Wednesday 25 January 2012

Anoda rhoji kupfuura umwe ndiani murume or mukadzi

"Anoda rhoji kupfuura umwe ndiani murume or mukadzi? Mukadzi wangu ari kundirambira."

Ukaona mukadzi achiramba, ziva kuti pane dzimwe nyaya dziri kupindira pakati penyu dzausina kuda kugadzirisa. Chinhu chakaipa kuvhenganisa nyaya dzokuvatana nedzimwe nyaya asi kazhinji mukadzi anenge asisina chaangaita ofunga kuti unokwanisa kuzotaura naye zvakanaka kana washaya rhoji. Vakadzi vanoda rhoji kupfuura varume. Iyi ndiyo FACT. Vakadzi vanonakigwa ne orgasm 5 times kupfuura varume. Varume dzidzai kukudzawo vakadzi venyu. Kana achida kutaura, taura naye mupedze nyaya kuti kana monovata avate achiziva kuti ane uremu uye anodiwa. Uchaona kuti hapana kuramba rhoji kwaanoita. Iye ndiye anotokubvunza kuti Todii, makaneta here nhasi baba chimwana. kuramba rhoji hazvirevi kuti haadi rhoji. Zvinoreva kuti hausi kumunzwa zvaanotaura.

Murume akangovhurigwa makumbo fungwa yake totomuudza kuti zvese zvaakanganisira mukadzi wake zvatokangamwikwa nomukadzi saka haachatodi kufunga zvokuzvigadzirisa mangwana.

Asi ipapo isu tenge tichingodawo kurhojewa nokuti murume wangu ndinomuda, ndinodazve kuti ave nomufaro, ndoda kuhwa ndiri pedo naye (CLOSE) ndiye munhu wandinoita naye zvese zvese saka ndewangu. Asi kukanganisa anenge akanganisa. Ukazoona ndoramba kuvatana naye, ini ndenge ndichitozvipanicha kupfuura kupanicha kwandiri kumuita. Ipapo akatokasira kutanga nyaya yandigumbura tinoitaura topedzisira tatorhojana tisati tavata. Panyaya dzemumba isu vakadzi tinokasira kukangamwira varume vedu uye akangoporomisa tinofunga kuti ari kutaura chokwadi. Ndangofunga kudaro ndotanda murume nokumupa muviri wangu kuti aite zvaanoda nawo.

Varume ndivo vanonetsa panya idzi. Ukaona murume ava kukuisa pama Sanction erhoji, chiziva kuti pachaita nguva usina. Wotombodzokera kumaoko. Ingari yokuti varume pakudiridzira vanonakigwa havo asi havasviki kwatiri.

Kana une murume anogarokunyararira achikurambira rhoji, musi waanoramba mubvunze kuti zvaiti sei, kana akaramba kukurhoja zvachose iwe wamukumbira ukadembademba, chivata ne musana, wosimudza mabvi zvishoma, wakavhura makumbo. Isa maoko pamberi wochizvibatabata uchishinyira wega. Woita 5 minutes uchidaro, wapedza wovata nedivi wotanga kuridza magwiriri kwapera 2 minutes. Usamufuratira . Paunozobatwa nehope zveshuwa anenge akasvinura akati twiiii Kuseni, akakutangira kumuka, paunozomuka kumbira futi. Kana aramba mubvunze kuti rhoji inei nokutukana kwenyu? Tsanangura kuti unohwisisa zvakakanganiswa saka haafaniri kukuita sokuti hauhwisisi. Akangotanga kutaudzana newe, kasira kuti rhoje ugoita zuva rakanaka.

Varume pamwe vanoda kubatwa sechimwana chiduku chinohi Nyarara kuchema ndigokupa chiwhitsi. Kana abvuma kukurhoja chimupa nomazvo chaizvo azive kuti kupedza nyaya chinhu chakanaka mumba.

Kurambira murume chero aita chinhu chakaipa zvakadii, hakuna kunaka. Murume ngaaiti konifidhenzi yokuziva kuti chero zvodii mukadzi wake anovhura makumbo ake. Chinhu chimwe chinovharisa makumbo kuti abatwa achihura.


No comments: