu agree pedo namai Pastor achieredza misodzi ivo
vakamubata sekuti mwana mudiki.
Ipapo maziso ese akanditarisa kuti nditsanangure kuti
musikana wangu wandinofambidzana naye ndiani uye zvinofamba sei. Ini ipapo
musikana handina saka handizivi kuti nyaya yavo iri papi. Kuti ndibvunze kuti
zvabva nepi ndashaya kuti ndotangira papi. Ndakangotanga kudikitira nokutyiswa
nenyaya kwayava uye kufunga kuti zvakatanga sei. Takapopotedzana nechinhu
chisina nebasa rese kuti sei ndakapinda mumba nebhutsu dzemugadheni iye
achangopedza kukorobha mumba. Chete
chete. Ndikapopoterwa ndikapopotawo iye ndokubva atotsamwa, hanzi haundioni semunhu
akakosha muupenyu hwako. Unongoona sokuti ndiri munhu pasina. Zvino nhasi nyaya
yava pakuti ndinemusikana.
Mukoma ndokubva vati “Taurai ka babamunini kuti girlfriend
yenyu makatanga kudanana riini uye kuti Plan yenyu ndeyekuti chii namainini ava.
“
Ndakavhura muromo kuti nditaure ndokunzwa kupererwa zvachose
kuti munhu ane Degree rokuUniversity ari kubvunzwa nyya iyi anotsanangura
achiti chii nokuti nyaya chaiyo hapana.
Ndakavatarisa vese umwe noumwe, apa mukadzi wangu ane makore
21, ini 25, zvoreva kuti ndini mukuru, iye ari kuchema ini ndiri pa shock
kutaura zvonetsa. Ndakatarisa
Pastor ndikati
“Pamusoroi Pastor. Ini
handisi kunzwisisa nyaya yamandibvunza. Handina munhu andingati musikana wangu.
Mukadzi wangu uyu ndiye musikana wangu chete. Tava nemwedzi misere zvevasikana
handichatombozvizivi kubva pandakadanana naye. Iye anozviziva.”
Ndakazipedza iye ava kutowedzera kuchema. Mai mufundhisi
ndokubudisa chipepa chavaiva nacho mubhegi mavo kwahi ndaenda nomukadzi wako
kuSpecial Clinic akanotestwa kuti ane zvigwere zvipi. Awanikwa kuti haana asi vati anofanira
kudzoka kwapera mwedzi mitatu. Ipapo ndipo
pandakatoona kuti ange asina kurukwa musoro. Saka paye nezuro pandaiti ari
kundorukwa aitoenda kuchipatara na mai Mufundhisi kundoitwa ma TEST.
Pastor vakati, “Mwanagu Peter, usatitambisira nguva uchidai,
taura nyaya yako ibude pachena utiudze kuti mukadzi wako unomuda here kana
kwete. Taura kuti atadzei kuti umusiye mumba uchinotsvaka mahure. Rega kutiita
semapenzi. Uri kuona kuti mukoma wako nasekuru nambuya, vanhu vakuru vasimuka
nokuda kwekukosha kwenyaya. Vauya kuzonzwisisa kuti zvaita sei. Ava Mai vako (kurva
mai mufundhisi) vakaenda nomukadzi wako uyu Violet kuma test kuti tikasire
kuziva kuti haana kupiwa zvirwere here. Zvino iwe unotoona sekuti inyaya isina maturo.
“
Ndakati, “Pastor ini musikana handina. Mukadzi wangu uyu
Violet chete chete.”
Ndisina kupedza kutaura ndakaona Mai Mufundhisi voburitsa
rimwe bepa rine zvakapirintiwa ipapo. Mukoma ndokupiwa pape riya kuti verenge.
Akaverenga zvese zvepaWhatsApp naTsitsi, nokuronga kuti tosanganepi uye riini.
Mai mufundhisi ndokuburitsa Envelop ndokuma mukoma kuti avhure atiudze tese kuti
munei. Wanike mune Condom. Mukoma akati
“Peter, taura kuti Tsitsi ndiani, Condom iri nderani uye
mamwe aro aripi. Handina kumbokurova kubva wava nemakore 15 asi kana wakangamwa
kuti unokwanisa kurihwa ndichakura nhasi pamberi paPastor naMai Pastor. Chii
chauri kuita ichi chinonyadzisa kudai munhu ane mukadzi akanaka kudai? Taura
nyaya yako.”
Ndikati, “Mukoma, rovai henyu kana muchida asi ini Musikana
handina. Ndinowanepi nguva yekutsvaka musikana? Regai Violet ataure kuti nyaya
chaiyo iri papi nokuti anoiziva. “
Mukoma ndokubva ati.” Mainini taurai kana muchiziva.”
Violet ndokubva atanga kurondedzera maonere ake. “ Ndakabva
kuChurch ndikabika tikadya tese zvakanaka, asi kwange kuchipisa saka takanogara
panze apo pamumvuri wemupichisi. Ndakaona Peter opinda mumba ochinja hembhe
dzake zvese nebhutsu dzake dzemugadheni. Ndokutora hozi paipi otana kudiridza
muriwo wedu uri seri kemba uko.
Ipapo ini ndakatangakukorobha mumba ndokuti pandakapedza iye
ndokupinda mumba nebhutsu dzake dzine madhaka. Ndakamuti hausi kuona here kuti
ndakorobha mumba, Wadii kusiya bhutsu panze. Iye ndokubva andiseka ndokupinda
kwese kwese kuzadza madhaka mumba. Ndokubva abuda ndokuenda kunodiridza futi.
Paakadzoka ndange ndakorobha madhaka ese, iye ndokupinda futi nebhutsu dzake
dzine madhaka. Ndakamuti PLEASE siya
bhutsu panze, ndokubva andituka kuti ndinofoya, handinzwisisi maabasa epamba,
uye kuti handizvari, sei ndisina kuita nhumbu gore rese rava kutoda kupera.
Hapana chandinogona. Zvaive nani dai ndisina kumboroorana naye. Kubva ipapo
haana kumbotaudzana neni.
Asi ini ndakanyarara ndikaramba ndichiita mabasa angu emumba
sezvamunotidzidzisa mhamha kuti itai utsanana mumba. Ndinobika, ndinowacha,
ndinoaina. Mukuwacha ndakasangana nemacondom muhomwe yemurume wangu. Isu
hatishandisi makondhomu. Musi we Friday akasiya foni yake achinogeza abva
kubasa, ini ndakaitarisa ndanzwa Message ichipinda ndokuona kuti yabva kuna
Tsitsi uye iri kutaura zvekusangana kuPark mangwana. Saka ndakazoverenga zvese
ndokubva nakuisirai pa Forward mhamha.
Izvozvi ari kupopota
kuti sei ndisina kubata nhumbu asi vhiki mbiri dzese anondidzinga kumubhedha
kana tava kunorara. Ndava nevhiki mbiri ndichirara mukicheni. Pamakazofona
muchibvunza kuti chii chandiri kukutumirai, ndange ndatofunga kupti pamwe ndine
zvirwere zviri kunditadzisa kubata nhumbu.
Imi mukati tiende kuchipatara.”
MaiChibwe, Ini muchato chaiwo handichina asi kuhura handina
kuhura. Ndakagariswa dare iri musi wa 25
March. Kubva ipapo ndakatadza
kutsanangura nyaya yangu yese. Hapana anobvuma kuti ndiri kutaura
chokwadi. Hakuna munhu anonzi Tsitsi.
Shamwari yangu anova akandipa Idea yacho akambozamawo kutsanangura kuti ndiye
akakonzera asi hapana anoterera. Ndoitawo sei
Please?
(Ndatapudza mavara echirungu ange akawandisa)
Subscribe to:
Posts (Atom)