Wednesday 25 January 2012

Pakuvatana Kwapera vhiki yese musina kuonana

Sokuona kwangu kana musina kuonana kwevhiki yese asi muri vanhu vanodanana uye vakavimbika, uyezve makaroorana, unohwa kufara pamoyo kuona umwe wako. Hino isu tinofarirawo kubikira murume chokudya asi kana adya ngaachikarirawo kutanga nyaya dzokuvatana nokuti ndenge ndakatomirirawo. Kana akaneta ndotanga kumupa bhavhu rokugeza, ndomukwesha musana ndomupukuta netawero. Mapukutire acho ndiwo anoratidza kuti akaneta zvakadii. Kazvinji ukamupukuta magaro nomusana usingamhanyimhanyi, unoona zvivete zvomuka. Chimubvunza kana akaneta kana kuti anoda kuwedzera kuneta here.

Toti paya waenda kumusha kurufu kana ku horodhei. Kungoenda hako kokuti zvino ndichadii asi moyo unenge usingadi kuti ndisiyane nomurume wangu kwenguva refu kudai. Unosvikako wofara kuona mhuri, hama neshamwari asi kana kwasviba vanhu vonovata mafungire aunoita murume akawandisa zvokuti fungwa inombofunga kuti ari kuitei uye aripi, adyei, apfeka hembhe dzakachena here kuenda kubasa, ari kuvata zvakanaka here, mumba mune ndiro dzakasviba here, ari kufungei ari ega? Zvese izvi zvinosvika mufungwa.

Hino kuZimbabwe kunonetsa kuti chero ukamufunga ukada kumufonera nzvimbo zhinji hadzina SIGNAL saka kutomirira kusvika kwachena wofamba kutsvaka pane SIGNAL wozama kufona , ipapo murume aenda kubasa kusingabvumigwi kufona. Womirira Lunch yake wozozama kufona.

Saka pakunovata apa unongotumira TEXT rerudo wofunganya hako kusvika hope dzauya. Ipapo wajaira kuvata wakagumbatira murume asi nhasi haapo. Ukuzve wajaira kuti monovata wombopiwa twako, asi nhasi uri wega. Kunoita mazuva wakadaro uchingofunga murume wako uye uchifunga kuti uchajaira hako asi haujairi. Murume murume , haafaniri kuva kure nemukadzi wake. Zvinokonzera kushaya mufaro chose. Unoona vanhu vausina kuona kwenguva refu wonyemwerera hako nokutaridza mufaro kuvaona asi kwasviba unonovata wega fungwa dzodzokera kumurume.

Kunozoti kwasara mazuva mashoma kuti uchidzokera unoona kuti fungwa haichinei nezviri kuitika kumusha. Yava kuda kudzokera kumurume. Nduva yofamba zvishomashoma zvokuti zuva rimwe roita semazuva maviri. Pakuzokwira chifambiso wodzokera kumurume unofunga kuti dhiraivha wacho ari kudzidzira nokuti anenge asingamhanyi. Kana uri mundege unotombozama kuvata kuti nguva imhanye asi uchapedzisira wapepuka chete uchibva waona kuti muchiri kure.

Pane musi wandakaburuka pa Heathrow ndokumira muraini rekudhindhisa magwaro. Shuwa unoita sewagarapo mwedzi mitatu asi waita 40 minutes. Ipapo ndafonera murume katatu kuti ndingohwa hwi rake chete. EXCITEMENT yazara mumuviri wese mudumbu moita semune mheni iri kubvonyongamo. Kuzosvika pamunhu wekutarisa magwaro kana kubata magwaro zvakanaka hazvichaiti. Kuzobvapo nokubuda kuwana murume akamirira neshamwari yake. Kuregedza TROLLEY ine mabhokisi ndokumhanyira murume.

Ndakazohwa zvohi trolley yakabondera imwe chemberewo yange ichitofamba nemidonzvo miviri asi haina kukuvara. Mufaro wekoona murume mufaro mukuru chose. Shamwari yake akasunda ngoro remabhokisi kusvika kumota ini ndongoita sendaona chisionekwi. Kushuva kwandange ndamuita panguva yokuparadzana kukuru. Enoki ndiye anga auya nemota yake saka ndiye aidhiravha. Takambomira muzhira ndokumwa tii asi kwaingova kunonotsa kusvika kumba. Unoti ukatarisa murume woda kutochema nokuti kumushuva kwawaita vhiki nhatu idzi kwange kusina kunaka.

Takazonosiiwa kumba, Enoki ndokungoonawo kuti panenge pane nyaya pano zvikahi Mainini, chizororai ini ndoenda, mukoma wenyu ari kuda mota kuti aende kunoshopa. Isu ndokumutenda ndokumurega achienda.

Ndizvo ndakazofungawo kuudza vamwe kuti kana maparadzana enda uchiziva kuti kuparadzana chinhu chakaoma chose. Uyuwo asara ngaasare achizviziva. Ndipo paunozvionera wega kuti unoda murume here kana kuti anokubhowa zvokuti wave kutoda umwe. Kana ukaita nguva uri kure asi mumoyo mako musina chirimo pamunhu wawaparadzana naye, chiona zvokuita nokuti muchato wenyu hakuna kwauri kuenda.

Chero wakaneta sei wabva kure unoda kutanga wa tapudza TENSION iri mumuviri wako kutsiva vazuva ese awanga usina umwe wako. Kana uchiziva kuti umwe wako ari kudzoka kubva kure nhasi, chitorawo LEAVE kubasa uswere pamba. Moswera muchionana. Kana wanga wamukira kundomugamuchira, masvika kumba gezai muende kunovata mese.

Chiregai zvokumhanyira kuda kupinza chombo. Tsvakai SYNERGY dzemiviri yenyu modzibatanidza modzokera pamanga muri musati maparadzana. Taridzanai rudo, nokuudzana nyaya dzorudo. Mokisana mobatana mugumbatirana motamba mese. Kozoti mukadzi ava mumachakwi murume ozopinza , momboti zii makadaro muchiudzana tunyaya tusina maturo mozotanga henyu.

Pakuparadzana apa musi wamunosangana murume anenge arasa Discipline yake yokunonoka kupedza. Unoona akangopinza anokasira kudiridzira. 3-4 minutes chaidzo otopedza asiwo kana mukaita nguva muchitamba mukadziwo anokurumidza nokuti Tension yaanenge anayo mumuviri wese inonge yoda kubviswa. Kutononokegwa kukoigwa wapinzwa chombo kutowedzera tension yacho zvoreva kuti pakuzokoirana paya anokasirawo. Mapedza chero mukatombovata henyu hope chaidzo hazvinei. Munozomutswa nezhara kana nyota. Asi pakumuka ipapo ukaona murume asina henbhe woda futi kuti amborhoja. Kana achidawo rega arhoje nokuti menge muri pa BONDING PERIOD kwekanguva. Unoona kuti rhoji inombokwira kutsiva mazuva amanga musingaonani. Unoonazve kuti hapana anotsamwira umwe panguva iyi. Fungwa inenge inomufaro kuti ndasangana noumwe wangu.

Kana mune vana munozomirira kusvika vana vavata motanga zvenyuwo asi uchaona kuti musi uyu munokasira kundovata chete.

Kana muri munyika imwe chete usandovhakasha wopedza vhiki mbiri uriko. Bheta kuvhakasha kaviri uchigara nguva shoma. Usasiya mukadzi/murume wako ari ega kwenguva refu. Uye dzidza kuenda kundovhakasha panguva yaunenge uri kumwedzi yawagara usina zvokuita.
___________________________________________________________

Ngatiti maparadzana paya asi hamuvimbani. Pakudzoka zvinokudzungaidza fungwa kuti murume anga ari ega here usipo kana kuti akambohura. Pane vamwe varume vanounza hure mumba mukadzi ari pa NIGHT shift chaipo paanodzoka kuseni. Kuzoti kana aenda kumusha chii chinoitika mumba umu? Murume wakadaro haasi wekuvata naye paunodzoka. Unomuudza kuti ngatitange taenda kuTEST tese. Ndipo panotanga hasha nokupopotedzana ipapo asi upenyu hwako huri pamusoro kupfuura kunakigwa neRHOJI inokwanisa kukuuraya.

Kugara nomunhu anohura chinhu chisingambonakidzi. Chinonetsazve ndechokuti murume anohura anohura kazhinji nokuti haadi kudzidzira kurhoja zvinonaka. Anofunga kuti kana apinza chete zvoreva kuti mukadzi wake anakigwa. Saka munhu wakadai chero mahure acho kungoitira mari asi hapanawo kunakigwa. Pane kupedza nguva achibvunzurudza mukadzi wake kuti chinonaka chii kuti achiite afadze mukadzi anoswero netsa mahure pasina chaadzidza. Kutowedzera kunyeiwa nemahure kuhi ifuza panyaya idzi.

Munhu jairirawo munhu wako waunoziva zvese zvaanoda zvinomunakira. Gutsa mukadzi wako tione akakomburena kuti wawanzisa.

Kana une murume/ mukadzi anohura kana kuti aunofungira kuti anohura, shandisa kondhomu.

Udzai Vamwe!!!!

No comments: