Friday 17 August 2018

Nyaya dzese dzemumba dzinotongwa nemhuri here?

Kana maroorana zvinoita chose chose kuti munogaropokana pakati penyu. Mubvunzo iri kuti zvinoita here kuti pese pamunopokana mokwidza nyaya yenyu kudare remhuri yenyu kuti mutongeswe?

Nyaya iyi inyaya diki chose.

Kana maroorana zviri pamutemo wekuroorana wemunyika yedu, tichireva mutemo wechivanhu kana kuti mutemo wakanyogwa mumabhuku emitemo, (hazvina basa kuti Mutemo upi wamaroorana nawo) zvoreva kuti mava mukadzi nomurume uye munokwanisa kuvaka musha wenyu moita mhuri yenyu.

Pane zvakawanda zvinoita mupokane mumba menyu zvisinei kuti mavaka here kana kuti muchiri kugara mumusha wevabereki. Kana mapokana, mese munokasira kuhwisisa kuti makadzidzswa kugadziridza nyaya zomusha here kana kwete. Munotarisa kureba kwenguva yamunoita musati mayanana pakati penyu imi vaviri.

Kana muchipokana zvokuti munorovana mumba menyu. Zvinotoreva kuti pane umwe asina SELF CONFIDENCE pauviri hwenyu. Hamugoni kutaudzana zvine musoro saka kazvinji nyaya dzenyu dzinonoperera kudare remhuri kana kuti kumapurisa. Hakuna musha unovakika pakadai saka zviri nani mufunge zvokuparadzana.

Kotizve kana pasina zvehasha asi musingawanisi kuyanana mega, nyaya dzenyu dzichienda kumhuri dzichindoperera ipapo. Chinhu chakanaka hacho kuti mune mhuri inokusapotai pakukanganisirana kwenyu asi vanokusapotai kuti mukure muzoitawo vakuru vemhuri, kwete kuti murambe muchingoenda kwavari panyaya dzenyu dzese.  Nyaya yedare remhuri inyaya yakanaka chose kana muchiri vezera diki sokuti makore ari pasi pe 30. As kana mapfuura ikoko zviri nani muwane mamwe maitire pakuyananiswa.

Nyaya yokuti mapopotedzana monokwidza nyaya kudare remhuri yakaipira saimba, murume. Inoratidza kuti achiri mwanana nokuti haagoni kugadzirisa nyaya dzemusha wake ega nomukadzi wake. Vakuru vane shumo inoti "Chakafukidza dzimba matenga" kureva kuti zvese zvinoitika pasi pedenga remba yenyu zvafukidzwa nedenga saka hakuna umwe munhu anofanira kuzviziva. Kana muchindokwidza nyaya yenyu muri kutofumurana. Murume ari kuratidza kuti akaroora achiri mwanana. Mukadzi ari kuratidzawo kuti haakwanisi kushanda pamwe chete nomurume wake.

Hazvinei kuti kana mayananiswa munoterera zvamaudzwa uye munozviita kana mava kumba kwenyu. Tiri kuti dare remhuri rakaitigwa kuti rimiririre nyaya huru dzakonekwa nemi muri vaviri.

Unoona munhu achizokwidza nyaya kuna sekuru baba vababa kuti mukadzi wangu haanditereri. Otoda kuti nyaya igarigwe dare. Bodozve. iwe kana waona sokuti uri murume mukuru anohi saimba, unofanira kuhwisisa kuti mhuri yake inoshanda sei. Kana mukadzi asingakutereri zvoreva kuti iwe haumutereri uye vana venyu vachatadzawo kukutererai mese. Sake wanai mukana wekuhwisisana muga pasina sekuru.

Makanyengana mukahwisisana kuti munodanana. Zvakatora nguva asi zvakaitika. Nhasi sei musingadi kuita chinotora nguva. Sekuru kana uchivaudza, uri kuda kuti vawirirane newe hare kana kuti vakuyananisei. Muyananisi akachenjera haawirirani noumwe wevaari kuyananisa. Anongotukirira mese mohi chiendai kumba kwenyu mundogara zvakanaka. Ko imi mange matadza sei kungoti iwe mukadzi/murume wangu ngatigare zvakanaka murudo kwete kunetsa avo vagere zvakanaka.

Saka mhinduro yemubvunzo ndeyokuti Bodo, handi nyaya dzese dzinoda dare remhuri. Kana nyaya iri diki, ngaifukudzwe nedenga remba yenyu. Zvinowedzera CONFIDENCE yenyu mese kudzidza kuti pane vanhu, zvisinei kuti vanhu vemhuri, modzidza kungotaridza kuti mune rudo pakati penyu.

Kana murume wako akakutsamwisa, ukamuudza kuti zvaaita hauzvifariri. Akatanga kukupopotera pakumuudza kwako. iwe chinyarara kusvika atonhora. Asi hama dzemhuri dzikapfuura nepenyu muri panguva yakadai, munonyebera kuti hapana chakaipa. Mofadza hama yaita moyo wakanaka kukuvhakashirai. Kana azoenda motanga henyu kupopotedzana kana kuyananisana pachenyu. Kufumura mukadzi/murume kunoratidza kuti uchiri mwana mudiki mufungwa. Hazviitwi.

Pane nyaya dzinokwidzwa kuvakuru asi unodzikwidza usina waunomhura padziri. Nyaya dzokutukana mumba nezviitiko zvidiki zvomumba hadzikwidzwi kuvabereki. Munofanira kudzidza kudzigadzirisa mega.

Murume/mukadzi akakurova kwidza nyaya kumhuri zvese nokumapurisa igagwe dare
Murume/mukadzi akakurambidza kudzidza kwidza nyaya kumhuri igagwe dare
Murume/mukadzi akakuhurira kwidza nyaya kumhuri igagwe dare
Murume/mukadzi akakuvadza mwana kwidza nyaya kumhuri nokumapurisa.
Murume/mukadzi  akauya kumba nezvinhu zvaaba, kwidza nyaya kumhuri


Dzimwe nyaya dzakaita sokuti
Haunditereri
Wavatirei nebhurugwa ini ndichida kukuvata
Wanonoka ne BREAKFAST
Hembhe yanyu haina kuainwa zvakanaka
Waregerei kutema huni dzandakukumbira kuti tema
Ndakuisira mvura yokugeza asi wauya kuzovata usina kugeza
Mbudzi yangu yadyiwa nemapere nokuti hauna kugadzira danga rembudzi zvakanaka.
Warukwa vhudzi mumba musina muriwo ukatambisa mari
Sei wakangamwa kutenga mushonga wemapete kuTOWN.
Hauna kudiridza muriwo
Ndakati wedzera kuchera tsime mvura iwande iwe unoswera uchibatsira Baba Chipo kuveza duri.


Dzese idzi inyaya dzepwere dzinofanira kugadziriswa pauviri hwenyu uye pasina zvokutomboti vakuru vanoziva kuti mambotukana pazviri. Bodo. Ndezvenyu mega.

Hwisisai kuti iyi inyaya huru inoda vakuru. iyi inyaya diki inoda kugara pasi totaura yopera todzokera pakuva mukadzi nomurume vanohwisisana. kugarokwidza nyaya kuvakuru kunoratidza kuti uchiri pwere. Wakaroora zera risati rakwana.  Murume ndiye mukuru mumba. Ndiye anofanira kugadziridza nyaya nomukadzi wake. Ndiye anotungamira musha wake. Ndiye anoziva kukura kwenyaya. Ndiye anovaraidza mukadzi pakushushikana mumba. Murume haafaniri kuhwikwa achipopota kunge munhu akadhakwa nedoro. Zvinotaridza kuti uri fuza, munhu asina njere.

Kana matsamwisana mumba, murume ndiye anotanga kutaudza mukadzi nokugadzira nyaya.






2 comments:

Anonymous said...

KWETE. Sekuona kwangu dare remhuri iungano yevanoremekedzwa vemhuri. Ungano iyi tingaiti ndo supreme court yemhuri inozounganidzwa kana zvimwe zvese zvaramba.

Kana takanganisirana ngatitangire kutaurirana parikukanganisika pachedu kuti tigadzirisane. Mukutaurirana akanganisa ngaatsiurike asi ndinoona zvichiremera isu varume kunyanya. kana zvaramba toenda kuna tete or sekuru (kwete kudare remhuri).

Ndinoona sekuti nyaya dzingaenda kudare remhuri ndedziya dzingada kuputsa musha. Ndodziya nyaya dzinoda kushevedzerwa vakuru vemhuri varikure vanogara mativi mana enyika. Zvino kana toti paita kakupokana tototi dare ngariungane aah imba iyoyo inenge yakanyanya kuve zinyeke-nyeke.

Mai E Chibwe said...

Ndizvo chaizvo izvozvo. Tinotenda nejekesero iyi. Vanhu mumba ngative ne CONFLICT RESOLUTION POLICY yedu yiri vaviri uye tidzidze kuishandisa tisingaitirani hasha. Varume vedu ivai vanhu vakuru mumba vanoremekedza misha yenyu uye kuti kana mukadzi akatanga kupopota, iwe wosahwikwa uchipopotawo. Vhara mukova ugarise mukadzi pasi umubvunze kuti sei achipopota muraini. Kana atsanangura nyaya yake muudze kuti waihwisisa asi NEXT TIME ngaataure pasina kupopota. Zvadaro nyaya ngachigadziriswa mumba menyu mese mobvumirana kuti yagadziriswa.