Sunday 22 July 2018

Chii chinohi rudo-2?

Ndingaziva sei kuti murume/mukadzi wangu anondida?
Rudo chinhu chinonetsa kutsanangura. Ukabvunza vabereki vako kuti chii chinonzi ruro kana kuti ndinoziva sei kuti ndawana munhu wekuroorana naye anondida/ndinoda, unohwa vachingoti

“Kana wamuwana wega unongoziva kuti ndeye munhu waunofanira kuroorana naye”

Havatsananguri kuti unoziva sei nokuti zvinonetsa kutsanangura rudo. Asi chokwadi ndechokuti kana wawana munhu anokuda unokwanisa chose kuziva kuti anokuda. Iwewo ukada munhu unoziva kuti unomuda chose. Kuti mese muzoziva kuti munodanana, zvinonetsa nokuda kwekuti hazvitsananguriki. Hazviiti kuti mudanane zvakafanana. Pavanhu vanodanana umwe anoda kupfuura umwe. Asi hazvina kuipa. Chikuru ndechokuti mese muzive kuti munodiwa. Kuziva kuti umwe wako anokuda zvinofadza moyo.

Varume havana rudo gwakawanda sevakadzi asi kune vamwe vane rudo chose chose zvokusvika pakusarudza rufu pane kugara upenyu husina munhu waanoda.  Kana munhu ada umwe munhu, haakwanisa kutsanangura chikonzero chacho nokuti kazhinji hapana chikonzero anongohwa achimuda. Iwewo kana wadiwa noumwe munhu unokwanisa kusahwisisa kuti sei achindida. Chero ukamubvunza kuti iwe sei uchindida, haakwanisi kutsanangura zvinogutsa fungwa, asi kungotsikatsika. 

Asi ngatihwisise kuti rudo gunotangira mufungwa yaiye nyakuda wacho zvabva pakuyemura munhu waanoda. Kanauya munhu waanoda akakasira kutaridza kuti zvechokwadi haana hanya nokudiwa nouyu munhu, uya nyakuda anomboita hake kanguva achimuda asi zvinozopera. Kana nyakudiwa akataridzawo kuti anomuda, zvinokwanisa kukanganisa fungwa dzanyakuda zvokuti tinoona kuti kufunga zvine musoro kunozonetsa.

Ndizvo tichikurudzira kuti kana usingadi munhu zvechokwadi, usatambisa nguva yake noupenyu hwake.
Saka pano toda kuzama kutsanangura kuti rudo chii uye rudo gunoitei nefungwa dzako kana une rudo mumoyo/fungwa nomuviri wako. Izvi ndezvimwe zvezvaunongohwa uchida kuita kana une rudo.
1.      ___________________________________________________________________________________________
Kuhwa uchida kuvanomunhu waunoda nguva dzese
Kuhwa uchida kushamwaridzana naye
Kuhwa uchida kumuitira zvakanaka nguva dzese zvisinei kuti iye ari kuitei  kwauri
Kuhwa moyo wako uchifara chose kana wamuona kana kumufunga
Kushaya hope kana watanga kumufunga iye asipo
Kuhwa uchida kumuriritira
Kuhwa uchingoda kumuitira nyasha
Kumufungira zvakanaka chete chete
Kuda kuzvipa kwaari kupa muviri wako kwaari
Kuda kumubatsira zvisinei kuti hapana chaari kuita chinoda rubatsiro
Kuda kumumbundikira nguva dzese kuti ave pedo pedo newe.
Kuhwa fungwa ichiti dai ari pano neni, kana asipo.
Kumushuva nguva dzese aripo kana asipo zvese
Kufadzwa nezvaanokuudza nguva dzese uye nokuhwa achitaura zvisinei kuti ari kuti kudii
Kuhwa kuda kuvata naye zvokuti kumufunga chete kunokuitisa zemo.
Kuda kumuudza zvinhu zvese zviri kuitika muupenyu hwako nemafungire ako
Kumurota nguva zhinji uri kuhope uchirota hope dzakanaka unaye
Kurota muchiisana zvisinei kuti uri mhandara/jaya
Kugarofunga upenyu naye mava nevana venyu nomusha wenyu fungwa ichikuudza kuti muchachembera muri mese
Kuona sokuti ndiye munhu akanaka kupfuura vese kana uchimuona kana kumufunga.
Kuhwa kugumbuka pamoyo kana hama neshamwari vachikutsiura pamusoro pemunhu waunoda. Kuona sokuti vanokuudza nhema kana kuti vanotsvaka kukukanganisira upenyu.
Kuzama kumufadza zvokuti akakuudza chokuita unoita zvisinei kuti unoziva kuti chiito chakaipa, kana kuti chisina njere.
Kuda kuti akude sezvaunomuita iwe.
Kuhwa munhu waunoda achikukwezva kuti uve naye chete zvisinei kuti ari kure zvakadii. 
Kusada kubvuma kuti anokwanisa kusakuda kana kuti anoda umwe munhu iwe uripo
Kusava nehanya noupenyu hwako kana asipo, kuona sokuti zviri nani kufa pane kumushaya muupenyu. 
____________________________________________________________

Apo pokurotana, zvinoita sokuti vaume vanorota zvakasiyana nesu. kunohi murume kana achikurota ari kuhope, anongorota zvokuchiva muviri wako nokukubata muviri wobva atokurhoja, wofadzwa nazvo, obva atopepuka. 

Munhukadzi anorota zvakawanda zvichiitika nguva refu sokuti kufamba nemukomana wake pagwizi panoerera mvura pachinhuhwirira maruva vakabatana maoko, Kozoti kupinda musango mowana panoyevedza pokugara muchiita nyaya muchitarisana mumaziso, muchikisana muchipurudzirana, mukomana ozokubvisa zvipfeko wokupurudzira muviri achikuudza nyaya dzinofadza. Wozobva akupatsanisa makumbo okupinza chombo moita nguva refu muchiisana. Wotozoona wava nemwana wake muchienda kana kuSUPERMARKET. Unokwanisa kutrota kana makore matatu muchiroto chimwe chete. 

Kurota uku kunotaridza mafungire evarume nevakadzi kusiyana kwavo nemaonere avo nyaya dzokudanana. Zvinoreva kuti kudanana kwavo kwakatosiyana zvachose. Varume vanongoda kuisana vakadzi vanoda inohi pachirungu ROMANCE. 
_________________________________________________________________________


Saka izvi zvinoreva kuti kana uchida kuhwisisa kuti mukomana/musikana wako anokuda here, unotarisa kuda kwaunomuita iwe wozvibvunza kuti anokuda zvakafanana here. Mubvunzo uyu unonetsa nokuti iwe ipapo unomuda zvokuti chero akakuudza nhema dzaunoona kuti shuwa inhema, kuti anokuda, unoona sokuti ari kukuudza chokwadi.

Rudo nokupenga hazvina kunyanyosiyana, saka kana ukahwa uchida munhu zvakadzika chose, hwisisa kuti wava kutopenga Unohwa vamwe vachiti “Nhingi anopengesana na nhingi” nokuti vanoona zviito zvenyu kuti ndezverudo saka hazvikwanisiki kutsanangugwa nevamwe vanhu. Imi chete ndimi munozvihwhisisa pauviri hwenyu.

Rudo kazhinji gunokubata gokusungagokuisa muchitokisi mausingakwanisi kubuda asi futi unenge usingadi kubuda . Asi napo napo fungwa inoneta nokuda munhu. Rudo gwakadzika gunoita makore maviri uchipenga, asi unozongoona watanga kubuda mukupenga muya wotanga rudo gwakati siyanei.

Unokura murudo nomunhu, wotanga kufunga zvine musoro zvakaita sokuvaka musha. Unotanga kuterera zvaanotaura nokubvunza kuti zvinorevei nokuda kunatsa kuzvihwisisa. Unotanga kubvunza vamwe kuti chii chiri kuitika. Unobvunza kuti vanofunga kuti anokuda here nomoyo wese. Kana hama neshamwari vakakutsiura pane zviri kuitika unokwanisa kuterera.

Unotanga kuhwisisa zvaunoda zvisiri pamunhu waunoda uye kufunga kuti kana ndikavaka musha naye zvandinoda kuti ange ari zvaasiri ndichazviwana sei. Unotanga kuzama kusakoshesa zvaasiri  uchigadzirira kusazviwana paari. Sokuti kana ari munhu anomwa doro iwe usingadi kumwiwa kwedoro, unotanga kuzvitsvakira mukana wekugamuchira kumwiwa kwedoro.

Rudo pakutanga gunokukanganisa musoro asi nenguva unotanga kufunga zvakanaka rudo gwekupenga goderera. Kana muchidanana mese munoramba henyu muchidanana asi zvenge zvava zvevanhu vakura. Unohwisisa kuti vanodanana vanokwanisa kupokana asi vachizoyanana futi. Vanodanana vanokwanisa paradzana dzimwe nguva, vachizosangana futi. Vanodanana vanokwanisa kumbofunga nezvimwe zvisinei nokudanana, zvinoita upenyu huende mberi, sokuti kudzidza mabhuku nokupasa vhunzo kuti vawane mabasa.

Unohwisisa kuti rudo handi kungogara muchifunga zvokuisana chete, zvisinei kuti kuisana kunonaka chose uye unoda kuisana nomudikamwi wako. Munopa nguva kune zvimwe zvinovaka upenyu.
Rudo muupenyu nomunhu waunoda gunokwanisa kuti dzimwe nguva unohwa kupengeswa naye, dzimwe nguva FOCUS yenyu iri pane zvimwe asi fungwa dzenyu dzinoziva kuti munodanana nguva dzese.  

Zvinoita here kuto wamboda munhu wozosamuda?
Zvinoita nokuti kuda munhu kunoitika nokuti iwe unozvisarudzira kumuda. Sakai we unokwanisazve kuzvisarudzira kusamuda. Kune vanhu NHUNZVATUNZVA vanongoti pano ada pana asiya zvokuti muupenyu anokwanisa kudanana nevanhu vakawanda.
Kana wasangana nomunhu, usati wanatsa kumuda, tanga watarisa HISTORY yake kuti akamira sei. Kana akambodanana nevakawanda sokuti vanopfuura vatatu, hwisisa kuti anokwanisa kukusiya pasina nguva refu.
Ngatihwisisezve kuti hazviiti kuti vanhu vaviri vadanane zvakafanana. Umwe anoda kupfuura umwe.  Kana kune munhu waunoda iyewo achikuda, hwisisa kuti ibasa rako kuona kuti MENTAL HEALTH yake yakamisa papi. Kune vakawanda chose vanozviuraya nokuda kweti vanoona sokuti munhu waanodanana naye haana hanya naye.  Kana uchimuda ita zvorudo naye. Kana usingamudi, kasira kumuudza kuti zviri nani musiyane. Usatambisa nguva yomunhu.

Kana uchitsvaka wekudanana naye usangoda kudanana nomunhu zve DESPERATION. Tsvaka zvakanaka wakagadzikana hana. Aripo munhu akamirira kusangana newe kuti mudanane. Kungoti mese muri vaviri hamisati masanganga. Ramba uchitsvaka

Udzai Vamwe!!!!!!

2 comments:

Unknown said...

Makadii ini ndiri mukomana ane makore 21 ndinosenza nyaya yangu ndakaita bonde nemusikana ane makore 17 akabata pamuviri asi patakaita ndakabuditsa hurume ndakaitira kunze asi akaita pamuviri pAtakanga tisina kuronga nepo taingoti zviri kudarika musikna uyu ndaingova nemavhiki matatu ndamuziva patAKAITA bonde ,,,,,ndokubva zvazivikanwa kt ane pamuviri kumba kwavo akati ndepangu ndokubva atiziswa nasisi vake kwandiri apa ndaivawo bhachurA hangu ,,nguva apo akauya handina kukwanisa kuita nharo ndakange ndonetseka ndokubva asiyiwa ndakaita mavhiki maviri ndisina kurara naye asi akanga atouya ndakugara,naye ndakaudzawo,vehama zvakanga zvaitika vakanditi ndiko kutokura,,,,ndokubva ndambozvishingisa,kuti,ndigare,naye sezvo mimba aiti ndeyangu ,,,,,,nyaya inogarondinetsa manje ndeyekuti musikana uyu ari very enoccent asi handina kubvira ndamuda kuti ndizorora kuti ave mukadzi wangu ndaingotiwo zvirikupfuura ska,nyaya,inondinetsa,ndeyekuti ndiri kunzi nevabereki vangu ndiite ndiroore munhu uyu ,,,,nyaya yangu munhu haana hake kushata atori tsvarakadenga asi handina kubvira,ndamuda kuti ave mukadzi wangu uye kuti ndizoroora asi ikozvino vabereki varikuti ndinoroora asi ini,handizivi kuti zvinoita here kuti uroore munhu wausinganyoda nenyaya yekuti ane mimba kuti ave mukadzi wako ndakambotiza mavhiki ekutanga asi ndakadzoka kumba ndanzwa tsitsi asi ndodii ndomhanyira,kuroora here,munhu wandakangoziva kwenguva duku akaita mimba kugara kwatinoita izvezve handisati ndambomuudza kuti I love you asi ndiri kunzi,ndinoroorA,zvinoita,here,nenyaya,yekuti angori,nenhumbu,yangu ?

Unknown said...

Makadii ini ndiri mukomana ane makore 21 ndinosenza nyaya yangu ndakaita bonde nemusikana ane makore 17 akabata pamuviri asi patakaita ndakabuditsa hurume ndakaitira kunze asi akaita pamuviri pAtakanga tisina kuronga nepo taingoti zviri kudarika musikna uyu ndaingova nemavhiki matatu ndamuziva patAKAITA bonde ,,,,,ndokubva zvazivikanwa kt ane pamuviri kumba kwavo akati ndepangu ndokubva atiziswa nasisi vake kwandiri apa ndaivawo bhachurA hangu ,,nguva apo akauya handina kukwanisa kuita nharo ndakange ndonetseka ndokubva asiyiwa ndakaita mavhiki maviri ndisina kurara naye asi akanga atouya ndakugara,naye ndakaudzawo,vehama zvakanga zvaitika vakanditi ndiko kutokura,,,,ndokubva ndambozvishingisa,kuti,ndigare,naye sezvo mimba aiti ndeyangu ,,,,,,nyaya inogarondinetsa manje ndeyekuti musikana uyu ari very enoccent asi handina kubvira ndamuda kuti ndizorora kuti ave mukadzi wangu ndaingotiwo zvirikupfuura ska,nyaya,inondinetsa,ndeyekuti ndiri kunzi nevabereki vangu ndiite ndiroore munhu uyu ,,,,nyaya yangu munhu haana hake kushata atori tsvarakadenga asi handina kubvira,ndamuda kuti ave mukadzi wangu uye kuti ndizoroora asi ikozvino vabereki varikuti ndinoroora asi ini,handizivi kuti zvinoita here kuti uroore munhu wausinganyoda nenyaya yekuti ane mimba kuti ave mukadzi wako ndakambotiza mavhiki ekutanga asi ndakadzoka kumba ndanzwa tsitsi asi ndodii ndomhanyira,kuroora here,munhu wandakangoziva kwenguva duku akaita mimba kugara kwatinoita izvezve handisati ndambomuudza kuti I love you asi ndiri kunzi,ndinoroorA,zvinoita,here,nenyaya,yekuti angori,nenhumbu,yangu ?