Tuesday 3 July 2018

Kupiwa mazano akaipa nevamwe.


Batsirai umwe wedu Peter 

Takatukana nenyaya isina kana basa mukadzi wangu ndokubva atanga kundinyararira kuita vhiki yese asingatauri neni, kana kuda kurara neni. Ndakambozama kuita sokuti hazvina nyaya asi zvakandibatabata. Ndaitumira Message pa WhatsApp iye asingapinduri. Kumba aingobika nokuwacha nokuita zvese zvemumba asi akangoti zii. Pamwe unongoona misodzi ichierera asi munhu haanzwiki kuchema. Anongondipa madrink akati zii.  Kana foni yake ikarira, anodavira iota nyaya nomunhu kunge pasina chakaipa. Achingopedza kutaura oti zii neni. Chero ndikabvunza kuti ndiani akufonera haapinduri.

Tinogara tiri vaviri chete saka zvinonetsa kuuya kumba ndichiziva kuti hakuna munhu.  Muvhiki rechipiri ndakaudzawo shamwari yangu dambudziko akati enda unomuudza kuti wava kutotsvaka umwe mukadzi nokuti vakadzi havaperi. Kana asingakude ngaaende. Ndakati But ndinomuda. Iye akati  ukamuudza kuti aende achavhunduswa obva atanga kutaudzana newe.  Akati kumbira musikana wepa Reception akutumire message pa WhatsApp ugonyebera kudanana naye.  Tenga ma Condom wosiya rimwe chete muhomwe yetiraizi rekubasa.

Ndakatererawo ndokunokumbira Shuvai kuti andibatsirewo panyaya yangu. Ndakamubvunza kuti anofunga kuti zvingashanda here iye akati zvinokwanisa kushanda asi ange asingadi kuti ndiise zita rake pama CONTACTS mufoni mangu, saka ndakatora number yake ndokuisa zita rokuti Tsitsidzashe, ndokuchitanga kutaudzana naye pa WhatsApp. Vhiki yoda kupera ndakatengawo maCondom ndokuisa rimwe chete mu homwe yetitrauzi rokubasa.  Musi we Thursday ndakanonoka kuuya kumba. Friday ndakanonoka kuuya kumba. Saturday ndakakasira kumuka ndokubuda. Ndakazodzoka kumasikati ndokuwanika awacha zvese zvaida kuwachwa. Ndakaenda kunogeza ndokusiya shirt yangu nefoni pamubhedha. Hapana zvaakataura asi ndakawana foni isinri zvayange iri.

Mukadzi ange abudawo aenda kwaaenda haana kutaura. Akazodzoka ne grocery shoma shoma ndokutanga kubika ndokundiisira chikafu iye ndokudya chake ndokubuda oenda kundorukwa vhudzi asi haana kutaura chinhu. Ndaingoziva kuti ndiko kwaanoenda kana mwedzi wapera. Ndakazama kuvata naye munheru akangosimuka akaenda ndokuwadzira pasi mukicheni ndokuvata.

Svondo akanonoka kumuka ndokusagadzirira kuenda kuchechi. Ini ndakaenda ndega. Vekuchechi vaibvunza kuti aripi ndikati haasi kunzwa mushe saka asara kumba. Ivo voti saka wamusiya nani. Ndakapedzisira ndabuda kuchechi ndikaenda kumba. Manje vanhu vekuchechi kwedu vane tsika yokuti ukanzwika kuti unorwara, vanouya kumba kwako vokuimbir vokusukira ndiro vobika vobva voenda ivo havadyi zvavabika. Pandakazofunga kuti ndaudza vanhu kuti ari kurwara, ndakashaya kuti ndoita sei kuti vasauya kumba kwedu.

Masikati eSvondo, ndakaona Pastor vasvika nemai Pastor. Mukoma wanguwo haana kuita nguva, ndakaonawo asvika na maiguru. Sekuru hazvanzi yamai ndokusvikawo nambuya. Zvino ipapo hana yotanga kurova ndava kutya manje.

Zvikahi na Pastor vharai mukova nokuti patiri ku Boys Kaya pamusha wemunhu patinobhadhara RENT. Mukoma ndokuvhara mukova. Pastor ndokutanga kurondedzera kuti nyaya ndeyei. Hanzi
“Tauya kuti utitsanangurire kuti sei une musikana wauri kufambidzana naye. Zvakatanga riini uye chii chiri kuitika.”

Kusvika panguva iyoyo ndange ndisina kuona kuti pane suitcase yaiswa mukicheni. Boys kaya yedu ine imba yakati kurei inoti uku ndekwekugara uku ndekwekuvata muRoom imwe cheteyo asi iri hombe. Uko kumberi koita kicheni. Toilet ne Bath zviri panze, Unobuda wopota seri wondogeza ikoko.  Saka apa ini namukoma namaiguru tange tigere pamubhedha. Pasi na Mai Pasitor vakagara pacheya mbiri idzdzo dzatinadzo. Mukadzi wangu agree pedo namai Pastor achieredza misodzi ivo vakamubata sekuti mwana mudiki.

Ipapo maziso ese akanditarisa kuti nditsanangure kuti musikana wangu wandinofambidzana naye ndiani uye zvinofamba sei. Ini ipapo musikana handina saka handizivi kuti nyaya yavo iri papi. Kuti ndibvunze kuti zvabva nepi ndashaya kuti ndotangira papi. Ndakangotanga kudikitira nokutyiswa nenyaya kwayava uye kufunga kuti zvakatanga sei. Takapopotedzana nechinhu chisina nebasa rese kuti sei ndakapinda mumba nebhutsu dzemugadheni iye achangopedza kukorobha mumba.  Chete chete. Ndikapopoterwa ndikapopotawo iye ndokubva atotsamwa, hanzi haundioni semunhu akakosha muupenyu hwako. Unongoona sokuti ndiri munhu pasina. Zvino nhasi nyaya yava pakuti ndinemusikana.

Mukoma ndokubva vati “Taurai ka babamunini kuti girlfriend yenyu makatanga kudanana riini uye kuti Plan yenyu ndeyekuti chii namainini ava. “

Ndakavhura muromo kuti nditaure ndokunzwa kupererwa zvachose kuti munhu ane Degree rokuUniversity ari kubvunzwa nyya iyi anotsanangura achiti chii nokuti nyaya chaiyo hapana.
Ndakavatarisa vese umwe noumwe, apa mukadzi wangu ane makore 21, ini 25, zvoreva kuti ndini mukuru, iye ari kuchema ini ndiri pa shock kutaura zvonetsa.  Ndakatarisa Pastor  ndikati
“Pamusoroi Pastor.  Ini handisi kunzwisisa nyaya yamandibvunza. Handina munhu andingati musikana wangu. Mukadzi wangu uyu ndiye musikana wangu chete. Tava nemwedzi misere zvevasikana handichatombozvizivi kubva pandakadanana naye. Iye anozviziva.” 

Ndakazipedza iye ava kutowedzera kuchema. Mai mufundhisi ndokubudisa chipepa chavaiva nacho mubhegi mavo kwahi ndaenda nomukadzi wako kuSpecial Clinic akanotestwa kuti ane zvigwere zvipi.  Awanikwa kuti haana asi vati anofanira kudzoka kwapera mwedzi mitatu.  Ipapo ndipo pandakatoona kuti ange asina kurukwa musoro. Saka paye nezuro pandaiti ari kundorukwa aitoenda kuchipatara na mai Mufundhisi kundoitwa ma TEST.

Pastor vakati, “Mwanagu Peter, usatitambisira nguva uchidai, taura nyaya yako ibude pachena utiudze kuti mukadzi wako unomuda here kana kwete. Taura kuti atadzei kuti umusiye mumba uchinotsvaka mahure. Rega kutiita semapenzi. Uri kuona kuti mukoma wako nasekuru nambuya, vanhu vakuru vasimuka nokuda kwekukosha kwenyaya. Vauya kuzonzwisisa kuti zvaita sei. Ava Mai vako (kurva mai mufundhisi) vakaenda nomukadzi wako uyu Violet kuma test kuti tikasire kuziva kuti haana kupiwa zvirwere here. Zvino iwe unotoona sekuti inyaya isina maturo. “

Ndakati, “Pastor ini musikana handina. Mukadzi wangu uyu Violet chete chete.”

Ndisina kupedza kutaura ndakaona Mai Mufundhisi voburitsa rimwe bepa rine zvakapirintiwa ipapo. Mukoma ndokupiwa pape riya kuti verenge. Akaverenga zvese zvepaWhatsApp naTsitsi, nokuronga kuti tosanganepi uye riini. Mai mufundhisi ndokuburitsa Envelop ndokuma mukoma kuti avhure atiudze tese kuti munei. Wanike mune Condom. Mukoma akati

“Peter, taura kuti Tsitsi ndiani, Condom iri nderani uye mamwe aro aripi. Handina kumbokurova kubva wava nemakore 15 asi kana wakangamwa kuti unokwanisa kurihwa ndichakura nhasi pamberi paPastor naMai Pastor. Chii chauri kuita ichi chinonyadzisa kudai munhu ane mukadzi akanaka kudai? Taura nyaya yako.”

Ndikati, “Mukoma, rovai henyu kana muchida asi ini Musikana handina. Ndinowanepi nguva yekutsvaka musikana? Regai Violet ataure kuti nyaya chaiyo iri papi nokuti anoiziva. “

Mukoma ndokubva ati.” Mainini taurai kana muchiziva.”

Violet ndokubva atanga kurondedzera maonere ake. “ Ndakabva kuChurch ndikabika tikadya tese zvakanaka, asi kwange kuchipisa saka takanogara panze apo pamumvuri wemupichisi. Ndakaona Peter opinda mumba ochinja hembhe dzake zvese nebhutsu dzake dzemugadheni. Ndokutora hozi paipi otana kudiridza muriwo wedu uri seri kemba uko.

Ipapo ini ndakatangakukorobha mumba ndokuti pandakapedza iye ndokupinda mumba nebhutsu dzake dzine madhaka. Ndakamuti hausi kuona here kuti ndakorobha mumba, Wadii kusiya bhutsu panze. Iye ndokubva andiseka ndokupinda kwese kwese kuzadza madhaka mumba. Ndokubva abuda ndokuenda kunodiridza futi. Paakadzoka ndange ndakorobha madhaka ese, iye ndokupinda futi nebhutsu dzake dzine madhaka.  Ndakamuti PLEASE siya bhutsu panze, ndokubva andituka kuti ndinofoya, handinzwisisi maabasa epamba, uye kuti handizvari, sei ndisina kuita nhumbu gore rese rava kutoda kupera. Hapana chandinogona. Zvaive nani dai ndisina kumboroorana naye. Kubva ipapo haana kumbotaudzana neni.

Asi ini ndakanyarara ndikaramba ndichiita mabasa angu emumba sezvamunotidzidzisa mhamha kuti itai utsanana mumba. Ndinobika, ndinowacha, ndinoaina. Mukuwacha ndakasangana nemacondom muhomwe yemurume wangu. Isu hatishandisi makondhomu. Musi we Friday akasiya foni yake achinogeza abva kubasa, ini ndakaitarisa ndanzwa Message ichipinda ndokuona kuti yabva kuna Tsitsi uye iri kutaura zvekusangana kuPark mangwana. Saka ndakazoverenga zvese ndokubva nakuisirai pa Forward mhamha.

Izvozvi  ari kupopota kuti sei ndisina kubata nhumbu asi vhiki mbiri dzese anondidzinga kumubhedha kana tava kunorara. Ndava nevhiki mbiri ndichirara mukicheni. Pamakazofona muchibvunza kuti chii chandiri kukutumirai, ndange ndatofunga kupti pamwe ndine zvirwere zviri kunditadzisa kubata nhumbu.  Imi mukati tiende kuchipatara.”

MaiChibwe, Ini muchato chaiwo handichina asi kuhura handina kuhura. Ndakagariswa dare iri musi wa  25 March.  Kubva ipapo ndakatadza kutsanangura nyaya yangu yese. Hapana anobvuma kuti ndiri kutaura chokwadi.  Hakuna munhu anonzi Tsitsi. Shamwari yangu anova akandipa Idea yacho akambozamawo kutsanangura kuti ndiye akakonzera asi hapana anoterera.  Ndoitawo sei  Please?

(Ndatapudza mavara echirungu ange akawandisa)





No comments: