Chokutanga ngatiwirirane kuti sei tichivatana nevarume/vakadzi
vedu? Pane zvakawanda zvinobatsimhuri
kana tichigarovatana mumba vabereki.
1. Kuvatana
kunorapa nokudzivirira zvigwere zvakati wandei kuvaume nevakadzi
2.
Kuvatana kunovaraidzana kuti hana igare yakadzikama, hasha dziri shoma
mumba
3.
Kuvatana kunoyananisa kana mamboukana umwe akawana mukana wekukumbira
regerero ukamuregerera kazhinji munovata maisana musi iwoyo kuratidza kuti
zvamatukanirana zvapera.
4.
Kuvatana kunoita kuti uhwe fungwa dzako dzichikuudza kuti uri munhu
akakwana woita CONFIDENCE kuti uri mukadzi akakwana nokuti unoisana nomurume
wako. Uri murume akakwana nokuti unoisana nomukadzi wako.
5.
Kuvatana kutaudzana pasina mashoko. BODY LANGUAGE zvinova zvinohwisiswa
nemi mese. Munenge muri pamwe chete muchihwisisana.
6.
Kuvatana kuno deredza BP.
7.
Kuvatana kunorerusa muviri (RELAX)
8.
Kuvatana kunoita ufunge kuti unodiwa noumwe wako nokuti anofarira
kuvatana newe.
9.
Kuvatana kuoitisa mimba inozvara mwana wenyu mese kuratidza kuti muri
pamwe chete COMMITTMENT
10. Kuvatana
kunonaka chose chose kana muchiita zvakanaka
11. Kuvatana
kuita muite hope dzakanaka zvinova zvinowedzera utano.
12. Kugarovatana
noumwe munhu kunoita usinunguke pamoyo kana unaye.
Saka ukabata umwe wako achikuhurira mukachimira kuvatana, Zvese izvi
zvange zviri pakati penyu hazvichipo. Iwe fungwa dzako dzava kufungira kuti
murume/mukadzi wako ari kuhura noumwe munhu.
1. Wofunga
kuti haachakudi.
2.
Hamuchataudzani pasina mashoko,
3.
Hauchazivi zvaari kana zvaanofunga.
4.
Hamuchisiri panzvimbo imwe chete mumba menyu
5.
Hasha dzowedzera mumba
6.
Yananiso hapachina
7.
Hauchamuremekedzi wongotaurira vamwe vanhu zvese zvomumba menyu kuita
sokuti imwa haisiri yako.
8.
Ruvombo hapachina
9. Rudo
hapachina.
Pamba pangova nevanhu asi chakavabatanidza hapachina. Zvava zvokungoti
hapana kwekuenda.
Zvino nyaya iripo ndeyokuti vanhukadzi vanokwanisa kuregerera kupfuura
vanhurume. Kuregerera kwevanhukadzi kwakatosiyana nekwevanhurume. Ingari yokuti
murume wako anokuona semunhu wake zvakangofanana nemaonere aanoita munda wake
kana kuti mota yake. (POSSESSION) Asi mukadzi wako anokuona somunhu waari pamwe
chete naye PARTNERSHIP. Ndiko kusiyana kwenyu pamafungire.
Mukadzi wako anokwanisa kukuregerera kupfuura zvaunokwanisa iwe murume
kumuregerera panyaya dzechihure.
Unohwa mukadzi wemunhu achipopotera murume kana kudembademba kumurume
achiti
“Iwe ndakakuregerera wahura kaviri kese asi nhasi ini ndahura kamwe
chete iwe hausi kuda kundiregerera sei?”
Mukadzi akadai haanatsi kuhwisisa mafungire evarume. Iwe uri chinhu
chemurume wako asi iye haasi chinhu chako. Murume wega wega haawani zviri nyore
kukuregerera. Mazuvano varume vanoudza vakadzi vavo kuti “Enda undohura tiwane
mari. “ vawanda chose. Murume akadai
anenge achigamuchira mari yauya nomukadzi wake mumba, achinatsa kuziva kwairi
kubva, asi chokwadi ndechokuti haabvunzi mukadzi panyaya dzokuhura nokuti
zvinokanganisa fungwa dzake. Kungoti iye haakwanisi kuriritira mhuri saka
anobvumidza mukdzi kuhura.
Imwezve nyaya ndeyokuti kuregererana kunotora nguva uye munenga
mambotukana nokutsamwisana pamwe munotombovengana chaizvo zvokusada
kutomboonana. Pamwe munofungirana kuti dai afa zvake ndikasara ndega nokuti
andigumbura chose. Pamunozoregererana zvenge zvava zvokungoti munhu uyu ndomuda
saka rudo gunoti regerera kana ahwisisa kuti anditadzira. Asi hazvisi nyore.
Kana mukadzi/murume awakambohura naye musati maroorana, kana akazohura futi
maroorana unongogumbuka nazvo, zvisinei kuti iwe wakamutora kubva kune umwe
murume/mukadzi, saka aitori hure nechekare.
Kotizve kusavata naye haisi nyaya yokuti hauna zemo kana kuti haudi
kuvata naye, asi kuti hana chokwadi kuti ahwisisa kukanganisa kwake uye kuti
uri kugwadziwa moyo zvakadii nokuti akunyadzisa zvakadii pamhuri dzenyu
neshamwari dzenyu. Haumbooni kuti iyevo azvinyadzisa kuvanhu ava.
Saka apa tiri kuti zviitiko zvese ivi zvinokonzera kuti nguva
yamusingaisani irebe, muchingotaura nokupopotedzana. Kozoti nyaya yasvika
pokuti munofanira kududzirana kuti iri papi zvechokwadi. Mukuru wemhuri yenyu anobvunanisai kuti
ahwisise zvokuita nokuti hazvina kunaka kuti murambe muchipopotedzana. Anoti
Iwe mukadzi, murume wako zvaahura uchiri kumuda
here? Iwe woti unomuda asi ngaaripe muripo wekuti kuratidza kuti ahwisisa kuti
andigumbura.
Iwe murume zvawahurira mukadzi wako uchiri kumuda
here kana kuti wava kuda hure rako. Murume anoti bodo, ari kuda mukadzi wake.
Hure raingori munhu wekutamba naye.
Mukuru wemhuri anoti kumukadzi, waterera murume
wako achizvitaurira ega kuti anokuda. Iwewo watidudzira kuti unomuda saka mese
chitiudzai kuti munodzokerana sei uye riini.
Murume anotaura kuti azvipira kuti haadzikeri asina
mukadzi wake. Afara chose kuti ahwa mashoko erudo kubva kumukadzi wake.
Zvadaro vanokwira mota vodzokera kumba kwavo.
_______________________________________________
Mukuru wemhuri anoti:
Iwe murume, mukadzi wako zvaahura, uchiri kumuda here? Iye woti anomuda
asi chikomba chake ngachiripe muripo wekuti, kuti agamuchire mukadzi.
Mukuru oti: ko iwe mukadzi zvawahurira murume wako unoda ani pakati
pavo? Mukadzi anotanga kuchema kuratidza kuti ari kutaura chokwadi, otaura kuti
anoda murume wake. Chikomba akanghurawo nacho nokuti vakaburuka bhazi vese
vakafamba maKILOMETRE manomwe vese kwasviba. Zvakangomubatawo zvakaipa akahura
nemurume uyu asi haanei naye zvachose. Iyewo ane mukadzi wake akatouya kumba
kwangu akandirova, Handina kana kumbodzorera nokuti ndaiziva kukanganisa
kwangu. Murume wangu ndinomuda asi ndange ndave nevhiki mbiri dzese
asingandibati usiku.
Mukuru oti: Saka sabhuku wechikomba chako atora mombe dzarebwa nomurume
wako. Ini ndichanodzitinha. Sakai mi munofungei nezvamunoda kuita mese mati
munodanana. Murume wako ati anokuregerera.
Mukadzi oti, anoda chose kudzokera kumba kwake nomurume wake uye
anotenda noruregerero gwaapiwa nomurume wake.
________________________________________________________
Zvadaro vanokwira mota yavo vodzokera kumba kwavo.
Ndipo panotangira CHAPTER ino yatiri. Masvika kumba kwenyu,
maregererana, munotanga sei kuisana? Nyaya mbiri idzi hadzina kufanana zvisinei
kuti padziri dzese umwe ahura uye padziri dzese, nyakuhura aregeregwa. Yomukadzi
ahura inokwanisa kukonzera nyaya dzakawanda pane zvokuzoisana kwavo vava kumba
kwavo.
Hezvinoi zvinokwanisa kuitika mufungwa dzako paunofunga kuti
uyu murume/mukadzi wako uye unomuda saka unofanira kumuregerera. Pakunoda kumubata sezvamaiita kare,
unokwanisa kuhwa fumgwa yako kuita izvi.
1 Kusemeswa
nomurume/mukadzi wako
2 Kuda kuzvienzanisa
nehurekadzi/hurerume reumwe wako
4 Kufunga kuti
ukawedzera kuda kuisana naye anokangamwa kuhura kwake
Dzokera
kwamakatangira undoongorora kuti kuisana mumba menyu kunobatsirei uye
kunobatsira ani? Tambotaura kuti kunobatsira
pane izvi.
1 Kunorapa zvigwere
uye fungwa
2 Kunovaraidza
anogwadziwa pamoyo neanochema mufungwa (COMFORT)
3 Kunoderedza kupokana mumba. Munopedzera shungu pakuisana.
4 Kunokuita ufunge kuti une chiremera kune umwe wako nokuti
ari kuzvipa kwauri. Murume arikuda kuvata newe saka anokuona uri munhu
akakodzera kuvata naye nokuti chombo chake chiri kutomira kana wamubatabata.
Mukadzi wako ari kukuvhurira uye ari kunyorova kureva kuti ari kuda kuiswa
newe,
5 Kunootaridza rudo pakati penyu. Munoudzana rudo mukuisana
kwenyu zvisinei kuti hamutauri nezvokudanana kwenyu. Maitire enyu anotaridza
rudo.
6 Zvinotaridza kuti uri kuda kumufadza iyewo ari kuda
kukufadza.
7 Zvinorerusa muviri
Hwisazve kuti kazhinji munenga mambofumurana kuhama
neshamwari. Vanhu ava vakazoona mava mese futi, zvoita sokuti ivo pavaikupai
mazano ndivo mapenzi. Saka uchaona kuti havaswederi pedo nemi nokuda
kwekunyadziswa nezvamaita mese. Kuti uyu ahura, uyu aregerera.
Kana ukafunga kuisana kwenyu unokwanisa kuona sokuti uri
kukanganisira hama neshamwari dzakakusapota pakukanganisa kweumwe wako.
Kana watarisa zvese izvi, chizvibvunza kuti ndezvipi zvauri
kufunga kuti mukatanga kuisana futi zvingave zvikonzero zvokuti ungada kuti
muisirane. Kana ukawana zviviri kana zvitatu, zama kunoudza umwe wako mafungire
ako mubvunzane kuti iyewo anofungei pazviri.
Kana iyewo akawana zvikonzero zviviri kana zvitatu. Chimbobvunzanaiwo
kuti zvisipo izvo hazvipo nengari yeyi?
Zvinokwanisika here kuti uri kuti wamuregerera iwe uchiri kushushikana
neregerero yako?
Kuregerera zvinoreva heri kuti hauna chigumbu pamoyo kana
kuti unacho asi une rudo nomunhu wako saka uri kuzama chose asi zviri
kukunetsa.
Tarurira umwe wako ahwisise
zviri pamoyo pako. Vanhu vakawanda chose vanohurira vamwe vavo havanatsi
kuhwisisa IMPACT yezviito zvavo.
Munokwanisa kuti mataudzana, pamunozopedza kutaudzana iwe
nyakuregerera hauchina hanya nokuda kuisana nokuti mukutaudzana wayeuchidzwa
kukanganisa kweumwe wako. Pamwe
munombochemedzana. Mukuchema muya anokwanisa kuhwisisa uti akakanganisa
agotangawo kuchema. Pamwe munonovata, ugopepuka pakati peusiku uchiwana iye
akasvinura achifunganya. Murima imomo
munokwanisazve kutanga kutaudzana. Pamwe
kana uri munhukadzi unohwa kuda kuriritira murume wako kumutora womuvaraidza
mukukanganisa kwake.
Zvese izvi zvinokwanisa kuti umwe musi unohwa moyo wako
kuregerera chose, kana wada kuisana nomurume/mukadzi wako kumuratidza kuti moyo
wako uri pari wana mukana wekumuti aswedere pedo newe muisane. Kana mapedza, taudzanai kuti muri papi
panyaya yenyu.
Vanhu vakawanda chose vanoita mimba panguva dzakadai. Zviri
nani kuti musaita mimba nokuti kana mange musina kunatsoregererana, mimba
inokwanisa kukupatsanurai futi umwe noumwe otanga kufunga zvake ega. Mwana
akazozvagwa anokwanisazve kuva pakati penyu musati masvika pokuti manatsa
kuhwisisana. Zvemimba dai mambomira.
Apa tiri kuti hazvisi nyore kutanga kuisana umwe ambohura
mukambomira kuisana kwenyu mumba. Pamwe menge matombosiyana kuti uyu kwake uyu
kwake.
Kana uchiziva mumoyo mako kuti uri kuda kuregerera asi uri kutadza chose kuzvipa muviri wako kune umwe wako, munokwanisa kuenda kundoyananiswa zvikuru nomunhu asiri wemhuri. Zviri nani paite vaviri mukadzi nomurume, kuti mese muwane wekuturira musengwa.
Nyaya iyi inobva kure chose chose. zvokuti kana nguva yekare yakanyogwa Bhaibheri zvaivako. Mubhuku raMatiyo 19 : 7-11 pane nyaya yokuti, Vafundindhisi vakasvika pakuudzwa kuti makabvumidzwa kuramba vakadzi venyu kana paita chihure nengari yokuti mune misoro yakaoma hamugoni kuregerera, asi hazvina kugara zvakadai kubva pakutanga. Kureva kuti munhu achisikwa akasikwa kuti aregerere asi kuoma musoro kwakazoita kuti abvumidzwe kurambana kana mahurirana.
Saka chinhu chakaoma. Kana zvichikunetsa kutanga kuvata naye hwisisa kuti watogona chinhu chikuru chokuregerera. Chidzidza kuzvipa kwaari. Iwewo nyakuhura, bata musoro wenyaya uhwisise kudzungaidza kwawaita umwe wako.
Kana wakahuriswa noruchiva, taura ahwisise.
Kana wakahuriswa nokushaya rudo mumba, taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuda mari taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuti hausi kuguta mumba taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuti haumudi, taura ahwisise umuudze achienda hake.
UDZAI VAMWE !!!!!!!
No comments:
Post a Comment